VOLUME 1 BK 2


MUNYENGERI ANONYENGEDZWA


CHIDZIDZO CHEKUTANGA


Ndima yekuverenga: Genesis 29:1-30


Chokwadi: Kazhinji munhu anogamuchira zvinhu zvaanoitira vamwe.


Ndima yemusoro: VaGaratia 6:7, “Nokuti izvo zvawakarima ndizvo zvaunokohwa.”


Kamutambo: “Zvaunoita newewo uchaitirwawo izvozvo.”


Chidzidzo: Ngano - “Munyengeri Ricky.”


Zvinobatsira: Jakobo (101), Rakeri (102), Rabani (103), Makwai (105)


Kumudzidzisi:


Jakobo akadzidza nzira yakaoma yokuti nguva dzose munhu anokohwa zvaakarima. Akawana kodzero yake yeudangwe neudyire naiye akazoitorerwawo nenzira imwecheteyo. Tikadyara kuvimbika tinokohwawo kuvimbika. Tikadyara ruvengo tinokohwawo ruvengo. Murairo wekudyara nekukohwa wakadzikwa naMwari saka tinofanira kudzidza kuushandisa zvichibatsira isu.


Tsanangudzo:


1. Achitevedza mirairo yababa vake, Jakobo akaenda Harani, kumusha kwasekuru vake Rabani.

A. Isaka akanga asingadi kuti Jakobo aroore mumwe wevakadzi vaigara pedyo navo uyo aiva asinganamati.

1. Jakobo aifanira kuchengetedza utsvene hwasekuru vake Abrahama.

2. Esau, mukoma waJakobo akagumburisa vabereki vake nekuroora vakadzi vasingatendi kuna Mwari.

B. Patsime, Jakobo akasangana nevafudzi vaishandira sekuru vake Rabani.

C. Mushure maizvozvo, Jakobo akasangana nemusikana aiva akanaka zvikuru ainzi Rakeri. Rakeri aifudza makwai ababa vake.

D. Apo Jakobo akaziviswa kuna sekuru vake Rabani, akaona kuti sekuru vake vaiva vakapfuma zvikuru vaine matanga ehwai nemombe.

1. Rabani akafara zvikuru kuva naJakobo somuenzi wake.

2. Jakobo akataurira sekuru vake chikonzero chaakanga abvira kumusha kwake.

II. Jakobo aiva akohwa zvaakanga adyara.

A. Jakobo akapa chikumbiro chekuti ashande makore manomwe asingabhadharwi kuti agozoroora Rakeri.

1. Rabani akabvuma nekuti aiziva kuti Jakobo murume akarurama.

2. Makore manomwe aya akakurumidza kupera nekuti Jakobo aida Rakeri zvikuru.

B. Pakaitwa mabiko emuchato, Rabani akanyengedza Jakobo.

1. Waiva mutemo wenzvimbo kuti mwanasikana mukuru ndiye aifanira kutanga kuroorwa.

2. Rabani akazoendesa mwanasikana wake mukuru, Leah kugota kwaJakobo.

C. Jakobo akanyengedzwa sekunyengedza kwaakanga aiitawo baba vake.

1. Sezvo kwaiva kwasviba, Jakobo haana kukwanisa kuona mutsauko waLeah naRakeri.

2. Paakamuka mangwana, Jakobo akashamiswa kuona kuti aiva aroora mukadzi asiri iye.

D. Jakobo akatsamwira sekuru vake Rabani, asi Rabani akabvuma kuti Jakobo aroorezve Rakeri mumashure mekushandazve mamwe makore manomwe.

1. Jakobo akabvumirana nazvo zvichireva kuti aizoshanda makore gumi nemana pavakadzi vake vaviri.

2. Mumazuva iwayo zvaisashamisa kuti murume ave nevakadzi vaviri.

III. Jakobo akaratidza kuti rudo rwake kuna Rakeri rwaiva rwechokwadi.

A. Rudo rwaMwari rwakasiyana nerumwe rudo, nekuti rudo rusina chipimo.

1. Rudo rwaMwari harutarise kutadza kana kukundikana.

2. Rudo rwaMwari rwakanyorovera uye rune tsitsi.

B. Jakobo akachengetedza chitsidzo chake kuna Rabani akashanda zvakaoma kwemakore gumi nemana.

1. Rudo runochengetedza chisungo charwo.

2. Kuzvikudza kunoita kuti vanhu vadanane kwenguva duku.

3. Rudo rwechokwadi runozvipira kuita chitsidzo.


Dzidziso yemweya:


Ndichadyara kuvimbika saka ndichakohwa kuvimbika.

Ndichadyara tsitsi saka ndichakohwa tsitsi.

Ndichadyara kuterera uye ndichakohwa kuterera.

Ndichadyara zvinhu zvakanaka saka ndichakohwa zvinhu zvakanaka.


Ndichadyara shoko raMwari mumoyo mangu uye ndichakohwa upenyu, neutano, makomborero nekubudirira.



KUSHANDURA ZVINHU


Chidzidzo chekutanga:


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally, Jimmy (Ita kuti Bennie abate chipunu)


Bennie: Iwe, Sally huya kuno kwekanguva kashoma.

(Sally anopinda)


Sally: Unodei?


Bennie: Ravira unzwe uchi uhu. Ndanga ndakakuchengetera.


Sally: Wow!, Uchi ndinohufarira. Wazvita hako, Bennie.


(Apo anonanzva, Bennie anotanga kuseka)


Sally: Yuck! Hausi huchi uhu. Zviri kuvava izvi. Bennie ungandidaro sei?


Bennie: Ha, ha, ha! Unofanira kuzvitarisa pagirazi. Dai ndanga ndiine mudziyo wekutoresa mapikicha. Ha, ha, ha.

Sally: Zvisinei, handifungi kuti zvinosekesa. Unofanira kuchenjerera, Bennie, bhaibheri rinoti uchakohwa zvawakarima.


Bennie: Zvinorevi izvozvo?


Sally: Zvinoreva kuti zvinhu zvaunoitira vamwe vanhu newewo uchazviitirwawo.


(Anodhigaira nekutsamwa.)

(Pava pashure, Bennie naJimmy vari kudya.)


Jimmy: Bennie, ndafara chaizvo kuti wamirira kuti tidye tose chikafu chemanheru. Amai vangu ishasha yekubika munyika yose. Idya huku yakakangwa iyi. Woedzazve mbatatisi idzi.


Bennie: Vakomana, mbatatisi ndinodzifarira! Ndichatora dzakawanda.


Jimmy: (Akatarisa kuvanhu) Heh, heh. Bennie haazive kuti hadzisi mbatatisi. Matunipi. Ha! Achashamiswa here!


(Bennie anobva atanga kudya)


Bennie: YUCK! Hadzisi mbatatisi idzi. Matunipi aya.


Jimmy: Ha,ha,ha. Unofanira kutarisa zvakaita kumeso kwako. Zviri kusekesa. Ha, ha, ha!






Bennie: Handifungi kuti zvinosekesa zvachose! Ndave kuenda kumba.

(Apo Bennie anofamba achibva pasiteji, bvisa chipunu kubva mumaoko ake. Jimmy anobuda achingoseka.)


(Mumashure mechinguva Bennie anopinda. Sally anopindawo nerimwe divi.)


Sally: Sei wakasika kudzoka kudai? Ndanga ndiri kufunga kuti uri kudya chikafu chemanheru kumba kweshamwari yako Jimmy.


Bennie: Jimmy haisi shamwari yangu. Unoziva zvaandiita? Andinyengedza kuti ndidye matunipi. Andiudza kuti imbatatisi.


Sally: Ha, ha, ha!


Bennie: Chii chinosekesa? Matunipi anoshata!


Sally: Ha, ha. Zvinosekesa izvi zvakataurwa nebhaibheri kuti zvichaitika, zvabva zvaitika nekukasika kudai. Uchiri kutondera kuti wakambondinyengedzawo nenyaya yeuchi. Ndakakuudza kuti ungwarire nekuti mumwe munhu achakuitirawo zvakadaro. Zvabva zvatoitika.


Bennie: Sally, ndine urombo ndakakuita kuti udye zvinhu zvausingade. Handichakunyengeri zvekare. Iye zvino ndibatsire kutsvaga mushonga waamai wekugezesa mumuromo kuitira kuti zvipere mukanwa mangu.


(Vose vanobva pasiteji)


MUNYENGERI RICKY


Chidzidzo chekutanga


Ngano


Ricky akakava chigaba chezvinwiwa nesimba rake rose. Zvakatora zvidanho zvitatu chisati charovera pamuti. “Hazvinakidzi izvi,” akataura ega. “Akandinyengedza! Handichazotenda zvinotaurwa na Don zvakare.”


Ricky akatarisa murwi wezvikadhi zvaiva muruoko rwake. Ainge ave nemakore ane chitsama achiunganidza makadhi aya, zvekuti ainge oziva vatambi vazhinji nezvikwata zvavo. Ainge ave kuziva nemusoro zvimwe zvibodzwa zvevamwe vatambi.


Don aiunganidza zvekare makadhi ebhora. Dzimwe nguva vaitengeserana makadhi avainge vasina asi kazhinji vaitengeserana nevana vadiki. Vana vadiki vaiva nyore kutengeserana navo nekuti vaisaziva kuti vatambi vainge vaine basa ndevapi uye kuti ndeapi makadhi ainetsa kuwana. Ricky naDon vaikwanisa kutaura nevana vadiki zvekuti vana havairamba kutengeserana navo chero chii zvacho.


Ricky akanyemwerera apo akafunga kutengeserana kwaainge aiita naTommy. Tommy aiva nemakadhi ainge achengetwa nababa vake muna 1960. Ricky akamupa makadhi matsva matatu asi ainge asina basa. Akapiwa makadhi aBaltimore achichinjana nera Stan Musial, raikosha mari inosvika madhora makumi maviri. Ricky ainge ati achapa Tommy sezvo aiiti ainzwira Tommy tsitsi nekuti ainge aine makadhi matsaru chete.


Ha!” akaseka, achitondera izvi. Zvainge zvakangoda kuenzana nekutengeserana kwaakaita nekahanzvadzi kake mapeni mashanu iye akamupa yakawanda.


Panguva ino Ricky ainge osvika padyo nechigaba chainge chiri parutivi nemuti. Akachikava zvekare ndokutondera Don. “Zitsotsi riya,” Ricky akadaro zvekare.


Don ainge ari mukuru kuna Ricky nemakore maviri uye aiziva zvose maererano nemutambo webhora remakadhi. Aiziva zvibodzwa zvose nezvimwewo zvakadaro. Aiziva zvekare vatambi vose vakaita mukurumbira.


Mazuva maviri akapfuura, Don ainge amuratidza kadhi dzaru. Pamberi paro paiva nemutambi waainge asati ambonzwa nezvake ainzi Frank Howard. Asi kumashure kwekadhi kwairatidza kuti aiva nezvibodzwa zvainge zvakafanana nezva Mickey Mantle. Don akati iri raiva kadhi rainge risingawanikwe nyore uye kuti iye pachake ainge asati amboona kadhi rakadai kunze kweiroro chete. Kunyangwe hazvo kumashure kwainge kwasakara uye kusisaonekwe zvakanaka, kumberi kwaitaridzika zvakanaka chose. Ricky airida kuti rive rake.


Don ainyepera kusada kuritengesa. Asi Ricky akamunyengetedza zvekare. Pakupedzisira, Don akati aizoritengesa ndokunge Ricky amupa kadhi rake ra Stan Musial ra 1960 uye raMickey Mantle ra1958. “Hapana kuzochinjana zvekare,” akadaro Don.


Izvi zvaida kudzamisa pfungwa. Ricky akafunga nezvazvo manheru akafunga kuti azviite. Kadhi raDon raFrank Howard raifungidzirwa kuti raikosha chiuru chemadhora.


Pavakapedza kutengeserana, Ricky naDon vakabatana maoko, ndokuti, “Hapana kuchinjana zvekare.” Izvi zvaireva kuti Don aisazofanira kukumbira kadhi rake raFrank Howard kubva kuna Ricky ndizvo zvimwechete kuna Ricky.


Mumashure mekuita sungano iyi, Ricky akamhanyira kumutambo webhora remakadhi kunotaura nava Willis vaisevenzamo. Vaiva nezvinyorwa zvemari dzaitengeswa nadzo makadhi matsaru. Vainge vari kugadzirisa masherefu apo Ricky akapinda. “Whoa, vakomana!” akadaro. “Chii chauri kumhanyira?”


Ndatenga kadhi iri risingawanikwe nyore!” akadaro Ricky achifara zvake.


Rega tione,” vakadaro vaWillis, apo vaifamba vachienda kubhuku raiva rakanyorwa mitengo yacho. Vakaongorora kadhi riya. “Frank Howard. Ndichiri kumutondera. Aitambira Washington Senators kubva muna 1965 kusvika muna na1972. Asi haana kumboita mukurumbira.”


Muri kutamba here! Tarisai kumashure! Ane zvibodzwa zvakaita sezva Mickie Mantle!” akadaro Ricky. Ainge onyanya kufara zvino. Kadhi iri rainge risingawanikwe zvekuti kunyangwe vaWillis vainge vasati vamboriona!


VaWillis vakatenderudza kadhi. “Ndiani akakutengesera kadhi iri?” vakabvunza.


NdiDon,” akadaro Ricky achifarira kuti ainge anjeredzera mukomana mukuru.


VaWillis vakanyatsoritarisa ndokufinyamisa kumeso. “Ndine urombo, wanyengedzwa mukomana. Pane mumwe munhu akanamatidza chikadhi chitsaru chaMickie pamufananidzo waFrank Howard. Kadhi iri harisi rechokwadi!”


Ricky akamira ipapo kwekanguva, akashama muromo. Akabva abvuta kadhi riya kubva kuna vaWillis ndokutendeuka omhanya akananga kumusiwo.


Ainge atsamwa zvikuru pamusoro paDon. Aiva shamwari asi ainyepedzera kusada kutengesa kadhi iye achiziva zvake kuti nderekunyepera. Zvisinei aizoenda hake kunotora makadhi ake. Akatondera pashure kuti vainge vavimbisana kusadzoserana. Ndipo paakatanga kubanha zvigaba neshungu.


Apo akaswedera padyo nekumba kwavo, akaona ambuya vake vachityaira motokari vachipinda muchivanze mavo. Aifarira ambuya vake asi izvi hazvina kumudzikamisa.


Chii chanetsa, Ricky,” vakabvunza mbuya apo vakamuona. Painge pasina chikonzero chekuviga chero chinhu kubva kuna mbuya vake. Vaikwanisa kutaura apo zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka.


Don andinyengedza. Anditengesera kadhi rekunyepera inini ndikamupa makadhi angu maviri akanaka. Tavimbisana kusazodzoserana zvekare.” Misodzi yakatanga kudururuka apo akafunga kusarurama kwazvo.


Maiwe-e,” vakadaro mbuya vachinzwa tsistsi. Ndicho chimwe chezvinhu zvaidikwa naRicky pana mbuya vake. Zvinhu zvaiva zvakakosha kwaari zvainge zvakakosha kuna mbuya vake zvekare. Ambuya vakambotora chinguva vakanyarara. Ricky akaziva kuti vainamata kuti vazive zvekutaura.


Ricky, uchiri kutondera bindu ratakarima muchirimo?” vakabvunza.


Hongu,” akadavira achigutsurira musoro.


Chii chakamera patakadyara makerotsi?


Kerotsi.”


Chii chakamera patakadyara derere?”

Pakamera derere.” Ricky akashamisika nekubvunza kwambuya vake pamusoro pebindu.


Unoziva kuti Jesu akati itirai vamwe zvamunoda kuti ivo vagokuitiraiwo. Unoziva here kuti bhibheri rinotaura kuti zvamunodyara ndizvo zvamunokohwa? Izvi zvinoreva kuti zvamunorima muchakohwa izvozvo. Mwari havasi kutaura pamusoro pemuriwo nemaruva kana miti yoga. Mwari havasi kungotaura pamusoro pemiriwo chete. Ari kutaura pamusoro pezvaunoitirawo vamwe vanhu. Zvinhu zvaunoitira vamwe vanhu, newewo zvichaitwa kwauri kubudikidza nevamwe vanhu. “ Ambuya vakasimuka vakamugumbatira.


Ricky akatondera kuti ainge anyengera tuvana tudiki kakawanda zvikuru achivatengesera zvinhu zvisina basa. Ainge asina kurwadziwa nazvo. Kwaari zvaiwedzera mufaro wake. Pakarepo akaziva kuti zvainge zvakaipa kunyengedza vamwe. Akaziva zvekare kuti ainge adyara mhodzi yakaipa nekuitira vamwe zvakaipa.


Mwari baba, ndine urombo nekunyengedza vana vadiki. Ndinokumbira ruregerero,” akadaro Ricky achinamata. “Ndine urombo handikwanise kudzosera Tommy kadhi rake raStan Musial. Muzita raJesu. Ameni”


Ricky haana kuona Don kwemasvondo akawanda. Pavakasangana, Don akaedza kutiza asingadi kutaura na Ricky. Asi apo Ricky akaratidza kuva shamwari, Don akauya kwaari.


Sei usina kunditsamwira?” Don akabvunza. “VaWilis vakandiudza kuti unoziva kuti kadhi randakachinjana newe nderenhando.”


Ndakambopenga pakutanga, asi ndakazoziva kuti ndaikohwa zvandakarima.”


Uri kurevei?” akabvunza Don.


Ricky akamuudza zvinoreva bhaibheri pamusoro pekudyara nekukohwa.


Don akabvunza mimwe mubvunzo, saka Ricky akamuudza pamusoro paJesu uye nekuti anokwanisa kumuregerera sei. Vakanamata pamwe chete, Don akakumbira Jesu kuti apinde mumoyo make.


Mumashure mekunamata, Don akatora makadhi maviri aainge achinjana naRicky. “Ndinoda kuti utore hako makadhi ako pakare.”


Ricky akanyemwerera, ndokutora makadhi aya kubva kuna Don ndokutanga kufamba zvake oenda.


Iwe wava kuenda kupi?” akabvunza Don.


Ricky haana kumira, asi akaramba achifamba ndokudanidzira ,”Ndine zvimwe zvakawanda zvekuita na Tommy. Ndozokuona pashure!”




DZOKORORO


Chidzidzo chekutanga


Shandisai shoko:


Bhaibheri rinoti uchakohwa zvawakarima. Izvi zvinoshanda pazvinhu zvakanaka kana zvakaipa zvaunoitira vamwe. Kazhinji haasi munhu waunenge waitira zvakaipa kana zvakanaka uyo anozokudzosera. Wakamboitira mumwe munhu zvakanaka here mumwe munhu akazokuitirawo chimwe chinhu chakanaka? Wakamboitirawo mumwe munhu zvakaipa here mumwe munhu akazokuitirawo zvakaipa? Udza vamwe nyaya yako.


Mibvunzo yedzokororo:


1. Sekuru vaJakobo vainzi ani?

2. Rabani aigarepi?

3. Sei Jakobo akatiza achienda kumba kwaRabani?

4. Musikana akaita sei aidikanwa naIsaka kuti Jakobo aroore?

5. Esau akaroora musikana akaita sei?

6. Jakobo akasangana naRakeri kupi?

7. Rabani aiva murume akaita sei, mupfumi kana murombo?

8. Jakobo akavimbisa kusevenzera Rabani kwenguva yakareba zvakadini kuti aroore Rakeri?

9. Sei Rabani akanyengedza Jakobo?

10. Ndiani akava mukadzi mukuru waJakobo?

12. Ndeupi murau waivapo panguva yakanyengedzwa Jakobo nasekuru vake?

13. Jakobo aida Rakeri zvechokwadi here?

14. Rudo rwechokwadi nderwekungonzwa chete here?

15. Rudo rwaMwari rwakasiyana sei nerumwe rudo?

16. Chaiva chivi here kuti Jakobo ave nevakadzi vaviri?

17. Murawu wekudyara nekukohwa unosevenza muzvakaipa chete here?

18. Jakobo akapedza makore mangani achishandira vakadzi vake?

19. Jakobo aiva chii chaRabani?

20: Jakobo akachengeta here chivimbiso chake naRabani, murume akamunyengedza?



MAKOMBORERO AMWARI ANOKURIRA JAKOBO


Chidzidzo chechipiri


Ndima yekuverenga: Genesi 29:31 - 31:21


Chokwadi: Mwari anokomborera vanhu vake nekuda kwesungano yake naAbrahama.


Ndima yemusoro: Jeremia 1:12, “Waona zvakanaka nokuti ndinosvinurira shoko rangu kuti ndiriite.”


Kamutambo: “Benny anowana mhinduro.”


Chidzidzo: Chidzidzo chekuita - “Kutenda kunovhura musiwo”


Zvinodiwa: Jakobo (101), Rakeri (1020, Rabani (103), Leah (104), danga rehwai (105), mhuri yaJakobo (106)


Kumudzidzisi:


Makomborero aMwari akauya pana Jakobo nekuti aiva mudyi wenhaka yesungano huru. Nyatsotsanangura kuti Mwari anokomborera vanhu nekuda kweukama hwavo naye kwete pamusana pezvavari. Mwari vakakomborera Jakobo nepamusana pesungano kwete pamusana pehunhu hwake. Kunyangwe tichitenda muhunhu hwakanaka makomborero aMwari haawanikwe nenzira iyoyo. Anowanikwa nenyasha kubudikidza nekutenda muna Kristu. Fananidza makomborero aJakobo pamusana pekuterera kwaAbrahama kumakomborero edu pamusana pekuterera kwaJesu.


Tsanangudzo:


I. Mwari vakakomborera Jakobo nevana vakanaka.

A. Mwari vaida kuti zvizvarwa zvaJakobo zvive chizvarwa chikuru chaizova zvapupu kunyika yose.

1. Mwari vakaita chivimbiso ichi vakaita sungano naAbrahama.

2. Musungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama, akavimbisa kukomborera vana vaAbrahama narini.

B. Mudzimai waJakobo, Leah akazvara vanakomana vatanhatu - Reuben, Simeon, Levi, Judah, Issachar na Zebulun uye mwanasikana ainzi Dinah.

C. Zvichienderana nemirairo yezuva, Leah akabvumira musevenzi wake Zilphar kuti ave amai kuvanakomana vaJakobo Gad naAsher.

D. Rakeri, mudzimai waJakobo wechipiri akabvumira musevenzi wake Bilhah kuti ave amai vevanakomana vaJakobo, Dan naBenjamin.

E. Pakuguma, Mwari vakarapa Rakeri kuti akwanise kubereka vana, uye akabereka vanakomana Josefa naBenjamin.

F. Mhuri yaJakobo yaisanganisira mwanasikana mumwe chete nevanakomana gumi nevaviri yakava madzibaba emarudzi gumi nemaviri.

II. Jakobo aida kudzokera kuKenani, nyika yakavimbiswa naMwari kuna Abrahama.

A. Mwari vaida kuti Jakobo nevana vake vave varidzi venyika yeKenani.

B. Vatezvara vaRabani vaisada kuti Jakobo adzokere kuKenani.

1. Mwari vakaropafadza mhuri yaRabani nekuda kwaJakobo aivapo.

2. Rabani ainge asina kutenda pamusoro pemakomborero aMwari, saka aida kuchengeta Jakobo mumba make.

C. Rabani akavimbisa Jakobo kumupa zvese zvaaida kuti agare.

1. Jakobo akabvuma izvi zvose ndokunge apiwa mombe dzose nembudzi dzose dzine mavara kubva mudanga raRabani.

2. Rabani akabvumirana neizvi zvose nekuti aiva nemombe shoma dzine mavara.

D. Mwari akakomborera Jakobo zvekuti mombe nembudzi dzose dzine mavara dzakabara vana vane mavara.

E. Vanakomana vaRabani vakava negodo pamusoro pemakomborero aJakobo vakamupomera mhosva yekunyengera baba vavo.

1. Avo vasingatendi muna Mwari vanoita godo kanavanhu vaMwari vachikomborerwa.

III. Jakobo akaziva kuti aifanira kudzokera kuKenani pamusana pematambudziko aainge osangana nawo.

A. Jakobo akaunganidza zvinhu zvake zvose, zvaive zvakawanda akatanga kudzokera kumusha wake mutsaru.

B. Jakobo akafunga nekupinda kwaainge aiita kuHarani pasina chaanacho. Iye zvino ainge ava nemhuri huru neupfumi hwakawanda.

C. Makomborero aMwari anouya kwatiri pamusana pesungano yatakaita apo takaita Jesu mambo weupenyu hwedu.

1. Makomborero aAbrahama ndeema Kristu sezvakanyorwa muna vaGaratia 3:13-14, 29.

2. Makomborero aAbrahama anouya ari patatu, mweya mutsvene, kugwinya uye umwewo upfumi.


Dzidziso yemweya:


Mwari baba vangu vanondikomborera

Nenjere, neutano, nekudzivirirwa.

Anoda kuti ndive nezvakanaka.

Kutenda muna Mwari ndiwo musimboti,

Webudiriro yaMwari yose,

Uye anofara kuti ndikomborerwe.


Ndichatora zviri zvangu - kururama, rugare, kutenda, ruregerero, kusimba, kudzivirirwa, njere, neutano.


BENNIE ANOWANA MHINDURO


Chidzidzo chechipiri


Kamutambo


Vatambi: Johnny, Bennie, Moyo waBennie, Izwi ramai vaBennie.


Bennie: Nhasi mugovera here?


Johnny: Ndizvozvo. Nhasi mugovera.


Bennie: Ndiri kufara zvikuru, ndinoda kuenda.


Johnny: Ndiwo mutambo uchanakidza zvikuru.


Bennie: Asi handina kana mari.


Johnny: Hauna mari?


Bennie: Hongu, handina.


Johnny: Zvisinei, zvinokudyira mari inoita madhora maviri.


Bennie: Handina madhora maviri. Handina kana mari.


Johnny: Ndichakuudza zvandakaita.


Bennie: Wakaita sei ?


Johnny: Ndakanamata apo ndaida mari.


Bennie: Wakanamata?


Johnny: Ndizvozvo. Unoona imwe nguva apo ndaida mari, ndakanamata Mwari vakandibatsira kuti ndiwane basa. Ndakasevenza ndikawana mari ine chitsama ndikakwanisa kuenda kumutambo. Makore mashoma akadarika, ndizvo zvaunofanira kuita.


Bennie: Pawaida mari wakanamata, Mwari vakakubatsira kuti uwane basa? Ndizvo zvaunofanira kuita kuti uende kumutambo?


Johnny: Hebo.


Bennie: Ii-i vakomana ndizvo chaizvo zvandichaita. Ndatenda zvikuru, Johnny.


Johnny: Zviri kwauri. Ndichazokuona, bennie. Ndava kuenda kunogadzirira.


(Johnny anobuda)


Bennie: Mutambo uri kuuya kuguta uye handina kana mari. Asi, Johnny ati kana ndikanamata, Mwari vanopindura munamato wangu ndowana basa. Zvisinei ndinoda kuenda kumutambo, saka ndichanamata.


(Bennie anopfugama kuti anamate)


Jehova shoko renyu rinoti.... zvisinei rinodaro....handizive zvarinotaura. Ndinoshuva kuti kudai ndaiziva gwaro racho. Ndinoda gwaro.


(Moyo waBennie unopinda)


Moyo: Ndine mwana mumwe chete.


Bennie: Moyo? Ndiri kufara kuti wauya.


Moyo: Ndine gwaro rekuti ushandise. Bhaibheri rinoti, “Nezvose zvamunokumbira kwandiri muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.” Mateo 21:22.


Bennie: Vakomana, ndafara chaizvo wandiudza. Iye zvino ndava negwaro, ndave kuziva kuti ndinganamata sei.


Moyo: Ndizvo zvakanaka. Uri mwana akanaka. Kana vanhu vakadzidza kuverenga bhaibheri vachiwana magwaro, uye nekunamata vachiashandisa vanowana mibairo.


Bennie: Ndizvo zvandichaita izvozvo. Ndatenda zvikuru.


Moyo: Ndinozvikudza. Ndicho chikonzero ndiri pano kuti ndikubatsire kuti minamato yako ipindurwe.



(Moyo unobuda)

Bennie: Ndiri kufara zvikuru kuti ndine moyo wakanaka. Iye zvino ndave kuziva kuti ndonamata sei.


(Bennie anopfugama kuti anamate)


Jehova shoko renyu rinoti, “Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.” Ndiri kukukumbirai iye zvino maererano neshoko renyu kuti ndiwane basa. Ndinoda basa, Jehova, ringakwanisa kundipa mari kuitira kuti ndiende kumutambo musi wemugovera. Ndinokutendai iye zvino nekuda kweizvi nezita raJesu. Ameni.


(Bennie anosimuka)


Vakomana, ndiri kufara zvikuru kuti moyo wangu wauya uye kuti Johnny andiudza kuti ndinokwanisa kunamata. Ndaifunga kuti Mwari ane basa chete nezvemweya mukati meupenyu hwangu ndisingazive kuti ane basa nezvese. Anoda kundibatsira pese zvapo muupenyu hwangu. Anoda zvekare kundibatsira kuti ndiwane basa kana ndichida mari.


Amai: (Izwi richibva pasiteji) Bennie!


Bennie: Ndiamai vari kundidaidza. Matii amai?


Amai: (Vasiri pasiteji) Bennie, VaJoni vari pano. Vati vari kuda kuti uenda navo kumba kwavo unovabatsira kuturika chibage mudara masikati anhasi. Vataura kuti vanozokubhadhara.





Bennie: Zvakanaka, ndinoenda.


(Anotendeuka otarisa vanhu)

Ndizvo zvandinoreva? Mwari vatondiwanira basa. (Achifara) Ndiri kuuya, Amai, ndiri kuuya!


KUTENDA KUNOVHURIRA MUSIWO


Chidzidzo chechipiri


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: VaHeberu 11:6, ”Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza, nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaga mubairo wavo.”


Zvinodiwa: Kabhokisi kadiki kanokwanisa kukiyiwa, mhete (dzemumaoko, muhuro, munzeve, nemuminwe), kiyi inokiyinura kabhokisi aka, nemamwewo makiyi mana.


Gadziriro: Nyora pabhokisi kuti, “Makomborero aMwari.” Nyora pakiyi inovhura bhokisi kuti “Kutenda,” pane mamwe mana anotevera, nyora kuti, “Kusaterera,” “Kumukirana,” “Tariro,” uye “Kusatenda.” Nyora pamhete kuti “Utano,” “Kuchengetedzwa,” “Makomborero emweya,” “Kubudirira,” uye “Kufara.” Batanidza zvinyorwa kubhokisi neshinda kuitira kuti zvinyorwa zvive kunze asi mhete dzakakiyirwa mukati.


Chidzidzo:


Mwari vane makomborero akawanda zvikuru ekuti vape vanhu. Mwari vanokuda uye vanoda kuti ufare muupenyu hwako panguva yaunenge uri pasi pano. mwari vane nzira imwe chete yekuti vakupe nayo makomborero avo. Haukwanise kuawana nenzira yako yaunoda iwe.


Ngatitaurei nemakomborero aMwari. Chimwe chemakomborero ake, utano. Zvinofadza sei kuva nemuviri wakasimba pasina kurwara. Mwari vanoda hutano kuvana vavo vose. (Bata zvinyorwa zve kuchengetedzwa, uchiratidza kuti unozvida.)


Mamwe makomborero akakosha, kubudirira. Mwari anoda kuti tive nezvinhu zvakawanda. Anoda kuti vana vake vave nehembe dzakanaka, dzimba dzakanaka uye zvekudya zvakawanda. (Bata chinyorwa chakanzi kubudirira. Edza kuchidhonza kuti chibude mubhokisi rakakiyiwa.)


Kufara chimwezve chikomborero. Upenyu hungasadai huchisiririsa here dai pasina kufara? Mwari vanoda kuti ufare. Tinokwanisa kufara nekuvimba naMwari kuti anotibatsira mune zvese. (Bata chinyorwa.)


