VOLUME 1 BOOK 1
FAITH ROOTS CHIKORO CHEBHAIBHERI
KUTANGA KWEVANHU
Bhuku rezvidzidzo
na
Willie George
ZVIRI MUBHUKU
Mashandisirwo ebhuku iri .........................................................................................i
Hurongwa hwemudzidzisi nenzira yekudzidzisa zvidzidzo zvevana...............................v
Zvinodiwa (Zvingabatsira chidzidzo)...........................................................................vii
Chidzidzo chekutanga:
Mwari vakazviita zvose nemashoko.........................................1
Hurukuro navaStinken (Kamutambo).......................................4
Bhasikoro rakauya nekutenda (Ngano)....................................8
Dzokororo.............................................................................11
Chidzidzo chechipiri:
Adama akazvipa zvose...........................................................13
Adama akazvipa zvose (Kamutambo).....................................16
Maapuro asatani ose ane honye(Chidzidzo).............................20
Dzokororo.............................................................................23
Chidzidzo chechitatu:
Mupiro wakakodzera............................................................25
Kaini naAberi (Kamutambo).................................................28
Haji nenzou (Ngano)............................................................30
Dzokororo............................................................................33
Chidzidzo chechina:
Murume akafamba kuenda kudenga.........................................35
Enoki anofamba naMwari (Kamutambo)..................................38
Kubvutwa (Chidzidzo)..............................................................40
Dzokororo...............................................................................42
Chidzidzo chechishanu:
Noa - Muparidzi wekururama..................................................43
Ngarava yaNoa (Kamutambo)..................................................46
Haufanire kuhwanda (Ngano)....................................................48
Dzokororo................................................................................51
Chidzidzo chechitanhatu:
Svingo guru raNimirodi..............................................................53
Hurukuro naNimirodi (Kamutambo)...........................................56
Bhodhi nemweya (Ngano)..........................................................59
Dzokororo.................................................................................62
Chidzidzo chechinomwe:
Mwari ari kutsvaga avo vangamutevera......................................63
Tendai naRambai (Kamutambo).................................................65
Kurumwa nenyoka (Ngano).......................................................67
Dzokororo.................................................................................69
Chidzidzo chechisere:
Mwanakomana waAbrahama wekutenda.................................71
Mwanakomana waAbrahama (Kamutambo)............................74
Nzira mbiri dzekutenda (Chidzidzo).........................................77
Dzokororo..............................................................................79
Chidzidzo chechipfumbamwe:
Chivi chinounza kutongwa.......................................................81
Dzivirira mamiriro ese echivi (Kamutambo).............................84
Tonderai akapusa (Ngano).....................................................87
Dzokororo.............................................................................90
Chidzidzo chegumi:
Kuendera Mwari mberi...........................................................91
Musanyengedzwe nemafungiro enyu (Kamutambo)..................93
Kupopota kana kunamata (Ngano)..........................................96
Dzokororo..............................................................................99
Chidzidzo chegumi neimwe:
Abrahama anopa mwanakomana wake...................................101
Mupiro waBenny (Kamutambo)..............................................104
Mwana wemhara (Ngano).......................................................106
Dzokororo..............................................................................108 Chidzidzo chegumi nembiri:
Sara - Mudzimai wesungano....................................................109
Sara anogovera zvakavandika (Kamutambo)............................112
Jesu haakundikane (Ngano)......................................................115
Dzokororo..............................................................................117
Chidzidzo chegumi nenhatu:
Isaka anowana mukadzi...........................................................119
Jimmy nemutambo (Kamutambo).............................................121
Kuita kuda kwaMwari (Chidzidzo)..........................................124
Dzokororo ..............................................................................126
Chidzidzo chegumi nena:
Matambudziko akavirikidzana..................................................127
Hakuna gehena (Kamutambo)..................................................130
Kuchinja nzvimbo (Ngano).......................................................133
Dzokororo...............................................................................135
Chidzidzo chegumi neshanu:
Upenyu hurefu hwaAbrahama..................................................137
Munamato wewirirano (Kamutambo).......................................140
Tambo ndiyo mhinduro (Chidzidzo).........................................143
Dzokororo...............................................................................144
Chidzidzo chegumi nenhanhatu:
Basa risingabhadhare...............................................................145
Chivi chako chichakutevera (Kamutambo)...............................148
Haunganyengedzi Mwari (Ngano)............................................151
Dzokororo...............................................................................155
Chidzidzo chegumi nenomwe:
Kurota kwaJakobo..................................................................157
Kupa kana kurega (Kamutambo)..............................................160
Chipo (Ngano).........................................................................164
Dzokororo...............................................................................167
NHANGANYAYA
Mumakore mashoma akapfuura, vadzidzisi nevamwewo vanoshanda nevana, mumakumi maviri ezviuru zvezvikoro pasi rose vakaona bhuku rino richibatsira semare. Zvidzidzo zvedu zvebhaibheri zvakanyorwa mumitauro yakasiyana siyana asi zvibereko zvimwe chete. Faith roots inoshanda nekuti rinokurudzira shoko raMwari kwete remumwe munhu. Zviratidzo nezvishamiso zvinoonekwa kubudikidza neshoko rimwe raiparidzwa naJesu makore zviuru zviviri akapfuura.
Takashanda zvikuru kuti tivandudze chidzidzo chino kuti chienderane nezvamunoda. Mumashure mekukurudzirwa nekupiwa mamwe mafungiro nevadzidzisi vanoshandisa zvidzidzo zvino, tinofara kuva nechino chirongwa chitsva, Faith Roots chikoro chebhaibheri.
Takawedzera zvimwe zvidzidzo nekubatanidza zvidzidzo kuti zvive mubhuku rimwe chete. Takawedzera nziyo uye nemimwe mitambo. Mifananidzo yedu yekushandisa muzvidzidzo yakavandudzwa zvekare uye mabhuku edu ezvidzidzo zvekuita akapatsanurwa maererano nemazera evana. Takaedza nepese patinogona napo kuti tironge zvidzidzo izvi.
Zvidzidzo zvedu hazvizvidzidzise zvega. Zvidzidzo zveBhaibheri izvi hazvina kunyorwa kuti mushandise izwi rega rega sezvariri asi kuti munodzidzisa kubva pamoyo penyu muchishandisa mashoko enyu. Tiri kushanda kuti tisimudzire zvidzidzo zvekuita. Zvekushandisa ndizvo zvamunopiwa mubhuku rino, saka chenyu kuzvishandisa kuti muve nedzidziso yeshoko raMwari yakasimba.
Ndinovimba kuti vana venyu vachagashira kuzarurirwa kwaJesu apo munovadzidzisa mashoko eupenyu aya. Dai Mweya Mutsvene akafamba mamuri nenjere, nekuva nemoyo wekumirira mubasa renyu rerudo nehwayana dzaBaba.
Willie George
MASHANDISIRWO EBHUKU RINO
VERENGA IZVI: Kuti mubetsereke nezvidzidzo izvi, munofanirwa kana kusungirwa kuverenga mitemo inotevera.
KUNZWISISA MAGWARO: Pakutanga kwesvondo, verenga uchifungisisa zvakadzika magwaro echidzidzo chimwe nechimwe. Shoko ngarisvike mukatikati memweya kuti kana modzidzisa zviratidze kuti zviri kubva pamoyo pako.
Usanzwa kuda kumboverenga zvawakamboverenga mumashure - ngazvive zvako.
CHOKWADI CHAICHO: Zviri nani kuti mudzidzise vana mitemo mikuru pane kuvadzidzisa nhoroondo. Muchidzidzo choga choga mune, ngano, chidzidzo chebhaibheri, nziyo, ndima dzemusoro nezvimwewo zvizhinji. Chengetedza chokwadi chaicho mumoyo somuenzaniso. Muchidzidzo chekutanga zvakanaka kuti vana vazive kuti Mwari akasika zvinhu zvose namashoko pane kuti vazive zvaakasika zuva rimwe nerimwe.
NDIMA YEMUSORO: Pane nzira zhinji dzokupa nadzo ndima dzemusoro, saka ita kuti vana vafarire ndima dzemusoro nekusununguka kwako iwe. Unoona kuti ndima dzedu dzemusoro dzakabatana nechokwadi chomukati menyaya. Kazhinji zhinji, tinonyora zvidimu zvendima dzomusoro kubva mumagwaro. Zviri nani chose kuti vadzidze kuti "nemavanga aJesu marudzi ose akaponeswa" kubva kuna 1 Petro 2:24, pachinhambo chekuti vashoma vagone kubata ndima yose, namashoko ose.
ZVIDZIDZO ZVEZVINHU ZVINOONEKWA: Zvidzidzo izvi zvezvinhu zvinoonekwa zvinopa mufananidzo wemitemo yemweya, zvichiburitsa kana kuzarurira chokwadi kuvana. Usangoverenga zvidzidzo izvi chete kuvadzidzi vako asi zvidzidze ugozivawo zviri mazviri. Usati wapa chimwe chezvidzidzo izvo, zviite uri kumba kuti uve nechokwadi kuti wawana zvinodiwa kubva mubhuku iri. Gadzirira!
NGANO: Kutaura ngano ndicho chimwe chinhu chikurukuru chiripo pakupira shoko raMwari. Kuti uwane nekunzwisisa zvakawanda, ziva nyaya yacho, usataure kana kuiziva nemusoro chete, iva neruzivo nayo nemoyo kuti ugoitaura namashoko ako. Ngano idzi ukadziziva iwe zvinoita kuti vana vadzizivewo.
MISORO YENYAYA: Chidzidzo chimwe nechimwe chebhaibheri chakaitirwa musoro wenyaya kuitira kuti uchishandise semuenzaniso pakudzidzisa. Hazvirevi kuti zvingafanirwa kuverengerwa kuvadzidzi senyaya. Chinangwa chikuru chinotaura pakati kati penyaya. Unogona kuwedzera zvimwe zvinhu semafungiro ako kana sezvaunoda. Iva nokuziva kwako pakugadzirira nyaya dzemubhaibheri. Iva nechokwadi kuti uri kunzwisisa mitemo mikuru pakudzidzisa. Ipa mashoko kuzvinhu zvaunodzidzisa kuti vana vanzwisise. Funga semwana mudiki paunenge uchidzidzisa, usanyanya kudzika dzika. Vana ngavadzidzire kugashira chokwadi chemweya. Chidzidzo chine musoro wenyaya chinopa nzvimbo pamunhu woga woga kuti nyaya ijekeswe. Ipai rubatsiro munzira yamunozvipa pachenyu nemoyo wose. Usava nekunetseka pamashoko emusoro wenyaya, kuziva zita remudzidzi mumwe nemumwe hazvina kunyanyokosha sekukosha kwekuziva kuti nyasha dzinoita humwe.
Dzidzisa zvinofanira kudzidziswa pasina mutemo waunozvipa. Isa mupfungwa kunzwisisa kwevana vauri kudzidzisa. Chidzidzo chebhaibheri chinofanira kutora maminetsi masere kana gumi nemashanu zvichienderana nezera revana uye nemakuriro echidzidzo. Bhuku iri rakakodzera kushandiswa kuvana vava murugwaro rwechitanhatu kwete vasati voenda kuchikoro.
DZIDZISO YEMWEYA: Chidzidzo chimwe nechimwe chinosanganisira kupupura kwaunogona kutungamirira nako vana. Kutaura nekuimba zvatiri muna Kristu nezvatinowana maari zvichabetsera vana kuti vakure mumweya. Zvirevo 12:14 inoti,"Tora kanguva kaduku kuti vana vanzwe nezvemunhu wemukati."
ZVINODIWA: Shandisa zvimwe zvinhu kuti chidzidzo chako chinzwisisike kuvana! Vana vanorangarira zvavanoona pane zvavanonzwa. Simbaradza zvaunotaura nekushandisa zvinhu zvavanoona. Mifananidzo yevanhu vari muzvidzidzo izvi yakapiwa. Uchawana mifananidzo inokwana yevarume, vakadzi, vana nemhuka kuti ukwanise kudzidzisa zvidzidzo zvako. Vaka zvidzidzo zvako uchishandisa mifananidzo yakawanda sekuda kwako. Unokwanisa kufunga dzimwe nzira dzekudzidzisa nadzo zvidzidzo zvako dzisiri dzakanyorwa pano. Pfeka semumwe wevanhu vemubhaibheri, ita kuti vana vaite mitambo kubva mubhaibheri, shandisa mafungiro ako.
KUSHANDISA SHOKO: Unogona kuwana zvinokosha zvomweya nekuda kwekutererwa nevana pakupindura mibvunzo, nekupa chidzidzo paupenyu hwavo. Inogona kuva chinhu chekutanga kune vamwe vana kupindura mibvunzo une chokwadi kana nhema. Unogona kubatsira nekupa vana mifananidzo ine chokwadi kubva paupenyu hwako. Vana sezvavanoona kuti zvavanyore kuti vataure zvavanonzwa nezvavakasangana nazvo, vanonzwa nekusununguka zvikuru. Ita nyaya dzaunotaura dzive duku, mineti imwe chete yakakodzera. Usaseka mwana anenge achiratidza kushinga pane zvaanenge achitaura. Kana nyaya yemwana isina kukodzera mubatsire kuti ienderane nechidzidzo nekuti mupfungwa dzemwana inenge ichikwana. Kana nyaya yemwana ichiita seyekunyepa, sekerera, wobvunza mwana nezwi rakanyorova kuti "Nyaya iyi ndeye chokwadi here?" Dzimwe nguva kuimba karwiyo pakati penyaya kunobatsira. (Dzidziso dzemweya inziyo dzinokwanisa kubatsira panguva ino)
MITAMBO YEDZOKORORO: Kutamba mitambo iyi kunoita kuti zvidzidzo zvinakidze uye vana vanatsoterera! Sarudza mwana mumwe chete panguva imwe chete kuti apindure mubvunzo. Usabvumidze vana kuti vapindure kunze kwekunge wasarudza mumwe chete. Kuti zvive zvisina kubira mukati, bvumidza mwana mumwe kuti ape mhinduro kamwe chete. Kana chimwe chikwata chatadza kupindura ipa mukana kune chimwe kuti chipindure. Kana mibvunzo ikapera mutambo usati wapera, unokwanisa kuwedzera mimwe mibvunzo. Kuti zvifadze munofanira kupemberera vakunda. Mitambo inotevera inokwanisa kutambwa nechidzidzo chipi zvacho.
KUPUTITSA CHIBHARUMA
Zvinodiwa: zvibharuma makumi maviri ane zvina, chekunamisa(masking tape), Bhodhi, mapini maviri.
Gadzira pekunyorera zvibodzwa zvemabharuni uchishandisa bhodhi rechoko. Ganura bhodhi nepakati, divi rega rega kuchikwata. Ronga mabharuni, mumitsara mina ine mabharuni matatu mutsara wega wega. Sarudza zvikwata zviviri nemubatsiri mumwe kubva kuchikwata chega chega. Bvunza mubvunzo, wosarudza mwana mumwe kuti apindure. Kana mhinduro iri yechokwadi, ita kuti mubatsiri wechikwata ichocho abaye bharuni rimwe nepini. Chikwata chinenge chatanga kuputitsa mabharuni acho ese ndicho chinenge chakunda.
TIC-TAC-TOE
Zvinodiwa: Bhodhi nechoko
Nyora bhodhi retic-tac-toe. Sarudza chikwata cha"X" uye chikwata cha"O" wosarudza mubatsiri kubva kudivi roga roga. Bvunza mubvunzo, wosarudza mwana wekuti apindure. Kana mhinduro iri yechokwadi, ita kuti mubatsiri aite chikwata chake "X" kana kuti "O" wocheka pabhodhi. Ramba uchidaro kusvikira mibvunzo yose yapindurwa.
KUZVIPIRA PACHIKRISTU
Zvinodiwa: Makadhi makumi mana nemasere akareba nekupamhamha mainji matatu nemainji mashanu. chekunyoresa, chekunamisa (Tape), bhodhi (Kana bhokisi, etc.)
Nyora manhamba makuru anoonekwa zvakanaka, makadhi makumi maviri nemana kubvira panhamba 1 kusvika 24. Nyora mamwe makadhi anenge asara, kubvira pana A kusvika pana L. Aronge sezvinotevera: Ronga makadhi ese akanyorwa nevara akatarisa mudenga mumitsara mina ine makadhi matanhatu mumutsara. Sanganisa makadhi kuti asaenderane. Isa kadhi rine mavara pasi pekadhi rine nhamba uchiita kuti manhamba aenderane. Isa aya panzvimbo.
Sarudza zvikwata zviviri wosarudza mubatsiri kubva kuchikwata chimwe nechimwe. Bvunza mubvunzo wosarudza mwana kuti apindure. Kana mhinduro iri yechokwadi, mwana apindura oedza kusarudza zvinoenderana. Anoshevedzera manhamba maviri anobva pana 1 kusvika pana 24. Mubatsiri kubva kune chimwe chikwata anosimudza makadhi ane manhamba achitaridza makadhi ane mavara anenge ari pasi. Kana makadhi achiwirirana, kadhi rine nhamba rinobviswa uye chikwata chake chinowana chibodzwa. (Zvinongosiyana anokwanisa kupiwa mubairo wechimwewo chinhu.) Kana makadhi ane manhamba asingapindirane nemakadhi ane mavara, avhare zvekare. Ramba uchidaro kusvikira makadhi ose apera.
SUNGA SATANI
Zvinodiwa: Bhodhi nechoko kana chimwewo chibhodhi chinonyorwa nemaka.
Nyora zvifananidzo zviviri zve panosungirirwa vanhu mujeri, chimwe kune rumwe rutivi nechimwe kune rumwe. Sarudza shoko kubva muchidzidzo rekuti ugoshandisa mumutambo. Pakati pemifananidzo iyi nyora tumitsetse tunoenderana neshoko rawasarudza sekuti, "Sara" pane mavara mana saka zvinoreva kuti unonyora tumitsetse tuna.
Sarudza zvikwata zviviri. Bvunza mubvunzo, wosarudza mwana anopindura. Kana mwana agona kupindura, ita kuti mwana afungidzire vara rinokwanisa kuiswa patumitsetse tuya. Kana agona nyora mavara pamitsetse iyoyi. Nyora kamhuno pachifananidzo chinosungirirwa vanhu mujeri. Ramba uchidaro uchaburitsa musoro wasatani, maoko, makumbo pamufananidzo wepanosungirirwa vanhu mujeri apa ndokunge vana vagona mashoko asipo. Ita izvi kuzvikwata zvose. (Tondera kuti vana vanofanira kunge vapindura mibvunzo zvakanaka kuti vawane mukana wekuti vafembere shoko) Chikwata chinotanga kupedza kunyora mutumbi wasatani ndicho chinenge chakwanisa kusungirira satani saka ndicho zvekare chinenge chakunda. Kana vakakurumidza kufembera shoko racho iwe usati wave nemumwe muvhunzo, sarudza rimwe shoko voramba vachitamba.
DARIKA MUTSETSE
Zvinodiwa: Isa tambo inoratidza pekugumira.
Sarudza zvikwata zviviri nemubatsiri wechikwata chegachega. Bvunza mubvunzo wosarudza mwana mumwe kuti apindure. Kana mhinduro iri iyo, mubatsiri wechikwata anofanira kufamba zvinhanho zvikuru zviviri akananga kwekugumisira. Chikwata chine mubatsiri anotanga kudarika mutsetse ndicho chinenge chakunda.
MABHUKU EZVEKUITA: Pane mabhuku maviri, rimwe rine mifananidzo yekupenda uye netumitambo twakapfava twevana vane makore matanhatu kusvika kumakore mapfumbamwe, rimwe rine mitambo yakati omei yevana vane makore mapfumbamwe kusvika kumakore gumi nemaviri. Mabhuku ose aya akagadzirwa zvichienderana nezvidzidzo zvemusi iwoyo. Mapeji anobvisika nyore kuitira kuti mwana aende nawo kumba. Mudzidzisi anofanira kuchengeta bhuku remwana mumwe nemumwe.
MARONGERWO EZVIDZIDZO: Tondera kuti vana vane nguva yekuterera yakareba zvakadini apo unoronga zvidzidzo zvako. Pasi pane muenzaniso wemarongerwo ezvidzidzo.
______________________________________________________________________
Grade 1 - 4 Grade 5 - 7
______________________________________________________________________
Kuimba, mipiro, zviziviso 10 minutes 10 minutes
______________________________________________________________________
Chidzidzo chebhaibheri 8 minutes 10 minutes
______________________________________________________________________ Dzidziso yemweya 5 minutes 5 minutes
______________________________________________________________________
Ndima yemusoro 5 minutes 5 minutes
______________________________________________________________________
Kamutambo 8 minutes 8 minutes
_____________________________________________________________________
Chidzidzo 8 minutes 8 minutes
______________________________________________________________________
Mibvunzo 5 minutes 5 minutes
______________________________________________________________________
Mutambo 6 minutes 7 minutes
______________________________________________________________________
Zvidzidzo zvekuita 8 minutes 5 minutes
______________________________________________________________________
ZVINODIWA
1 Zuva 29 Sara
2 Mwedzi 30 Chimufananidzo
3 Adama naEva 31 Faro
4 Nyoka 32 Zvipfuyo
5 Adama naEva vaine matehwe 33 Hagari
6 Kaini 34 Ishmael
7 Aberi 35 Mwana Isaka
8 Zvibereko neKoroni 36 Isaka aine makore matatu
9 Atari 37 Roti
10 Hwayana yechibairo 38 Mutumwa
11 Enoki 39 Mutumwa
12 Gore 40 Mukadzi waRoti
13 Noa 41 Mwanasikana waRoti
14 Ngarava 42 Mwanasikana waRoti
15 Dhongi 43 Churu chemunyu
16 Imbwa 44 Isaka akura
17 Turtle 45 Isaka paAtari
18 Zizi 46 Hwai
19 Kangaroo 47 Ngamera
20 Dafi 48 Eliezer
21 Nzou 49 Muto
22 Mhuri yaMwari 50 Rebeka
23 Vanhu vasakarurama 51 Jakobo
24 Nimirodi 52 Esau
25 Chidziro cheBaberi 53 Isaka achembera
26 Zviratidzo zvenyenyedzi 54 Jakobo nedehwe rehwai
27 Tende 55 Jakobo akavata
28 Abraham 56 Vatumwa
Mumashure mekunge wacheka zvinhu izvi, unokwanisa kuzvichengetera muhamvuropu huru. Isa mifananidzo kubvira pane wekutanga kusvika pamakumi maviri muhamvuropu yayo yoga, woisazve mimwe makumi maviri mune imwe etc. Mifananidzo yaunoda kushandisa inochengeteka zvakanaka uye hainetsi kutsvaga.
Unokwanisa kugadzira bhodhi rako rekunamira mifananidzo iyi nekurovera jira nyoro refuranera pabhondi. Apo rinonga richiri nyoro, ripende sedenga kana sevhu uchishandisa mamaka. Izvi zvinokupa bhodhi rakanaka chose. Kana uchida mitsara inonyatsoonekwa, rega furanera ritange raoma usati washandisa mamaka.
Kuti ukwanise kushandisa mabhodhi aya nekukurumidza, gadzira mabhodhi maviri kuti ugoronga mutambo wako pamabhodhi ose pane kushandura mifananidzo nguva dzose. Unokwanisa kumbosendeka bhodhi rine mifananidzo yausati woshandisa kusvikira wave kuda kuishandisa.
MWARI VAKAZVIITA ZVOSE NEMASHOKO
Chidzidzo chekutanga
Ndima yekuverenga: Genesi 1:1 - 2:25, Johane 1:3, vaHeberu 11:3, Zvakazarurwa 4:11
Chokwadi: Mwari vakashandisa mashoko kusika denga nepasi.
Ndima yemusoro: VaHeberu 11:3, "Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanyatsorongedzwa nezwi raMwari."
Kamutambo: "Hurukuro naStinken"
Chidzidzo: Ngano - "Bhasikoro rakauya nekutenda"
Zvinodiwa: Zuva (1), Mwedzi (2), Mhuka (10,15-21, 47). Adama naEva (3)
Kumudzidzisi:
Chidzidzo ichi chinosimbaradza pfungwa yekuti simba raMwari riri mushoko make. Akashandisa shoko kugadzira zvinhu zvose zviriko nhasi uye hapana chiripo chisina kusikwa naye. Sezvo vanhu vakagadzirwa nemufananidzo waMwari, mashoko edu zvekare ane simba.
Zvirevo 18:21 inotiudza kuti rufu neupenyu zviri musimba rerurimi rwedu. Nyatsotsanangura kuti mashoko edu anokwanisa kutiita kuti tibudirire kana kuti tikundikane tirware kana kuti tisimbe, titye kana kuti tishinge. Mashoko edu anova nesimba kana tichitaura magwaro pache zvedu kana kunababa vedu vari kudenga, uye nekuna satani.
Tsanangudzo:
I. Mwari vakasika zvose.
A. Mwari vakanga vasina midziyo yekugadzirisa denga nenyika saka vakashandisa mashoko.
B. Mwari vakapedza kugadzira zvose mumazuva matanhatu.
1. Pazuva rekutanga Mwari vakapatsanura zuva kubva muusiku. (Nyika yakatanga kutenderera kwenyika)
2. Pazuva repiri, vakapatsanura mvura nenyika kuti pave nemakungwa nemakore.
3. Pazuva retatu, Mwari vakaita kuti nyika ibve mugungwa ndokubva vameresa mbeu.
4. Nezuva rechina, Mwari vakaisa zuva, mwedzi, nenyeredzi panzvimbo.
5. Pazuva rechishanu, Mwari vakasika shiri nehove.
6. Pazuva rechitanhatu, Mwari vakasika mhuka dzose nezvese zvinokambaira zvinogara panyika, zvinobhururuka nechiremba chezvisikwa zvake, munhu.
C. Zvinhu zvese zvakasikwa naMwari zvaiva zvakarurama.
1. Paiva pasina chivi kana kusarurama panyika.
2. Paiva pasina kurwara kana kufa.
II. Mwari vakasika munhu nemufananidzo wavo.
A. Mwari vakasika Adama kubva muhuruva yenyika.
B. Mwari vakafemera upenyu mumhuno dzaAdama, Adama akava mweya mupenyu.
1. Adama akava nemweya chinova chinhu chakaita kuti asiyane nemhuka.
2. Mwari havana kushandisa mhuka kusika munhu.
3. Kutaura kuti vanhu vakasikwa kubva mumhuka, chifungidziro chisati chasvika pakupasiswa kunyangwe chichidzidziswa sechinhu chechokwadi.
C. Adama aiva asina chivi uye muviri wake wainge wakasununguka kubva murufu nezvirwere.
D. Mwari vakasika Adama kuti vave nesimba pamusoro penyika yose.
1. Adama pakutanga ndiye aiva nesimba rose rava mumaoko asatani, mwari wenyika. (tarisa mapisarema 8:3-8)
2. Adama aiva nebasa rekusimudzira nyika nezvese zviri mairi pakubwinya kwaMwari.
E. Mwari vakasika mukadzi kuti ave mubatsiri waAdama.
1. Vakakonzera kuti Adama akotsire, ndokutora rumwe rumbabvu rwake kuti vagadzire mukadzi.
2. Mwari vakagadzirira Adama mukadzi, kwete mumwe murume. Ungochani chitadzo.
III. Mwari vakasika vanhu kuti vamude vamunamate.
A. Vanhu vaifanira kuva shamwari dzaMwari.
1. Adama akagadzirwa nemufananidzo waMwari.
2. Adama, aiva nemweya kusiyana nemhuka.
3. Tinoyanana naMwari kubudikidza nemweya.
B. Mwari vakasika Adama akafanana navo nepese pavaigona napo.
1. Mukuyanana kwechokwadi, shamwari dzine zvinhu zvakawanda zvakafanana.
2. Mwari vakapa Adama masimba mazhinji ainge akafanana neavo.
a. Adama aiva nesimba rekuzviumba.
b. Adama aiva nemasimba emashoko.
c. Adama aiva nesimba rekusarudza.
C. Mwari vaitarisira kuti Adama aizovaziva nekutenda.
1. Tinopinda mukutenda nekugashira Jesu Kristu samambo nemuponesi wedu.
2. Pasina kutenda, hazvigone kumufadza. (Mwari)
3. Mwari vaifungidzira kuti Adama aizoshandisa mashoko neuchenjeri.
D. Tinokwanisa kuziva Mwari nhasi nenzira mbiri:
1. Bhaibheri shoko raMwari rinotiudza kuti Mwari akaita sei uye kuti anofunga sei.
2. Mweya wake unokwanisa kugara mumoyo medu.
Dzidziso yemweya:
Nemashoko Mwari vakasika
Zvese zviripo,
Mbeu dzose neshiri,
Mhuka, uye neni!
Akatisika nemufananidzo wake
Kuti tiite kuda kwake,
Nekutaura mashoko ekutenda aanopa
Nekuita kuti zvinhu zvakanaka zviitike.
HURUKURO NASTINKEN
Kamutambo Chidzidzo chekutanga
Vatambi: Stinken nemudzidzisi
Mudzidzisi: Vakomana nevasikana, nhasi tine muenzi muchidzidzo chedu. Mukuru pachikoro chikuru chemunyika muno uye auya kuzotidzivisa kutenda bhaibheri. Munotenda mubhaibheri here? Munotenda here kuti mune simba mumashoko ekutenda atinotaura? Munofunga kuti mukuru uyu achabudirira here kukudzivisai shoko raMwari? Zvisinei, chinhu chimwe chaita kuti ndimubvumidze kuuya muno ndechekuti timubatsire kuti aponeswe.
(Mukuru Stinken vanobva vapinda)
Stinken: Ndazvinzwa! Ndauya ndakatogadzirira hapana chamunokwanisa kundiita.
Mudzidzisi: Tinongoda chete kuti muponeswe. Vana, ava ndimukuru Stinken.
Stinken: Mhoroi, vana. Ndauya nhasi ndakamirira chikwata chinodzidza pamusoro pekutanga kwevanhu. Zvido zvangu ndezvekuti ndikutaurirei nekutanga kwakaita vanhu. Ndakadzidza pazvikoro zvikuru zvakawanda chaizvo pasi rose.
Mudzidzisi: Makadzidza here shoko raMwari?
Stinken: Uri kutaura pamusoro pebhaibheri here? Bhaibheri harisi shoko raMwari. Bhaibheri ibhuku rinotaura pamusoro pengano. Ndakadzidza pazvikoro zvikuru zvemayunivesiti anoti Oxford, Oxbrain, NUST, U.Z nezvimwewo. Muzvikoro izvozvi ndakakaunda muzvidzidzo zvinotevera, LID, PHD, BA, MA, ABC, XYZ.
Mudzidzisi: Ndinoziva kuti makafunda zvikuru!
Stinken: Ndinodada nezvidzidzo zvangu izvi. Zvakanditorera nguva yakawanda kuti ndizvidzidze.
Mudzidzisi: Ndinovimba kuti wakapedza mazuva akawanda usingagezi.
Stinken: Ndakazvipira muzvinhu zvakawanda kuti ndidzidze. Saka hurukuro yangu nhasi ndeyekusikwa kwevanhu. Vanhu vakavandudzika kubva mumhuka dzakaita setsoko makore akawanda akapfuura.
Mudzidzisi: Saka uri kureva here kuti sekuru vako yaiva tsoko?
Stinken: Kwete, sekuru vangu vaiva murume akachenjera. Asi, tateguru vedu tose vaiva vakaita setsoko. Mumakore mazhinji akapfuura tsoko dzakavandudzika zvishoma nezvishoma. Dzakatanga kufamba dzakamira, dzakatanga kushandisa zvimiti nemambwe sezvombo. Dzakatanga kufunga zvekare uye mvere dzakatanga kubvisika kubva padziri....
