Vol 1 Bk 3





FAITH ROOTS CHIKORO CHEBHAIBHERI




MUKUTSVAGA KENANI




Bhuku rezvidzidzo



na




Willie George
















Chidzidzo chekutanga:

Usava Munyunyuti.........................................................1

Kunyunyuta hakubhadhare (Kamutambo).......................4

Mukubatana mune simba (Chidzidzo).............................7

Dzokororo.....................................................................9

Chidzidzo chechipiri:

Miriam akavhura musiwo usiri iwo ..................................11

Dzora pfungwa dzako (Kamutambo)...............................14

Albert negonye................................................................17

Dzokororo......................................................................19

Chidzidzo chechitatu:

Vasori vane kutenda kwemhashu.....................................21

Sally anobudirira (Kamutambo).......................................24

Marudzi maviri evarume (Chidzidzo)................................28

Dzokororo......................................................................30

Chidzidzo chechina:

Korah anodzidza nenzira yakaoma...................................31

Handisi kuenda (Kamutambo)..........................................34

Chii chakaitika kuna Taka Mafuta (Ngano).......................36

Dzokororo.......................................................................38

Chidzidzo chechishanu:

Chishamiso pamudonzvo waAroni....................................39

Mununuri (Kamutambo)...................................................42

Hazvibhadhare kutyora murawo(Chidzidzo)......................45

Dzokororo.......................................................................48

Chidzidzo chechitanhatu:

Kukanganisa kukuru kwaMoses.......................................49

Mwari vachakuregerera (Kamutambo).............................52

Usava munyengedzi (Chidzidzo).......................................54

Dzokororo.......................................................................56

Chidzidzo chechinomwe:

Nyoka yerata..................................................................57

Shoko ramwari rinounza ruponeso (Kamutambo).............60

Usarambe uchirwara (Ngano)..........................................62

Dzokororo......................................................................64

Chidzidzo chechisere:

Dhongi raBarami rinotaura..............................................65

Kunda zvakaipa nezvakanaka (Kamutambo....................68

Mashoko anorwadzisa (Chidzidzo).................................71

Dzokororo.....................................................................73

Chidzidzo chechipfumbamwe:

Moses anorarama zvekare!.............................................75

Hapana chikonzero chekuchema (Kamutambo)...............79

Kubvutwa (Ngano).........................................................82

Dzokororo......................................................................85

Chidzidzo chegumi:

Joshua anotungamirira.....................................................87

Nyasha dzaDavid kuna mambo Sauro (Kamutambo).......90

Chidimu chisipo (Chidzidzo)............................................93

Dzokororo.....................................................................95

Chidzidzo chegumi neimwe:

Rahabi - Mutadzi akatenda.............................................97

Kuremekedza vanhu vaMwari (Kamutambo).................100

Leonard J Kashiri (Ngano)............................................103

Dzokororo....................................................................105

Chidzidzo chegumi nembiri:

Chidanho chekutenda.....................................................107

Mukomana wesungano uye mufudzi (Kamutambo)..........110

Chidanho chihombe chaJeff (Ngano)...............................112

Dzokororo......................................................................114

Chidzidzo chegumi nenhatu:

Kudanidzira kwekutenda.................................................115

Kutenda kwakafanana (Kamutambo)..............................118

Nicodemous nechidhori (Ngano).....................................121

Dzokororo......................................................................123

Chidzidzo chegumi nena:

Kusaterera kunounza kuparara........................................125

Chinhu chekudanidzira nezvacho (Kamutambo)...............128

Chivi chine buri machiri (Chidzidzo).................................130

Dzokororo......................................................................132

Chidzidzo chegumi neshanu:

Shamwari dzisakarurama..................................................133

Kudemba kwaSamson (Kamutambo)...............................136

Dambudziko parukova (Ngano)........................................138

Dzokororo........................................................................141

Chidzidzo chegumi nenhanhatu:

Kugara nhaka...................................................................143

David naGoriati (Kamutambo)...........................................146

Mira urwise satani (Ngano)................................................149

Dzokororo.........................................................................152

Chidzidzo chegumi nenomwe:

Joshua anomira akashinga...................................................153

Usadarika kereke................................................................156

Hove huru (Ngano)..............................................................158

Dzokororo...........................................................................161

Tsanangudzo yemutambo waJoshua...........................................................................163


ZVINODIWA (ZVINGABATSIRA CHIDZIDZO)


200 VaIsraeri 220 Aradi muKenani

201 Mana 221 Guta rakakomberedzwa

202 Moto 222 Nyoka

203 Moses 223 Nyoka yerata iri pabango

204 Shiri 224 Baraki mambo weMoabi

205 Miriam 225 Mutumwa

206 Aroni 226 Barami

207 Kubwinya kwaMwari 227 Barami nedhongi

208 Tabenekari 228 Ngirozi

209 Miriam ane maperembudzi 229 Phineus

210 Vasori gumi 230 Jesu naEriya

211 Joshua 231 Chikafu

212 Karebi 232 Vasori vaviri

213 Dzambiringwa 233 Rahabi

214 Hondo yemuvengi 234 Areka yesungano nevapirisita

215 Kora 235 Israeri ichipembera

216 Atari ine chipiriso 236 Murwi ari kupembera

217 Mitemo ine gumi 237 Akani

218 Mudonzvo waAroni 238 VaGibeoni

219 Dombo 239 Zuva

Mumashure mekunge wacheka zvinhu izvi, unokwanisa kuzvichengetera muhamvuropu huru. Isa mifananidzo kubvira pane 200 kusvika pa210 uye 211 kusvikira pa220 muhamvuropu dzakasiyana zvichienda zvakadaro. Mifananidzo yaunoda kushandisa inochengeteka zvakanaka uye hainetsi kutsvaga.

Unokwanisa kugadzira bhodhi rako rekunamira mifananidzo iyi nekurovera jira refuranera nyoro pabhodhi. Apo rinenge richiri nyoro, ripende sedenga kana sevhu uchishandisa mamaka. Izvi zvinokupa bhodhi rakanaka chose. Kana uchida mitsara inonyatsoonekwa, riga furanera ritange raoma usati washandisa mamaka.

Kuti ukwanise kushandisa mabhodhi aya nekukurumidza, gadzira mabhodhi maviri kuti ugoronga mutambo wako pamabhodhi ose pane kushandura mifananidzo nguva dzose. Unokwanisa kumbosendeka bhodhi rine mifananidzo yausati woshandisa kusvikira wave kuda kuishandisa.




USAVE MUNYUNYUTI


Chidzidzo chekutanga


Ndima Yekuverenga: Numeri 11:1-35


Chokwadi: Kunyunyuta kunounza kuparadzwa


Ndima yemusoro: Zvirevo 6:2, "Wazviteya nemashoko omuromo wako...."


Kamutambo: "Kunyunyuta hakubhadhare"


Chidzidzo: Mukubatana mune simba


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Manna (201), Fire (202), Moses (203),

shiri (204)


Kumudzidzisi


VaIsrael vakatanga zvekare kunyunyuta pamusoro paMwari, vasisatondere kuti kutambudzika kwavo murenje kwaiva kwenguva shoma. Dai renje raiva nzvimbo yakanaka, vanhu vaisazofunga zvekuenda muCanaan. Ndicho chikonzero Jesu akaita kuti muve nekakusagadzikana pane dzimwe nguva kuvanhu.


Vanyunyuti havana kudzidza kunyangwe mumashure mekutongwa nemoto, vakaramba vachisvora Mwari nemashoko avo. Iva nechokwadi chekutsinhira hasha dzaMwari kuvanyunyuti.


Pakupedzisira, Mwari akazopa vaIsrael zvavaida uye kune vaisakwanisa kuzvibata, kudyisa kwakaunza rufu. Chidzidzo ichi chinotidzidzisa zvekare kuti makomborero aMwari hatingaawane kana tiine ruchiva rwenyama.



Tsanangudzo


I. VaIsrael vaktanga kunyunyuta zvekare pamusoro pekupiwa kwavaiitwa naMwari.

A. Vakanga vasingafare nekuti vakanga vasina nyama yekudyisa nemanna yavo.

1. Mwari haana kuita renje nzvimbo yakanyanyonaka nekuti aisada kuti vagare imomo zvachose.

2. Mwari aivapa zvakavakwanira muCanaan, nyika yaaiva avimbisa kunaAbraham, Isaac naJacob asi kusatenda kwavo kwakavaita kuti vasaipiwe.

B. Vakaratidza kusaremekedza kuna Jehova nekunyunyuta pachena kwaari.

1. Vakataura kuti upenyu hwavo hweubatwa muEgipita hwaiva nani pane kupiwa kwavaiitwa naMwari murenje.

2. Mune mamwe mashoko, vaiti, upenyu pasi pasatani hwaiva nani pane hutungamiriri hwaMwari.

C. Vanhu vazhinji vaipanduka vakaparadzwa nwmoto.

D. Apo vanhu vakaona kuti vainge vachitongwa pamusana pezvivi zvavo, vakaita rubvumo.

E. Moses akanamatira vanhu, uye moto wakamira.

1. Kana tichitadza tinofanira kubva taita rubvumo.

2. Mwari vakagadzirira uye vakamirira kutiregerera zvivi zvedu.

II. Mumashure mekutongwa kwemoto, vaIsrael vakadzokera kuzviito zvavo zvekare.

A. Vakatanga kunyunyuta pamusoro pechikafu chavo.

B. Apo vanhu vakanyunyuta, mutoro waMoses wekutungamirira vana veIsrael wakabva wamuremera.

1. Kutsvaga zvakaipa nekushoropodza zvinokanganisa basa revatungamiriri.

2. Vanhu veIsrael vaikwanisa kunge vazvirerutsira pamwe naMoses, nekutenda.

C. Mwari akatungamirira Moses kuti asarudze vechikuru, makumi manomwe kuti vatungamirire vaIsrael uye kuti vaite sarudzo nezveupenyu hwemazuva ose.

III. Pakupedzisira, Mwari akaudza Moses kuti aizopa vanyunyuti ava zvavaida.

A. VaIsrael vainyanyonyunyuta kuti havana nyama.

B. Mwari vakaudza Moses kuti vaizounza shiri dzakawanda.

C. Mhepo huru yakauya, Mwari vakatumira shiri dzakawanda paigara vaIsrael.

D. Vanyunyuti vakaungana vakabata shiri dziya vakadya zvekuti vakarwara vakafa.

E. Mwari akaratidza vanhu kuti vanhu havafanire kubvumidza nyama yavo kuti isadziviswa zvimwe zvinhu.

1. Nyama haidi kuterera Mwari kana kuratidzwa nemweya uri mukati memunhu.

2. Kurarama muzvido zvenyama kunounza rufu.


Chidzidzo cheMweya


Handikanganiswe nemashoko omuromo wangu.

Nekuti kunyunyuta hakubhadhare.

Ndichataura zvakanaka, kana kusataura zvachose.

Uye ngatirumbidzei Mwari mazuva ose.


Ndichataura zvandinotenda

Uye zvandinoziva ndezvechokwadi.

Ndinofara. Ndakasimba. Ndakakomborerwa.

Ishe Jesu ndinokutendai!



KUNYUNYUTA HAKUBHADHARE


Kamutambo Chidzidzo chekutanga


Vatambi: Bennie, Sally, Izwi raMai


Bennie: Sally, amai vati tichaenda kunotamba here nhasi?


Sally: (Izwi kubva pasiteji) Kwete!


Bennie: Pamusana pei? Ko kuenda kumagirosa?


Sally: Kwete!


Bennie: Ah-a iwe, zvese here? Ko kuenda kunoshambira?


Sally: Kwete! Hatingaendi kunoshambira!


Bennie: Ungazvida sei zvakadaro? Hapana chekuita pamusha pano. Ndakangoenda kunoshambira kamwe chete svondo rino, uye ndakangoenda kumagirosa kamwe. Maiwe! Hapana chekuita. Handina zvekutambisa zvitsva. Izvo ndinokwanisa kuita, kutamba bhora nezvimwewo zvisinganakidzi. Ndinoshuva kudai ndichigara zvangu kuDisneyland. Hapana chekuita kunze kuno asi kusvetuka nekutasva mabhasikoro. Sei ndisingakwanisewo kuita zvinonakidza? Zvinosvota kuve mwana mudiki!


Amai: (vachidaidza vasiri pasiteji) Chikafu chemanheru!


Bennie: Handidi kudya chikafu chemanheru. Ndinovenga chikafu chiri pamusha pano. Amai havambobika zvinonaka. (Anoramba akayeva) Chii chatiri kudya.


Amai: (Vasiri pasiteji) Huku yakakangwa!


Bennie: Amaiwe-e, Handidi huku yakakangwa. Ndinovenga mabikiro amai. Vanongobika zvindisingadi sezvikokisi nguva dzose. Sei tichifanira kudya bhinzi nemuriwo? Hazvinake. Ndakazvivenga zvinhu izvozvi. Chikafu changu hachinake. Ndishuva kuti kudai ndichigara zvangu kumwe kunhu. Sei tisingagare tichiwana chikafu chakadaro nguva dzose. Pachinzvimbo chacho ndinofanira kudya nyama nebhinzi nyoro nemuriwo usina kubikwa. Chikafu chetsuro chiya.


Amai: (Vasiri pasiteji) Bennie huya kuno izvozvi! Yava nguva yekudya kwemanheru.


(Mumashure)

Bennie: (Ari mumba make mekurara) Tarisa matenesi aya. Sei ndichifanira kuva nematenesi akadai? Ndini ndine matenesi akaipisisa muno munyika. Sei ndisingakwanise kuwana matenesi akaita seevamwe vana? Amai vangu vakanditengera zvitenesi izvozvi, uye hadzina kufanana nedzevamwe. Sei amai vangu vachingoita izvozvo? Vanogara vachingotaura nezvekuchengetedza mari. Kuchengetedza mari pano, kuchengetedza mari uko ndizvo zvoga zvavanogona. Vanotenga zvimatenesi izvozvi zvakachipa. Ndinoshuva kuti dai ndiine matenesi seevamwe vana, izvi ndizvivenga izvi.

(Sally anopinda)


Sally: Unogara uchingonyunyuta pamusoro pezvinhu zvose.


Bennie: Ndine zvitenesi zvakashata, zvitarise izvo!


Sally: Wakadzitengerwa svondo mbiri dzakapfuura.


Bennie: Ndinozviziva uye handidzidi. Handidzidi uye handichafa ndakadzipfeka zvekare.


Sally: Terera, regedza kunyunyuta kwauri kuita uku. Unoziva zvauri kuita here?


Bennie: Chii?


Sally: Uri kurumbidza satani.


Bennie: Kurumbidza satani?


Sally: Ndizvozvo! Ndizvo zvinoita kunyunyuta. Sei usingatendi Mwari nezvese zvakanaka zvaakakupa? Une imba yose yakazara zvekutambisa. Une zvinhu zvakawanda zvakanaka pamusha pano. Une bhasikoro, une shamwari dzakawanda. Une zvinhu zvakawanda zvekuita asi unongonyunyuta.