Chekupedzisira pane zvese chikomborero chemweya. Chii chinonzi makomborero emweya? Kuponeswa chikomborero chemweya. Kuzadzwa nemweya mutsvene chikomborero chemweya. Izvi zvakakosha zvikuru. Shoko raMwari rinotipa ruzivo rwemakomborero ese emweya.


Zvino, makomborero aya ose akakiyirwa mubhokisi rina Mwari. Makomborero aya akachengeterwa makristu ndokukiywa kuitira mbavha. Pane kiyi imwe chete yoga inokwnaisa kuvhura bhokisi iri. Mwari akapa kiyi iyi kuvana vake. Ngatiedzei makiyi aya ose kuti tiwane kutiikiyi ipi inokwanisa kuvhura makomborero aMwari muupenyu hwedu.


Ngatiedzei kiyi yekusatenda. Haisiri iyo. Kusaterera hakuunze makomborero aMwari.


Ngatiedzei kiyi yekumukirana. Haikwanise zvekare. Kumukirana hakuunze makomborero.


Ngatiedzei makiyi etariro. Haashande zvekare. Haasiwo makiyi emakomborero. Tariro yakakosha asi haivhure makomborero aMwari.


Edza kuvhura bhokisi nekiyi yekusatenda. Haikwanise zvekare. Kusatenda kunounza chituko panzvimbo yemakomborero.


Iye zvino tasara nekiyi imwe chete. Ndinovimba iyi inovhura. Ikiyi yekutenda. Kutenda kunovhura makomborero aMwari! Kutenda kunotora shoko raMwari koshanda naro nekuita zvarinoreva. Kutenda kunounza makomborero aMwari nguva dzose. (Rembedza mhete uchiratidza vana. Tsanangura zvekare kuti kutenda kunounza makomborero aMwari muupenyu hwedu.)



DZOKORORO


Chidzidzo chechipiri


Shandisai shoko:


Jakobo akakomborerwa pamusana pesungano yakaitwa naMwari naAbrahama sekuru vake. Vana vanokwanisawo kukomborerwa pamusana peukama huripo nemumwe wemhuri yake. Vamwe vana vanokwanisawo kuenda kumitambo kubudikidza nemabasa evabereki vavo kwavanoshanda. Vamwe vana vanowanawo matikiti emahara ekuti vapinde kunoona mitambo munzvimbo dzakasiyana. Vamwe vana vanokwanisa kuwana mikana yekuwana zvimwe zvinhu pasina mitengo, kwete nekuti vanenge vashanda zvikuru kana kuti vanenge vakanaka asi nekuda kwevabereki vavo. Ukama hwako naMwari hunounza makomborero. Uchakomborerwa nekuti uri Mwana waMwari. Udza vamwe dzimwe nzira dzakaita kuti ukomborerwe pane imwe nguva - pamusana pevabereki vako vepano pasi kana pamusana paBaba vako vari kudenga.




Mibvunzo yemutambo:


1. Ndiani aiva tezvara waJakobo?

2. Jakobo aiva nevanakomana vangani?

3. Jakobo aiva nevanasikana vangani?

4. Vana vaJakobo vakatanga rudzi rupi?

5. Sekuru vaJakobo vainzi ani?

6. Inyika ipi yainge yavimbiswa mhuri yaJakobo naMwari?

7. Sei Jakobo aida kuenda kuKenani?

8. Sei imba yaRabani yakakomborerwa?

9. Sei Rabani akaedza kurambidza Jakobo kuenda?

10. Rabani akavimbisa Jakobo mombe nembudzi dzakaita sei?

11. Sei Rabani akaita vimbiso iyi?

12. Mwari vakakonzera kuti zvipfuwo zvaJakobo zviwande sei?

13. Vanakomana vaRabani vakaita sei pamusoro pemakomborero aJakobo?

14. Vanhu vasingatendi vanoita sei kana vanhu vaMwari vokomborerwa?

15. Jakobo akamanikidzwa kuita sei apo vanakomana vaRabani vakaita godo?

16. Jakobo akenda nechii kuHarani?

17. Makomborero aani akaenda pana Jakobo?

18. Chibvumirano chakaitwa naMwari kuna Abrahama nemhuri yake chinonzi chii?

19. Zvinokwanisika here kuti vanhu vakomborerwe nekuda kwesungano iyi nhasi?

20. Nderipi gwaro rinotiudza kuti makomborero aAbrahama ndeemuKristu wese wechokwadi?



MWARI VANORWISA


Chidzidzo chechitatu


Ndima yekuverenga: Genesi 31:22 - 33:12, Mateo 11:12


Chokwadi: Mwari vakafarira zvido zvaJakobo kuti varatidze kuti vanofarira kukomborera vanhu vavo.


Ndima yemusoro: Johane 14:14, “Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.”


Kamutambo: “Mutumwa”


Chidzidzo: Ngano - “Barkimaeus anowana mhinduro”


Zvinodiwa: Jakobo (101), Rakeri (102), Rabani (103), Leah (104), mhuri yaJakobo (106), Mufananidzo (107), Mutumwa wekudenga achirwisana na Jakobo (108), Mutumwa (109), Esau (110)


Kumudzidzisi:


Kurwisana uku hakuna kunzwisiswa nevanhu vakawanda asi hazvinetsi kunzwisisa kana tikatora mamwe magwaro kuti atibatsire. Jakobo ainge odzokera kuPadani-arami kuKenani uye ainge asinganyatsoziva kuti Mukoma wake Esau aizomugashira sei. Mutumwa wekubva kuna Mwari pakaazviratidza, Jakobo akaramba akamuchengeta kusvikira agashira vimbiso yekuchengetedzwa nekusadzikiswa kwesungano. Mashoko aJakobo muna Genesi 32:30 anoratidza kuti Jakobo akarwisana nemumwe wemhuri yaMwari, mumiriri waKristu, shoko raMwari.


Munhu wese anoziva kuti hapana angaite simba ringaenzana nesimba raMwari, saka Mwari anofanira kunge ariye akarwisa. Mune mamwe mashoko aida kuratidza kuti ainge ari kudivi rimwe naJakobo uye aida kuti akomborerwe. Kana akazadzikisa zvido zvaJakobo musungano yekare, achazadzikisa zvido zvedu kangani tichinamata nemuzita raJesu.


Tsanangudzo:

I. Jakobo akasiya musha watezvara vake, Rabani ndokunanga kunyika yeKenani.

A. Rabani aisaziva kuti Jakobo ainge oenda, apo akaona kuti Jakobo ainge aenda akamutevera.

B. Rabani asati abata Jakobo, Mwari vakamuyambira muhope kuti asakuvadze Jakobo. (Kuchengetedzwa kwaMwari chimwe chikamu chesungano yaakaita naAbrahama)

C. Rabani ainge atsamwa pamusana pekuti mumwe wemhuri yaJakobo ainge aba zvinamatwa zvake zvemifananidzo.

1. Rakeri, mwanasikana waRabani, akaba zvifananidzo akazviviga.

2. Rakeri ainge afunga kuti pamwe zvifananidzo ndizvo zvaikonzera kuti

Jakobo akaomborerwe.

D. Kunyangwe Rabani akatsvaga mungoro yaJakobo haana kuzviwana.

E. Rabani asati adzokera kumusha kwake, iye naJakobo vakaita sungano yekuti

havaizorwisana.

1. Rabani aida kuti Jakobo awirwe nematambudziko asi Mwari waJakobo

akamuchengetedza kubva mazviri.

2. Rabani akaonekana nevanasikana vake, Rakeri naLeah nevazukuru vake

ndokudzokera kumusha kwake.

II. Nekuti Rabani ainge adzokera, Jakobo ainge zvino onetseka nekuda kwemukoma

wake Esau.

A. Apo Jakobo akanyengedza baba vake, Isaka kuti vape mhuri yake nhaka makore makumi maviri ainge adarika, Esau ainge avimbisa kuuraya Jakobo.

B. Jakobo akatumira zvipo zvakawanda kumberi kuti zvipiwe mukoma wake

iye asati asvika achifungidzira kuti zvaizovaka ukama hwakanaka.

C. Vatumwa vaJakobo vainge vadzoka vachitaura kuti Esau ainge ari kuuya

kuzosanagana naye aine varume mazana mana vane zvombo.

D. Jakobo akavhunduka asi akatondera vimbiso dzaainge apiwa naMwari.

1. Mwari anotarisira kuti timuyeuchidze nezvevimbiso dzake kwatiri

apo tinenge toenda paari. “Ndiyeudzire, ngatitaurirane....” Isaya 43:26.

2. Shoko raMwari ndiro rega rinotirwira kuhondo dzerima.


E. Jakobo aiedza kushanda nekutenda asi aikurirwa nekutya.

1. Pachinzvimbo chekuzorora muvimbiso yaJehova akaramba achitumira zvimwe zvipo kuna Esau.

2. Kutya kunoita kuti zvinhu zvisaitike kana tikasakubvisa.

III. Jakobo akarwisana nemutumwa aibva kudenga.

A. Apo Jakobo akayambuka kapandakova kainzi Jabbok, akasangana

nemutumwa wekudenga, uye vaviri vakatanga kurwisana.

B. Jakobo akakurira mutumwa wekudenga uye haana kumurega achienda

kusvikira amuvimbisa kuti aizomukomborera.

C. Jakobo aida kuva nechokwadi kuti sungano yaMwari naAbrahama naIsaka

yaiva yakewo.

1. Mutumwa wekudenga akaropafadza Jakobo.

2. Akashandura zita raJakobo kuti rive Israeri zvinoreva “mambo anokurira

naMwari.”

D. Mweni wake wekudenga, raiva shoko raMwari, mumiriri waKristu uye

akaita kuti Jakobo amukurire kuti akomborerwe.

1. Jesu, Mwanakomana waMwari akabvumira vanhu kuti vamurovere

nekuda kwezvivi zvenyika.

2. Mwari anoratidza kuti anoda kuti tikomborerwe uye kuti haarwise

makomborero edu.

E. Sechiratidzo chekuti Jakobo ainge arwisana na Mwari, Jehova

vakasiya chidya chaJakobo chekuruboshwe chapesana.

F. Mangwanani mumashure mekurwisana uku, Esau akasvika pamuzinda

waJakobo nerunyararo.

1. Vatumwa vaMwari vainge vakomberedza Jakobo.

2. Esau akagashira Jakobo kubva kuHarani uye runyararo rwakavapo

pakati pavo zvekare.


Dzidziso yemweya:


Mazuva ose usiku,

Vatumwa vakanditarisa, vakatarisa ini.

Vachiterera zvinhu zvandinotaura,

Vatumwa vakanditarisa.


Mashoko ekutenda vanoterera,

Vatumwa vakanditarisa, vakatarisa ini.

Saka ndinokomborerwa kana ndichinamata,

Vatumwa vakanditarisa.


Ndinofamba nekurara mukuchengetedzwa nekuti Jehova vanoiisa

vatumwa vavo kuti vandichengetedze.

MUTUMWA


Chidzidzo chechitatu


Kamutambo:


Vatambi: Mutumwa Gabrieri, mubvunzi wechikadzi.


Mubvunzi: Tine mweni anokosha pachirongwa chedu chanhasi. Mweni wedu anogona kunge ane makore mamirioni, asi haana kumbozvarwa. Aibatsira vanhu vaMwari kwezviuru zvemakore zvakapfuura. Vakomana nevasikana ngatichingamidzei Gabrieri, mutumwa. Muombererei maoko.


(Gabrieri anopinda)


Mubvunzi: Makomborero akadii kuva newe nhasi Gabrieri.


Gabrieri: Ndafara kuva nemi nhasi.


Mubvunzi: Ndaudza vakomana nevasikana nhasi kuti hauna kuzvarwa.Ungaudza vana here kuti wakavapo sei?


Gabrieri: Ndakasikwa pamwe chete nevamwe vatumwa vose. Mwari vakangotaura

shoko ndikabva ndavapo. Handina vabereki.


Mubvunzi: Zvinoshamisa izvi. Gabrieri ndiri kuona kuti wakanyanya kureba.

Ungandiudza kuti wakareba zvakadini here?


Gabrieri: Ndakareba mafiti gumi nemainji matatu.


Mubvunzi: Wow! Ndiko kureba chaiko uku!


Gabrieri: Hurefu huri pakati nepakati kuvatumwa.


Mubvunzi: Wow! saka vatumwa vakareba zvikuru! Tiudze muchidimbu nezvebasa rako, Gabrieri.


Gabrieri: Zvisinei ndinoita zvinhu zvakawanda chose. Ndinotarisa mazana namazana ezviuru uye ndinotakura nyaya dzakakosha.


Mubvunzi: Wakaendesa nyaya dzakakosha dzakawanda ungatondera here imwe yenyaya dzaiva dzakanyanyokosha pane dzawakaendesa?


Gabrieri: Imwe nyaya yainge yakanyanya kukosha ndeya Maria, amai vaJesu. Ndakatumwa naMwari kuti ndinomuudza kuti Jesu aizvozvarwa.


Mubvunzi: Izvo zvaiva zvakakosha! Zvii zvimwe zvinoitwa nevatumwa?


Gabrieri: Tiri vashumiri vemweya, takatumwa kunoshumira ruponeso. Tinoita zvido zvevatendi.


Mubvunzi: Chimbomira! Ndinoziva kuti handina kunatsokunzwisisa. Dzokorora zvekare.


Gabrieri: Vatumwa vanoita zvido zvevatendi. Tinoshandira maKristu.


Mubvunzi: Wow! Ndaifunga kuti vatumwa vakapinda vanhu.


Gabrieri: Mwari vakatisika kuti tive vabatsiri venyu. Ndizvo zvatinoita.


Mubvunzi: Handina ruzivo nezvese izvi. Ndinofunga kuti vatumwa vakakosha kudarika vanhu.


Gabrieri: Kana munhu akaita chivi, anokwanisa kuregererwa. Kana mutumwa akaita chivi haaregererwi.


Mubvunzi: Ndaisaziva kuti vatumwa vanotadza.


Gabrieri: Lucifa nechimwe chikamu chevatumwa vakatadza. Havazomboregererwi nekuti vakaita nekuda pasina miedzo, vakatadzira Mwari.


Mubvunzi: Pane vamwe vatumwa vakazotadzazve here pashure?


Gabrieri: Kwete! Apo takaona kusarurama nekuipa kwaLucifa takasarudza kusatadza. Pamusoro pazvo ndiani anoda kuenda kugehena zvachose kana uchikwanisa kufara muupenyu.


Mubvunzi: Ndizvozvo. Ndinovimba imi vatumwa munoudza vanhu vakawanda pamusoro paJesu.


Gabrieri: Kwete!


Mubvunzi: Chii? Inyaya yakakosha uye munofanira kubatsira kuipakurira kune vanhu.


Gabrieri: Tinokwanisa kubatsira vanhu kuti vaudze vamwe asi isu hatiudze vanhu kuti vangaponeswa sei. Mwari akaisa kodzero iyoyo muvanhu.


Mubvunzi: Ndiri kudzidza zvakawanda maererano nevatumwa.


Gabrieri: Tinounza mhinduro dzeminamto yenyu.


Mubvunzi: Ndinoda kutaura newe pamusoro paizvozvo. Ndakanamatira bhasikoro pane chinguva chipfupi chakapfuura asi handina kuriwana. Imimi hamuna kuriunza.


Gabrieri: Ah-a hongu ndinotondera nyaya iyoyo. Takatumwa naMwari kuti tikupe bhasikoro mumashure memunamato wako.


Mubvunzi: Asi handina kuriona.


Gabrieri: Ndinozviziva. Patainge tagadzirira kuti uchiwana bhasikoro racho wakati, “Zvisinei, handifungi kuti Mwari vachandipa bhasikoro iroro.” Saka takabva tamira.

Mubvunzi: Makamirira chii?


Gabrieri: Takamira nekuti wakatanga kutaura kusatenda. Hatibatsire vanhu kana vachitaura kusatenda.


Mubvunzi: Ndanga ndisingazvizive.


Gabrieri: Tine mirwi yemhinduro dzisina kupiwa kuvaridzi pamusana pekutaura kusatenda tisati tasvika nemhinduro.


Mubvunzi: Saka chii chinoitika kana ndichitaura zvinhu zvakanaka? Chii chinoitika kana ndichitenda Mwari nekutaura shoko rake?


Gabrieri: Zvinotipa basa! Tinobuda totanga kurova satani nevamwe vake, tichivaita kuti vasunungure makomborero enyu.


Mubvunzi: Munorwa nana satani here?


Gabrieri: Hongu, nguva dzose.


Mubvunzi: Zvakaoma here?


Gabrieri: Kwete. Tudiki twakakwasharara asi hatingakuriri kana musingatauri kutenda.


Mubvunzi: Ndichataura kutenda!


Gabrieri: Zvisinei ndave kuenda.


Mubvunzi: Usamhanye, wava kuenda kupiko?


Gabrieri: Pane mukomana ari kutenda nekuda kwebhora saka ndinofanira kuriwana. Ndinotenda nekundikoka kwamaita pachirongwa.


Mubvunzi: Vakomana nevasikana, ngatiombererei Gabrieri.


(Vanoombera maoko)




BARKIMAEUS ANOWANA MHINDURO



Chidzidzo chechitatu


Ngano


Barkimaeus akarara mumba yake yembwa akatokotsira zvake achiita ngonono. Donhwe remvura yainaya rakadonha kubva padenga remba painaya ndokubva radonhera pamhuno pake. “Ooh!” yakadzvova imbwa apo yakapatika kubva muhope. “Izvi zvaitonhora uye kutotesa.” Mumashure mekutaura uku, mvura yakatinhira ndokubva yatanga kuita zvekudururuka ichipinda mumba make uye pamusoro pake.

Zuva raitevera mangwanani, Barkimaeus akakambaira achibuda mumba yake yakatota iyi ndokunanga pazuva. Akazvizunza kuti aome ndokutanga basa rakaoma rekuomesa imba yake. Mumashure mekupera kwebasa iri, Nicodemus akauya kuzogugudza pamusiwo.


Chii chiri kuitika pano apa?” akabvunza Nicodemus. “Uri kutaridzika sewakaneta kwandiri, Barkimaeus.”


Ndakaneta,” akanyunyuta. “Handina kana kumborara nezuro manheru nekuti mvura yaipinda mumba mangu nepadenga ndikabva ndatota.”


Sei usingagadzire denga rako?” akabvunza Nicodemus.


Ndingada kuzviita asi handina mari. Ndakanamata kasingaperi kuti Mwari vandibatsire kuti denga rangu rigadzirwe asi havana kupindura munamato wangu. Pamwe handina kunamata zvakakwana.”


Ndinofunga unofanira kutaura na Gospel Bill,” akadaro Nicodemus. “Anoziva zvakawanga pamusoro peshoko raMwari uye minamato yake inopindurwa nguva zose. Pamwe angakwanisa kukubatsira.”


Saka, Barkimaeus akafunga kutevera pfungwa yaNic ndokuenda kujeri kunoona Shefu Gospel Bill. “Sei Mwari vasingapinduri minamato yangu?” akabvunza Barkimaeus. “Ndakakumbira kazana kuti andibatsire ndiwane mari yekugadzirisa denga remba yangu asi nanhasi haasati apindura minamato yangu. Uye kana akasaita chimwe chinhu nekukurumidza ndichayeredzwa nemvura ndakarara.”


Zvisinei,” akapindura Gospel Bill, “Kana ukandiudza kuti unonamata sei pamwe zvingandibatsira kuti ndikubatsirewo.”


Zvine basa rei zvekunamata kwandinoita?” akabvunza Barkimaeus. “Kunamata, kunamata, handiti?”


Kwete,” akadaro Gospel Bill, “Kune nzira yakakodzera nenzira isina kukodzera. Kana ukasaterera kune zvinhu zvakataurwa naJesu mubhaibheri minamato yako haipindurwe.”


Zvisinei,” akadaro Barkimaeus, “Ndichakuudza kuti ndakanamata sei. Ndinoti, “Jesu ndibatsirei ndiwane mari yedenga rangu idzva!” Ndinomukumbira izvi mazuva ose ndisati ndarara.”


Ndipo paunokanganisa ipapo,” akadaro Gospel Bill. “Jesu akataura iye pachake muna Johane 16:23 kuti hatingakumbiri zvese kwaari.”


Chii? Mwari havana basa nedenga rangu?”


Chokwadi vane hanya, asi haufanirwe kukumbira Jesu pane zvaunoda,” akadaro Gospel Bill. “Unofanira kukumbira kuna Mwari Baba pane zvaunoda muzita raJesu.”


Handisati ndambozviita,” akabvuma Barkimaeus. “Sei izvozvo zvakakosha.?”


Gospel Bill akanyemwerera ndokupa mhinduro. “Zvinhu zvese zvatinopiwa naMwari zvinobva nekuna Jesu. Jesu ndiye chikonzero chatinokumbira zvatinoda kubva kuna Mwari. Dai ainge asina kufira zvivi zvedu pamuchinjikwa, tingadai tisina kodzero yekukumbira Mwari chero chinhu zvacho.”


Ya-h ndazoziva,” akadaro Barkimaeus. “Kana ndikakumbira chimwe chinhu nezita raJesu, ndichawana mhinduro kubudikidza naJesu.”


Ndizvozvo,” akadaro Bill. “Iye zvino chikumbira Mwari denga idzva muzita raJesu.”


Ndichadaro,” akadanidzira Barkimaeus apo akabva pajeri apa. “”Ndinotenda zvikuru Gospel Bill nekundibatsira.” Barkimaeus haana kuzomira kunamata sezvo ainge oziva kuti Mwari vaizomupindura. Akabva amhanya kumba ndokupfugama onamata.


Zuva rakatevera, Barkimaeus ainge achifamba zvake nemugan’a seri kwechitoro chasisi Rana. Painge pazere makireti emabhotoro ainge asina chinhu zvekuti paitaridzika sepanorasirwa marara. Pakarepo musiwo wekumashure wakavhurika uye sisi Rana vakabuda vakatakura mumwe murwi wemakireti aya. Mumashure mekuona Barkimaeus vakatanga kukumbira ruregerero pamusana pekusataridzika zvakanaka kwechivanze chechitoro chavo.


Hapasi kusemesa here pano?” vakabvunza sisi Rana.


Chokwadi hapasi kutarisika zvakanaka,” akabvumira Barkimaeus. “Kana muchida, Ndichapagadzira.”


Chokwadi here, Barkimaeus?” vakasekerera. “Ndine basa rakawanda kudarika randinokwanisa kuita, uye kana ukandibatsira ndichakubhadhara madhora makumi mashanu.”


Madhora makumi mashanu?” akadaro Barkimaeus. “Sei, ndiyo mari inokwanisa kugadzirisa denga rangu chaiyo iyoyo. Mwari vapindura minamato yangu, sisi Rana.”


Saka Barkimaeus akatanga kuunganidza makireti aya achienda kunoarasa kunorasirwa marara. Mumashure memazuva mashoma, ainge ava nemari inokwana kugadzirisa denga remba yake.



DZOKORORO

Chidzidzo chechitatu


Shandisai shoko:


Wakambotya here nekuda kwechimwe chinhu chainge choda kuitika? Wakatondera kunamata asi wainge uchiri kunetseka. Pachakazoitika hachina kushata semafungiro awaiita. Ndizvo zvakaitika kuna Jakobo muchidzidzo chedu. Taurira vamwe nezvechiitiko chawakambosangana nacho. Ndeipi yambiro yaungapa kune mumwe munhu ane dambudziko rakadaro?


Mibvunzo yemutambo:


1. Rabani aida here kuti Jakobo asiye Padani-arami?

2. Mwari vakayambira Rabani kuti asakuvadze Jakobo sei?

3. Kuchengetedzwa chikamu chesungano yaAbrahama here?

4. Rakeri akaba chii kubva mumba mababa vake?

5. Zvifananidzo zvaiva nechekuita here nemakaomborero aJakobo?

6. Rabani akawana zvifananidzo zvake here?

7. Rabani naJakobo vakaita sei vasati vaparadzana?

8. Jakobo aida kugara kupi?

9. Ndiani aiita kuti Jakobo anetseke nekudzokera kuKenani?

10. Sei Esau akanga akavenga Jakobo?

11. Painge pave nenguva yakadini Jakobo abva kuKenani?

12. Jakobo akaita sei kuti adzikamise hasha dza Esau?

13. Vatumwa vakaudza Jakobo kuti chii zvinova zvakamuvhundutsa?

14. Jakobo akaita sei paakanzwa kuti Esau ainge ari kuuya?

15. Jakobo akasangana nani paakayambuka kapandakova Jabbok?

16. Jakobo nemuenzi vakaita sei?

17. Sei Mwari vakabvumidza Jakobo kuti avakurire mukurwa uku?

18. Israei zvinoreva kuti chii?

19. Ndechipi chiratidzo chinoonekwa chakasiyiwa pana Jakobo naMwari kumuyeuchidza vimbiso yake?

20. Chii chakaitika apo Jakobo naEsau vakasangana?


KUISA MWARI PAKUTANGA


Chidzidzo chechina


Ndima yekuverenga: Genesi 35:1-29


Chokwadi: Tisati tafarira makomborero aMwari tinofanira kunge tichida kumuisa pekutanga.


Ndima yemusoro: Mateo 22:37, “Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wese nokufunga kwako kwese.”


Kamutambo: “Kubvisa mavara”


Chidzidzo: Ngano - “Kunyengedzwa”


Zvinodiwa: Jakobo (101), Rakeri (102), Leah (104), mhuri yaJakobo (106), Mifananidzo (107), mwana (111)


Kumudzidzisi:


Chidzidzo chino chinokubatsire kuti utaure pamusoro pekuponeswa. Nyaya ine mifananidzo yakawanda iva nechokwadi kuti wapedza kanguva uchitaura nezvemifananidzo iyi. Zvakakosha zvekare kuti unatsoona kuti zvibvumirano zvesungano panguva ino hazvina kunatsobudisa pachena makomborero ese akazowedzerwa naMwari. Nekuda kweizvi, Rakeri akafa nguva yake isati yakwana kunyangwe zvainge zvisina kukonzerwa naMwari.


Tsanangudzo:


I. Jehova vakaudza Jakobo kuti agare panzvimbo yainzi Betero.

A. Betero mumutauro wechiHeberu zvinoreva “Imba yaMwari.”

1. Nhasi Mwari vari kugara muvanhu kwete muzvivakwa kana munzvimbo.

2. Tinokwanisa kuva temberi dzaMwari nekugashira Jesu Kristu saMambo.

B. Betero yaiva nzvimbo yakatanga kushanyirwa Jakobo naMwari muhope. (Tarisa Genesi 28:11-19)

1. Jakobo akaona manera ainge achidzika kubva kudenga.

2. Mwari vakaratidza Jakobo kuti denga rainge rakamuvhurira pamusana pesungano yaakaita naAbrahama.

C. Mwari vaida kuti Jakobo avandudze sungano yeropa yainge yatangwa naAbrahama.

1. Mwari vanoda kuti tinatsovaziva tive neukama huri padyo navo kwete kubudikidza nevabereki vedu chete.

2. Sungano yeropa chaiva chiratidzo kuvanhu veIsraeri kuti Mwari vaizotumira mwanakomana wavo nekuda kwezvivi zvavo.

II. Jakobo asati aenda kuBetero aifanira kunge aparadza zvifananidzo zvaiva mumba make zvose.

A. Vanhu vazhinji munyika vainamata zvifananidzo kwete Mwari.

1. Mukutarisana nechokwadi, vanhu vainamata zvifananidzo vainamata madhimoni.

2. Zvifananidzo zvinhu zvatinotora tichikoshesa kupfuura Mwari.

B. Jakobo akaudza mhuri yake kuti irase zvifananidzo zvose.

1. Vakazviviga pasi pemuti.

2. Vakasiya maitiro avo akare ndokutanga kufamba naMwari.

3. Muti unotitondedza kuti upenyu hwedu hwakare hwakaroverwa naKristu pamuti weKarivari.

C. Jakobo nemhuri yake vainge vakachengetedzwa naMwari kubva kuvanhu vakaipa vaigara pedyo.

D. Jakobo adzokera kuBeteri, Mwari vakazviratidza kwaari ndokuvimbisa kumukomborera, vachimupa zvivimbiso zviviri.

1. Mwari vakavimbisa kuti vana vaJakobo vachava rudzi rukuru.

2. Mwari vakavimbisa kupa nyika yeKenani kuvana vaJakobo.

E. Mwari vakayeuchidzazve Jakobo kuti zita rake rainge rachinja kuva Israeri zvinoreva “Mambo anokurira Mwari.”

1. Kana tichigashira Jesu tinopinda mumakomborero esungano yakaitwa pakati paAbrahama naMwari, (VaGaratia 3:13-14, 29).

2. Kushanduka kwezita raJakobo chiratidzo cheshanduko inoitika kwatiri kana tagashira Kristu.

III. Zvisinei nemakomborero ake, Jakobo ainge achiri kungowirwa nematambudziko.

A. Rakeri, mudzimai waJakobo akafa achisununguka mwanakomana wake wechishanu, Benjamin.

B. Israeri yakachema Rakeri ikaviga mutumbi wake padyo neBeterehema.

C. Mhuri yaIsraeri yaisanganisira vanakomana gumi nevaviri: Reuben, Simeon, Levi, Judah, Gad, Asher, Dan, Naphtali, Issachar, Zebulun, Joseph naBenjamin.

D. Kusvikira Jesu Kristu vadzoka panyika ino, rufu rucharamba ruripo asi kwete kusvika narini.

1. Rimwe zuva zvichapera, (I vaKorinte 15:26).

2. Vakarurama vakafa vachamutswa zvekare kuti vasafe,(1 vaKorinte 15:52)

E. Kubvira pakaita Mwari sungano naAbrahama, Upenyu hurefu hwakavimbiswa kune wese anotenda. (Tarisa mapisarema 90:10, 91:16, vaEfeso 6:1-3)



Dzidziso yemweya:


Ndinoisa Mwari pakutanga ndomuterera,

Ndiye mukuru wangu, mambo wangu, Jehova wangu.

Anonditungamirira mumweya wangu,

Anonditungamirira neshoko rake.

Ndinomunamata nekumurumbidza mazuva ose

Uye ndizvo zvandinonzwa achitaura.

Ndide mazuva ose, Ida hama yako,

Taura chokwadi kune mumwe nemumwe.

Enda kukereke, woverenga shoko rangu,

Funga nezvawakanzwa.”



KUBVISA MAVARA


Chidzidzo chechina


Kamutambo:


Vatambi: Bennie, moyo waBennie, satani


Bennie: Ndakapusa! Sei ndakaita chinhu chakadaro? Handikwanise kuenda kudenga nazvo.


(Satani anopinda)


Satani: Chii chiri kuitika pano apa?


Bennie: Dai zvangu ndisina kusangana naTommy. Akaora.


Satani: Tommy ndiye mwana wandinoda. Anotuka uye anotaura mashoko asakarurama. Anoputa fodya yaamai vake uye anoba zviwitsi muzvitoro. Tommy akanaka!


Bennie: Sei ndakaterera zvaaireva? Sei ndakataura shoko rakaipa kudaro. Iye zvino Mwari vanditsamwira. Handisisina kusiyana nevana vasingade Jesu.


Satani: Wataura shoko risina kururama, Bennie. Ndini Mwari ndiri kutaura kwauri. Hausisina kuponeswa. Hauchaenda kudenga.


Bennie: Maiwe-e. Mwari vanditsamwira.


Satani: Dai uchida Mwari zvechokwadi ungadai usina kutaura shoko rakaipa kudaro.

Bennie: Handichakwanisi kuva muKristu. Zvakaoma izvi. Ndinoramba ndichikanganisa nguva dzose.


Satani: Ndizvo zvandinoda kunzwa izvozvo. Taura zvimwe mwana. Kana uchitadza, tadza pakuru ita zvivi zvikuru. Wadii kuenda kumba kwaana Tommy zvekare? Pamwe angangokupa mumwe mudzanga waamai vake kuti upute.