Mudzidzisi: Tsoko dzakatanga kutonhorwa ndokutenga majuzi.
Stinken: Iwe dofo! Unofunga sei iwe! Unoreva here kuti hautendi zvandiri kutaura izvi? Unondiudza kuti unotenda mubhuku rengano iri rinonzi bhaibheri?
Mudzidzisi: Vana, tinotenda kubhaibheri here? Hongu!
Stinken: Saka kana usingatendi zvandinoreva unozotenda chii?
Mudzidzisi: Tinotenda kuti Mwari vakasika denga nepasi.
Stinken: Handibvumi kuti nyika yatinogara mairi nezvinhu zvese zviri mairi zvakasikwa kubva kumashoko. Ndinotenda mune zvandareva. Ungatenda mune chinhu chausina umbowo nacho?
Mudzidzisi: Stinken, kana munhu akabva patsoko, ko idzo tsoko dzacho dzakabvepi?
Stinken: Tsoko dzakabva pane kamwe kamhuka kadiki diki.
Mudzidzisi: Ko iko kamhuka kadiki aka kakanga kabva kupi?
Stinken: Kamhuka aka kaiva kabva mune zvimwe zvisikwa zvakaita semadzvinyu.
Mudzidzisi: Dzvinyu rakabvepi?
Stinken: Dzvinyu rakabva muhove.
Mudzidzisi: Idzo hove dzacho dzakabvepi?
Stinken: Hove dzakabva mune kamwe kasikwa kanogara mumakungwa.
Mudzidzisi: Saka iko kamhuka kemugungwa aka kaiva kavapo sei?
Stinken: Kakabva mune kamwe kamhuka kadikisa kanogara mumvura.
Mudzidzisi: Zvakanaka, asi iko kamhuka kawapedzisira kutaura aka kainge kabvepi?
Stinken: Handizive.
Mudzidzisi: Ungatenda sei mune chinhu chausina umbowo nacho?
Stinken: Zvisinei, pane zvimwe zvinhu zvaunongofanira kubvuma muupenyu.
Mudzidzisi: Sei usingatendi chokwadi chaicho, mukuru? Bhaibheri rinoti Mwari vakasika denga nepasi. Akasika vanhu nemufananidzo wake. Mwari vakatisika kuti tiyanane navo.
Stinken: Kwete! Hapana chikonzero chekuti tive pano. Tingori tsaona. Wakava mukana kuti vanhu vakabva mutsoko.
Mudzidzisi: Kwete, Vakuru, Mwari vakatisika uye vanotida. Vane chikonzero chekusika mumwe nemumwe wedu.
Stinken: Saka, sei Mwari vasingandiitire chimwe chinhu? Upenyu hwangu hwese haufadzi.
Mudzidzisi: Mwari vakakuitira chimwe chinhu. Vakatumira mwanakomana wavo, Jesu, kuti akufire. Jesu akamukazve kuti akubvise kubva muzvivi.
Stinken: Kana zvauri kutaura chiri chokwadi, saka ndinoda rubatsiro rwaMwari.
Mudzidzisi: Unofanira kuponeswa.
Stinken: Ndingaponeswa sei?
Mudzidzisi: Unoponeswa nekutaura nemuromo wako kuti Jesu ndiye mambo wako uye nekutenda mumoyo mako kuti Mwari vakamumutsa kubva kuvakafa. Ngatinamatei.
Stinken: Handisati ndambonamata kubva ndichizvarwa.
Mudzidzisi: Tevedzera mumashure mangu. Baba vedu muri kudenga.
Stinken: Baba vedu muri kudenga.
Mudzidzisi: Ndinotenda kuti makatuma Jesu kuti azondifira.
Stinken: Ndinotenda kuti makatuma Jesu kuti azondifira.
Mudzidzisi: Ndinotenda kuti Jesu akamukazve kubva kuvakafa.
Stinken: Ndinotenda kuti Jesu akamukazve kubva kuvakafa.
Mudzidzisi: Ndinobvuma kuti Jesu ndimambo wangu.
Stinken: Ndinobvuma kuti Jesu ndimambo wangu.
Mudzidzisi: Ndinogashira kuregererwa kwezvitadzo.
Stinken: Ndinogashira kuregererwa kwezvitadzo.
Mudzidzisi: Ndinotenda nekundiponesa.
Stinken: Ndinotenda nekundiponesa.
Mudzidzisi: Nezita raJesu. Amen.
Stinken: Nezita raJesu. Amen.
Mudzidzisi: Iye zvino wava mwana waMwari.
Stinken: Handina kuvandudzwa kubva kutsoko, Mwari vakandisika.
Mudzidzisi: Ndizvozvo, hausi kufara here kuti wauya nhasi?
Stinken: Ndiri kufara kuti ndaponeswa. Ndinotenda nekundibvumidza kuuya muzvidzidzo zvenyu.
Mudzidzisi: Kana nesuwo tafara kuva newe nhasi.
Stinken: Tozoonanazve, mudzidzisi. Ndinotenda mandiudza nezvaJesu. Tozoonana vakomana nevasikana.
BHASIKORO RAKAUYA NEKUTENDA
Chidzidzo chekutanga
Billy akafamba achinzwisa tsitsi achibuda mumba ndokunogara pachivanze. "Sei vabereki vangu vasingakwanise kuwana zvese zvandinoda?" akachema. "Handife ndakawana bhasikoro."
"Chii chiri kunetsa, Billy akabvunza Jeff apo aifamba zvake munzira. "Uri kuchema chii?"
"Amai vangu vati havakwanise kunditengera bhasikoro rekupemberera zuva rekuzvarwa kwangu. Vati havana mari izvozvi," akadaro Bill.
"Saka," akabvunza Jeff. "Usaite kuti izvozvo zvikumise."
"Uri kutiiko? Unopenga here?" akabvunza Billy. "Unofunga kuti ndingawana bhasikoro ndisina mari? Handisi kuzoba bhasikoro."
"Haufanire kuba kuti uwane bhasikoro zvekare haufanire kuwana mari kubva kuvabereki vako," akatsanangura Jeff.
"Saka ndinoita sei?" akabvunza Billy.
"Unokwanisa kunamata wowana bhasikoro idzva," akadaro Jeff. "Ndiwo mawaniro andakaita rangu."
"Chimbomira kwekanguva," akapikisa Billy. "Sekuru vako vakakutengera bhasikoro iroro, kwete Mwari."
"Uri kutadza kunzwisisa zvandiri kuda kutaura," akadaro Jeff. "Ndakanamata pamusoro pebhasikoro uye sekuru vakandipa basa mumashure mekunge ndanamata. Mumashure memasvondo matanhatu vakandipa bhasikoro."
"Zvisinei, handina vana sekuru vakapfuma," akadaro Billy.
"Billy," akadaro Jeff, "sei usingavimbe nababa vako vari kudenga? Vakapfuma kudarika mumwe munhu wese!" Nemashoko iwayo, Jeff akafamba achienda achisiya Billy agere pachivanze achifunga. Mumashure mechinguva, Billy akanga ava nechokwadi kuti Jeff ainge amuudza chokwadi uye akaziva kuti Mwari vaizonzwa minamato yake kana achinge anamata nekutenda.
"Ndinofanira kusimudzira kutenda kwangu ndisati ndanamata," akadaro Billy achitaura oga. Akapinda mumba ndokutora bhaibheri rake ndokutanga kuriverenga. "Kutenda kunouya nekunzwa shoko raMwari," akadaro Billy, "saka ndichazviverengera magwaro ndichidaidzira."
Mumashure mekanguva, Billy ainge agadzirira kunamata, saka akakotamisa musoro wake ndokutanga "Baba vedu muri kudenga, shoko renyu rinondiudza muna Marko 11:24, "Saka ndinoti kwamuri zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera, nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira mugova nazvo." Ndinokumbira bhasikoro, ndiri kukumbira kwamuri nezita raJesu. Vabereki vangu havakwanise kuritenga, asi unokwanisa. Ndinotenda kuti muri kunzwa minamato yangu uye ndinokutendai pamusoro pebhasikoro iri. nderangu nekutenda, Amen."
Apo Billy ainge apedza kunamata, akanyemwerera. Akaziva kuti Mwari vainge vanzwa munamato wake uye akabva aenda kunotsvaga Jeff kuti amuudze zvaainge aita.
"Iwe, Jeff," akadaro Billy, "Ndaita zvawareva. Ndanamatira bhasikoro."
"Zvinodadisa!" akadaro Jeff. "Iva nechokwadi kuti unotenda Mwari mazuva ose nekutenda pamusoro pebhasikoro rako."
"Hongu," akadaro Billy. "Bhasikoro iroro richava rangu!"
""Uri kureva kuti chii?" akabvunza Jeff. "Bhasikoro ritori rako pamberi paMwari!"
"Chokwadi here?" akabvunza Billy.
"Chokwadi," akatsanangura Jeff. "Kana uchinamata nekutenda, mhinduro ndeyako paunongotanga kunamata. Kunyangwe usina bhasikoro racho, asi nderako."
"Hallelujah!" akadaro Billy. "Ndazviwanira bhasikoro idzva nekutenda!"
Kwemasvondo Billy akatenda Mwari mazuva ose pamusoro pebhasikoro iri. Akaedzwa kakawanda kuti aregedze kufunga nezvebhasikoro nekuti bhasikoro raisazouya zvachose. Pese paitanga Billy kukahadzika nezvebhasikoro, aibva ataura magwaro kuti asimudzire kutenda kwake. Zvakasevenza nguva dzose.
Rimwe zuva mangwanani, Billy akamuka akagadzirira kuti aende kuchikoro. Apo ainge achipfeka, satani akataura mumoyo make . "Iwe, mwana. Unofunga kuti uchawana bhasikoro? Kwakapera masvondo gumi wakangomirira asi nanhasi hausati wariwana. Wadii kuzviregera?"
Billy akanzwa kusasimudzirwa. Akafunga kuzviregera. Pakarepo, akamira ndokudaidzira "Kwete! Kwete! Bhasikoro nderangu nekutenda." Apo Billy akatanga kutaura magwaro, satani akabva aenda.
Rimwe svondo rakapfuura. Billy ainge ari kutamba zvake pachivanze zuva rodoka apo baba vake vakauya. Baba vakafara zvikuru ndokumisa motokari padyo naBilly. Vakabuda ndokuenda kumashure kwemotokari.
"Huya kuno mwanangu," vakadaro baba. "Ndine zvinhu zviri mumotokari zvandinoda kuti utakure uchiisa mumba."
Billy akamhanyira kumotokari, baba ndokuvhura. Billy akashama muromo apo akaona zvaivamo. Maiva nebhasikoro idzva rakangoita sebhasikoro raaida.
"Ndapiwa mugove kubasa," vakatsanangura baba. "Ndakaziva pandakariwana kuti raibva kuna Jehova pamusana pekuti mumwe munhu ainge anamata. Ndakabva ndaziva kuti ndiwe."
"Ndinotenda zvikuru, baba!" akadaro Billy. "Ndinokudai nemoyo wangu wese!"
Billy akasvetukira pabhasikoro, ndokurichovha akananga kumba kwavana Jeff kuti anomuratidza bhasikoro rakuya nekutenda.
DZOKORORO
Chidzidzo chekutanga
Shandisai shoko:
1. Pane mumwe munhu waunoziva here akambotenda mune chimwe chinhu akachitaura, chikabva chaitika?
2. Taura rungano kubva muupenyu hwako kana kuti wotaura rungano urwu.
Allison aida kuenda kune chimwe chikoro chechikristu, asi zvaisakwanisika. Chirimo chese chakapera achingoti, "Ndiri kuzoenda kuKingdom Faith Bible College. Mwari vakandipa nzvimbo ikoko."
Mumasvondo maviri akatevera, chikoro ichi chakadana vabereki vake, "Tine nzvimbo yemwana wenyu." Mwari ngaarumbidzwe, mazwi ekutenda ane simba!
3. Chiita kuti vana vataurewo nyaya dzavo.
Mibvunzo:
(Tarisa mienzaniso yawakapiwa yemitambo yaunokwanisa kutamba uchishandisa mibvunzo iyi.)
1. Mwari vakashandisa midziyo ipi kugadzira denga nepasi?
2. Mwari vakashanda mazuva mangani kugadzira nyika?
3. Mwari vakaitei pazuva rekutanga?
4. Mwari vakaitei pazuva repiri?
5. Mwari vakaitei pazuva retatu?
6. Mwari vakaitei pazuva rechina?
7. Mwari vakaitei pazuva rechishanu?
8. Mwari vakaitei pazuva rechitanhatu?
9. Mwari vakaitei pazuva rechinomwe?
10. Paiva nezvivi zvakawanda sei apo Mwari vakasika nyika?
11. Bhaibheri rinoti chii pamusoro pekusikwa kwevanhu?
12. Mwari vakashandisa chii kugadzira muviri waAdama?
13. Mwari vakaita sei kuti vaise upenyu mumuviri waAdama?
14. Mwari vakaisa nyika pasi pehutongi hwaani?
15. Sei Mwari vakakonzera kuti Adama akotsire?
16. Sei Mwari vakasika vanhu?
17. Adama akagutsikana here kuva nemhuka chete seshamwari dzake?
18. Vanhu vakafanana nani?
19. Zvinoda chii kufadza Mwari maererano nevaHeberu 11:6?
20. Tingabatsira kutenda kwedu kuti kukure nenzira ipi?
ADAM AKAZVIPA ZVOSE
Chidzidzo chechipiri
Ndima yekuverenga: Genesi 3:1-24, II Vakorinte 4:4:
Chokwadi: Chivi chaAdam chakapa satani simba pamusoro penyika yose.
Ndima yemusoro: VaRoma 5:12, "Nepamusana pemunhu mumwe chete, chitadzo chakapinda munyika, rufu rukauya nechivi."
Kamutambo: Adam akazvipa zvose
Chidzidzo: Maapuro asatani ose ane makonye
Zvinodiwa: Adam naEva (3), nyika (4), Adam naEva nematehwe (5)
Kumudzidzisi:
Mwari akasika vanhu nesarudzo kunyangwe hazvo aiziva kuti vanhu vaizotadza. nechikonzero ichochi, Mwari vainge vatogadzira mukana padambudziko rezvivi nyika isati yambotanga.
Chivi chaAdam chakamubvisa pana Mwari, chakaunza matambudziko panyika uye chakapa satani simba pamusoro penyika yose. Panguva yaKristu, satani aiva achingori nesimba iri nekuti akarishandisa kuedza Jesu. Asi avo vanogamuchira Jesu vakasunungurwa kubva kumasimba asatani uye vanokwanisa kuyanana naMwari.
Tsanangudzo:
I. Mwari vakaisa munhu mubindu rakakodzera reEdeni.
A. Edeni yaiva nzvimbo yaiva pakati penzizi Tigris neEuphrates muIrag yanhasi.
B. Mwari vakaudza Adama kuti achengetedze bindu.
1. Mainge musina sora.
2. Adama aisafanira kusevenza basa rakaoma nekuti ichi chaiva chituko.
C. Mwari vakaisa miti miviri pakati pebindu reEdeni. (Genesi 2:9)
1. Mwari vakaudza Adama kuti asadye muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
2. Mwari vakaudza Adama kuti adye mimwe michero yose kunyangwe muchero weupenyu.
D. Adama akasikwa aine sarudzo yekuterera Mwari kana kurega.
II. Satani akauya kubindu kuzoedza Adama naEva.
A. Satani, Lucifer aiva mutumwa waMwari akapandukira Mwari.
1. Lucifer ndiye muridzi wezvivi zvese, zvirwere, nekutambudzika.
2. Mwari akasika Lucifer wakarurama asi akazosarudza zvivi.
B. Satani akashandisa nyoka kuedza Eva pamuchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
1. Nyoka yakabvunza Eva, "Unofunga here kuti Mwari vakataura kuti usadye mumwe wemichero yemubindu?"
2. Eva haana kunyatsonzwisisa murairo waMwari nekuti akafunga kuti Mwari vainge vataura kuti ,"Hatingadye muchero uyu kana kuubata nekuti tingafa."
3. Nyoka yakanyepera Eva ichiti, "Haungafe kana ukadya muchero uyu."
4. Nyoka yakaudza Eva kuti aizofanana naMwari kana akadya muchero uyu.
C. Adama naEva vakasarudza kusaterera Mwari vachiterera satani.
1. Vakadya muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
2. Vakasarudza kusadya muchero weupenyu. (Mwari nguva dzose vanopa sarudzo)
III. Pakarepo, Adama naEva vakabviswa pana Mwari.
A. Mweya yavo yakabva pakururama neupenyu, ikava nerufu nekushushikana.
B. Vakanyara pamusoro pezvavainge vaita vakaenda kunohwanda.
1. Kubwinya kwaMwari kwainge kwakavafukidza kwainge kwabva.
2. Vakaedza kuzvivhara nemashizha emuonde.
3. Kunyangwe nanhasi tinonyara kuonekwa tisina kupfeka.
C. Mwari akauya kuzotsvaga Adama naEva.
1. Adama akapa mhosva yechivi chake kuna Eva.
2. Eva akapa mhosva yechivi chake kunyoka.
D. Mwari akavataurira achirwadziwa kuti matambudziko aizovawira pamusoro pezvavainge vaita.
1. Adama aizoshanda zvakasimba kuti arime chekudya.
2. Eva nevamwe vakadzi vose vaizorwadziwa nemimba pakubara.
3. Nyoka yaizova mhuka yakavengwa zvikuru panyika.
4. Kufa, kurwara uye zvivi zvakauya panyika pamusana pekuti satani akatora masimba aAdama.
E. Kunyangwe hazvo Mwari akarwadziwa nechivi chavo, akavimbisa Adama naEva kuti mudzikinuri aizouya rimwe zuva panyika.
1. Mwari vakataura kuti satani achatswanya chitsitsinho chemununuri.
2. Mwari vakati mununuri achapwanya musoro wasatani.
F. Mwari vakauraya mhuka mbiri dzisine mhosva vakatora matehwe adzo kuti vafukidze Adama naEva.
1. Mwari akavaratidza kuti ropa risina mhosva raizodeuka kuti zvivi zvavo zviregererwe.
2. Mhuka idzi dzaiva chiratidzo chaJesu uyo aizofa kuti asuke zvitadzo zvese.
Dzidziso yeMweya:
Kuregererwa, Jesu akauya kuti ndiregererwe
Ari kurarama mumoyo mangu
Achindichengetedza kubva muzvivi,
Achindibvisa kubva muzvirwere zvemarudzi ose.
Ndaregererwa, ndaregererwa
Satani haakwanise kundirwadzisa.
Nekuti ndakadzikinurwa
Ndine ruyanano naMwari
Zvakanaka kupfuura zvandaifunga.....(dzokorora kubva pekutanga)
ADAMA AKAZVIPA ZVOSE
Kamutambo Chidzidzo chechipiri
Vatambi: Adama, Eva, satani, nyoka, Izwi raMwari, mubvunzi
(Adama mubindu)
Adama: Mhoroi, ndini Adama. Ndiri murume. Ndiri mukuru wenzvimbo yose. Mwari vakandipa nyika. Hapanazve mumwe munhu pano kunze kwemhuka idzi uye dzakawanda zvikuru. Ndakadzipa mazita dzose mazuva apfuura. Pane ngamera, mabhiza, huku, shumba, mbeva, mbudzi, mombe, madhongi, madzvinyu, tsoko, nguruve, njiri, zvipembere, madhongi nezvimwewo .
Izwi raMwari: Hazvina kunaka kuti Adama ave oga. Ndichamugadzirira shamwari - mukadzi. Ndichaita kuti Adama akotsire zvakanyanya kuti asanzwe kuvhiyiwa uku.
(Adama anokotsira oita ngonono)
Izwi raMwari: Ndichatora rumwe rumbabvu kubva kuna Adama. Ndicharushandisa kugadzira mukadzi.
(Eva anopinda uye Adama anobva amuka)
Adama: Yowe-e yowe! Musikana rudziiko uyu! Ndichakudana kuti Eva.
Eva: Mwari vandisika kuti ndive mudzimai wako uye shamwari yako, Adama.
Izwi raMwari: Adama! Eva! Munokwanisa kudya michero yese mubindu rino asi musadye muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa. Musi wamunoudya muchafa.
Adama: Wazvinzwa here Eva? Usambozodya zvako muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
Eva: Hongu, ndazvinzwa! Handidye muchero iwoyo.
Adama: Zvakanaka! Tichafara tose. Tichaita zvose zvinodiwa kuti tiite naMwari.
Eva: Ichokwadi, tichazviita. Atipa zvakawanda zvekufara nazvo.
(Satani ari kutaura ari kune rumwe rutivi rwebindu)
Satani: Ndinofanira kutsvaga mumwe angandibatsira! Ndinofanira kuwana imwe mhuka ingandibatsira kuti Adama naEva vadye muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa. Rega ndinoedza, ndambotarisa bhiza, chipembere, mvuu, twiza, dhongi, mombe, dzvinyu, mbada, tsuro, imbwa, katsi, njiri, huku, nemamwe marudzi akawanda emhuka dzandisina kuverenga. Pamhuka dzese dzandaverenga, ndasiya nyoka, handisati ndataura nayo.
(Nyoka inopinda)
Nyoka: Mhoroi, vakuru.
Satani: Ndiwe mhuka yandanga ndiri kutsvaga. Ungade here kuva mambo wemhuka dzose?
Nyoka: Inini? Mambo wemhuka dzose? Chokwadi ndingakuitira zvose zvaunoda.
Satani: Chaunongofanira kuita, kuti Adama naEva vadye muchero wekuziva chakanaka nechakaipa.
Nyoka: Asi Mwari vakati vasadye.
Satani: Nditerere, nyoka. Mwari vari kunyepera Adama naEva pamusoro pemuchero iwoyo. Hazvimbovaurayi. Vanobva vangoita saMwari kana vakadya muchero uyu. Ndibatsire kuti ugozova mambo.
Nyoka: Ndichava mambo wemhuka dzose!
Satani: Pamusoro pazvo, hapana chandingaita kurwadzisa Mwari! Ndichaita kuti Adama aite chivi, uye ndichava mukuru wepanyika pano. Ndichaita kuti vanhu vatadze! Ndichaita kuti vanhu varware.
Nyoka: Ndichakonzera hondo nemoto nekundengendeka nekupondana. Ndichaita kuti vana vadiki vave neporio nekutonhorwa. Ndichaita kuti vanhu vatadze! Ndichaita kuti vanhu varware! Ndichava mwari wepasi pano!
Nyoka: Uye ndichava mambo wemhuka dzose!
Satani: Vanhu vachafa vachienda kugehena! Ndichaita kuti vakungure kuti dai vasina kuzvarwa. Ndini ndichava mutongi wemurume nemukadzi wese!
Nyoka: Uye ndichava mambo wemhuka dzose!
Satani: Ndawana rimwe zano! (Anotanga kuzevezera nyoka)
(Eva akamira padyo nemuchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa)
Eva: Zviya uyu ndiwo muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
(Nyoka inopinda)
Nyoka: Ah! mhoro kani Eva, chimbouyaka pano timbotaura kwekanguva.
Eva: Ndiwe ani?
Nyoka: Zvisinei unokwanisa kungondidana kuti Jake, nyoka.
Eva: Uri kudei?
Nyoka: Zviya wakati, haudyi michero yose iri mubindu muno?
Eva: Tinodya michero yose kunze kweuno uyu. Mwari vakati hatifanire kuudya kana kuubata nekuti tingafa.
Nyoka: Ah, Mwari vanoziva kuti mukadya muchero uyu munobva mafanana naMwari. Idya uone kuti ndinoyepa here?
Eva: Zvakanaka, rega ndiedze.
(Nyoka inobuda, Adama opinda)
Adama: Eva, waitei?
Eva: Ndadya muchero watakarambidzwa naMwari. Hauna kumbondiuraya.
Adama: Saka kana iwe waudya kana neniwo ndichaudya. Ndinoziva kuti handifanire, asi....! (Anobva aruma muchero uya) Maiwe-e, Eva hatina kusimira. Huya tihwande Mwari vasati vauya. (Adama na Eva vanohwanda pasi pemiti)
Izwi raMwari: Adama, Adama uripiko?
Adama: Ndanga ndiri kunyara nekuti handina kusimira.
Izwi raMwari: Waziva sei kuti hauna kusimira, Adama? Asi wadya muchero uya kani?
Adama: Hongu, asi imhosva yaEva. Ndiye aita kuti ndidye.
Izwi raMwari: Eva, ichokwadi here icho?
Eva: Hongu, asi inyoka yandifurira! Ndiyo ine mhosva.
(Adama naEva vanobuda, nyoka inopinda)
Izwi raMwari: Nyoka pamusana pekuti waita izvi.......
Nyoka: Ndinoziva, asi ndaida kuzova mambo wemhuka dzose!
Izwi raMwari: Watadza! Uchafamba nedumbu kweupenyu hwako hwese uchitsikwa nezvisikwa zvese. Uye pachava nedambudziko pakati pako iwe nemukadzi. Mukadzi achakutswanya musoro pese paanokuonera, uye uchamuruma chitsitsinho kana achifamba.
Mubvunzi: Saka Adama paakadya muchero, chivi, rufu neurwere hwakauya panyika. Asi, Mwari akatumira mwanakomana wake, chibereko chemukadzi, Jesu, kuti atswanye musoro wenyoka, satani. Iye zvino tiri vakundi, takakunda zvivi, urwere nerufu.
MAAPURO ASATANI OSE ANE HONYE
Chidzidzo chechipiri
Ndima yekutarisa: "Nekuti mubairo wezvivi ndirwo rufu....." vaRoma 6:23
Zvinodiwa: Apuro guru rimwe chete nechidimbu cheshinda
Gadziriro: Nyatsoboora buri muapuro uye woisa shinda muapuro. Siya shinda diki ichionekera kunze kuti ugokwanisa kuidhonza nemunwe. Vhara buri nechidimbu cheapuro chawabvisa.
Chidzidzo:
Paivapo nemumwe mukomana ainzi Tommy aigara muguta guru uye haana kumbobvira awana mukana wekuti aende kunotamba panze. Chirimo chose, sekuru vake Tapiwa vaiuya muguta kuzomutora vachienda naye kupurazi kwavo kwemasvondo akati kuti.
Tommy aifarira zvepapurazi zvikuru. Aikwanisawo kutamba panze muswere wese wezuva. Paiva nenzvimbo yekutambira yakakura panze. Paiva nekakova kadiki umo aienda kunotuhwina. Asi chainyanyofarirwa naTommy ibindu remaapuro. Maiva nemiti yemaapuro yakawanda yaiva nemaapuro mahombe, ane muto. Aitambira pasi pemimvuri iyi asingatomboendi kunodya masikati pamusana pekuti aidya maapuro aya.
Rimwe zuva sekuru Tapiwa vakamutsa Tommy mangwanani ngwanani. "Muka, Tommy," vakadaro sekuru Tapiwa. "Hausi kugara pano mahara, nhasi unofanira kushanda," vakadaro vachiseka zvavo vachipinda mumba mekubikira.
Tommy akamuka ndokunanga patafura yekudyira. Akadya chikafu chemangwanani chaisanganisira mazai nemukaka. Sekuru Tapiwa vakamutora ndokuenda naye kudanga kunoita basa.
"Wava padyo kuzova murume," vakadaro sekuru Tapiwa. "Kwasara nguva shoma kuti unge wava kuzvisevenzera. Unofanira kudzidza kushanda kwezuva rose. Saka izvi ndizvo zvaunofanira kuita, unofanira kutsvaira mudanga kusvikira machena. Ndichange ndisipo nhasi asi ndichauya ndichiona kuti unenge waita basa nemazvo here.. Kana ukaita basa rinogutsa, manheru tichagadzira chikafu chakanaka uye toenda kunotasva mabhiza. Chikafu chako chemasikati chiri mufiriji."
"Vakomana kutasva mabhiza kunonakidza saka ndinotofanira kushanda zvakanaka, sekuru Tapiwa. Sekuru Tapiwa ndichatsvaira pese zvapo. Ndinovimbisa."
Tommy akamhanyira kudanga ndokutanga kuita basa nemoyo wake wese. Danga rekutanga akarigadzira zvakanaka chose. Zvakatora maminetsi makumi matatu kuti amugadzire. Akatarisa mamwe matanga ose aaifanira kutsvaira.
"Kwasara gumi nemapfumbamwe," akadaro Tommy. "Iri ibasa rakawanda zvechokwadi."
Akatsvaira rechipiri. Akasevenza zvakaoma mangwanani ose.
Pakasvika nguva dzemasikati ainge ava nenzara zvikuru. Akaenda mumba ndokunodya chikafu chake chemasikati. Apedza akadzokera kumatanga kunopedzesa ainge asara.
"Kwasara gumi chete," akadaro Tommy. "Asi ndinoda kumbozorora. Rega ndiende kubindu remaapuro."
Tommy akamhanya nemumatanga ndokupfuka nepasi pewaya. Akafamba nemumazihuswa mahombe achipinda mubindu remaapuro. Pamuti waiva padyo naye, paiva neapuro rakatsvuka uye riri guru. Ndiro raiva rakanaka kupfuura mamwe ose ainge akamboonekwa naTommy uye nekuva guru.
Tommy akamhanyira pamuti uyu ndokusvetukira bazi remuti ndokutadza.
"Maiwe-e! akadaro Tommy. Akakwenya ruoko rwake.
Akasvetukira zvekare ndokubata shizha. Akazoita zvekukwira chaizvo asi akabvarura mudhebhe wake muchiitiko ichi apo akahakwa nemuti.
Apuro iri raiva rakanakira Tommy zvikuru, uye raiva hombe. Raiva kure zvekuti Tommy akaramba achikwira achiedza kuti aritanhe.
Akabva atsvedza. Apo akatanga kudonha akawana pekubatirira ndokusadonha. Tommy ainge obvunda. Hana yake yainge yorovesa, aiziva zvaizoitika kana akadonha.
Tommy haana kuda kuregera, kwainge kwapera awa rimwe chete asi asati awana apuro raaida iri. Akasunguza muti nesimba rake rose asi apuro harina kudonha.
Zvakabva zvazoitika, Tommy akadonha. Akadonha nepakati pemapazi achibvarurirwa hembe nekuchekwa kumeso nemakumbo nezvimiti .
Bu-u-! Akawira pasi.
Tommy akaramba akarara pamahuswa. Haana kufamba ainge akuvara pese pese.
Akatarisa mudenga, akaona apuro raaida riya richiuya rakamunanga mumusoro.Rakadonhera parutivi pemusoro wake. Akamuka ndokurinonga. (Akaribata zvakanaka)
Ndazoriwana zvino! akadaro achitora apuro riya ndokuriruma. (Dhonza shinda iya)
"Ah-h, pu-u! "Honye! Apuro iri rine honye!"
Zvinorwadza sei! Tommy akapedza masikati ose achiedza kutemha apuro rakaora.
"Tommy! uripiko?" vakadana sekuru Tapiwa.
Tommy akashamisika. Akatanga kufunga kuti sekuru vake vainge vatsamwa sei pamusana pekusapedza basa kwaainge aita. Akaenda kumatanga kwaiva kwakamira sekuru mune rimwe rematanga.