Bennie: Asi handidi zvinobikwakwa pano.


Sally: Zvisinei, pamwe haufanire asi unofanira kutenda Mwari. Unofanira kutenda nekuti une chekudya, vana vakawanda havana chekudya.


Bennie: Havana chekudya?


Sally: Uri kukanganisa Bennie, uye unozviziva.

Bennie: Pamwe uri kutaura chokwadi, asi Sally dzimwe nguva zvakaoma kuti usanyunyute.


Sally: Ndinoziva kuti zvakaoma kuti usanyunyute asi unofanira kuzvidzora, kunyunyuta hakuna chakunobatsira.


Bennie: Zvakanaka, ndichadzidzira kusanyunyuta, asi handizive kuti ndingazvirega sei?


Sally: Tanga kurumbidza Mwari nekumutenda pane zvose zvaanokuitira. Ndiyo imwe nzira yekuzvimisa.


Bennie: Zvakanaka. Ndizvo zvandichaita. Ndinozviziva kuti zvakashata asi zviri nyore kupinda mazviri.


Sally: Ndinozviziva, asi unofanira kurumbidza Jehova uye kuregedza kunyunyuta! (anobuda)


Bennie: Varume, ndizvo zvandinofanira kuita. Ndinofanira kurumbidza Mwari nekuregedza kunyunyuta. (Bennie anotanga kunamata). Mwari ndinokutendai netenesi dzangu itsva. Nekuti ndinotombori nadzo, uye ndinokutendai nezvekutambisa zvangu nezvese zvandinazvo. Ndinotenda, Mwari. Ndinokutendai nezvose zvandinazvo kunyangwe muriwo nebhinzi nyoro. Ndinokutendai ishe ndinokutendai ishe.



MUKUBATANA MUNESIMBA


Chidzidzo chekutanga


Ndima yekutarisa: Zvirevo 6:16,19, "Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehova , zvirokwazvo tingati kune zvinomwe zvinomunyangadza.......Chapupu chinonyengera, chinoreva nhema uye unokusha kupesana pakati pehama."


Zvinodiwa: Zvimiti zvinomwe, zvakareba mita imwe chete.


Gadziriro: Sunga zvimiti zviya pamwe chete. (Tarisa muenzaniso)


Chidzidzo


Muenzaniso


Paivapo nemumwe murume aiva akapfuma zvikuru aiva nevanakomana vake vanomwe vaisawirirana. Dzimwe nguva vaishatirisana zvikuru zvekuti mupfumi uyu aifunga kuti vachaurayana. Zuva nezuva, zvakaenderera zvichitowedzera.


Rimwe zuva mangwanani, vasati vadya kudya kwemangwanani, akavadaidza kuti ataure navo pamusoro pekupopotedzana kwavaiita. Munzira yekuenda kumba yekubikira, baba vapfumi vakatora zvimiti zvinomwe. (Batai zvimiti zvenyu) Akavabatanidza pamwe chete ndokupinda mumba mekubikira. Apo vakomana vakagara vakakomberedza tafura, baba vavo vakatanga kuvapa chidzidzo pamusoro pekuvengana kwavo.


Pava pekupedzisira, baba vakaudza vakomana, vakabata zvimiti zvaaainge atsvaga. Akati kwavari, "Ndichapa mubairo wezvuru gumi zvemadhora kune mwana achakwanisa kugura zvimiti izvi zvose. Ndichauya kumba yekubikira mangwana ndopa mubairo kune uyo anenge akwanisa kutyora zvimiti izvi." Mumashure mekudaro, murume uyu akaenda.


Mukomana mukuru akaedza nepese paaigona napo kutyora miti iya. Akatadza kuzviita. "Ndinoziva kuti ndinokwanisa kuzviita! Ndini ndakanyanyogwinya," akadaro. Mumashure mekuedza kwenguva yakareba, akadonhedza zvimiti pasi ndokubuda mumba.


Mukomana mukuru aitevedzera akatora zvimiti zviya ndokutanga kuedza kuzvityorawo asi akatadza.


Mukomana aitevedzera akaedzawo nevamwe vose vemumashure vakaedzawo vakatadza. Pakuvira kwezuva, vose vari vasere vainge vabuda mumba yekubikira vachisiya zvimiti zviya zviri patafura.


Mangwana mangwanani vana vose vakaenda kumb a yekubikira kuti vanonzwa kuti baba vavo vaizoti chii pamusoro pezvimiti izvi. Mumashure baba vakazopindamo nesaga remari. Vaifamba zvishoma nezvishoma vachienda patafura paya ndokusimudza bhanduru rezvimiti zviya. Maziso ose ainge akatarisa pavari apo vaisunungura tambo idzi. Vakomana vakanyatsotarisisa nekuteresesa. (Dimburai zvimiti zvenyu zviite zviviri)


"Zvimiti hazvikwanisike kudimburwa kana zvakasungwa pamwe chete," vakadaro baba. "Chero vavengi havakwanise kukuparadzai kana muchifamba makabatana, asi kana paine kupokana uye kusarudzana pakati penyu, zvichava nyore kuti muparadzwe sezvimiti izvi."


Baba vakabuda nesaga riya remari. Vanakomana vake havana kuzorwa zvekare.


DZOKORORO


Chidzidzo chekutanga


Shandisai shoko


Izvi zvakamboitika kwamuri here? Vabereki venyu vakambovimbisa kuti vachakuendesai kune imwe nzvimbo kunotamba pamwe chete nevakoma nehanzvadzi dzako. Waida chaizvo kuenda, asi usati wasvikako, wakanyunyuta zvakanyanya ukasazoendako? Tiudze nezvazvo.


Mibvunzo


1. Sei vaIsrael vasina kufara?

2. Sei Mwari vasina kuita kuti renje rive nzvimbo yakanaka kuvaIsrael?

3. Mwari vaiva vavimbisa nyika ipi kuvaIsrael?

4. Sei vaIsrael vasina vasina kukwanisa kutora nyika yeCanaan?

5. Vanhu ava vaiva nerukudzo kuna Mwari here?

6. Vairumbidza satani sei?

7. Vamwe vanyunyuti vakaparadzwa sei?

8. Minamato yaaani yakamisa moto?

9. Tinofanira kuita sei kana taita chivi?

10. Mwari vanoregerera zvitadzo zvakaita sei?

11. VaIsrael vakadzidza here chidzidzo kubva kudambudziko remoto?

12. Vakazonyunyuta sei zvekare?

13. Kusvora kwavo kwavo kwakakonzera chii kuna Moses?

14. Chii chakaitwa naMwari kuti varerutse dambudziko raMoses?

15. Mwari vakaudza Moses kuti vanyunyuti vachatumirwa chii?

16. Shiri dzakauya sei paigara vaIsrael?

17. Vanyunyuti vakaita sei neshiri?

18. Chii chakaitika kuvanyunyuti ava?

19. Nyama yedu inoda zvinhu zvinoita kuti tiswedere padyo naMwari here?

20. Chii chinoitika kune vanhu vanogara munyama?





MIRIAM AKAVHURA MUSIWO USIRI IWO


Chidzidzo chechipiri


Ndima yekuverenga: Numeri 12:1-16


Chokwadi: Chivi chinovhurira musiwo kuzvituko zvakawanda.


Ndima yemusoro: 1 Johane 1:9, "Kana tichirerura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama nekudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu nokutinatsa pakusarurama kwose."


Kamutambo: "Dzora pfungwa dzako"


Chidzidzo: "Albert negonye"


Zvinodiwa: Moses (203), Miriam (205), Aaron (206), kurumbidza Mwari (207), tabenekare (208), Miriam nemaperembudzi (209)


Kumudzidzisi


Muchidzidzo chino, tichaona kuti chivi chinovhura musiwo mukuparadzwa uye kurwara. Hazvisi zvirwere zvese zvinokonzerwa nechivi, asi dzimwe nguva, dambudziko rinouya pamusana pekusaterera. Miriam akava nemaperembudzi nekuti aisafamba naMwari, asi aiva muhondo naye. Paakangoita rubvumo, Mwari akadururira tsitsi dzake kwaari nepfungwa yekuti aizoremekedza vatungamiriri.


Mumaziso aMwari, kusaremekedza vatungamiriri imhosva huru. Mwari anomiririra vanhu vaakasarudza kuti vatungamirire uye chinhu chakaipa kuti chiitwe.


Tsanangudzo


I. Miriam , hanzvadzi yaMoses akatanga kusiya utungamiriri hwehanzvadzi yake.

A. Kurwisana neutungamiriri hwaMwari chivi chikuru

1. Lucifer akarwisana naMwari nenyaya yekuda ukuru saka akakandwa pasi (1Isaiah 14, Ezekiel 28)

2. Mweya yasatani inoti mweya yekusaterera (vaEfeso 2:22)

3. Kurwira ukuru ndicho chivi chimwe chakaitwa naLucifer.

B. Aaaron, mukoma waMoses naMiriam, akawirirana naMiriam uye akataura pamusoro paMoses.

C. Kuda kwavo chaiko kwaiva kwekuti ivo ndivo vochitonga Israel.

1. Mwari akasarudza Moses kuti ave mutungamiriri.

2. Miriam naAaron vaisakwanisa kuwana zvigaro dai asiri Moses.

D. Vakatsvaga chavangasvora nacho Moses, saka vakamunyomba pamusana pekuti aiva asina kuroora muIsrael.

E. Kunyangwe Moses asina kunzwa kunyunyuta kwavo, Mwari akanzwa shoko rega rega rakataurwa naMiriam naAaron pamusoro paMoses.

1. Jesu akati taizopindurira mashoko edu.

2. Mwari anoona zvese zvatinoita.

F. Mwari akaita zvinhu zvakawanda zveutungamiriri panyika pano uye anotarisira kuti zvitevedzwe.

1. Mwari vakataura kuti vana vanofanira kuterera vabereki vavo.

2. Zvisinei kuti takura zvakadini, tinofanira kuva pasi pehumwe hutungamiriri.

II. Chivi chaMiriam chavhurira musiwo kuna satani kuti amurwise.

A. Dzimwe nguva kurwara kana zvirwere zvinouya pamusana pekusaterera.

B. Pamusana pekuti vaida Miriam zvisinei nekupokana kwake, Mwari vakasevenza naye pamusana pechivi chake.

1. Mwari vanoswatanura vanhu vavo neshoko ravo.

2. Mwari vakasevenza kuti vaswatanure Miriam, kwete kumuranga.

C. Mwari vakaunza Miriam, Aaron uye Moses kuTabenakare uko huvapo hwake hwaigara.

1. Akaudza Miriam naAaron kuti Moses aisangova muporofita chete nekuti aitaura naye vakatarisana kwete nezviroto uye zviono.

2. Mwari vakatsiura Miriam naAaron pamusana pekushora Moses nekuvaburitsa mukusaterera.

D. Apo huvapo hwaMwari hwakanyangarika, muviri waMiriam wese wakazara maperembudzi.

1. Satani anotsvaga nzira dzose dzaangawana nadzo vana vaMwari

(1 Peter 5:8)

2. Maperembudzi akauya mumashure mekunge uvapo hwaMwari hwaenda, kwete huchiripo.

3. Kurwara kwaMiriam kwakauya pamusana pechivi chake uye ruoko rwaMwari rwekuchengetedza rwakanga rwabva.

III. Miriam naAaron vakaita rubvumo rwehondo dzavo.

A. Aaron akazvininipisa akakumbira ruregerero kuna Moses.

1. Kana ukatadzira Mwari, mukumbire kuti akuregerere (1 Johane 1:9)

2. Kana ukatadzira hama muna Kristu, vakumbire kuti vakuregerere.

3. Kukumbira ruregerero kunoita kuti zvive zvakaoma kuti utadzire munhu iyeye zvekare.

B. Moses haana kuomesa moyo pamusoro pehanzvadzi yake, akanamatira kupora kwayo.

C. Mwari vakaudza Moses kuti maperembudzi aMiriam achange apera mumashure memazuva manomwe.

1. Pasi pechitenderano chekare, nguva yekugezwa kubva muuipi yaiva mazuva manomwe.

2. Miriam aifanira kugara kunze kwekwaigara vamwe kwemazuva manomwe.

3. Chidzidzo ichi chakamudzidzisa pamwe nevamwe kuti kupokana kunobvisa vanhu mumakomborero aMwari.

D. Mumashure memazuva manomwe, maperembudzi aMiriam akapera akadzoserwa kunzvimbo yake muIsrael.


Dzidziso yemweya


Ndinovharira satani musiwo.

Handiregereri chivi

Anokanganisa,

Kana ndikamuregera achipinda.

Saka ndinoti kwete kumiedzo,

Kuhasha, uye muzviito

Ndinofamba mumakomborero

Ndowana upenyu husingagumi.



DZORA PFUNGWA DZAKO


Kamutambo Chidzidzo chechipiri


Vatambi: Bennie naSally


Sally: Iwe, Bennie. Ndanzwa nezvako nhasi kuchikoro. Ichokwadi here?


Bennie: Nyarara, Sally. Usataure kana chinhu. Handidi kuti amai vazive.


Sally: Vanotozviziva.


Bennie: Wanditaurira here?


Sally: Kwete, handina kukutaurira. Mukuru wechikoro avafonera nguva yapera.


Bennie: Maiwe-e ndatova mudambudziko, Sally.


Sally: Waifanira kunge wafunga nezvazvo usati wapenga.


Bennie: Sally, hapana zvekuita. Dai mwana iyeye anga asina kudira pendi pamapepa angu, ndingadai ndisina kumurova.


Sally: Zvisinei unofanira kudzora pfungwa dzako.


Bennie: Hapana zvandaikwanisa kuita, Sally. Ndinokurumidza kushatirwa. Unoziva zvazviri mumhuri medu. Tese tine hasha. Baba vainetsekanawo nadzo apo vainge vachiri mudiki.


Sally: Zvingangodaro, asi vari kuzvidzora iye zvino uye havachashatirwa zvakanyanya sezvavaiita.


Bennie: Ndinozviziva Sally. Asi ndingoro mwana. pamwe pandinokura ndichakwanisa kuzvidzora.


Sally: Kana uchida kuzodaro, unotofanira kutanga kuzvidzidzira iye zvino.


Bennie: Asi handingazvikwanise Sally. Ndatojairira. Handikwanisi kuzvidzora.


Sally: Unokwanisa zvekare. Unokwanisa kuzvidzora patsika iyoyo.


Bennie: Handikwanisi, Sally. Handina chido chekuita izvozvo. Chero munhu akandikanganisira nekusaziva, ndinobva ndatopenga.


Sally: Unokwanisa kuzviregera chero nguva yaungafunga.


Bennie: Sei?


Sally: Nekudzora rurimi rwako.


Bennie: Rurimi rwangu? Rurimi rune chei chekuita nenyaya iyi?