(Satani anoseka)


Bennie: Rega nditoenda zvangu kumba kwaana Tommy. Handingakwanisi kuraramira Jesu.


(Moyo waBennie unopinda wakabata poto nhema hombe muruoko.)


Moyo: Chii chiri kuitika pano apa?


Bennie: Ndava kuenda kumba kwaana Tommy, Moyo. Handikwanisi kuraramira Mwari zvekare. Akanditsamwira kubvira pandakataura shoko rakaipa nezuro.


Moyo: Chimbomira kwekanguva, mwana! Unofanira kudzidza chidzidzo chino iye zvino.


Bennie: Chidzidzo chipi?


Moyo: MuKristu wese anokanganisa, hauna kusiyana nevamwe vose?


Bennie: Asi Mwari vakanditsamwira. Ndakataura shoko rakaipa.


Moyo: Mwari haana kukutsamwira. Ari kunzwa tsitsi nekuti wakaita zvakaipa asi haana kukutsamwira.


Bennie: Asi akandiudza kuti akanditsamwira.


Moyo: Haasi Mwari akakuudza izvozvo. Ndisatani. Akakuudza zvekare kuti unofanira kusiyana nezvekurarama upenyu hwechiKristu nekuti hwakaoma, haana kudaro here?


Bennie: Hongu akadaro, asi ndichaita sei? Ndakatadzira Mwari.


Moyo: Ndinoziva kuti pawakangotadza, wakandimara, urikuona vara iri?


Bennie: Ndakazviita kwauri?


Moyo: Hongu, wakandimara apo wakataura shoko rekutuka iroro. Ndakaedza kukumisa kuti usaritaure.


Bennie: Ndava kutondera zvino. Wakayambira kakawanda chaizvo kuti ndisatambe naTommy.


Moyo: Ichokwadi, Ngatitaurei nepamusoro pekubvisa vara iri.


Bennie: Ndingaribvisa sei?


Moyo: Bhaibheri rinoti, muna 1 Johane 2:1, “Kana munhu achiita chitadzo ndinomureverere kuna baba, iye Jesu Kristu.”


Bennie: Ndinofanira kuita sei?


Moyo: Unofanira kukumbira ruregerero. Woreurura zvivi zvako Mwari vanokuregerera.


Bennie: Handifungi kuti vachazovimba neni zvekare.


Moyo: Kwete, kwete. Kana Mwari vakuregerera, Bennie vanokuregerera zvachose, vanobva vakanganwa zvawakaita.

Bennie: Unoreva kuti vanobva vakanganwa kuti ndakataura shoko rakaipa iroro here?


Moyo: Hongu, Bennie vanobva vakuregerera.


Bennie: Wow! ndichakumbira ruregerero kuna Mwari.


Moyo: Ndizvo zvaunofanira kuita nguva dzose kana wakanganisa.




KUNYENGEDZWA


Chidzidzo chechina


Ngano


Rafael aigara muguta guru, mumba yainge yave yemakore. Maiva nevana vadiki vakawanda vaigara munharaunda iyoyi asi vazhinji vavo vainge vasina kururama. Zvaiva zvakamuomera kuti asapinde mumatambudziko pamusana pevana vakamukomberedza ava vaigara vachingofunga zvakaipa zvekuita chete.


Ngatinopunza mahwindo ose epachikoro,” akadaro Luis. “Ndawana ‘F’ mumasvomho nhasi saka ndinoda kupwanya nzvimbo iyoyo nhasi.”


Hazvinakidzi izvo,” akadaro Jeff. “Takazviita katatu. Ndinoda kuita chimwe chinhu chitsva.’


Rafael akafunga zvinhu zvese zvakaipa zvaaikwanisa kuita. Chikwata chose chakaitirana nharo dzekuti chii chaizonyanyonakidza.


Ndazofunga!” akadaro Rafael. “Ngatipazei muhofisi totora mari yose irimo!” Vamwe vakomana vakabvuma. Hazvingonakidze chete asi tinokwanisa kugovana madhora gumi pamunhu kana kutodarika.” “Asi,” akadaro Rafael, “tinofanira kuronga zvinhu izvi takangwarira. Hatifanire kubatwa.”


Ngatitorei nguva yekuronga - kana masvondo maviri chaiwo,” akadaro Luis. “Ndichaenda muhofisi mangwana ndonotarisa kuti mune bhero here rinorira kana mapazwa.”


Ndotarisa kuti bhokisi remari riri pai,” akadaro Jeff.


Vakomana vatatu vakaparadzana voenda kumba. Rafael akanzwa izwi raainge asina kujairira richibva mumba mavo apo akavhura musiwo. Maiva nemukomana aiva mumba mavo aitaurira vabereki vake nezvaJesu. Rafael ainge akambomuona kumisheni, chinhambwe chidiki kubva pamba pavo.


Pinda, Rafael,” akadaro mweni uya. “Zvandinoda kutaura zvakakunakira, zvekare.” Mweni akaudza vabereki vake kuti Jesu aimuda uye kuti Jesu akafira zvivi zvake, asi akamuka zvekare kuti vagare upenyu hwekukunda. Rimwe simba risinganzwisisike rakabata Rafael. Akaziva kuti shoko rese raitaurwa nemweni uyu raiva rechokwadi.


Ungagamuchira Jesu samambo wako here?” akabvunza murume uya. Vabereki vaRafael vakagutsurira. “Ko iwe, Rafael?” akabvunza. Rafael akaziva kuti aida zvaiva nemurume uyu asi akafunga Luis naJeff neurongwa hwavo hwekuba mari kuhofisi.


Kwete,” akadaro Rafael. Akaenda kumba kwake kwekurara. Akanzwa baba vake namai vake vachinamata. Vainge vasinganamate uye vaisaenda kuchechi. Akaedza kufunga kuti izvi zvaizoshandura mararamiro avo here. Akatanga kufunga kuti ainge aita sarudzo yakanaka here kana kwete. Pfungwa dzakatanga kutenderera mumusoro make. Jeff naLuis vanozofungei pamusoro pangu. Ungava muKristu sei munharaunda yakadai? Unoshaya shamwari kana ukava muKristu!


Masvondo maviri akapfuura, uye Rafael ainge akatarisira zvikuru kunopaza hofisi. Zvainge zvava kutomunetsa. Ainge aita zvinhu zvakaipa zvakawanda asi hazvina kumbomutambudza sezvaainge achinzwa pamusoro pehurongwa hwavo uhu. Pane chinhu chakaramba chichiudza Rafael kasingaperi kuti vasabe mari muhofisi. Akashaya zvekuita.


Wagadzirira here kuenda?” akabvunza Luis.


Ndinofunga kudaro,” akadaro Rafael.


Unorevei kana uchiti unofunga kudaro?” akabvunza Luis. “Iyi yaiva pfungwa yako. Unofanira kufadzwa nazvo!”


Zvakanaka, ndiri kufara,” akanyepa Rafael. Vakomana vakaenda nemugan’a kuhofisi. Kwainge kwasviba uye kwakanyarara. Jeff akaburitsa nyundo muhomwe make ndokutanga kupwanya hwindo repahofisi.


Hapana bhero rinotaura kuti papazwa,” akadaro Luis,”uye bhokisi remari riripamusoro apo padyo nemuchina.”


Jeff akavhura hwindo ndokupinda. Luis akatevera.


Pinda, Rafael!” akadaro Luis.


Handisi kuzozviita, Luis,” akadaro Rafael. “Zvakaipa.”

Uri kutaura pamusoro pei, huku? Pinda!” akatuka Kuis.


Jeff ainge ava mukati achitora mari. Luis ainge achiri kuseri kwehofisi achitarisa, Rafael ainge achakamira kunze nepahwindo.


Uri huku yemunhu, chii chakaitika kwauri?”


Handisi kufara kuzviita, uye handisi kuzozviita,” akadaro Rafael.


Pakarepo magetsi akaonekwa munzira. Yaiva motokari yemapurisa. Yakasvika nekukurumidza pahofisi. Rafael akashamisika, akashaya zvekuita.


Ngatibudei nepamusiwo,” akadanidzira Luis kuna Jeff. “Huku iyi ichasungwa namapurisa! Ndizvo zvaaanga achida.” Luis naJeff vakavhura musiwo ndokutiza.


Rafael akabatwa! Haana kumbopinda muhofisi asi mapurisa haana kuda kuzviterera. Akabatwa kuseri kwehofisi padyo nehwindo rainge rapwanyiwa. Mapurisa akasara asina dzimwe pfungwa kunze kwekumufungira kuti ainge ari mumwe wembavha idzi.


Rafael akaita mhanza nekuti mutongi haana kumutongera kugara mujeri asi kugara kumba kwevabereki vake asingaendi kuchikoro kwegore rose.


Paakasvika kumba achibva kumatare emhosva, mukomana uye wekumisheni akabva asvikawo, ainzi Angelo. “Ndanga ndiri kukunamatira, Rafael,” akadaro Angelo.


Ndinoziva kuti pane mumwe munhu aindinamatira,” akadaro Rafael. “Ndaziva neyambiro dzandanga ndichinzwa mumoyo mangu. Handina kumbopwanya hofisi. Ndanyengerwa. Luis naJeff vatiza nemari. Vaiziva kuti ndichabatwa.”


Dzimwe nguva vanhu vatinofunga kuti ishamwari dzinenge dzisiri shamwari chaidzo,” akadaro Angelo. Rafael akabvumira. “Ndinoda kukuzivisa kune shamwari yechokwadi, Rafael,” akaenderera mberi Angelo. “Haazombokusiyi kana kukurasa.”


Rafael akagashira Jesu. Akava muKristu akasimba haanazve kuzonyengedzwa nevana vemunharaunda umu.






DZOKORORO

Chidzidzo chechina


Shandisai shoko:


Jakobo ainge anzwa nezvaMwari upenyu hwake hwese kubva kuna baba vake Isaka uye sekuru vake Abrahama. Asi Mwari vaida kuti Jakobo anyatsovaziva ivo pachavo. Unotondera here pawakatanga kuziva nezvaMwari iwe pachako - kwete nekuudzwa nevamwe? Arimo here muno asina kugashira Jesu semuponesi wake mumoyo make? Pamwe akaita saRafael wemunyaya medu, wakazviregera pamusana pekutya shamwari. Sezvamaona muchidzidzo chino, dzimwe shamwari dzinokupinzai mumatambudziko. Zvakakosha kuti muise Mwari pakutanga, uye kuti musangane neshamwari isingazokusiyei?


Mibvunzo yemutambo:


1. Betero zvinorevi?

2. Ndiani akava munhu wekutanga mumhuri yaJakobo kupinda musungano yeropa naMwari?

3. Jakobo akatanga kugashira chiono kubva kuna Mwari kupi?

4. Chiono chaJakobo chekutanga chaiva chei?

5. Mwari vane vazukuru vangani?

6. Imba yaMwari chii nhasi?

7. Jakobo aifanira kuita chii mumba make kutanga?

8. Zvifananidzo zvainga zvakavigwa pai?

9. Muti unotitondedza chii?

10. Vanhu vanenge vachinamata chii kana vachinamata zvifananidzo?

11. Chii chinonzi chifananidzo?

12. Zita rokuti “Israeri” rinorevei?

13. Chii chakaitika kuna Rakeri pakazvarwa Benjamin?

14. Jakobo aiva nevanakomana vangani ?

15. Ndiani muvengi wekupedzisira achaparadzwa naMwari?

16. Sungano yaAbrahama ichiriko here nanhasi?

17. Pane chimwe chinhu chitsva here chakawedzerwa kusungano kubvira panguva yaJakobo kusvika nhasi?

18. Mapisarema 91:16 inovimbisa mutendi chii?

19. Ndezvipi zvinhu zviviri zvakavimbiswa Jakobo naMwari?

20. Tinoziva sei kuti rufu ruchaparadzwa?


KUZVIKUDZA KUNOUNZA MATAMBUDZIKO


Chidzidzo chechishanu


Ndima yekuverenga: Genesi 37:1-36


Chokwadi: Godo rinounza moyo wakaipa.


Ndima yemusoro: VaGaratia 5:26, “Tirege kuzvikudza tichimutsana moyo, tichigodorana.”


Kamutambo: “Mukomana wesungano”


Chidzidzo: Ngano - “Muponesi”


Zvinodiwa: Jakobo (101), Josefa aine bhachi rine mavara mavara (112), vakoma vaJosefa (113), bhachi rakanyikwa muropa (114), Josefa asina bhachi (115), Potifa (116), VaMidiani (vanoita zvemasaramusi - 127)


Kumudzidzisi:


Pamusana pekufamba kwake naMwari, Josefa ainge azere noruzivo uye ainge aine hunhu hwakanaka. Pamusana pezvivi vakoma vake vainge vasina hunhu hwakanaka uye vaivenga Josefa pamusana peizvi. Josefa haana kushandisa njere pakuvaudza hope dzake pachena uye haana kuziva kuti chokwadi chaizoita kuti vakoma vake vave vavengi vake. Godo ravo rainge risina hwaro sezvatichaona, rainge risina kukodzera pamusana pekuti Josefa akavakomborera vose.


Nyaya iyi inoratidzawo kuti Mwari vanokwanisa kushandura zvatinokanganisa kana zvivi zveupenyu hwedu kuunza rukudzo kune avo vanomuda uye vanovimba naye.


Tsanangudzo:


I. Israeri aida mwanakomana wake Josefa kudarika vamwe vakoma vake vose,


A. Josefa aiva nyore kuda nekuti aiziva Mwari.

1. Kuziva Mwari kunounza kufarirwa.

2. Vakoma vaJosefa vakaita kuti vasadiwe pamusana pekuita kwavo kusina huMwari.

B. Josefa aidiwa zvekare naJakobo nekuti aiva mwana weutana hwake.

C. Apo Jakobo akapa Josefa bhachi rine mavara akawanda, vamwe vakoma vake gumi vakava negodo.

1. Zviri nyore kuvana vakuru kuti vave negodo kuvanun’una vavo.

2. Mwari vane rudo rwakakosha kune vana vavo vose, uye haakudze mumwe kudarika mumwe.

3. Vakoma vaifunga kuti vachawana nhaka yemhuri uye upfumi hwese hwaJakobo.

II. Mwari vakapa Josefa zviroto zviviri zvinokosha uye zvinoshamisa.

A. Josefa akarota vakoma vake vachisunga zviswa zvegorosi mumunda uye zviswa zvavo zvose zvakapfugamira chiswa chake.

B. Akarota zvekare zuva, mwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichimupfugamira zvekare.

1. Izvi zvaimirira mhuri yaJosefa yaisanganisira amai vake nababa vake uye vakoma vake gumi nemumwe.

2. Jakobo pachake akashamiswa nehope dza Josefa idzi.

C. Apo Josefa akaudza vakoma vake nezvehope idzi, vakoma vake vakabva vaita godo nekumuvenga.

1. Kana tichitenda kuti Mwari ndiye anotipa zvose tinoziva kuti Mwari ane makomborero anokwanira vanhu vose.

2. Godo revakoma vaJosefa raitaridza kuti vainge vasina kutenda muna Mwari nekuda kwemakomborero avo pachavo.

III. Vakoma vaJosefa vakaronga zvekumuuraya nekuda kwehope dzake.

A. Jakobo akatumira Josefa kuti aende kunotsvaga vakoma vake kwavaifudza zvipfuyo.

B. Apo Josefa akawana vakoma vake gumi paDotani, vapfumbamwe vaida kuuraya Josefa, asi Reuben haana kuzvibvumira.

1. Mwari aiva nehurongwa hwakakosha kuna Josefa kuponesa mhuri yake.

2. Nekusaziva, vakoma vake vapfumbamwe vakapotsa vatora zano rasatani rekuparadza vanhu veIsraeri. Vainge vaparadza ruponeso rwavo nekuuraya Josefa.

C. Pachinzvimbo chekuuraya Josefa, vakoma vake vakafunga zvekumukanda mugomba.

1. Vakanyika bhachi rake muropa remhuka.

2. Vakaudza Jakobo kuti Josefa ainge aurayiwa nemhuka yemusango.

D. Apo Reuben ainge aenda, vamwe vapfumbamwe vakatengesa Josefa kungoro yevatengesi vechiMidiani.

E. VaMidiani vakaenda naJosefa kuEgipita vakamutengesa kune mumwe mushandi wemumatare maFaro ainzi Potifa.


Dzidziso yemweya:


Ndinodiwa naMwari,

Ndinodiwa nevanhu,

Zvese zvandinoita Mwari vanokomborera.

Satani anokwanisa kuuya kuzoba, kuuraya, nekuparadza,

Asi shoko raMwari rinozvipedza zvose.



MUKOMANA WESUNGANO


Chidzidzo chechishanu


Kamutambo


Vatambi: Josefa, Mubvunzi wechikadzi


Mubvunzi: Nhasi pachirongwa chedu, tine murume aive mutevedzeri wemutungamiriri weEgipita. Akapedza nguva ari mutirongo achipikira mhosva yaasina kupara. Ainge aine zviroto zvakawanda nedudziro zvaakapiwa neMweya Mutsvene. Vakoma vake vakamuitira utsinye asi akaramba aine moyo munyoro kwavari. Vakomana nevasikana, ndiri kufara kukuratidza Josefa.


(Josefa anopinda)


Josefa: Ndatenda! Ndatenda!


Mubvunzi: Tiri kufara kuva newe pachirongwa, Josefa. Unoremekedzwa nemaKristu kwese kwese.


Josefa: Ndinotenda zvikuru. Zvese zvandiri pamusana paMwari. Akatendeka panguva dzose.


Mubvunzi: Josefa waiva neupenyu hwakanaka. Kunyangwe semukomana wechidiki waiva nemweya waMwari wairatidza zvinhu kwauri.


Josefa: Hongu ndinotondera ndichirota zvinhu zvisinganzwisisike ndichiri mudiki. Mwari vaiedza kundiratidza kuti vaida kundishandisa.


Mubvunzi: Mhuri yako yakatambira sei zviroto zvako?


Josefa: Hazvina kuvafadza. Vakoma vangu vakandivenga pandakavaudza nezvehope dzangu, kuti vachandipfugamira.


Mubvunzi: Baba vako, Jakobo vakafungei?


Josefa: Baba havana kunyanyofara nehope dzangu kunyangwezvo. Ndaifanira kuzvichengeta muhana mangu kusvikira nguva yakwana.


Mubvunzi: Hongu, vanhu vazhinji vanofunga kuti vanofanira kuudza nyika yose zvavanenge vaudzwa naMwari.


Josefa: Uri kutaura chokwadi. Havasi vose vanokwanisa kunzwisisa zvinhu zvinotaurwa naMwari, saka zvakakosha dzimwe nguva kunyarara. Vakoma vangu vakafunga kuti ndainge ndangozvifunga ndega pandakavaudza nezve hope.


Mubvunzi: Unofunga kuti vakoma vako vaiva negodo here?


Josefa: Hongu. Vakatsamwa apo baba vakanditengera bhachi remavara akawanda. Ndaiva ndakaita sekujaidzwa.


Mubvunzi: Vakoma vako vakakukanda mugomba vakaudza baba vako kuti wainge waurayiwa nemhuka. Wakavatsamwira here nekuita kwakadaro?


Josefa: Handina kuvatsamwira, ndakatenda! Vaidai vakandiuraya asi Mwari vakandibatsira ndikararama.


Mubvunzi: Wakavenga vakoma vako here?


Josefa: Kwete handina kuvenga munhu. Ruvengo runokutadzisa kugashira makomborero aMwari.


Mubvunzi: Wakaziva zvakawanda pamusoro paMwari uchiri mudiki. Wakaziva sei nezvaMwari?


Josefa: Baba vangu vakandiudza zvese zvavaiziva nezvaMwari. Vakandiudza kuti mhuri yedu yaiva nesungano naMwari.


Mubvunzi: Chii chinonzi sungano?


Josefa: Sungano chibvumirano. Mwari vakaita chibvumirano na sekuru vangu, Abrahama, kuti vachakomborera mhuri yedu. Mwari vakavimbisa kutichengetedza, kutipfumisa uye kutiita vatano.


Mubvunzi: Waisatya here kuti uchaurayiwa sezvo wakanga usisiri pamwe chete nemhuri yako?


Josefa: Kwete. Ndaiziva kuti ndine sungano naMwari zvisinei nemamiriro ezvinhu, Mwari vaizondichengeta.


Mubvunzi: Zvisinei, satani akaedza kukuparadza handiti?


Josefa: Ndinofara kuti wazvireva.


Mubvunzi: Chii? Unofara kuti ndataura kuti satani aida kukuparadza?


Josefa: Hongu. Vanhu vakawanda vanoti kuedzwa nematambudziko anobva kuna Mwari. Zvinhu zvakaipa zvakaitika kwandiri zvaibva kuna satani chemanyanga ichi.


Mubvunzi: Vakoma vako vakakutengesa kuma Midiani, avo vakazokutengesa semuranda kuEgipita. Zvaiva zvakaoma here?


Josefa: Chaisava chipo chemaruva, asi ndakakurira zvese zvakaipa nesungano yangu.


Mubvunzi: Wakaitwa muranda mukuru mumba maPotifa. Mudzimai wake akazokunyepera ukaiswa mujeri.


Josefa: Ndakashandisa sungano imomo, zvekare. Ndaifarirwa nemuchengeti wejeri akandiita mubatsiri wake. Akandibvisa pacheni.


Mubvunzi: Wakawana kufarirwa nevamwe sei?


Josefa: Ndakaramba ndichidzokorora kuti , ”Ndinodiwa naMwari nevanhu, uye vanondidawo.” Zvakasevenza. Munhu wese aindiona aindifarira.


Mubvunzi: Kubudikidza nezviitiko zvakawanda wakazova mutevedzeri wemutungamiriri wenyika yeEgipita. Unofanira kunge waifarirwa naFaro.


Josefa: Ichokwadi, Ndaifarirwa nevanhu vese. Ndichiri kungozvitaura, “Ndinofarirwa naMwari nevanhu.” Zvitaurei neni vana, “Ndinofarirwa naMwari nevanhu.”


Mubvunzi: Zvinoshamisa. Chinhu chese chakaipa chakaitika kwauri, Josefa asi uchingori pamusoro.


Josefa: Chero munhu anokwanisa kukunda.


Mubvunzi: Tingawana sungano sei?


Josefa: Unokwanisa kupinda musungano iyi nekugashira Jesu saMambo nemuponesi wako uchitenda mumoyo mako kuti Mwari vakamumutsa muvafi.


Mubvunzi: Ndakatozviita kare. Ndine sungano naMwari! Vakomana nevasikana ngatitendei Josefa naMwari! (Vanoombera maoko)



MUNUNURI


Chidzidzo chechishanu


Ngano


Ndapinda sei mune izvi? akafunga Brad apo akamira achibvunda paruzhowa. Mukomana aityiwa zvikuru pachikoro pese, Butch ainge akamira akatarisa mumaziso maBrad. Ainge akakunga zvibhakera nehasha.


Ndinoda kukudzidzisa chidzidzo,” akadaro Butch. “Kubvira nhasi zvichienda mberi unofanira kundipa mhinduro dzako ndichikopera kana ndichidzida.” Pakarepo Butch akatanga kurova Brad.


Oohh!” akachema Brad apo akarohwa nechibhakera mudumbu. Brad akaedza nepaaigona napo kuti amise zvibhakera izvi asi hazvina kubatsira. Butch akarova Brad pamhuno, nepaziso ndokumukanda pasi. Vakomana vose vavaidzidza navo vaivepo kutarisa Butch achidzidzisa Brad chidzidzo. Munhu wese aiziva kuti kugumburisa Butch kwaikonzera matambudziko. Ainge azvibudisa pachena kuti hapana mwana wechikoro aikwanisa kumurova pachikoro pese.


Zvakangotanga mangwanani apo vana verugwaro rwechitanhatu vakapiwa bvunzo dzeruzivo rwezvinhu zvakapfuura. Sezvo Brad ainge apasa zvakanaka muchidzidzo ichi, Butch akada kugara pedyo naye kuti agokopa mhinduro dzake. Apo Brad akazviona akavhara pepa rake raiva nemhinduro. Ichokwadi kuti izvi zvakatsamwisa Butch zvekuti mumashure mebvunzo, Butch akavimbisa kurova Brad. “Ndichakubata zvangu kana tava kuenda kumba!” akamuyambira. “Hapana munhu anondivharira mhinduro ini!”


Brad akashushikana apo akafamba achibva pane vamwe vaaidzidza navo, avo vaifa zvavo nekuseka. Mbatya dzake dzainge dzasviba uye dzabvaruka bvaruka. Mhuno yake yaibuda mututu uye ziso rake rekuruboshwe rainge razvimba, pamusoro pazvo ainge akuvarira mukati.


Dai ndiine mukoma mukuru, akafunga Brad. Ndaizoita kuti auraye Butch. Ndinomuvenga! Ndinomuvenga! Ndinoshuva kuti kudai akafa zvake.


Pakudya chikafu chemanheru, Brad ainge achakangotsamwa pamusoro pechiitiko ichi. Apo baba namai vake vakaedza kumupa rubatsiro, Brad akapindura nekurwadziwa. “Ndinomuvenga mwana iyeye!” akafinyama. “Ndinomuvenga zvekuti ndinotsumba kuti kudai mumwe munhu amuponda!”


Chimbomira, mwana,” vakadaro baba. “Mafungiro akadaro haana kunaka zvachose. Unobva watonyanya kurwadziwa. Ndinoziva kuti zvakaoma kuti unone izvi asi unofanira kunamatira Butch.”


Kunamata?” akadzokorora Brad. “Kunamatira, Butch? Hazvibatsire.”


Kana wakamutsamwira,” vakadaro baba, “ucharamba uchinetseka.”


Hapana chimwe chinhu chaifungwa naBrad usiku hwese kunze kwekurwa uye mashoko akataurwa nababa. Pasi pasi pemoyo wake aiziva kuti baba vaitaura chokwadi uye Mwari vaizomubatsira kuti aregerere Butch. Pakupedzisira akazonamata.


Mwari Baba vekudenga,” akadaro Brad, “Ndine urombo nekuvenga Butch. Ndiregererei uye mundibatsire kuti ndiregerere Butch. Ndibatsirei kuti ndimudzidzise pamusoro penyu nekuti anofanira kukuzivai. Ndinokumbira nemuzita raJesu. Ameni”


Brad akarara zvakanaka uye mangwana mangwanani akamuka achitaridza zvakasiyana. Butch akagara padyo nemumwe mwana zuva raitevera kuchikoro uye hapana zvakawanda zvaakataura kuna Brad. Raiva risiri zuva rakanaka kunyangwezvo. Vana vese muchikoro vaitaura pamusoro peziso raBrad rainge rakatsvuka ropa nekurohwa naButch.


Brad aishuva kuti bhero rekupedza zvidzidzo ririre zvaro. Chidzidzo chekupedzisira chaiva chemitambo zvekuti Brad aichifarira zvisinei nezvainge zvaitika kwaari. Mudzidzisi ainge aronga kuenda nevana kunoshambira kune imwe nzvimbo yaiva nemvura zhinji.


Nguva zhinji vainge vachishambira kusina kudzika vachidzidziswa nemudzidzisi. Brad nevamwe vashoma voga ndivo vaikwanisa kushambira.



Mudzidzisi akazopedza chidzidzo nekuudza vakomana kuti vaikwanisa kupedza mamineti mashanu vachitamba mumvura kusina kudzika. Butch nevamwe vashoma vainge vachitamba vachishamisira apo mudzidzisi aivaudza nezvekushambira saka havana kuzvibata. Apo mununuri ainge achibatsira mumwe mukomana, Butch neshamwari dzake mbiri vakasvetukira kurutivi rwakadzika.


Hapana kana mumwe wavo aikwanisa kushambira. “Tibatsireiwo, tibatsireiwo,” akachema mumwe wavo apo ainge onyura mumvura. Vakomana vose vakangomira vakatarisa. Butch nemumwe mukomana vakanga vava pasi pemvura zvino, mudzidzisi aingokwanisa kunyunyurura munhu mumwe chete.


Brad akamhanya ndokunosvetukira muduhwino maiva naButch ndokumununura kuti asanyure. Akanetsekana kuona ainge amununura.


Ndiwe?” akabvunza Butch achifemuruka. “Wandinunura. Sei waita izvozvo kwandiri ini ndakakutadzira nezuro?”


Hazvaiita kuti ndikurege uchinyura, Butch,” akadaro Brad. “Ndakaona zvakakodzera kuti ndikuregerere. Zvainge zvisina kukodzera asi Mwari vakandibatsira.”


Rakauyazve rimwe zuva apo Brad akanunura Butch. Panguva ino akamununura kubva murufu rwemweya. Brad akatungamirira Butch kuti agamuchire Jesu Kristu semuponesi wake nemununuri.


DZOKORORO

Chidzidzo chechishanu


Shandisai shoko:


Wakambokwanisa kuregerera mumwe munhu here ainge akutadzira? Zvaiva zvakaoma here? Wakazviita sei?


Mibvunzo yemutambo:


1. Jakobo aiva nevanakomana vangani?

2. Sei Israeri aida Josefa kudarika vamwe vose?

3. Israeri akapa Jakobo chii kuratidza rudo rwake kwaari?

4. Vakoma vaJosefa vakagashira sei bhachi rake?

5. Vakoma vaJosefa vakafunga kuti Josefa aizogamuchira chii?

6. Josefa akarota chii pakutanga?

7. Josefa akarota chii kepiri?

8. Chiroto chechipiri chairevei?

9. Sei vakoma vaJosefa vakaita godo?

10. Godo nekutenda muna Mwari zvinofambirana here?

11. Mwari vane makomborero anokwanira vanhu vose here?

12. Josefa akachenjera here nekutaura zviroto zvake?

13. Vakoma vaJosefa vakazowana sei nzira yekumurwadzisa nayo?

14. Chii chakaitika kubhachi raJosefa?

15. Ndeupi mukoma waJosefa akaramba kuti aurayiwe?

16. Vakaita sei kuti vasazova naJosefa zvekare?

17. Josefa akaenda kunyika ipi?

18. Ndiani akatenda Josefa kuEgipita?

19. Vakoma vaJosefa vakaudza baba vavo kuti Josefa ainge aita sei?

20. Dai vakoma vakauraya Josefa chii chaizoitika kwavari?


JOSEFA - KUTENDEKA NEPANGUVA

YAKAOMA


Chidzidzo chechitanhatu


Ndima yekuverenga: Genesi 39:1-23


Chokwadi: Tinofanira kuvimba neshoko raMwari zvisinei nezvakatikomberedza.


Ndima yemusoro: Isaya 54:17, “Hakune nhumbi inovumbga kuzorwa newe ingaita chinhu.”


Kamutambo: “Ramba wakabatirira ipapo”


Chidzidzo: “Makanduru mairi”


Zvinodiwa: Josefa (115), Potifa (116), mukadzi waPotifa (117), gemenzi (118), windo repajeri (119), Mukuru wejeri (shandisa mutumwa kana uchida 109)


Kumudzidzisi:


Kunyangwe hazvo ainge aine kodzero yekusafadzwa, Josefa haana kuzvidza Mwari. Akaramba achishandira Mwari mukati mematambudziko iwayo uye haana kupa Mwari mhosva. Pamusana pemaitiro ake nemoyo wake, Josefa akadiwa pese paaienda. Makomborero aMwari akava naye panguva yekutambudzika kwake.


Tsanangudzo:


I. Munguva yakaoma uye yekutambudzika, Josefa haana kurasa moyo.

A. Ainge atengeswa semuranda kuna Potifa mumwe wevashandi va Faro.

B. Panzvimbo yekunyunyuta, Josefa akaramba achiita basa rake nemoyo unoda.

1. Hapana chatingaita pamusoro pezvinhu zvakaipa zvakaitika kare.

2. Tinofanira kubvisa marwadzo ose nekuda kwaMwari uye kuvimba naye kuti tibudirire pane zvinhu zvatiri kuita nhasi.

C. Josefa ainge akakomborerwa nekudiwa nevanhu vose pamusana pesungano yeropa yaakaitwa natateguru vake Abrahama naMwari.