"Sekuru ndinokumbira ruregerero, handina kupedza basa rangu. Ndapedza masikati ose ndichiedza kutanha apuro," akadaro Tommy. "Ranga richitaridzika zvakanaka chose uye ranga riri guru, asi apo ndariruma, ranga rizere honye."
"Zvinhu zvese zvatinopiwa nasatani zvakadaro,Tommy. Hazvimbofa zvakaita semataridzikiro azvo. Maapuro asatani ose ane honye," vakadaro sekuru Tapiwa.
Tommy akafunga zvainge zvataura nasekuru Tapiwa, ndokupedzesa basa rake.
DZOKORORO
Chidzidzo chechipiri
Shandisai shoko:
Wakamboregererwa here neshamwari pane chimwe chinhu chakaipa chawainge wamuitira? Wakanzwa sei asati akuregerera? Wakanzwa sei mumashure?
Mibvunzo:
1. Zita remusha waAdama wekutanga rainzi chii?
2. Basa raAdama rekutanga raiva rei?
3. Muchero wainge warambidzwa Adamu kudya wainzi chii?
4. Ndeipi mhuka yakatumwa nasatani kuedza Eva?
5. Nderipi rakava danho rekutanga renyoka?
6. Mwari vakaudza Adama naEva kuti vaizofa here kana vabata kana kudya muchero uyu?
7. Nyoka yakaudza Eva kuti kana akadya muchero uyu, aizofanana nemumwe munhu.
Ndiani munhu wacho?
8. Ndiani akatanga kudya muchero wacho?
9. Eva akafa here mumashure mekudya muchero uyu?
10. Adama aiziva here kuti aiita chitadzo nekudya muchero uyu?
11. Chii chakaitika kuna Adama naEva mumashure mekudya muchero uyu?
12. Adama naEva vakaita sei apo vakaona kuti vainge vasina kusimira?
13. Adama aiitei apo Mwari vakauya kuzomutsvaga?
14. Adama akapomera ani mhosva pamusoro pechivi ichi?
15. Eva akapomera ani mhosva pamusoro pechivi ichi?
16. Mwari vakati chii kunyoka?
17. Mwari vakaudza Eva kuti chii chaizoitika pakubara?
18. Chii chakaitika kuna Adama pamusoro pekutadza kwake?
19. Mwari vakavhara sei kusasimira kwaAdama naEva?
20. Ndiani akava mutongi wenyika ino asingaonekwi?
21. Mwari vakavimbisa chii kuna Adama naEva?
22. Adama naEva vaibvumidzwa here kugara mubindu reEdeni?
MUPIRO HWAKAKODZERA
Chidzidzo chechitatu
Ndima yekuverenga: Genesi 4:1-15, VaHeberu 9:22
Chokwadi: Kufadza Mwari kuita zvaanoda
Ndima yemusoro: VaHeberu 9:22, "Kana kusine ropa rinoteurwa, hakune kanganwiro."
Kamutambo: "Kaini naAberi"
Chidzidzo: Ngano - "Haji nenzou"
Zvinodiwa: Kaini (6), Aberi (7), Michero nembeu (8), Atari (9), Hwayana yemupiro (10)
Kumudzidzisi:
Kunyangwe hazvo magwaro asinganatsobudisa pachena kuti Mwari vaida mupiro weropa kubva kuvanamati venguva iyoyo, zvinoita sekuti vanhu vaizviziva. Mipiro yeropa nemhuka ndeye nguva yakare uye yakatangwa naMwari pachake mumashure mechivi chaAdama mubindu reEdeni.
Kuzvida kwaKaini kwakaita kuti asawirirane naMwari. Aberi aiva mutadzi pachake asi akawana nyasha pamusana pekuti akaenda kuna Mwari nekuzvininipisa. Chitadzo chaKaini chekutanga chakakonzera chivi chikuru pamberi paMwari nevanhu, kuponda. Zviito zvakaipa pamberi paMwari zvinokonzera zviito zvakaipa kune vamwe vanhu.
Tsanangudzo:
I. Vanakomana vaviri vaAdama naEva vakaunza mupiro mumwe nemumwe kuna Mwari.
A. Mubhaibheri rose Jehova vanoraira kuti mhuka inofanira kuunzwa semupiro wezvivi.
B. Kaini, murimi, akaunza michero nemiriwo kuna Mwari asi Mwari vaisakwanisa kubvuma mupiro wake uyu.
1. Waiva mupiro usina kukodzera. (VaHeberu 9:22)
a. Mwari vaida mupiro weropa, kwete muriwo.
b. Panofanira kuva nekudeuka kweropa kuti zvitadzo zviregererwe, ndicho chikonzero Jesu akafa.
2. Maitiro aKaini haana kufadza Mwari.
a. Aida kuita zvinhu nemadiro ake pachake.
b. Zvinoita sekuti akaona asingakodzeri kuti atenge mupiro wakarurama kubva kuna Aberi. Tinofanira kuenda kuna Mwari nemadiro anoita Mwari, tichizvipira kuti tiri vatadzi uye tichibvuma hwayana yaakatipa semupiro, Jesu Kristu.
C. Aberi akaunza hwayana dzake dzakanyanyonakisa kuzopa kuna Mwari.
1. Mwari vakaremekedza Aberi nekuti aiterera.
2. Aberi akapa zvakanakisa kuna Mwari. Uri kupa zvakanakisa kuna Mwari here?
II. Mwari vakauya kuzoshanda naKaini.
A. Kaini ainge akatsamwira Mwari pamusana pekuti havana kugashira mupiro wake. Aiziva kuti Mwari vainge vari pachokwadi, asi pamusana pekuzvida, aisakwanisa kuzvibvuma.
B. Mwari vakamuudza kuti, "Kana ukanditerera, uchaponeswa. Asi kana usingakwanisi, chivi chichakuparadza." Unokwanisa kurwisa chivi kana uchida. Usazvipire kwachiri.
C. Mwari vaida kururamisa Kaini.
III. Kaini akaramba kutendeuka, akatsamwa ndokuronga kuuraya Aberi.
A. Kaini akafunga, "Aberi haasi nani pandiri asi Mwari vabvuma mupiro wake. Mwari vanoda Aberi."
B. Kaini haana kuziva kuti hapana munhu anoponeswa nekunaka kwake. Tinoponeswa nekubvuma zvitadzo zvedu nekukumbira Jesu kuti apinde mumoyo medu.
C. Kaini akawana Aberi ari oga mumunda ndokumuuraya.
D. Mwari vakauya pana Kaini kuzomubvunza zvaainge aita. "Munun'una wako aripi?"
E. Kaini, panzvimbo yekureurura sezvaidiwa naMwari, akatanga kunyepa kuti abude munyaya iyi. Hapana chinhu chakavanzika pana Mwari.
F. Pakanga pave nechituko zvino pana Kaini uye akaendeswa kunyika iri kure.
1. Kaini akaenda kure naMwari.
2. Chivi chakamupesanisa naMwari.
Dzidziso yemweya:
Mupiro mumwe chete wakaitirwa isu,
Hwayana yaMwari pachake.
Akadeura ropa rake kuti abvise zvitadzo zvangu.
Jesu akandifira.
Asi Mweya Mutsvene wakauya
Nekumumutsa kubva kuvakafa.
Iye zvino andipa upenyu hutsva,
Sekutaura kwakaita bhaibheri
KAINI NAABERI
Kamutambo Chidzidzo chechitatu
Vatambi: Kaini, uye Izwi raMwari
(Kaini anopinda akabata chimuti chine ropa)
Kaini: Zvanaka! Zvanaka! Zvanaka hapasisina munhu pano apa. Ndauraya nyoka iya, munun'una wangu, Aberi. Ndakamuvenga! Ndanga ndakamuvenga kwemakore akawanda. Aingogara achiita zvinhu zvakanaka. Ndiye ainyanyodiwa nababa naamai. Asi iye zvino hapachisina. Iye zvino afa, ndazviita. Akandiendera nerutivi rusirwo, uye haachazondinetsa zvekare. Nyoka iyi yaiita kuti ndipenge!
Musi uya wataifanira kupira mipiro kuna Mwari, ndakaunza mupiro wangu asi Mwari vakauramba. Ndakaunza mbeu dzangu dzakanaka nemichero, asi vakaramba! Asi akatora mupiro waAberi. Ndinovimba Mwari vaida kuti ndiunze hwayana kana chimwe chakadaro, chimwe chinhu chine ropa.
Zvisinei, havazofi vakazviwana kubva kwandiri! Ini kuti ndipe Mwari mupiro weropa, zvaireva kuti ndinenge ndatotenga kubva kuna Aberi. Ndinovenga nyoka iya zvekuti handaikwanisa kutenga imwe yehwayana yake!
Zvisinei, iye zvino hapana achatenga kubva kwaari nekuti afa. Ha! ndamuuraya. (Anoseka) Ndinovenga mukomana uyu zvikuru. Asi, zvazopera zvino, handichazofi ndakamuona zvekare.
(Izwi raMwari rinonzwika kubva panze)
Izwi raMwari: Kaini!
Kaini: Ndiri pano, Mwari.
Izwi raMwari: Munun'una wako Aberi aripi?
Kaini: Uh, handizive, Jehova. Ndini muchengeti wake here?
Izwi raMwari: Kaini waitei? Izwi reropa remunun'una wako riri kundichemera kubva muvhu.
Kaini: Muno... Munoreva kuti munoziva nezvazvo here?
Izwi raMwari: Hongu, Ndinozviziva. Haungavigi chivi chako!
Kaini: Oh, kwete, Mwari!
Izwi raMwari: Iye zvino Kaini uchave pasi pechituko kweupenyu hwako hwese.
Kaini: Ah-h kwete! Kwete! (Anoenda achichema)
HAJI NENZOU
Ngano Chidzidzo chechitatu
Nyaya iyi yakaitika kune mumwe musha muIndia.
Haji aiva mukomana wemakore gumi uye aiva nenungo zvikuru. Aigara namai vake na sekuru vake mukamba kadiki. Amai vake vaishanda zvakaomarara zvikuru mumunda uye sekuru vake vairuka mabhasikiti kuti vawane mari yechikafu. Haji hapana chaaiita kubatsira mhuri. Aiva nenungo dzinoshamisa.
Haji akapedza nguva yake zhinji achironga nekurota kuti angapfuma sei asina kushanda uye kuti angawana sei nzou yake pachake.
Muparidzi wemumusha umu, Mukoma Samuel vaiuya kuzoshanyira Haji kumba kwavo kakawanda. Amai nasekuru vaHaji vainge vaita maKristu pavakatanga kunzwa nezveshoko. Haji aisada kunzwa Mukoma Samuel vachitaura pamusoro paJesu uye pamusoro pezvivi uye kuita zvakanaka. Aihwanda kana Mukoma Samuel vachinge vauya.
Haji ainge azere nemafungiro ake pachake pamusoro peupenyu uye kuti angafara sei. Uye asisada zvidzidzo kubva kuna Mukoma Samuel nekabhuku kavo!
Rimwe zuva Haji akabva pamba ndokuenda kusango. Akaronga kuti awane nzou. Panguva ino mhuka zhinji dzainge dzisisaonekwi mumisha maigara Haji. Asi aiva netarisiro yekuwana nzou chete.
Haji akapedza mazuva matatu neusiku hutatu ari musango achitsvaga nzou. Hapana chaakawana. Haji akafunga, Ndinovimba sekuru vaitaura chokwadi. Nzou dzose dzakaenda kure chose.
Nechinguvacho, Haji akanzwa karuzha pamusoro pechikomo, aiva mwana wenzou ainge abatwa nemusungo. Yakachema ichiedza kudambura musungo uyu.
Hana yaHaji yakarova.
Akazadza maoko ake nehuswa ndokuenda nahwo kunopa nzou iyi. Akasevenza zvakanyanya kuti asunungure musungo uyu, pakupedzesera akazokwanisa.
Haji akaruka gasho nemakavi ndokusungira nzou iya pamuti. Vakava shamwari, Haji ainge aponesa upenyu hwenzou.
Apo Haji nenzou zvakafamba zvichienda kumusha, vakarasika. Vakasvika pane mumwe musasa mukati mesango. Mazwi aidaidzira zvikuru ainzwika achibuda mumusasa umu. Haji akasungira nzou yake ndokuenda kunodongorera achiterera mashoko evarume vatatu vaivamo.
"Hatikwanisi kupinda nepagedhi. Ndiro dambudziko redu rega iroro," akadaro mumwe murume.
"Dai tanga tiine nzou," akadaro mumwe murume.
Varume ava vairongei?
Haji akabva ananga pamusiwo. "Ndine nzou. Munoidii?"
Varume vakashamiswa! Vakatora mazibanga makuru ndokuisa Haji mukona.
"Kuti zvikunakire, tinoda nzou kuti idhonze magedhi emuzinda waRaja. Ane zvinhu zvakawanda zvinokosha zvatinoda kutora."
"Ndichakubatsirai. Munokwanisa kushandisa nzou yangu. Chamunongofanira kuita kundipa madhora mazana maviri kuti mushandise nzou yangu iyi," akadaro Haji.
Varume vakabvuma. Haji akafunga kuti ainge akangwara zvikuru. Ainge azowana zvido zvake pakugumisira, kuva nenzou inzira iri nyore yekupfuma nayo.
Zuva raitevera, Haji akasangana nevarume ava kunze kwemagedhi epamuzinda waRajah. Haji akaunza nzou yake.
Nzou yakadhonza zvakaomarara kusvikira yazokwanisa kuwisa magedhi. Varume vatatu vakamhanyira mumuzinda, mukati merima. Haji akamirira panze pagedhi.
Pakarepo, varume vatatu vakadzoka ndokumhanya nepaiva naHaji.
"Misai mbavha!" vakadanidzira vachengeti vaRaja. Vakamhanyira kumagedhi ndokubva vapoteredza Haji. Mbavha dzakabva dzaenda, dzichisiya Haji muubatwa.
Haji akamiswa pamberi paRajah. "Ndinoda kuti utongwe pamusana pekubatsira mbavha idzodzo!" akadaro Rajah.
Haji akaziva kuti aizoendeswa kujeri kunze kwekuti chimwe chinhu chaitika. Akazvipira kutungamirira vachengeti vaRajah kwaigara mbavha dziya.
Rajah akabvuma ndokubvumira Haji kuti atungamirire vachengeti makumi maviri kusango kwaigara mbavha.
Vachengeti vakakomberedza musasa uyu.
"Simudzai maoko mudenga," akadanidzira mukuru wevachengeti ava.
Mbavha dzakapindura nekuridza pfuti. Apo mabara aimhanya, nzou yaHaji yakabva yapfurwawo mukatimo ndokubva yafa!
Vachengeti pavakazobata mbavha idzi, vakadzokera kumuzinda. Haji aichema mufambo wese wekudzokera.
Rajah akatenda Haji pamusana pekushinga kwake nekuita chinhu chakanaka. Akabvumidzwa kudzokera kumba.
Hapana zvimwe zvaifungwa naHaji kunze kwedambudziko iri. Mukoma Samuel vakauya kuzomuona.
"Mafaro echivi mapfupi pfupi," vakadaro Mukoma Samuel. "Asi Mwari vanokuda uye vanoda kukupa mafaro anogara narini."
Haji akagashira Jesu mumoyo make akamuita Mambo weupenyu hwake.
Zuva raitevera, Haji akaenda kumunda naamai vake.
Ndichashanda uye zvinhu zvakanaka zvichauya nenzira kwayo, akafunga Haji.
Mumashure mekushanda mumunda kwesvondo rimwe, Haji akagashira nhau kubva kuna Rajah. Akaenda kumuzinda kwake.
Apo Haji akapinda mumuzinda waRajah, Rajah akamupa mwana weNzou ainge akangofanana neakanga apfurwa. Haji akafara zvikuru, akasimudza maoko ake ndokutenda Mwari pamusana pekuti akaziva kuti Mwari ainge aunza nzou iyi.
DZOKORORO
Chidzidzo chechitatu
Shandisai shoko:
Rega vana vaite kamutambo kanoratidza mwana ari kuedza kuvhara chivi, uye mubereki, shamwari kana mudzidzisi etc., ozozvibata. (Izvi zviri nyore kwavari pane kuti vabvume kuti ndivo vakaita zvakashata izvi) Taurai pamusoro pemutambo uyu mumashure, uchibvunza kuti vaidai vakaita sei. Kana pachine nguva, rega vana vadzokorore mutambo vachibvuma zvivi zvavo pane kuzviviga.
Mibvunzo:
1. Mwari aitarisira mipiro yakaita sei kubva kune vanhu?
2. Ndiani aiva mwana waAdama mukuru?
3. Kaini aiita sei kuti ararame?
4. Kaini akapa chii kuna Mwari?
5. Mupiro waKaini wakafadza Mwari here?
6. Aberi aiita sei kuti ararame?
7. Aberi akapa Mwari chii?
8. Mwari vakatambira here mupiro waAberi?
9. Kaini aikwanisa kunge akapira hwayana sei?
10. Sei Kaini asina kupa mupiro wehwayana kuna Mwari?
11. Mwari akati chii chaizoparadza Kaini kana achinge aramba kuterera Mwari?
12. Kaini akaita sei kuna Aberi?
13. Mwari vakabvunza chii kuna Kaini pamusoro paAberi?
14. Kaini akabvuma pakarepo here zvaainge aiita?
15. Chii chakachema kuna Mwari chikaratidza chivi chaKaini?
16. Kaini akabudirira here kuviga chivi chake?
17. Kaini akaramba achigara here munzvimbo yaaigara kare?
18. Kaini aitiza chii apo akatama?
19. Chii chinobvisa vanhu pana Mwari?
20. Ndechipi chinhu choga chinokwanisa kubvisa chivi?
MURUME AKAFAMBA KUENDA KUDENGA
Chidzidzo chechina
Ndima yekuverenga: Genesi 5:18-24
Chokwadi: Zvido zvaMwari nezvekuyanana nevanhu.
Ndima Yemusoro: 1 Johane 1:3, "Kuyanana kwedu tinako naMwari, noMwanakomana wake Jesu Kristu."
Kamutambo: "Enoki anofamba naMwari"
Chidzidzo: "Kubvutwa"
Zvinodiwa: Enoki (11), vanhu vasakarurama (23), makore (12)
Kumudzidzisi:
Enoki aingoita zvaiva naMwari mundangariro. Munhu wese anokwanisa kuziva Mwari zvakanyanya. Mwari vanoda kuti vabatsire vanhu vose kuti vave zvinhu zvakanaka muupenyu. Mwari havangopa mitemo asi vane chekuita nevanhu.
Kana tikayanana naMwari, tinofanira kuziva kuti Mwari vanoda kuti tive nezvakanaka nguva dzose. Kutenda kwedu kwete kusava nezvivi kwedu kana mabasa edu anoita kuti tigashirwe naMwari. Enoki aiva mutadzi asi aiziva kuti angavimba naMwari sei nekuwana nyasha zvisinei nezvivi zvakamukomberedza.
Tsanangudzo:
I. Paiva nemurume akatendeka ainzi Enoki aifamba naMwari.
A. Enoki aiva wechinomwe kubva kuna Adama, kana kuti aiva muzukuru mukuru.
B. Enoki anofanira kunge akanzwa nezvekusikwa kwevanhu kubva kuna Adama chaiye nekuti ainge achiri kurarama panguva yekuzvarwa kwake.
C. Enoki akaziva pamusoro paMwari kubudikidza nebindu reEdeni.
1. Bindu reEdeni rakaramba riri panyika kusvikira panguva yemvura yaNoah.
2. Hapana munhu aibvumirwa kupinda mubindu umu nekuti vatumwa vaMwari vaigara vakachengetedza.
D. Enoki akatenda zvose zvaakadzidza pamusoro paMwari.
1. Vanhu vakawanda nhasi havabvume kuti Mwari anotaura nevanhu.
2. Vamwe nanhasi havabvume kuti bhaibheri ishoko raMwari.
II. Enoki haana kukanganisika nevavakidzani vake vasakarurama.
A. Vanhu vakawanda panyika vakagara upenyu husakarurama uye havana kuita hany'a nekudzidza pamusoro paMwari.
1. Munhu haangakwanise kuda Mwari nechivi nguva imwe chete.
2. Vanhu vasakarurama havakwanise kupinda mukubwinya kwaMwari.
B. Enoki akaramba kudzidza chivi nekuti akaona zvachakaita kuvanhu.
1. Mwari vanovenga chivi pamusana pezvachinoita kuvanhu.
2. Mwari vanorambidza vanhu kuita zvimwe zvinhu nekuti vanoziva kuti zvinhu izvozvo zvinokuvadza vanhu.
C. Enoki aiva nesimba rekuramba chivi pamusana pekuti aifamba naMwari.
D. Tinokwanisa kufamba naMwari saEnoki.
1. Tinofanira kugashira Jesu samambo nemuponesi wedu.
2. Tinofanira kudzidza pamusoro paMwari kubudikidza neshoko rake, bhaibheri.
3. Tinonzwa mweya waMwari mumoyo medu.
E. Mweya yevanhu inenzara dzekunzwa shoko raMwari.
III. Rimwe zuva Mwari vakatora Enoki kuenda naye kudenga.
A. Apo Enoki ainge ave nemazana matatu emakore ane makore makumi matanhatu nemashanu, akaenda kudenga.
B. Enoki haana kufa asi akaenda nemuviri wake kuna Mwari.
C. Mumwe musi, Jesu Kristu vachadzoka panyika kuti vatore vateveri vavo kudenga sezvakaitwa kuna Enoki.
1. Chiitiko ichi chinonzi "kubvutwa."
2. Mupositora Pauro akataura nezvazvo muna 1 vaTesaronika 4.
D. Tinokwanisa kuona kuti tagadzirira kuenda kudenga.
1. Tine upenyu kana tina Mambo Jesu Kristu. (1Johane 5:13)
2. Ruponeso rwedu harungouya, asi runotouya nekutenda mune zvatakaitirwa naJesu pamuchinjikwa.
Dzidziso yemweya:
Kudenga, kudenga,
Akaraidza zviriko
Zvakakosha zvekudenga, akandipa
Zuva iro ndakaita Jesu Kristu mambo wangu.
Kudenga, ndewekudenga
Zuva rega rega ndinodzidza kumuda zvakapetwa.
Kudenga, upenyu hwangu hwashanduka.
Jesu Kristu ndinofara kuti ndiwe Jehova wangu.
ENOKI ANOFAMBA NAMWARI
Kamutambo Chidzidzo chechina
Vatambi: Enoki, muvakidzani asakarurama, Izwi raMwari
Enoki: (Akafuratira vanhu uye akasimudza maoko achinamata)
Mwari ndibatsirei kuti ndichengetedze upenyu hwangu husina chivi. Ndinoziva kuti ndimi baba vechokwadi uye makasika zvinhu zvose. Ndichakuraramirai upenyu hwangu hwese pamusana pekuti makanaka.
Ndipei simba rekuti ndikwanise kuti "kwete" kana ndiri kuedzwa. Jehova munoziva kuti vavakidzani vangu vazhinji havasakarurama uye vanoedza kundipinza muzvivi. Ndibatsirei kuti ndive mupupuri weshoko renyu kune vanhu ava uye kuti "kwete" kumiedzo yavo.
(Pakarepo Enoki anotendeuka achitarisa kune vanhu)
Ah-h kwaziwai. Ndinonzi Enoki. Ndinofamba naMwari. Handisati ndambomuona asi ndinotenda kwaari. Ndinotaura kwaari uye anotaura kwandiri mumoyo mangu. Mwari vakasika pasi rino, vachisikira vanhu vavakasika, vazhinji vavo havatombomuzivi. Vazhinji vavo vanotaura kuti hakuna Mwari wechokwadi. Vanogadzira zvimwari zvavo nematombo kana nemiti. Pafungei ipapo, vanhu kugadzira zvimwari zvavo. Kana uchigadzira mwari wako pachako zvinoreva kuti hangave nesimba kudarika iwe wakamugadzira.
Asi Mwari vangu vane simba. Vakagadzira nyika yose pamwepo nezviri mairi.
(Murume asakarurama anosvika)
Murume: Iwe Enoki unoda kunzwa ny'ambo here?
Enoki: Zvichengetere kwauri shamwari.
Murume: Mira unzwe Enoki. Ny'ambo imwe chete haina zvaingakanganisa. Ndinoziva kuti uri kutya kuti pamwe haingafadze Mwari wako.
Enoki: Wazvibata.
Murume: Enoki, hakuna Mwari akaita sewaunotaura. Ingori nyaya yakare, ngano.
Enoki: Ndipo pawakarasika ipapo. Mwari wangu anorarama uye ndiye akasika zvinhu zvose.
Murume: Chinonetsa pauri Enoki ndechekuti hauna kana kanguva kekumbofara.
Enoki: Kufara? Hauzive chinonzi kufara. ndinofarira nyika nerunako rwayo.
Murume: Hausati wafara kana usati wambopinda mumabiko edu, Enoki. Ugouya kumba kwangu, musikana wangu anokugadzirira chinwiwa.
Enoki: Musikana wako? Ndakafunga kuti wakaroora zvekare svondo rapera.
Murume: Hongu, ndakaroora svondo rapera kechisere. Asi takatorambana kare. Saka uuye ugoona musikana wangu, akanaka zvikuru.
Enoki: Handisi kuuya kumabiko ako ini.
Murume: Uri kutya kuti ungazosvikofarira vana mwari vedu vezviumbwa here? Tine nguva yakanaka kumba kwangu kana tichinamata vanamwari vedu.
Enoki: Handitye zvifananidzo zvako ini. Hapana chazviri, zvingori zvivezwa nematombo. Sei usingadi kunzwa chokwadi? Mwari havasi mufananidzo. Munhu, munhu chaiye anogara kudenga.. Ndiye musiki wedenga nepasi.
Murume: Ah-h ungatotaura kuti akasika Adama naEva nekuvaudza kuti vasadye muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
Enoki: Ichokwadi, akavaudza kuti vasadye, asi vakadya, uye chivi chaAdama chakaunza chituko panyika.
Murume: Chivi? Hakuna chinhu chinonzi chivi. Chivi ingori pfungwa yako yekuedza kundiita kuti ndisaite zvandinoda kuti ndiite.
Enoki: Chivi chinorwadzisa vanhu vose.
Murume: Handirwadziwe kana ndikaita chaunoti chivi.
Enoki: Wakarwadzisa vamwe nechivi chako. Ko mukadzi wako nevana vatatu vawakasiya uchitsvaga mumwe mukadzi? Ko murume uya wawakabaya nebanga? Ko mhuri iya yawakadzinga kuti mombe dzako dzigowana mafuro?
Murume: Zvakwana Enoki.
Enoki: Uchatenda riini kuti une chivi?
Murume: Hapana apa, ndinoita zvese zvandinenge ndichida kuita. (Anotanga kufamba achienda)Zvandinoda ndizvo zvine basa.
Enoki: Benzi rinozvinyepera asi pasi pemoyo anoziva kuti hazvina kunaka. Haazive Mwari.
(Pakarepo izwi raMwari rinonzwika)
Izwi raMwari:Enoki huya kuno.
Enoki: Hongu, Jehova! (Anobva anyangarika)
KUBVUTWA
Chidzidzo chechina
Ndima yekutarisa: "Nokuti Ishe amene uchaburukira kudenga nokudaidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Zvino isu vapenyu takasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze ishe kudenga, naizvozvo tichava nashe nguva dzose." I vaTesaronika 4:16-17
Zvinodiwa: Mifananidzo miviri yakachekwa (Umwe unomirira muKristu, uye mumwe unomirira murume akarasika) Zvigadzirire pekumira. Uchada kapikiri kadiki nemagineti iri pashinda.
Gadziriro: Namatidza kachipikiri pamusoro wemuKristu. Siya kapisi kachibuda kuti magineti igokwanisa kunonga.
Chidzidzo:
Rimwe zuva, Mambo Jesu vachauya panyika kuzotora vatsvene kumusha wavo chaiwo. Chiitiko ichi chinodaidzwa kuti "Kubvutwa." Kubvutwa zvinoreva kutorwa nekukasika.
Hatisi vepano pasi. MaKristu vagari vekudenga nekuti Jesu Kristu anogara mavari. Jesu akatigadzirira nzvimbo yakanaka kudenga, kusina kurwadziwa asi mafaro chete. Kudenga kunofadza kudarika zvimwe zvinhu zvose kana mimwe mitambo yaungafunga nezvayo. Hakuna usiku! Hakuna kurohwa! Hakuna kurwara! Hakuna hondo! Haufungi here kuti kudenga kuchanakidza?
Jesu achauya sei kuzotitora kuti tiende ikoko? Achashandisa roketi here kana chitundu musere musere? Achaenda nesu tiri mubhazi here? mundege? mumota? Kwete! Achauya ari mumakore otishevedza! Kuchange kuchirira bhosvo, uye nekukasika kunodarika kubwaira kweziso tichabhururuka toenda kudenga kunosangana naJesu
Kunyangwe vanhu vakafa kare vakaenda kudenga vachadzoka vachizotora mitumbi yavo vachibhururukawo kuenda kudenga. Kumakuva inzvimbo yakanyarara zvikuru asi zuva iri kuchange kuine ruzha rukuru. Mitumbi yemaKristu ichange ichibuda mumakuva ichienda kudenga. Vanhu vakafa kare vachamukazve uye havazofi zvekare.
Tichave nemitumbi mitsva isingafe kana kukuvadzwa. Ungasvetuka pamawere asi usingakuvari zvachose! Muviri wako unenge wokwanisa kufamba nekukasika kudarika roketi! Chembere dzichava dzisina kuchembera. Sekuru vako vangakwanisa kumhanya vachikusiya.
Ndiani ane kodzero yekuenda kudenga? Avo vana Jesu mumoyo mavo vachaenda.
Tarisa izvi! (Rembedza magineti uchitenderedza pamuKristu kusvikira muKristu adhonzwa nemagineti.) Nekuti tina Jesu mumoyo medu, tichadhonzerwa kwaari apo anouya. (Simudza mufananidzo mumhepo)
Havasi vose vachamutswa kana Jesu auya. Vatadzi havaiti rwendo urwu nekuti havana Kristu. (Rembedza magineti pamutadzi uchiratidza kuti hazvikwanisike kuti mutadzi asimudzwe.) Hapana chiri pamutadzi chinokwanisa kuti Jesu amukweve aende naye.
Uri muKristu here? Jesu anogara mumoyo mako here? Unokwanisa kumukumbira izvozvi!
DZOKORORO
Chidzidzo chechina
Shandisai shoko:
Mwari vanotaura nesu nguva dzose. Anotaura mumoyo medu. Dzimwe nguva anotiudza zvekuita kana kutiyambira munjodzi. Dzimwe nguva anotiudza kuti tive nerudo kune mumwe munhu. Dzimwe nguva anotiudza kuti tisaite zvakashata. Mwari vati vambotaura newe here? Wakaita sei? Chii chakaitika?
Kamutambo kedzokororo - Enoki anoenda kudenga
Zvinodiwa: Bhodhi rekunyorera, choko
Ganhura bhodhi nepakati, kuti uite mabato maviri. Nyora makore gumi namaviri akaturikidzana kumativi ose ebhodhi. Cheka vana Enoki vaviri uchivaita vave masendimita makumi matatu umwe chete. (Kana usingakwanise kunyora cheka mabhokisi maviri wonyora kuti Enoki pane ese.)
Sarudza zvikwata zviviri nevabatsiri vaviri. Bvunza mubvunzo, wosarudza mwana kuti apindure. Kana mhinduro iri yechokwadi ita kuti mubatsiri afambise Enoki chidanho chimwe chemakore. Chikwata chinenge chakwanisa kuti Enoki atange kusvika kudenga ndicho chinenge chakunda.