Sally: Bhaibheri rinoti unokwanisa kudzora chero nhengo ipi yemuviri wako nerurimi rwako.


Bennie: Ndinokwanisa?


Sally: Ndizvozvo. Kana ukazvidzora pane zvaunotaura worega kuti haukwanise kuzvidzora.


Bennie: Zvakanaka, Sally. Kana zvirizvo zvazvinoreva, saka ndichazviedza. Asi handifunge kuti zvichaita zvakanaka.

(Pashure)


Bennie: Iwe, Sally! Iwe, Sally, huya kuno! Pane kanyanya kaduku duku kandinoda kuti nditaure newe. Zvinoita sekunge mavhiri adonha pamotokari yangu. Ndinoda kuziva kuti zvafamba sei. Sally, pinda muno izvozvi! Kana ukasauya muno, ndinoda kukubhura!

(Sally anopinda)


Sally: Unoda chii?


Bennie: Oh-o tarisa motokari yangu.


Sally: Uh, ndine urombo. Handina kuziva kuti ndizvo zvaiitika.


Bennie: Hauzive kuti ndizvo zvaitika? Unoita sei zvinhu usingazive? Unoziva kuti zvakandidyira marii kutenga motokari iyoyi?


Sally: Asi, Ndine urombo, Bennie. Handina kuzviita ndichida.


Bennie: Unoziva zvandichakuita here?


Sally: Ndinovimba hapana. Hausi kufanira kunge uri kushanda nepfungwa dzako here, kuzvidzora.


Bennie: Oh, Sally. Sei uchitaura zvakadaro panguva yakadai?


Sally: Pamusana pekuti ndiyo nguva yaunofanira kushanda nazvo. Haufanire kuzviregerera Bennie, tondera kuti unofanira kuzvidzora.


Bennie: Handidi kuzvidzora, Sally. Ndinoda kukurova pamuromo!


Sally: Zvisinei, ndapota Bennie usandirove pamuromo!


Bennie: Ndiri kunzwa kuda kukurova pamuromo. Wakanganisa motokari yangu yandinonyanyofarira.


Sally: Pamwe inogona kugadzirika. Pamusoro pazvo ndanga ndichirongedza mumba mako.


Bennie: Wanga uchigadzira mumba mangu mekurara? Sei uchingorutsa mashoko kudaro?


Sally: Zvisinei, ndaisada kudaro. Zvangoitikawo kuti yadonhera pasi. Ndanga ndichigadzira mumba mako saka hazvifanirwe kunyanyokunetsa.


Bennie: Wanga uchi-i?


Sally: Uh, huh.


Bennie: Ndanga ndisingazvizive kuti wanga uchigadzira mumba mangu kuti ndisapinde mumatambudziko? Ndanga ndichifunga kuti amai ndivo vamugadzira.


Sally: Kwete, ndamugadzira kuti usapinde mumatambudziko. Wanga uchaona nhamo svondo rino, dai mumba mako manga musina kugadzirwa. Saka ndakubatsira.


Bennie: Oh, zvakanaka, zvinopa mutsauko, sisi. Sally uri kutaura chokwadi! Ndave kuda kutanga kuzvidzora. Kubvira iye zvino zvichienda mberi, ndichashanda zvakasimba. Ndichaita zvose kubudikidza naJesu anondisimbaradza. Uye Sally ndine urombo nehasha dzandaita. Ndinofara kuti wandiyeuchidza zvekare. Ndinoda rubatsiro. Nerubatsiro rwaJesu, ndichazvidzora.



ALBERT NEGONYE


Ngano Chidzidzo chechipiri


(Chidzidzo chisati chatanga, uchishandisa tsono, ita mapuri muapuro asi usataridze vana kusvikira mumashure mechidzidzo.) (Tarisa muenzaniso)


Mhuri yemaapuro yaigara mumuti mudenga, mukaguta kadiki keAppleton. Appleton iri padyo nebhiriji reApplegate murwizi runonzi Cider. Pane miti mizhinji yemaapuro uye pane makonye akawanda zvekare.


Mhuri yemaapuro iyi yaisanganisira Abner nemukadzi wake, Ada, nevana vavo vatanhatu vanoti, Artie, Alfred, Alan, Annie, Arthur naAlbert.


Baba Abner vaigara vachiyambira vana vavo nezvemakonye. Vose vainyatsotereresa kusara kwaAlbert. Aiva asingatye makonye.


Baba Abner vakaudza vana vavo kuti vasarara pane makonye. "Unozomuka uchiona wadyiwa dyiwa nemakonye muviri wose wava nemaburi," akayambira.


Vana vose vakatevedzera yambiro yababa, kunze kwaAlbert. Aigara achikotsira kana baba vake vari kutaura.


Albert aiva mwana aisaterera. Akafunga pamusoro pemashoko ababa vake. Vanongotyawo ava, akafunga Albert. Handioni kuti kanhu kadiki kakadaro kangandikuvadze sei.


Albert aifunga kuti aiva akashinga uye kuchenjera kudarika baba vake.


Rimwe zuva masikati, kakonye kakauya pabazi apo Albert aive akakwira. Albert akatondera mashoko ababa vake, "Usarara pane makonye."


Gonye riya rakatanga kumubvunza. "Une makore mangani iwe? Une mhuri here?"


""Ndichiri apuro diki chose. Vamwe vangu vatanhwa kuti vaendeswe kumusika!" Albert akabvunza gonye. "Zviya, ndimi vaGonye, muri gonye rinodya maapuro?"


"Kwete handisirini," rakapindura gonye. "Ndinongodya maranjisi chete. Maapuro haandinakire."


Albert akabvuma zvose zvaaiudzwa negonye. Akabva atokanganwa mashoko ababa vake.


Apo zuva rakakwira makomo, Albert akanzwa kuneta zvikuru uye akada kurara. Albert nekufunga kuti aiva akachenjera zvikuru, akabvunza gonye zvekare. "Une chokwadi kuti hausi gonye rinodya maapuro?"


Gonye rakamuvimbisa zvekare, "Ndinongodya maranjisi chete. Handifariri maapuro."


"Ko sei, vaGonye muri kugara pabazi rino ipo pasina maranjisi? Hapana maranjisi pano."


Gonye rakapindura, "Ndingori pano kuti ndikuchengetedze. Ndinoda kuti kana makonye anodya maapuro auya ndigoadzinga apo unenge wakarara."


Gonye iri rine moyo wakanaka, akafunga Albert. Akanzwa kuchengetedzwa apo akarara. Akarara kwekanguva kakareba.


Apo Albert akarara, "gonye rine moyo wakanaka" rakamudya richisiya maburi maburi. Apo rainge rapedza kumudya kusvika paraida, rakananaira richienda.


Albert akamuka ari mukati mekurwadiwa kukuru. Oh-o kurwadziwa kwaiva kwakanyanyisa! Akatarisa ganda rake. Maiva nemaburi mese mese. Mukati make maiva maora. Upenyu hwake hwainge hwaparara. Aiva asingachakodzeri kuenda kumusika.


Akanga aterera kugonye rinonyepa. Oh, zvakarwadza Albert.



DZOKORORO


Chidzidzo chechipiri


Shandisai shoko


Kana watadzira Mwari unofanira kukumbira kanganwiro kubva kwaari. Kana watadzira hama kana shamwari munaKristu, unofanira kuvakumbira kuti vakuregerere. Izvi zvakaoma kuita asi zvinofanira kuitwa. Zvinodzosera ushamwari uye zvinoita kuti zvive zvakaoma kuvatadzira zvekare.


Ngatitorei kanguva tose tinamate kuna Mwari muchinyararire. Mubvunze kana paine munhu wawakatadzira uyo unoda kuti akuregerere. Mukumbire zvakare kuti akupe mukana uye ushingi hwekuzviita!


Mibvunzo


1. Miriam aiva neukama hwei naMoses?

2. Sei Miriam ainzwa godo pamusoro paMoses?

3. Ndiani akabatsirana naMiriam muhondo yake?

4. Ndiani aiva mupanduki wekutanga?

5. Miriam naAaron vakashoropodza Moses pamusoro pei?

6. Moses akanzwa here kunyunyuta kwavo?

7. Ndiani akanzwa zvose zvavakataura?

8. Aaron naMiriam vakazova vatungamiriri vakasimba sei muIsrael?

9. Mwari anotitarisira kuti tiite sei kuvatungamiriri?

10. Ndiriini watichange takura zvekusaterera vatungamiriri?

11. Ndiani akaita kuti Miriam ave nemaperembudzi?

12. Mwari vanoranga vana vavo sei?

13. Miriam akaita sei apo akaona mubairo wezvivi zvake?

14. Ndiani akakumbira Moses kanganwiro?

15. Moses akaitirei Miriam?

16. Miriam akava nemaperembudzi kwenguva yakareba zvakadini?

17. Aigara kupi mumazuva manomwe aya?

18. Kubviswa kwake muvanhu kwakarevei?

19. Mwari vaida here kuti Miriam arambe aine chirwere chemaperembudzi?

20. Kugadzirisa kwaMwari kunobatsirei?




VASORI VANE KUTENDA KWEMHASHU


Chidzidzo chechitatu


Ndima yekuverenga: Numeri 13 ne14


Chokwadi: Kutya kunokonzera kuti vanhu vaMwari vasawane rifa ravo.


Ndima yemusoro: II vaKorinte 5:7, "Nekuti tinofamba nekutenda hatifambi nekuona ...."


Kamutambo: "Sally anoita


Chidzidzo: Marudzi maviri evarume


Zvinodiwa: vaIsrael (200), Moses (203), Aaron (206), Kubwinya kwaMwari (207), Tabenekari (208), vasori vane gumi (210), Joshua (211), Caleb (212), mavhaini (213), hondo yemuvengi (214)


Kumudzidzisi


Chidzidzo chino chinotiratidza mutsauko pakati pevatendi nevasingatendi. Vasori gumi vakabvuma kuti Canaan yaiva nyika yakanaka asi vakapedza nguva yavo vachinyanyotarisa kuzvipingaidzo.


Joshua naCaleb vakabvuma kuti paiva nematambudziko aida kugadziriswa asi vakayeuchidza vanhu kuti Mwari anavo. VaIsrael vakapira makotsi vakanama nzira dzekuti vabatsirwe nadzo.


Kutenda kwese kune kakuzvipira uye kunyadziswa kana simba raMwari risina kuratidzwa. Zvakakosha kuziva kuti Mwari vataura here kana kuti havana. Kana ariwo mamiriro azvo, panenge pasina mubvunzo pamusoro pekuda kwaMwari, saka vaIsrael vainge vasina chekutya kurwisa Canaan. Vanhu ava vakarasikirwa nekukoshesa kwaMwari nekuti vaisada kubuda mavainge vegere zvakanaka sekuti dzimwe nguva kutenda kunoda kuti uitewo chimwe chinhu. Mwari akavabvumidza kuti vawane zvavaida, uye vakazoparara murenje nekusagamuchira zvaiva zvavo chaizvo.


Tsanangudzo


I. Mwari vakaraira Moses kuti atume vasori gumi muCanaan.

A. Moses akasarudza murume mumwe chete parudzi rwega rwega rweIsrael ndokuvatuma kunyika yechipikirwa.

1. Abraham, Isaac naJakopo vainge vagara nyika iyi kwemazana mana emakore.

2. Mwari ainge avimbisa vose vari vatatu kuti nerimwe zuva Canaan ichava nyika yavo yechizvarwa.

B. Vasori vakaona kuti ivhu racho rainge rakanaka zvikuru.

1. Vakawana michero yakawanda nembesa.

2. Mavhaini ainge akakura semapirichisi.

3. Mwari vanogadzirira zvakanyanyonakisa kuvanhu vavo.

C. Chikonzero chaMwari chekutumira vasori chaiva chekuratidza izvo ainge akavagadzirira, kwete kuti vaone kuti vangade kugarako here kana kuti kwete.

D. Pakupedzisira, mumashure memakore makumi mana ekutsvaga, vasori vakazodzoka kukamba yemaIsrael.

II. Vasori gumi nevaviri ava vakazoudza vanhu zvavainge vaona.

A. Vasori gumi vakabvuma kuti kwaiva nezvinhu zvakanaka kuCanaan asi vakaudza vanhu nezvevanhu vaive nemimhu mikuru uye vakasimba vaigarako.

1. Vaitya varume varefu vaigara muCanaan.

2. Vaiva vazere nekutya uye vakazadza vanhu vose nekutya.

3. Vakawedzera zvinetswa zvaivemo uye vakakanganwa kuti Mwari aida kuvabatsira.

B. Joshua naCaleb, vamwe vevasori ava, vakapa vanhu tarisiro nekuvakurudzira kuvimba naMwari.

1. Havana kuramba kuti nyika iyi yaiva izere nevarume varefu ava.

2. Panzvimbo yekutarisa nezvevarume varefu ava, vakaudza vanhu kuti Mwari aizovabatsira kuparadza varume ava.

C. Kutenda muna Mwari hakurambi kuti matambudziko ariko, asi kuti Mwari anokwanisa kutibatsire kuti tikunde matambudziko aya.

III. VaIsrael vasingatendi vakasarudza kuterera zvaiva zvataurwa nevasori gumi ava.

A. Nekuramba kuenda kuCanaan, vakapira makotsi kuzvivimbiso zvaMwari.

B. Vamwe vanhu vakatanga kutaura nezvekudzokera kuEgipita.

C. Kutya kwevanhu kwakabva kwava hasha, vakafunga kutaka Moses, Joshua naCaleb nematombo.

1. Vanhu vekusatenda vanoita kuti vanhu vekutenda vasagadzikane.

2. Vanhu vekusatenda vanopomera mhosva kune vamwe vanhu.

D. Nekuda kununura Joshua, Caleb, uye Moses, Mwari vakaratidza kubwinya kwavo muTabenekari kusvikira vanhu varasa matombo avo.

E. Nekuramba kupinda muCanaan, vaIsrael vainge vatyora chidzidzo chaiva chaitwa pakati paMwari naAbraham, Isaac naJakopo.

F. Mwari akaudza Moses kuti ainge apedza nemaIsrael asingatendi, asi Moses akanamata kuti Mwari avanzwire ngoni.

G. Mukusatenda munaMwari naMoses, vaIsrael vakafunga zvekuenda kuhondo nemaCanaanites uye maAmalekites.

1. Hapana chinotsiva kusaterera.

2. MaIsrael akarohwa nevavengi vavo vakatiza.



Dzidziso yemweya


Ndiri kufamba, ndiri kufamba

Ndinofamba nekutenda kwete nokuona.

Ndiri kutenda, ndiri kutenda

Matambudziko angu ose achapera.

Ndizere nesimba raMwari.

Ndizere neshoko raMwari.

Ndiri kutenda, ndiri kugamuchira

Zvivimbiso zvese zvandakanzwa.