1. Makomborero aAbrahama akauya kune munhu wese werudzi rwake anorarama nekutenda.

2. Tinokwanisa kuwana makomborero aAbrahama nekugashira Kristu kubudikidza nekutenda, (VaGaratia 3:13-14, 29)

3. Makomborero aAbrahama aiva ekubudirira, utano, nemakomborero emweya.

C. Potifa akafadzwa naJosefa zvekuti akamuita mukuru wemhuri yake.

1. Josefa aibata mari yaPotifa yose nezvimwewo zvinhu.

2. Josefa aiva pamusoro pevamwe varanda vose.

II. Satani akashandisa mukadzi waPotifa kuti aedze kupinza Josefa muchivi.

A. Mukadzi waPotifa aisafamba naMwari uye ainge asina hanya nezvimwe zvinhu.

B. Akakumbira Josefa kuti ave mudiwa wake apo Potifa ainge asipo achimunetsa siku nesikati.

C. Josefa akadzivisa muedzo uyu pamusana pekuti akaziva kuti chivi kudanana nemukadzi wemunhu.

D. Mukadzi waPotifa akatsamwira Josefa akaronga kumuparadza.

1. Rimwe zuva apo ainge ari oga naJosefa, akabata bhachi rake ndokutanga kuridza mhere.

2. Apo vamwe varanda vakauya, akapomera Josefa mhosva yekuedza kumubata chibharo.

III. Potifa nekushatirwa akaisa Josefa mujeri.

A. Zvimwe zvinhu muupenyu hazvina kunaka.

1. Satani ndiye “mwari wepasi pano,” (II vaKorinte 4:4)

2. Vanhu vazhinji havana basa naMwari.

B. Kunyangwe hazvo zvinhu zvakaipa zvakaitika kuna Josefa akaramba ari pana Mwari.

1. Mwari haasi munyori wekuedzwa nekutambudzwa, (Jakobo 1:13)

2. Josefa aizivakuti Mwari aizoita zvishamiso izvo ainge aiitira Abrahama naIsaka naJakobo.

C. Kuita kwaJosefa kwakaita kuti adiwe nemuchengeti wejeri. Akaita kuti Josefa ave mutungamiri wevamwe vasungwa.

D. Zvisinei nezvainge zvaitika, Josefa akashandura nguva yakaoma kuti ive tarisiro yekuti akomborerwe naMwari.

1. Kutenda muna Mwari kunoita kuti zvinhu zvakaipa zvishanduke kuve zvakanaka.

2. Kuzvisvora kunoita kuti zvinhu zvakaoma zvinyanye kuoma.


Dzidziso yemweya:


Haungadzivisi mwana wekutenda

Haungadzivisi mwana wekutenda

Ndiri kukuudza, shamwari, unofanira kuzviziva,

Haungadzivisi mwana wekutenda


Zvombo hazvingashande pandiri,

Ndine bakatwa remweya.

Urwere, urombo nerufu zvichatiza,

Kubva kushoko raMwari - saka ngatirinzwei!

Jehova inhoo yangu,

Jehova isimba rangu.

Ndinokurira zvakaipa nezvakanaka - POW!

Ndiri kukuudza shamwari, unofanira kuzviziva,

Haungadzivisi mwana wekutenda.



RAMBA WAKABATIRIRA IPAPO


Chidzidzo chechitanhatu


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally


Sally: (Achiimba) Ndichataura nezvaJehova, ndiko kwandinopotera ndiye murwiri wangu, ndinovimba naMwari wangu.


(Bennie anopinda)


Bennie : Sally! Sally! Sally!


Sally: Chiiko?


Bennie: Ndinoda kuti uuye panze. Vamwe vana vose vari pano, Sally uuye tine nguva yakanaka yekutamba. Huya pano.


Sally: Handingauyi iye zvino.


Bennie: Nemhosva yei?


Sally: Ndinofanira kupedza kupukuta midziyo.


Bennie: Sally ingouya kani unozopedzesa. Uchatopfuurwa nemafaro ose atinawo pano. Tava padyo nekutamba mitambo inonakidza. Huya kani!


Sally: Handingauyi iye zvino.


Bennie: Tichatamba chihwande hwande.


Sally: Zvakanaka.


Bennie: Kune vana vakawanda kuno uku, Tony ari pano zvekare.


Sally: Tony ari pano?


Bennie: Uh Huh.


Sally: Vasikana, ndinoda kutamba mitambo.


Bennie: Saka buda.


Sally: Hazvigoneke.


Bennie: Nekuda kwei?


Sally: Nekuti ndaudza amai kuti ndichapedza basa rose. Ndavaudza kuti ndichapukuta midziyo.


Bennie: Unokwanisa kuzozviita izvo, huya titambe!


Sally: Kwete, handingakwanise.


Bennie: Sally uri kurasikirwa.


Sally: Ndinozviziva, ndingada kutamba asi ndinofanira kupedza basa.


Bennie: Zvakanaka. Uri kurasikirwa nemafaro ese uye pauchazoda kutamba vana vose vanenge vaenda. Ndiko kunonzi kupusa, Sally, kupusa ikoko. (Bennie anobuda)


Sally: Vasikana ndaida kutamba asi hazvigoneke. Ndinofanira kupedza basa. Ndinofanira kutsvaira pachivanze, amai vachandipa madhora mashanu. Zvinofadza izvi, madhora mashanu!


(Bennie anopinda)


Bennie: Iwe, Sally, Sally, Sally!


Sally: Chii chauri kuda iye zvino?


Bennie: Vana vose vachiripo panze apa vari kutamba, Sally. Tiri kutamba chihwande hwande.


Sally: Ho-o!


Bennie: Uh huh. Takakumirira kuti uuye. Huya Sally.


Sally: Handikwanise.


Bennie: Haukwanise? Unorevei kana uchiti haukwanise? Unouya panze uri kuitei iye zvino?


Sally: Ndiri kuda kutsvaira panze.


Bennie: Kutsvaira panze? Sally wava kudarikwa nezvakawanda. Huya panze utambe nesu.


Sally: Ndinoda chaizvo. Asi handikwanisi. Ndaudza amai kuti ndichaita basa rose.


Bennie: Saka pedza basa rako, asi hauchazowana nguva yekunakidzwa zvekare. Ndava kuenda panze ndinotamba nevamwe vana. Vakomana, Sally wakapusa. (Anobuda)


Sally: Kwete handina. Ndakachenjera nekuti ndichapedza basa rangu. Kana ndapedza ndichawana mubairo. Ndizvo zvandichawana izvozvo. Ndichawana mubairo.


(Pava pashure)


Sally: Ndinotenda, amai. Vakomana ndiri kufara kuti ndaita basa rakanaka. Unoziva, dzimwe nguva misi yemugovera ndinositamba asi nhasi amai vandipa basa. Kana ndapedza ndichawana mugove. Zvinofadza kupedza basa, asi zvanga zvakaoma. Kugeza mabhokisi aya, choto midziyo nezvimwe zvose. Zvinobhadhara kuita basa rose nemazvo.


(Bennie anopinda)


Bennie: Zvisinei hapana chikonzero chekuti uende panze.


Sally: Nemhosva yei?


Bennie: Vana vese vapera kuenda. Vakomana, Sally wakapusa iwe. Wanga uri mumba nhasi wese. Tanakidzwa tichitamba chihwande hwande muswere wese wanhasi asi hapana chawaona.


Sally: Zvisinei ndaita chimwe chinhu chakakosha.


Bennie: Chakakosha? Chii ichocho?


Sally: Ndaita basa rakanaka, ndabatsira amai.


Bennie: Hongu, waita chinhu chakanaka. Waita chii? Wapukuta masherefu nechoto nezvimwewo zvinhu, asi unozivei? Wakapusa, Sally. Waigona kunge uri panze uchifara. Hazvinakidze kusevenza.


Sally: Ndokunge uchiwana mubairo?


Bennie: Mubairo? Ya-h amai vaiitei? Vakuudza here kuti vachaenda newe kuchitoro kana kumwe kunhu?


Sally: Kwete. Vandipa madhora mashanu.


Bennie: Chii? Madhora mashanu! Wawana madhora mashanu ekuita basa rakanaka nhasi?


Sally: Ndizvozvo. Ndizvo zvaunowana kana ukaita basa rakanaka.


MAKANDURU MAVIRI


Chidzidzo chechitanhatu


Chidzidzo


Ndima yekuverenga: Mateo 5:14, “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.”


Zvinodiwa: Kanduru imwe, kanduru diki, nemachisi.


Gadziriro: Bvisa makanduru nemachisi panoonekwa nevana.


Chidzidzo:


Bhaibheri rinotiudza muna Mateo 5:14 kuti maKristu ndiwo chiedza chenyika. Jesu vari kutaura pamusoro pezvipo zvemweya. Wakambozvifunga here sechiedza chenyika?


Bhaibheri rinotiudzawo kuti nyika iri murima uye kuti Satani anopofomadza pfungwa dzevanhu kuti vasaone kukosha kwekugasira Jesu saMambo wavo.


Chiedza chinoitirwa nzvimbo dzine rima uye maKristu ndiwo chiedza chenyika ino. (Dzima magetsi ose)


Ngatimbotii uri murima gobvu haukwanise kuona maoko ako ari padyo nemaziso ako. Denga rizere makore uye chiedza chemwedzi nenyenyedzi hachionekwi. Uri musango wonzwa mhere mhere inotyisa inoita kuti ude kubudamo. Unoedza kuwana nzira, asi nechikonzero chekuti makasviba, zvinoita sekunge usingakwanise kuenda kumwe kunhu.


Unonetsekana nebhokisi. Unorivhura wobata bata zvirimo. Unowana machisi nekanduru. (Batidza kanduru). Unobatidza kanduru, pakarepo wotangakuona miti yose pawakanga uchibondera. Kune nzira kune rumwe rutivi rwemiti mirefu uye chinyorwa chinoti, “Imba yekuzororera - maera rimwe chete.”


Unotanga kufamba uchidzika nenzira iyi uye unotanga kufara uchiti wanunurwa kubva murima nekuti wava nechiedza.


Chimwe chinhu chakaipa chinobva chaitika. Mhepo inotanga kuvhuvhuta. Kanduru yako inobva yadzima! (Dzima kanduru yako). Mhepo yakasimba zvekuti kanduru yako yaikwanise kugara yakabatira, warasika zvekare. (Edza kubatidza kanduru asi uchikundikana. Ramba uchiidzima)


Satani anouya akanangana nemaKristu achiedza kudzima chiedza chavo. Kana achinge ozviita, maKristu anofamba murima achishaya chiedza nechinangwa chekufadza Mwari. Vanhu vakawanda vanofamba naMwari kusvikira kuedzwa kwauya vobva vasiya. Vakaita sekanduru inodzima nekukasika.


Ngatitii wanetsekana kwekanguva uri musango wowana rimwe bhokisi. Rine machisi nekanduru. (Batidza kanduru). Batidza kanduru wotsvaga nzira iya zvekare. Unofamba uchidzika asi mhepo yatangazve kuvhuvhuta. (Dzima kanduru) Satani anoedza kudzima kanduru yako. Zvinoita sekunge aidzima. Chimbomira kwekanguva! Yabatidzwa zvekare! Kanduru yako yaramba kudzimwa. Pamusana pekuti kanduru yako ishoko raMwari uye haingadzimwe. Sezvo maKristu achichengeta shoko raMwari mumoyo mavo, satani haangavarambidze kuti vawane nzira yavo.


(Unokwanisa kutaura pamusoro pemhepo dzakasiyana siyana dzasatani dzinoedza kudzima chiedza - kusatenda, ruvengo, urwere, kutya, etc.)



DZOKORORO


Chidzidzo chechitanhatu.


Shandisai shoko:


Hazvisi nyore kupedza basa - kunyanya kana zvinhu zvisina kuita zvakanaka. Pamwe uri kugadzira bhasikoro rako uye uri kushaya mudziyo waunoda. Kana kuti uri kugadzira chimwe chinhu asi hausi kukwanisa kunzwisisa zviri kudiwa. Kana kuti uri kuda kusima muti asi paunochera unobva wasvika padombo. Zvinenge zvakanaka chose kupedza basa - kunyanya kana ranga rakaoma. Pane mumwe munhu here muno akambopedza basa? Chii chawakaita? Wakakunda sei matambudziko?


Mibvunzo yemutambo:


1. Potifa aigara kupi?

2. Basa raJosefa raiva rei mumba maPotifa?

3. Sei Josefa akakwidziridzwa?

4. Ndiani aiva zitateguru raJosefa?

5. Makomborero aAbrahama chii?

6. Makomborero aAbrahama angauya sei kwatiri?

7. Nderipi bhuku rechitenderano chitsva rinotiudza kuti makomborero aAbrahama anouya sei kuvatorwa?

8. Ndiani aiva honzeri yemiedzo yakaitwa nemukadzi waPotifa kuna Josefa?

9. Josefa akaedzwa kanodarika kaviri here?

10. Ndiani honzeri yemiedzo yose?

11. Josefa aikwanisa kunge akatadza here dai akafunga kuti hapana aizomubata?

12. Mukadzi waPotifa akashandisa chii sechiratidzo chemhosva yaaipomera Josefa?

13. Potifa akaita sei kuna Josefa apo akanzwa zvainge zvataurwa nemukadzi wake pamusoro paJosefa?

14. Ndechipi chivi chakaitwa naJosefa chakakonzera matambudziko ose aya?

15. Ndiani “mwari wenyika ino”?

16. Josefa akarasa moyo here apo Potifa akamuisa mujeri?

17. Muchengeti wejeri akakudziridza Josefa sei?

18. Chii chaiva naJosefa chaiita kuti adiwe nevanhu?

19. Chii chatingaite nekuda kwezvinhu zvakaipa zvakaitika kare?

20. Nderipi simba rinoshandiswa naMwari kushandura zvinhu zvakaipa kuva zvakanaka?



MWEYA WAMWARI UNOBATSIRA JOSEFA


Chidzidzo chechinomwe


Ndima yekuverenga: Genesi 40:1 - 41:44


Chokwadi: Mweya mutsvene unotibatsira kuti tikunde.


Ndima yemusoro: Mabasa evapositori 1:8, “Asi muchapiwa simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu.”


Kamutambo: “Marimi emoto”


Chidzidzo: “Tut, gonzo remujeri”


Zvinodiwa: Josefa (115), Hwindo repajeri (119), mukuru wevadiri (120), mubiki (121), madzambiringa (122), Goblete (123), shiri nezvinhu zvakabikwa (124), Josefa ari mumagemenzi (125), Faro (126), Vaiti vemasaramusi (127)


Kumudzidzisi:


Sevatendi, tinofanira kuvimba nemweya waMwari kuti utitungamirire munzvimbo musina zvinyorwa zvinotaura nezvazvo. Magwaro ndiro shoko rechokwadi rinotaura nezviporofita asi tinofanira kuvimba neMweya Mutsvene kuti utitunganirire muchokwadi nekutiratidza zvinhu zvichauya, (Johane 16:13) Mweya mutsvene mumwe chete iwowo wakapa Josefa njere dzezvinhu zvichazouya maererano neIsraeri uye kuti njere dzakachengeterwa vanhu vaMwari.


Tsanangudzo:


I. Apo Josefa aiva mujeri, Mwari vakamupa dudziro yezviroto zviviri.

A. Pakati pevasungwa paiva nevamwe varume vaviri vainge vamboshandira Potifa, mudiri wake mukuru uye mubiki.

B. Usiku humwe chete varume ava vakarota hope dzisinganzwisisiki.

1. Mudiri mukuru akaona mudzambiringa uine mabazi matatu uye iye aisvinira muto wedzambiringa mukomichi yaFaro.

2. Mubiki akarota kuti shiri dzakamhara dzikadya mabhasikiti matatu echikafu aainge akatakura pamusoro pake.

C. Varume ava vose vakanetsekana nezviroto izvi uye vaida zvikuru kuti vazive kuti zvairevei.

D. Josefa ainge azere nemweya waMwari uye akaziva kuti zviroto zvevasevenzi vaPotifa zvairevei.

1. Josefa akaudza mudiri kuti aizodzokera kubasa kwake achishandira Faro mumashure memazuva matatu.

2. Josefa akaudza mubiki kuti aizourayiwa naFaro mumashure memazuva matatu.

E. Dudziro yehope idzi yakadarika sekutaura kwainge kwaita Josefa.

F. Josefa akakumbira mubiki kuti amubatsire kubuda mujeri, asi apo akangodzokera kumuzinda waPotifa akabva atokanganwa nezvaJosefa.

II. Mumashure memakore maviri, Faro pachake akava nezviroto zviviri zvaisakwanisika kududzirwa naani kana ani zvake.

A. Faro akatambudzika nekuda kwehope dzake idzi.

1. Akatsvaga munhu akangwara aikwanisa kududzira hope dzake.

2. Hapana kana mumwe wevanhu ava akakwanisa kupa mhinduro nekuti vainge vasina mweya waMwari.

B. Faro ainge arota kuti mombe nomwe dzinorwara dzainge dzadya mombe nomwe dzakasimba uye kuti koroni nomwe dzakasvava dzainge dzadya koroni nomwe dzakanaka.

C. Sezvo hope dza Faro dzainge dzabva kumweya mutsvene, munhu ainge aine chekuita naye ndiye aikwanise kudzidudzira.

1. Mweya mutsvene ndiye munhu wechitatu wehutatu.

2. Haana muviri asi anowanikwa pese pese panguva imwe chete. Pamusoro pazvo munhu chaiye.

D. Pakuguma mubiki akatondera Josefa ndokuudza Faro zvese pamusoro pake uye kuti aikwanisa kududzira hope.

III. Josefa akadudzira hope dzaFaro akapa mbiri kuna Mwari.

A. Josefa akatsanangurira Faro kuti zviroto zvake zvaireva kuti nyika yeEgipita yaizova nemakore manomwe ekuwana ichiteverwa nemakore manomwe enzara.

B. Josefa akati zviroto izvi zvaiva yambiro kubva kuna Mwari kuti vagadzirire nzara iyi.

1. Akaronga kuti pave nemunhu aizoita basa rekuchengeta chikafu chaizoshanda munguva iyi.

2. Faro nevashandi vake vakabvuma zvainge zvataurwa naJosefa.

C. Faro akafadzwa nenjere dza Josefa zvekuti akamuita mutevedzeri wemutungamiriri weEgipita, aizova mutevedzeri waFaro pachake.

1. Josefa akasimudzirwa kuchinzvimbo chaaida kubvira achiri wechidiki.

2. Dai Josefa ainge awana mukana uyu makore maviri ainge adarika chaaingoda kusunungurwa kubva muusungwa chete. Hurongwa hwaMwari hwaiva hukuru kudarika hwake.


Dzidziso yemweya:


Kutendeka ndiko kwandiri,

Ndinoramba ndakadaro chere zvikaoma sei.

Kubudikidza nekutenda ndinomira neshoko raMwari,

Uye nyasha dzake dzinogara narini.

Anondibatsira kuti ndigare ndakamirira, uye ndizive zvekuita,

Anondiudza zvandinoda kuziva.

Kutendeka ndiko kwandiri,

Handiregi kana kuita chinepfu.




MARIMI EMOTO


Kamutambo


Chidzidzo chechinomwe


Vatambi: Peter, John, Mubvunzi



Mubvunzi: Mumashure mekufa nekumuka kwaJesu, vadzidzi vake vakatya nekusagadzikana. Vainge vasina chokwadi chekuti Jesu aida kuti vaite sei, vaizengurira kuudza vanhu kuti Jesu ainge amuka muvafi zvechokwadi.


Peter: John, handizive kuti ndichashinga here kutaurira vamwe nezvaJesu. Varume vakatsamwa vakarovera Jesu vanondipa nguva yakaoma.


Mubvunzi: Ndinoziva zvamunoreva. Vanondityisa zvekare. Tichaita sei?


Peter: Handizive. Tichatodzokera zvedu kunoredza hove. Handizive kuti ndinofanira kuramba ndichiparidza here.


John: Asi, Peter hautonderi here zvakataurwa naJesu?


Peter: Hongu, akatiudza kuti tiende kunomirira kuJerusarema kusvikira tagashira simba kubva kumusoro. Handizive kuti isimba rudzii raaitaura nezvaro.


John: Akataura achiti tichazadzwa neMweya Mutsvene.


Peter: Handizive kuti izvi zvichapa musiyano here.


John: Ndinoziva kuti zvinosiyana. Tinofanira kuchienda kuJerusarema tinoita zvakataurwa naJesu.


Peter: Hongu, uri kutaura chokwadi. Handei. Pamwe vamwe vadzidzi vatovako kare.


(Peter naJohn vanobuda)


Mubvunzi: Saka Peter naJohn vakaenda kuguta reJerusarema kunosangana nevamwe vadzidzi. Mazuva akawanda ainge adarika kusvikira zuva rePasika rasvika uye vanhu vainamata mumba yekumusoro.

(Peter naJohn vanopinda)


Peter: Mwari ngaarumbidzwe! Mwari ngaakudzwe! John, ndinoziva kuti pane chimwe chinhu chava padyo nekuitika.


John: Ndaziva kuti pane chimwe chinhu chinokosha chichaitika apo ndamuka mangwanani.


Peter: Ndinofunga nhasi ndiro zuva ratichazadzwa neMweya Mutsvene.


John: Uri kunzwa chii?


Peter: Hongu zviri kuita semhepo zhinji.


John: Asi haisi mhepo iri yega. Iri kuvhuvhuta mumba muno mose.


Peter: Iwe, tarisa uko. Kune karimi kemoto pamusoro paThomas. Chenjera, Thomas unotsva!


John: Haana kutsva. Hausi moto uri wega uyo. Une rimi remoto pamusoro pako zvekare.


Peter: Chero newewo!


John: Ndiri kunzwa mashoko asinganzwisisike mumweya mangu. Pane chimwe chinhu chiri kundiudza kuti ndinofanira kumataura. O-rah-ma-key-ka-la-ba-kay-tee-na.


Peter: Zviri kuitika kwandiri izvozvo. Jesu akataura kuti tichatura nedzimwe ndimi. Shay-oh-me-key-a-ay-de-oh-ro-ka-bro-ta.


John: Zvinoita kuti ndive nesimba mumweya mangu.


Peter: Ya-h ndazoziva zvauri kutaura. Ukataura nendimi idzi unobva wasimba, ndinofunga tiri kuzadzwa neMweya Mutsvene.


John: Unofunga kuti tinofanira kutaura nendimi idzi kwenguva yakadini?


Peter: Kana kutaura nendimi kuchiunza simba raMwari kwandiri saka ndichataura nendimi kakawanda.


John: Zvinoita kuti ndide kuudza mumwe munhu kuti Jesu vanovada zvakaita sei.


Peter: Hongu, handichadi kudzokera kunoita basa rekuraura hove. Ndichava muparidzi ndichiudza mhondi dzakauraya Jesu kuti vari kurasikirwa.


(Anobva atanga kufamba achienda)


John: Iwe uri kuenda kupi?


Peter: Ndiri kuenda kunoparidza. Kay-te-are-pa-she-a-me-ka-ko-pro.


(Peter anobuda)


John: Hazvishamise here izvi! Apo Peter azadzwa neMweya Mutsvene abva asimba seshumba. Unozivei, kana neniwo ndichaparidza. Iwe, Peter ndimirirewo.


(John anobudawo)


Mubvunzi: Apo Peter akaparidza shoko raMwari musi uyu, zviuru zvitatu zvevanhu zvakagashira Jesu. Vakagashira nekuda kwekushinga kwaPeter. Zvaiita sekunge ane marimi emoto.


TUT, GONZO REMUJERI


Ngano


Chidzidzo chechinomwe


Kwaivapo nerimwe gonzo rainzi Tut. Raigara muEgipita mujeri makore mazhinji akapfuura. Rainge risiri musungwa asi raingobatsira muchengeti wejeri, Abdulla.

Handizive kuti waizoita sei dai pasina ini,” akadaro Tut kuna Abdulla. “Ndini ndinofunga zvese, unozviziva.”


Kufunga zvese?” akabvunza Abdulla. “Hazvidi kana kufunga kuti ndiite basa rangu. Chandinongofanira kuita kugara misuwo yejeri yakakiyiwa nekupa vasungwa chikafu.”


Unogara uchikanganwa kupa vasungwa chikafu,” akadaro Tut. “Kudai ndainge ndisiripo kukuudza kuti upe vasungwa chikafu vangadai vakaziya nenzara.”


Saka ndinokanganwa nguva kakawanda,” akadaro Abdullah. Abdullah ainge ari murume mukobvu aiva nechiso chikuru.


Tondera zvakaitika gore rapera pandakashanyira mukoma wangu Gamal?” akabvunza Tut. “Wakaregedza vasungwa vashanu vachitiza.”


Hongu,” akadaro Abdulla,” tese tinokanganisa dzimwe dzenguva.’


Unofanira kunge unokanganisa kazana pazuva rega rega,” akadaro Tut. “Usakanganwe kuisa mvura mukomichi nhasi. Nezuro vasungwa havana kuwana mvura nekuti hauna kuisa mvura mukomichi.”


Iwe chirega kundinetsa, Tut. Handikwanise kuita zvakanaka pamusana pako,” akadaro Abdullah.


Pamusana pangu?” handibvumirane nazvo, akaramba gonzo. “Ndiko kusaka wakanyanya kudipuka..” akadaro Abdullah.


Vakuru! Muchengeti!” akadanidzira mumwe murwi ainge apinda asina kuonekwa naAbdulla. “Mune musungwa mutsva nhasi. Aedza kutsvoda mudzimai waPotifa uye varanda havabvumidzwe kudaro.” Murwi akasandudzira musungwa mutsva mumba umu. Abdullah akakiyinura jeri ndokupinza musungwa mutsva uya mukati. Akarovera sasa achivhara ndokurikiya zvakanaka. Murwi akabva aenda.


Tigashire, chikomana,” akadaro Abdullah achinyomba zvake. Akaenda padyo nemoto ndokutanga kukurunga poto yaiva nemuto pamoto apa.


Tut akafarira musungwa mutsva uyu. Akakambaira achibva pamusoro petafura ndokufamba achienda kumusungwa. “Unonzani, nhai mukomana?” akabvunza Tut.


Ndinonzi Josefa,” akapindura. “Ko iwe unonzani?”


Unokwanisa kundidana kuti Tut,” rakadaro gonzo riya. “Ndini ndinotungamirira divi rino. Murume mukobvu ari uko uyo mubatsiri wangu,” akawedzera. “Hauite semuEgipita. Unobva kupi?”


Ndinobva kuKenani, akadaro Josefa. “Zita rababa vangu ndi Jakobo uye vakapfuma zvikuru vane hwai nemombe dzakawanda.”


Kana wakapfuma kudaro, sei waiva muranda mumba maPotifa?” akabvunza Tut.


Vakoma vangu vaiva negodo neni saka vakanditengesa kune mamwe maMidiani. Mamidiani aya akazonditengesawo kuna Potifa,” akadaro Josefa.


Zvinoita kwandiri kunge wakabva kumhuri yakaora.” akadaro Tut.


Ah kwete,” akadaro Josefa. “Mhuri yangu imhuri yakanaka zvikuru. Vakoma vanhu vanongova nekautsinye kavanako chete. Sekuru vangu netateguru vangu vaiva nemukurumbira zvikuru uye vairemekedzwa. Wakambonzwa here nezva Abrahama naIsaka?”


Ndiani asina?” akadaro Tut. “Varume ava vaiva vakapfuma zvekuti vaikwanisa kana kutenga chidimbu che Egipita. Uri hama ya Abrahama na Isaka?”


Hongu,” akadaro Josefa. “Isaka aiva baba vababa vangu.”


Sei waedza kutsvoda mukadzi waPotifa?” akabvunza Tut.


Handina,” akatsanangura Josefa. “Akanga achiedza kunditsvoda kwemwedzi yakawanda. Akandidzingirira mumba mose. Pandaramba abva atanga kuridza mhere akabata bhachi rangu. Akanyepa kumapurisa ndokuvaudza kuti ndaedza kumubata.”


Mukadzi uya!” akadaro Tut. “Sei usina kumutsvoda? Ndakanzwa kuti akanaka zvikuru.”


Pamusana pekuti handingatadziri Mwari,” akadaro Josefa.


Ndizvozvo, akadaro Tut. “Mhuri yaAbrahama yose yaiva yechitendero.”


Saka, Tut naJosefa vakava shamwari. Tut akanyengetedza Abdullah kuti Josefa ave mubatsiri wake. (icho chinova chinhu chaaida nekuti aigara achikanganwa kupa vasungwa chikafu.)


Rimwe zuva mangwanani. Vasungwa vaviri vakamuka vachishushikana zvikuru. Vose vainge varota hope dzakaipa usiku hwainge hwapfuura uye vaida kuziva kuti dzairevei. Josefa aiziva zvaireva hope idzi kubudikidza nekubatsira kweMweya waMwari.


Ndarota ndichisvinira muto wedzambiringa mukomichi yaFaro ndikaipa kwaari kuti anwe,” akadaro mumwe. Aiva mukuru wevadiri vaFaro asati aiswa mujeri.


Mumwe murume, aiva mubiki waFaro akataurawo. “Ndarota ndabikira Faro mabhasikiti matatu ezvekudya apo ndanga ndakaatakura ndichienda nawo kwaari, shiri dzauya dzikadya chikafu ichi. Chiroto changu chinorevei?” akabvunza mubiki.


Josefa akatarisa mudiri. “Uchadzoserwa kubasa rako rakare mushure memazuva matatu,” akadaro.


Josefa akazotarisa kumubiki. “Uchadimburwa musoro mumashure memazuva matatu.”


Sekutaura kwainge kwaita Josefa, izvi zvakazoitika zvikapfuura. Josefa akakumbira mudiri kuti audze Faro nezvake kuitira kuti aburitswe mujeri.


Waziva sei zvinoreva hope idzi?” akabvunza Tut.


Mweya waMwari wandiudza,” akadaro Josefa.


Josefa akadzidzisa Tut zvose maererano naMwari. Tut akabva aregedza kutaura zvinyadzi ndokuregedza kunanzva doro raidonhedzwa naAbdullah.


Makore maviri akapfuura, uye Josefa ainge achiri mujeri.


Ndichaenda kunoona Faro,” akadaro Tut kuna Josefa. “Ndichamuudza kuti akuburitse mujeri.” Tut akamhanya kumusiwo ndokumhanya achidzika kuenda kumuzinda waFaro. Paakasvika, vasevenzi vose vaiita bishi nemhere mhere.


Tsvagai mududziri wehope!” akadanidzira mumwe musevenzi. “Faro ane hope dzaakarota uye anoda kuti dzidudzirwe!”


Tut akaona mudiri ainge ambobatsirwa naJosefa makore maviri ainge apfuura. Akamhanyira kwaari ndokukwira pamafudzi pake kuti amuudze munzeve.


Iwe, haubatsirike,” akazevezera Tut munzeve yemudiri,”hautonderi Josefa, murume ari mujeri? Anokwanisa kududzira hope.”


Mudiri akamhanya kuna Faro ndokumuudza nezvaJosefa. Faro akabva atumira varwi kuti vaende kunotora Josefa mujeri.


Josefa akaudza Faro zvaireva hope idzi. “Kuchava nemakore manomwe emaguta achiteverwa nemamwe makore manomwe enzara muEgipita. Saka chinhu chakakosha, kugadzirira.”


Faro akafadzwa nenjere dzaJosefa akabva amuita mutevedzeri wake muEgipita.


Kudai ndanga ndisiri ini,” akadaro Tut kuna Josefa, “ungadai uchiri mujeri.” Saka, Josefa akaita Tut mubatsiri wake mukuru ndokumupa mirwi yedovi.