Mibvunzo:
1. Nyika yainge yakaita sei panguva dzaEnoki?
2. Enoki anokwanisa kunge akaziva nezvaMwari sei?
3. Adama akararama kwemakore mangani?
4. Chii chakanga chakasiyana pana Enoki nevavakidzani vake?
5. Mweya waMwari unogara pai panyika nhasi?
6. Chii chinotadzisa vanhu kugara padyo naMwari?
7. Chii chakaitika kuna Enoki apo akanga ava nemakore mazana matatu ane makore
makumi matanhatu nemakore mashanu?
8. Sei hama neshamwari dzaEnoki dzisina kuona mutumbi wake?
9. Enoki akafa here?
10. Enoki akataura kuti chii chinozoitika kune vasakarurama?
11. Chii chinhu chekutanga mukufamba naMwari?
12. Mutendi akasimba angava here shamwari yenyika?
13. Ndiani anotungamirira vanhu vasingazive Jesu samambo nemuponesi?
14. Vavakidzani vaEnoki vaitenda muna Mwari here?
15. Enoki aiva nebasa here nezvaifungwa nevamwe vanhu pamusoro pake?
16. Tingaziva Mwari zviri nani sei?
17. Ndeipi nhengo yedu inochemera kuziva Mwari?
18. Sei Jesu achizodzoka panyika zvekare?
19. Ndezvipi zvinhu zvinoshanduka mumiviri yedu apo Jesu anodzoka?
20. Chii chichaitika kuMakristu akafa panyama apo Jesu anodzoka?
NOA - MUPARIDZI WEKURURAMA
Chidzidzo chechishanu
Ndima yekuverenga: Genesi 6:5 - 9:17
Chokwadi: Kutongwa kunouya nguva dzose kune usakarurama.
Ndima yemusoro: II Petro 3:9, "Nokuti haadi kuti vamwe varasike, asi kuti vose vatendeuke."
Kamutambo: "Ngarava yaNoa"
Chidzidzo: Ngano - "Haufanire kuhwanda"
Zvinodiwa: Noa (13), Ngarava (14), makore (12), mhuka (10,15-21,47), mhuri yaMwari (22), vanhu vasakarurama (23)
Kumudzidzisi:
Mwari vakatirongera zvinhu zvakawanda. Vanoda vanhu zvikuru, saka vakatuma Noa kuti azoyambira vanhu panyika kuti vatendeuke kubva muzvivi zvavo. Noa akaparidza kwemakore anokwana zana asi mumashure menguva yose iyoyi hapana akatendeuka kunze kwemhuri yake.
Mwari vainge vavimbisa kutumira mununuri, asi zviito zvevanhu zvainge zvaipa zvikuru, kubudikidza nevatumwa vainge vapanduka, (vanakomana vaMwari, kana kuti vanakomana vaElohim, Genesi 6:2). Kuti akwanise kunzwira nyasha kune vanhu vose, Mwari akamanikidzwa kuparadza nyika nemvura kuti ave nerudzi rwakarurama panozouya mununuri.
Pamusoro pekururama kwake, rudzi rwaNoa rwaiva rwakarurama zvekare (Genesi 6:4). Maiva musina chakaipa munhoroondo yemhuri yaNoa. Numeri anotaura kuti maiva nevanhu vakuru vaiva neminwe mitanhatu nezvigunwe zvitanhatu kudivi rimwe regumbo kana ruoko. Jude anotaura kuti vamwe vatumwa vakashandura maitiro avo. Izvi zvinotaura pamusoro pevana vaMwari vari muna Genesi 6 avo vaiva nevana vane minwe mitanhatu.
Chidzidzo ichi chinokwanisa kudzidziswa zvakanaka zvisinei nerutivi rwako panyaya iyi, asi munyori akaisa nyaya idzi kuti ugozokwanisa kuverenga zviri mberi. Panguva dzose, kutonga kwaMwari kune vakaipa kunozoguma kwava nyasha kune vakarurama.
Tsanangudzo:
I. Mwari vakayambira Noah kuti nyika yaizoparadzwa nemvura.
A. Vanhu venguva yaNoa vaiva vasakarurama zvekuti vaingofunga nezvekuita zvakaipa chete.
B. Noa akaparidzira vavakidzani vake vasakarurama asi hapana kana mumwe wavo akaterera.
1. Munhu wese anokwanisa kuita sarudzo yekuita zvakanaka kana zvakaipa.
2. Satani anoedza vanhu kuti vaite zvisakarurama uye tinoda simba raMwari kuti timudzivise.
C. Apo Mwari vakayambira Noa kuti nyika ichavharwa nemvura, vakamuudza kuti avake ngarava.
1. Ngarava iyi yaifanira kuva mafiti mazana mana ane mafiti makumi mashanu nemashanu. (Nhabvu imwe chete nechidimbu yekutambira bhora)
2. Yaifanira kupamhamha mafiti makumi manomwe ane mashanu.
3. Yaifanira kureba mafiti makumi mana.
4. Mwari akaudza Noa kuti avake zvikamu zvitatu mukati mengarava.
5. Ngarava iyi yaikwana matiroko mazana mashanu ezvitima zvanhasi!
D. Mwari akatenda yambiro yaMwari kunyangwe zvayo yainge yakaoma.
1. Kwakanga kusati kwambonaya.
2. Ngarava iyi yaifanira kunge iri hombe zvekuti yaitora makore mazhinji ichivakwa.
II. Apo Noa akapedza kuvaka ngarava, mvura zhinji yakauya, sekuvimbisa kwainge kwaitwa naMwari.
A. Mwari vakatumira mhuka dziri mbiri mbiri kuti dzive mungarava yaNoa.
B. Pamusana pekuti Noa aizodzida, Mwari vakatumira hwai nomwe, mombe nomwe kungarava.
C. Vanhu voga vakapinda mungarava naNoah vaiva iye nemudzimai wake, uye vanakomana vake vatatu nevakadzi vavo vatatu.
D. Mwari paakaona kuti Noa nemhuri yake vava mungarava, akavhara musiwo wengarava.
1. Vanhu vazhinji vasakarurama vanogona kunge vaidawo kupinda mungarava asi havaikwanisa.
2. Yasvika nguva zvino yekugashira Jesu kuti tiponeswe. Kana tikamirira kusvika pakufa, tinenge tagarisa.
E. Kwakanaya kwemazuva makumi mana neusiku makumi mana.
1. Noa akagara akachengetedzeka zvakanaka pamwe nemhuri yake kubva mumvura kusvikira mvura yazodzika mumashure memwedzi gumi nemina.
2. Zvakatora nguva kuti pasi paome.
III. Mwari akakomborera Noa ndokupa nyika mavambo matsva.
A. Noa akatenda Mwari nekuchengetedza mhuri yake.
B. Mwari vakaudza Noa kuti aronge nyika zvakare.
C. Mwari vakaudza Noa kuti hakuchazovazve nemvura yakawanda zvakadai.
D. Mwari vakaratidza muraraungu mudenga sechiratidzo chevimbiso yavo.
E. Iye zvino nekuti painge pava nerudzi rwakarurama, mununuri ainge ataurwa nezvake aikwanisa kuchiuya.
Dzidziso yemweya:
Ndinouya kwauri, Jehova Jesu.
Ndinokupa moyo wangu wese
Ndiwe shamwari yakanaka kuva nayo, yechokwadi.
Kana ndikaudza dzimwe shamwari dzangu
Nezverudo rwako kwavari
Ndinovimba kuti uchavabatsira kuti vauye kwauri.
NGARAVA YANOA
Kamutambo Chidzidzo chechishanu
Vatambi: Noa, Shem, Muvakidzani asakarurama.
(Noa anopinda aine nyundo mumaoko make. Ruzha rwevavaki rwuri kunzikwa kubva panze)
Noa: (Noa anotarisa kubva pasiteji) Jafeti sanganisa tara iyo. Ham, ndinoda mamwe mapuranga matanhatu akaenzana nerawapedzisira kundipa. Shem! Shem?! Uripiko?
(Pakarepo, Noa anotendeuka otarisa vanhu)
Kwaziwai. Ini ndini Noa. Sezvamuri kungoona, tiri pabasa kuvaka ngarava asi ndinofunga ndinga ngowana kanguva kashoma kekutaura nemi.
Pamwe muri kunetseka kuti sei vana vangu neni tiri kugadzira ngarava. Tiri kuzviita nekuti Mwari vakandiudza kuti ndizviite. Vakandiudza kuti pasi pose pachavharwa nemvura.
(Pakarepo muvakidzani waNoa asakarurama anopinda)
Muvakidzani: Noa wavapo zvekare? Unofunga kuti pane mumwe munhu here angatenda zvawakataura pamusoro pemvura?
Noa: Ndinotenda mune zvakataurwa naMwari.
Muvakidzani: Unopenga Noa. Pasi pose pangazara nemvura sei? Mvura inganaya sei kubva mudenga?
Noa: Mvura.
Muvakidzani: Mvura, unotenda kuti mvura ichanaya?
Noa: Ndinoziva kuti ichanaya! Ndicho chikonzero ndiri kuvaka ngarava.
Muvakidzani: Noa, chitarisa. Ngarava ndedze nzizi nemakungwa. Hapana kana rukova ruri padyo nepano apa.
Noa: Kana kukanaya kuchava nemvura yakawanda inoita kuti ngarava ifambe.
Muvakidzani: Zvakanaka. Rega ndimbokubvunza mubvunzo. Sei uri kuvaka ngarava yakakura zvakadai?
Noa: Ndiri kuda kununura mhuka kuti dzisanyure.
Muvakidzani: Vakomana, iny'ambo rudziiko iyoyo! Noa uri kutamba nenguva nekutambisa mapuranga akanaka zvekare. Ndiko kunonzi kupenga chaiko uku! (Anoenda achiseka)
Noa: Kupenga nekusapenga, ndichaita zvandakaudzwa naMwari kuti ndiite. (Anotarisa kuseri kwesiteji) Shem! Ndiwe here?
Shem: Hongu, Baba. (Anopinda) Pane chinhu chinoshamisa chabva kuitika. Madhongi maviri hadzi nemukono zvabva kusvika pangarava.
Noa: Zvakanaka! Mwari vari kutaura nemhuka kuti dzizove nesu mungarava. Mwanangu, madhongi iwayo anotofunga kudarika vamwe vanhu vandinoziva. Ngatichiitai basa. (Noa naShem vanobva vachiseka.)
HAUFANIRE KUHWANDA
Ngano Chidzidzo chechishanu
Rimwe zuva Gospel Bill na Nicodemous vaitasva mabhiza avo vachienda kuguta apo vakamira kuti vanwise mabhiza avo mvura. "Pane munhu here apo?" akashevedzera Gospel Bill. Hapana mhinduro.
"Pane munhu here apa?" akashevedzerawo Nicodemous. "Tinoda kunwisawo mabhiza edu mvura." Hapana kana akapindura kubva muchitangwena ichi. "Handifungi kuti pangave nedambudziko kana tikanwisa mabhiza edu mvura," akadaro Nicodemous.
"Ndinodavira kudaro," akadaro Gospel Bill. Vafudzi vaviri ava vakaenda nemabhiza avo kuti anwe mvura pamberi pechitangwena chiya. Apo mabhiza ainwa mvura, Gospel Bill akanzwa kukokwa kwepfuti mumashure mavo.
"Musacheuke," rakadaro izwi rakazhezhera. Kandai pfuti dzenyu pasi mese. Kana mukangozunguzika chete munoenda kuna musiki iye zvino."
"Zvakanaka," akadaro Gospel Bill. Hapana chimwe chatiri kuda kunze kwekunwisa mabhiza edu mvura."
"Ndinoziva kuti ndimi vana ani," rakadaro izwi riya. "Muri vanhu vemitemo. Mauya kuno kuzonditora. Zvisinei hapana kwandiri kuenda."
"Chionai, vakuru," akadaro Bill, "Hatina kuuya kuzokutorai. Chatanga tiri kuda kunwisa mabhiza edu mvura chete."
"Ndizvozvo," akadaro Nicodemous. "Hatitomboziva kuti ndimi ani."
"Ndizvo zvandinoda kuti ndigare ndiri!" rakadaro izwi riya. "Chitendeukai asi musatomboedza zvenyu chimwe chinhu."
Apo Gospel Bill naNicodemous vakatendeuka, vakashamiswa kuona kadhara kane ndebvu chena kakabata pfuti. Kaiva kakaonda uye kaine kumeso kwaunyana.
"Vakuru," akadaro Gospel Bill zvinyoro nyoro," Chibvisai pfuti iyoyo. Hamusi kuzotipfura uye hatisi kuzokukuvadzai. Isai pfuti iyoyo pasi pamwe tingakwanisa kukubatsirai."
"Hamungandibatsire. Ndiri mudambudziko nemutemo uye hapana chamungaita," akadaro mudhara uya. Mumashure menguva vachikumbira mudhara uya, Gospel Bill akazoita kuti vaise pfuti yavo pasi.
"Chitiudzai kuti dambudziko ramunaro nderei," akadaro Gospel Bill.
"Zvisinei," akadaro murume uya, "Makore mazhinji akapfuura, ndaisevenzera mumwe murume mumapurazi ekuMarondera, ndikaneta nazvo saka ndakabvapo."
"Hapana mutemo unopikisana naizvozvo," akadaro Nicodemous.
"Ndakaba rimwe remabhiza ake ndokutasva ndoenda," akadaro mudhara uya. "Ndinoziva kuti mutemo uchiri kunditsvaga."
"Zvakaitika riini?" akabvunza Gospel Bill.
"Oh, ndinotondera kuti ndaiva nemakore makumi maviri nemashanu panguva idzodzo. Panofanira kunge papera makore makumi mana kana kudarika," akapindura mudhara uya.
"Makumi mana emakore?" akabvunza Nicodemous. "Manga muchinetseka pamusana pebhiza ramakaba makore makumi mana akapfuura?"
"Zvisinei, ndakarerwa kuti ndisabe," akadaro mudhara. "Pandakatora bhiza iroro ndicho chinhu chandakaba chega muupenyu hwangu hwese."
"Zvakanaka," akadaro Gospel Bill, "Ndine nyaya yakakunakirai. Mutemo hausi kukutsvagai."
"Hausi? akashamisika mudhara uya.
"Hongu," akadaro Bill. "Ndinoona mapepa ose muhofisi huru yemapurisa, asi handisati ndamboona nyaya yenyu."
"Unoreva kuti handisi kutsvagwa ?" akabvunza mudhara uya.
"Ndizvozvo," akadaro Gospel Bill. "Pamwe murume wamakabira bhiza iroro akatofa kare. Madii kunyorera mhuri yake tsamba muchitaura kuti munoda kubhadhara kuti mukanganwe nezvenyaya iyi?"
"Saka handizofaniri kutiza zvekare. Handizofanira kuhwanda kana kutya kubatwa nemapurisa?" akabvunza murume.
"Ndicho chokwadi," akadaro Gospel Bill. "Unobva wachenurwa, ndiko kepiri mumwe munhu akuitira izvozvo."
"Kepiri?" akabvunza murume. Unorevei?"
"Jesu Kristu, manakomana waMwari, akabvisa zvivi zvako zvese apo akafa pamuchinjikwa. Pana Mwari, wava munhu aregererwa," akapindura Gospel Bill.
"Zvingaitika sei zvakadaro? Ndakaita zvinhu zvakawanda zvakaipa," akadaro mudhara uya.
"Jesu akatora chinzvimbo chako apo akafa pamuchinjikwa makore zviuru zviviri akapfuura. Mwari vakaisa zvivi zvako pana Jesu kuitira kuti musazvibhadharire," akadaro Gospel Bill achinyemwerera.
"Kana ndichifanira kubhadharira zvivi zvangu zvese," akadaro murume, "Ndingave mumatambudziko."
"Zvisinei, hamuchafaniri kuzvibhadhara," akadaro Gospel Bill, "asi pane chinhu chimwe chete chamunofanira kuita."
""Chii ichocho? Kune kuteiwa here pane zvose izvo?" akabvunza mudhara.
"Hapana kuteiwa. Unofanira kuudza Mwari kana uchida ruregerero irworwo kana kuti kwete," akadaro Bill.
"Ndingamuzivisa sei kuti ndinoruda?" akabvunza murume achiratidza kufara.
"Unonamata uchikumbira Jesu kuti apinde mumoyo mako uye ave mambo weupenyu hwako," akapindura Gospel Bill.
"Vakuru, handina chokwadi chekuti ndinganamata sei," akadaro mudhara uya.
"Ndichakubatsirai," akadaro Gospel Bill.
Nicodemous naGospel Bill vakanamata nemudhara uya kuti agashire Jesu. Akafara zvikuru kuti asunungurwa kubva muzvivi zvake zvekuti akaridzira pfuti yake mudenga.
"Ndafara chaizvo kuva nemi vakomana nhasi."
"Hatina kungosangana nje-e," akadaro Gospel Bill."Mwari akatitumira kuno kuti muzive kuti hamufanire kuhwanda Mwari kana mumwe munhuwo zvake."
DZOKORORO
Chidzidzo chechishanu
Shandisai shoko:
Noa akaparidzira vanhu pamusoro paMwari kwemakore anodarika zana, asi hapana akatendeuka, saka vakaparadzwa. Makanzwa sei pamusoro paJesu naMwari? Kubva kuvabereki? Kubva kushamwari? Kubva kumudzidzisi? Makatenda here zvavakakutaurirai?
Kamutambo - Ngarava yaNoa
Zvinodiwa: Bhodhi rekunyorera, pepa guru risina mitsetse, zvekunamatidzisa.
Gadzira ngarava huru kubva papepa rekhakhi. Cheka zvekare mhuka gumi nembiri dzakasiyana marudzi dziri nzombe nedzimwezve gumi nembiri dziri hadzi. Penda mhuka idzi neruvara rwakasiyana kana dziri dzerudzi rumwe chete sekuti mombe ruvara rwadzo etc. (Kana usingakwanisi kugadzira mhuka dzakasiyana idzi, cheka zvibhokisi wonyora marudzi emhuka)
Sarudza zvikwata zviviri nevabatsiri vaviri. Bvunza mubvunzo, wosarudza mwana wekuti aupindure. Kana mhinduro iri iyo, mubatsiri wechikwata ichocho anofanira kunamira mhuka iyoyo mungarava. Chikwata chichatanga kuzadza mhuka dzacho mungarava ndicho chinenge chakunda.
Mibvunzo yemutambo:
1. Ndiani akayambirwa pamusoro pemvura zhinji?
2. Sei Mwari vakati mvura zhinji ichauya?
3. Vanhu venguva yaNoa vaiwanzofunga pamusoro pei
4. Noa akaitei kuti ayambire vavakidzani vake?
5. Mwari vakaudza Noa kuti avake chii?
6. Ngarava yainge yakareba zvakadini?
7. Ngarava yainge yakapamhamha zvakadini?
8. Ngarava yainge yakakura zvakadini kuenda kudenga?
9. Ngarava yaiva nemipanda mingani?
10. Ngarava yaikwanisa kukwana matiroko mangani echitima?
11. Vanhu vangani vakapinda mungarava naNoa?
12. Mwari vakachengetedza sei mhuka?
13. Ndedzipi mhuka dzakauya kungarava dziri nomwe?
14. Ndiani akavhara musiwo wengarava?
15. Vanhu ava vainge vati vamboona mvura inonaya here?
16. Kwakanaya kwenguva yakadii?
17. Noa nemhuri yake vakagara zvakadini mungarava?
18. Ngarava yakazomira kupi?
19. Mwari vakavimbisa Noa kuti vaizorega kuita sei zvekare?
20. Ngarava yaNoa chiratidzo chaani?
SVINGO GURU RANIMIRODI
Chidzidzo chechitanhatu
Ndima yekuverenga: Genesi 10:6-12, 11:1-9
Chokwadi: Chivi chinounza nyongano nekutongwa.
Ndima yemusoro: Zvirevo 16:18, "Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, uye mweya wemanyawi unotangira kuwa.
Kamutambo: "Hurukuro naNimirodi"
Chidzidzo: Ngano - "Bhodhi nemweya"
Zvinodiwa: Nimirodi (24), rusvingo rweBaberi (25), vanhu vasakarurama (23), zviratidzo zvenyenyedzi (26), makore (12)
Kumudzidzisi:
Vanhu vakatangazve kusaterera mirairo yaMwari. Murairo waiva wekuzvarana uye kuzadza nyika, asi Nimirodi haana kutevera hurongwa hwaMwari, akatanga kuvaka rusvingo rweguta. Nimirodi ndiye mambo wekutanga weBaberi zvekare munzvimbo iyoyi ndimo makatangwa kudzidzwa pamusoro penyenyedzi. Hazvishamisi kuti ndizvo zvakakonzera kuvakwa kwerusvingo rweBaberi. Panzvimbo yekuratidza vanhu kuna Mwari, Nimirodi aida kutonga nekuita kuti vanhu vaite zvido zvake kuti iye agorumbidzwa.
Mwari vakapa vanhu nyenyedzi kuti dzivabatsire kuziva mwaka yekurima, zvekare kune magwaro anotsigira kuti mwaka yairatidza kuuya kwemuponesi aizodzikinura nyika. Vanhu vasakarurama vakashandura chinangwa chenyenyedzi kuti vafembere zvinhu zviri mberi, uye ndipo pakatanga kufembera kwenyenyedzi uku. Chinangwa chikuru chakava chekuita zvifungidziro uye kupa simba kune vasakarurama kuti vatyisidzire vamwe.
Tsanangudzo:
I. Kwaiva nemumwe muvhimi mukuru ainzi Nimirodi.
A. Sezvo nyika yainge izere nezvikara, muvhimi airemekedzwa zvikuru nevanhu vose.
B. Nimirodi aiva muzukuru waNoa. MuchiHeberu zita rake rinoreva kuti "Tichamukirana."
C. Apo bhaibheri rinoti Nimirodi aiva muvhimi mukuru pamberi paMwari, zvinotaura kuti aizvidza Jehova pachena.
D. Zvinyorwa zvinotaura kuti vanhu venguva yaNimirodi vainge vakabatikana zvikuru nekutenda muvafemberi.
E. Nimirodi akazvidza hurongwa hwaMwari hwekuzadza nyika yese nekuunganidza vanhu panzvimbo imwe chete.
1. Nimirodi aida kutonga nekutyisidzira vanhu. Ndiye aiva mumwe wevanhu vekutanga kutonga pasi pano.
2. Mwari vaisada kuti vanhu vavake maguta makuru nekuti ndimo munotangira huori.
II. Nimirodi akashandisa chitendero chenhema kuti atonge vanhu.
A. Akaudza vanhu kuti vavake rusvingo rwaizosvika kudenga.
1. Rusvingo rweBaberi rwainge rwakareba mafiti mazana matatu zvichitariswa nevakange vakadzidza panguva iyoyo.
2. Zvinofungidzirwa zvekare kuti zviratidzo zvenyeredzi zvainge zvakanyorwa pamusoro perusvingo panguva iyoyo.
B. Nimirodi akavaka rusvingo kuti zita rake rirumbidzwe.
1. Jesu akati tikazvikudza, tichaninipiswa.
2. Vavariro yedu inofanira kuva yekuunza rumbidzo kuna Mwari nguva dzose nekuti ndiye oga anokwanisa kuita zvido zvevanhu.
C. Shoko raMwari rinotirambidza kudzidza tsika dzemarudzi avanhu uye zviratidzo zvedenga. (Jeremiah 10:2)
1. Satani ndiye mutungamiriri wenzira dzose dzekuda kuziva nezvezvinhu zvichauya zvisingafadzi Mambo Jesu Kristu.
2. Sevatendi, tine bhaibheri neMweya Mutsvene kuti utitungamirire.
III. Mwari vakatonga Nimirodi pamusana pekusarurama kwake.
A. Jehova vakashandura ndimi dzevanhu kubva kurudzi rumwe kuita marudzi akawanda.
1. Pamusana pekuti vanhu iye zvino vava kutaura ndimi dzakawanda, havachakwanisa kunzwisisana. Vava muzvikwata zvakasiyana siyana zvinotaura ndimi dzakafanana.
2. Mwari vakaita izvi kuti zvifadze vanhu. Pasina maguta makuru, kusarurama hakwaikasika kuwanda.
B. Vanhu vakawanda havana kufara nerusvingo saka zvakabva zvaregerwa.
C. Kupandukira Mwari kunorangwa asi kuterera kunowana migove.
Dzidziso yemweya:
Kupandukira, kwete! Kupandukira, enda!
Mweya waMwari unogara mandiri.
Kuzvida kunofanira kuenda! Kusagudzikana, hatidi!
Mweya waMwari unogara mandiri.
HURUKURO NANIMIRODI
Kamutambo Chidzidzo chechitanhatu
Vatambi: Nimirodi, mubvunzi
Mubvunzi: Vakomana nevasikana, takomborerwa kuti tiwane mukana wekusangana nemuenzi wedu watinaye nhasi. Muvhimi nemuvaki mukuru. Murume uyu ndi Nimirodi.
(Nimirodi anopinda)
Nimirodi: (Achichema) Ndinonzi Nimirodi.
Mubvunzi: Sei usiri kufara, Nimirodi?
Nimirodi: Ndiri kupenga zvekutodya moto chaizvo!
Mubvunzi: Sei uri kupenga zvakadai?
Nimirodi: Hauna kunzwa here kuti chidzidzo changa chiri chei?
Mubvunzi: Hongu wakavaka rusvingo.
Nimirodi: Hongu kwemakore makumi maviri ndakavaka rusvingo. Makore makumi maviri ose iwayo ekuronga nekuvaka akashaya basa.
Mubvunzi: Rusvingo rwawakavaka rwaiva rusvingo rweBaberi. Waisafanira kuruvaka.
Nimirodi: Usandiudze zvekuita. Handitereri kuna ani kana ani zvake. Kana Mwari chaiye handitereri. Ndiri mutongi wezviuru zvevanhu, iwe unozviziva!
Mubvunzi: Waitonga zviuru zvevanhu asi iye zvino havachakunzwisise!
Nimirodi: Mwari vakashandura ndimi dzavo. Ndakange ndagadzirira kuvhura zviri pamutemo rusvingo apo vanhu vose vakatanga kutaura ndimi dzisinganzwisisike. Vanhu vandainge ndaziva kweupenyu hwangu hwese vainge vasisandinzwisise.
Mubvunzi: Hauna kuterera Mwari?
Nimirodi: Usandiudze izvozvo. Ndakura zvekukwanisa kuita zvandinoda.
Mubvunzi: Mwari vakashandura ndimi dzevanhu pamusana pekuti vakakuudza kuti vanhu vapararire nyika yose. Iwe wakaedza kuunganidza vanhu panzvimbo imwe chete.
Nimirodi: Iwe terera, chii chakaipa kuti vanhu vose vaungane panzvimbo imwe chete?
Mubvunzi: Kana vanhu vazhinji vasingatendi vakaungana panzvimbo imwe chete kusarurama kuno wanda.
Nimirodi: Chimbomira kwekanguva! Huori hupi hwakaitwa nevanhu vangu?
Mubvunzi: Chekutanga, wakatanga chitendero chenhema chisina kufadza Mwari. Kuverengwa kwenyenyedzi kwakatanga newe, Nimirodi.
Nimirodi: Saka takashandisa nyenyedzi kuti tizive zviri mberi kakawanda!
Mubvunzi: Mwari vanoziva kuti vanhu vanonyengedzwa naSatani kana vakaterera zvenyenyedzi.
Nimirodi: Handina sarudzo here ini? Handifaniri kuterera Mwari?
Mubvunzi: Kwete, haumanikidzwi kuterera Mwari asi, waimanikidza vamwe kuti vatevere muenzaniso wako wakaipa.
Nimirodi: Zvisinei ndakarova vanhu vane chitsama pamusana pekusashanda zvakakwana parusvingo. Hazvina kuipa. Mwari vakaparadza basa rangu remakore makumi maviri.
Mubvunzi: Hawaifanira kuvaka rusvingo.
Nimirodi: Ndaida kuti ndiite saMwari. Pane chakaipa here ipapo?
Mubvunzi: Mwari anoda kuti uve saiye, Nimirodi, asi kuvaka rusvingo nekuvimba nenyenyedzi handiwo maitiro acho.
Nimirodi: Ndingaita saMwari sei?
Mubvunzi: Ndinoshanda neshoko raMwari nekutenda mariri nemoyo wangu nekuritaura nemuromo wangu. Kana satani akaedza kundiita ndirware, ndinoti, "Nemavanga aJesu ndaponeswa," uye ndozvitenda nemoyo wangu.
Nimirodi: Zvinobatsira chii izvozvo?
Mubvunzi: Zvinoita kuti simba raMwari rishande mumuviri mangu. Ndinoporeswa!
Nimirodi: Kwete, handizvitendi izvozvo. Handitendi mazviri. Ndava kuenda.
Mubvunzi: Unofanira kuramba uri pano uchinzwa zvakawanda pamusoro peshoko raMwari, Nimirodi.
Nimirodi: Kwete, ndava kuenda kunovaka rumwe rusvingo (Anoenda)
Mubvunzi: Vamwe vanhu havambodzidza. Makristu angaita saMwari sei? (Rega vana vapindure) Tinokwanisa kuva saMwari nekufamba mukutenda.
BHODHI NEMWEYA
Ngano Chidzidzo chechitanhatu
Kudzai aifara zvikuru! Akange asisina kana nguva yekumira, chake chaaida kusvika kumba kwaana Fadzai. "Amai, hamukwanisi kumhanyisa mota here?"
"Chimbodzikama," vakadaro amai. "Hausi kuzononoka kumutambo. Ndichakusvitsa ikoko nenguva."
"Uyu ndiwo mutambo werudzi urwu wekutanga kuti ndivepo," akadaro Kudzai achifara zvikuru. "Ndinoziva kuti ndichafara zvikuru! Vakomana vose vatinodzidza navo vari kuuya. Tichafara zvikuru nhasi!"
Mumashure mekanguva amai vakatanga kufamba zvishoma nekuti vainge vosvika pagedhi. "Tasvika," akadaro Kudzai achinyemwerera. "Ndeapo pane maruva matsvuku!" Apo motokari yakamira, Kudzai akasvetuka achibuda akabata gumbeze rake ndokumhanyira kumusiwo. Akapotsa atokanganwa kuoneka amai vake. "Zvakanakai, amai!"
"Zvakanaka, Kudzai," vakadanidzira amai. "Usakanganwe kunamata, ndichauya ndokutora mangwana nguva dzava pana gumi mangwanani."
"Zvakanakai, amai,"akadaro Kudzai ave kutomhanyira pamusiwo wepamba apa. Amai Gate vaiva mudzimai akanaka zvikuru, mumashure mekupa Kudzai chikokisi, vakamuratidza kwaiva nevamwe, kumba yekumusoro. Apo Kudzai aikwira mudenga ainzwa vanhu vaiseka mumba maFadzai.
"Mhoroi vakomana," akadaro Kudzai achipinda mumba umu.
"Ndi Kudzai," akadaro Fadzai kushamwari dzake. "Pinda. Tiri kuedza kuronga kuti tichaitei manheru. Jason anoda kuenda kumba kwavana Tina kunotyisidzira vasikana. Tina ane mutambo wakadai kumba kwavo nhasi zvekare."
"Ngatiitei zvimwe, vakomana," akadaro Lenny. Zviri nani kuti tigotamba chihwande hwande muchivanze." Mumwe nemumwe akatanga kushevedzera zvaaifunga kuti ndizvo zvaifanira kuitwa manheru aya. Pakupedzisira Fadzai akazonyararidza vamwe vake ndokupa chiziviso.