SALLY ANOBUDIRIRA


Kamutambo Chidzidzo chechitatu


Vatambi: Sally, Moyo waSally, satani


Sally: (Akabata chidhori) Handizive kuti ndichaita sei, Chidhori. Handizive kuti ndichaita sei. Ndiri kutya. Ndine bvunzo mangwana kuchikoro uye ndinoziva kuti ndinofoira. Handifariri bvunzo. Sei vachiita bvunzo, Chidhori? Sei tichifanira kuva nebvunzo?

(Satani anopinda)


Satani: Iwe, mwana. Uchafoira bvunzo yako. Uchafoira zvakanyanya. (Anoseka)


Sally: Maiwe-e ndiri kutya ini. Ndinoziva kuti handimboita zvakanaka.


Satani: Ndizvozvo uchafoira mwana. Uri benzi. B-E-N-Z-I. Uri benzi uye haumbopasa.


Sally: Maiwe-e, ndinoziva kuti ndichatadza zviperengo. Ndinozviziva kuti ndizvo zvichaitika uye handizokwanisa kuenda kumwe kunhu kwemwedzi wese.


Satani: Ndizvozvo. Uchafoira, uri kuzofoira.



Sally: Ndinoshuva kuti kuti dai ndisiri kunyora zvangu bvunzo iyi.


Satani: Zvinoita sekunge basa rangu rafamba pano. Regai ndichienda. (Satani anoseka obva aenda)


Sally: Nhai Mwari, kudai ndawana rubatsiro. Handidi kufoira mubvunzo iyi. Ndiri kutya kuti ndingangofoira.

(Moyo unopinda)


Moyo: Iwe, mwana, zvirege izvo.


Sally: Mhoro Moyo,ndafara chaizvo kukuona.


Moyo: Zvisinei ndine nyaya yakanaka kwauri.


Sally: Ndeyei?


Moyo: Haufanire kufoira bvunzo iyoyo.


Sally: Handifanire?


Moyo: Hongu, haufanire!


Sally: Unoreva kuti ndinokwanisa kupasa?


Moyo: Hongu unokwanisa.


Sally: Asi ndiri kunzwa kunge ndichafoira.


Moyo: Iye zvino chimbomira kwekanguva. Wakaverenga here?


Sally: Hongu ndakaverenga.


Moyo: Zvakanaka chiregera kutaura uchidaro. Tanga kuti, "Ndinoita zvese, Mwari vachindibatsira."


Sally: Ndinoita zvese, Mwari vachindibatsira ? Zvinondibatsira chii izvozvo?


Moyo: Ishoko raMwari. Mune simba mushoko raMwari. Kana uchitaura shoko raMwari, rinoisa simba mauri. Une pfungwa dzaKristu, Sally. Haufanire kufamba uchitaura nezveupenzi hwako nekuti hausi benzi.


Sally: Asi hauzive zvandakaita mubvunzo dzezviperengo nguva yapera. Ndakafoira.


Moyo: Zvisinei hauchafoirazve iye zvino. Iye zvino uchabudirira . Une pfungwa dzaKristu. Unoita zvese kubudikidza naKristu anokusimbaradza.


Sally: Ndine pfungwa dzaKristu. Ndichaita zvese kubudikidza naKristu anondisimbaradza.


Moyo: Ndizvozvo. Iye zvino, panzvimbo yekufamba uchitaura nezvekutadza kwako, unofanira kupasa mubvunzo nekutaura shoko raMwari. Wazvinzwa?


Sally: Zvakanaka, Moyo. Ndatenda zvikuru.


(Moyo unopinda)

Ndicharamba ndichizvitaura. Ndinoita zvinhu zvose kubudikidza nemuna Kristu anondisimbaradza. Ndizvo zvandichaita izvozvo. Ndichapasa mubvunzo iri. Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza.


(Zuva rinotevera)


Sally: (Akabata chipepa mumaoko ake) Ndazviita! Ndazviita! Ndazviita! Tarisa uone ndagona zvose, Mwari ngaarumbidzwe! Ndinotenda, Jesu. Ndinofara zvikuru nekushandisa shoko raMwari. Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza.


(Sally anopinda)

Moyo: Zvashanda here mwana?


Sally: Ichokwadi zvashanda. Moyo ndinotenda chaizvo nekurudziro yako. Unoziva zvandichaita here?


Moyo: Chii?


Sally: Pese pandichaita bvunzo, chero pese pandichaomerwa, ndichataura shoko raMwari.


Moyo: Ndizvo zvaunofanira kuita. Shoko raMwari harikundikane. Kana uchitaura shoko raMwari, rinopa mibairo.


Sally: Ndichaita zvese kubudikidza naKristu anondisimbaradza.


Moyo: Ndizvozvo. Unofanira kutondera kuti pamusana pekuti una Jesu mauri uri mukuriri!


Sally: Ndiri mukundi nekuti ndina Jesu mandiri.


Moyo: Uye mwana wose anogona kuva mukundi kubudikidza naJesu ari maari. Ndichazokuona.


Sally: Zvakanaka, Ndinotenda, Moyo.


(Moyo anobuda)

Ndinofara zvikuru nekuti ndine moyo wakanaka. Zvakakosha kuisa mashoko aMwari mumoyo mako, uye kana wofunga nezveshoko raMwari zvinokubatsira kuti uve wakanaka.


(Satani anopinda)

Satani: Iwe mwana. Uchafoira bvunzo dzemasvomho mangwana.


Sally: Uh, oh, ndabva ndafunga chimwe chinhu. Ndine bvunzo dzemasvomho mangwana.


Satani: Ya-h uye uchaifoira.


Sally: Asi ndichaita zvakanaka! Ndinoita zvese kubudikidza naKristu anondisimbaradza!


Satani: Uh, oh. Ndinoziva kuti uchafoira zvinotyisa.


Sally: Ndinoita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza!


Satani: Hapana chandichakwanisa kuita pano apa, regai ndiende.


(Satani anobuda)

Sally: Ndichaita zvose kubudikidza naKristu anondisimbaradza!



MHANDO MBIRI DZEVARUME


Chidzidzo chechitatu


Ndima yekutarisa: Mapisarema 1:6. "Nokuti Jehova unoziva nzira yevakarurama,asi nzira yevakaipa ichaparadzwa."


Zvinodiwa: Gaba rimwe resoda, magirazi maviri asina maruva nezviso netsoka, vinegar, mushonga wakasvibirira wekupenda zvidyiwa, magiraza ekunwira mvura maviri nechipuni chidi chekukurungirisa.


Gadziriro: Gadzira chiso chakafaranuka uye chiso chakasuwa kubva kumapepa akasimba emanira. Zvimise pamusoro pemagirazi. Gadzira tsoka ina uye dziise pasi pemagirazi uchiita kuti chidivi chekumashure kwetsoka chisabudikire.


(Tarisa muenzaniso)Dira mushonga uya wekupenda chikafu mugirazi rine kumeso kwakasuruvara. Dira soda mugirazi rine kumeso kwakafaranuka. Zadza rimwe girazi nemvura. Zadza rimwe nezvikamu zviviri zvemvura uye chikamu chimwe chevineger. Isa magirazi ane zviso pamberi petafura yako. Isa mamwe magirazi kune rumwe rutivi.


Chidzidzo


Nhasi ndinoda kukuratidzai kuti kune marudzi maviri evanhu panyika pano. Kune marudzi evanhu akawanda. Kune vafudzi vemombe, vadzimuri vemoto, vana chiremba, masoja, vavezi, vaparidzi, madzishe, vanokumbira, vashambadzi uye mapurisa asi tinongori nemarudzi maviri evanhu. Kune vatendi nevasi vatendi ndivo chete.


Chii chinonzi mutendi? Mutendi munhu anotenda shoko raMwari pane zvinhu zvese. Vamwe vanhu vanotenda muzvinhu zvakaipa. Vanotairisa kurwara, kuva varombo, kukurirwa uye kunetsekana. Mwari vakatipa shoko ravo kuitira kuti tive vatano, tibudirire, tikunde uye tive nerunyararo. Vanhu vanotora shoko raMwari sechokwadi, vatendi. Vasingatendi vanoita zvakasiyana. Havashandise shoko raMwari.


Mune nyaya mubhaibheri iri pamusoro pevarume gumi nevaviri vakatumwa naMoses kuCanaan kuti vanoongorora kuti vaIsrael vangarwisa sei nyika iyi. Mwari aiva atotaura kare kuti nyika iyi ndeyavo, uye kuti ainge achavabatsira kuitora. Vasori gumi ava vakaenda muCanaan vakaona maguta ari mumidhuri uye varume varefu vakagwinya. Vakaona zvhinhu zvakanaka zvakawanda. Maiva nemapazi makuru emavhaini nezvimwewo zvakasiyana siyana zvekudya. Vasori vakadzokera kunotaura zvavainge vaona. Vasori gumi vaiva vasingatende. Vaitya zvinhu zvakaipa zvavainge vaona uye vakarambidza maIsrael kuti vasaende kunyika iyi. Vasori vaviri vaitenda shoko raMwari. Havana kumboita hany'a nevarume varefu ava uye kuchengetedzwa kwemaguta avo.


Saka, iye zvino tine magirazi maviri pano akamirira vanhu vaviri. Chiso chiri mugirazi iri chakasuruvara nekuti hachizive shoko raMwari. Kana miedzo yenyika yasimba paari, haazoziva zvekuita. (Dira mvura mugirazi rine chiso chakasuruvara). Kana miedzo youya, anoshanduka achisvibirira. Anoshandura ruvara pamusana pekuti haakwanise kuona mhinduro kumatambudziko ake. Munhu asingatendi.


Rimwe girazi rine matambudziko zvekare. Vatendi vane matambudziko anovawira sezvinongoitawo vasingatendi, asi vane mhinduro. Vatendi vakazadzwa neshoko raMwari uye vanoziva kuti rinovadzivirira zvakanyanya. (Dira vinegar uye mvura mugirazi rine chiso chakafaranuka. Inofanira kufufumuka nekuvira) Shoko raMwari muvatendi rinosimuka uye rine simba rekurwisa dambudziko.


Shoko raMwari rinofufumuka uye rinomhanya mukati medu kana tikariregera richibuda mumiromo medu. Shoko raMwari rinoti," Kubva mukufashukira memoyo, muromo unotaura." Rega shoko raMwari rizadze moyo wako. Ritaure nguva dzose apo miedzo inouya.


(Kusimbaradza chidzidzo, ipa vana muenzaniso weshoko raMwari pamusoro pemiedzo sekuti: 1 Peter 2:24 zvinofanira kubuda mumuromo mako kana chirwere chouya. "Nemavanga ake ndakaponeswa." )


Kana vinegar nemvura zvisina kukonzera soda kuti ifufumuke, kurunga nechipunu. Zvakanaka kusanodzidzira chikamu chino chechidzidzo usati wazviitira vana.



DZOKORORO


Chidzidzo chechitatu


Shandisai shoko


Wakambonzwa here muenzaniso unenge waCaleb naJoshua, apo unoziva kuti nesimba raMwari unokwanisa kuita chimwe chinhu, asi hapana akazvitenda? Wakanzwa sei? Chii chakaitika?


Mibvunzo


1. Vasori vangani vakanzi naMwari, Moses atume kuCanaan?

2. Moses akasarudza sei vasori ava?

3. Mwari akatanga kuvimbisa nyika yeCanaan kunaani?

4. Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvakawanikwa nevasori kunyika iyi?

5. Zvii zvinhu zvakaipa zvavakaona?

6. Nemhaka yei Mwari akatuma vasari ava kunyika?

7. Vasori vakagara kunyika iyi kwenguva yakareba zvakadini?

8. Vasori vangani vakapa nhoroondo yaityisa?

9. Nhoroondo yavo yainyanyosimbisa chii?

10. Vasori vapi vakapa nhoroondo yakanaka?

11. Joshua naCaleb vakaramba here kuti kwaiva nevarume varefu?

12. Kutenda kunoramba here kuti tine matambudziko?

13. Kutenda kunonongedzera chii?

14. VaIsraelite vakabvuma sei?

15. Vakatyora chitsidzo chavo naMwari sei?

16. Vanhu vakashungurudza sei Moses, Joshua naCaleb?

17. Mwari akanunura sei varume vekutenda?

18. Chii chinovhundutsa vanhu vekusatenda?

19. VaIsrael ava vakazopinda here munyika yechipikirwa?

20. Ndeupi hurema hwakaitwa nevanhu panzvimbo pekuterera Mwari?




KORAH ANODZIDZA NENZIRA YAKAOMA


Chidzidzo chechina


Ndima yekuverenga: Numeri 16:1-35


Chokwadi: Mwari havafarire kupandukirana.


Ndima yemusoro: Numeri 14:9a, "Asi regai kumukira Jehova........"


Kamutambo: "Handisi kuenda"


Chidzidzo: Chii chakaitika kuna Taka Mafuta?"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Moto (202), Moses (203), Aaron (206), Kubwinya kwaMwari (207), Tabenekari (208), Korah (215)

Kumudzidzisi


Chidzidzo chino chinotiratidza uipi hwekupandukirana. Chero nhasi, kupandukira Mwari neutungamiriri hwake chimwe chinhu chiri kunetsa mumasangano. Kusakudza vabatsiri vaMwari kuri kuuraya masangano akawanda kupfuura mamwe masimba ese angaunzwe newakaipa.


Kupandukirana kunokurumidza kutanga muupenyu. Kana vanhu vechidiki vakanga vasina kunatsodzidziswa zvakakwana pamusoro peutungamiriri hwaMwari, vanodzidza mweya wekusaterera pakarepo nekuti unotonga nyika.


Iva nechokwadi kuti wanatsotsanangura kuti vapanduki havana kwavanoenda nezvivi zvavo. Kuita kwemabasa avo kunobuda pachena nezviito zvavo pamwe chete.


Tsanangudzo


I. Korah akafunga kutora utungamiriri hwaMoses naAaron.

A. Korah aiva muRevi uye akasevenza muushumiri muTabenekari yaMwari.

B. Akakura aneta nekutevedzera mirairo uye akatanga kupokana pamusoro pehutungamiriri hwaMoses naAaron.

1. Airamba achiti Moses naAaron vakange vazviisa pazvinzvimbo kuti vatungamirire Israel.

2. Akapomera Moses zvinhu zvakawanda uye akataura kuti mumwe munhu aifanira kutonga Israel.

C. Mumoyo make Korah aida kuva iye mutungamiriri weIsrael uye aiva akazvipira kuparadza Moses kuti azadzikise zvido zvake.

1. Satani ndiye aiva mubatsiri wezvido zvaKorah uye aida kubvisa Moses nekuti ndiye aiva sarudzo yaMwari kutungamirira Israel.