DZOKORORO

Chidzidzo chechinomwe


Shandisai shoko:


Pane zviroto zvemazuva ose, uye kune zviroto zvakakosha zvinopiwa naMwari. Pane mumwe wenyu akambowana chiroto chakakosha kubva kuna Mwari here. Chii chakaitika muchiroto chako? Chiroto chakarevei? Chiroto ichi chati chabuda pachena here?


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndevapi varume vaviri vaishandira Faro vakaiswa mujeri?

2. Chii chakaitika kuvarume ava vakarara rimwe zuva?

3. Mudiri akarotei?

4. Mubiki akarotei?

5. Josefa akaziva sei kuti chiroto chega chega chairevei?

6. Josefa akadudzira kuti chii kuhope dzemudiri?

7. Josefa akadudzira kuti chii kuhope dzemubiki?

8. Josefa akakumbira kuti chii kune mudiri?

9. Mudiri akazotondera Josefa here paakadzokera kumba kwaFaro?

10. Faro akarota zviroto zvingani?

11. Chiroto chekutanga chaiti chii?

12. Chiroto chepiri chaiva chei?

13. Sei varume vaFaro vakangwara uye vaiti vemasaramusi vakatadza kududzira hope dzaFaro?

14. Hope dzakayambira Faro pamusoro pei?

15. Faro akaziva sei nezva Josefa?

16. Josefa akapa pfungwa yekuti chii kuna Faro?

17. Faro akatenda here dudziro yehope dzake?

18. Zviroto zvaFaro zvakabvepi?

19. Josefa akapiwa simba rakadii?

20. Ndeupi hurongwa hwekusunungura Josefa hwaiva nani - hurongwa hwaJosefa kana kuti hwaMwari?



MUNHU ANOTENDA ANOKUNDA NGUVA DZOSE


Chidzidzo chechisere


Ndima yekuverenga: Genesi 41:54 - 46:30


Chokwadi: Kana vana vaMwari vakaregedza kuvengana, kutenda kwavo kunovasimudzira.


Ndima yemusoro: “Usatambudzike”


Chidzidzo: “Haungadzivisi munhu anotenda”


Zvinodiwa: Vakoma vaJosefa (113), Komichi yaJosefa (123), Josefa akapfeka magemenzi (125), Benjamin (128), masaga enjera (129), Jakobo achembera (130)


Kumudzidzisi:


Josefa akaedza vakoma vake kuti aone kuti moyo yavo yainge ichakaoma here sezvayakanga yakaita kare pavakamutengesa kuva Midiani. Haana kuzvipira kwavari kusvikira ava nechokwadi chekuti havaizomukuvadza pamwe chete nevamwe vanhu zvekare. Apo Josefa akaona kuti gumi ava vainge vachisuwa nekuda kwezvavainge vaita akavaregerera ndokuunza mhuri yose yaJakobo kuEgipita.


Zvakakosha kuti vatendi vasachengete zvigumbu. Chigumbu chaikwanisa kudzivisa Josefa kuti asasimudzirwe. Chigumbu chinotadzisa kufamba kwekutenda. Zvisinei, Josefa haana kuzvipira kuvakoma vake kusvikira aona kuti moyo yavo yainge yashanduka. Tinofanira kuwana chidzidzo kubva apa. Hatifaniri kuva nezvigumbu zvatakachengeta muhana dzedu asi tinongokwanisa kukomborera vanhu kana vazvigadzirira kugashira. Jesu akayambira kuti tisazviise kumhumhi nekudaro vatendi havafanire kupinda mumisungo vachirega vanhu vachiita zvavanoda nekuda kwekururama kwavo. Ruregerero rwaMwari runoshanda nenzira imweyo. Kuregerera kwaMwari kwakasununguka kuvanhu vose asi ndokunge vatendeuka.


Tsanangudzo:


I. Sekuyambira kweMweya Mutsvene, makore manomwe ekutambudzika akatevera makore manomwe ekuwana.

A. Mwari haana kutumira nzara. Haafarire kuona vanhu vachiziya.

1. Satani anova ndiye mwari wenyika ino, anoita kuti kunze kushanduke kuchiparadza vanhu.

2. Apo Jesu akange atarisana nedutu, akarituka nekuti akaziva kuti harina kubva kuna Baba vake.

B. Josefa akagadzirira nzara yaizouya apo zvinhu zvaiva zvichakanaka. Tinofanira kuvaka kutenda kwedu kuitira kuti tigadzirire kana miedzo yotivinga.

C. Pamusana pekuti Josefa akaita kuti vaEgipita vachengete chikafu, Egipita ndiyo yoga nyika yaiva nechikafu pakazouya nzara.

II. Jakobo akatumira vanakomana vake gumi kuEgipita kunotenga chikafu.

A. Rimwe zuva vakoma vaJosefa vakaenda kunomuona.

1. Havana kumuziva.

2. Vaifunga kuti Josefa ainge akatofa kare.

B. Josefa akanyepera kusavaziva akavapomera mhosva yekuva vasori kunyika yeEgipita.

C. Akazobvuma kuvatengesera chikafu ndokunge vabvumirana nezvinhu zviviri.

1. Vaizounza munun’una wavo Benjamin kuEgipita kuti vazadzikise zvavainge vataura.

2. Vaizosiya Simeon senhapwa kusvikira vadzoka naBenjamin.

D. Vakaenda kuKenani kubva kuEgipita.

E. Apo Jakobo akanzwa nezvaidiwa nemutungamiriri weEgipita, akatya zvikuru uye aisada kuti Benjamin aendwe naye.

1. Mhuri yakapererwazve nechikafu.

2. Jakobo akasara asisina sarudzo asi kurega Benjamin achienda kuEgipita.

III. Mumashure mekuedza vakoma vake, Josefa akazozvizivisa kwavari.

A. Josefa akanyepedzera sekunge zvinhu zvose zvainge zvanaka sezvo ainge aona Benjamin, saka akavatengesera chikafu ndokuvarega vachienda.

1. Akaisa mukombe wake wesirivera musaga raBenjamin muchivande.

2. Aida kuedza vakomana vake kuti aone kuti vainge vashanduka here.

B. Apo vakoma vake vakaenda, Josefa akatuma vasevenzi vake kuti vanotsvaga mukombe wake.

1. Vasevenzi vakaudza vakoma vaJosefa kuti ainge awanikwa aine mukombe uyu aizova muranda.

2. Vakoma vakatambudzika pavakaona mukombe uchiburitswa musaga raBenjamin.

C. Vakoma vakadzokera kuna Josefa kuti vanotongwa.

1. Apo Josefa akapomera Benjamin mhosva yekuba uye akamuti aifanira kuzova muranda, Judah akakumbira kuti atore zvake mutongo uyu iye.

2. Josefa akava nechokwadi kuti vakoma vake vainge vashanduka uye akanzwa vachitaura nekurwadziwa kwavakaita vachimutengesa semuranda.

D. Josefa akazozvizivisa kuvakoma vake vakashamiswa zvikuru.

1. Aiva nesimba rekuvaisa mujeri kana kutovauraya asi ainge asina ruvengo mukati make.

2. Josefa akaudza vakoma vake kuti Mwari ainge ashandisa kukanganisa kwavo akamuisa pachinzvimbo chaizoita kuti akwanise kuponesa mhuri yose yaJakobo.

E. Mumashure mekunge vagutsikana kuti Josefa ainge avaregerera, vakoma vake gumi nemumwe vakadzokera kuEgipita ndokunouya nemhuri dzavo nezvinhu zvavo kuEgipita.

F. Jakobo akafara kuona Josefa ari mupenyu uye akazofa murugare.

G. Mwari akakonzera vana veIsraeri kuti vawande apo vaigara muEgipita.


Dzidziso yemweya:


Mweya wekuregerera ndicharamba ndiinawo,

Handizochengeta chigumbu.

Mwari vakandiregerera zvivi zvangu zvose,

Saka ndicharegerera kutadza kwako zvekare.

Kana ndichinamata ndinoziva kuti Mwari achanzwa,

Uye achandipa zvose zvandinokumbira.

Ndine utano, rudo nezvese zvandinoda,

Uye simba rekuita zvose.


USATAMBUDZIKA


Chidzidzo chechisere


Kamutambo:


Vatambi: Uropi, Moyo


Uropi: Maiwe-e. Yowe-e. Ndiri kutambudzika zvikuru.

(Moyo anopinda)


Moyo: Mhoro, Uropi!


Uropi: Mhoro, Moyo.


Moyo: Wakadini hako?


Uropi: Handisi kunzwa zvakanaka.


Moyo: Chimbomira kwekanguva. Haufanire kusanzwa zvakanaka.


Uropi: Asi ndiri kutambudzika. Ndiri kushushikana.


Moyo: Chii chiri kunetsa?


Uropi: Handizive. Ndiri kungotambudzika.


Moyo: Kutambudzika?


Uropi: Ndiri kungonzwa sekunge ndisingabatsire.


Moyo: Saka uri kudii kungomanikidzira kufara?


Uropi: Hazviite kuti ndifare. Kakawanda ndichinzwa manzwiro andiri kuita iye zvino, ndinotambudzika.


Moyo: Unokwanisa kuzvishandura.


Uropi: Kwete handikwanisi. Ndakaedza zvese izvozvo zvikaramba.


Moyo: Hauna kuedza zvese. Kana ukadzika kufunga zvakanaka hauzombova nenguva yekutambudzika.


Uropi: Unorevei?


Moyo: Kana ukafunga mafungiro chaiwo, uchanzwa zvakanaka. Unoona, zvaunonzwa zvinokonzerwa nezvaunofunga.


Uropi: Zvinorevei izvozvo?


Moyo: Kana uchifunga zvakanaka, unonzwa zvakanaka. Iye zvino chindiudza chokwadi. Wanga uri kufunga zvakanaka here?


Uropi: Kwete ndanga ndichinetsekana nepfungwa. Ndanga ndiri kufunga nekutadza kwandakaita. Ndanga ndiri kufunga kuti ndichapinda mumatambudziko ndikanyimwa kamugove. Ndanga ndiri kufunga zvakawanda. Ndanga ndiri kufunga kuti shamwari dzangu hadzindide.


Moyo: Chirega kufunga izvozvo.


Uropi: Asi dzimwe nguva ichokwadi.


Moyo: Ndinoziva kuti chingangova chokwadi asi usafungisise pamusoro pazvo. Unoziva kuti bhaibheri rinotiudza kuti tigare takachenjera pamusoro pezvatinofunga. Rinoti tinofanira kuongorora zvatinofunga. Saka ongorora zvaunofunga. Usarega imwe pfungwa ichipinda mundangariro mako.


Uropi: Asi ndingazvidzivisa sei?


Moyo: Unofanira kunyatsomira woti, “Handisi kuzotora pfungwa dzakaipa.” Nguva dzose apo pfungwa yakaipa ichipinda mauri, itsive nepfungwa yakanaka. Funga pamusoro pezvinhu zvakanaka.


Uropi: Handikwanise kudaro.


Moyo: Unokwanisa. Unokwanisa kuzviita. Unokwanisa kusarudza zvaunofunga.


Uropi: Asi dzimwe nguva pfungwa dzinopinda mundangariro mangu ndisati ndambofunga zvekuita nadzo.


Moyo: Ndichakuudza zvaunofanira kuita. Unofanira kudzidza kutaura kuna satani.


Uropi: Kuna satani?


Moyo: Ndizvozvo. Ndiye anoisa pfungwa dzakashata idzodzo mauri uye kana achinge auya unofanira kumutaurira, “Satani handigashire pfungwa yakaipa iyoyo nezita raJesu.” Ibva waisa pfungwa yakanaka panzvimbo ipapo.


Uropi: Vakomana, handikwanise kuzviita?


Moyo: Unokwanisa.


Uropi: Ndatenda shamwari nekuda kweyambiro yawandipa, Moyo. Ndinoda kunzwa zvakanaka.


Moyo: Unotanga kunzwa zvakanaka kana ukafunga zvinhu zvakanaka. Bhaibheri rinoti unofanira kudzivirira moyo wako nepfungwa dzako. Ongorora zvaunorega zvichipindamo.


Uropi: Zvakanaka. Ndazvibata. Ndichaita sekureva kwako.


Moyo: Zvakakosha kuti udzivirire pfungwa dzako. Usafunga pfungwa dzakare. Iva nechokwadi kuti zvaunofunga zvakanaka.


HAUNGADZIVISI MUNHU ANOTENDA


Chidzidzo chechisere


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: VaRoma 8:37, “Kwete pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.”


Zvinodiwa: Garani rimwe chete, bharuni rimwe chete, dombo rimwe chete, gaba remvura


Gadziriro: Isa zvinhu izvi zvose pamusoro petafura mberi kwevana.




Chidzidzo:


Upenyu huno huzere nematambudziko nemiedzo. Mune hondo, zvirwere, mhondi, mbavha nezvimwe zvakawanda zvisakarurama, pamusana pekuti satani ndiye mwari wenyika ino. Ndiye honzeri yezvinhu izvi zvose. Vanhu vazhinji vanoguma vadzungaidzwa nekuparadza kwasatani, asi Mwari vakatumira mwanakomana wavo munyika kuti avape simba rekurwisa satani.


(Furidza bharuni kusvikira rakura sebhora. Risunge) Mwari vakatipa shoko ravo kuti tishandisire satani. Mweya wangu unoburitsa mamiriro ebharuni iri sezvinoitawo shoko raMwari rinopa kutenda neupenyu kumweya yedu. Tinokwanisa kubvarura humambo hwasatani nekutaura shoko raMwari.


(Isa bharuni riya mugaba risina chinhu). Iye zvino tava kuda kuona kuti muKristu anotenda anoita sei kana achinge asvikirwa nemiedzo yenyika. (Dira mvura pamusoro pebharuni kusvikira mvura yava chikamu chimwe chete muzvina.) Chibharuni chinoita sei? Chinonyura here? Kwete! Chinosimuka pamusoro pemvura. Ndizvo zvinoita shoko raMwari kumuKristu anorishandisa. Anova pamusoro pemiedzo yose ingamuwira asinganyure.


(Dira imwe mvura) Zvisinei nekuti satani anoedza zvakadini anoramba ari pamusoro pedambudziko.


Iye zvino tava kuda kuona kuti muKristu asingashandise shoko raMwari anoita sei kana achinge asvikirwa naSatani. (Bvisa chibharuni wodonhedza dombo kubva mumhepo richisvikowira mugaba.) Anonyura pasi! Kana usina shoko raMwari mumoyo mako rekuti ushandise kurwisa vavengi, unonyura!


Uri muKristu upi? Uchadzidza shoko raMwari here kana kuti uchange wakaoma sedombo?


DZOKORORO


Chidzidzo chechisere


Shandisai shoko:


Tadzidza nhasi pamusoro pepfungwa dzakanaka nepfungwa dzakaipa uye nekukosha kwezvatinofunga. Vana vadiki vane pfungwa dzakaipa dzakaita sedzipi? (Nyora zvinonyanyoitika kuvana kurutivi rweruboshwe kana kuti pabepa guru. Mimwe mienzaniso inokwanisa kunge ichirwadzisa mumwe munhu kana kumutambudza, kufoira muzvidzidzo, kufunga pamusoro pemari, kufunga pamusoro pemifananidzo yemuterevhizheni nezvimwe zvakawanda zvichienderana nekuti vana vako vataura zvipi.) Ndedzipi pfungwa dzakanaka dzatingashandise kutsiva pfungwa dzakaipa? (Nyora izvi kurudyi. VaFiripi 4:8 ine mienzaniso kana vana vachinge vatadza kudoma!)


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndiani akakonzera kuti kuve nenzara munyika yeEgipita neKenani?

2. Ndiani anonzi “mwari wenyika ino”?

3. Jesu akaita sei apo dutu rakada kuparadza upenyu hwake nehwe vadzidzi vake?

4. Ndeipi nguva yakanaka kuvaka kutenda?

5. Ndeipi nyika yoga yaiva nechekudya panguva yenzara?

6. Sei vakoma vaJosefa vakaenda kuEgipita?

7. Vangani vavo vakaenda?

8. Sei Benjamin akasara?

9. Josefa kavapomera mhosva yekuita sei?

10. Josefa akaita kuti vaite sei kuzadzikisa nyaya yavo?

11. Sei Josefa akaedza vakoma vake?

12. Josefa ainge azere neruvengo here nezvainge zvaitwa nevakoma vake?

13. Jakobo akaita sei pamusoro pezvainge zvichidiwa naJosefa maererano naBenjamin?

14. Chii chakaita kuti Jakobo aregedze Benjamin kuti aende kuEgipita?

15. Chii chakaiswa naJosefa nechivande musaga raBenjamin?

16. Josefa akati aizoita sei kune munhu ainge azowanikwa aine mukombe wake ?

17. Ndiani akazvipira kuva muranda panzvimbo yaBenjamin?

18. Vakoma vaJosefa vakataura nezvei zvekare apo vainge vava mudambudziko?

19. Vakaita sei apo Josefa akavaudza kuti aiva ani?

20. Josefa aitenda kuti matambudziko ake ose aikonzerwa nei?



MOSES MUTSANGA


Chidzidzo chechipfumbamwe


Ndima yemusoro: Eksodo 1:1-2:15


Chokwadi: Kuchengetedzwa ndekwevane sungano naMwari.


Ndima yemusoro: I Peter 5:7, “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwese nokuti iye anokuchengetai.”


Kamutambo: ngano - “Kurasika musango”


Zvinodiwa: muranda wechiHeberu (131), MuEgipita ane shamhu (132), Jochebed akabata Moses (133), Moses ari mubhasikiti (134), Miriam achiri mwana (135), Mwanasikana waFaro (136), Faro (138)


Kumudzidzisi:


Kunyangwe hazvo Mwari aine hurongwa hwakakosha muupenyu hwemunhu wese, hatingahugamuchiri kana tisingafambe nekutenda. Kutenda kunounza sungano yaAbrahama nemakomborero kumutendi.


Faro akataura kuti mwanakomana mucheche wese wechiHeberu aurayiwe. Vazhinji vakaurayiwa, asi Moses akasiiwa pamusana pekuti vabereki vake vaive nekutenda kuti achararama. Sungano yaMwari naAbrahama ndeyemuHeberu wese, asi makomborero ekudzivirirwa akauya kune avo vaitenda chete. Moses akasiiwa nekuti vabereki vake vaitenda muna Mwari. Kutenda kunosimudzira sungano yeropa.


Tsanangudzo:


I. Josefa nevakoma vake vose vakazofira kuEgipita, uye nekufamba kwenguva, mumwe Faro akazova pachinzvimbo.

A. Faro uyu ainge achitya maIsraeri zvikuru nekuti vainge vawandisa.

1. Akanga asina rukudzo kuna Josefa nemakomborero aainge aunza panyika ye Egipita.

2. Faro uyu ainamata zvifananidzo zvemarudzi ose.

B. Faro akamanikidza vaIsraeri kuti vave varanda nekuvaitira hutsinye.

1. Akavamanikidza kuvaka maguta ehumambo hwake.

2. Haana kuvabhadhara zvakanaka pabasa ravo.

C. Satani ndiye aiva honzeri yeutsinye uhu.

1. Satani anoshandisa varume nevakadzi vasinganamati kuti varwise vanhu vaMwari.

2. Satani aida kuparadza vanhu kubudikidza nekwaizobva Mununuri.

II. Faro asakarurama akatumira kuti vanakomana vose vacheche vechiHeberu vaurayiwe.

A. Vananyamukuta vechiHeberu vainge vanzi vaite basa iri havana kuzviterera.

1. Zvakakosha kuterera vatungamiriri vedu vepasi pano asi kwete kuzo svika pakusaterera Mwari.

2. Mwari akakomborera vana nyamukuta neushingi hwavakaita kusaterera Faro.

B. Amram naJochebed imwe mhuri yeimba yaRevi vaiva nemwanakomana.

1. Vakaramba kuti aurayiwe.

2. Vakaviga mwana wavo mubhasikiti rainge rakasungirirwa patsanga.

C. Rimwe zuva apo mwanasikana waFaro aigeza murwizi akaona bhasikiti iri.

1. Akatumira vashandi vake kuti vanoritora.

2. Akaona mwanakomana ari mubhasikiti iri.

D. Mambokadzi akafarira mwanakomana uyu akafunga zvekumutora.

E. Miriam, hanzvadzi sikana yemwana uyu yainge yakatarisa ikazvipira kutsvaga mukoti wechiHeberu aizotarisa mwana uyu.

1. Mambokadzi akabvumirana nepfungwa iyi.

2. Miriam akaunza amai vake (Amai vemwana uyu zvekare) kuti vazova muchengeti wemwana.

3. Mwari akachengetedza mwana uyu nekuti vabereki vake vaitenda musungano yakaitwa naMwari naAbrahama.

F. Mambokadzi vakatumidza mwana kuti Moses vakamukudza semwana wavo.

III. Moses akakura samambo mumba maFaro.

A. Moses akakudzwa netsika yemaEgipita.

B. Apo vaHeberu vaitambudzika, Moses ainge agere zvakanaka uye akachengetedzwa pamuzinda waFaro.

C. Rimwe zuva, Moses akaona muEgipita achirova muHeberu, hasha dzake dzikauya.

1. Moses aida vanhu verudzi rwake.

2. Akabaya muEgipita akamuuraya, ndokuviga mutumbi wake mujecha.

D. Zuva raitevera Moses akaona vaHeberu vaviri vachirwa ndokuedza kuvadzivisa.

1. VaHeberu havana kugashira kupindira kwaMoses.

2. Vainge vasingazive kuti aizovauraya zvaaainge aita muEgipita here.

E. Moses akavhunduka nekufamba kwainge kwaita nyaya iyi.

F. Apo Faro akanzwa kuti Moses ainge aiita izvi, akada kumuuraya, saka Moses aitofanira kubuda muEgipita.

1. Moses akatiza akananga nyika yeHorebi.

2. Moses akaziva kuti haaizombofa akava muEgipita nekuti aiva wemhuri yaMwari.


Dzidziso yeMweya:


Mwari ndiye muchengeti wangu,

Anondichengeta.

Handitye,

Kana kutambudzika zvako.


Hurongwa hwaMwari muupenyu hwangu,

Achazadzisa,

Sezvo ndinotevera Jesu,

Ndichiita kuda kwake.



ISAI MITORO YENYU PAARI



Chidzidzo chechipfumbamwe


Kamutambo:


Vatambi: Moyo, Uropi, Muviri


(Vese vatatu vanoonekwa pasiteji. Uropi ari pakati)


Uropi: Handinzwisise.


Muviri: Mudumbu mangu muri kurwadza. Ndinofunga ndine chironda mudumbu.


Moyo: Isa mitoro yako yese paari nekuti anokuchengeta.


Uropi: Ndiri kunetsekana. Ndine matambudziko. Pane mumwe mukomana anoda kundirova mangwana kuchikoro.


Muviri: Ndiro dambudziko rangu iroro. Ndava kutonzwa zvibhakera zvacho kare.


Uropi: Oooh, ndinotsumba kuti dai ndisina kumutaurira.


Moyo: Usanetsekane zvako, wakaita zvakanaka. Ndiwe wega wakamuona achiba mari kubva patafura yemudzidzisi.


Muviri: Zviri nyore kwauri kuti utaure, Moyo. Uri mukati kati zvekuti hauzive kurwadza kwazvinoita kurohwa pamhuno.


Uropi: Vamwe vana vose vachaseka kana ndava kurohwa. Ndinofanira kutsvaga nzira yekuti ndisaende kuchikoro.


Muviri: Ndazoziva! Ndiri kurwara. Mudumbu mangu makafufutirwa. Ndakaneta. Ndine chikonzero chakanaka chekusaenda kuchikoro.


Moyo: I Peter 5:7 ndiyo mhinduro yedu. Kana imi mukanditerera, ndinoita kuti musapinde mumatambudziko.


Uropi: Mwana akagumisirwa kurohwa na Gus akasonwa masitichi gumi.


Muviri: Ah-kwete! ndinopindwa nechando ndikafunga tsono.


Uropi: Pamwe ndinofanira kuchinja chikoro.


Moyo: Vakomana, hazvina kunyanyooma kudaro. Pane mabudiro. Isai mitoro yenyu yose pana Baba. Vanokuchengetai.


Muviri: Ndava kutobvunda.


Uropi: Handizive kuti achandibatira papi.


Moyo: Zvakanaka! Zvakwana! Hapachina mamwe mashoko, Uropi! Dzikama, Muviri! Ndava kuisa mutoro uyu kwamuri Baba. Gus akati anoda kundirova. Iye zvino ndinokumbira kuti muite chimwe chinhu nezvazvo. Ndinonamata nekutenda nemuzita raJesu!


Uropi: Unofunga kuti zvapera here?


Moyo: Hongu. Mwari anoshanda. Iye zvino chinditeverai vakomana. Ndaisa mitoro yangu yose pana Jesu nekuti anondichengeta. Gus rave dambudziko raBaba vangu.


Muviri: Ndichazvitenda kana ndazviona.


Moyo: Ndiani akubvunza? Nyarara!


(Vanobuda vozodzoka. Rimwe zuva rakadarika)


Moyo: Ndakakuudzai kuti chii vakomana


Uropi: Maiwe-e ndasunungurwa.


Muviri: Ndanga ndisiri kuzozvitenda kusvikira ndazvionera ndoga.


Uropi: Waona here matarisiro anga achiita Gus patatanga kumunamatira?


Muviri: Abva atonhora uye haana kumbotaura kana shoko zvaro.


Moyo: Hona! Shoko raMwari rinoshanda! Wazviona?


Uropi: Hongu ndinobvumirana nazvo.


Muviri: Ndagutsikana.


Moyo: Hongu, mangwana tichaunza Gus kuna Jesu!


Uropi: Uri kutambasu?


Muviri: Uri kukumbira!


Moyo: I Peter 5:7 inotii?


Uropi: Ndinofanira kuziva. Ndakangokunzwa uchizvidzokorodza kanopfuura zana nezuro manheru.


Muviri: Isai mitoro yenyu yese paari, nekuti anokuchengetai.


Moyo: Vakomana imi mava kuzvinzwisisa iye zvino.


KURASIKA MUSANGO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Ngano


Ki, nyatsogara uterere,” vakamusimudzira mukoma Wiggins. “Richasvika zuva rauchada kuziva uye kushandisa zvandiri kutaura.”


Ki aivenga imba yekunamatira yaiva pamusha panogara nherera apa. Mukomana wechiIndia uyu aisada kuudzwa zvekuita. Vabereki vake vainge vachimunyengerera zvikuru. Vaiita kuti afambe usiku uye vainge vasina nguva yekumuranga. Asi iye zvino vainge vafa. Ainge zvino ogara pamusha wenherera zvinova zvakaunza shanduko huru muupenyu hwake. Ainge ofanira kuterera uye kuenda kuimba yekunamatira uye kuremekedza vanhu. Ainge asingafarire chero chinhu zvacho pamusha uyu.


Mukoma Wiggins vakaedza nepavanogona napo kuti vaite ushamwari na Ki, asi kukwindimara kwemwana wemakore gumi uyu kwakavashaisa zano. Pane zvinhu zvose zvaivengwa naKi, imba yekunamatira yaiva chekutanga.


Ki ainge akura ari mutenderi wechi Moslem. Ainge asina nguva yekuterera dzidziso dzechiKristu uye aisatenda zvachose kuti Jesu ndiye mwanakomana waMwari akafira zvitadzo zvenyika. Ainge akangogara mumusha uyu pamusana pekuti kwainge kusina kumwe kwekuenda, pasina hama kana shamwari.


Jesu haana kungofira kuti zvitadzo zvedu zviregererwe,” vakadaro mukoma Wiggins. “Akafa akamuka zvekare kuti aunze ruponeso. Ruponeso zvinoreva kudzivirirwa. Jesu achadzivirira vanotenda maari. Ruponeso zvinoreva utano nekudzikinurwa. Jesu anokwanisa kukuponesa kana wabatwa nechirwere. Anokwanisa kuita kuti upore kana uchizvitenda. Akakubvisa musimba rose rasatani.”


Hmph! akafunga Ki. Ndidzo nhema chaidzo idzi! Aiziva kuti izvi hazvingave chokwadi. Ainge aona vanhu vakawanda vachiurawa nezvirwere kusanganisira vabereki vake uye aiziva kuti bhaibheri rainge risina simba pane izvi.


Ndichatiza chete pano apa, akafunga Ki. Ndichaenda kunogara musango ndakahwanda. Ndinogona kudya michero manheru, ndinokwanisa kuba kubva mudzimba dzevanhu.


Nyenyedzi dzinge dzisingaonekwi musi uyu sezvo kwaiva nemakore. Mhepo yaivhuvhuta mumba mekurara uye yaikonzera mhere mhere zvinova zvaikwanisa kuita kuti Ki atize pasina anomunzwa. Akamhanya sekupenya akananga kugedhi ndokukwira kusvikira akwanisa kuenda kunze kwemusha uyu.


Imbwa dzepamusha uyu dzakatanga kuhukura. Magetsi akabatidzwa.


Ki haamo! Aenda!” akadanidzira muchengeti wevana.


Ki akamhanya nekukasika nenzira yaienda kumisha yevanhu. Zvaiva zvakaoma kuti unyatsoona asi Ki akaramba achimhanya achipinda musango dema. Akamira kuti azorore achiterera kana paine aimutevera. Hapana chaakanzwa kunze kwekufema kwake iye pachake uye kurira kweshiri nemhuka dzesango. Ki ainge asununguka kubva kumusha wenherera uyu saka ainge okwanisa kuita zvaaida kuita iye pachake.


Musango umu maiva nerima raityisa. Mimwe miti yainge yakawira pasi. Zvaiva zvakaoma kufamba usingahakwe nemiti iyi. Ki akarara pasi pemuti ndokukotsira.


Mangwanani aitevera, akamutswa netsoko dzaichemedzana mumiti yainge yakamukomberedza. Dzaiita sekunge dzaimupa yambiro asi hapana chaityisa chaaiona.


Akasimuka. Nechepamusoro pake paiva nenyoka yainge yakamonera pamuti ichifambisa fambisa musoro wayo.


Ki ainge atonhora nekutya. Nyoka iya yakafamba zvekare.

Ki akadzokera shure zvishoma nezvishoma. Nyoka yakatarisa mukomana ainge apotswa zvishoma nayo.


Akamhanya achibva panzvimbo iyi achidzika musango. Iye zvino Ki ainge ava mukati chaimo mesango kwaainge asati ambosvika kare. Akaziva kuti ainge ave kure nemisha sezvo ainge asisanzwi kana ruzha zvarwo rwaibva kumisha yevanhu, kana motokari dzaifamba mumigwagwa. Mukuedza kubuda musango umu, Ki akatoramba achidzika kuenda mariri. Ainge arasika. Mainge muine ruzha rwaainge asati ambonzwa. Michero yaaifungidzira kuti achararama nayo haana kuiona. Kadumbu kake kainge koda chekudya.


Usiku hwakasvika Ki, asati oda kuti izvi zviitike, uye nzara yaaiva nayo yainge ichiwedzera. Akarara pasi ndokutanga kuchema, achizvinzwira tsitsi asingamirire kufunga kuti ainge azvipinza mumatambudziko. Chando chose chakapinda mumuviri waKi wainge wobvunda zvino.


Akanzwa kuchema kwembada. Yainge yava padyo. Mbada yakachema zvekare. Ki, akanyarara asi akakwanisa kumira kuchema pamusana pekuti aisada kuti mbada izive paaiva.


Ndinokwanisa kukwira mumuti, asi zvinokonzera mhere mhere. Mbada inokwanisa kukwira mumuti zvekare, akafunga, Ki. Zvitori nani kuti ndingorara zvangu pano ndakanyarara.


Kuchema kwakawedzera. Mbada iyi yainge isiri kure . Zvisinei munhuwi wemukomana uyu waiva nyore kuti uzivikanwe nembada. Ki ainge akanyarara, achinzwa mashizha aitsikwa nembada. Yaiva yaswedera.