"Zvakanaka, vakomana," akadaro Fadzai. "Baba vangu vari kutigadzirira chikafu chemanheru. Kana tadya, tichatamba chihwande hwande. Kana kwasviba tichabuda muchivanze toenda kumba kwavana Tina kunotyisidzira vasikana."
"Vabereki vako havazotsamwa here kana vakazviziva?" akabvunza Kudzai.
"Kwete," akadaro Fadzai, "Pamusoro pazvo hatitori nguva yakareba tiriko. Kana tadzoka, tichatamba mumwe mutambo wandinawo. Unonakidza asi unoita sechipoko."
Kudzai haana kuziva kuti sei, asi haana kugadzikana apo Fadzai akataura pamusoro pemutambo uyu. Akaisa pfungwa idzodzo parutivi, nguva yekudya yakanga yakwana. Vakomana vaiva nemakundano kuti vawane kuti ndiani aizodya zvakawanda. Semazuva ose Gringo ndiye akakunda nekudya chikafu chakwanda.
Kutamba chihwande hwande muchivanze kwakanakidza zvikuru. Kudzai naLenny vaihwanda muruzhowa rwaivapo.
Kunze kwasviba, Fadzai akadaidza vamwe ndokuvaudza kuti vanyarare apo vaibuda nepagedhi. Pamba pavana Tina paiva padyo zvikuru zvekuti hazvina kutora nguva refu vakomana vasati vasvikapo.
Fadzai naJason vakamara mahwindo emumba maitamba vasikana. Vose vakatanga kuridza mhere, uye vakomana vakabva vatiza vachidzokera kumba kwavana Fadzai.
"Waona here zvanga zvaita kumeso kwaTina apo ndamara hwindo rake?" akadaro Jason.
"Hongu" akadaro Fadzai, "aita sekunge munhu aona chipoko!" Vakomana vakaseka apo vakapinda mumba. "Yasvika zvino nguva yekutamba mutambo wandanga ndiri kutaura uya," akadaro Fadzai.
Kudzai haana kunzwa muviri wake zvakanaka apo akanzwa nezve mutambo uyu zvekare. Akaziva kuti chimwe chinhu chainge chisina kumira zvakanaka. Kudzai aiziva mumoyo make kuti mweya wake waimuudza kuti "chenjerera."
Fadzai akatora chibhodhi chaiva nemavara nemanhamba ainge akanyorwapo. "Mukoma wangu Allen akandidzidzisa kutamba mutambo uyu," akadaro Fadzai. "Unotyisa dzimwe nguva, asi ndinofarira kuutamba. Mweya uchataura nesu kubudikidza nebhodhi iri."
"Uri kutamba here?" akabvunza Lenny.
"Kwete handisi kutamba," akadaro Fadzai. "Ichokwadi. Kana ukabvunza mweya mubvunzo, unoisa ruoko rwako apa uye mweya unobva wakuudza mhinduro."
"Sei?" akabvunzazve Lenny.
"Anokunongedzera kumavara anoperetera mhinduro yacho," akadaro Fadzai. "Ngatichigarai mudenderedzi tichitanga. Ndichataura nemweya."
Kudzai haana kugara pasi. Akaziva kuti mweya waida kutaura naFadzai wainge usina kururama.
"Gara pasi, Kudzai!" akadaro Fadzai nehasha.
"Kwete!" akaramba Kudzai. "Izvi hazvina kururama uye handisi kuzozviita. Mweya wamuri kuda kutaura nawo ndewasatani!"
"Unoziva sei?!" akabvunza Lenny.
"Pamusana pekuti Mwari havatauri nevanhu nemabhodhi akadaro! Anotaura kumoyo wako," akadaro Kudzai.
""Asi mweya unotaura zvinhu zvakanaka," akadaro Fadzai. "Dai zvanga zviri zvasatani zvingadai zvose zvakashata."
"Kwete," akadaro Kudzai. "Satani anotaura zvinhu zvakanaka dzimwe nguva kuti akubate."
"Ah-h, nyarara, Kudzai," akadaro Lenny. "Ungori mutambo chete. Hapana chinhu chinonzi mweya."
"Vakomana imi munofanira kuziva kuti bhaibheri rinoti chii. Mweya wamuri kuda kutaura nawo ndewe vabatsiri vasatani. Kana mukatanga kutaura naye muchibvunza mibvunzo, munenge muchikumbira kuti atungamire upenyu hwenyu. Handidi mumwe wevabatsiri vasatani kuti andipe rubatsiro!" akadaro Kudzai.
"Zvisinei, tinokwanisa kuzviita iwe usipo," akadaro Fadzai.
"Chero neni," akadaro Gringo.
"Kana neniwo." akadaro Jason.
"Handidi kuteverwa nemweya yakaipa," akadaro Bruce. "Ngatiitei zvimwe. Ndinowirirana newe Kudzai."
Fadzai haana kufara nazvo asi haana kuda kukakavadzana neshamwari dzake. "Zvakanaka, Kudzai wakunda," akadaro Fadzai. Ndichadzosera chibhodhi makare."
"Tese takunda," akadaro Kudzai. "Uye kana muchida kuziva kuti chii chichaitika pashure, regai Mwari vakuudzei."
DZOKORORO
Chidzidzo chechitanhatu
Shandisai shoko:
Wakambosvika here panguva yekuti waiziva chokwadi asi shamwari dzako dzaida kuita zvakaipa? Wakaita sei? Chii chakazoitika pashure?
Mibvunzo
1. Nimirodi aiita basa rei?
2. Ndiani aiva tateguru vake?
3. Nimirodi zvinoreva kuti chii?
4. Nimirodi akatanga chitendero chenhema chaiita sei?
5. Mwari ainge araira kuti vanhu vaitei mumashure memvura yaNoa?
6. Nimirodi akaterera here shoko raMwari?
7. Chii chinowanda kana vanhu vasakarurama vachinge vakaungana pamwe chete?
8. Nimirodi akavaka chii?
9. Rusvingo rweBabero rwaiva kupi?
10. Panyika paiva nemarudzi mangani emitauro nguva idzodzo?
11. Nimirodi akavakirei rusvingo?
12. Zvinyorwa zvinotaura kuti zvimwe zviratidzo zvainge zvakanyorwa pamusoro
perusvingo. Zvaiva zviratidzo zvei?
13. Bhaibheri rinoti chii pamusoro pezviratidzo zvedenga?
14. Ndiani anoonekwa kana mweya waMwari uchitaura?
15. Mwari akaita sei kuti apatsanure vanhu?
16. Vanhu vakaramba vachivaka rusvingo rwaNimirodi here?
17. Chii chinotevera kupanduka?
18. Nyenyedzi dzinokwanisa here kutiudza zvichaitika?
19. Ndedzipi nzira mbiri dzinoshandiswa naMwari kuti ataure nesu nhasi?
20. Ndeapi masimba asingaonekwi anomanikidza vanhu kuti vabve pana Mwari?
MWARI VANOWANA SHAMWARI YEKUTENDA
Chidzidzo chechinomwe
Ndima yekuverenga: Genesi 12, 13:1-4
Chokwadi: Mwari ari kutsvaga avo vangamutevera.
Ndima yemusoro: Johane 14:15,"Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu."
Kamutambo: "Tendai naRambai"
Chidzidzo: Ngano - "Kurumwa nenyoka"
Zvinodiwa: Abrama (28), Sarai (29), chifananidzo (30), Faro (31), tende (27), danga (32)
Kumudzidzisi:
Shoko rinoti,"Kana muchida, muchiterera, muchadya zvakanaka zvenyika," (Isaya 1:19). Abrama akaterera Mwari. Kutenda kunoda kuterera. Kunyangwe hazvo Abrama akaruza zvimwe (pamusana pekuva muEgipita), aive achiri kungofamba munzira dzaMwari. Mwari anoramba achiitira vanhu vake zvose zvavanobvumira.
Tsanangudzo:
I. Mwari aida vanhu vakatendeka, nyika ine vanhu vekutenda. Aiziva kuti aifanira kuvavamba iye pachake.
A. Vanhu vazhinji munyika vainamata zvifananidzo.
1. Kunamata zvifananidzo, kunamata satani.
2. Vanhu vanonamata zvifananidzo vakapofomadzwa.
B. Mwari vakatsvaga munhu angatenda kushoko ravo munyika mose.
1. Vakamuwana muUri yavaKardia.
2. Zita rake ainziAbrama.
3. Hama dzaAbrama dzainamata zvifananidzo.
II. Mwari vakadana Abrama kuti abve kuhama dzake aende kunyika yainge yagadzirirwa vanhu vaMwari.
A. Abrama akaterera Mwari ndokuenda kunzvimbo yainzi Harani.
B. Mumashure mekufa kwababa vake, Mwari vakamuudza kuti afambezve. 1. Mwari akatungamirira Abrama kunyika yeKenani.
2. Abrama aiva nematanga ehwai nemombe zhinji.
3. Iye, nemukadzi wake Sarai, nemwana wemunun'una wake, Roti, nevasevenzi vake, vaigara mumatende nekuti vairamba vachifamba vachitsvaga mafuro ezvipfuyo zvavo.
C. Mwari vakaudza Abrama kuti afambe achitenderera Kenani yose uye pese paainge atsika Mwari vaizomupa.
D. Abrama akatenda shoko raMwari ndokuvaka atari yaMwari paBeteri. "Beteri" zvinoreva "Imba yaMwari." Pamusana pekuti tina Jesu mumoyo medu, tiri dzimba dzaMwari.
III. Kunyangwe hazvo Abrama aiva murume wekutenda, aivawo nezvimwe zvaaitadza.
A. Nyika yeKenani yakawirwa nedambudziko, chikafu chakava chishoma.
B. Panzvimbo yekutarisa kuna Mwari, Abrama akatarisira rubatsiro kubva kuEgipita. Akabvisa mudzimai wake nezvinhu zvake zvose.
C. Pamusana pekuti Sarai aiva akanaka zvikuru, Abrama aitya kuti mumwe munhu angangomuuraya kuti atore mukadzi uyu. Vakawirirana kuti vaizotaurira vanhu veEgipita kuti vaiva hanzvadzi nehanzvadzi.
D. Farao akatorwa moyo nerunako rwaSarai akaita kuti aendeswe kumuzinda kwake. Aiva nehurongwa hwekumuroora.
E. Pamusana pezvivimbiso zvaMwari kuna Abrama, akapindira kuti Farao asaroore Sarai.
F. Zvinhu zvakaipa zvakatanga kuitika kuna Farao. (Akanga ava munyika masatani, asingaite kuda kwaMwari.)
G. Apo Farao akaona paiva nedambudziko rake,akatsamwa akadzinga Abrama naSarai.
Dzidziso yemweya:
Ndinoda Mwari uye ndinotevera shoko ravo.
Ndinoda kumufadza mazuva ose
Pamusana pekuti ndinomuterera, anondipa migove yakanaka.
Saka mucharamba muchindinzwa ndichiti....(tanga kubvira pekutanga)
TENDAI NARAMBAI
Kamutambo Chidzidzo chechinomwe
Vatambi: Tendai - mutendi mukuru, naRambai - Mukristu wenhema
Tendai: Hey, Rambai , wakadini hako?
Rambai: Zvakaoma, kuoma chaiko. Handizivi kuti sei zvinhu zvese zvakaipa zviri kuitika kwandiri.
Tendai: Zvinhu zvakaipa zvinoedza kuuya kune munhu wese. Sei usingazvishanduri?
Rambai: Handikwanisi kushandura zvinhu zvakaipa zvange zviri kuuya kwandiri. Handina kukonzera chimwe chezviitiko izvi.
Tendai: Hauzive kunobva matambudziko here?
Rambai: Hongu, satani anozviunza. Ndinovimba kuti Mwari achazvimisa. Handizive kuti sei achirega satani achiita zvinhu izvi kwandiri.
Tendai: Zviri kwauri kuti umise satani, Rambai. Mwari vakakupa simba rekumisa satani.
Rambai: Ndinovimba kuti dai zvauri kureva chiri chokwadi. Ndiri kurwadziwa zvikuru.
Tendai: Kurwadziwa? Uri kufungei?
Rambai: Handifunge kuti ndichakwanisa kupinda muchikwata chenhabvu. Ndiri kukundikana musvomho. Baba vangu vari kundigeresa zvakashata zvekuti shamwari dzangu dzose dzichandiseka. Ndine matambudziko, matambudziko, matambudziko.
Tendai: Ndicho chikonzero wakasuruvara, uri kufunga pamusoro pematambudziko ako. Sei usiri kufunga pamusoro pemhinduro?
Rambai: Ndingawana mhinduro kubva kupi?
Tendai: Bhaibheri rine mhinduro, Rambai. Chekutanga, unokwanisa kuita zvose kubudikidza naKristu anokusimbaradza. (VaFiripi 4:13) Mwari vanoda kukubatsira kuti upinde muchikwata chenhabvu.
Rambai: Chokwadi?
Tendai: Chokwadi! Iva nemoyo uyo wakanga uri muna Kristu Jesuwo. (VaFiripi 2:5) Jesu angatadza masvomho here?
Rambai: Kwete!
Tendai: Saka kana newewo haufanire. Kutaura magwaro aya kunokupa njere mumusoro mako.
Rambai: Ko kugerwa kwandaitwa uku?
Tendai: Zvisinei, unofanira kuterera vabereki vako. Usanyunyuta pamusoro pezvinodiwa nababa vako kuti ugerwe musoro. Uri mwana akanaka zvisinei nemagererwo ako.
Rambai: Chokwadi?
Tendai: Chokwadi! Satani ari kuedza kukufurira kuti ufunge kuti kana vhudzi rako rakasiyana nerevamwe, vanobva vafunga kuti unosekesa.
Rambai: Shamwari dzangu dzichafunga kuti kugerwa kwandakaita kunosekesa.
Tendai: Kana shamwari dzako dzisingafungi, dzichaseka nekuda kwemusoro wako zvekare hadzisi shamwari dzakanaka zvachose!
Rambai: Ndinodavira kuti uri kutaura chokwadi. Pamusana pekuti wataura neni zvino ndava kunzwa zviri nani.
Tendai: Wava kunzwa zvakanaka Rambai pamusana pekuti uri kufunga nemafungiro aMwari. Ramba uchifunga mafungiro aMwari nekuzvitaurira shoko rake.
(Mumashure memasvondo maviri....)
Rambai: Mhoro Tendai! Ndine nyaya yakanaka yekukuudza.
Tendai: Zvakanaka! Ndiudze tinzwe!
Rambai: Ndakapinda muchikwata chenhabvu. Ndakapasa masvomho uye ndichiri kungowedzera kugona nguva dzose. Ndakawana shamwari itsva dzinondifarira zvisinei nekugerwa kwandakaita.
Tendai: Zvinofadza.
Rambai: Pamusoro pazvo handisi kumborwadziwa nazvo. Kana ndava kurwadziwa ndinotaura magwaro. Ndinobva ndanzwa zviri nani.
Tendai: Ndiko kushanda kwazvinoita. Usarege pfungwa dzakaipa dzichikushandura! Dzishandure neshoko raMwari.
KURUMWA NENYOKA
Ngano Chidzidzo chechinomwe
Mudzidzisi ainge achangopedza kutaura nyaya pamusoro pevaIsraeri, yekunonoka uye kuramba kuterera Mwari. Munhu wese muchikoro ainge akanyatsoterera kunze kwaGringo. Ainge akagara kumashure achiedza kufunga chinhu chaaikwanisa kuita kuti arambe aine chekuita apo vaMandaza vaidzidzisa chidzidzo chemusi wesvondo. Ainge asingafarire chechi iyi yainge yopindwa nevabereki vake. Aitosarudza kusara zvake kumba asi shamwari dzake ndidzo dzaiita kuti auye. Kana ndakura, akafunga Gringo, handife ndakaenda kuchechi!
"Gringo," vakabvunza vaMandaza, "Ungandiudza here zvakaitwa nevaIsraeri apo Mozisi aiva pagomo reSinai?"
"Kwete," akapindura Gringo. VaMandaza vakabvunza mubvunzo iwoyu zvekare kune mumwe mwana. Handina basa nazvo kana ndikasapindura mubvunzo, akafunga Gringo. Aiva asina hany'a nechechi.
Mangwanani erimwe svondo, Gringo akamuka mangwanani ngwanani ndokubuda nemugaraji. Akatora chirauro chake nenhebe ndokutasva bhasikoro rake akananga kurukova. Akaviga bhasikoro rake pane dzimwe tsanga dzainge dzakareba ndokugara zvake kumahombekombe edziva achiredza. Izvi zviri nani pane kuenda kuchechi, akafunga Gringo. Akaona zvakamuomera kuti mumwe munhu angafara nekuda kwaMwari, asi nerumwe rutivi Gringo airwadziwa pamusana pekusaenda kuchechi.
Pakarepo chirauro chake chakatanga kudhonzwa zvakasimba. Ainge abata hove hombe yainge yoedza kuzvibvisa. Gringo akakurumidza kumonera chirauro chake. Yaiva hove yakanyanyonakisa yaainge asati ambobata kare. Gringo akabvisa hove iya pachirauro ndokuiisa musaga rake ndokuirega ichitamba iri mumvura. Akakanda chirauro chake mumvura zvekare. Chokwadi kuredza kuri nani pane kuenda kuchechi, akafunga Gringo.
Pakarepo chirauro chake chakakaka zvekare. Akachimonera zvakanaka. Ainge abata imwe hove hombe zvekare. Yakarwisa kudarika yekutanga. Gringo akaibudisa mumvura ndokubvisa chirauro kubva mairi.
Maiwe-e! Akadonhedza hove iya mumvura. Yakatsvedza ndokunomira mumadhaka padyo nemahombekombe edziva. Gringo akadonhedza chirauro chake ndokunanga kumadhaka kuya.
Haana kuona zinyoka zihombe remumvura raiva padyo nehove yaaida kubata. Akada kubata hove iya.
"Maiwe-e!" akadanidzira Gringo. Nyoka yainge yamuruma nekukurumidza, uye Gringo akadhonza ruoko rwake kubva pahove paya. Paiva nemavanga maviri emazino enyoka paruoko rwake.
Gringo akamhanyira kumahombekombe ndokutora bhasikoro rake kubva mutsanga. Akakurumidza kurinangisa kumugwagwa ndokurichovha nekukasika kwese kwaaigona kuita. Hana yake yakarova nekukurumidza izvo zvaiita kuti uturu hwenyoka hufambe nekukasika mumuviri make kuenda kumoyo. Gringo ainge abatwa nekutya kukuru zvekuti akafendera munzira. Akarara ipapo asisina kana simba.
Mumashure menguva shoma, motokari yakapfuura. Mutyairi wayo akamira ndokuburuka. Vaiva naMandaza. Vakamhanyira kuna Gringo ndokuedza kumuzunguza asi ainge asisakwanise kudavira. VaMandaza vakaona mavanga emazino enyoka ndokubva vaziva zvainge zvaitika. Vakasimudza maoko avo mudenga ndokutanga kunamata. Vakaraira uturu hwenyoka mumuviri waGringo ndokukumbira kuti Mwari ave nenyasha paari. Gringo akavhura maziso ake. Akashamisika kuona vaMandaza ndokuda kuziva kuti chii chainge chaitika.
"Mwari vakuponesa, Gringo," vakadaro vaMandaza.
"Mwari vandiponesa sei?" akabvunza Gringo. "Ndanga ndichifunga kuti ndichafa asi ndabva ndamuka. Pandarumwa nenyoka hapasi kumborwadza. Sei Mwari vandibatsira?"
"Mwari vakubatsira nekuti ndavakumbira kuti vakunzwire nyasha," vakapindura vaMandaza. "Shoko ravo rinoti kurumwa nenyoka hakukuvadzi mutendi."
"Ho-o!, asi handisi mutendi."
"Zvinokwanisika kushandurwa," vakadaro vaMandaza.
"Ichokwadi!" akabvuma Gringo.
Saka vaMandaza vakanamata naGringo kuti Jesu apinde mumoyo make. Akave mukomana akashanduka. Gringo haana kumborovhazve kuchechi, zvekare ndiye akava mwana aifarira chechi zvakanyanya.
DZOKORORO
Chidzidzo chechinomwe
Shandisai shoko:
Mwari ari kutsvaga vanhu vanomuterera uye anozovapa migove. Ungafunga here imwe nguva yawakasarudza kuterera ukazowana zvinhu zvakanaka pashure? Pamwe amai vako vakakutuma kuti uite chimwe chinhu chawaifunga kuti chinosvota, chikazoguma chava kunakidza. Kana kuti wakatanga kufunga nekuverenga magwaro panzvimbo yekunetsekana, uye ukazoona kuti wakafara zvakadini.
Mibvunzo
1. Vanhu vazhinji venguva yaAbrama vainamata chii?
2. Kana vanhu vachinamata zvifananidzo vanenge vachinatso namata ani chaiye?
3. Mwari vaitsvaga munhu akaita sei?
4. Abrama aigarepi apo Mwari vakatanga kutaura naye?
5. Hama dzaAbrama vaiva vanhu vakaita sei?
6. Mwari vakaudza Abrama kuti chii?
7. Abrama akaendepi pakutanga?
8. Chii chakaitika apo baba vaAbrama vakafa?
9. Mwari vakatungamirira Abrama kunyika ipi?
10. Mukadzi waAbrama ainzi ani?
11. Mwana wemunun'una waAbrama ainzi ani?
12. Abrama aigara mumba yakaita sei?
13. Abrama airarama nei?
14. Abrama aiva murombo here?
15. Mwari vakaudza Abrama kuti chii pamusoro pepasi petsoka dzake?
16. Abrama akaratidza Mwari sei kuti ainge atenda zvaainge areva?
17. Abrama akaenda kupi panguva yenzara?
18. Abrama akaudza vanhu veEgipita kuti chii pamusoro pemudzimai wake?
19. Sei Abrama akanyepa?
20. Sei Mwari vakakomborera Abrama asi iye aimbotadza dzimwe nguva?
MWANAKOMANA WAABRAMA WEKUTENDA
Chidzidzo chechisere
Ndima yekuverenga: Genesi 15 -17, 18:9-15, 21:1-7, vaRoma 4:16-21
Chokwadi: Mwari anochengetedza shoko rake nguva dzose.
Ndima yemusoro: Mateo 21:22,"Nezvose zvamunokumbira, muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa."
Kamutambo: "Mwanakomana waAbrama"
Chidzidzo: "Nzira mbiri dzekutenda"
Zvinodiwa: Abrama (280, Sarai (29), Hagari (33), Ishmael (34), Mwana Isaka (35), Isaka aine makore matatu (36)
Kumudzidzisi:
Kutenda kunotora shoko raMwari kuchiriita rive chokwadi. Kana Mwari vachinge vaita vimbiso, tinofanira kuigashira tisati taiona. Kutenda kunouya mhinduro yaMwari isati yaonekwa.
Chimwe chinhu chakakosha pakutenda ndezvinhu zvatinotaura nemiromo yedu. VaRoma 10:9 inoti kutenda kunoratidza kubudikidza nemiromo nemumoyo medu. Kuwedzera kutenda vimbiso dzaMwari mumoyo yedu, tinofanira kuzvitaura nemiromo yedu kuti tione simba rake richishanda. Abrahama aiva nekutenda kwakadai uye anorumbidzwa pamusoro pazvo muchitendero chitsva.
Tsanangudzo:
I. Abrama aiva nezvinhu zvakawanda asi ainge asina mufaro pamusana pekushaya vana.
A. Sarai, mudzimai waAbrama ainge asingabereki.
B. Kunyangwe hazvo zvaiita sezvisingaitike, Mwari vakavimbisa Abrama mwanakomana.
1. Pakutanga, vimbiso yaMwari kuna Abrama yainge isina kujeka. Akamuudza kuti achazova nevana.
2. Mwari vakatanga kuita vimbiso dzemwanakomana kuna Abrama apo ainge ava nemakore makumi manomwe nemashanu.
C. Sarai akatanga kusava nemoyo murefu ndokufunga kubatsira Mwari kuti vazadzise chivimbiso chavo.
1. Mumashure metsika dzenguva iyoyo, akatumira musevenzi wake, Hagari kuna Abrama.
2. Abrama naHagari vakava nemwanakomana ainzi Ishmael, asi akanga asiri iye ainge avimbiswa naMwari.
D. Unofanira kuva nemoyo murefu kana uchinamata uye usatarisire shanduko pakarepo. Mhinduro dzeminamato yedu dzinouya panguva yakakodzera nekuti Mwari havanonoki.
II. Mwari vakazviratidza kuna Abrama apo aiva nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe.
A. Zvainge zvisingakwanisiki kuti Abrama naSarai vaite mwana pamusana pemakore avo.
B. Mwari vakataura kuna Abrama vachiti,"Ndakakuita baba vemarudzi mazhinji," asi Abrama akanga asina mwana nazvino.
1. Mwari vaiita zvinhu zvaisafungidzirwa kuti zvingaitika.
2. Kutenda kunoona mhinduro isati yasvika.
C. Mwari vakashandura zita raAbrama kuti rinzi "Abrahama" zvinoreva kuti baba vemarudzi muchiHeberu.
D. Mwari vakashandura zita raSarai kuti rinzi "Sara" zvinoreva "Mai vevatongi."
E. Mwari vakadana Abrahama naSara kuti baba namai ivo vasati vave nemwana.
1. Tinofanira kutenda kuna Mwari pane zvinhu zvatisati taona.
2. Tinofanira kutaura kutenda kwedu.
III. Jehova vakashanyira Abrahama naSara zvekare.
A. Akavayeuchidza pamusoro pemwanakomana wavo.
B. Sara akanga achine nguva yakaoma kuti atende kuti Mwari vaikwanisa kumupa mwanakomana nezera iroro saka akaseka.
C. Mwari vakanzwa kuseka kwaSara vakamuudza kuti agutsikane.
1. Kana tichitenda vimbiso dzaMwari, kusagutsikana kunouya mupfungwa dzedu.
2. Satani muridzi wekusagutsikana, anoda kuti tisatenda vimbiso dzaMwari. Tinomudzivisa nekutaura shoko raMwari.
IV. Kutenda kwaAbrahama muna Mwari kwakava nemugove.
A. Mumashure mekunge mwari vamushanyira nekushandura zita rake, Abrahama akaramba achitenda Mwari nekumupa mwanakomana.
1. Abrahama akaramba kufunga pamusana pezvisingaitiki.
2. Abrahama aiziva kuti Mwari vaikwanisa kuita zvavakavimbisa.
B. Apo Abrahama akange ave nemakore zana uye Sara ave nemakore makumi mapfumbamwe, mwanakomana wavo akazvarwa.
1. Mwari vainge vavaudza kuti vamudaidze kuti Isaka.
2. Zita rekuti "Isaka" rinoreva "Kuseka."
C. Zvivimbiso zvaMwari zvakava chokwadi kunyangwe dzimwe nguva vanhu vake vachikushandisa pasingaite.
D. Kutenda muna Mwari kuchiri kushanda nanhasi.
Dzidziso yemweya:
Kutenda kunowana mhinduro
Nekudaidzira,
Kutenda Baba pamusana payo
Kusvikira yauya.
Handifanire kunetseka.
Handifanire kushushikana.
Nekuti ndinoziva zvaakavimbisa
Ndichazviwana.
MWANAKOMANA WAABRAHAMA
Kamutambo Chidzidzo chechisere
Vatambi: Abrahama, Bildad, mwana anochema
Bildad: Hazvirevi chinhu zvachose, Abrahama.
Abrahama: Zvinotadza kureva chinhu sei ivo Mwari vakativimbisa mwanakomana?
Bildad: Asi hazvikwanisike, Abrahama. Mudzimai wako haangave nemwana. Anofanira kunge ave nemakore anosvika makumi mapfumbamwe uye wava nemakore angasvika zana.
Abrahama: Ndine makore zana uye Sara ane makumi mapfumbamwe, asi achabereka mwana.
Bildad: Hazvikwanisike! Hazvitombokwanisike.
Abrahama: Tarisa ndinoziva kuti zvinoita kunge zvisingakwanisike zvekare nevanhu hazvikwanisike. Asi kana uchivimba naMwari, zvinhu zvese zvinokwanisika, Bildad. Unoona, Mwari vakandiudza kuti vachandipa ini nemudzimai wangu, mwanakomana, saka ndinozvitenda.
Bildad: (achisvora) Saka unozvitenda, he-e?
Abrahama: Ndizvozvo.
Bildad: Saka ndicho chikonzero chawanga uri kumhanyira kwese kwese uchirumbidza Mwari uchiti mudzimai wako ava padyo nekusununguka?
Abrahama: Chokwadi ndanga ndiri kurumbidza nekutenda Mwari nekuudza vanhu kuti vauye kumakorokoto nekuti tichazova nemwana munguva shoma iri kutevera.
Bildad: Chimbomira. Hazvikwanisike! Mudzimai wako haangaite mwana, Abrahama. Hazvikwanisike. Ndinofunga wava padyo nekukanganisika pfungwa. Ndinofunga wava kutopenga. Ndizvo zvandinofunga.
Abrahama: Zvisinei, hapana zvandingaite, Bildad. Handina basa nezvaunofunga. Vimbiso yaMwari ndeye chokwadi. Mudzimai wangu achava nemwana.
Bildad: Haurevesi iwe! (Anoenda agumbuka)
Abrahama: Vamwe vanhu havatendi vimbiso dzaMwari. Asi unoziva kuti chii? Mwari vandiudza kuti mudzimai wangu achava nemwana uye ndizvo zvichaitika. Mudzimai wangu, Sara achava nemwana. Ndinoziva kuti iye zvino ava nemakore makumi mapfumbamwe uye ini ndava nezana, zvekare vanhu vanoti hazvigoneki kuti vanhu vakura zvakadaro vave nevana. Asi chaunofanira kuziva kuti hatisi tega munyaya iyi, tina Mwari kurutivi rwedu uye ari kushanda kuti chishamiso ichi chiitike.
(Anotarisa tarisa)
Jehova, ndinokutendai pamusoro pemwana iyeyu. Tinokutendai pamusoro pemwana uyu. Tichamuti Isaka kana azvarwa. Zvinoreva kuti "kuseka" pamusana pekuti takaseka pamusoro pevimbiso yenyu pakutanga. Tinokutendai, Jehova. Tinokutendai, Jehova. Tinokutendai pamusoro pemwana iyeye.
(Mumashure memasvondo, Abrahama anoonekwa akabata kamwana kaichema)
Abrahama: (Achiimba) Nyarara mwanawe-e, nyarara kuchema. (Achitaura)
Isaka ndinoshuva kuti kudai wakotsira. Unoita kunge usinganyarare kuchema. Iye zvino chirara. Chirara.
(Bildad anopinda)
Bildad: Chii chiri kuitika muno umu, Abrahama?
Abrahama: Ah-h ndanga ndiri kuradzika Isaka.
Bildad: Isaka? Mwana wemunu'una wako here?
Abrahama: Kwete. Mwanakomana wangu.
Bildad: Mwanakomana waani?
Abrahama: Mwana wangu.
Bildad: Mwana wako? Rega ndimuone. Akafanana newe asi akanyanya kufanana naSara.
Abrahama: Ndakakuudza kuti tichava nemwanakomana.
Bildad: Chimbomira. Uri kundinyepera haasi mwana wako! Haangava mwana wako uyu!
Abrahama: Hongu, ndewangu. Ndiye mwana wedu mutsva uyu. Akazvarwa mazuva matatu adarika.