2. Pamusana pekusagutsikana, Korah akatadza kuziva kukosha kwebasa rake semuRevi.

II. Moses naAaron vakasarudzwa naMwari kuti vatungamirire Israel.

A. Mwari voga ndivo vanokwanisa kudana mukadzi kana murume muushumiri.

B. Moses akagashira kudanwa kwake naMwari makore mazhinji akapfuura paakaona gwenzi richipfuta.

C. Ushumiri hwaMoses hwaiva hwakabvumidzwa pamusana pekuti Mwari vakaropafadza utungamiriri hwake.

1. Zviratidzo uye zvishamiso zvakatevera kuparidza kwake.

2. Zvinhu zvaakataura zvakasvika pakuzadzikiswa.

3. Apo Israel yakamutevera, vakaropafadzwa.

D. Hatifanire kushora vatungamiriri vedu.

1. Mwari vanotarisira kuti munhu wese aterere vatungamiriri.

2. Kunze kwekunge mutungamiriri atitungamirira kuti tisateverera Mwari, tinofanira kuterera mirairo yake.

E. Korah akafurira vamwe vanhu mazana maviri ane makumi mashanu, vaiva nemoyo yakaipa nokuvanyengetedza kuti vatorere Moses utungamiriri.

1. Vapanduki havadi kupanduka vega pachavo asi vanoda kuedza kutora izvo zvakaropafadzwa naMwari.

2. Vatungamiriri vechokwadi vanobvumidza Mwari kuti avaite vatungamiriri kwete kubvuta masimba.

III. Mwari haaregi kumiririra avo anenge apa hutungamiriri.

A. Moses akadenha Korah uye vateveri vake kuti varege Mwari varatidze kuti ndiani aifanira kutungamirira Israel.

1. Mapato ose ari maviri akaunza rusenzi kuTabenekari.

2. Uvapo hwaMwari hwaiwanikwa muTabenekari, saka vaida kuuya pamberi paJehova.

B. Kubwinya kwaMwari kwakaonekwa, uye akaudza Moses kuti atize nekuti kuparadzwa kwainge kwauya.

C. Moses akakumbira Mwari kuti vachengetedze Israel uye kuti vashande chete neavo vainge vaita zvivi.

1. Moses aiva mufudzi wechokwadi nekuti aikoshesa huvapo hwevanhu.

2. Vatungamiriri venhema vanongori nebasa nekuva nesimba pamusoro pevanhu.

D. Moses akaporofita kuti kana ari iye mutungamiriri waMwari wechokwadi, pasi paizovhurika pachimedza vapanduki.

E. Mumashure mekunge Moses achangopedza kutaura, pasi pakavhurika pakamedza Korah, Dathan naAbiram nevamwe vemumhuri idzi vainge vapandukawo.

F. Pashure pazvo varume mazana maviri ane makumi mashanu vainge vapanduka pamwe naKorah vakaparadzwa nemoto.


Chidzidzo chemweya


Kana mai vakandidana, ndinoenda.

Ndinoita zvavanoda.

Ndinoterera baba vangu nomudzidzisi wangu zvekare.

Kana ndikaterera ndinokomborerwa,

Saka handiregi kuterera.

Kupanduka, chivi.

Chinokumedza



HANDISI KUENDA


Kamutambo Chidzidzo chechina


Vatambi: Billy, Mudzidzisi


Billy: Ndiri kuvhunduka zvikuru. Sei ndakaita chinhu chakapusa kudaro?


Mudzidzisi: Chii chiri kunetsa Billy? Unotaridzika seuri kutambudzika.


Billy: Ndiri kutya, Mudzidzisi.


Mudzidzisi: Chii chanetsa?


Billy: Ndinofunga ndichaenda kugehena.


Mudzidzisi: Chii? Sei uchifunga zvakadaro?


Billy: Ndakatuka mukoma wangu nemashoko akaipa nezuro manheru. Kana amai vakazvinzwa vachandizvambura chokwadi.


Mudzidzisi: Waisafanirwa kutaura mashoko iwawo Billy. Moyo wako uri kukutsiudza nezvawakaita.


Billy: Ndave kuzviziva iye zvino. Usiku hwapfuura ndakava nechiroto chinotyisa. Ndakarota ndafa, mweya wangu ukaenda kugehena. Zvinotyisa.


Mudzidzisi: Zvisinei, usafunge nezvazvo zvekare. Hausi kuenda kugehena.


Billy: Asi ndakaita chimwe chinhu chakaipa.


Mudzidzisi: Billy, chivi chimwe chete hachikonzere kuti urasikirwe nechipo chaMwari cheruponeso. Uri mutendi. Mutendi haaraswe mushure mekuita chivi chimwe.


Billy: Saka zvinoreva here kuti zvaiva zvakanaka kuti ndinyepe?


Mudzidzisi: Kwete, hazvina kunaka kuti unyepe. Unofanira kukumbira kanganwiro yaMwari. 1 Johane 1:9 anoti, "Kana tichireurura matadzo edu, iye wakatendeka wakarurama nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu nokutinatsa pakusarurama kwedu."


Billy: Saka Mwari vachandiregerera, kana ndikareurura zvivi zvangu?


Mudzdzisi: Zvakanaka, Billy. Mwari ari kuita zvose zvaangagona kuti vanhu vasaende kugehena. Hapana waanoda kuti aende ikoko.


Billy: Maiwe-e, kwekanguva, ndakafunga kuti ndichaenda.


Mudzidzisi: Waida kuenda here?


Billy: Kwete!


Mudzidzisi: Saka haufanire kuenda. Vanhu vanoenda kugehena vanosarudza kuendako.


Billy: Ndiko kupenga! Sei umwe munhu achida kuenda kugehena?


Mudzidzisi: Havazive kwavari kuenda. Asi vanosarudza kuti kwete kuna Mwari. Kana munhu asingadi kugashira Jesu saMambo, anosarudza gehena.


Billy: Ndiko kupenga chaiko. Handinganzwisisi kuti sei munhu achiti "Kwete" kuna Mwari.


Mudzidzisi: Satani anonyepera vanhu nezvaMwari. Anoudza vanhu kuti zvakaoma kuvemuKristu. Anoudzavanhu kuti hapana chinhu chinonzi gehena.


Billy: Asi bhaibheri rinotaura kuti kune gehena.


Mudzidzisi: Asi havasi vanhu vose vanotenda kubhaibheri. Vanhu vakawanda vanongofunga kuti ringori bhuku rengano.


Billy: Zvisinei, ndave kuziva. Handichazonyengedzwi zvekare nasatani.


Mudzidzisi: Akakunyengedza manheru anezuro.


Billy: Uh, Ndinoziva kuti akazviita. Asi ndave kubuda mumusungo wake. Ndiri kukumbira Mwari kuti vandiregerere.


Mudzidzisi: Ko mukoma wako?


Billy: Ndichaenda kunomuudza kuti ndine urombo nezvandakaita.


Mudzidzisi: Billy, uri mwana akanaka.


Billy: Ndinotenda, Mudzidzisi. Handichazobvumidza satani kuti ave nemukana zvekare muupenyu hwangu hwese! Zvekare handisi kuenda kugehena!




CHII CHAKAITIKA KUNA TAKA MAFUTA


Ngano Chidzidzo chechina


Taka Mafuta ndiye aiva mwana asina hunhu hwakanaka pachikoro chese, uye Fungai ainge atobvisa pfungwa yekuda kunomushumira. Vana vese vemugwaro rechitanhatu vaiziva kuti Taka aive akaomesa musoro. Aigara achingorwa nevanhu mumashure mezvidzidzo uye hapana kana musi mumwe chete waakakurirwa.


"Chingava chinhu chakanaka chose kuti ndiende kunotaura naTaka," akadaro Fungai achitaura ega. "Handina kukwanisa kurara kweusiku huviri. Mwari vari kuramba vachitaura neni pamusoro pekunomuparidzira. Handizivi kuti sei?"


Apo Fungai akafamba achidzika zvake nenzira, akaona vakaomana vakawanda vakamira vakaita denderedzwa. Vainge vachikuza nekuridza mhere kuvana vaiumburuka pasi. Kwaiva kurwa.


Fungai akamhanya kuti anoona kuti ndivana ani vairwa. Aiva Taku Mafuta nemukomana mukuru wechikoro chevana vakuru. Kunyangwe zvazvo mukomana uyu aiva mukutu kunaTaka, aisakwanisa kuvhika zvibhakera zvaTaka.


Fungai akadakuti afambe achienda zvake asi chimwe chinhu chakamutadzisa kubvapo. Akatendukazve achitarisa vairwa ava akaona mukomana mukuru ave kubuda mututu. Hembe yake yainge yabvarurwa uye maziso ainge asvibirira. Asi painge pasina kana kumarwa pana Taka.



Fungai ainge ave kuda kuenda apo mukomana mukuru akanonga simbi. Pasina ati ataura mukomana mukuru akabva arova Taka nayo mumusoro. Taka akabva apunzikira pasi.


Vana vainge vakamboungana vachiona, vakabva vamhanya kumativi ose. "Ngatitizei!" akadanidzira mumwe apo akapfuura nepaiva naFungai.


Pakutanga Fungai akamboda kutizawo asi akazofunga kuti Mwari vaida kuti abatsire Taka Mafuta. Fungai akamhanya ndokupindura Taka. Fungai akamutarisa kumeso. Pakarepo Fungai akaona kuti Taka akanga asingachafemi.


"Ah- kwete!" akadaidzira Fungai. Akasvetuka kuti amhanye kunotsvaga rubatsiro. Apo akatarisa muviri waTaka, Fungai akanzwa mweya wake uchitaura izwi rimwe chete kakawanda, "Jesu! Jesu! Jesu!"


Akamira ndokubata Taka ruoko akaona pasina tsinga yaifamba. Fungai akaziva kuti Taka ainge afa. Zvekare aisakwanisa kumusiya. Fungai akatanga kuita chinhu chimwe chaanenge afunga panzvimbo.


"Rufu!" akadaidzira. "Ndinokutsiura nezita raJesu. Haukwanise kuva naTaka Mafuta. Handingamuregi achifa, nezita rajesu." Hapana chakaitika. Muviri waTaka hauna kushanduka.

Fungai akadzokorodza mashoko aya kakawanda. Akazoziva kuti Mwari ndiye aitaura maari. Akashamisika nekuti maiva musina kana kutya maari.


Kekupedzisira, Fungai akatarisa kumeso kwaTaka akataura, "Ndinoti rarama, Taka Mafuta, nezita raJesu."


Pakarepo Fungai akaona kubwaira kuziso raTaka rekuruboshwe. Akabata Taka ruoko akaona kuti ropa rainge rofamba. "Mwari ngaarumbidzwe!" akadaidzira Fungai.


Mumashure mezvo, maziso aTaka akavhurika, uye muromo wake wakatanga kutamba tamba. Akatanga kuchema achizvikandira mumaoko aFungai. "Mwari akuitire zvakanaka Fungai," akachema Taka. "Mwari ngaakuitire zvakanaka. Mwari ngaakuitire zvakanaka."


Fungai akashamiswa, akanga asati ambonzwa Taka achitaura zvakadai. Taka akatarisa mumaziso aFungai ndokubvunza, "Fungai ndanga ndafa, handiti?"


Fungai haana kuda kubuda pachena, "Hongu, Taka," akazobvuma pekupedzisira. "Ndinofunga wanga wafa."


"Ndinoziva kuti ndanga ndafa," akadaro Taka. "Ndinofara chaizvo kuti handina kuzonatsofa, Fungai. Ndapotsa ndaenda kugehena. Zvanga zvakaoma!"


"Chii?" akabvunza Fungai.


"Ndanga ndava kutoenda kugehena," akadaro Taka. "Mweya wangu wabuda mumuviri mangu ndikaenda nemanga muine chiutsi chakakora zvekuti changa chichitondikachidza. Fungai, ndakaona marimi emoto uye kwese kwaiva nevanhu vairidza mhere."


"Ndakakunamatira," akadaro Fungai. "Mwari vakandituma kuti ndikunamatire."


"Ho-o, akadaro Taka, "Izwi raMwari rakandidana kuti ndidzoke. Akataura kuti Fungai haaizondirega ndichifa. Fungai wakabatsira mweya wangu."


"Jesu akakuponesa, Taka," akadaro Fungai. "Izita rake randakashandisa kukudzora kuupenyu."


"Ndinofara kuti wakazviita," akadaro Taka. "Ndakapotsandatoenda kugehena zvachose. Mwari vakandiudza kuti nditerere kwauri, Fungai. Aklataura kuti uchandiudza kuti ndingaponeswa sei."


Fungai akanyemwerera. Ainge akamirira nguva iyi!




DZOKORORO


Chidzidzo chechina


Shandisai shoko


Muchidzidzo chedu, Korah akamukira Moses pamusana pekuti akaneta kutererera nguva dzose. Aida kuva ndiye mutungamiriri.


Kutongwa kwakauya paari pamusana pemaitiro ake.


Wakambonzwa kuneta here nekuterera nguva dzose? Chii chawakaita kuti usapanduka?


Mibvunzo


1. Ndiani akafunga kumukira Moses naAaron?

2. Korah aiva chii muIsrael?

3. Chii chaakapomera Moses naAaron kuti vaiita?

4. Mumoyo make, Korah aida chii?

5. Ndiani aiva mukonzeri wezvido zvaKorah?

6. Korah aikwanisa kukomborerwa sei?

7. Ndiani akadana Moses naAaron kuti vatungamirire Israel?

8. Moses aivepi paakadanwa naMwari?

9. Mwari vakazviratidza sei kekutanga kunaMoses?

10. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvairatidza kuti Moses akatumwa naMwari?

11. Ndiani anofanira kuterera kuvatungamiriri?

12. Tinoterera here mutungamiriri anotiita kuti tisaterera Mwari?

13. Tinofanira kuparadza vatungamiriri vedu here kana vakanganisa?

14. Vatendi vanofanira kusvora vatungamiriri vavo here?

15. Korah akachengeta kupanduka kwake paari oga here?

16. Moses akati chii kuna Korah kuti varatidze kudanha kwake?

17. Moses akati chii chaizoitika kunaKorah?

18. Chiporofita chaMoses chakazova chokwadi here?

19. Chii chakaitika kuvarume mazana maviri nemakumi mashanu vaiva naKorah

pakupandukira Moses?

20. Moses akaratidza sei kuti ndiye aiva mufudzi wechokwadi kuvanhu?




CHISHAMISO PAMUDONZVO WAAARON


Chidzidzo chechishanu


Ndima yekuverenga: Numeri 17:1-18:8


Chokwadi: Kana Mwari vapa munhu basa, vanomutungamirira nekumukudza.


Ndima yemusoro: 1 Samuel 15:23, "Nokuti kumukira Jehova kwakafanana nechivi chekuvuka uye kusindimara kwakafana nokunamata zvifananidzo neterafini."


Kamutambo: "Mununuri"


Chidzidzo: "Hazvibatsire kutyora murawo."


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Moses (203), Aaron (206), Atari nechipiriso (216), gumi remitemo (217), tsvimbo yaAaron (218)


Kumudzidzisi


Chishamiso pamudonzvo waAaron chinoratidza kumuka kwaJesu Kristu. Jesu, saAaron , akarambwa nevanhu vakawanda muIsrael. Chiratidzo chaMwari chekumubvuma chakava chekupa upenyu hutsva kumudonzvo wake, zvichiita kuti umere mashizha uye zvibereko.Chiratidzo chaMwari chekubvuma Jesu chaiva chekumumutsa kubva kuvakafa.