Mashoko amukoma Wiggins akatanga kutenderera mumoyo make. “Pachava nezuva rauchada kuziva uye kushandisa zvandiri kukuudza izvi.” Kunyangwe ainge asina kunatsoterera paitaura mukoma Wiggins, Ki akatanga kunzwa mashoko emubhaibheri.


Akadanidzira, “Mudikani Jesu, ndibatsire! Ndine urombo ndakatiza. Ndichakupa moyo wangu, asi musarege mbada ichindidya! Ndinokumbirawo!”


Mbada yakaomba ndokuuya ichimhanya yakananga kuna Ki. Murimamo, Ki akakwanisa kuona mutumbi wembada nemaziso ayo.


Jesu ndapota, ndibatsirei mupinde mumoyo mangu mubvise zvivi zvangu zvose. Ndinotenda mamuri uye ndinoda kuti muve Mambo wangu,” akachema Ki.


Mbada yakatendeuka ndokumhanya yakananga kwayainge yabva nako. Ki aiziva kuti Mwari ainge amunzwa. Aiziva kuti Mwari aiva nenyasha nerudo sezvakangoita Mukoma Wiggins. Rugare rwaMwari rwakamuzadza. Kutya kwese kwakabva kwapera. Akazorora ndokubva arara.


Bho-o!


Maiwe!” Ki akadanidzira. “Chii chanditema musoro?”


Akavhura maziso ake ndokuona kamwana ketsoko kainge kadonhedza hacha mumusoro make. Paiva nemichero padyo naye. “Mwari vanditumira chikafu!” akadaro. Ki akabva aunganidza hacha dziya.


Akatanga kufamba achibuda musango. Dzimwe nguva ainzwa chimwe chinhu mukati make chichimuudza kwekuenda nako. Akafamba musango kwechikamu chezuva ndokuzokwanisa kubuda. Ndimo maiva mumusha make. Izwi remukati rakamutungamirira kusvikira abuda musango. Akamhanya akananga kumusha wenherera.


Mukoma Wiggins vainge vamire mberi kwechivanze ndokuuya vachimhanya kuzogashira Ki.


Mukoma Wiggins,” akadanidzira Ki,””ndinoda kudzoka kumba!” Mushumiri akabva agumbatira kakomana aka ndokupinda nako mumba. Ndakumbira kuti Jesu apinde mumoyo mangu. Ndakakumbira Jesu mumoyo mangu uye akandidzivirira kubva mukudyiwa nembada.” akadaro Ki. Jesu ndicho chinhu chinokosha chakaitika kwandiri.”


DZOKORORO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Shandisai shoko:


Kudzivirirwa chimwe chikamu chesungano yatinayo naMwari. Ungatondera here imwe nguva apo iwe nemhuri yako makachengetedzwa kubva mune chimwe chinhu chakaipa? Chii chakaitika?


Mibvunzo:


1. Sei Faro mutsva aitya vaIsraeri?

2. Faro mutsva aiva nepfungwa dzakaita sei maringe naJosefa?

3. Faro aitenda muna Mwari here?

4. Faro akabata vaHeberu sei?

5. Ndiani aikonzera utsinye hwaFaro?

6. Ndiani midziyo yasatani pasi pano?

7. Sei satani aida kuparadza vanhu vechiHeberu?

8. Faro akayambira vana nyamukuta vechiHeberu kuti vaite sei?

9. Vana nyamukuta vakamuterera here?

10. Chii chakaitika kuna vana nyamukuta vakaterera Mwari?

11. Zvakakodzera panguva ipi kusaterera vatungamiriri vepasi pano?

12. Amram naJochebed vaiva vemhuri ipi?

13. Vakaita sei nemwanakomana wavo?

14. Ndiani akawana bhasikiti remwana mutsanga?

15. Mwanasikana waFaro akafunga kuita sei nemwana uyu?

16. Akatumidza mwana kuti chii?

17. Mwana akazoziva amai vake chaivo sei?

18. Moses akarerwa sei?

19. Sei Moses akatiza kubva Egipita?

20. Sei Moses aisagutsikana kugara upenyu wemunhu werudzi rwechiEgipita?



MUPARIDZI AKAKWINDIMARA


Chidzidzo chegumi


Ndima yekuverenga: Eksodo 3 na 4


Chokwadi: Mwari anoshongedza vashandi vake kana avadaidza.


Ndima yemusoro: Marko 16:15, “Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvese Evangeri.”


Kamutambo: “Benny anotsanangura kutenda kwake”


Chidzidzo: “Kuteiwa”


Zvinodiwa: Muranda wechiHeberu (131), MuEgipita ane shamhu (132), Moses (137), Faro (138), Mukadzi waMoses (139), gwenzi rinopfuta (140), Nyoka (141)


Kumudzidzisi:


Apo pese panenge vanhu vari muusungwa, Mwari ane chikonzero uye mutumwa wekuti amubatsire. Ndicho chikonzero mutendi wese achifanira kunge aine chekuita mukuparidza shoko. Ichokwadi chinosunungura vanhu, kana isu tinozviziva tisingataurire vamwe tinosiya vari muusungwa.


Moses aiva akasununguka, akaita semununuri nekuti aiva asiri pasi pehutongi hwemaEgipita. Serudzi rwaKristu akapinda munyika yeusungwa akashinga aine simba ndokusunungura vanhu vaMwari.


Mwari haana kumutuma kuna Faro asina chaakabata. Moses aiva nesimba rekuita zvishamiso uye nyaya yekusunungurwa. Jesu ainge avimbisa zvimwechetezvo kuvatendi vechitenderano chitsva vanogamuchira kutumwa. Hatingori nesimba rinokosha asi Mwari anozadzikisa kuparidza kwedu nezviratidzo zveMweya Mutsvene!


Tsanangudzo:


I. Vana veIsaraeri vakachema kuna Mwari pasi pehudzvanyiriri hwevaEgipita.

A. Vakarohwa nekunyombwa.

1. Satani anoda kuti mufunge kuti muri vakundikani.

2. Satani anoedza vanhu vanozvipira kuraramira Mwari.

B. Simba raMwari riri matiri rinokwanisa kukurira kushungurudzwa!

1. Pauro akati tinofanira kukurira zvakaipa nezvakanaka, (VaRoma 12:21)

2. Jesu akati, “Vakaropafadzwa vanotambudzwa nekuda kwekururama. (Mateo 5:10)

C. Apo vana veIsraeri vakachema kuna Mwari kuti vadzikinurwe, akatondera sungano yaainge aita nababa vavo Abrahama.

D. Mwari aiva pabasa kwenguva achigadzirira munhu aizofanira kutungamirira Israeri kuti ibude muEgipita.

1. Ainge achengetedza Moses, mwana wechiHeberu ainge awanikwa nemwanasikana waFaro murukova.

2. Moses ainge arerwa samambo uye ainge adzidziswa kuzova mutungamiriri.

3. Moses ainge asarudza kusazova munzvimbo dzisakarurama dzeEgipita asi kuti atakure misengwa yekuva muHeberu.

II. Mwari akadana Moses kuti atungamirire vanhu vake kuti vabude munyika yeEgipita.

A. Moses ainge agara munzvimbo ye Sinai kwemakore makumi mana.

1. Ainge atiza mumashure mekunge Faro aziva kuti ainge auraya muEgipita asakarurama.

2. Moses ainge ava mufudzi wemumwe muMidiani ainzi Jethro.

3. Moses akaroora mwanasikana waJethro.

B. Rimwe zuva Mwari vakataura naMoses kubudikidza negwenzi raipfuta.

1. Gwenzi raipfuta asi harina kutsva.

2. Moses akashamiswa nehuvapo hwaMwari saka akabvisa shangu dzake kuti amire panzvimbo yaMwari inokosha.

C. Mwari akaudza Moses kuti ainge auya kuzopindura kuchema kwevana veIsraeri nekuvabvisa muusungwa hweEgipita.

D. Mambo vakazviratidza kuna Moses saMwari waAbrahama naIsaka naJakobo.

1. Vakaratidza Moses zita ravo idzva zvekare - “NDIRI ZVANDIRI.’

2. Zita idzva iri rinoreva kuti “Asingagumi,” uye muna Eksodo 6 rakadudzirwa richinzi “YAH-WEH’ kana kuti ‘Jehovah.”

E. Mwari vakasimbisisa kuna Moses kuti audze Faro kuti aregedze vanhu vake vaende.

III. Moses ainge asina kugadzirira kutora chidanho ichi.

A. Mwari vakaudza Moses kuti vaida kuti vana veIsraeri vabude muEgipita kuenda kuKenani.

1. Mwari vainge vavimbisa nyika yeKenani kuna Abrahama nemhuri yake narini.

2. Mwari havakanganwe sungano yavo kunyangwe vanhu vachikanganwa.

B. Moses akapikisana naMwari uye aisada kudzokera kuEgipita.

1. Moses aitya nekuda kwekusakodzera kwake.

2. Ainge asingazivi kuti Mwari vaizomupa simba rekuita basa iri.

C. Mwari vakapa Moses zviratidzo zvitatu kuti vazadzikise kuva Israeri naFaro kuti Mwari ndiye ainge amutuma.

1. Tsvimbo yake yaizoshandurwa kuva nyoka.

2. Ruoko rwake rwaizova nemapermbudzi ruchizodzokera pakare.

3. Aishandura mvura kuva ropa.

D. Moses akaramba achinyengetedza Mwari kuti vashandise mumwe munhu asi akaenda kuEgipita.

1. Mwari vakaudza Moses kuti mukoma wake Aroni ndiye aizova mutauriri wake.

2. Aroni uyo ainge asati amboonekwa naMoses kwemakore makumi mana, akasangana naMoses mugwenga mumashure mekunge Mwari vataura mumoyo maAroni.

3. Moses akaudza Aroni nezvehurongwa hwainge hwaitwa naMwari kuvana veIsraeri.


Dzidziso yemweya:


Shoko raMwari mwenje unoratidza pekutsika,

Shoko raMwari chiedza chinoratidza nzira.

Ndinotenda mushoko raMwari, uye vimbiso dziriko.

Kana ndichinzwa shoko raMwari ndinobva ndaterera.



BENNIE ANOGOVERA KUTENDA KWAKE


Chidzidzo chegumi


Kamutambo


Vatambi: Bennie na Sally


Bennie: Iye zvino, Jehova, handikwanise kutaura naShane. Ndiye mwana ane utsinye muchikoro mese. Ndinoreva, anorova vana mumhino. Anorwa mazuva ose kuchikoro mumashure mezvidzidzo. Mune chokwadi here kuti ndinofanira kutaura naye? Hamungawane mumwe here?


(Karunyararo)

Hongu, ndinoziva, Jehova asi.... zvakanaka. Ndichazviita. Asi ndokunge muchindibatsira. Vakomana, ndichaita sei? Shane anotyisa, ane utsinye kudarika vamwe vana vose pachikoro.


(Sally anopinda)


Sally: Uri kutaura nani?


Bennie: Ndiri kutaura naJehova, Sally. Ndamuudza kuti ndichaita chimwe chinhu.


Sally: Zvinoita sekunge usiri kufara nazvo. Uchaita sei?


Bennie: Ndichataura naShane. Ndinofanira kuenda kunomuudza kuti Jesu anomuda.


Sally: Zvinofadza Bennie! Mumwe munhu anofanira kuzviita. Shane ndiye mwana ane utsinye chikoro chose.


Bennie: Hongu, ndinozviziva asi Jehova vanoda kuti nditaure naye. Ndinoshuva kuti dai vawana mumwe munhu.


Sally: Pamwe ndiwe chete uchatererwa naShane.


Bennie: Inini? Shane kuterera ini? Sally ndingoriwo kamunhu. Handina kusimba saShane. Anogona kutondikandira pasi achindikandira tsvina kumeso kuti ndisekwe. Vamwe vana vose vachaseka.


Sally: Kwete, kwete. Enda unoudza Shane zvawakaudzwa naJehova kuti umuudze. Jehova vakati chii?


Bennie: Zvisinei, Jehova vakandiudza kuti ndiudze Shane kuti hazvina kunaka kuti agare achirwa nguva dzose. Uye kuti zvimwe zvezvinhu zvaanoita zvakaipa uye Jesu achamuregerera kana akamukumbira. Jehova vanoda kuti ndiudze Shane kuti Jesu angapinda sei nekugara mumoyo make.


Sally: Zvakanaka, Bennie. Unofanira kunomuudza zvose zvawaudzwa naMwari kuti umutaurire.


Bennie: Ndizvo zvandichaita, Sally. Ndinovimba kuti Shane haazondirova pamuromo.


(Pave pashure)


(Bennie anouya akasunga bandiji mumusoro.)


Bennie: Iwe, Sally! Sally, huya kuno! Vakomana haungatendi zvaitika. Ndine chimwe chinhu chinonakidza chekukutaurira. Ndabva kutaura naShane. Huya unone zvaitika.


(Sally anopinda)

Sally: (Anokachamadzwa) Musoro wako! Zvinoita sekunge wakasungwa wani.


Bennie: Hongu, Sally. Shane andikandira pasi ndokubva ndarovera pasemendi. Abva akandira ivhu mumaziso mangu. Andirova zvekare pachirebvu.


Sally: Asi uri kuita kunge wafara nazvo.


Bennie: Hongu, Sally. Abva azondikavira mumauswa. Sally, Shane ndiye mukomana ane utsinye pachikoro chose.


Sally: Saka uri kufarira chii? Ungadai usiri kufara nekuda kweizvi zvose.


Bennie: Kwete handisi kufarira izvozvo, Sally. Ndiri kufara nekuti Shane azosarudza kugamuchira Jesu kuti agare mumoyo make.


Sally: Azviita? Asi ndanzwa kunge wati akurova.


Bennie: Azogashira Jesu mumashure mekunge andirova.


Sally: Unorevei?


Bennie: Unoona, paanga achindirova, ndaramba ndichimunamatira. Handina kana kumudzosera kana kutsamwa. Ndangoramba ndichimuudza kuti Jesu anomuda. Abva azoti, “Ndiwe mwana anopenga wandatanga kuona.”


Sally: Vakomana, ndinodavira kuti adaro. Vana vakawanda vanobva vatanga kurwa kana mumwe munhu akavadenha.


Bennie: Kwete ini, Sally. Ndaramba ndichiudza Shane kuti Mwari anomuda uye kuti anoda kumuregerera, saka azogara pasi pava pashure ndokuterera kwandiri. Uye pandatanga kutaura naye abata chimwe chokwadi mazviri, anamata uye akumbira kuti Jesu vagare mumoyo make.


Sally: Oh, Bennie. Zvinofadza!


Bennie: Hongu, ndiri kufara kuti ndaenda kunotaura naye. Zvinorwadza kashoma asi rega ndikuudze.


Sally: Chii?


Bennie: Zvakakodzera!



KUTEIWA



Chidzidzo chegumi


Ngano


Mhuka dzakatamba dzichidzika murukova masikati apo kwaipisa zvikuru. Dzaiva nenguva yakanaka dzichimhanya dzichidzika nekukwidza nerukova dzichiseka. “Sei ini nguva dzose?” akachema Nzou.


Pamusana pekuti unononoka,” yakaseka ngamera. Apo ngamera yainge isina kutarisa, nzou yakaisa mushinga wayo mumvura ndokuuzadza nemvura. Akabva atendeuka kuti atandanise ngamera. “Haungandibate,” akasvora ngamera. “Unononoka!”


Pakarepo, nzou yakanangisa mushinga wayo pana ngamera ndokuidira mvura. VaNgamera vainge vochururuka mvura zvino. “Ha, ha, ha,” yakadzvova ngamera. Dzimwe dzose dzakaseka ngamera yainge yatsamwa.


Hazvisekesi!” yakadanidzira ngamera. “Hazvina kunaka kundidira mvura pamusana pekuti haukwanise kundibata, Pombi yemhuno!”


Pombi yemhuno?” akaseka garwe. “Handisati ndambozvinzwa. Ha, ha, ha, ha.”


Yasvika nguva yekuguma kutamba mutambo uyu,” yakadaro twiza. “ndiri kuona kuti mutambo uyu uchaguma watsamwisa vamwe.”


Hongu, ini ndatogadzirira kuregedza, zvekare,” rakadaro bere. “Ndava kuenda kunorara. Ndinofanira kuenda kunovhima manheru.”


Zvakanaka,” rakadaro gorira, “Ndava nenzara ndava kuenda kunotsvaga mabhanana makuru.”


Uchenjere,” akadaro Twiza. “Nezuro ndakaona mumwe murume aiteya musungo mubindu remabhanana.”


Kuteya musungo?” akadaro gorira. “Handitye misungo ini. Handina kufanana nemi mose. Ndine minwe nezvigunwe. Ndinokwanisa kuzvisunungura kubva kumisungo yose!”


Ndichaenda newe kuti ndinokuratidza pane misungo yacho,” yakadaro twiza.


Kwete rega zvako,” akadaro gorira. “Ndinokwanisa kuzvichengeta ini!” Gorira rakabva raenda. Haana kuda kuterera njere dzatwiza.


Matambudziko anouya kune avo vasingatereri,” yakadaro twiza pache zvayo. “Ndichatevera gorira. Achada rubatsiro rwangu pasina kana nguva.” Zvinyoro nyoro, twiza yakafamba mumashure magorira. Mutsipa wake murefu wakaita kuti zvive nyore kuti atevere nechekure achiona gorira.


Nechinguvacho, gorira ainge asvika pabindu remabhanana. Akakwira pamusoro pemuti ndokubata chibazi chose. Mumashure mekurasa ganda rekupedzisira, gorira rakabva raona twiza.


Ibva pano!” akapopota gorira. “Handidi rubatsiro rwako, ndinotsvaga ndoga chikafu ini. Dzokera kurwizi!”


Ndauya kuzodyawo,” akadaro twiza. “Kune miti yakawanda kuno pane kurwizi uko uye mashizha acho achiri matete.”


Zvakanaka, chindisiya ndakadaro. Ndava mukuru zvekukwanisa kuzvimiririra.” Nemashoko iwayo, gorira nehasha rakaburuka mumuti. Akafamba achidarika nemumahuswa achienda kune mumwe muti wainge uzere mabhanana.

Pakarepo, musungo wakabva wamonera gorira. Pasina nguva akanga asungwa zvekutadza kana kupfakanyika ndokubva awira pasi.


VaTwiza vainge vakanyatsotarisa zvavo zvese zvaiitika. Akazviviga nebwoni kuti asaonekwe nagorira. Asi akaramba ari padyo pekuti aikwanisa kunzwa zvaitaurwa nagorira.


Ndinokwanisa kuzvisunungura ndega. Handidi kana rubatsiro kubva kune mumwe,” gorira rakataura roga richiedza kuzvisunungura. Zvainge zvisingabatsire nekuti aitoita seari kuwedzera kusunga. Twiza yakaramba yakanyarara kusvikira apo gorira raizokumbira rubatsiro.


Zvakanaka,” akadaro gorira kuna twiza. “Ndinoziva kuti uri padyo. Huya undibatsirewo.” Zvishoma nezvishoma twiza yakabuda mumiti.Akaenda kuna gorira ndokutanga kutaura.


Rubatsiro here rwaunoda?” akabvunza twiza.


Hongu, benzi! Handikwanisi kuzvibvisa pano apa ndega,” rakadzvova gorira. “Ndibvisewo!”


Ndine urombo kuti hazvisi nyore,” akadaro twiza. “Ndichaenda kunodaidza mbada kuti atsenge tambo dzidimuke.”


Asi, haungadaro,” akadaro gorira. “Vamwe vose vanozoziva kuti ndateiwa..”


Handina sarudzo,” akadaro twiza. “Kana uchida rubatsiro unofanira kusiya zvese zvekudada wogamuchira rubatsiro sekuda kwangu.”


Haukwanise here kuita chimwe chinhu?” akadzokorora gorira. “Handidi kuti pawane anondiona ndakadai.”


Ah, uzere nekudada,” akadaro twiza. “Bere roga ndiro rine mazino anopinza zvekukwanisa kuchetura tambo idzi. Unofanira kurega ndinomuudza, kana kuti woramba uri mumusungo.”


Zvakanaka enda unotsvaga bere racho uuye naro, asi unofanira kukasika. Handidi kuramba ndiri pano apa.


Ndinodzoka iye zvino uno,” akadaro twiza. Twiza yakabva yananga kurwizi. Apo yakasvika kurukova kwaiva nedzimwe mhuka, kwainge kwasviba uye bere rainge ratoenda kunovhima.


Maiwe-e,” yakadaro twiza. “Ndinofanira kufunga zvimwezve.”


Chii chanetsa?” akabvunza nzou.


Gorira akabatwa nemusungo,” akatsanangura twiza. “Haakwanise kuzvisunungura, unofanira kuenda neni kuti tinouya naye.” Saka nzou netwiza zvakadungamidzana zvoenda kunonunura hama, gorira.


Apo vaviri vakasvika mubindu remabhanana, vakashanda zvakasimba kuti vasunungure musungo pawainge wakasungirirwa. Vakandundurudza gorira akadaro ndokuenda naye kurukova akamonerwa kudaro. Mumashure memaawa maviri vakasvika parukova. Ipapo vagarwe vakashandisa mazino avo akatesva kudimbura musungo uya.


Ndasunungurwa!” akadanidzira gorira. Akabuda nepaburi remusungo. Akafara kuva asununguka. “Chimbofunga,” akabvuma gorira, “Ndapotsa ndagara ndakasungwa pamusana pekuda kuita zvinhu nenzira yandinoda ini pachangu. Tinotenda vatwiza. Ndinofara kuti ndakuterera.”


Dzimwe mhuka dzose dzakadzidza chidzidzo musi uyu. “Zviri nani kuterera pane kukwindimara,” akadaro twiza. “pamusana pekuti dambudziko rinouya pane avo vasingatereri.”



DZOKORORO

Chidzidzo chegumi


Shandisai shoko:


Zvakakosha kuterera pane kukwindimara, pamusana pekuti matambudziko anouya pane vasingatereri. Ungafunga here imwe nguva apo mumwe munhu waunoziva akaramba kuterera yambiro yakanaka akazoguma ava mumatambudziko? Udza vamwe zvakaitika.



Mibvunzo yedzokororo


1. VaEgipita vakabata vaHeberu sei?

2. VaHeberu vakaita sei apo vaishungurudzwa?

3. Ndiani anokonzera kushungurudzwa kwevanhu vaMwari?

4. Zvinokwanisika here kukurira kushungurudzwa?

5. Pauro akati chii pamusoro pekukurira zvakaipa?

6. Jesu akati chii pamusoro pekushungurudzwa?

7. Sei Mwari akatondera vana veIsraeri apo vainge vari mumatambudziko?

8. Ndiani akagadzirirwa naMwari kuti atungamirire vaHeberu kuti vabude muEgipita?

9. Moses akasarudza chii?

10. Sei Moses akatiza Egipita?

11. Moses akaenda kupi?

12. Moses akagara zvakadini muSinai?

13. Mwari vakatanga kutaura naMoses sei?

14. Nderipi zita idzva rakapiwa Moses naMwari?

15. Mwari vakaudza Moses kuti aite sei?

16. Moses akaita sei nekudana kwaMwari?

17. Mwari vaida kuti vaIsraeri vagarepi?

18. Sei Mwari vaida kuti vaIsraeri vaende kuKenani?

19. Ndezvipi zviratidzo zvitatu zvakapiwa Moses naMwari kuti akwanise kugutsa vaHeberu naFaro kuti ainge atumwa naMwari?

20. Mwari akabvumira kuti Moses ashandise ani semutauri?



MOSES ANOTANGA KUITA BASA


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yekuverenga: Eksodo 4:27 - 6:13


Chokwadi: Moses anoudza vanhu vaMwari kuti vabve muEgipita


Ndima yemusoro: Isaya 41:10, “Usatya nekuti ndinewe.”


Kamutambo: “Mutungamiriri”


Chidzidzo: “Ndinokwanisa kuita zvose”


Zvinodiwa: Shandisa vakoma vaJosefa (113), muranda wechiHeberu (131), MuEgipita ane shamhu (132), Moses (137), Faro (138), Aroni (142)


Kumudzidzisi:


Pamusana pemakore ainge apedzwa nevaIsraeri vari muusungwa vainge vasisina tarisiro yekusunungurwa. Kutenda kwavo kwainge kuri pane zvavainge vaona, saka vaipima simba raMwari pane zvavaida. Moses ainge asiri pasi pehusungwa uye ainge asingazvitarisiri pasi nekuda kwehuranda. (Zvinotoda munhu akasununguka kuti asunungure vamwe.) Moses akasangana nevanhu vairamba kumuterera apo aiedza kuvaka kutenda mavari avo vainge vasingazive Mwari.


Izvi zvinotidzidzisa kuti kutenda hakuiswe mumamiriro ezvinhu kana tichitarisira simba raMwari kuti rishande. Tinofanira kudzidza kugashira shoko raMwari sezvariri zvisinei nematambudziko atingava nawo. Kutenda kunouya nekunzwa uye kunzwa shoko raMwari kwete kubva mumamiriro ezvinhu. Kutenda muna Mwari kunokwanisa kushandura zvakaoma zvichipfava.


Tsanangudzo:


I. Mwari vakatumira Moses kuti adzikinure vaIsraeri.

A. VaIsraeri vainge vave varanda vevaEgipita.

1. Apo vaIsraeri vakauya kuEgipita kekutanga, vainge vabatwa zvakanaka pamusana paJosefa.

2. Mumashure mekufa kwaJosefa, vana Faro vatsva vakapinda pazvinzvimbo vainge vasingatonderi kuponeswa kwainge kwaitwa vanhu veEgipita naMwari kubudikidza naJosefa.

B. Apo Moses ainge oenda kuEgipita, akasangana nemukoma wake Aroni, ainge atumwa naMwari kuti abatsire Moses.

C. Moses naAroni vakasangana nevatungamiriri vevana veIsraeri vachivaudza kuti Mwari aizoita sei.

1. Vakafara nenyaya iyi vakanamata Mwari.

2. Vakaona kuti mashoko aMoses aiva echokwadi apo akavaratidza zviratidzo zvaainge apiwa naMwari.

II. Moses naAroni vakaenda kuna Faro vakamuti aregedze vanhu vaMwari.

A. Vakakumbira kuti vaIsraeri vaitire Jehova mabiko.

B. Faro akaramba kuterera Moses akaratidza kusava nerukudzo kuna Mwari kana kushoko rake.

C. Faro akatsamwira Moses akaronga zvekupanicha vaIsraeri.

1. Akaita kuti vatungamiri vebasa veIsraeri varohwe.

2. Akaita kuti vaIsraeri vashande zvakapetwa kaviri kuti vasawane nguva yekufunga zvimwe zvinhu.

D. Vakuru veIsraeri vakatsamwira Moses naAroni nekutsamwisa Faro.

1. Vakarasa moyo nekuda kwezvinhu zvakaipa zvavakaona nekuita.

2. Vakakanganwa shoko raMwari rainge rataurwa kwavari kuna Moses.

III. Moses akanyunyuta kunaMwari nekuda kwemamiriro ezvinhu.

A. Jehova vakaudza Moses kuti Faro ainge achadzinga vana veIsraeri muEgipita mumashure menguva shoma.

B. Mwari vakazozivisa zita ravo idzva “YAH-WEH,”zvinoreva kuti “Asingaperi.”

1. Aka ndiko kakava kekutanga kuti vanhu vazive Mwari nezita iri.

2. Zita rekuti YAH-WEH rinowanzodaidzwa kuti “JEHOVAH” kunyangwe vadzidzi vazhinji vachibvumirana kuti rakadudzirwa zvisizvo.

C. Mwari vakaudza Moses kuti vaizodzikinura Israeri pamusana pesungano yavakaita naAbrahama.

1. Kudzikinurwa kwaiva kwevaIsraeri nekuti vaiva chizvarwa chaAbrahama.

2. Tinokwanisa kukomborerwa nesungano yaAbrahama kana tikagamuchira Kristu, (vaGaratia 3:13-14, 29)

D. Moses akaenda kune vakuru zvekare achinovaudza zvaainge audzwa naMwari asi vakaramba kumuterera.

E. Moses akarasa moyo akatya kudzokera kuna Faro.




Dzidziso yemweya:


Handishandurwe nezvandinonzwa,

Handishandurwi nezvandinoona.

Ndinoshandurwa neshoko raMwari,

Nekuti anogara mukati mangu.

Sungano yangu naMwari vari kudenga

Inondichengetedza kune zvese.

Handitye zvinoedza kundikuvadza,

Ndakadzidza kuvimba nerudo rwake.



MUTUNGAMIRIRI


Chidzidzo chegumi neimwe


Kamutambo:


Vatambi: Moses, mubvunzi wechikadzi.


Mubvunzi: Muenzi wedu pachirongwa nhasi anozivikanwa zvikuru, muporofita mubhaibheri. Akarerwa samambo muEgipita asi akasiya izvi zvose kuti anomira nevanhu vake, vaHeberu. Tsvimbo yake yakashandiswa kuita zvishamiso zvakawanda, uye akaona kubwinya kwaMwari kubudikidza nayo. Ngatigamuchirei Moses pachirongwa.


(Moses anopinda)


Moses: Ndinotenda zvikuru.


Mubvunzi: Tinofara zvikuru kuva newe pachirongwa nhasi.


Moses: Ndiri kufara kuva pano. Ndanga ndichida zvikuru kubuda paterevhizheni.


Mubvunzi: Moses, Tose takaverenga nezvako muchitenderano chekare. Wakararama upenyu hwainakidza. Tiudze kuti uri kuitei iye zvino?


Moses: Ndiri kugara kudenga. Ndiri kufara zvikuru ikoko.


Mubvunzi: Chii chaunonyanya kufarira kudenga?


Moses: Ndinonyanyofara nekuti handisi kutungamirira vaIsraeri mugwenga.


Mubvunzi: Wakatungamirira vanhu vakawanda. VaIsraeri vangani vakafamba newe muchibva kuEgipita?


Moses: Zvakaoma kuti ndinatsoziva uwandu hwacho. Patakada kuti tiverenge, madzimai aiva nezviuru zvevana vacheche saka zvakabva zvanetsa kuverenga. Ndingati vaiva zviuru zvina kusvika kuzviuru zvitanhatu zvemamirioni.


Mubvunzi: Wakaita basa rakanaka mukutungamirirra vaIsraeri, Moses. Tiudze kuti wakatanga sei nyaya iyi.


Moses: Zvakangotanga pandakazvarwa. Vabereki vangu vakandiisa mubhasikii mumvura kuti vandivige kubva kuvanhu vaFaro. Aida kuti vanakomana vacheche vose vechiHeberu vaurayiwe.


Mubvunzi: Mwari vainge vakaisa ruoko rwavo pauri.


Moses: Hongu, Mwanasikana waFaro akandiwana akandichengeta semwana wake. Ndakadzidza muzvikoro zvemaEgipita ndikadzidza zvakawanda nezvemaEgipita.


Mubvunzi: Zvaikurwadza here kuona maEgipita achirova hama dzako dzechiHeberu nekuvaita varanda?


Moses: Ichokwadi. Ndakapenda ndikarova muEgipita rimwe zuva. Zvakamuuraya. Faro akazviziva, saka ndakatiza kubva kuEgipita.


Mubvunzi: Wakaenda kupi?


Moses: Ndakaenda kuMidiani. Ikoko ndakasvikoita mufudzi.


Mubvunzi: Saka wakava mufudzi ukagara kuMidiani. Pfungwa yekubatsira vanhu vako muEgipita yakambokupinda here?


Moses: Hongu, ndaifunga pamusoro pekubatsira vaHeberu, asi ndega hapana zvandaikwanisa kuita.


Mubvunzi: Asi Mwari vaiva nehurongwa hwekukushandisa.