Bildad: Asi hazvikwanisike kuti Sara ave nemwana! Ave nemakore makumi mapfumbamwe.
Abrahama: Hazvina kana kumbosiyana, Mwari vakasimbaradza miviri yedu vakatibatsira kuti tive nemwana. Hazvinei nekufunga kwako, chingori chishamiso.
Bildad: Chishamiso! Maiwe-e, Abrahama rega ndimbotarisa mwana uyu zvekare. Ndewako zvechokwadi here?
Abrahama: Ichokwadi, haumunzwe kuchema here?
Bildad: Zvakanaka! Zvakanaka! Kana Mwari vakakubatsirai kuti muve nemwana uyu, saka pakaitika chishamiso chikuru.
Abrahama: Mwari akatipa mwana uyu. Akatibatsira kuti tive nemwana uyu. Kubudikidza naMwari zvinhu zvese zvinokwanisika.
Bildad: Maiwe-e, Abrahama, ndaifunga kuti uri kupenga.
Abrahama: Zvisinei, ndinokwanisa kunge ndiri kupenga asi ndava nemwana mukomana.
(Bildad anobuda)
Ndakawana mwana uyu pamusana pekuti ndakatenda mushoko raMwari. Ndakaita sekutaura kwaMwari kunyangwe zvazvo zvaiita sekunge ndiri kupenga. Ndakaramba ndichitenda Mwari pamusana pemwana uyu mazuva ose. Jehova, ndinokutendai nekuda kwemwana uyu! (Anotanga kuimba) Nyarara mwanawe-e, nyarara kuchema ....
NZIRA MBIRI DZEKUTENDA
Chidzidzo chechisere
Ndima yekutarisa: "Nokuti munhu unotenda nemoyo, ndokururamiswa, unopupura nemuromo, ndokuponeswa," vaRoma 10:10.
Zvinodiwa: Bhatiri, mawaya maviri anobata moto (akareba mafiti maviri imwe neimwe) Kamwenje kadiki kanoenderana nemoto uri mubhatiri.
Gadziriro: Ongorora kuti bhatiri riri kushanda here uchishandisa mawaya anobata moto aya. Bvisa mawaya kubva pabhatiri nepamwenje. Isa zvinhu izvi zvese parutivi kuti ugotangisa chidzidzo chako.
Chidzidzo:
Tichadzidza kuti kutenda kunoshanda sei. Kutenda kunokonzera simba raMwari kuti rishande pachinzvimbo chedu. Ndinovimba hamukonzeri simba raMwari kuti rishande nhando. Kutenda kwega ndiko kunoita kuti shoko raMwari ritishandire.
Mwari vane simba rakawanda. Vane simba mushoko mavo rinokwanisa kusimudza nzou dzese dzenyika mudenga kanokwana churu pazuva kwemakore churu. Simba raMwari rinogona kuita zvese zvese.
Bhatiri iri rinomirira simba raMwari. Simba raMwari rose riri mushoko rake. (Ita kuti mwana mumwe chete abate bhatiri) Simba raMwari nderekuti isu tishandise. Anoda kuti tirishandise, asi pane nzira imwe chete yoga yatinokwanisa kurishandisa nayo. Rinofanira kushanda nekutenda.
Takaita semwenje uyu. (Ita kuti mumwe mwana abate mwenje). Satani anoda kuti tigare murima. Chinhu chekupedzisira chaanoda kubva kwatiri, kuti tinzwisise shoko raMwari. Kana tikava nechiedza haazokwanisa kutishandisa. Mwenje uyu haubvire kana usina kubatira pabhatiri. Kana tisina kubatira pasimba raMwari, mwenje yedu haizobvira kuna Jesu.
Kutenda kunotibatanidza naMwari. Semashandiro anoita waya idzi dzichienda kubhatiri, tinoda kuti kutenda kutibatanidze naMwari. (Ita kuti vana vaviri vabate mawaya aya) Kutenda kune nzira mbiri. Kana dzose dzisina kubatanidzwa, hazvishande. (Batanidza waya imwe chete kubhatiri nemwenje) Waya iyi yakabatanidzwa kubhatiri nemwenje, asi mwenje hausi kukwanisa kubvira. Kushandisa nzira imwe chete yekutenda hakushande zvekare.
(Verenga vaRoma 10:10) Vanhu vakawanda vanongotenda shoko raMwari mumoyo mavo, asi hazvina kukwana. Chimwe chikamu chemhinduro, asi hachina kukwana. Kuti simba raMwari rishande, zvakakosha kuti utende mumoyo mako, asi hazvina kukwana.
(Batanidza imwe waya) Nerumwe rutivi unofanira kutaura nemuromo wako zvaunotenda nemoyo wako. Kana mawaya ose abatanidzwa kubhatiri, mwenje unobvira. Kana tichitenda Mwari nemoyo yedu, uye tichipupura nemiromo yedu, tinogashira makomborero atinoda.
(Bvisa imwe waya). Kana ukarega kutaura shoko raMwari, harizoshanda. Kana usingazvitendi mumoyo mako, harizoshanda zvekare. Gara nzira dzose dzekutenda dzichishanda neshoko raMwari.
(Iva wakagadzirira kudzokorora kakawanda chidzidzo ichi uchishandisa vana vakasiyana siyana kuti vakubatsire.)
DZOKORORO
Chidzidzo chechisere
Shandisai shoko:
Mwari vakambokuvimbisa chimwe chinhu here chauchiri kutarisira kuti chichaitika? Ngatitaurei nemiromo yedu izvo tinoona mumoyo medu. Ngatitendei Mwari tisati tazvigashira.
Mibvunzo
1. Sei Abrama akanga agumbuka?
2. Mwari vakavimbisa Abrama kuti chii?
3. Sara aida here kumirira vimbiso yaMwari kuti izova chokwadi?
4. Sara akaita sei kuti Abrama awane mwanakomana?
5. Mwana waHagari ainzi ani?
6. Ishmael ndiye here mwana ainge avimbiswa?
7. Mwari vakati chii kuna Abrahama paainge ave nemakore makumi mapfumbabwe
nemapfumbamwe.
8. Mwari vakashandura zita raAbrama kuti rinzi chii?
9. Abrahama zvinoreva kuti chii?
10. Sara zvinoreva kuti chii?
11. Sara akaita sei apo Mwari vakaudza Abrahama kuti Sara aizoita mwana?
12. Zita rekuti Isaka rinoreva kuti chii?
13. Ndepapi pakadanwa Abrahama kunzi baba, naMwari? ava nemwana kana kuti asati?
14. Ndiani aiva mweni waAbrahama aibva kudenga?
15. Abrahama akaratidza rudo rwake kune vamwe vanhu sei?
16. Jesu aivapo here asati azvarwa kuBeterehema?
17. Abrahama naSara vainge vave nemakore mangani pakazvarwa Isaka?
18. Sei kuzvarwa kwaIsaka kwakava chishamiso?
19. Ndedzipi nzira mbiri dzekutenda?
20. Kutenda kunotanga kushanda papi kana wakamirira mhinduro kubva kuna Mwari?
CHIVI CHINOUNZA KUTONGWA
Chidzidzo chechipfumbamwe
Ndima yekuverenga: Genesi 13:5-13, 18:16-33, 19:1-30
Chokwadi: Kutonga kwaMwari nguva dzose kunouya pane usakarurama.
Ndima yemusoro: II vaKorinte 6:14, "Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete nevasingatendi."
Kamutambo: Dzivirira mamiriro ese echivi
Chidzidzo: Ngano - "Tonderai akapusa"
Zvinodiwa: Abrahama (28), Roti (37), matanga (mbudzi nemombe zvakawanda) (32), vatumwa (38,39), mukadzi waRoti (40), vanasikana vaRoti (41,42), Churu chemunyu (43)
Kumudzidzisi:
Vanhu vaMwari vakasiyana. Kunyangwe zvazvo tiri munyika hatisi venyika. Vana vanofanira kuziva kuti havafanire kutamba nevanhu vese vese. Nekusangana navasakarurama, Makristu anogumisira asisina hany'a nenyika ozoguma ava kutoita sevatadzi zvekare. Nyatsotsanangura kukosha kwekurarama muna Mwari.
Tsanangudzo:
I. Abrahama nemwana wemunun'una wake Roti, akaona zvakakosha kuti vasiyane.
A. Vaviri ava vaiva nemombe nehwai zvakawanda.
B. Vafudzi vezvipfuyo zvavo vakatanga kurwira mafuro nemvura.
C. Kuti pasazova nekunetsana munguva yaitevera, Abrahama akafunga kuti zvaiva nani kuti vapatsanurane.
1. Akapa Roti mukana wekutanga wekuti asarudze mafuro aaida.
2. Roti akaita sarudzo yakapusa apo akasarudza kuenda pedyo neSodoma uku kwaiva nemafuro akanaka nemvura zhinji.
II. Sodoma raiva guta raiva neuori hwakanyanya uye Mwari vakafunga zvekuritonga.
A. Roti haana kuita zvekurima, akaita sarudzo yakapusa ndokuenda kunogara muSodoma.
1. SeMakristu tinofanira kuzvinzvengesa kubva kune vakaipa vakatikomberedza.
2. Kudyidzana nevakaipa kunokonzera zvinhu zvakaipa kwauri.
B. Apo Mwari vakaudza Abrahama kuti vaizoparadza Dodoma, akakumbira Mwari kuti vanzwire guta iri tsitsi.
1. Abrahama akaita kuti Mwari vabvume kunzwira guta iri nyasha pamusana pevanhu gumi vakarurama.
2. Mwari vakatumira vatumwa gumi kuti vaende kuSodoma kunotsvaga vanhu gumi vakarurama.
C. Vatumwa vakaenda kuSodoma vakapfeka sevanhurume asi vakashaya vanhu gumi vakarurama.
D. Vatumwa vakagara pamba paRoti.
1. Varume vasakarurama veSodoma vakauya vachida kubata vatumwa.
2. Varume veSodoma vaiva ngochani.
E. Chivi chikuru cheungochani ndicho chakaita kuti Sodoma iparadzwe.
1. Shoko raMwari rinoti ungochani chivi (Revitiko 20:13)
2. Mwari vanotarisira kuti varume varoore vakadzi. Akavasika zvakasiyana.
III. Apo vatumwa vakatungamirira Roti nemhuri yake kubva muguta, maguta eSodoma neGomorrah akaparadzwa.
A. Vanhu veguta vakapofomadzwa zvekuti havana kuva nehan'ya nekupunyuka kwaRoti.
B. Vatumwa vakaudza vanhu vemhuri yaRoti kuti vasacheuka.
1. Mukadzi waRoti akacheuka.
2. Akashanduka kuva churu chemunyu.
C. Usatarisa mabasa echivi neruchiva.
D. Roti nevanasikana vake vakatizira kuZoari. Kupusa kwake kwakakonzera kuti arasikirwe nemudzimai wake neupfumi hwese hwaaiva naho.
Dzidziso yemweya:
Ndakachenjerera zvikuru
Shamwari dzekusarudza.
Shamwari dzakaipa
Dzinoita kuti urasikirwe!
Jesu ndiye shamwari yangu chaiyo
Anondibatsira kuti ndiite zvakanaka,
Kuti ndide mhuri yangu neshamwari,
Ndichirarama semararamiro andinofanira kuita.
DZIVIRIRA MAMIRIRO ESE ECHIVI
Kamutambo Chidzidzo chechipfumbamwe
Vatambi: Roti nemubvunzi.
Mubvunzi: Tine muenzi pachirongwa chedu nhasi anozivikanwa zvikuru semwana wemunun'una waAbarahama. Ndiye mumwe wevatatu vakapona mumoto mukuru wakapisa guta guru. Chingamidzai, vaRoti.
(roti anobva apinda)
Roti: Mangwanani, mangwanani.
Mubvunzi: Vakomana nevasikana ava ndivaRoti.
Roti: Munokwanisa kunditi Roti.
Mubvunzi: Tinotenda, Roti. Ichokwadi here kuti wakagara muguta reSodoma?
Roti: Ndinonyara kuzvitaura, asi ndakambogaramo.
Mubvunzi: Sei uchinyara?
Roti: Sodoma raiva guta risakarurama zvachose.
Mubvunzi: Bhaibheri rinoti huipi hweSodoma hwaiva hwakanyanyisa zvekuti kunhuhwa kwaho kwakasvika kudenga.
Roti: Handingashamiswi nekuti Sodoma yaiva nzvimbo isingakomboreri. Ndakatadza kufunga pamusana pekuenda kunogaramo.
Mubvunzi: Sei wakaenda kunogara Sodoma?
Roti: Ndaigara nababamukuru vangu, Abrahama. Taiva vafudzi uye taiva nemombe nehwai zvakawanda zvikuru. Vafudzi vezvipfuyo zvedu vakatanga kurwira ufuro nemvura yekuti zvipfuyo zvinwe. Takaona kuti zvipfuyo zvedu zvakainge zvakawandisa saka takaona zvakakodzera kuti tiparadzane kuitira kuti pasava nematambudziko akawanda.
Mubvunzi: Imhinduro inogutsa.
Roti: Zvakanaka, zvaiva nani kuti tiparadzane. Ndaiva ndisingafanire chete kugara padyo neSodoma. Pakutanga takaisa vanasikana vangu pachikoro ikoko. Takabva tatanga kushanya ikoko ndokuzopedzesera nekutengesa tende dzedu toenda kuguta.
Mubvunzi: Waiva murume akatendeka waMwari. Wakakwanisa kugara sei pakati pevasakarurama vemuSodoma?
Roti: Takangojairira nekufamba kwenguva. Pakutanga takafunga kuti Sodoma yainge yakaoma. Ndakazojairira huipi hwevanhu zvekuti ndainge ndisisazvione.
Mubvunzi: Zvakakonzera chii kumhuri yako?
Roti: Mudzimai wangu ndiye akanyanyorwadziwa. Aifarira Sodoma. Aiva nhengo yezvikwata zvemadzimai zvakawanda uye aisangana nemudzimai wemukuru weguta masikati oga oga vachinwa mukaka wembudzi.
Mubvunzi: Ko vasikana?
Roti: Paiva pasina vakomana vainamata saka vanasikana vangu vainge voshamwaridzana nevakomana ivava. Munhu wese wemumhuri akakanganiswa.
Mubvunzi: Ungatiudza here zvimwe zvezvinhu zvakaipa zvaiitwa nevanhu veSodoma?
Roti: Ah-h kwete! Zvinotonyadza kana kutaura.
Mubvunzi: Ndinofunga kuti vanhu ava vaitadza zvakanyanya. Maiva nevamwe vanhu here vakarurama muguta umu kunze kwako nemhuri yako?
Roti: Kwete. Tisu tega taiva takarurama muguta iri.
Mubvunzi: Dai vasiri babamukuru vako Abrahama, ungadai wakafira mukuparadzwa kweguta uku.
Roti: Ndinotenda Mwari nekuda kwa babamukuru Abrahama. Vaitinamatira, vachikumbira Mwari kuti vanzwire guta iri nyasha.
Mubvunzi: Mwari vaidai vakanzwira guta iri nyasha dai makawanikwa vanhu gumi vakarurama muguta rese.
Roti: Handina kumbokwanisa kutendeutsa kana munhu mumwe zvake muSodoma kwemakore ose andakapedzamo.
Mubvunzi: Wakapunyuka sei?
Roti: Ndaiva ndakagara padyo negedhi reguta apo ndakaona vashanyi vaviri vachisvika. Ndakaziva kuti vaiva vasingori vanhu nje-e.
Mubvunzi: Vaiva vatumwa.
Roti: Hongu. Vakauya kumba kwangu vakandiyambira kuti guta reSodoma rainge rave kuzoparadzwa. Vakandiudza kuti nditore mhuri yangu ndibude muguta umu asi tisacheuke.
Mubvunzi: Vanhu veSodoma vakaedza kukumisai here?
Roti: Ah-h hongu, varume ivavo vakaedza kuuya kumba kwangu kuti vazonetsa vatumwa asi vakapofomadzwa.
Mubvunzi: Chii chakazoitika pashure?
Roti: Mangwana mangwanani, vatumwa vakatungamirira mhuri yangu kuti ibude muguta vakatiudza kuti tikurumidze. Takafamba takananga kuZoari, mumwe musha waiva pagomo.
Mubvunzi: Chii chakaitika kumudzimai wako?
Roti: Vatumwa vakatiudza kuti tisacheuke, asi mudzimai wangu akacheuka. Moto wakadonha kubva kudenga ukaparadza Sodoma. Mudzimai wangu akatendeuka kuti azvione ndokubva ashanduka kuva churu chemunyu. Muviri wake wakaoma sechiumbwa.
Mubvunzi: Saka wakatiza nevanasikana vako.
Roti: Ndizvozvo. Vanasikana vangu neni tisu takatiza chete. Ndakarasikirwa nezvinhu zvese pamusana pekushamwaridzana nevanhu vakaipa.
Mubvunzi: Roti, tinokwanisa kudzidza chidzidzo chikuru kubva murungano rwako. Usabatane nevasakarurama.
Roti: Ndizvozvo, unorasikirwa nezvinhu zvose. Chimwe chinhu chaunofanira kugara kure nacho, kusatenda!
Mubvunzi: Vakomana nevasikana, siyanai nezvinhu izvi. Zvinokubirai makomborero aMwari. Tinotenda Roti kuti wauya nhasi.
Roti: Munotendei zvenyu?
TONDERAI AKAPUSA
Ngano Chidzidzo chechipfumbamwe
Rimwe zuva Tendai naTonderai vaitamba nebhora panze. Apo vaikandirana mabhora
vachikasika, mumwe mukomana mukuru akasvika pachivanze.
"Iwe, mwana iwe," akadana mukomana mukuru uya. "Ndikandire bhora iroro." Tendai akashaya kuti oita sei. "Hauna kuzvinzwa here, mukomana?" akadaro mukomana mukuru uya. "Ndati, ndikandire bhora iroro kuno."
Pasina kuramba, Tendai akakandira bhora rake kumukomana mukuru uya. "Ndiani?" akabvunza Tendai kuna Tonderai.
"Anonzi, Tony," akadaro Tonderai. "Haumuzive here? Ndiye mukuru wechikwata chaana Hwindi.
Tendai akatura befu. Ainge ambonzwa nezve chikwata chevana ichi. Chaiva chikwata chevana vanogara munzira uye vaizivikanwa nekuita utsinye kune vamwe vana kana vanhu vakuru chaivo.
Tony ainge otambisa bhora neruoko rumwe chete akatendeuka ndokutarisa Tonderai. "Iwe, mukomana, ndinokuziva handizvo here?" akadaro.
"Ndini Tonderai!" akapindura.
"Une hanzvadzi hombe handiti?" akabvunza Tony.
"Hongu," akadaro Tonderai, "Anonzi Sekai."
"Yah-h, ndanga ndazviona," akadaro mukomana uya. "Akashata, uye haandide pamwe chete neshamwari dzangu. Haadi kuti ndikope zvaanonyora kuchikoro. Ndakafoira masvomho svondo rapera pamusana pehanzvadzi yako."
"Ndichamuudza kuti isadaro," akadaro Tonderai. "Ndichamuudza kuti asavhare mhinduro zvekare."
"Uri mukomana akanaka, Tonderai," akadaro Tony. "Pamwe kana wakura unoda kuzova nhengo yavana Hwindi."
"Ndingafare zvikuru," akadaro Tonderai. "Kana paine rubatsiro rwaunoda kubva kwandiri Tony, undiudze."
"Ichokwadi here, mwana," akadaro Tony. "Ndozokuona." Tony akabva afamba achienda aine bhora raTendai mumaoko.
"Wava kuenda nebhora rangu," akadanidzira Tendai kuna Tony, uyo ainge atova chinhambwe kubva paari.
"Ho-o ehe, huya utore," akadaro Tony. Akabva arikandira kune rumwe rutivi. Akabva aseka apo akaona kutsamwa kwainge kwaita Tendai.
Tonderai akabva atendeukira kuna Tendai ndokuti, "Wakapusa ! Kana uchida kuti zvikunakire unofanira kutofarira zvinodiwa naTony."
"Zvaita seiko nhai Tonderai?" akadaro Tendai. "Tony inyoka. Imbavha uye haatevedzi mitemo. Sei uchimuita kunge anoshamisa?"
"Pamusana pekuti ndiye mukuru wechikwata chavana Hwindi," akadaro Tonderai. "Kana Tony achikufarira, anokudzivirira nekukubatsira."
"Handina rubatsiro rwandinoda kubva kwaari ini," akadaro Tendai agumbuka. "Chitarisa zvaaita nebhora rangu!"
"Zvaikwanisa kunge zvakadarika apa," akadaro Tonderai. "Aikwanisa kunge akurova."
"Tonderai," akadaro Tendai, "Uri mbwende. Watadza kana kumiririra hanzvadzi yako. Sei uchibata Tony samambo?"
"Nekuti ndimambo," akadaro Tonderai. "Ndiye mambo panguva dzino. Kana uchida kuti zvikunakire unotofanira kumuremekedza."
"Ndava kutora bhora rangu," akadaro Tonderai atsamwa. "Handisi kuzotya Tony kana vana Hwindi."
"Shamwari uri kutamba zvako," akadaro Tonderai. Akatanga kufamba achienda kumba apo Tonderai ainge odzika nemugwagwa kunotora bhora rake.
Tendai ainge atsamwa mumashure mekufunga pamusoro paTony nechikwata chavana Hwindi. Ainge achiri mutsva zvikuru munzvimbo iyi zvekuti aisaziva muzvikwata zvaiita mabasa akaipa aya munharaunda yake. Apo akatanga kubatwa nekutya, Tonderai akabva ayeuka mashoko emapisarema 23. Akaashevedzera pache zvake, "Kunyangwe ndikafamba mumupata wemumvuri werufu, handizotyi kuipa, nekuti Mwari vaneni!"
Mumashure mekufamba kachinhambwe, Tendai akasvika panzvimbo yaakanga apedzisira kuona bhora rake. Akaringa ringa paakanga amboriona, ndokubva arishaya.
"Iwe, mwana iwe," rakadaro izwi raiva kuseri kwake. "Uri kutsvaga ichi here?"
Tendai akatendeuka ndokuona Tony, ainge akabata bhora mune rumwe ruoko uye banga kune rumwe. Mumashure make maiva nevamwe vakomana vechidiki vainge vakapfeka mabhachi akanyorwa kuti Hwindi.
"Kana uchida bhora iri," akadaro Tony," Huya uritore." Vamwe vechikwata ichi vakatanga kumuseka apo aiswedera kuna Tony. Hana yaTendai yainge yorova nekukasika.
Kutya kwakamubata asi kushinga kwakasimbisa mukomana wemakore gumi uyu ndokutanga kudzokorora mashoko emuna mapisarema 23.
"Kunyangwe ndikafamba mumupata wemuvuri werufu, handizotyi kuipa nekuti Mwari vaneni," akadaro Tonderai nezwi guru. Akabva afamba chinhanho akananga kuna Tony ndokutora bhora kubva mumaoko make. Tony akashamiswa nechivindi chaTendai, ndokumira akamutarisa achifamba oenda hake kumba kwavo.
Apo Tendai akasvika pachivanze, akatanga kurumbidza Jehova. "Ndinokutendai Jehova," akadaro Tendai. "Ndinokutendai nekundichengetedza."
Mumashure memazuva, Tendai naTonderai vaitamba chihwande hwande apo Tony akauya padyo.
"Hey, iwe Tonderai!" akadaidzira Tony. "Huya pano." Tonderai akabva aenda kunosangana naTony ainge amudaidza, akamhanya. Tendai akatarisa kubudikidza nemuchivanze. Ainzwa Tony naTonderai vachizevezerana asi aisakwanisa kunzwa kuti vaitaura kuti chii.
Pakarepo, Tonderai akatarisa kuna Tendai ndokuti, "Ndava kuenda naTony. Kana amai vangu vakandidana usavaudza kwandaenda!"
Tendai akatanga kuona kuti zvinhu zvainge zvisisina kumira zvakanaka, ndokuedza kumurambidza kuenda. "Tonderai, usaende naye. Achakupinza mumatambudziko!" Hazvina kubatsira. Tonderai naTony vakamhanya vachidzika nemugwagwa ndokusvikopinda mumotokari yainge izere vakomana vechidiki. Payakasimuka, Tendai akaziva kuti Tonderai ainge asarirwa nenguva shoma kuti apinde mumatambudziko. Akamhanyika kumba kwaana Tonderai ndokuwana kusina munhu.
Tendai haana kurara zvakanaka musi uyu achifunga pamusoro peshamwari yake. Zuva raitevera, akamuka mangwanani ndokuenda kumba kwaana Tonderai. Apo akagugudza pamusiwo, akanzwa kuchema mukati memba. Pakarepo musiwo wakavhurwa uye amai vaTonderai vainge vachichema.
"Zvaita sei, mai Muta?" akabvunza Tendai. "Tonderai ari kupi?"
Mai Muta vakazokwanisa kunyarara kuti vatsanangurire Tendai zvainge zvaitika. "Usiku hwapfuura, Tonderai akaenda nevanaHwindi kuti vanoba muchitoro. Vakamutora nekuti ndiye aiva mudiki zvekukwana nepahwindo rekuseri kwechitoro. Pakauya mapurisa, vakomana vechikwata chavana Hwindi vakatiza ndokusiya Tonderai muchitoro. Vakatora zvavainge vaba ndokusiya mwana wangu kuti asungwe." Mai Muta vakabva vavhara musiwo ndokutanga kuchema zvekare.
Tendai akafamba achidzokera kumba kwavo achifunga nezvedambudziko iri. "Tonderai akapusa nekutevera Tony wechikwata chavana Hwindi." Tendai akataura oga. Kutevera vanhu vasakarurama kunopinza mumatambudziko!"
DZOKORORO
Chidzidzo chechipfumbamwe
Shandisai shoko
Wakamboregedza here kuva nenguva neshamwari pamusana pekuti vaida kuita zvinhu zvakaipa chete? Pane mumwe ari muno here ari kunzwa kuti anoda kuva nenguva nemumwe munhu? Ungada here kuti tinamate newe kuti Mwari akupe simba nenjere kuti ukunde muhurongwa hwako?
Mibvunzo
1. Sei vafudzi vaAbrahama vakarwa nevafudzi vaRoti?
2. Abrahama akapa pfungwa yekuti chii kuna Roti?
3. Roti akasarudza kugara kupi?
4. Sodoma raiva guta rakaita sei?
5. Mwari vakaronga kuita sei neguta iri?
6. Mwari vakaudza mumwe munhu here pamusoro pehurongwa hwavo?
7. Abrahama akakumbira Mwari kuti vaite sei?
8. Abrahama akaita kuti Mwari vabvume kuregerera Sodoma pamusoro pevarume
vangani?
9. Maiva nevanhu vakarurama gumi here muSodoma?
10. Ndiani akaenda kunoshanyira Sodoma?
11. Ndiani akasangana nevatumwa pagedhi reguta?
12. Vatumwa vakagara kupi?
13. Chivi chakaita sei chaiva nevanhu veSodoma?
14. Ndiani anotarisirwa naMwari kuti vanhurume varoore?
15. Ndiani anotarisirwa naMwari kuti varoorane nevanhu kadzi?
16. Varume veSodoma vakakumbira kuti Roti aite sei pakauya vatumwa.
17. Vatumwa vakatungamirira Roti nemhuri yake kupi?
18. Chii chakaitika kumaguta eSodoma neGomora?
19. Vatumwa vakayambira mhuri yaRoti kuti isaite sei?
20. Chii chakaitika kumukadzi waRoti apo akacheuka?
KUENDERA MWARI MBERI
Chidzidzo chegumi
Ndima yekuverenga: Genesi 21:1-21
Chokwadi: Mwari vanokwanisa kuchengeta zvivimbiso.
Ndima yemusoro: Jakopo 1:4, "Asi kutsungirira, ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, murarame kwazvo, musingashaiwi chinhu."
Kamutambo: "Musanyengedzwe nemafungiro enyu"
Chidzidzo: Ngano - "Kupopota kana kunamata"
Zvinodiwa: Abrahama (28), Sarah (29), Hagar (33), Ishmael (34), Isaka ane makore matatu (36), Tende (27), mutumwa (38)
Kumudzidzisi:
Mwari vanochengetedza chivimbiso chavo. Kunyangwe hazvo Abrahama naSara vasina kuterera Mwari vakaita sekufunga kwavaida ivo pachavo. Zvisinei, Mwari vakazadzikisa shoko ravo kwavari. Shoko raMwari ndere chokwadi uye nyasha dzake dzinogara narini.
Tsanangudzo
I. Mugove wekusakwanisa kumirira wakava Ishamael.
A. Kunyangwe hazvo Abrahama aiziva kuti Mwari vainge vamuvimbisa mwanakomana, iye naSara vakatadza kumirira.
B. Sara, aisakwanisa kuva nevana, zvekuti haana kutenda kuti Mwari vangamubatsire kuti ave nemwana. Akapima Mwari.
C. Abrahama akafunga kuti pamwe Mwari vaida kumupa mwanakomana kubudikidza nemumwe mukadzi asiri Sara.
D. Sara akaramba achiita kuti Abrahama atore musevenzi wavo, Hagari semukadzi wechipiri.
E. Hagari akazvara mwanakomana, Ishamael, naAbrahama.
1. Hagari akatanga kutsvinya nekudada.
2. Uyu haasiye mwanakomana akanga avimbiswa naMwari.
II. Kuzadziswa kwechivimbiso chaMwari kwaiva Isaka.
A. Kunyangwe hazvo kutenda kwaAbrahama naSara kwakanga kwaderera, Mwari vakaita sekutaura kwavo.
B. Mwari vanozadzikisa zvivimbiso zvavo.
C. Vakatenda Mwari pamusana paIsaka, mwanakomana wechivimbiso Isaka.
D. Kuzvarwa kwake kwakava chishamiso nekuti Abrahama naSara vainge vachembera.
III. Pakava neruvengo pakati paIshmael naIsaka.
A. Ishmael aiva negodo pamusoro paIsaka. Hagari zvekare aivenga Isaka.
B. Ishmael akatsvinyira Isaka pamutambo.
C. Sara akashushikana pamusana pekuita kwaIshmael naHagari.
D. Sara akakumbira Abrahama kuti adzinge Ishmael naHagari.
1. Abrahama aida Ishmael zvekuti aisada kumudzinga.
2. Jehova vakaudza Abrahama kuti aterere Sara, avadzinge.
3. Abrahama akabvuma.
E. Hagari naIshmael vakanetsekana nekushaya mvura murenje.
1. Mwari vakanzwa kuchema kwaIshmael murenje.
2. Mwari vakaratidza Hagari tsime remvura.
F. Ishmael akakura kuva murume mukuru.
1. Akakomborerwa nekuti aiva mwanakomana waAbrahama.
2. Vana vaIshmael (vaIshmael) vaisada vana vaIsaka (maIsraeri).
Dzidziso yemweya:
Nekuti ndinotenda, ndiri mutendi.
Nekuti ndinovimba naMwari, ndinozorora.
Handimhanyi mhanyi. Handinetseki.
Ndinoziva kuti vanondipa zvakanyanyonakisa.
Nekuti ndinonamata, zvichanaka.
Nekuti ndinovimba naMwari, ndinokwanisa kumirira.
Handimhanyi mhanyi. Handinetseki.
Hurongwa hwake kwandiri hukuru.