Mudonzvo waAaron wakaradzikwa pamberi pemirairo ine gumi yainge yakamirira mutemo waMwari. Mudonzvo wake wakadzokera paupenyu asi yevamwe yakabva yaramba yakafa. Jesu akafa pasi pemurairo akamutswa kuupenyu hutsva, zvichireva kuti akanga asina kumbobvira atadzira mutemo uye aive auzadzikisa. Iva nechokwadi kuburitsa pfungwa iyi pachena apo unodzidzisa chidzidzo ichi.


Tsanangudzo


I. Pakapera kudenhwa kwaMoses, kusawirirana kwakatanga zvekare pana Aaron.

A. Mwari ainge audzakuti aite Aaron mupirisita mukuru weIsrael.

B. Mupirisita mukuru ndiye aiva mutauri pakati peIsrael naMwari panguva dzemipiro.

1. Mwari vakaita mitemo yaida mipiro yemhuka semubhadharo wezvivi.

2. Zvipiro izvi hazvina kuchenesa vanhu kubva muzvivi.

3. Chikonzero chemipiro iyi chaiva chekuratidza vanhu kuti chivi chinofanira kurangwa.

4. Mipiro iyi yairatidza zvakazotevera pashure zvekuti mwanakomana waMwari aizofira pachipiyaniso.

C. Semupirisita mukuru Aaron aitungamirira vamwe vapirisita uye vaRevi vaimubatsira muTebenekari yaMwari.

D. Vatungamiriri vakawanda vakatanga kusvora Aaron uye vakada kumubvisa pachigaro.

1. Mwari akaisa Aaron pachinzvimbo chemupirisita mukuru. Aaron haana kuzvisarudza.

2. Mweya mumwe chete wekumukirana wakambopinda muvanhu pamusana paMoses wainge wave pana Aaron.

E. Pamusana pekusaziva, chero vanhu vaMwari vanokwanisa kushandiswa nemweya yakaipa kana vasina kunatsozvipira kuna Mwari.

1. Pane imwe nguva, Simon Peter nekusaziva akashandiswa nasatani kudzivisa Jesu kuti aende pamuchinjikwa. (Marko 8:31-33)

2. Pauro anotaura kuti tinorwisana nemasimba emweya kwete nevanhu chete (VaEfeso 6:12)

II. Mwari akaudza Moses kuti agadzirise dambudziko iri.

A. Mwari anogara aine nzira yekuti vanhu vake vasapinde mukuedzwa.

(1 vaKorinte 10:13)

B. Mwari akatuma Moses kuti aunganidze midonzvo yevatungamiriri vose vemarudzi gumi nemavari eIsrael.

1. Mudonzvo waiva usiri mudzonzvo chete, asi waiva chiratidzo chemasimba pamusoro pemarudzi ose.

2. Moses akaterera mirairo yaMwari.

C. Moses akatora mudonzvo waAaron pamwechete nemimwe, akairadzika pamabwe paive pakanyorwa mitemo ine gumi.

1. Mitemo ine gumi yainge yakachengetwa mukati meAraki yesungano.

2. Araki yesungano yaiva paigara uvapo hwaMwari.

3. Araki yaichengetedza panzvimbo yainyanyoyera muTabenekari.

III. Mwari vakabva varatidza ushumiri hwaAaron kuvanhu.

A. Apo Moses akatora tsvimbo dziya zuva raitevera, akaona kuti tsvimbo yaAaron yaiva yamera mashizha uye michero.

1. Muti wakaoma wakava mupenyu pamusana pesimba raMwari.

2. Chishamiso ichi chairatidza kumuka kwaJesu kwaizoitika pamberi.

B. Mwari vakataura naAaron uye akamuyeuchidza kuti ndiye aiva amupa chinzvimbo chekuva mupirisita mukuru weIsrael.

C. Zvino, Mwari vakatuma varume vose verudzi rwaRevi kuti vabatsire Aaron mubasa reupirisita.

D. Mwari akaudza vanhu veIsrael kuti vanamatire muTabenekari yake vachipa mipiro.

1. Aaron nevana vake vakapa mipiro.

2. Vanhu vose vaiziva kuti Mwari vainge vasarudza Aaron.

E. Jesu ndiye mupirisita wedu mukuru. Mwari akaratidza kufarira Jesu uye mupiro wake nekumumutsa kubva kuvakafa.


Chidzidzo chemweya


Uri Mwari wevanorarama.

Unoita zvinhu zvese zvive zvitsva.

Zvisinei ndinoda chishamiso,

Jehova, ndinovimba nemi.


Wakatora chimuti chakaoma

Ukachiita kuti chive chinyoro uye chikure.

Wakatora moyo wangu wakaipa

Nekuchiita kuti chichene sechando.




MUNUNURI


Kamutambo Chidzidzo chechishanu


Vatambi: Aaron, Mubvunzi wechikadzi


Mubvunzi: Nhasi tine rombo rakanaka kuva nemurume akatendeka waMwari. Munin'ina wemuporofita mukuru uye murume akatendeka. Chingamidzai mupirisita mukuru wekuIsrael , Aaron.


(Aaron anopinda)

Aaron: Mangwanani, ndinofara kuva nemi.


Mubvunzi: Tinofara chaizvo kuti watora nguva yako kuti uve nesu pachirongwa.


Aaron: Hurukuro yakabvira iriyo imwe yezvinhu zvandinonyanyo farira.


Mubvunzi: Ndanga ndichidzidza pamusoro peupenyu hwako.


Aaron: Ruzivo maererano nezvangu waruwana kupi?


Mubvunzi: Mubhaibheri mumabhuku akanyorwa naMoses?


Aaron: Unoziva ndinogara ndichinetsekana kuti akazopedza here kunyora mabhuku iwayo, asi handina kumbofunga kumubvunza. Akanyorwa zvakanaka here nekuti akatora nguva yakareba achinyora.


Mubvunzi: Hongu akanaka zvikuru. Akafemerwa neMweya Mutsvene uye chibande cheshoko raMwari.


Aaron: Saka akaita zvakanaka, ndinofara kuzvinzwa.


Mubvunzi: Ndaida kukubvunza kuti wakambo netsekana nevana veIsrael here?


Aaron: Kunetsekana? Hongu ndakanetsekana. Dzimwe nguva, ndaitsamwa zvekuti ndaikungura kuvadira huchi ndichivaumburudza mumavhu. Ndaidai ndakatorova vamwe vevakuru vechechi.


Mubvunzi: Sei waibva wapenga kudaro?


Aaron: Ndaipenga nekuti vaindisvota zvikuru. Vakapopota pamusoro peshiri. Vakapopota zvekare pamusoro pemanna. Vamwe vanhu vaipengereka ava vaitoda kuuraya Moses neni uye kuti vatonge nyika yose pachavo.


Mubvunzi: Zvinorwadza chaizvo!


Aaron: Moses aiva nenyasha nevanhu ava. Akavanamatira nguva dzose.


Mubvunzi: Wakavanamatirawo here?


Aaron: Hongu. Ndakapa mipiro pamusoro pavo kakawanda.


Mubvunzi: Ungaudze vatereri here kuti chii chakaitika apo vanhu vaida kuti iwe naMoses mubve pazvigaro ivo vatonge Israel.


Aaron: Ndingafare chaizvo. Unoona, Jehova vakaudzaMoses kuti anga pedza sei dambudziko iri. Akadaidza Moses neni kuti titungamirire vanhu. Hatina kuzviisa toga pazvinzvimbo izvozvo. Vamwe vakaguma votaura kuti Mwari havana kutidana. Saka Mwari akaudza Moses kuti aunganidza tsvimbo dzevakuru vose.


Mubvunzi: Saka chii chakazoitika?


Aaron: Mumashure mekunge Moses aunganidza tsvimbo dzose pamwe chete neyangu, akadziisa pamusoro pemitemo ine gumi panzvimbo inoyera iri muTabenekari.


Mubvunzi: Zvakaratidzei?


Aaron: Mangwanani, apo Moses akatora tsvimbo, yangu yaiva nemashizha. Tsvimbo yangu yaiva nezvibereko.


Mubvunzi: Mwari akakurwira, sandizvo here?


Aaron: Nguva dzose apo vanhu vaipopota pamusoro pedu, Mwari vaitirwira.


Mubvunzi: Mwari vanorwira vanhu vavo vakatendeka. Mupirisita mukuru anoitei?


Aaron: Ah, vapirisita vakuru vanoita zvinhu zvakawanda. Vanodya nekurara. Dzimwe nguva vanoenda kunoredza.


Mubvunzi: Kwete, kwete ndinoreva kuti waiitei pabasa rako?


Aaron: Ndaiva mubatsiri pakati pevanhu naMwari.


Mubvunzi: Ungaudze vatereri vedu kuti mupirisita mukuru anoitei?


Aaron: Mupirisita mukuru munhu anochengetedza runyararo kana vanhu vachida kuti zvitadzo zvavo zviregererwe, ndaivaitira mipiro. Ndaipa mipiro mazuva ose kuitira vanhu vaMwari.


Mubvunzi: Waiva nevapirisita vakuru vangani muIsrael?


Aaron: Taingove nemupirisita mukuru mumwe chete nguva imwe chete. Mwana wangu akava mupirisita mukuru mumashure mangu. Mwanakomana waMwari ndiye mupirisita mukuru wenyu uye ndiye wega wamungade.


Mubvunzi: Saka tine sungani iri nani pane yamaiva nayo.


Aaron: Hongu. Ndakapira mhuka sezvipiriso kakawanda pamusana pezvivi zvedu. Semupirisita mukuru, Jesu akava hwayana isina vara, iye pachke, uye iye zvino vanhu vanokwanisa kuva vakarurama nekungomukumbira mumoyo yavo.


Mubvunzi: Ndakazviita saka ndava wakarurama!


Aaron: Zvisinei, zvanga zvakanaka kukurukura newe asi ndave kufanirwa kuenda.

Mubvunzi: Ndinotenda chose nekuuya kwako nhasi.


Aaron: Zvakanakai, ndichamboenda.




HAZVIBATSIRE KUTYORA MUTEMO


Chidzidzo chechishanu


Ndima yekutarisa: VaRoma 13:1, "Regai mweya umwe neumwe uve pasi pemasimba makuru."


Zvinodiwa: Gaba remvura, girazi remvura, chipunu neforoko, chekubvisisa tsvina mumazino.


Gadziriro: Gadzika girazi remvura patafura. Batanidza foroko nechipunu tarisa muenzaniso #1. Isa chekubvisisa tsvina mumazino pakati peforoko, tarisa muenzaniso #2. Radzika chekubvisisa tsvina mumazino pamusoro pegirazi remvura. Chipunu chakatarisa mudenga, foroko yakatarisa mugirazi, tarisa muenzaniso #3. Mumashure mekumboedza kwenguva unofanira kukwanisa kumisa chipunu neforoko nechekubvisisa tsvina mumazino, pagirazi. Bvisa zvinhu izvi kuti ugozozvishandisa zvekare.


Chidzidzo


Mwari akasika mitemo yekushandisa panyika. Tinoziva pamusoro pemutemo wemagetsi

nemimwewo mitemo. Kune mimwewo mitemo yemweya inodiwa naMwari kuti titevedzere. Kana tikatadza kuitevedzera tinozvipa nhamo matiri.


Regai tiite muenzaniso wemutemo wekurema kwezvinhu mumhepo. (Bata chipunu mudenga chakapfuura tafura.) Kana ndikabata chipunu pamusoro petafura uye ndochiregedzera kanokwana zana, chinodonhera patafura kangani? Sei chisingasumuki kusvika kudenga kwemba? Mutemo wekurema kwezvinhu mumhepo wakagara uchishanda, chero ndikatenda mazviri kana ndikasatenda. Mutemo waMwari.


Iye zvino ngatitaurei pamusoro perimwe simba zvekare. Kana ndikapindura gaba remvura nekukurumidza, mvura inorasika here? (Ipa vana kamukana kekuti vadavire)


Kana ndikakurumidza kupindura gaba remvura, mvura irimo hairasiki. (Zviratidze). Simba rinokonzerwa nekupidigura mvura iyi rakasimba kudarika simba rekurema kwezvinhu mumhepo, saka mvura inoramba iri mugaba.


Asi mutemo wechipiri uyu unokonzera here kuti mutemo wekushanda usatangae kushanda.


Ndichakuratidzai zvinoitika kana mutemo wekurema kwezvinhu wave kuitika. Mwari yava rasi mitemo yavo. Umwe mutemo unokwanisa kutangira mumwe asi Mwari havangarase mitemo yavo .


Ndichakuratidzai zvinoitika kana mutemo wekurema kwezvinhu asi zvisingaratidzike saizvozvo, nekuti hatinga kwanise kushanda pasina mitemo yaMwari iyi. (Nyatsosimbaradza pfungwa iyi zvakanaka.)


(Batanidza foroko nechipunu sezvakaratidzwa mumuenzaniso wekutanga)

Ndichamisa foroko iyi nechipunu pamusoro pechekubvisisa tsvina mumazino chiri kumadziro kwegirazi.(Ibva wazviita, kana, kana zvichibvira ita kuti mwana atarise zvidimu kuti azive kuti zvose midziyo inoshandiswa mazuva ose)


Zvinoita sekunge mutemo wekurema kwezvinhu mumhepo usina kushanda, asi zvinogona kudaro. Kurema kwezvibato zveforoko nechipunu kuri kunze kwegirazi. Zvakabata zvakanaka pagirazi, kunyange zvazvo zvichiita sekunge zvinoda kudonha. Rangarira kuti mitemo yaMwari haingatyorwi.


Umwe mutemo wemweya wakakosha watisingafanirwe kutyora mutemo wesimba remweya. VaRoma 13:1 inoti, "Rega mweya umwe neumwe uve pasi pemasimba makuru." Izvi zvinoreva kuti munhu wese, zvisinei nezera rake kana chinzvimbo, anofanira kuterera simba rakakura kupfuura rake. Mwari akatiudza mushoko rake kuti isu tiri vana ani kuti titerere.


Muna vaEfeso 6:1, bhaibheri rinoudza vana kuti vaterere vabereki vavo. Muna vaEfeso 5:22, madzimai anokurudzirwa kuti aterere varume vavo. Varume vaterere Kristu. Vasevenzi vanonziwo vaterere vashandirwi vavo, muna vaEfeso 6:5, Makristu ose anofanirwa kuteedzera mitemo yenyika dzavanogara, kusara kwekunge mitemo iyoyo ichivatadzisa kuterera Mwari (vaRoma 13: 6-7)


Mwari vanotarisira kuti tikudze vanhu vatakaisirwa sevatungamiriri.Tinofanira kuterera yambiro dzavo pamusoro paMwari uye kuvabvumidza kuti vatibatsire mukufamba kwedu naMwari. Kune vamwe vanhu vanofungidzira kuti vanokwanisa kuzvidoma kuve vatungamiriri vaMwari. Vanoratidza kushaiwa rukudzo paushumiri hwaMwari uye vanoedza kuparadza chimiro.