Moses: Zvechokwadi aiva naho. Rimwe zuva ndichifudza hwai dzangu, ndakaona gwenzi richipfuta. Ndakaendapo ndichida kunoona kuti havasi vakomana vangu vaitamba nemachisi here.


Mubvunzi: Wainge usiri moto uri wega.


Moses: Kwete, Sisi. Gwenzi raipfuta asi mashizha acho haana kutsva. Mashizha akaramba ari manyoro. Mwari vakabva vatanga kutaura neni pagwenzi ipapo.


Mubvunzi: Ndinovimba kuti wakashamiswa.


Moses: Handina kuziva kuti ndoita sei, saka ndakangoramba ndakanyarara ndokuterera.


Mubvunzi: Vanhu vakawanda vanofanira kuvhara miromo yavo voterera kuti vanzwe kubva kuna Mwari.


Moses: Ndizvozvo. Vamwe vanhu havafe vakanzwa Mwari achitaura nekuti vanotaurisa.


Mubvunzi: Mwari vakati chii?


Moses: Vakatanga kundiudza kuti vaida kuti ndiende kunotungamirira vaHeberu kuti vabude munyika yeEgipita.


Mubvunzi: Ndinofunga kuti wakafara.


Moses: Kwete! Ndakatya. Ndakati, “Regai mumwe munhu azviite, Jehova, ndinofanira kugara kuno ndichichengeta hwai idzi.”


Mubvunzi: Saka chii chakazoitika?


Moses: Hazvibatsire kupikisa Mwari. Akandiudza kuti ndiende kuEgipita. Akati aizoita basa rose kana ini ndikaparidza.


Mubvunzi: Zvinoita kunge zvisina kuoma izvi.


Moses: Hazvisi nyore nguva dzose. Vamwe vanhu vanenge vasingadi kuterera zvaunotaura asi usarege kuparidza shoko raMwari. Mukufamba kwenguva unosangana nemumwe anoda kuterera zvaunotaura.


Mubvunzi: Mwari vakakupa zvimwe zvishamiso mukushanda naFaro, hazvisizvo here?


Moses: Hongu. Kana Mwari vakudana kuti uite chimwe chinhu vanokupa mudziyo wekushandisa.


Mubvunzi: Mudziyo upi wawakapiwa naMwari kuti ukubatsire kutungamirira vaIsraeri kuti vabude muEgipita?


Moses: Akandipa tsvimbo yaishanduka kuita nyoka kana ndikaikanda pasi. Unoda kuti ndiitore here?


Mubvunzi: Kwete, kwete. Hazvina kukodzera. Saka Mwari vakakupa mutumwa werufu kuti uuraye vaEgipita vose?


Moses: Mwari havana vatumwa verufu. Satani ndiye anoba, anouraya nekuparadza. Rufu muvengi.


Mubvunzi: Ndaifunga kuti Mwari vakatumira mutumwa werufu kuti auraye mwana mukuru mumhuri yose kuEgipita.


Moses: Mwari havana kutuma mutumwa uyu. Aiva mutumwa wasatani akauraya vanhu ivava. Satani aizouraya vanhu vose kudai aigona.


Mubvunzi: Unoreva kuti haakwanise kuuraya munhu wese waanoda kuuraya?


Moses: Ichokwadi. Haaikwanisa kutiuraya takamira pasungano yedu. Iye zvino isu, tinokwanisa kubvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike pamusana pemaitiro edu. Tinokwanisa kukunda nekufamba mukutenda nekuterera.


Mubvunzi: Vana vadiki vangadzinga sei zvinhu zvakaipa, Moses?


Moses: Vanokwanisa kuterera vabereki vavo kuti zvivanakire uye vave neupenyu hurefu panyika.


Mubvunzi: Ndinoziva gwaro iroro. Ndinofara kuti ndinoterera vabereki vangu. Zvanga zvakanaka kuva newe pachirongwa, Moses.


Moses: Ndinotenda. Ndafara kuva pano.


Mubvunzi: Ngatiombererei Moses.



NDINOKWANISA KUITA ZVOSE


Chidzidzo chegumi neimwe


Ngano


Ndine urombo, Tammi,” akadaro mudzidzisi. “Haukwanise kupinda muchikwata nekuti hausi kunyatsogona.”


Misodzi yakaerera ichibva mumaziso aTammi. Ainge asingade kuchema ari pamberi paMai Langton mudzidzisi webhora, asi zvakaramba.


Tammi usacheme zvako,” vakadaro Mai Langton. “Unoziva kuti tine yunifomu gumi dzoga uye vanhu vanoenda vanofanira kukwanirana nemayunifomu aya.”


Ndinozviziva,” akadaro Tammi achipukuta misodzi.


Kana uchida kuramba uchidzidzira nechikwata unouya hako,” vakatsanangura mudzidzisi.


Zvakanaka,” akagutsurira Tammi. Akaguma azokwanisa kuzvidzikamisa ndokunyarara. “Ndichafunga nezvazvo.”


“”Uite kuti ndizive mangwana,” vakadaro mudzidzisi. Tammi akafamba achibuda muhofisi achienda kumba kwake. Akarwadziwa zvikuru nekuti aida zvikuru kutambira chikwata ichi kwenguva refu. Zvainge zvotaridzika sekunge zvaiva zvakona.


Apo Tammi akafamba achinanga kumisuwo wemba yavo, amai vake vakaziva kuti pane chainge chaitika. “Tammi, zvaita sei?” vakabvunza amai.


Ndabviswa muchikwata,” akachema Tammi. “Gumi vekutanga ndivo vega vanokwanisa kuenda saka ini ndiri wegumi neimwe.”


Hazvinei,” vakadaro amai, “Unofanira kushandura zvese izvozvo.”

Kushandura?” akabvunza Tammi. “Ndingashandura sei? Ndakaedza nepese pandaigona napo asi ndatadzirira.”


Tammi,” vakatsanangura amai, ”Pane dzimwe nguva dzatinoedza nepatinogona napo asi tichikundikana. Saka, tinofanira kudzidza kuvimba nesimba raMwari. Mudikani, bhaibheri rinoti muna vaFiripi 4:13, “Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza.” Tammi, nerubatsiro rwaJesu, unokwanisa kupinda muchikwata!”


Amai, ndinotenda nekurudziro yenyu, asi handikwanisi kutamba zvakanaka,” akadaro Tammi.


Tammi,” amai vakapikisa, “unokwanisa kugona kusvika paunoda. Kana usingadi kuramba uchiedza, saka Jesu havakwanise kukubatsira.”


Ndichafunga nezvazvo, amai,” akadaro Tammi. Usiku hwese Tammi akafunga nezvainge zvataurwa namai vake. Akatondera gwaro rainge rashandiswa namai vake kakawanda. “Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza.”


Tammi akaziva kuti mune simba mushoko raMwari. Akatondera kuwana kwakaita amai vake simba rekuita basa mumba mavo mushure mekutaura shoko iri. Amai vake vakamborwara zvikuru uye chiremba ainge ati havaizokwanisa kurarama upenyu hwakaringana. Tammi ainge anzwa amai vake vachitaura vaFiripi 4:13 kanodarika churu, uye akaziva kuti zvakaita kuti amai vake vave vatano zvekare.


Mangwanani aitevera, Tammi akaenda kunodya chikafu chemangwanani ave nepfungwa itsva. “Amai, ndichakwanisa kuva mumwe wechikwata. Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza!” Amai vakanyemwerera.


Ndinoziva kuti unozviita Tammi,” vakadaro amai. “Jesu vachakupa simba rekuti uzviite!”


Tammi akaenda kuchikoro uye nguva yekudzidzira bhora yakamunonokera. Akaenda muhofisi yamai Langton akashinga akavaudza hurongwa hwake. “Amai Langton, ndicharamba ndichidzidzira nechikwata. Ndinoziva kuti ndinokwanisa kuzviita.”


Zvakanaka, Tammi,” vakadaro amai Langton. “Ndinoremekedza zvido zvako. Unonzwisisa kuti hauzova pachikwata chinoenda kunyangwe ukadzidzira zvakaoma sei.


Hongu,” akadaro Tammi. Akabva aenda mumba yekuchinjira mbatya ndokugadzirira kudzidzira. “Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza,” akadaro Tammi achitaura zvake oga apo ainge obuda mumba yekuchinjira.


Tammi akashanda zvakaomarara nesimba rake rose. Aipedza nguva mumashure mekudzidziswa achikanda nekunwisa.


Masvondo maviri akadarika uye Tammi akaramba achiwedzera ruzivo. Kunyangwe mudzidzisi Langton vaisataura zvakawanda pamusoro paTammi asi vamwe vasikana vose vakaona kuti Tammi ainge ave nani. Mazuva ose panguva yekudzidzira, Tammi aizvitondedza vaFiripi 4:13.


Rimwe zuva chiri china masikati mutambo usati watanga, mudzidzisi Langton vakadana musangano wevatambi vaiva muchikwata chaienda. Apo Tammi ainge ogadzirira kuenda kumba, mudzidzisi Langton vakamudaidza kuhofisi kwavo. “Tammi,” vakadaro mudzidzisi. “Julie ari kurwara uye haakwanisi kutamba manheru. Unokwanisa kuuya panzvimbo pake mumutambo uno kana uchida. Pamwe haunganokwanisa kutamba zvako asi unokwanisa kuenda nechikwata.”


Zvakanakai, mudzidzisi,” akadaro Tammi, “Ndinoenda.” Regai ndiudze amai vangu.” Tammi akafara kuva nemukana uyu wekuenda kune chimwe chikoro kumutambo. Kunyangwe hazvo aisanotamba, asi ainge aendawo.


Apo mutambo wakatanga, hana yaTammi yakatanga kurova nemufaro. Chikwata chaikwikwidza, Stratford, chainge chakundwa nechibodzwa chimwe. Vamwe vechikwata chaTammi vakatamba zvakaomarara kusvikira mutambo wapera.


Muchikamu chepiri, Ginger akadonha akabva akuvara ibvi. Sally akabva ashodoka zvekare. Mudzidzisi Langton vakabva vaisa vamwe vatambi asi chikwata chakanga chava munhamo. Vasikana vaviri vainge vave mudambudziko rekukuvadza vamwe. Pakupera kwechikamu chetatu, Tammi ndiye oga mutambi ainge asara kupinda mumutambo.


Pakuguma, Straford yainge yakunda nezvibodzwa zviviri uye ndiyo yaiva nebhora racho. Christine mutambi ainyanyogona akabva aburitswa zvekare.


Hana yaTammi yakanyanyorova zvekare. Iyi yainge yava nguva yake. Mudzidzisi Langton vakamudaidza vakamuudza kuti apinde. “Usapaparike, Tammi wokandira bhora kuna Nancy kana Jill.”


Tammi akapinda. Wachi yairatidza kuti kwainge kwasara mamineti maviri oga. Stratford yakakanda bhora ndokutanga kunanga kugedhi kwavo. Tammi ainge asingade kuti vanwise. Pakarepo bhora rakakandirwa mutambi aiva padyo naTammi. Tammi akabva arigama ndokunanga naro kugedhi kwavo.


Apo akasimudza bhora iri, mutambi we Stratford akaripumha. Tammi akarikanda, uye zvakamushamisa kuti rainge ranwa. Zvibodzwa zviviri! Muzvina pembe akabva aridza pembe. Tammi ainge atsikwa saka ainge aine mumwe mukana wekukanda zvekare.


Mhere mhere yaivamo yakaita kuti Tammi ade kuona kuti zvibodzwa zvainge zvakamira sei, akabva atarisa akaona zvichiti Belmont, 39, Stratford, 39. Tammi akaziva kuti akazopiwa mukana wekukanda zvaizoita kuti Belmont ikunde.


Akatora bhora ndokuribata achibvunda. Tammi akazotaura oga zvake, “Ndinoita zvese kubudikidza naKristu anondisimbaradza.” Zvinyoro nyoro akakanda bhora. Rakabva ranwa! Tammi akabva asvetuka nemufaro. Belmont 40, Stratford, 39.


Mudzidzisi Langton akambundira Tammi, ainge aunganirwa zvino nevamwe vechikwata chake. “Tammi,” akadaro,”Ndinofunga wabatsira chikwata chino.”


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi neimwe


Shandisai shoko:


Tinokwanisa kutenda zvatinoona zvakatikomberedza, tozvigamuchira, kana kuti tinotenda shoko raMwari toshandura zvinhu zvakaipa kuti zvive zvakanaka. Wakambonamatira chimwe chinhu here ukaramba uchitenda kuti vimbiso dzaMwari ndedzechokwadi apo zvinhu zvainge zvoita sekunge zvatoipa? Udza vamwe.


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndiani murume wechiHeberu akaponesa nyika yeEgipita kubva munzara?

2. Chii chakaitika kuvaIsraeri muEgipita mumashure mekufa kwaJosefa?

3. Mutungamiriri weEgipita aidanwa nezita rekuti chii?

4. Sei Mwari vakatumira Moses kuEgipita?

5. Ndiani akasangana naMoses apo akadzokera kuEgipita?

6. Sei Mwari vakatumira Aroni kuti abatsire Moses?

7. Vakuru veIsraeri vakagashira sei Moses naAroni pakutanga?

8. Ndezvipi zviratidzo zvakashandiswa naMoses zvainge zvabva kuna Mwari?

9. Moses akatanga kukumbira chii kuna Faro?

10. VaHeberu vaifanira kushanda zvakadini mumashure mekushanya kwaMoses?

11. Faro akaita sei kuvatungamiriri veIsraeri mumashure mekushanya kwaMoses?

12. Vatungamiri veIsraeri vakaita sei kuna Moses mumashure mekushanyira Faro?

13. Vatungamiri vaishanda nekutenda here?

14. Kutenda chaiko kwakaita sei?

15. Moses akakanganiswa here nekusagutsikana kwevatungamiriri veIsraeri?

16. Mwari vakaudza Moses kuti Faro aizoita sei munguva shoma?

17. Nderipi zita idzva rakaziviswa Moses naMwari?

18. Zita iri rinorevei?

19. Sei kudzikinurwa kwaiva kwevaIsraeri?

20. Ndiani angava mhodzi yaAbrahama?



MAMBO ANE MUSORO WAKAOMA


Chidzidzo chegumi nembiri


Ndima yekuverenga: Eksodo 7 - 10


Chokwadi: Kuzvikudza kunounza kuparadzwa.


Ndima yemusoro: Zvirevo 13:15, “Nzira yeusakarurama ihukutu.”


Kamutambo: “Johnny inyoka”


Chidzidzo: “Munamwe nekanduru”


Zvinodiwa: vemasaramusi (127), Moses (137), Faro (138), Nyoka (141), Aroni (142), Matatya (143)


Kumudzidzisi:


Mukuita kwake naFaro, Mwari akatanga asina hasha, pasina svoo remhashu kana kutambudzika. Huvapo hweEgipita hwakava chishamiso pamusana pebasa rakaitwa nemutungamiriri wevaHeberu Josefa. Nyika yaifanira kunge yakatenda vanhu vechiHeberu.


Kuramba kwaFaro kubvumidza vaHeberu kuti vabude chaiva chiratidzo chiri pachena chekumukirana naMwari uye kushaya ruremekedzo rwezvakange zvaitwa naMwari. Mwari akasara asina sarudzo kunze kwekutonga Egipita nekuti upenyu hwevanhu vake vesungano hwainge hwava pakaoma. Mabasa ake ainge akagadzirirwa kuti vanhu veEgipita vawane mukana hwekusiya zvifananidzo. Kutambura kwese kwaiuya kwainge kuchiitirwa kuti vaEgipita vaone simba raMwari pamusoro pezvimwari zveEgipita.


Pamusana pekuti Faro ainge azvikudza akadzivisa Simba raMwari, akatongwa uye akazoparadzwa. Mwari havauraye vanhu vavo asi vanotonga avo vanoda kuparadza vanhu vavaine sungano navo.


Tsanangudzo:


I. Mwari akatumira Moses zvekare kuti ataure naFaro.

A. Mwari vakaziva kuti Faro haaizoterera Moses.

1. Mwari akaita kuti munhu wese ave nesimba rekusarudza.

2. Mwari vachabvumira vanhu kuti vasamuterere asi haavakomboreri.

B. Sezvo Faro aisanzwa munhu waMwari, ainge achiramba kunzwa kubva kuna Mwari.

1. Mwari anoshandisa vanhu kuti vaparidze shoko rake.

2. Tinofanira kubata vatumwa vaMwari neuchenjeri.

II. Mwari vakaita zvishamiso kubudikidza nemaoko aMoses naAroni kuti Faro agutsikane kuti raiva simba raMwari.

A. Moses akaita kuti Aroni akande tsvimbo yake pamberi paFaro ichibva yaita nyoka.

1. Vanhu vaFaro vemasaramusi vakadarawo netsvimbo dzavo.

2. Satani anokwanisa kuita zvimwe zvinhu zvinoshamisawo.

3. Nyoka yaAroni yakamedza nyoka dzevanhu vaFaro.

4. Kunyangwe mumashure mezvinhu izvi zvose Faro haana kufadzwa.

B. Mwari vakaudza Moses kuti ashandure mvura ive ropa.

1. Mvura yakaramba yakadaro kwemazuva manomwe.

2. Sezvo vanhu vaFaro vaikwanisa kuzviitawo, haana kushamiswa nemashoko aMoses.

C. Nesimba raMwari, Moses naAroni vakaita kuti matatya aonekwe pese pese munyika yeEgipita.

1. Vemasaramusi vakakwanisawo kugadzira matatya.

2. Matatya akanetsa vaEgipita.

3. Faro akavimbisa kuregedza vaIsraeri vachienda zvavo kana Moses akabvisa matatya aya.

D. Apo matatya akangobva chete, Faro akashandura pfungwa dzake ndokuramba kuti vaIsraeri vaende.

E. Moses naAroni vakaunza inda munyika yose yeEgipita.

1. Vanhu vaFaro vemasaramusi vakakundikana.

2. Kunyangwe vakaziva kuti Moses naAroni vaiva nesimba raMwari havana kutendeuka kubva muzvivi zvavo.

III. Moses naAroni vakaunza mamwe matambudziko kuEgipita asi Faro akaramba kuti vaIsraeri vaende. Hapana kana chimwe chematambudziko aya chaibata vaHeberu.

A. Vakazadza nyika yose nenhunzi.

B. Mombe dzakaurayiwa nezvirwere.

C. VaEgipita vakarwara nemamota.

D. Zvirimwa zvakaparadzwa nechimvura mabwe.

E. Mhashu kana hwiza dzakawanda dzakapinda muEgipita dzikadya zvirimwa zvose.

F. Nyika yeEgipita yakava nerima.

G. Sezvo dambudziko rose rainanga vaEgipita voga, Faro akavimbisa kuregedza vaIsraeri.

1. Vamwe vanhu vanongotenda kuna Mwari chete kana vawirwa nedambudziko.

2. Asi paimiswa dambudziko rega rega, Faro aibva ashandura pfungwa dzake. Kuzvikudza kwakamuita kuti adzivise simba raMwari.

H. Faro akazviisa panguva yakaoma nekumukira Mwari uye kuratidza pachena kubata vanhu vaMwari muusungwa.


Dzidziso yemweya:


Handizvikudze.

Nekuti kuzvikudza kunounza kutukwa.

Kana mumwe munhu asingatereri Mwari,

Zvinobva zvaipisisa.

Ndichaterera. Ndichashandisa simba raMwari,

Nekumutarisa achindishandisa.

Nzira yemutadzi yakaoma,

Saka ndichasimudzirwa.


JOHNNY INYOKA

Chidzidzo chegumi nembiri


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally nasatani


Bennie: Ichi ndicho chinhu chakaipisisa munyika kuti chiitike. Ndinotaura chakanyanyoipa munyika.


(Sally anopinda)


Sally: Chii chakaitika?


Bennie: Sally, nyoka iya inonzi Johnny yatora bhora rangu ikarikandira mumhepo.


Sally: Ndizvo zvaunofanira kuita nebhora.


Bennie: Kwete kukandira pawaya. Aputitsa bhora rangu, Sally ndinoda kumugadzirisa.


Sally: Chimbomira. Dzikama. Usapenge.


Bennie: Hazvigone kuti ndisapenge. Ndichaita kuti kazvione nhasi.


Sally: Chimboterera unzwe, unokwanisa kuwana rimwe bhora.


Bennie: Bhora idzva? Unoziva kuti dzaru irori raiita marii?


Sally: Yaiva mari yakawanda hazvisizvo here?


Bennie: Yaiva madhora makumi maviri, Sally. Handikwanisi kuwana rimwe bhora.


Sally: Saka unodii kunamata?


Bennie: Kunamata?


Sally: Hongu. Namata kuna Baba muzita raJesu. Mwari vanoda kuti uwane rimwe bhora. Haadi kuti usurikirwe uye haadi kuti urove Johnny pamusana pekuti akaputitsa bhora rako rakare.


Bennie: Unofunga kuti Mwari vangandipa rimwe bhora here?


Sally: Hongu.


Bennie: Mwari vane mabhora kudenga here?


Sally: Pamwe vanogona kunge vasina kudenga, asi vanoziva kuti ungariwana sei. Tondera kuti ukanamata kuna Baba nezita raJesu anokupa chero chaunonamatira.


Bennie: Zvakanaka, Sally. Ndizvo chaizvo zvandichaita. Asi ndiri kufunga kurova Johnny pamhuno.


Sally: Zvinokudzorera bhora rako here?


Bennie: Kwete, ndinofunga uri kureva zvakanaka. Ndatenda zvikuru Sally.


Sally: Chokwadi, chero nguva.


(Sally anobuda)


Bennie: Ndinofunga ndinofanira kunamata. Unoziva bhaibheri rinoti chero chose chaunokumbira kuna Baba nezita raJesu, achakupa. NdiJohane 16:23. Zvisinei, ndizvo zvandichaita. Ndichakumbira baba nezita raJesu. Ndinoziva kuti ndichawana rimwe neimwe nzira. Icho ndicho chokwadi.


(Satani anopinda, asi Bennie haamuone)


Satani: Iwe mwana. Kunamata hakubatsire. Mwari haagamuchire minamato yakadaro. Anoda minamato yemweya chete.


Bennie: Handizive kuti gwaro iroro rinosevenza here. Handizive kuti Jesu aitaura nepamusoro pezvinhu zvakaita se mabhora here apo akati tinokwanisa kunamatira chero chinhu.


Satani: Kwete, aisataura pamusoro pemabhora, mwana. Mwari haafarire zvinhu zvakadaro. Mwari ane basa nezvinhu zvemweya. Haana basa nekuti unotamba nechii. Mwari haana basa nemabhora.


Bennie: Handifungi kuti Mwari vane basa nebhora rangu. Ndine chokwadi chekuti havambopindura minamato yangu.


Satani: Hongu, kunamata hakubatsire. Dai ndanga ndirini iwe, handaimboita basa nazvo.


Bennie: Handichanamata iye zvino. Hazvibatsire chinhu.


(Pava pashure)


Bennie: Jehova, ndiri pano nhasi kuti ndikukumbirei bhora. Vamwe vanhu vanoti hamuna basa nezvinhu zvakaita seizvi uye kuti hamupindure minamato yakadaro. Asi ndakaverenga bhaibheri uye rinoti, chero chese chandinokumbira nezita raJesu, muchandipa. Jehova munoziva kuti Johnny akaputisa bhora rangu sei. Panzvimbo pekupenga, ndinovimba nemi. Ndiri kukumbira rimwe bhora nezita raJesu izvozvi. Ndinoziva kuti munondida nekuti ndimi baba vangu vekudenga uye ndinoziva kuti munondifarira. Saka ndinoziva kuti muchandipa iye zvino nekutenda muzita raJesu. Ndinotenda, Jehova, Ameni.


(Sally anopinda)


Sally: (Achifara) Bennie! Bennie! Fembera, Fembera?


Bennie: Chiiko Sally?


Sally: Johnny auya nababa vake vari pamusiwo iye zvino.


Bennie: Johnny ari pamusiwo nababa vake?


Sally: Ndizvozvo, uye vane rimwe bhora idzva. Baba vaJohnny pavakanzwa zvakaitika kubhora rako, vakakutengera rimwe.


Bennie: Wow, Mwari vatanga kupindura minamato yangu kunyangwe ndisati ndanamata. Zvakanaka!



MUNAMWE NEKANDURU


Chidzidzo chegumi nembiri


Chidzidzo


Ndima yekutarisa: VaRoma 2:11, “Nokuti Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.”


Zvinodiwa: Machisi , kanduru, ivhu rekuumbisa (munamwe), bepa rearuminiyamu


Gadziriro: Tambanudza pepa rearuminiamu patafura. Isa kanduru nemunamwe padivi nepadivi. Zvinhu izvi zvinofanira kunge zvichionekwa nevana.


Chidzidzo:


Tine zvinhu zviviri pane - munamwe nechidimbu chekanduru. Zvichatidzidzisa chimwe chinhu chakakosha pamusoro paMwari uye nezvaanoita nevanhu.


Mwari anoda kukomborera vamwe vanhu kupfuura vamwe here? Mwari ane vaanoda kupfuura vamwe here? Anosarudza kufadza vamwe here achirwadzisa vamwe? Mhinduro kumibvunzo yose iyi ndi kwete! (Verenga vaRoma 2:11) Mwari anoenzanisa vose.


Chidzidzo chedu nhasi, nyaya yaFaro naMoses inokanganiswa dzimwe nguva. Vamwe vanhu vanofunga kuti Mwari aida kuparadza vaEgipita. Mwari haafarire rufu rwevasakarurama kana kutambudzika kwavo muupenyu. Mwari ndiMwari veupenyu nemakomborero.


Pane mutemo wemweya uri pano pasi. Mutemo wekudyara nekukohwa. Unoreva kuti munhu anoitira vamwe zvakanaka naiyewo achaitirwa zvakanaka. Kana kuti kana munhu achiitira vamwe zvakashata naiyewo achaitirwawo zvakashata. Ndiwo mutemo wacho. Unoshanda mukunaka kana mukuipa.


VaEgipita vakadyara zvinhu zvakanaka here kuva Israeri? Kwete! Vakavarova nekuvabira. Vakavaita varanda. Tichitarisa mumutemo wekudyara, vaEgipita vakazviunzira matambudziko voga. Mwari aisada kuti vawirwe nematambudziko asi kusarurama kwavo kwakaunza matambudziko.


VaHeberu 12:29 inoti, “Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.” Moto unoita zvinhu zvakasiyana kuzvinhu zvakasiyana zvekare. Moto yaushanduki asi zvaunoita zvinogona kusiyana. (Kwenya machisi)


Zvakakosha kuti tibatsirwe naMwari. Anoda zvakatinakira. Tinofanira kubatanidza zvido zvake nezveduwo. (Uchishandisa machisi nyungudisa kanduru ichidonhera pabepa paya.) Kana moto wapisa kanduru inonyungudika. Kasika kunyungudikira Mwari. Usarambe kuita kuda kwake, nekuti kuita kuda kwake kunounza makomborero. (Bvisa kanduru)


Vamwe vanhu havadi kushandira Mwari. Havana kufanana nekanduru, yakanyorova uye inoshandisika. Vakafanana nemunamwe. Kana Mwari achida kushanda navo, vanoomesa moyo yavo. (Pisa munamwe. Unoomarara pamusoro) Ivhu iri rinoomarara rikapiswa nemoto.


Moto uyu hauna kusiyana nemoto wanyunguditsa kanduru. Mwari haadi kuti vanhu vake vakuvadzwe asi vanomudzivisa, vachiomesa moyo yavo. Vanozvibvisa vega pakudzivirirwa nekukomborerwa. (Enderera kupisa ivhu kusvikira kunze kwese kwaomarara)


Haudi here kufanana nekandura kana nevhu? Terera Mwari wova nemoyo munyoro.



DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nembiri


Shandisai shoko:


Wakamboziva here mumwe munhu aiva akaoma uye aine utsinye? Pamwe wakamuona paterevhizheni. Vanoita zvinhu zvakaipa kune vamwe, uye vasinganyari nazvo. Pakuguma zvinhu zvakaipa zvakaitika kwavari.


Kana vanhu vachiramba kuterera Mwari, moyo yavo inoramba ichiomarara. Chinhu chatinokwanisa kuita, kuterera kuna Mwari nguva dzose. Ngatitorei nguva iye zvino yekuterera kubva kwaari. (Tungamirira vana mumunamato) “Jehova tinoda kuchengeta moyo yedu yakayorova nekuterera kubva kwamuri. Kana paine chimwe chinhu chamunoda kuti tishandure, taurai mumoyo medu iye zvino. Tinoda kukutererai, nezita raJesu. Ameni.” (Tora kanguva kadiki kuti vana vaterere kubva kuna Mwari. Kana pachine nguva, ita kuti vana vataurirane zvavanzwa. Vakurudzire kuti vaite zvinoda Mwari uye votanga nhasi)


Mibvunzo yemutambo:


1. Chii chipo chinokosha chinopiwa munhu wese naMwari?

2. Apo Faro akaramba kuterera Moses, airambira ani chaiye?

3. Tinofanira kubata vatumwa vaMwari sei?

4. Chii chakaitika apoMoses akakanda tsvimbo yake mberi kwaFaro?

5. Ndiani akabatsira vanhu vaFaro vemasaramusi kuti vaite zvishamiso?

6. Chii chakaitika kumvura yemuEgipita?

7. Faro akavimbisa kuita sei kana Moses abvisa matatya muEgipita?

8. Ndechipi chishamiso chakatanga kutadzikwa nevanhu vaFaro?

9. Taura mamwe matambudziko anosvika matatu akatevera mumashure meinda?

10. Matambudziko aya aisanganisira vaHeberu here?

11. Faro akavimbisa kuita chii mumashure medambudziko rega rega?

12. Faro akaita sei mumashure medambudziko rega rega?

13. Mwari ainge achitonga chii padambudziko rega rega?

14. VaEgipita vaivimba here naMwari wechokwadi mumwe chete?

15. VaEgipita vainge vambonzwa here kana kuziva nezvaMwari kare?

16. Mwari vanouraya here vana vavo?

17. Mwari anomanikidzwa kutonga vasakarurama kana zvaita sei?

18. Mwari vanopa here mukana kune vasakarurama kuti vatendeuke?

19. Mwari vakaita kuti Faro amumukire here?

20. Mwari vanoda kuti munhu wese atendeuke uye agashire Jesu Kristu semuponesi wake. Vanozviita here?


MWARI NDIYE MUDZIKINURI


Chidzidzo chegumi nenhatu


Ndima yemusoro: Eksodo 11 -12


Chokwadi: Mwari anoita zvose kuti asunungure vanhu vake vesungano.


Ndima yemusoro: VaEfeso 1:7, “Uyo watine dzikinuro maari neropa rake.”


Kamutambo: “Kutya hakuna pekugara mandiri”


Chidzidzo: Ngano - “Hamuna dambe muna Jesu”


Zvinodiwa: Moses (137), Faro (138), Aroni (142), Israeri (144), Hwayana (145), musiwo (146), Mutumwa werufu (147)


Kumudzidzisi:


Kunyangwe hazvo mutumwa werufu akadzikinura vaIsraeri, mutumwa werufu haana kubva kuna Mwari. Shoko raMwari rinoti rufu muvengi (1 VaKorinte 15:26). Mwari akabvumira muvengi kuti aparadze madangwe ose muEgipita kubudikidza nematambudziko akasiyana siyana. VaIsraeri vainge vakachengetedzwa pamusana pekuti vainge vakazodza misuwo yavo neropa regwayana.


Izvi zvinoratidza kuroverwa kwaJesu makore mazhinji akazotevera. Mwari vakabvumira masimba erima kuti auraye mwanakomana wavo kuti tibviswe muzvivi, (1 vaKorinte 2:8)


Hwaiva husiri hurongwa hwaMwari kuparadza Egipita kana vanhu vayo. Mwari anoda vanhu. Asi vaEgipita vainge vazvibvumira pachavo kuti vamire munzira yevanhu vaMwari umo maizobva Muponisi. Dai Mwari asina kusunungura vaIsraeri , tingadai takaparara tose nekuda kwezvivi.