MUSANYENGEDZWE NEMAFUNGIRO ENYU
Kamutambo Chidzidzo chegumi
Vatambi: Jimmy, moyo waJimmy, satani, izwi raSally
Jimmy: Vakomana, vakomana. Ndiri kufanira kuenda kumutambo. Ndinofanira kuenda nekuti amai vakati kana ndikanamata ndikawana mari, ndinokwanisa kuenda. Ndiri kutenda Mwari nekuda kwemadhora gumi. Jehova ndinokutendai nekuda kwemadhora gumi. Handina pandiri kuiona asi ndinotenda kuti mandinzwa ndichinamata zvekare madhora gumi ndeangu uye ndichabudirira kuenda kumutambo.
Ndinotenda nekunzwa kwamaita munamato wangu. Vakomana, handingasare, mutambo iwoyo uchanakidza zvikuru!
(Satani anopinda, asi Jimmy haamuone)
Satani: Iwe mwana. Uri kuenda kumutambo nhai?
Jimmy: Hongu, ndiri kuenda kumutambo. Izvi zvichanakidza zvikuru.
Satani: Ho-o, zvino hapana kwauri kuenda, mwana. Hauzivi kuti mari uchaiwana kupi.
Jimmy: Unoziva zvandiri kufanira kufunga? Handizivi kuti mari iyoyo ichabvepi.
Satani: Hongu, hauzive kuti ichauya sei. Imari yakawanda chaizvo iyoyo, mwana. Hauna mari inokwana kuti uende kumutambo iwoyu.
Jimmy: Unozivei? Madhora gumi imari yakwanda zvekuti handizivi kuti ndingaiwana kupi.
Satani: Ndicho chokwadi, unogona kutoishaya.
Jimmy: Pamwe haitombouya.
Satani: Hausi kuenda kumutambo iwoyo, mwana. Kanganwa zvako, Mwari havana kumbokunzwa uchinamata. Mwari havapindure minamato yakadai. Izvi hazvina kukosha kuna Mwari.
Jimmy: Pamwe Mwari havapindure minamato yakadai. Pamwe izvi hazvina kukosha kuna Mwari.
Satani: (Achiseka)Ari kutozvitenda! Ari kutozvitenda! Ndaita kuti asagutsikane neshoko raMwari. Ha-ha!
(Satani anobuda)
Jimmy: Vakomana, handifungi kuti ndichaenda kumutambo ini. Ndakanamata ndikafunga kuti zvimwe Mwari vandinzwa, asi nechemukati ndinonzwa kunge vasina. Handifungi kuti ndichava nemhinduro. Izvi zvinorwadza izvi. Ndaida zvikuru kuenda kumutambo iwoyu.
(Moyo waJimmy unopinda)
Moyo: Iwe, mwana. Chii chiri kukunetsa? Sei uri kunetsekana?
Jimmy: Zvisinei, ndakanamata, ndikakumbira Mwari kuti vandibatsire ndiende kumutambo uye ndinoda madhora gumi. Zviri kundiomera kuti ndiwane madhora gumi aya.
Moyo: Iye zvino chimbomira! Hapana chakaomera Mwari. Anokwanisa kuita zvese. Pamusoro pazvo akakunzwa uchinamata.
Jimmy: Akandinzwa ndichinamata? Mwari akandinzwa ndichinamata? Une chokwadi nazvo here, Moyo?
Moyo: Chokwadi ndine chokwadi.
Jimmy: Asi handinzwe sekunge akandinzwa ndichinamata. .
Moyo: Haufanire kuzvinzwa. Mwari anokunzwa zvisinei nemanzwiro aunoita. Kana uchinamata maererano neshoko rake, anonzwa munamato wako.
Jimmy: Unoreva kuti Mwari akandinzwa ndichinamata ndichikumbira madhora gumi?
Moyo: Haana kungozvinzwa chete asi akakupa madhora gumi.
Jimmy: Akandipa madhora gumi?
Moyo: Ndizvozvo. Mwari vakatanga kukufambisira zvinhu kuti uwane mari.
Jimmy: Vakazviita?
Moyo: Ichokwadi? Ndizvo zvinotaura shoko rake, mwana. Sei usingatangi kutenda kushoko rake woregera kusagutsikana?
Jimmy: Vakomana izvi zvinoita kuti ndinzwe zviri nani.
Moyo: Zvisinei, unofanira kutanga kudzidza kuterera shoko raMwari kwete zvido zvako. Shoko raMwari rinokupa mhinduro, mwana. Zvisinei kuti unonzwa sei, Mwari vanokunzwa uchinamata.
Sally: (Izwi rake rinonzwika) Jimmy, pane tsamba iyi iri kubva kuna ambuya.
Moyo: Tarisa zvandinoreva?
Jimmy: Chii chiri mairi?
Sally: (asiri pasitegi) Ikadhi rekufarira zuva rekubarwa uye mune madhora gumi.
Jimmy: Ndanga ndisingafaniri kusagutsikana. Ndazvibata, Moyo!
Moyo: Chitarisa zvandakuudza. Shoko raMwari rinoshanda.
Jimmy: Izvi zvinoshamisa! Hallelujah!
KUPOPOTA KANA KUNAMATA
Ngano Chidzidzo chegumi
Tendai akagara zvake pamusuo pemba. Akanzwa kunge anoda kuchema kana kuridza mhere panguva imwecheteyo. Zvakaita sekunge zvinhu zvose munyika zvainge zvisisina kumira zvakanaka.
"Chii chiri kunetsa, Tendai?" akabvunza Farai apo ainge opinda muchivanze.
"Zvese!" akandandama Tendai.
"Chii chiri kukunetsa? akabvunza Farai.
"Ndakafoira zvidzidzo zvesvomho uye baba vangu vakazviziva vachandiranga."
"Ndizvo zvose here?" akabvunza Farai.
"Rocky yakatiza uye handisi kukwanisa kuiwana," akachema Tendai. Pamwe haichadzoki zvachose."
Usarase moyo," akadaro Farai.
"Pamwe ichiri munzvimbo dzakakomberedza."
"Handifungi kudaro," akadavira Tendai. "Handikwanisi kupinda muchikwata chenhabvu gore rino zvekare."
"Pamusana pei?" akabvunza Farai.
""Amai havana mari zvekuti havakwanise kuti ndiende nekudzoka kunodzidzira bhora racho. Vakawana basa mwedzi wapera. Dzimwe nguva ndinovenga vanhu vose nezvinhu zvose!" Tendai akataura.
"Zvisinei, ndinofunga hausi kuterera, nhai?" akadaro Farai.
Tendai akashamisika. "Unorevei?" akabvunza.
""Unofanira kudzidza zviri nani pane kupopota!" akadaro Farai.
"Unoda kuti ndiite sei kana zvinhu zvose munyika zvisiri kufamba zvakanaka?" akadaro Tendai.
"Hauchatonderi zvatakadzidza masvondo mashoma akapfuura kuchechi?" akabvunza Farai. "VaTakaruza vakatidzidzisa kuti pfungwa dzakaipa dzinoita kuti tinzwe kurwadziwa. Vakati shoko raMwari rinoshandura zvinhu."
"Hongu, ndinotondera," akadaro Tendai. "Asi ndine matambudziko."
"Saka," akadaro Stephen, "Mwari ane mhinduro dzakawanda! Saka unodii kurega mafungiro ako iwayo, wokumbira Mwari kuti vakubatsire? Hautaridzike zvakanaka kana wakatsamwa."
"Ndizvozvo," akabvumira Tendai pakupedzisira. "Ndinofanira kunamata pamusoro pezvinhu izvi zvose."
"Ndichakubatsira," akadaro Farai. Vakomana vaviri vakabva vakotamisa misoro yavo ndokutanga kunamata kuti Mwari vashandure matambudziko aTendai kuti ave kukunda. Tendai akafara zvikuru kuva neshamwari yakadai saFarai. Aiziva kuti Farai aitaura chokwadi ndokufunga kuti zviri nani kuvimba naMwari panzvimbo pekupopota nekunetsekana.
Masikati iwayo, iye naFarai vakava nemafaro zvekuti Jeff akabva aregera kunetsekana. Akaseka zvikuru apo Farai akawira nemusoro mumadhaka. Madhaka akanga ari kumeso kwake aiita sekunge munhu akazorwa nhopi. Apo Farai akaona Tendai achiseka akamukandira madhaka pahembe pake. Mumashure mekanguva kadiki, vakomana vose ava vakanga vanamana nemadhaka kubva kumusoro kusvika kumakumbo.
"Tarisa zvawandiita," akadaro Tendai.
"Tarisa zvawandiitawo," akadaro Farai. "Hembe yangu yatova nhema chaiyo. Shangu dzangu dzava nhema zvekare. Mudhabha wangu wava mutema zvekare, uye muromo wangu wazara madhaka."
Pakarepo, vakomana vakanzwa ruzha, "RRRRFFF!" Tendai akatendeuka ndokuona imbwa yake, Rocky ichiuya ichimhanya.
"Rocky!" akafarira apo aimhanyira kumbwa yake ndokusvikoigumbatira. "Wanga uri kupi?"
"Yanga iri kumba kwangu kwemazuva mashoma apfuura," akadaro murume aiva mumashure membwa iyi. "Imbwa yako here?"
"Ichokwadi, vakuru," akapindura Tendai.
"Vamwe vanhu vandasangana navo munzira vati vanofunga kuti ndeyako. Yanga iri kumba kwangu kubvira payakadonhedzwa kubva mune imwe motokari svondo rapera. Masikati ano, ndafunga kuti nditsvage muridzi wayo," akadaro murume uya. "Asi mukomana, une tsvina inotyisa. Unofanira kutotsvaga bhiza izvozvi kuti ribvise madhaka iwayo shamwari dzako dzisati dzakuona!"
"Ndinotenda, vakuru," akadaro Tendai kumurume uya apo akanga oenda zvake.
"Chiona zvandanga ndiri kutaura?" akadaro Farai. "Pane mhinduro kudambudziko rako rekutanga."
"Hongu," akadaro Tendai. "Ndiri kufara kuti waita kuti ndinamate. Iye zvino imbwa yangu yadzoka. Vakomana, ngatitsvagei mvura yakawanda tigeze, amai vangu vasati vadzoka."
"Ipfungwa yakanaka iyoyo," akadaro Farai. "Madhaka aya ava kutanga kundivava." Saka, vakomana vakagezesana, ndokudira Rocky mvura zvinova zvairatidza kuti naiyo yaifarawo nazvo.
Pakarepo, Farai akabva aenda uye Tendai akabva aendawo kumba kwake kunoverenga. Baba vake vakamudaidza. Tendai akabvunda apo akatora rugwaro rwake rwairatidza zvidzidzo zvake. "Zvinoratidza kuti uri kudzidza neshungu," vakadaro baba apo vaiverenga rugwaro urwu. "Ko wakatadza sei masvomho?" vakabvunza Baba.
"Dzakandiomera," akadaro Tendai.
"Zvisinei, zvinoreva chimwe chinhu," vakadaro Baba. Tendai ainge atofunga kuti Baba vainge vachida kumurova pamusana pemasvomho aya.
"Iwe neni tichapota tichiita masvomho manheru ega ega. Masvomho iwayo uchaagona," vakadaro baba.
Tendai akashamiswa zvikuru. Baba vake havana kumboratidza kugumbuka kana kushatirwa. "Vakomana," akadaro Tendai achitaura oga. "Ndinofara zvikuru kuti ndanamata nhasi."
Pakarepo pamusiwo pakabva pagugudzwa. Paiva pakamira amai Gora vaine imbwa yavo, Fluffy. "Fluffy," vakadaro nezwi ravo rainge rakashoshomera,"Ndakuona uchigezesa imbwa yako masikati. Handizivi kuti ungakwanisa kugezesawo Fluffy mangwana here. Ndinoziva kuti ingafara zvikuru."
Tendai akagutsurira. Aifarira amai Gora pamwepo naFluffy. Pamusoro pazvo zvaizofadza kutamba mumvura zvekare mangwana.
"Ndinokubhadhara," vakaenderera amai Gora. Tendai ainge aramba kubhadharwa, mai Gora vakarasa maoko vachiramba zvainge zvarehwa naTendai. "Kwete, ndinoda kukubhadhara madhora gumi. Ndichakutarisira mangwana mumashure mezvidzidzo." Nemashoko iwayo mai ava vakabva vananga kumba kwavo, vachivhara musiwo mumashure mavo.
"Mwari ngaakudzwe! "Tendai akadanidzira. Amai, Baba, femberai! Amai Gora vari kundipa madhora gumi kuti ndigeze Fluffy. Ndanga ndisingade kutora mari asi vandimanikidza."
"Unoda kuitei nemari yacho?" Amai vakabvunza.
"Ndinoda kupinda muchikwata chenhabvu. Asi hamukwanise kundiendesa kunofundira, munondiendesa?" abvunza Tendai.
"Ndinofunga tingangoronga nevekwa Tsodzo, vakati vanokwanisa kukutakura," Amai vakadaro.
"Zvinofadza!" akashevedzera Tendai. "Ndizvo chaizvo zvandakanamatira!"
Tendai akamhanyira kumba kwake ndokusvikopfugama otanga kunamata achitenda Mwari. "Jehova," akadaro Tendai,"Mapindura minamato yangu yese uye shoko renyu ndere chokwadi! Kubva nhasi, ndichavimba nemi panguva dzose. Ndinokutendai, Jesu. Ndinokudai. Amen."
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi
Shandisai shoko
Wakambomirira here chimwe chinhu kwenguva refu? Wakanetsekana here kana kugumbuka? Kana kuti wakanamata here? Pane mumwe munhu ane chaakamirira here iye zvino? Mwari anokwanisa kuita zvose zvaanovimbisa. Ngatinamatei tose, tovimba naMwari kuti atibatsire.
Mibvunzo
1. Sei Sara akapa mushandi wake kuna Abrahama kuti ave mudzimai wake?
2. Ichi chaiva chivi here maererano netsika dzenguva iyoyo?
3. Mwanakomana waHagari naAbrahama ainzi ani?
4. Hagari aifara here kubatsira Sara?
5. Ishmael ndiye here mwanakomana ainge avimbiswa Abrahama naMwari?
6. Abrahama naSara vakamborasikirwa nekutenda here?
7. Mwari vanovimbisa here chinhu chaasina simba rekuita?
8. Mwana waSara ainzi ani?
9. Sei kuzvarwa kwaIsaka kwakava chishamiso?
10. Ishmael naHagari vakafara here nekuzvarwa kwaIsaka?
11. Ishamael akaita sei pamutambo wekurumurwa kwaIsaka?
12. Sei Sara akagumbuka?
13. Sara akakumbira Abrahama kuti aite sei kuna Ishmael naHagari?
14. Abrahama aida here kudzinga Ishmael?
15. Mwari vakaudza Abrahama kuti chii?
16. Chii chakaitika kuna Ishmael naHagari murenje izvo zvakaita kuti vacheme kuna
Mwari?
17. Mwari akavanunura here?
18. Mwari vakakomborera Ishmael here?
19. Ndivana ani zvizvarwa zvaIsaka kubudikidza naJakopo?
20. Zvizvarwa zvaIshmael zvaiwirirana here nevanhu veIsraeri?
ABRAHAMA ANOPIRA MWANAKOMANA WAKE
Chidzidzo chegumi neimwe
Ndima yekuverenga: Genesi 22:1-19
Chokwadi: Sungano yaAbrahama naMwari yakaisa hwaro hwekuuya kwaJesu.
Ndima yemusoro: Jakobo 11:3b, "Nekuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi."
Kamutambo: "Mupiro waBenny"
Chidzidzo: "Mwana weMhara"
Zvinodiwa: Abrahama (28), Isaka akura (44), Isaka ari paatari (45), mutumwa (38), gwayana (46)
Kumudzidzisi:
Chidzidzo chino chinokwanisa kunzwisiswa muchiedza chesungano yeropa yakaitwa naMwari naAbrahama. Mwari haachadi kuti vanhu vave mipiro nekuti kufa kwaJesu Kristu kwakapedza zvese. Asi nepamusana pekuti vanhu vakanga vave pasi pehutongi hwasatani, Mwari aifanira kudanwa panyika. Aisakwanisa kupira mwana wake kana pasina mumwe munhu panyika akapira mwana wake. Chiratidzo ichi chaAbrahama chaiva chakakodzera. Kunyangwe hazvo Mwari vakamisa Abrahama asati apira Isaka, Mwari vakaona moyo waAbrahama pane zvaakanga ave kuita.
Tsanangudzo:
I. Mwari vakaita sungano naAbrahama. (Tarisa Genesi 17:4)
A. Mumazuva iwayo, vanhu vakaita sungano yekukomborerana.
1. Mutambo wega wega waiva wekupa zvipo kune vamwe.
2. Vanhu vaivimbisa kubatsirana panguva yekutambudzika.
3. Vanhu vakavimbisana kuzobatsirana pane zvose zvavaiva nazvo nerubatsiro kubva kumhuri yose.
4. Sungano yakasimbaradzwa neropa.
B. Mwari vakaita sungano naAbrahama uye vakakomekedza kuti achenurwe.
1. Abrahama akarasikirwa neropa pakuchenurwa.
2. Sezvo Mwari vainge vasina ropa, Abrahama akapira mhuka, ropa rayo rakava chiratidzo cheropa raMwari.
C. Rimwe zuva, Mwari vakaudza Abrahama kuti apire mwanakomana wake, Isaka sechibayiro.
1. Satani aiva nesimba pamusoro pavanhu vose nekuda kwechivi chaAdama, saka Mwari aisakwanisa kuita chimwe chinhu panyika kudzikinura vanhu kunze kwekunge akumbirwa.
2. Mwari vasati vapira mwanakomana wavo semubairo, vaifanira kutsvaga munhu aizvipira kupa mwana wake sechibayiro.
D. Mwari vakasarudza kudeuka kweropa sechiratidzo chekuunza ruponeso.
1. Vanhu nemhuka ndivo voga vane ropa, satani haana.
2. Satani haakwanise kuregererwa pachivi chake uye haakwanisi kuwana chekuita musungano yaMwari nevanhu.
II. Pasina kuzengurira, Abrahama akapira mwanakomana wake kuna Mwari.
A. Akazvipira kupira mwanakomana wake Isaka, pamusana pesungano yaakaita naMwari.
1. Dai Abrahama ainge asina kuzvipira kuita izvi, Mwari vaibva vaziva kuti sungano yavo naye yainge isiri yechokwadi.
2. Pamusana pekuti Abrahama aizvipira kupa zvese zvaaiva nazvo, Mwari vari kuzvipirawo kutipa zvose zvakanaka zvavanazvo.
B. Abrahama haana kunetsekana nekupa zvakanaka zvaaiva nazvo, Mwari vari kuda kutipawo zvakanaka zvavanazvo.
1. Mwari ainge avavimbisa kare kuti zvizvarwa zvaIsaka zvaizova mhuri huru, asi Isaka akanga asati atombova nevana panguva idzodzo.
2. Aiziva kuti Mwari vaizomutsa Isaka kubva kuvakafa kuti achengetedze shoko rake kana zvakakodzera.
C. Abrahama naIsaka vakaenda kugomo reMoria kunopira chibayiro.
D. Abrahama akavaka atari ndokusunga Isaka, achitarisira kumuuraya nekupisa mutumbi wake.
E. Abrahama asati abaya mwana nebanga, mutumwa waMwari wakamumisa.
1. Abrahama akaratidza kuda kwake kuterera Mwari.
2. Mwari vakarambidza Abrahama kuti asapire mwanakomana wake pamusana pekuti aiziva kuti Abrahama aizozviita.
III. Mwari vakamupa mugove pamusana pekuterera kwake.
A. Sungano yainge yaongororwa kusvika pekuguma uye Mwari vakaona kuti chaiva chokwadi.
B. Mwari vakagadzirira Abrahama mumwe mupiro wekuti apire.
1. Abrahama akaona gwayana riri mugwenzi.
2. Abrahama akapira gwayana panzvimbo paIsaka.
C. Mushure memakore akawanda, Mwari vakapira mwanakomana wavo sechibayiro chezvivi zvevanhu pagomo riri padyo negomo reMoria.
1. Paiva pasina angatsiva Jesu.
2. Rufu rwaJesu pamuchinjikwa rwakazadzikisa sungano yaAbrahama naMwari.
D. Tinokwanisa kukomborerwa nesungano yaAbrahama nhasi.
(VaGaratia 3:13-14, 29)
Dzidziso yemweya:
Zvese zvandiri ndiMwari.
Zvese zvandinazvo ndezvake, zvekare.
Zvose zvaanazvo akandipa.
Anondibatsira nezvese zvandinoita.
Ndakaponeswa kubva muzvirwere zvese,
Ndakasunungurwa kubva muurombo.
Saka nhasi ndinomutenda mazuva ose.
Upenyu hwaMwari huzere mandiri.
MUPIRO WABENNY
Kamutambo Chidzidzo chegumi nembiri
Vatambi: Benny - ane moyo wakanaka, mukomana wechiKristu uye Buzz - asina kuvimbika,
Benny: Handizive kuti bhora rangu riripi. Ndakaritenga nguva shoma yakapfuura. Ndariisa apa nguva yapera. Ndarinyora zita nguva shoma yapfuura zvekare.
(Pakarepo, Buzz anosvika aine bhora raBenny mumaoko. Buzz akanyora zita rake pabhora iri ndokudzima zita raBenny.)
Buzz: Iwe, mwana iwe, unoda kutamba bhora here?
Benny: Dai ndikangowana bhora rangu.
Buzz: Zvisinei, wadii kutamba rangu?
Benny: Iwe, ko zvarinenge rangu wani! wariwana kupi?
Buzz: Ndakaritenga pachitoro. Nderangu iri.
Benny: Rinoita sekunge bhora rangu. Ndanga ndiine rakaita sairoro.
Buzz: Wanga wakarinyora zita here?
Benny: Hongu, ndanga ndakarinyora apa. Ko inga zita rangu radzimwa.
Buzz: Hapasipo panga paine zita rako. Ndakuudza kare kuti ndakaritenga kuchitoro.
Benny: Sei paine panga paine zita rangu padzimwa?
Buzz: Pamusana pekuti pandanyora zita rangu pakutanga, ndakanganisa saka, ndadzima ndikazonyorazve kechipiri.
Benny: Ndakashandisa mari yangu yose yemwedzi miviri pabhora iroro.
Buzz: Ndinofunga kuti ndakuudza kare kuti harisi rako. Asi kana uchirida ndingangokutengesera.
Benny: Marii?
Buzz: Hongu, rega tione, madhora makumi maviri.
Benny: Madhora makumi maviri?! Yakawanda kudarika yandakaritenga nayo.
Buzz: Saka endaka unotenga rimwe.
Benny: Handikwanise nekuti ndiro raiva rekupedzisira muchitoro macho.
Buzz: Madhora makumi maviri... wotora kana woregedza.
Benny: Zvichanditorera mari yakawanda.
Buzz: Ndine nguva yose munyika.
Benny: Ndichadzoka. Usakanganisa bhora rangu.
(Benny anobuda)
Buzz: Haakwanise kubhadhara bhora iri. Haana madhora makumi maviri. Ndichachengeta bhora iri kusvikira rabvaruka.
(Benny anopinda akabata madhora makumi maviri)
Benny: Mari yacho iyo, Buzz.
Buzz: Saka unayo zvako?
Benny: Hongu, ndanga ndakaichengeta. Ndanga ndiri kuchengeta mari kwemakore mashanu, saka ndiyo yose yandinayo iyi.
Buzz: Saka, ndipe mari yacho. Ichi chibhora chako ichi.
(Buzz anoenda)
Benny: Ndatenda, Buzz. Vakomana. Ndave nebhora rangu zvekare. Izvi zvinoshamisa izvi! Zvatora mari yangu yose yandanga ndiinayo kuti ndiwane bhora rangu zvekare.
(Pakarepo Buzz akadzokazve.)
Benny: Mhoro, Buzz, zvii zviri kuitika?
Buzz: Amai vangu vawana madhora gumi aya muhomwe mangu uye vabvunza kuti ndaiwana kupi. Vanditi ndikudzosere pamusana pekuti ndakunyengedza.
Benny: Wazvita hako, Buzz.
Buzz: Nyarara iwe, nyoka. Dai amai vangu vasina kuona mari iyi ndingadai ndisina kukudzorera!
(Buzz anobuda)
Benny: Unotii nazvo! Ndava nebhora rangu uye mari yangu. Mwari ngaarumbidzwe!
MWANA WEMHARA
Ngano Chidzidzo chegumi neimwe
Rimwe zuva Gospel Bill naNicodemus vaitasva mabhiza vachienda kunoshanyira mambo Nyoka. Vaiimba vachirumbidza Mwari nekutaura nyaya apo vaifamba munzira.
Pakarepo, Gospel Bill akamisa bhiza rake. Nicodemus akamisawo rake ndokutendeuka otarisa Gospel Bill. "Ko chii chiri kuitika?" akabvunza Nicodemus.
"Tarisa musango umo," akadaro Bill apo akanongedzera pachuru. "Hona shumba iyo yava padyo kubata chimwe chinhu. Handisi kunyatsoona kubva pano apa kuti chii, asi ichasvetuka yomhanya zvishoma."
"Ya-h ndazochiona chikara chiya zvino," akadaro Nicodemus. "Yagadzirira kuti isvetuke." Pakarepo, shumba yakabva yanyahwaira ichinyangira mwana wemhara ainge arere mumauswa.
Mwana wemhara akabva azvinzwa ndokutanga kumhanya otiza.
Gospel Bill naNicodemus vakaramba vakagara pamabhiza avo apo mwana wemhara ainge omhanya mhanya kwese kwese kutsvaga rubatsiro. "Pamwe shumba iyo icharegedza kutevera," akadaro Nicodemus, "haingakwanise kubata mwana wemhara uyu."
Ipapo Gospel Bill akabva aona imwe mhuka yaimhanya pachuru. "Uh-oh, pane imwe shumba zvekare. Mwana wemhara achipinda pfumvu nhasi."
Apo imwe shumba yakamhanya kuti dzibatsirane kurwisa, mwana wemhara akanga atoneta. Yainge isisakwanise kuramba ichimhanya.
Pakarepo amai vayo vakauya vachimhanya semhepo, yakamhanyira mwana wayo neshumba mbiri dziya. Yakamhanya nepaiva nemwana wayo ichiitira kuti shumba idzi dzisiye mwana, dzitandanise iyo.
Shumba idzi hadzina kuita sekudaro. Dzakaziva kuti mhara iyi yaizomhanya zvakanyanya, asi mwana wacho ainge atoneta zvake. Saka dzakaramba kutandanisa amai vacho ndokuramba dzichidzingirira mwana wemhara.
Amai vemhara vakatambudzika nekushaya zvekuita. Yakaziva kuti mwana wayo ainge atoneta. Yakamhanya zvekare ichitevera ndokubva yamira pakarepo.
"Amai vemhara vari kumboiteiko?" akabvunza Nicodemus. "Ichabatwa neshumba yakamira ipapo!"
"Ndizvo chaizvo zvairi kuda," akadaro Gospel Bill. "Iri kuda kuti shumba dzibate iyo, kuitira kuti dzisiye mwana wayo." Zvakabva zvaitika sekutaura kwaGospel Bill. Shumba dzakabva dzatanga kudzingirira amai vemhara avo vakamhanya chaizvo. Apo dzakatanga kuiruma muhuro nemakumbo, mwana wemhara akabva atizira mumauswa.
"Gu-u!" yakarira pfuti kubva kuna Nicodemus. Shumba yekutanga yakabva yawira pasi. Yechipiri yakabva yatiza, ichisiya amai vemhara kuti vaende kumwana wavo.
"Chienda kumwana wako!" akadanidzira Nicodemus kuna mai vemhara. "Hamuchazonetswa zvekare neshumba!" Amai vemhara vakamhanya kunotsvaga mwana wavo ndokubva vatizawo vakananga nemuchuru.
"Hazvishamise here izvi," akadaro Nicodemus kuna Gospel Bill. "Amai vemhara vanga vachida kuzvipira upenyu hwavo panzvimbo pemwana."
"Hongu," akadaro Gospel Bill. "Chimwe chinhu chokwadi. Zvinondifungisa pamusoro pemumwe munhu akazvipira upenyu hwake kuti atinunure kubva muzvivi."
"Uri kutaura pamusoro paJesu, sandizvo here Gospel Bill?" akabvunza Nicodemus.
"Hongu," akadavira Gospel Bill, "uye nyaya yaJesu yakapera sezvataona apa izvi nhasi."
"Unorevei?" akabvunza Nicodemus.
"Jesu akazvipira upenyu hwake kwatiri apo akafa pamuchinjikwa. Mwari vakamumutsa kubva kuvakafa. Akararama zvekare."
"Ho-o, ndazoziva zvauri kutaura nezvazvo," akapindura Nicodemus. "Amai vemhara vanga vapira upenyu hwavo kumwana wavo, asi havana kufa."
"Asi zvakangofanana nekunge dai vafa," akadaro Gospel Bill. "Asi wadzosera upenyu hwayo pakare apo wapfura shumba idzi."
"Uye Jesu akawana upenyu hwake pakare apo Mwari vakamumutsa kubva kuvakafa," akadaro Nicodemus. "Ndinotenda zvaakandiitira."
"Chero neni, Nicodemus. Chero neni," akadaro Gospel Bill.
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi neimwe
Shandisai shoko
Wakambova neshamwari yawaida zvikuru here yawaipa chero chinhu chawainge unacho kana kumubatsira neimwe nzira. Pane imwe nguva here yawakambokumbirwa neshamwari kuti uibatsire? Chii chakitika? Ndizvo zvatinoitirwa naMwari. Kana tichipa moyo yedu kwaari, vanotipa zvose zvavanazvo votibatsira nepese pavanogona napo.
Mibvunzo
1. Chibvumirano chakaitwa naMwari naAbrahama chainzi chii?
2. Vanhu vakare vaiita sei kuti vasimbaradze sungano?
3. Abrahama akadeura rimwe reropa rake here kuti aite sungano naMwari?
4. Ropa raMwari rakadeurwa sei sechiratidzo chesungano yavo naAbrahama?
5. Ndechipi chinhu chakanzi naMwari Abrahama aifanira kuita?
6. Ndiani aiva nesimba pamusoro penyika panguva yaAbrahama?
7. Sei zvainge zvakakosha kuti Abrahama apire mwanakomana wake?
8. Mwari vakakumbirazve mumwe munhu here kuti apire mwanakomana wake?
9. Abrahama akanetseka here nekurasikirwa naIsaka?
10. Abrahama aiziva sei kuti aisafanira kutya?
11. Abrahama aitenda here kuti Mwari vaizomutsa Isaka?
12. Abrahama akaenda naIsaka kumomupira kupi?
13. Isaka aitenda muna Mwari sezvaiita baba vake here?
14. Chii chakaitika apo Abrahama akanga agadzirira kubaya Isaka?
15. Nderipi gomo raiva padyo negomo reMoria?
16. Mwari akazopira chii pagomo reKarivari?
17. Abrahama akazopira mumwe mupiro here musi uyu?
18. Abrahama ainge akaperera here pakupira Isaka?
19. Mwari vanotarisira here kuti vanhu vadeure ropa ravo pasungano dzanhasi?
20. Tingapinda sei musungano naJehova?
SARA - MUDZIMAI WESUNGANO
Chidzidzo chegumi nembiri
Ndima yekuverenga: Dzakasiyana siyana
Chokwadi: Kutenda kunounza makomborero akawanda kubva kuna Mwari.