Kana mumwe munhu achityora mutemo waMwari wemweya, anozozviona kumashure kuti hazvibatsire. Mwari anogara akamira parutivi pemunhu ari kutonga nekuti mutumwa wake. Haazoregi vanhu vaakasarudza vachitambura. Vakuru vemuIsrael vakaedza kubvisa vana moses naAaron, asi Mwari akavamiririra nekuti ndiye akavadana akavakomborera kuti vatungamirirre vanhu. Saka kana zvichiita sekunge vanhu vacho vari kutyora mitemo yaMwari (nongedza chidzidzo chamanga muchiita) wotondera kuti mitemo yaMwari haityorwe pasina dambudziko pane avo vanoityora.



DZOKORORO


Chidzidzo chechishanu


Shandisai shoko


Apo vaIsrael vaida kubvisa Aaron, Mwari vakamumirira nekuratidza kuti vaiva naye. Pane imwe nguva here apo wakaita chinhu chakanaka, asi vanhu vakatanga kutaura zvakashata pamusoro pako. Mwari vakabva vakurwira sezvavakaita panaAaron uye vakataridza kuti wainge waita zvakanaka asi vanhu vaikanganisa. Tiudze kuti chii chakaitika.


Mibvunzo


1. Aaron aiita basa rei?

2. Ndiani aiva agadza Aaron kuva mupirisita mukuru?

3. Basa remupirisita mukuru raiva rei?

4. Zvipiriso zvemutenderano yekare zvakageza here zvivi?

5. Mupiro uyu waibatsira chii?

6. Mipiro iyi yainangana nei?

7. VaRevi vaiva chii?

8. Vapirisita vaipira mipiro yavo kupi?

9. Vapanduki vemuIsrael vakati chii pamusoro paAaron.

10. Ndiani akakonzera kuti vanhu vapandukire Mwari?

11. Mwari akaudza Moses kuti aitei?

12. Chii chikaitika kumudonzvo waAaron?

13. Waiva muenzaniso wei?

14. Mwari vakati chii kune vanhu vese vemuIsrael?

15. Mwari anomiririra vanhu vake here kunyangwe vanhu vakawanda

vasingavafarire?

16. Peter akaedza sei nekusaziva kuodza moyo waJesu?

17. Chii chaichengetwa muAraki yechitenderano?

18. Chii chimwe chaishandiswa Araki?

19. Ndiani mupirisita mukuru wedu?

20. Mwari akaratidza sei kuti ainge abvumirana nechipiriso chaJesu pachipiyaniso?




KUKANGANISA KUKURU KWAMOSES


Chidzidzo chechitanhatu


Ndima yekuverenga: Numeri 20:1-13


Chokwadi: Kunyange vaparidzi vane mukurumbira vanokanganisa.


Ndima yemusoro: 1 Johane 2:1b, "......kana munhu mumwe chete achiita chivi, tine murevereri wedu Jesu Kristu akarurama..."


Kamutambo: "Mwari vachakuregerera"


Chidzidzo: "Usava munyengedzi"


Zvinodiwa: vaIsrael (200), Moses (203), Aaron (206), kubwinya kwaMwari (207), Tabenekari (208), dombo (219)


Kumudzidzisi


Chidzidzo ichi chinoratidza kuti hapana asingasangane nemiedzo, uye hatingaregi kudzivirira zvivi. Moses akava neupenyu hwekukurira muna Mwari, asi Mwari vanoda kuti tivaterere. Kuita zvakanaka muna Mwari hakuna kumbopa gwaro kune munhu kuti aite zvivi.


Dombo raiva mumvuri waKristu uye dombo raifanira kungorohwa kamwe chete. Apo Moses akarova dombo kaviri, waiva mucherechedzo wekutongwa kwaJesu. Bhaibheri rinotaura kuti Jesu vakafira zvivi zvedu zvachose uye ndizvo zvega zvakakosha kutenga ruponeso rwedu. Zvimwe zvese zvatingawedzera ipapo, anenge atova mabasa asina kururama. Chipiriso chaJesu chakakwana!


Tsanangudzo


I. Kwenguva inoita makore makumi mana, vana veIsrael vainetsekana murenje.

A. Kunyangwe zvazvo Mwari vainge vavavimbisa nyika yeCanaan nekutenda, vakaramba kupindamo.

1. Vanhu vakuru vakange vari nhapwa muEgipita, vainge vapera kufa.

2. Vanhu vainge vanetseka kwemakore makumi matatu anemasere vasina pekugara.

B. Zvizvarwa zvitsva zveIsrael zvainge zvauya, uye vainge vasina kuomesa moyo yavo sevabereki vavo.

1. Mwari akavimbisa kutora chizvarwa chiduku kuchiendesa munyika yeCanaan.

2. Vaiva nemakore makumi maviri uye vadiki kupfuura apa panguva yeExodus.

C. Miriam, hanzvadzi yaMoses, akafira muKadesh uye akavigwamo.

II. Vanhu vakatangazve kupopotera Moses naAaron.

A. Vakapopota nekuti kwainge kusina mvura.

1. Mwari aida kuti vasafarire renje kuitira kuti vagoda kuenda kuCanaan.

2. Mwari aisada kuti vafe nenyota asi aitsvaga kutenda mavari.

B. Mwari anogara achitsvaga kutenda kubva muvanhu vake.

1. Apo Jesu paanodzoka, anoda kuwana kutenda panyika (Ruka 18:8)

2. Mwari anokomborera vanhu pamusana pekutenda (VaHeberu 11:6)

C. Apo dambudziko rakauya, Moses naAaron vakaenda kuTabenekare kunotsvaga rubatsiro kuna Mwari.

1. Mwari ane mhinduro yedambudziko rega rega.

2. Mwari anoda kutibvisa mumatambudziko ose (Mapisarema 34:19)

D. Mwari akapa Moses akaratidza Moses zvaaida akamuudza kuti aende kudombo raakambenge arova kuti anotaura naro.

III. Pamusana pekutsamwira vanhu, Moses akagumbuka ndokurega kuterera Mwari.

A. Moses akataura akatsamwa kune vaigunun'una achiti, "Munoda kuti tikuchererei mvura kubva ipapa?"

1. Moses akataura sekunge aipa chishamiso.

2. Moses ainge achinyanyotevera zvido zvenyama panguva iyoyo kwete zvemweya.

B. Pakarepo Moses, nekutsamwa akarova dombo nemudonzvo wake kwete kutaura naro sekutaura kwaMwari.

C. Dombo iri wanga uri mumvuri waKristu aizouya.

1. Ndiro dombo rakange ramborohwa naMoses kare kare.

2. Dombo rakabuda mvura uye vakawana zvavaida.

D. Apo Moses akarova dombo kaviri, airovera Jesu pachipiyaniso kechipiri.

1. Jesu akatongwa naMwari apo akafira pachipiyaniso.

2. Kurova dombo kechipiri kwainge kusina kukodzera nekuti kufa kwaJesu pachipiyaniso kwaiva kwakakwana kuti tibvisirwe zvitadzo zvedu.

E. Mwari haana kufara nekusaterera kwaMoses naAaron.

F. Mumashure mezvo, Aaron akafa uye mwana wake Eleazer akava mupirisita mukuru.

G. Pamusana pekusaterera kwake pachena, Moses haana kuzobvumidzwa kuti atungamire vana veIsrael kunzvimbo yechipikirwa.

H. Chero vanhu vaMwari vanokanganisawo.

1. Tinofanira kuziva kuti ani kana ani anokwanisa kupinda muzvivi kana asina kuzvichenjerera.

2. Hatifaniri kufunga kuti hatikwanise kuedzwa.


Chidzidzo chemweya


Mhanyirai kuna Jesu vana vadiki,

Kune ruponeso ikoko.

Vachakuratidzai tsitsi.

Vakavimbika uye havasarudze.

Vanotoziva pamusoro

Pezvivi zvawakaita.

Vakabhadhara mutengo wacho pachipiyaniso,

Saka mhanya kuna Jesu, mhanya.


Kana ndichitadza, ndinomhanya kwaari.

Kana ndichitadza, ndinomhanya kwaari.

Jesu anongondida zvakadaro,

Saka kana ndatadza, ndinomhanya kwaari.



MWARI VANOKUREGERERA


Kamutambo Chidzidzo chechitanhatu


Vatambi: Bennie naSally


(Bennie anopinda achichema)

Sally: Zvaita sei, Bennie? Sei uri kuchema?


Bennie: Ndaita zvinhu zvakashata. Ndaidai ndisina kuzviita.


Sally: Waita sei?


Bennie: Handichazove zvandaiva kare zvekare.


Sally: Bennie, ungandiudzakuti chii chiri kukunetsa?


Bennie: Handina kuterera amai, ska ndazovanyepera. Vandiudza kuti ndisabude kunze kwegedhi kusvikira vadzoka kuchitoro.


Sally: Wabuda gedhi here?


Bennie: Hongu. Ndaenda kumba kweshamwari yangu apo amai vanga vaenda. Pavadzoka vandibvunza kana ndisina kubuda gedhi.


Sally: Wavaudza kuti chii?


Bennie: Ndavanyepera. Ndavaudza kuti ndanga ndiri pamba nguva yose.


Sally: Uri kunzwa kurwadziwa nazvo, handiti?


Bennie: Hongu, ndiri kurwadziwa nechemukati. Ndinofunga ndiri mwana akaora.


Sally: Imbomira kwekanguva. Usadaro. Mwana akaora haatomborwadziwi nezvaanenge aiita.


Bennie: Zvisinei ndakaita zvakaipa zvekare ndiri kunzwa kusagadzikanaka nazvo.


Sally: Asi zvakanaka. Mwana akanaka anonzwa kurwadziwa kana aita zvakaipa. Vana vakaipa vanoita zvakaipa uye havana basa nezvavanenge vaita zvakaipa.


Bennie: Handidi kurwadziwa, nyangwezvo. Ndingaita sei kuti ndifare zvekare?


Sally: Unofanira kukumbira Mwari kuti vakuregerere. Vanoita moyo wako kuti uchene zvekare.

Bennie: Mwari vanondiregerera kunyange ndikataura nhema?


Sally: Ichokwadi. Jesu vakafira pamuchinjikwa kuti tiregererwe zvitadzo zvedu. Mwari vanoda kukuregerera, asi unofanira kumukumbira.


Bennie: Ko amai?


Sally: Unofanira kuvaudza zvawaita?


Bennie: Ndingangorohwa.


Sally: Zvinogona kuitika asi haufare kana zvinhu zvese zvisati zvatwasuka.


Bennie: Ndizvozvo, Sally. Kunyange ndikarohwa, ndinoda kuudza amai zvandaita. Zvekare ndichanamata ndichikumbira kuti Mwari vandiregerere pane zvandaita.


Sally: Jesu vanofara naizvozvo.


Bennie: (Anokotamisa musoro wake) Baba vedu vari kudenga, ndinokumbira mundiregerere nekutaurira amai vangu nhema uye nekusavaterera. Ndichavaudza chokwadi, kunyangwe ndikarohwa. Ndinokutendai nekuchenesa moyo wangu. Ndinovimba ndaregererwa nezita raJesu. Amen.


Sally: Tinozvikudza, Bennie. Iye zvino chienda unoudza amai zvaitika.


Bennie: Zvakanaka. Ndinotenda nekundiudza zvinotaura shoko raMwari. (Bennie anobuda)


Sally: Vakomana nevasikana, kana mukaita chimwe chinhu chakaipa, kumbirai kuna Mwari kuti akuregererei. Musarege zvinhu zvakaipa zvichigara muhana menyu.



USAVA MUNYENGEDZI!


Ndima yekutarisa: Jakopo 1:22, "Asi ivai vaiti veshoko, musingangova vanzwi bedzi muchizvinyengedza."


Zvinodiwa: Bhasikiti remwe remichero yekutambisa - maapuro, maranjisi, mapirichisi, mabhanana, mavhaini nemamwewo amungafunga.


Kugadzirira: Gadzika chindiro chine michero iyi patafura pamberi pevana vako.


Chidzidzo


Paivapo nemumwe murume aityaira motokari yake mune imwe nyika. Akatarisa pabepa rinoratidza urefu hwekwaaida kuenda kuti aone kana paiva nenzira yaiva padyo. Aifanira kupfuura nemugwenga guru mainge musina maguta. Maingova nenzira mbiri dzaipfuura nemo, imwe yacho yaiva yakanaka uye yaiva nenzvimbo dzakawanda dzekuzororera uye nzvimbo dzaitengesa mafuta ekudira mumota, imwe yacho yaiva tsaru yainge isina kugadzirwa zvakanaka uye yainge isisashande zvakanyanya. Murume uyu akafunga zvekufamba nenzira tsaru iyi.


Apo murume akasvika paigumira mugwagwa uyu, kwaiva kwasviba. Kwainge kusina kana imwe motokari yaiuya , zvisinei akaramba achienda. Motokari yake yakatanga kurira. Mukati mayo makanga musisina kuita zvakanaka. Motokari yakaiti "Bhumu!" Motokari yakabva yamira, uye murume akabva aidzima. Akabuda mumotokari ndokuivhura asi akatadza kuona chinhu nekuti kwainge kwasviba.


Chinhu chaiita sekunge ndicho chaiva chakanaka, chaiva chekufamba nenzira. Chitoro chemafuta emotokari chaiva padyo chaiva mamaira makumi mana kubva ipapo, asi akafunga kuti pamwe mumwe ane motokari angangomubata munzira akamubatsira. Hazvina kuitika saizvozvo. Hapana kana fungidziro yekuti aizoona munhu munzira iyoyo. Murume akaramba achifamba.


Zuva rakabudikira nemumakomo kumadokero. Kupisa kwezuva kwaingova kanguva kadiki kuti kutange, murume akafunga mapisiro anoita mugwenga nguva yechirimo. Akaramba achifamba. Hapana kana motokari kana ndege zvayo kusara kwemiti yainge yotooma, jecha uye mugwgwa mutsaru uyu. Nyota yakatanga kuuya. Murume aifanira kuwana mvura nechikafu. Simba rake rainge ropera nekuti ainge asina kudya muswere wese wezuva.


Muswere wese wezuva ainge achifamba muzuva. Mainge musina motokari kana chimwe chinhu kunze kwezuva uye miti yaiva yatosvavawo nezuva. Akafara kuona kuvira kwezuva. Ainge achiziva kuti haaikwanisa kuramba achifamba kwenguva refu nekupisa kwakwaiita. Usiku hwaitonhorera asi kwainge kwanyanya kusviba. Nyota, nzara uye kuneta, murume akarara kusvikira amutswa nekupisa kwezuva ava mangwana mangwanani.