Tsanangudzo:


I. Mwari vakabvumidza dambudziko rakaomarara kuti riuye kuEgipita.

A. Moses akaedza nepaaigona napo kuti ayambire Faro nekuda kwedambudziko iri, asi mambo hana kuterera.

1. Moses akayambira kuti dangwe rega rega mumhuri raizofa muEgipita.

2. Moses akataura kuti matangwe emhuka aizofawo zvekare.

B. Jehova akayambira Moses neIsraeri kuti icherechedze mutambo wepasika.

1. Mhuri yoga yoga yaifanira kuuraya hwayana isina vara uye isingadarike gore pakukura.

2. Vainge vachifanira kuzodya hwayana iyi usiku hwaizofamba mutumwa werufu muEgipita.

3. Vaifanira kuzora ropa rehwayana pamisuwo yedzimba dzavo.

II. Mwari akaita izvi sechiratidzo chemupiro waMesiya weIsraeri aizouya.

A. Jesu ainge asina chivi uye ainzi hwayana yaMwari.

B. Jesu akaroverwa nevanhu vasakarurama vainge vachishandiswa naSatani.

C. Mwari akabvumira kuti Jesu aroverwe kuti atongwe nekuda kwezvivi zvedu.

D. Kana tichigashira Kristu, ropa rake rinoiswa pamoyo pedu uye zvivi zvedu zvinobviswa.

E. Pamusana peropa raJesu, takachengetedzwa kubva musimba rerima.


III. Mumashure mekunge mutumwa werufu apfuura muEgipita, vaIsraeri vakaudzwa naFaro kuti vaende zvavo.

A. Mhuri dzose dzemuEgipita dzakachema apo madangwe akafa.

1. Mutumwa werufu ainge asina kubva kuna Mwari. Rufu muvengi, (1 vaKorinte 15:26)

1. Mwari vakabvumidza mutumwa werufu kuti arove Egipita sechinhu chekugumisira kuti anunure Israeri.

B. Pamusana pekuti vaHeberu vakazora ropa pamisuwo yavo, mutumwa werufu akadarika.

1. Hapana kana mwana mumwe wevaHeberu akafa?

2. Vanhu vaMwari vakaziva kuti Mwari ainge aiita basa guru nekuvaponesa.

C. Faro akagumbuka zvikuru zvekuti akaudza Moses kuti atore vaIsraeri vose vabude muEgipita.

D. VaIsraeri vakabuda muEgipita vaine upfumi hwakawanda zvikuru.

1. Vakatora goridhe nesirivera revaEgipita vainge vabatwa nekutya kukuru.

2. Nenzira iyi Mwari vakabhadhara vaIsraeri nguva yavo yose yaiva varanda vevaEgipita.


Dzidziso yemweya:


Handina chivi.

Ndakatengwa neropa raJesu

Ndine kuponeswa, uye utano,

Upfumi, uye upfumi

Ndine rugare mandiri

Ndakatengwa neropa raJesu


Ndine upenyu husingagume,

Ndakatengwa neropa raJesu.

Zvivi zvangu zvose zvakaregererwa.

Ndine musha kudenga,

Ndine upenyu husingaperi,

Ndakatengwa neropa raJesu



KUTYA HAKUNA NZVIMBO MANDIRI




Chidzidzo chegumi nenhatu


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Moyo, satani, Izwi ramai


(Bennie ari mumba make mekurara, ari oga pasiteji)


Amai: (Izwi rinonzwika nechekuseri) Bennie chienda unorara! Yava nguva yekurara.


Bennie: Zvakanaka amai. Vakomana, handifarire kuenda kunorara. Ndinonetsekana nekurara. Ndinotya kana kwasviba.


(Satani anopinda, asi Bennie haana kumuona)


Satani: Iwe chikomana. Pasi pemubhedha wako pane nyoka. Dzichakuruma! Ha, ha, ha ha!


Bennie: Ah-a kwete! Ndakazvivenga izvi. Ndinotya zvikuru kana kwasviba. ndinofunga pasi pemubhedha wangu pane nyoka.


Satani: Pane nyoka pasi pemubhedha wako, chikomana. Uye mune dzimudzangara mudhiroo mako.


Bennie: Yowee maiwe! Ndicharara sei? Mune chinhu chakahwanda mudhiroo mangu.


Satani: Mukuru uye ane mazino makuru anopinza.


Bennie: Kwete. Ndichatodyiwa zvangu ini nhasi.


Satani: Zvanaka. (Anotendeuka otarisa kune vanhu) Mhepo iri kuvhuvhuta kwazvo manheru uye ndichaita kuti afunge kuti pane ari kuda kupinda nepahwindo. (Anotendeuka otarisa kuna Bennie) Iwe mwana! Pane chinhu pahwindo pako.


Bennie: Maiwe-e ndichaita seiko nhasi? Pane nyoka nezvimwewo zvinhu panguva imwecheteyo. Amai! Pane nyoka pasi pemubhedha wangu! Pane chinhu chinotyisa chiri pahwindo pangu zvekare!


Amai: (Izwi ramai rinonzwika kubva kuseri) Nyarara Bennie. Enda unorara. Uri kungoita zvekufungidzira zvinhu izvi.


Satani: Ha, ha, ha! Mwana uyu haamborara nhasi, rega ndichienda zvangu kunotsvaga mumwe mwana wekutyisidzira.


(Satani anobuda)


Bennie: Zvino ndichaita sei kuti ndisatye?


(Moyo anopinda)


Moyo: Hazvina kumbooma izvo.


Bennie: Moyo wangu chete. Moyo, ndiri kutya. Ndingaita sei kuti ndisatye?


Moyo: Unofanira kutaura shoko raMwari, Bennie. Muna II Timotio 1:7, Shoko raMwari rinoti, “Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya.”


Bennie: Ndiyo ndima yangu yemusoro!


Moyo: Zvakanaka, uye unofanira kuziva kuti ungashandisa sei ndima iyi. Taura ndima iyi uchidanidzira pachako uchidzivisa kutya.


Bennie: Handinzwisise. Uri mwana waMwari. Chiita semwana waMwari!


(Moyo anobuda)


Moyo: Hausi gwara iwe. Uri mwana waMwari. Chiita semwana waMwari?


(Moyo anobuda)


Bennie: Kana moyo wangu usingatye, Handifanire kutyawo. Mwari havana kundipa moyo wekutya.


(Satani anopinda)


Iwe mwana! Pane nyoka pasi pemubhedha wako. Pane chimwe chinhu chinotyisa zvekare chiri muwodhiropu mako nechimwe zvekare pahwindo.


Bennie: Handizvigamuchiri, satani. Mwari havana kundipa mweya wekutya. Handichatya zvekare!



Satani: Saka, ndava kubuda muno umu.


(Satani anobuda)


Bennie: Satani anotya shoko raMwari. Ndiri kuda kurara.


(Anorara obva atanga kuridza ngonono)


HAMUNA DAMBE MUNA JESU


Chidzidzo chegumi nenhatu


Ngano


Vana vazhinji pachikoro chaidzidza Barry vainge vakaipa. Vaitaura mashoko anonyadzisa uye vaingoseka zvisina basa. Vaitaura zvisakarurama pamusoro pevabereki vavo uye vainge vachingodongorera mudzidzisi. Zvainge zakaoma kuva muKristu pakati pavo, saka Barry akafunga.


Vana vashoma zvikuru pachikoro apa vaiva maKristu uye vamwe vaiita kuti vanyare.


Barry anoenda kuchechi yevana,” akadaro Luke mumwe musi kuchikoro. “Ndakanzwa kuti vanhu vekuchechi kwavo vanonamata vachidanidzira uye nekudzamirwa.”


Zvisinei, handife ndakaenda kunzvimbo yakadaro!” akadaro Tony. “Zvinondipusisa.”


Barry akashushikana akatsumba kupinda pasi petafura. Aida kutaura chimwe chinhu asi akakundikana. Barry haana kumira kuenda kumba kuti abve pane vakomana vaimunyomba ava.


Amai,” akadaro Barry apo akabuda pamusiwo. “Ndinovenga chikoro chedu.” Akazvikanda pachigaro mumba mekubikira ndokutanga kudya zvikokisi nemukaka waainge apiwa naamai vake.


Sei uchivenga chikoro?” akabvunza.


Ndinovenga chikoro nekuti munhu wese anondinyomba pamusana pekuti ndiri muKristu uye pamusana pekuenda kuchechi yevana. Ndinoda kuti ndive ndakasimba asi ndinozoguma ndakundikana.” Barry akaratidza kurwadziwa zvikuru. Aida Jesu pachokwadi, asi Tony naLuke vakamuita kuti anyare.


Amai vakabuda mumba yekubikira ndokudzoka vabata bhaibheri ravo mumaoko. Vakagara parutivi paBarry ndokuvhura muna mabasa avapositori.


Hausiri wekutanga kurwadziswa nekuda kwekuva muKristu,” vakadaro amai.


Munorevei?” akabvunza.


Vadzidzi vaJesu vakanzwa kunyara nekutya mumashure mekuroverwa kwaJesu zvekuti vakazviviga kubva kumaJuda,” vakadaro amai. “Dzimwe nguva tingadai tisingazivi nezvaJesu nhasi kudai vadzidzi vasina kuzadzwa nemweya mutsvene,” vakatsanangudza.


Asi ndichiri mwana mudiki,” akadaro Barry. “Ndichiri mudiki, handingazadzwe nemweya mutsvene.” Barry akatya kuti mwana wezera rake haangazadzwe nemweya mutsvene.


Kana wakura zvekugashira ruponeso, wakura zvekukwanisa kuzadzwa nemweya mutsvene,” vakadaro amai.


Ndinofanira kuzadzwa here manheru anhasi?” akabvunza Barry.


Unokwanisa kuzadzwa chero nguva yaunenge wagadzirira.” vakadaro amai. “Ingotiudza kuti Baba vako neni tikwakwanise kunamata newe.” Amai vakavhara bhaibheri ravo ndokupedzesa basa ravo remumba. Barry akaenda kumba kwake kwekurara ndokuvhara musiwo.


Uchiri mudiki haungazadzwe nemweya mutsvene, yakadaro imwe pfungwa. Haufanire kumirira Jesu pachikoro, pfungwa iya yakaenderera. Luke naTony havana kunyanyoipa. Pamusoro pazvo Mwari havana basa nekuti vana vanoita sei. Uchiri mudiki zvekuti haufanire kufunga pamusoro pezvinhu izvi, yakadaro imwe pfungwa. Barry akaramba achinetsekana nepfungwa idzi.


Pakarepo, akanzwa imwe pfungwa yainge yakasimba, Muchapiwa simba kana mweya mutsvene auya pamuri!


Barry akamhanya achienda kumba yekubikira. “Amai,” akadaro, “Ndinofanira kuzadzwa nemweya mutsvene!” Barry akaenderera, “Ndanzwa kuti, “Muchapiwa simba kana mweya mutsvene auya pamuri!”


Ndizvo zvakataurwa naJesu muna Mabasa avapositori 1:8,” vakadaro amai. Vakavhura bhaibheri ravo ndokutanga kudzidzisa Barry kuti angagashira sei Mweya Mutsvene. Amai vakanamata naBarry ndokuisa maoko avo pamusoro pake. Barry akavhura muromo wake ndokutanga kunamata nendimi.


Ndiri kuti chii, amai?” akabvunza Barry. “Handinzwisise mashoko aya.”


Haufanire kunzwisisa mashoko kana uchitaura nendimi,” vakatsanangura amai. “Uri kutaura zvakavandika naMwari.”


Mutauro chaiwo,” vakadaro amai,” asi kwete waunonzwisisa.”


Zvinoita kuti ndishinge mukati mangu, amai,” akadaro Barry. “Ndichada kuona Luke naTony!” Barry ainge azara nemafaro zvekuti akataura nendimi usiku ihoho kusvikira aenda kunorara.


Zuva raitevera panguva yekuzorora pachikoro, Barry akaenda kwaiva nevakomana. “Auya mukomana wekururama,” akadaro Luke apo vamwe vainge votoseka kare.


Hongu anoenda kuchechi,” akadaro Tony.


Zvisinei, haisi nyore kuraramira Jesu,” akadaro Barry. Vakomana vose vakatanga kuseka. Luke ainge achipenga.


Ndinofunga, unotya kuvamuKristu,” akadaro Barry. Jesu akakufira iwe neni uye anoda kuti umuraramire, asi unotya.” Mashoko aiita seaisvetuka kubva pamoyo pake. Luke haana kufamba. Vamwe vakomana vakamira vadumbirwa.


Handizive kuti ndingava muKristu sei,” akadaro Luke. Barry akashamiswa. Akanga anyatsonzwa Luke achibvunza nezvekuva muKristu here?


Zviri nyore,” akadaro Barry. Zvinongodiwa chete, kukumbira Jesu kuti apinde mumoyo mako,” akatsanangura. “Ndinokwanisa kukuratidza.”


Handitye kuva muKristu rega ndizviratidze.” akadaro Luke. “Ndiani aneni?” akabvunza ndokutarisa kune vamwe. Mumwe nemumwe vakomana vakagutsurira vachibvumirana naLuke chero Tony. Barry akatungamirira nemunamato uye vakomana ava vose vakapa upenyu hwavo kuna Jesu.


Musi wesvondo mangwanani, Barry akashamiswa kuona vakomana vatsva vaviri muchechi yevana. Luke naTony ndivo vanhu vaaisambofungira kuti vangauye kuchechi. Zvose izvi zvakakwanisika pamusana pekuti vainge vazadzwa nesimba raMwari!



DZOKORORO

Chidzidzo chegumi nenhatu


Shandisai shoko


Mwari vakapa vaIsraeri nzira yekuzvichengetedza kubva kumutumwa wasatani werufu nekuzora ropa rehwayana pamisuwo yavo. Akatipa nzira dzakawanda dzekuti tichengetedzwe kubva kune wakaipa. Ungadzitaura here? (Ropa raJesu, zita raJesu, shoko raMwari, simba reMweya Mutsvene etc) Pane anotondera here imwe nguva apo iye kana mumwe munhu waunoziva akashandisa imwe yenzira idzi kuzvichengetedza kubva muzvivi?


Mibvunzo yemutambo:


1. Nderipi dambudziko rakapedzisira kuwira vaEgipita?

2. Mwana upi mumhuri yoga yoga akafa?

3. Mhuka dzakaitwawo sei?

4. Mwari akaudza Moses pamwechete neIsraeri kuti achengetedze mabiko anonzi chii?

5. Mutumwa rudzii aizopfuura muEgipita?

6. Mutumwa uyu anobva kuna Mwari here?

7. II vaKorinte 15:26 inoti chii pamusoro perufu?

8. VaHeberu vaifanira kuuraya hwayana dzakaita sei?

9. Vaifanira kuzodya hwayana idzi riini?

10. Vaifanira kuzoita sei neropa rehwayana?

11. Kufa kweyana chiratidzo chei?

12. Chii chakaitika mumhuri yeEgipita yose yose apo mutumwa werufu akapfuura nemunyika?

13. Chii chakaita kuti mutumwa werufu asapinde mudzimba dzemaheberu?

14. Faro akaita sei paakaona zvainge zvaiitwa nemutumwa werufu?

15. VaIsraeri vakawana goridhe, sirivhera nezvimwewo zvinokosha sei?

16. Sei vaIsraeri vainge vakafanira zvinhu izvi?

17. Ndiani anonzi hwayana yaMwari?

18. Sei Jesu aifanira kufa pachipiyaniso?

19. Ropa raJesu rinouya pamoyo yedu sei?

20. Muponesi aizozvarwa here kudai Mwari vakaregedza Israeri iri muusungwa hweEgipita?


GUNGWA DZVUKU

Chidzidzo chegumi nena


Ndima yemusoro: Eksodo 13 - 14


Chokwadi: Mwari vanochengetedza vanhu vavo vesungano kana vapinda mudambudziko.


Ndima yemusoro: Mapisarema 91:10, “Hapana chakaipa chingakuwira.”


Kamutambo: “Kuchengetedza kwaMwari”


Chidzidzo: “Kunamatira dutu”


Zvinodiwa: Moses (137), faro (138), Aroni (142), Israeri (144), ngoro (148), Rimi remoto (149)


Kumudzidzisi:


Faro aiva nemoyo wakaoma zvekuti akatevera vaIsraeri kuenda kugungwa dzvuku aine pfungwa yekuvaparadza. Zvaitaridzika sekunge Moses ainge ateiwa asi Mwari aibvumidza Faro kuti afambe kusvika panzvimbo yakakodzera kuitira kuti azoshanda naye zvachose. Dai Mwari vasina kuparadza Faro mugungwa dzvuku, aizoparadza Israeri.


Ruvengo rwaFaro kumaIsraeri runoratidza kuti upenyu hwake hwaiva huchitungamirirwa nasatani. Satani akashandisa vanhu vakawanda vasakarurama kuti varwadzise vanhu vesungano asi kana tikafamba mukuterera Mwari, hurongwa hwasatani hunoparadzwa.


Tsanangudzo:


I. Mwari vakatungamirira vaIsraeri kubudikidza nemurenje vakananga kugungwa dzvuku.

A. Nzira pfupi munyika yeKenani yainge yavimbiswa zvizvarwa zvaAbrahama naMwari yaipfuura nemunyika yeFirisita.

1. Mwari akaziva kuti vaIsraeri vainge vasina kugadzirira kurwa hondo saka haana kuvatungamirira kuFirisitia.

2. Mwari haatitungamire kuti titore zvidanho zvakapfuura kutenda kwedu.

3. Mwari vanotungamirira vana vavo muzvidanho zvavanokwanisa kuita.

B. Mwari vakatungamirira vaIsraeri negore masikati uye nerimi remoto usiku.

1. Makore aivachengetedza kubva muzuva remugwenga.

2. Moto waivadziisa uye kuvapa chiedza.

C. Faro akademba kuti ainge abvumidzirei vaIsraeri kuti vaende uye akatora varwi vake kuti vavatevere.

1. Ruvengo rwaFaro kune vanhu vaMwari rwaibva kuna satani.

2. Satan aiziva kuti Mwari vainge vavimbisa kutumira muponesi kunyika saka aiedza kuparadza vanhu munova maizobva muponesi.

D. Apo vaIsraeri vakaona hondo yaFaro ichivadzingirira uye gungwa dzvuku kumberi kwavo, vakaziva kuti hapana kwavaikwanisa kuenda.

1. Vanhu vakatya vakanyunyuta kuna Moses.

2. Mwari havatungamirire vanhu vavo mukuteiwa.

II. Moses akamirira Jehova kuti vamupe nzira.

A. Moses aisaziva zvose zvaizoitwa naMwari kuburitsa vana veIsraeri.

1. Moses akadzidza hurongwa hwaMwari chidanho chimwe chete panzvimbo.

2. Tinofamba nekutenda nemhinduro yeminamato yedu inouya semadiro aMwari.

B. Kunyangwe zvazvo Moses neIsraeri vaidzidzingirirwa naFaro, vainge vakachengetedzwa.

1. Mwari vakatuma vatumwa vavo kuti vaise gore pakati pemisasa yeIsraeri neweEgipita.

2. Gore raiunza chiedza kuIsraeri asi richiunza rima kuvarwi veEgipita.

C. Dzimwe nguva miedzo yedu inotiisa padyo nematambudziko asi kana Mwari ari kurutivi rwedu hapana chatinofanira kutya.

III. Mwari akavhura mvura yegungwa dzvuku.

A. Moses akatambanudza mudonzvo wake pamusoro pegungwa Mwari

akatumira mhepo yakasimba kuti ipatsanure mvura.

1. Mhepo yakaomesa pasi pegungwa ikaita kuti zvive nyore kudarika.

2. Mwari vakaita kuti Moses ashandise mudziyo waainge amboshandisa kare - mudonzvo.

3. Kudzikinurwa kwedu kunouya kana tikashandisa simba (mudonzvo) weshoko raMwari.

B. Pamusana pekuti paiva nemaIsraeri akawanda, zvakatora usiku hwese kuti vayambuke gungwa dzvuku.

1. Upamhi hwegungwa dzvuku hwainge huchisvika mamaira gumi nemaviri.

2. Mvura yainge yakaungana yaiva yakareba mamaira makumi manomwe neshanu kusvika kuzana.

C. Pakabviswa gore riya, Faro akaona kuti vaIsraeri vainge vatiza, akavadzingirira nehondo yake.

1. Mutumwa waMwari akaita kuti ngoro dzevaEgipita dzidonhe mavhiri.

2. Pakarepo, mvura dzakanyungudika dzikawira vanhu vaFaro.

D. Apo vaIsraeri vakaona izvi vakazadzwa nemafaro vakatanga kurumbidza Mwari.


Dzidziso yemweya:


Mwari vanondigadzirira nzira,

Vanondigadzirira nzira.

Kana satani akanditeya,

Mwari vanondigadzirira nzira.


Jesu ndiye nzira,

Chokwadi, upenyu, munoona.

Uye kana ndichitenda ndinotaura zita rake,

Satani anofanira kutiza.


KUCHENGETEDZWA NAMWARI


Chidzidzo chegumi nena


Kamutambo:


Vatambi: Sally, Muuyi


Sally: (Akabata chidhori) Dhori uri kunzwa chimwe chinhu here? Ndinofunga ndanzwa ruzha. Zvisinei, handitye! Mwari haana kundipa mweya wekutya. Mwari haana kundipa mweya wekutya asi wesimba nerudo uye wekufunga zvakanaka. Pane mumwe munhu ari kufamba, Dhori. Ndiri kunzwa mumwe munhu mumba mangu. Mwari haana kundipa mweya wekutya asi wesimba nerudo uye wekufunga zvakanaka. Handitye. Kana Mwari achindirwira, ndiani angandirwisa? Dhori, pane mumwe munhu ari mumba mangu. Pane mumwe munhu ari kufamba uko.


(Muuyi anobva apinda)


Muuyi: Iwe, mwana. Une mhete here muno?


Sally: Ndiwe ani?


Muuyi: Ndingori muenzi. Chiterera, kana uchiziva zvakakunakira, unofanira kuvhara muromo wako.


Sally: Kuvhara muromo wangu? Handisi kuzovhara muromo wangu! Vakuru, Ari mandiri mukuru kudarika ari munyika. Mwari haana kundipa mweya wekutya.


Muuyi: Chitarisa. Handina kuinga matambudziko, mwana. Ndinongoda kutora zvinhu zvakaita sematerevhizheni nemhete. Une zvinhu zvakadaro here muno, zvinhu zvinotengeseka nyore, unazvo here?


Sally: Tarisai, vakuru. Hamuna chamavinga mumba mangu uye shoko raMwari rinoti, “Ari mandiri mukuru kudarika ari munyika.” Saka izvozvi chibuda mumba mangu nezita raJesu.


Muuyi: Iwe, mwana handidi matambudziko.


Sally: Ndati chibuda muno nezita raJesu. Buda izvozvi. Ari mandiri mukuru kudarika ari munyika. Mwari havana kundipa mweya wekutya asi wesimba nerudo uye wekufunga zvakanaka. Chibuda mumba mangu izvozvi nezita raJesu!


Muuyi: Zvakanaka! Zvakanaka!


(Anobuda)


Sally: Vakomana, handizive kuti murume uyu anofunga kuti ndiye ani, asi haasi kuzogara muno. Ari mandiri mukuru kudarika ari munyika. Mwari vandichengetedza uye kana mumwe munhu akaedza kungoerekana apinda muno ndinoshandisa shoko raMwari.



KUNAMATIRA DUTU


Chidzidzo chegumi nena


Ngano


Raiva zuva rakanaka uye mapatya emakonzo aiva nenguva yakanaka kunze kwechivanze. Aidzingirira mhashu nekutamba mumaruva. Chirimo ndiyo yaiva nguva yakanakisa pagore.


Hazvisekesi here izvi?” akabvunza Phooney, apo aiumburuka zvake mumauswa.


Zvinonakidza izvi,” akadaro Louie. “Handisati ndambonakidzwa nekutamba panze zvakadai. Uswa hausati hwachekwa uye hwakareba zvakanaka, tinokwanisa kuhwanda zviri nyore.!”


Ngatitambei!” akadanidzira Phooney. Ndichavhara maziso angu ndoverenga kusvika kugumi. Kana ndapedza ndichauya ndokutsvaga!”


Zvakanaka!” akadavira Louie. “Haumbofa ukandiwana.” Louie akamhanyira kwainge kuine huswa hwakawanda ndokuhwanda.


Motsi-piri-tatu-ina-shanu-tanhatu-chinomwe-rusere-pfumbamwe-gumi,” akaverenga Phooney. “Wagadzirira here kana kuti hausati!”


Apo Phooney akavhura maziso ake chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. Swoosh! Gondo guru rakavhunga kakonzo kaya richibva mudenga richiedza kukabata. Maziso aPhooney akazara nekutya apo akaona shiri yapfuura. Mazinzara akaedza kumunonga asi akatadza. Akapona nepaburi retsono.


Kubva nekumashure kwaiva nemaziuswa makuru, Louie akatarisa mudenga ndokuona gondo riya rava kuedza zvekare.


Chenjerera, Phooney!” akadanidzira Louie. “Ari kudzoka. Gondo riri kudzoka zvekare!”


Phooney akabva arara pasi zvekuti nzara dzegondo dzakatadza kumusvikira zvekare. Gondo rainge razvipira kuwana chisvusvuro chemanheru.


Namata!” akadanidzira Phooney kuna Louie. “Ndinamatirewo!” akadanidzira. Phooney akatsvaga pekuhwanda kubva kugondo asi pose paaienda aionekwa negondo iri.


Louie akatanga kunamata kuti Phooney adzivirirwe. “Jehova,” akadaro, “Munotaura mubhaibheri kuti kana tikaterera vabereki vedu, tinorarama mazuva mazhinji panyika. Tinoterera Jehova, tinunurei kubva kugondo iri. Ndinokumbira muzita raJesu.”


Nechinguva chisipi, gondo rainge radzoka zvekare ramisa mapapiro aro kuti richibata Phooney. Maziso aro ainge akatarisa mumaziso maPhooney chaimo. Gondo rakaramba richiswedera padyo. Zvaitaridzika sekunge Phooney aizoguma abatwa. Gondo rakadzikisa nzara dzaro kuti ribate Phooney, chinhu chinoshamisa chakabva chaitika - mhepo huru yakauya ikasimudza gondo rikabva rabhururuka. Huruva yakazara pese pese. Phooey naLouie vakamhanyira mumwena mavo mukati memba. Vakachengetedzwa pakuguma.


Mwari ngaarumbidzwe nekuda kwemhepo,” akadaro Louie. “Yaponesa upenyu hwako! Mwari vapindura minamato yedu nekutumira mhepo.”


Hongu,” akadaro Phooney. “Ndinovimba wanamatira dutu guru.” Mapatya egonzo akaseka zvawo ndokutenda Mwari nekuda kwekupindura munamato wawo.


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nena


Shandisai shoko:


Regai vana vagadzire mitambo yavanoshandisa zita raJesu, ropa raJesu, shoko raMwari, kana simba reMweya Mutsvene kuti vabude mumisungo yasatani.


Mutambo wedzokororo - Gungwa dzvuku:


Zvinodiwa: Bhodhi rekunyorera, pepa remanilla, chekunamaisa (Tape).


Gadzira zvidhori zvebepa zvinosvika makumi maviri. Shandisa mavara akasiyana kupenda zvidhori zvezvikwata zvakasiyana. Nyora mutsetse pakati pebhodhi kuti uganhure mativi maviri aya. Mitsara iyi ichamirira gungwa dzvuku. Namatidza zvidhori zvose zvepepa pabhodhi pasi pemitsara. Apo chikwata chega chega chinopindura mhinduro kwayo , isa chimwe chidhori mhiri kwegungwa dzvuku. Pfungwa iripo ndeye kuona kuti ndechipi chikwata chinokwanisa kuyambutsa zvidhori zvayo pakutanga.


Kana mutambo ukakasika kupera ramba uchidzokorora mutambo. Shandisa mibvunzo yawakapiwa pasi nemimwewo inobva mune zvimwe zvidzidzo zvemumashure.


Mibvunzo yemutambo:


1. Mwari akatungamirira Moses kuendepi mumashure mekunge vaIsraeri vabuda muEgipita?

2. Mwari vakavimbisa kupa vana vaAbrahama nyika ipi?

3. Sei vaIsraeri vasina kupfuura nemunyika yeFirisitia kuenda kuKenani?

4. Nderipi simba rinoshamisa rakashandiswa kutungamirira vaIsraeri masikati?

5. Akashandisa chiratidzo chipi usiku?

6. Faro akashandura pfungwa dzake riini kuti aregedze vaIsraeri vaende?

7. Ndiani akakonzera kuti Faro avenge Israeri?

8. Sei satani akaedza kuparadza Israeri?

9. Chii chakamisa kutiza kwevaIsraeri apo vainge voteverwa naFaro?

10. Vanhu vakaita sei pavakaona hondo yaFaro ichivadzingirira?

11. Mwari vanotungamirira vanhu vavo mukuteiwa here?

12. Tinosarudza here mapindurire anoita Mwari minamato yedu?

13. Moses aiziva here hurongwa hwaMwari hwese kubva pakutanga?

14. Chii chakaita kuti vaIsraeri vasabatwa nehondo yaFaro?

15. Chii chakashandiswa naMoses kuti apatsanure mvura yegungwa dzvuku?

16. Chii chakapatsanura mvura?

17. Chii chimwe chakaitwa nemhepo?

18. VaIsraeri vakayambuka sei gungwa?

19. Zvakatorera vaIsraeri nguva yakadini kuti vayambuke gungwa?

20. Chii chakaitika kuhondo yaFaro?




USAVA MUNYUNYUTI


Chidzidzo chegumi neshanu


Ndima yekuverenga: Eksodo 15:22 -17:7


Chokwadi: VaIsraeri vakanyunyuta kuna Moses kunyangwe hazvo Mwari vainge vavapa zvinoshamisa.


Ndima yemusoro: VaFiripi 4:4, “Farai munaShe nguva dzose, ndichapamhidzazve, Farai.


Kamutambo: “Musarumbidze satani”


Chidzidzo: “Kufamba zvakasununguka”


Zvinodiwa: Moses (137), Aroni (142), Israeri (144), shiri (150), ndiro yemana (151), Dombo (152)


Kumudzidzisi:


Kana tisina kungwarira, tinokwanisa kusatenda makomborero aMwari tobva tarega kutenda. Apo tisingatendi Mwari nekuda kwezvinhu zvese zvinoitika, kunyangwe zvinoitwa nasatani, tinofanira kutenda Mwari nekuda kwemhinduro pazvinhu zvose. Kunyunyuta kunopa satani mukana wekutibira rufaro rwedu uye makomborero edu.


Tsanangudzo:


I. Kunyangwe hazvo Moses ainge atungamirira vaIsraeri mugwenga Mwari vaikwanisa kuvapa.

A. Ichi chaiva chidanho chikuru kuna Moses, sezvo aitungamirira vanhu vaisvika mamirioni matatu.

B. Vanhu vakakasika kukanganwa kuti Mwari akanaka zvakadini uye zvaainge avaitira panguva yakaoma.

1. Patsime rekutanga, Marah, vakaona kuti mvura yacho yaivava.

2. Panzvimbo pekunyunyuta vaifanira kutarisa kuna Mwari.

C. Nekutungamirira kwaMwari, Moses akatema muti akaukandira mumvura.

1. Muti hauna kushandisa simba rawo wega, asi wakaita kuti mvura iyi inake uye ivarape.

2. Uyu mucherechedzo wemuchinjikwa waJesu wakatiunzira ruponeso.

D. Mwari vakabva vazviratidza zvekare kune vaIsraeri nezita idzva, YAHWEH-RAPHA, (Ndini Mwari vanoponesa)

1. Kuita kwaMwari kuponesa.