Ndima yemusoro: VaHeberu 11:6, "Kana kusina kutenda, hazvibviri kumufadza. (Mwari)
Kamutambo: "Sara anogovera zvakavandika"
Chidzidzo: "Jesu haakundikane"
Zvinodiwa: Sara (29), Abrahama (28), tende (27), Faro (31), mwana Isaka (35)
Kumudzidzisi:
Mwari anogovera kutendeka nekuterera. Kutenda ndiyo nzira yatinogashira nayo kubva kuna Mwari. Kana tichishandisa kutenda kwedu, tinofadza Mwari uye anotipa migove. Migove yake haisi yedu toga asi nevamwe. Kukunda kwedu kunopa vamwe shungu. Mwanakomana waSara, Isaka, haana kungova mhinduro kuna Sara chete. Zvakaratidza kuti kutenda kunounza shanduko kunyangwe kuIsraeri yaizouya. Mudzikinuri akazozvarwa kubva mumhuri iyoyi.
Tsanangudzo:
I. Sara aiterera Mwari zvese naAbrahama.
A. Akasiyana nehama dzinonamata zvifananidzo kuUri yava Kardia, akaroorana naAbrahama.
B. Kunyangwe Sara naAbrahama vaiva nekaukama, panguva idzodzo zvainge zvisina basa kuti varoorane.
C. Sara aida kusiya zvakamukomberedza kuti aite kuda kwaMwari.
1. Nemumwe mutauro, Sara aiva muvhangeri.
2. Akasiya mhuri yake nemusha wake kuti anoita kuda kwaMwari.
D. Kwekanguva, Sara akagara kuHarani naAbrahama. Semudzimai aiterera, aitevera kwese kwainge kwatungamirirwa murume wake naMwari.
1. Vamwe vakadzi havatendi kuti Mwari anotaura kuvarume vavo.
2. Varume nevakadzi vanofanira kubvumirana kuti Mwari vakwanise kushanda muupenyu hwavo.
E. Sara akagara mutende, achifamba munyika yose yeKenani.
1. Haana kuva nemusha panyika.
2. Moyo wake waida kuti aende kudenga kunova naMwari. (Tarisa vaHeberu 11:9-10)
II. Kunyangwe aiva mudzimai akasimba, dzimwe nguva Sara aimbokanganisawo.
A. Apo vainge vashanyira Egipita, Sara akanyepera Faro kuti Abrahama aiva hanzvadzi yake. Akazviita kuti achengetedze Abrahama, asi Mwari vakavachengetedza zvisinei nekunyepa uku.
B. Dzimwe nguva Sara aimborasikirwa nekutenda uye akaedza kubatsira Mwari kuti chivimbiso chavo chive chechokwadi.
1. Sara akapa Hagari, mushandi wavo kuna Abrahama kuti abereke mwana mukomana.
2. Mwanakomana waHagari naAbrahama akazokonzera matambudziko mumhuri yose.
C. Apo mwari akaudza Sara kuti achazova nemwana, akaseka.
1. Sara akange ave nemakore makumi mapfumbamwe saka akafunga kuti chivimbiso chamwari hachaizozadzikiswa.
2. Sara haana kuda kubvuma kuti ainge azviita apo Mwari vakamushora pamusana pekuseka kwaainge aiita.
III. Sara aiva muenzaniso wevakadzi vose.
A. Aiva mudzimai wekutenda uye aitenda zvivimbiso zvaMwari.
1. Apo ainge achiri mudiki, ainge atadza kuita vana.
2. Pakuchembera kwake, akatenda kuti Mwari vaizomupa mwanakomana.
3. Akabvisa kusagutsikana kwese ndokutora shoko raMwari.
B. Sara aikwanisa kunge akasiyana naAbrahama kuti ave mambokadzi asi akasarudza kugara nemurume wake.
C. Apo Mwari akaudza Abrahama kuti apire Isaka, Sara haana kupindira.
D. Mwari akakomborera Sara neutano, hupfumi, uye makomborero eMweya.
1. Sara akararama kwemakore zana nemakumi maviri ane manomwe.
2. Aiva zitateguru raJesu.
Dzidziso yemweya:
Ndine kutenda,
Nekuti ndizvo zvinofadza Mwari.
Ndinoita zvose kubudikidza naKristu. Ichokwadi
Ndakakomborerwa
Neutano nekufara,
Nekuti ndinoterera
Pane zvose zvandinoita nekutaura.
SARA ANOGOVERA ZVAKAVANDIKA
Kamutambo Chidzidzo chegumi nembiri
Vatambi: Sara, Mubvunzi
Mubvunzi: Pachirongwa chanhasi, tichava nemudzimai wekutenda. Akatenda Mwari pamusana pemwanakomana kunyangwe ainge audzwa kuti aisakwanisa kubereka mwana. Akava nemwanakomana mumashure memakore makumi mapfumbamwe. Vakomana nevasikana, mudzimai waAbrahama, Sara, ndiye muenzi wedu nhasi. Ngatimuombererei maoko.
(Sara anopinda)
Sara: Ndinotenda. Ndafara chaizvo kuva pachirongwa nhasi.
Mubvunzi: Tasimudzirwa zvikuru kuva nemudzimai wekutenda akaita sewe Sara. Tiudze nezveupenyu hwako. Uri kuitei iye zvino?
Sara: Iye zvino, ndiri kugara kudenga. Abrahama pamwe chete neni tiri kufara chaizvo ikoko. Tine imba huru ine mipanda makumi mana uye huvapo hwaMwari hunotipa rufaro rukuru. Ndinofara zvikuru kuti hatichagari mumatende.
Mubvunzi: Zvinofadza. Sara uri kuratidzika kunge uchiri mudiki zvekare wakanaka zvikuru. Tiudze zvakavandika.
Sara: Upenyu husingagumi hunoita izvi kumunhu wese. Munhu wese ari kudenga haaratidziki kuchembera.
Mubvunzi: Ndaona chikonzero chainge chaita kuti Faro ade kukuroora. Sara ngationgororei upenyu hwako panyika. Ndinofunga vatereri vedu vazhinji vangafara kuzvinzwa.
Sara: Ungada kuziva chii?
Mubvunzi: Ngatitangirei pekutanga. Wakasangana naAbrahama kupi?
Sara: Ndakasangana naye kuUri. Ainge achine makore ari pasi pemakumi maviri uye ndaiva musika mudiki chose. Ndakatanga kusangana naye ndiine makore manomwe, asi haana kuziva kuti ndairarama kusvika ndava nemakore gumi nemanomwe.
Mubvunzi: Vatendi imi mainanata Mwari chaiye here panguva iyoyo?
Sara: Hongu, Abrahama ainge achiri kutanga kutsvaga nezvaMwari. Baba vake havana kutenda muna Abrahama pakutanga, asi vakazoshanduka.
Mubvunzi: Makaroorana kupi?
Sara: Takaroorana muUri mukatende kadiki. Abrahama ainge achangotanga kugadzira yake uye tainge tisina mari yekuti tibhadhare tende hombe.
Mubvunzi: Maererano neshoko raMwari hamuna kuramba muri varombo.
Sara: Ah, kwete hatina kumbobvira taita varombo, asi zvinhu zvakatanga kuwedzera apo takabva muUri tikaenda kuHarani. Jehova vakatanga kutikomborera nemakwai nemombe dzaisvika zviuru.
Mubvunzi: Waifara here panguva iyi?
Sara: Hongu, taifara asi paiva nechinhu chimwe chete chainge chisimo mumba medu.
Mubvunzi: Chii ichocho?
Sara: Ndaisakwanisa kuva nevana, uye Abrahama aida mwanakomana zvikuru.
Mubvunzi: Ndinofunga zvaiva zvakakosha kuna Abrahama kuti ave nemwana mukomana.
Sara: Hongu, aida mwanakomana wekuti agodzidzisa maererano nezvinhu zvaMwari.
Mubvunzi: Mwari vakatanga kushanda naAbrahama papi?
Sara: Mwari vakazviratidza kuna Abrahama kuUri vakamuudza kuti abve kuhama dzake neshamwari. Mwari vakaramba vachiratidza Abrahama kuti achava baba vemarudzi.
Mubvunzi: Wakafungei nazvo?
Sara: Handina kuzvitenda pakutanga nekuti ndaiziva kuti ndaisakwanisa kuita vana. Asi kunyanya kufunga nezvazvo kwandaiita, kwakabva kwaita kuti ndizive kuti Mwari vaikwanisa kuita chero chinhu zvacho saka ndakatanga kutenda Mwari pamusana pemwanakomana.
Mubvunzi: Abrahama aitenda here kuti Mwari vaizomupa mwanakomana?
Sara: Hongu, akafamba Kenani yose achirumbidza Mwari nekuda kwemwanakomana. Akandiudza kasingaperi kuti ndichava nemwana.
Mubvunzi: Mwari vakazviratidza kuna Abrahama newe pawaiva nemakore makumi masere nemapfumbamwe. Wakafungei nazvo?
Sara: Jehova vainge vaudza Abrahama kuti ndaizova nemwana mumashure megore. Ndakashamiswa zvekuti ndakaseka. Jehova vakandinzwa ndichiseka, vakandiudza kuti ndaizova nemwanakomana.
Mubvunzi: Chii chakazoitika pashure?
Sara: Ndakabata pamuviri! Waifanirwa kunge wakandiona. Pakupemberera zuva rekusvitsa makore makumi mapfumbamwe, ndaiva nepamuviri. Vavakidzani vazhinji vakafunga kuti ndainge ndasimba zvikuru pamusana pekudyisa. Vakava nenguva yakaoma kuti vazvibvume.
Mubvunzi: Tinoziva kuti Isaka akazvarwa sekuvimbisa kwaMwari. Abrahama akaita sei pakazvarwa Isaka?
Sara: Isaka paakatanga kuchema mumashure mekuzvarwa kwake, Abrahama akamhanya achitenderera mutende achirumbidza Mwari.
Mubvunzi: Sara, waiva mupfumi uye makomborero aMwari aiva azere pamuri. Sei mainge makakomborerwa kudaro?
Sara: Taiva takakomborerwa nekuti taitenda shoko raMwari nekutarisira kuti aite zvese zvaainge avimbisa.
Mubvunzi: Tafara chaizvo kuva newe pachirongwa nhasi, Sara. Vakomana nevasikana, ngatiombererei Sara.
JESU HAAKUNDIKANE
Ngano Chidzidzo chegumi nembiri
"Ndini mutambi wekupedzisira muchikwata uye ndichatozviregera zvangu!" Akachema Barki apo aipinda muhofisi yaGospel Bill. Maziso ake ainge azere misodzi apo aifunga pamusoro pekutadza kwake mumutambo webhora. "Handikwanise kubata. Handikwanise kukanda. Handikwanise kurova. Handikwanise zvese hazvo!"
"Chimbomira kwekanguva," akadaro Gospel Bill. "Haungatadzi zvakadaro."
"Ndizvo zviri kuitika!" akapindura Barki. "Ndakandirwa bhora kanokwana mazana matatu nemakumi mapfumbamwe asi ndatadza kurova kana kamwe chete zvako. Vamwe vana vandiseka chaizvo! Uye ndicho chokwadi chacho!" Barki akabava akotamisa musoro wake ndokutanga kuchema.
Pakarepo Gospel Bill akasimuka. Apo aitaura Barki aishamiswa zvikuru. "Ndinofunga kuti Jesu mukundikani zvekare. Handifungi kuti aizokwanisa kuita chimwe chinhu chakanaka."
"Wati chii?" akabvunza Barki.
"Ndati ndinofunga kuti Jesu mukundikani," akapindura Gospel Bill.
"Chimbomira!" akadaro Barki. "Jesu haakundikane. Anokwanisa kuita chero chinhu uye zvese zvaanoita zvakarurama."
"Ndizvo zvaunotenda here izvozvo, Barki?" akabvunza Gospel Bill.
"Nemhosva yei, ndizvozvo chaizvo," akapindura Barki.
"Saka chiitaka zvinoratidza kuti ichokwadi," akadaro Gospel Bill. "Una Jesu mumoyo mako, ndizvozvo?"
"Ndizvozvo!" akadaro Barki.
"Kana uchinge wakundikana, uri kuti Jesu ari mauri akundikana, zvekare."
"Jesu haakundikane," akapindura Barki.
"Ichokwadi, kana newewo haungakundikane kana uchizvitenda," Gospel Bill akaenderera mberi. "Saka dzidzira zvakanyanya worega kuzviti haukwanise bhora."
"Ichokwadi!" akabvuma Barki. "Jesu haakundikane uye anogara mandiri saka handingakundikane."
"Ndiwo mweya wacho, Barki! Handei tinodzidzira kukanda nekubata." Saka Barki naGospel Bill vakaenda kunotamba bhora. Mazuva ose Barki akatanga kugona. Kudzidzira kwaitora nguva yakareba uye kwainge kwakaoma asi pamusana pekuti Barki aitenda muna Jesu ari maari, aisakawanisa kuregera.
Rimwe zuva masikati, Barki akamhanya muhofisi yashefu aine nhau dzinofadza.
"Gospel Bill, Gospel Bill! Ndichatamba mumutambo wanhasi. Mutungamiriri ati anondiregera nditambe!"
"Hausiwo mutambo wakakosha here iwoyu?" akabvunza shefu.
"Hongu," akadaro Barki. "Ndinovimba handitadzi."
"Uchatamba zvakanaka, Barki. Uchiri kutondera zvandakakuudza?"
"Hongu! Jesu ari mandiri haakundikani saka handikundikanewo!" akapindura Barki.
Gospel Bill akatevera Barki kubhora ndokutarisa mutambo. Barki akamira oga asi hapana kana bhora raisvika kwaari. Chikwata chaBarki chakazowanawo bhora pakuguma. Chikwata chainge chabva kuHarare chakatungamirira chikwata chainge chabva kuBindura nechibodzwa chimwe. Barki akatanga kutya mumashure mechikamu chekutanga ichi.
"Mutambi mukuru wechikwata chaitamba nanavana Barki akagadzirira kurova bhora . "Bhora iri richadarika nemumaoko mako nhasi!"
Barki akabva anyanya kutya zvekuti mabvi ake akatanga kubvunda. Gospel Bill akabva adanidzira kubva paaiva agere, "Tondera zvandakakuudza Barki!"
Barki akarwisa kutya kuya apo akatondera zvaainge adzidziswa naGospel Bill. "Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza!" akadaro Barki. Pakarepo ruzha rwakanzwika munhandare, Barki ainge abata bhora.
Vanhu vemuHarare vakabva vatanga kukuza. Barki akanga zvino akomberedzwa nevatambi vechikwata chake vachimutenda pamusana pekubata kwaainge aiita. "Ndinozviisa zvose kuna Jesu," akadaro Barki. "Pamusana pekuti ari mandiri, handingakundikani!"
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi nembiri
Shandisai shoko:
Kwemakore mazhinji, Sara haana kukwanisa kuita mwana. Akabvisa kusagutsikana kwake akatenda kuti aizoita mwana. Wakamboshandisa kutenda kwako kuti uite chimwe chinhu chaiwaisakwanisa kuita kare here?
Mibvunzo:
1. Vasati varoorana, Sara naAbrahama vaiva neukama rudzii?
2. Zita raSara rekutanga rainzi ani?
3. Abrahama naSara vaigara kupi apo Mwari akatanga kutaura navo?
4. Sei Mwari vakaudza Abrahama naSara kuti vabve kuUri?
5. Vanhu vekuUri vainge vakaita sei?
6. Sara aigara mumba yakaita sei?
7. Sara aiva akarurama here?
8. Ndedzipi nhema dzakaudzwa Faro naSara apo akaenda kuEgipita naAbrahama?
9. Sara akaratidza sei kusakwanisa kumirira kwake kuchivimbiso chaMwari?
10. Zita rokuti "Isaka" rinorevei?
11. Sei Mwari vakaudza Abrahama naSara kuti vatumidze mwana wavo kuti "Kuseka"?
12. Nderipi dambudziko raiva Sara kusvika ave nemakore makumi mapfumbamwe?
13. Abrahama ainge ave nemakore mangani pakazvarwa Isaka?
14. Zita rekuti Sara rinorevei?
15. Sara akambowana mukana here wekuti ave mambokadzi?
16. Sara akararama kwemakore mangani?
17. Sara akaita sei kuti amise Abrahama kupira Isaka?
18. Chii chinofadza Mwari maererano nevaHeberu 11:6?
19. Ndiani akatanga kufa, Abrahama kana Sara?
20. Ndiani mambo ane mukurumbira akazozvarwa mumhuri yaSara?
ISAKA ANOWANA MUKADZI
Chidzidzo chegumi nenhatu
Ndima yekuverenga: Genesi 24:1-67
Chokwadi: Zvakakosha kusarudza shamwari dzinoziva Mwari dzinokubatsira kuita kuda kwaMwari.
Ndima yemusoro: "Jimmy nemutambo"
Chidzidzo: "Kuita kuda kwaMwari"
Zvinodiwa: Abrahama (28), Isaka akura (44), Eliezer (48), Rebeka (50), ngamera (47)
Kumudzidzisi:
Nguva netsika zvashanduka. Munhu wega wega mazuva ano ave kusarudza oga shamwari dzake kana murume kana mukadzi wake. Nyaya iyi inotaura pamusoro petsika ichiri kusevenza.
Mwari vanoda kuti tive neshamwari dzinoziva Mwari angava murume kana mukadzi. Sarudza shamwari dzinokudza Mwari uye Mwari vanokudza nekukomborera hushamwari ihoho.
Tsanangudzo:
I. Abrahama aida kuti Isaka aroore mudzimai anoziva Mwari.
A. Abrahama aiziva kuti vaKenani vakamutenderedza vainge vasina kururama.
B. Aiziva kukosha kwakaita kuva nemukadzi akanaka anobatsira murume wake kushandira Mwari. Aida kuti Isaka aenderere nezvinhu zvaMwari.
C. Vanhu vakakukomberedza vane chekuita neupenyu hwako. Chenjerera vanhu vaunotamba navo.
D. Abrahama akatora musevenzi wake, Eliezer akamuita kuti apike kuti aizonotsvagira Isaka mukadzi akanaka.
1. Eliezer akatumwa kuHarani, mumusha waNahori, munun'una waAbrahama.
2. Eliezer akanamata kuna Mwari kuti vaunze musikana akanaka munzira yake.
II. Eliezer akawana sarudzo yaMwari yemudzimai waIsaka.
A. Eliezer akanamata kuti musikana aizomubatsira kunwisa ngamera dzake mvura ndiye aizova mudzimai waIsaka.
B. Apo Eliezer akapinda muHarani akaona musikana ainge akanaka zvikuru, Rebeka.
C. Rebeka akabatsira Eliezer kunwisa ngamera mvura uye akabva aziva kuti ndiye aizova mudzimai waIsaka.
D. Aiva muzukuru zukuru wemunin'ina waAbrahama.
E. Eliezer akapfimba musikana uyu pachinzvimbo chaIsaka. Akaudza Rebeka nemhuri yake pamusoro pemhuri yaAbrahama.
F. Mumashure mekugashira zvipo zvakawanda, Betueri naRabani vakazobvuma kuti Rebeka aroorane naIsaka. Iye akabvumawo.
III. Eliezer akaenda naRebeka kuna Isaka.
A. Isaka akaona Rebeka pachine chinhambwe akaenda kunomugashira.
B. Vakasangana vakaroorana.
1. Isaka akafara chaizvo kuva naRebeka semudzimai wake.
2. Akazadzikisa mukaha wakanga wavapo kubvira kufa kwamai vake.(Sara)
C. Rebeka akabatsira Isaka mukushandira Mwari.
1. Shamwari dzakanaka dzinotibatsira kushandira Mwari.
2. Shamwari dzakaipa dzinotibvisa pana Mwari.
Dzidziso yemweya:
Tsvaga humambo hwaMwari.
Ita kuda kwake.
Tsvaga nzvimbo yako
Uye achazadzisa
Upenyu hwako nerufaro
Uye zororo nerudo
Uye zvinhu zvose zvaunoda,
Uye zvinhu zvose zvaunoda.
JIMMY NEMUTAMBO
Kamutambo Chidzidzo chegumi nenhatu
Vatambi: Jimmy naSally
Jimmy: Ndichaita sei? Ndichaita sei? Izvi zvinorwadza izvi. Handizive kuti ndichaita sei. Ndinoshuva kuti dai ndawana rubatsiro. (Anotanga kudaidza) Sally, ungandibatsirawo here? Huya pano. Ndine dambudziko.
(Sally anopinda)
Sally: Chiiko?
Jimmy: Ndichaenda kumutambo musi wechishanu manheru.
Sally: Uri kureva kumba kwavana Charlie here?
Jimmy: Hongu ndiwoyo, handizive kuti ndichaita sei.
Sally: Zvisinei , uchafara. Muchatamba mitambo nezvimwewo zvinonakidza, handiti?
Jimmy: Kwete handirevi izvozvo. Charlie nevamwe vakomana vose ava, vachandifurira kuti ndiite zvakaipa. Mumwe wavo achaunza fodya inoputwa nababa vake uye mumwe achaunza doro. Ndinoziva kuti vachada kuti ndinwe doro uye kuputa fodya. Mumwe wavo achauya nemabhuku emifananidzo isina kupfeka . Zvese izvozvo zvakaipa.
Sally: Saka, uchazviita here izvozvo?
Jimmy: Asi kana ndikarega vanondiseka. Vanondisveveredza kana ndikasazviita. Sally, ndoita sei?
Sally: Ndichakuudza zvaungaita zviri nani. Usaita kana chimwe chezvinhu zvavanotaura.
Jimmy: Asi Sally, haunzwisise. Vakomana ava ndivo vanonyanyozivikanwa pachikoro, uye uyu mukana mukuru wandawana. Ndinoreva kuti ndikaenda kumutambo uyu ndichitamba nevakomana ava ndinoguma ndava kuzivikanwawo.
Sally: Hazvina kukosha. Kuzivikanwa hachisi chinhu chakakosha munyika, unozviziva.
Jimmy: Ndinozviziva asi zvinobatsira. Munhu wese anoda kuzivikanwa. Vanondiseka , vanoti Jimmy anotya, havazondikoka zvekare kune mimwe mitambo kana ndikasanwa doro kana kuputa fodya.
Sally: Chiterera! Chii chakanyanyokosha? Kuti Mwari vanofungei pamusoro pako kana kuti vakomana ava vanofungei pamusoro pako?
Jimmy: Zvinofungwa naMwari pamusoro pangu ndizvo zvakakosha.
Sally: Saka hapana mhinduro.
Jimmy: Asi Mwari havandiseki.
Sally: Asi havazofara pamusoro pekuita kwako. Kana uchiziva zvakakunakira, siyana nevakomana ava. Nekudaro unenge usina chekuita navo uye unenge usingamanikidzike kuti uite chivi.
Jimmy: Vakomana, ndanga ndichichida kuenda kumutambo uyu, asi ndinofunga uri kutaura chokwadi. Zviri nani ndisiyane nevakomana ava.
Sally: (Pava pashure.....)
Jimmy: Vakomana, ndafunga kusaenda kumutambo. Ndava kutonzwa zviri nani. Mwari ndinotenda mandibatsira kuti ndiite sarudzo yakanaka. Rega ndiudze hanzvadzi yangu. (Anodaidza) Sally! Haungatendi zvandaita. Huya kuno. Sally! Sally, ndinoda kukuudza chimwe chinhu.
(Sally anopinda)
Sally: Chii chakaitika?
Jimmy: Ndafonera Charlie ndikamuudza kuti handichauya kumutambo.
Sally: Wazviita?
Jimmy: Ndizvozvo, Sally. Zvakakosha kwandiri kuti Mwari vanofungei neni kudarika zvinofungwa naCharlie nevamwe vakomana ava. Ndinonyanyofunga kuti Jesu vanofungei neni.
Sally: Chinhu chakanaka, Jimmy. Ndinotenda kuti waita zvakadaro, chinhu chakanaka pamusoro pazvo.
Jimmy: Vakomana, ndiri kufara uye ndiri kunzwa zvakanaka. Ndaudza Charlie kuti handisi kuuya kumutambo, unoziva kuti ati chii?
Sally: Ati chii?
Jimmy: Ati, "Zvaita sei?" Ndokubva ndati, "Pamusana pekuti muchange muchinwa doro uye kuputa fodya uye kutarisa mifananidzo yevanhu vasina kusimira." Abva ati, "Ndizvo chaizvo zvatiri kuzoita."
Sally: Uri kurevesa here kuti vachange vachiita zvinhu zvose izvozvo?
Jimmy: Ndizvozvo. Asi ndamuudza kuti handidi kuita izvozvo.
Sally: Saka chii chaitika?
Jimmy: Andiseka, asi handina basa nazvo, Sally. Zvakakosha kwandiri ndezvinofungwa naMwari pamusoro pangu pane zvinofungwa naCharlie. Kunyangwe vakomana ivava vakandinetsa kuchikoro, handina basa nazvo. Ndichaita zvinodiwa naMwari. Zvaanofunga ndizvo zvakakosha.
Sally: Jimmy waita sarudzo yakanaka. Vakomana, ndafara chaizvo kunzwa uchitaura mashoko akadaro. Zvakakosha nguva dzose kuita kuda kwaMwari pane kuita kuda kweshamwari dzako.
Jimmy: Kana vakomana ivava vakandinetsa kuchikoro zvinoreva kuti havasi shamwari dzangu chaidzo. Pamusoro pazvo shamwari, munhu anokuda zvisinei nechimwe chinhu?
Sally: Ichokwadi.
Jimmy: Vakomana, ndinotenda nerubatsiro rwako, Sally. Uri hanzvadzi yakanaka.
KUITA KUDA KWAMWARI
Chidzidzo chegumi nenhatu
Ndima yekutarisa: "Isa nzira yako kuna Jehova, vimbawo naye, iye achazviita. Mufambire womunhu unosimbiswa naJehova, unofarikanya munzira dzake." Mapisarema 37:5,23.
Zvinodiwa: Nyundo, soo, chekubvisisa zvipikiri, pinjisi, zvipikiri, (bhodhi rakareba nekupamhamha 1" ne 2" rinoita), zvipikiri zvekumonera
Gadziriro: Isa midziyo iyi yose padyo newe. Isa bhodhi pasi.
Chidzidzo:
Ndichakuratidza
zvimwe zvinhu pamusoro pekuda kwaMwari nemidziyo iyi. Mwari vanoda
kutishandisa semidziyo kuti tienda kunyika dzose pamusana pake.
Wakambofunga here pamusoro penyaya iyi? Ndinodavira ndiwe chete.
Midziyo yose haina kufanana. Yakagadzirwa zvakasiya kuti ibate mabasa akasiyana. Chii chaizoitika kudai nyundo yako yakagadzirwa nedonje? Hawaikwanisa kurovera chipikiri. Ko chii chaizoitika kudai soo rako rakagadzirwa nepurasitiki? Ko chii chaizoitika zvekare kudai rabha yekudzimisa zvinyorwa yakagadzirwa nesimbi? Mudziyo wega wega une basa rakakosha raunoita.
Wakakosha kuna Mwari. Hapana mumwe akaita sewe pasi pano. Mwari vanokuda uye vanoda kuti uve mudziyo wavo, pamusana pekuti hava mumwe mudziyo wakaita sewe. Une nzvimbo yakakosha.
Hurongwa hwaMwari muupenyu mako. (Verenga mapisarema 37:23) Vane basa rekuti uite risingakwaniswe nemumwe munhu. Ko kana usingade kuva mudziyo waMwari? Watova mudziyo usiri panzvimbo. Midziyo yakanaka, iri panzvimbo isiyo, haina basa. (Edza kurovera chipikiri pabhodhi uchishandisa chekuchekesa , soo)
Ndinoda kurovera chipikiri ichi mubhodhi umu. Ndiwo mudziyo wakakodzera here uyu? (Mirira mhinduro kubva kuvana.) Kwete! ndinoda nyundo. (Iye zvino chirovera zvipikiri mubhodhi.) Iye zvino ndava nemudziyo chaiwo. Soo haribatsiri kurovera zvipikiri.
Ndiri kuda kucheka bhodhi iri ndichishandisa nyundo. Nyundo dzinokwanisa kushandiswa kuita mabasa akasiyana siyana asi soo harikwanisi. Edza kucheka bhondi henyundo uchifambisa nyundo pabhodhi.) Ndine mudziyo usiri iwo. Chinhu chandinoda isoo. (Iye zvino chicheka bhodhi nepakati.) Ndanga ndakanganisa, soo ndiwo mudziyo wekuchekesa mapuranga.
Iye zvino ndinoda kupinza chipikiri chekumonera ichi mubhodhi. (Shandisa pinjisi kuti utenderedze chipikiri. Inokwanisa kuita basa racho zvishoma, asi zvekare hausiwo mudziyo wacho) Mudziyo chaiwo wekumoneresa chipikiri uripi? Tora chekumoneresa zvipikiri. Shandisa mudziyo uyu kumoneresa zvipikiri)
Dzidza chidzidzo chemidziyo! Mudziyo wega wega une nzvimbo yawo. Mudziyo wega wega une basa rawo. Dzimwe nguva mimwe midziyo inoita kabandi kebasa rinoda kuitwa asi kwete sezvinoita mudziyo wacho chaiwo.
Tsvaga nzvimbo yako chaiyo mukuda kwaMwari. Ita zvaanoda kuti uite. Kana usingateveri kuda kwaMwari uchaita sesoo rinoda kutora chinzvimbo chenyundo. Chese chaanotaura kwauri, chiite! (Verenga mapisarema 37:5)
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi nenhatu
Shandisai shoko.
Mwari vanoda kutishandisa tose semidziyo kuti tisvike nyika dzose pachinzvimbo chavo. Zvinosekesa kuti ufunge kuti uri mudziyo rudzii kuna Mwari. Pamwe unoziva mumwe munhu anokwanisa kuwana mhinduro yemasvomho nekukurumidza, pamwe midziyo yaMwari yekuwana mhinduro idzi, (calculator). Kune vamwe vanhu vanokwanisa kunyaradza vamwe zvikuru - vanogona kunge vari magumbeze aMwari. Midziyo iyi ingaitei: Rambi raMwari? (Rinoratidza chokwadi) Bhatiri raMwari? (Rinoita kuti zvinhu zvifambe.) Wairesi yaMwari? (Inenge ichiimba.) Ndezvipi zvinhu zvaunokwanisawo iwe? Uri mudziyo rudzii semaonero ako?
Mibvunzo:
1. Abrahama aida kuti Isaka aroore mukadzi akaita sei?
2. Vavakidzani vaAbrahama vechiKenani vaiva vanhu vakaita sei?
3. Sei Abrahama aida kuti Isaka ave nemukadzi anoziva Mwari?
4. Sei zvakakosha kuva neshamwari dzakanaka?
5. Ndiani aiva mushandi waABrahama waaivimba naye zvikuru?
6. Abrahama akatuma Eliezer kupi kuti anotsvaga mukadzi waIsaka?
7. Nahori naAbrahama vaiva neukama hupi?
8. Eliezer akanamata pamusoro pei asati apinda muguta iri?
9. Zita remusikana akasangana naEliezer rainzi ani?
10. Rebeka akaita chii kuna Eliezer?
11. Rebeka aiva chii chaNahori munin'ina waAbrahama?
12. Eliezer akatenda kuti chii pamusoro paRebeka?
13. Ndiani aiva Betueri naRabani?
14. Eliezer akavabvunza kuti chii?
15. Eliezer akapa chii kumhuri yaRebeka?
16. Rebeka aida here kusiya mhuri yake achienda kunoroorana naIsaka?
17. Rebeka akadzoka sei kuzosangana naIsaka?