Achisimuka murume akafamba achienda pamusoro pekachuru kaiva padyo. Akatarisa gwenga kuti aone pane pangawanikwa mvura here, kana chikafu kana rumwewo rubatsiro. Paiva pasina. Akafamba achidzokera kunzira achidzika akananga kune rimwe guta, aizokwanisa here kupedzazve rimwe zuva asina mvura kana chekudya?


Mumashure mekufamba zuva rose muzuva, murume akazosvika kune imwe nzira yaiva yakasviba. Nzira iyi yaibuda mumugwagwa mukuru maaiva ichienda yakasvatuka kunosvika kwaiva nekamwezve kachuru. Murume akafunga kuti chokwadi kumberi uku kwaiva nemba. Zvakamutorera maminetsi makumi maviri kuti asvike pamusoro pako. Akatarisa akaona imba asi yaiva mamaira angangoita mashanu kusvikako! Kwaitaridzika zvakanaka chose! Murume akamhanya muhuruva imomo sezvo kwakange kwava kutanga kusviba. Akamhanya kwekanguva. Akafamba. Muviri wake wainge wave kuchemera mvura. Nzara yaiva yomuruma.


Imba iya yakaramba ichiita padyo. Paiva nemotokari panze! Murume akaisa simba rake rose mukufamba kwaaiita. Akasvika pamba apa. Akapfurira motokari ndokunanga kumusiwo wemba. Raiva rakakiyiwa. Paakatarisa kune rumwe rutivi, kwaiva netsime! Akamhanyira kwariri ndokutarisa nepamusoro pemadziro. Hamuna!


Akadzokera kumusiwo. Akarisandudzira nesimba shoma raaaiva asara naro. Rakabva ravhurika. Akatanga kutsvaga kuti aone kuti angawana here mvura kana chekudya.


Kunyangwe zvazvo maiva makasviba, murume akaona kuti maiva makashongedzwa. Akaona kwekuenda nako kumba yekudyira. Maiva nemakanduru mukabhodhi. Akabatidza imwe. Maiva musina chinhu mufiriji. Akatarisa kuchisukiro. Hamuna mvura. Mukabhodhi maiva musina chinhu. Ashaya chekuita, murume akatendeuka akatarisa mumba yekudyira. Pamusoro petafura paiva nendiro yaiva nemichero! Asina kufunga, murume akabva anonga apuro. Akariruma. Rainga risiri rechokwadi! Kufamba kwese kwaainge aita kwava kuwana michero isiri yechokwadi.


Motokari! Yaiva panze. Akamhanyira kumusuwo, ndokuvhura uye ndokuedza kuimutsa. Hapana chakaitika. Akatarisa nepasi payo ndokuona kuti yaiva isina injini .


Michero isiri yechokwadi! Motokari isingafambi! Pfungwa yekunyengedzwa yakaita kuti murume arwadziwe pose pose. Akapunzikira pasi. Ange asisakwanise kufamba. Chinhu chaive ongofunga pamusoro pacho, yaiva michero yenhema yakamunyengedza.


Upenyu hwake hwakapfuura paari.Murume uyu ainge audza vanhu vakawanda kuti aiva muKristu, asi apo ainge oda kufa akaziva kuti aiva munyengedzi sezvakangoitawo michero yaiva mumba umu.


Zvese zvaaiziva semuKristu, aiva mazwi aainge anzwa kuchikoro chevana vadiki apo aiva achiri mudiki . "Tererai, ndinomira pamusiwo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa izwi rangu, uye akavhura musiwo, ndinopindamo."


Akachema kuna Mwari,"Mwari ndiri munyengeri. Ndinoda kuponeswa. Ndavhura moyo wangu kuna Jesu. Jesu , pinda mumoyo mangu. Ndinodavira shoko rako. Ndinovimba wakandinzwa ndichinamata." Akarembedza musoro wake, akaziva kuti Mwari vainge vamunzwa.


Magetsi nemutinhimira wemotokari zvakamuita asumuke. Motokari yaiuya pamba apa. Muridzi wemba akaona murume uyu. Akamupa mvura - mvura chaiyo. Aiva nechikafu chaicho! Murume akadya nekunwa kusvikira agutsikana. Zvakanaka sei kuwana mvura nechekudya, asi chikuru pane zvose, akava naJesu uye akaziva kuti haachazovi munyengedzi.



DZOKORORO


Chidzidzo chechitanhatu


Shandisai shoko


Jesu ndiye chete munhu asina kumboita chinhu chakaipa. Munhu wese achararama panyika akatadza. Vamwe vanhu vanoedza kuvhara zvivi zvavo vachipa zvikonzero sekuti "Munhu wese anozviita." Vamwe vanonyepera kuva maKristu, asi havana kukumbira kuti Jesu apinde mavari uye kuti ave mutongi wavo. MaKristu ekunyepera. Jesu anoziva nakare zvivi zvako, uye akagadzirira kuti akuregerere nekukubatsira kuti uregere kutadza. Anokuda. Akakufira. Akaita zvese zvaaikwanisa kuitira kuti uende kudenga. Zvasara zvava kwauri. Usamirira kuti nguva ipere. Ngatitorei kanguva iye zvino. Vhara maziso ako uye nemazwi ako, taurira Jesu kuti wagadzirira kumugamuchira muupenyu hwako.


Mibvunzo


1. Sei zvaiva zvakakodzera kuti maIsrael vatenderere mugwenga?

2. Chii chakaitika kune vechidiki vemuIsrael?

3. Ndechipi chikwata chevanhu chaizotungamirirwa muCanaan?

4. Ndiani akafira kuKadesh?

5. Sei vaIsrael vakanyunyuta pamusoro paMoses naAaron?

6. Sei Mwari vakabvumidza kusagutsikana kuti kuve muIsrael murenje?

7. Mwari vaitarisira chii mumoyo mevanhu?

8. Jesu achatarisira chii apo anodzoka panyika?

9. Mwari anoda chii kuvanhu kuti apindure minamato yavo?

10. Moses naAaron vakaitei pavakanzwa nezvekunyunyuta uku?

11. Matambudziko akadini ayo Mwari vachatibvisa maari?

12. Mwari vakaudza Moses kuti aitei kuti vawane mvura?

13. Dombo iri rakambenge rashandiswa chii chaMwari kare?

14. Dombo raiva mumvuri kana mufananidzo wei?

15. Moses akaita sei padombo?

16. Izvi zvairevei?

17. Jesu aifanira kuroverwa pachipiyaniso kangani?

18. Chii chakaitika kuna Aaron?

19. Kutadza kwaMoses kwakakanganisa chii chaizotevera mumashure?

20. Vanhu vakasimba pana Mwari vanozombosvika here panguva yekuti havachaedzwa?



NYOKA YERATA


Ndima yekuverenga: Numeri 21:1-35


Chokwadi: Simba raMwari rinowaka kune munhu wese anokwanisa kurigashira.


Ndima yemusoro: Eksodo 15:26b, "........ndini Jehova vanokurapai."


Kamutambo: "Shoko raMwari rinounza ruponeso."


Chidzidzo: "Usarambe uchirwara"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Moses (203), hondo yemuvengi (214), Arad muCanaanite (220), guta rine ruzhowa (221), nyoka (222), nyoka yerata pabango (223)


Kumudzidzisi


Kune zvinhu zviviri zvakakosha muchidzidzo chino. Chekutanga, vanhu vaMwari vanowira mukushorwa uye nekuwanirwa mhosva kana vasingarwise vavengi vavo nekutenda. VaIsrael havana kunyunyuta apo vakaita hondo naArad asi vakatanga kunyunyuta apo vakakunda. Pavakanga vagarisika, kunyunyuta kwakatanga zvekare.


Kechipiri, nyaya iyi inoratidza mufananidzo waMoses akasimudza nyoka murenje. Nyoka, muenzaniso wechivi uye dhiabhorosi ndiwo chaiwo mucherechedzo wekuroverwa kwaJesu nekuti Jesu akava nechivi pamusana pechivi chedu apo akafa (II vaKorinte 5:21) Izvi zvose zvinoratidza muenzaniso wezvakaitwa naJesu achitiripira zvivi zvedu.


Tsanangudzo


I. VaIsrael vakarwiswa naArad muCanaanite.

A. Arad akarwisa Israel akatora vasungwa.

B. VaIsrael vakaita chitsidzo kuna Mwari kuti kana vaizovabatsira, vaizokurira maguta asakarurama eCanaan.

1. VaCanaanite vainamata satani uye vainge vasina basa neMwari wechokwadi.

2. Mararamiro avo akaunza vanhu pasi pehutongi hwemweya yakaipa.

3. Vakapira kunyangwe vana vavo sezvipiriso kuzvimwari zvasatani.

C. Nerubatsiro rwaMwari, vaIsrael vakarwisa Arad uye vakaparadza maguta ake ose.

D. Kana vanhu vaMwari vachifamba vachimuterera, havakwaniswe kumiswa.

E. VaIsrael vaidzidza kuti vangarwisa sei vavengi vavo.

II. Asi zvekare vaIsrael vakatanga kunyunyuta pamusoro pemagariro avo.

A. Kana vanhu vaMwari vasingafambi nekutenda, vanowira mukuwanirwa mhosva uye kunyunyuta.

B. Mwari haana kumbobvira arega vanhu vake vachigara vasina mvura kana chekudya, kunyange vainge vasingape zvichemo nekutenda.

1. Vakatadza kuziva kuti kuvapo kwavo mugwenga vari mamirioni mana chaiva chishamiso chaienderera.

2. Hapana mumwe wavo aiva achirwara, kana akafa nekushaya mvura kana nhamo uye mbatya dzavo hadzina kumbosakara pamakore makumi mana iwayo.

C. Pamusana pekuti vaIsrael vakavhura musiwo nekunyunyuta kwavo, nyoka dzakauya mukamba kuzoruma vanhu.

1. Chivi chinovhura musuwo kumatambudziko.

2. Vanhu vakawanda vakarwara vakafa.

D. Apo vanhu vakareurura zvitadzo zvavo, Moses akakumbira Mwari kuti vavarape.

E. Mwari akaudza Moses kuti agadzire nyoka yerata uye kuti aiturike padanda refu.

F. Apo Moses akasimudza nyoka pamberi pevanhu, vose vakaitarisa vakarapwa.

1. Nyoka dzakangobvira dziri mufananidzo wezvivi uye satani.

2. Apo Jesu akafira pachipiyaniso, akatakura matadzo edu uye akasimudzwa akatukwa.

3. Nyoka yerata waiva mumvuri werufu rwaJesu pachipiyaniso.

4. Kana tichitarisa kuna Jesu tichagamuchira ruponeso.

III. VaIsrael vakarwiswa zvekare nevavakidzani vavo.

A. VaIsrael vakakumbira Sihon, mambo wemaAmorites mvumo yekuti vapfuure nemunyika yake vachienda kuCanaan.

1. Sihon akavarambidza kuti vapfuure.

2. Murume uyu asinganamate pamwe nevanhu vake vakava vakonesi mukubudirira kwevaIsrael.

B. Sihon akaunza hondo kuti dzirwise Israel.

1. Vana veIsrael vakaparadza hondo yeSihon.

2. Vakatora nyika yake.

C. Mumwezve mambo asingatendi, Og, mambo weBashan akaunza hondo yake kuzorwisa vaIsrael.

1. Og akaparadzwa zvachose.

2. VaIsrael vainge vari kudzidzira, hondo huru dzaizotevera.


Dzidziso yemweya


Handifanire kurwara,

'Nekuti utano ndehwangu.

Urwere ndehwasatani.

Ndinomudzivisa, uye anotiza.

Nekuti apo ndinotarisa kuna Jesu Kristu, anondirapa.

Satani imbavha.

Anoedza kuba mufaro wangu.

Asi handizotori urwere hwake.

Ndinomuita kuti amhanye.

Satani anonyepa.

Anondiita kuti ndive ndakaneta.

Asi ndinobva ndataura shoko raMwari,

Uye pakupedzisira handizove murwere!

Ndinogara ndichitaura kuna Jesu Kristu, uye anondirapa.




SHOKO RAMWARI RINOUNZA RUPONESO


Kamutambo Chidzidzo chechinomwe


Vatambi: Bennie, Moyo waBennie, Satani


Bennie: Maiwe-e, sei ndatonorwa kudai? Ndiri kuda kuenda kunodhigidha zvakanyanya. Handingakwanise nekuti ndiri kutonhorwa. Maiwe-e! maiwe-e! Ndawana sei chando ichi? Tiri pakati pechirimo zvekare handina kumbova padyo nemunhu airwara.


Satani: Ya-a ndini ndaita kuti mwana uyu atonhorwe. (Anoseka) Urwere. Urwere. Zvisinei, mwana, wava kurwara. K-U-R-W-A-R-A, kurwara!


(Anotanga kuimba rwiyo rwekuzvirumbidza) Urwere mangwanani. Urwere masikati. Urwere. Urwere. Urwere kana zuva rodoka. (anoseka zvekare)


(Anotanga kutaura zvekare) Zviri kuita sekunge kakutonhora aka kari kuita basa rako, kukutadzisa kufara. Ndizvo zvandauya kuzoita. Ndinoba kufara kwemunhu wese uye ndosiya upenyu hwava kusvota. Zvinoita sekunge ndazviita kwauri. Iwe, mwana, farira chirwere chako. Chitore? Chirwere!


Bennie: Maiwe, ndave kunzwa kupera basa. Ndiri kunzwa kurwara. Amai vati kana ndikasanzwa zviri nani, ndinofanira kuenda kunorara. Handidi kuenda kunorara chirimo chino. Ndiri kufanira kunge ndichishambira uye kumhanya nekutamba nezvimwe zvakadaro.


(Moyo waBennie unopinda)

Moyo: Iwe, mwana.


Bennie: Mhoro, Moyo.


Moyo: Unoda sei kupedza urwere uhu?


Bennie: Yuwi-i! Ndinoda kupedza chirwere ichi asi handizive kuti ndingachipedza sei?


Moyo: Ndinoziva.


Bennie: Sei?


Moyo: Neshoko raMwari.


Bennie: Neshoko raMwari?


Moyo: Ndizvozvo. Bhaibheri rinoti une simba pamusoro pezvirwere.


Bennie: Simba?


Moyo: Ndizvozvo. Wakambonzwa here zvakaitwa naJesu?


Bennie: Jesu akaitei?


Moyo: Akatora vavanga ake ekumusana kuti iwe uponeswe.


Bennie: Akatora mavanga ake ekumusana kuti ini ndiponeswe?


Moyo: Uh, huh akatora marwadzo edu uye zvikosha.


Bennie: Zviri mubhaibheri here izvozvo?


Moyo: Zvirimo, muna Isaiah 53:4-5.


Bennie: Akatora mavanga kuitira kuti tiponeswe. Akatora zvirwere zvangu sekutonhorwa uku!


Moyo: Ndizvozvo. Iye zvino mira tizvinzwe, mwana. Ngatinzwei magwaro.


Bennie: Uh......Uh......


Moyo: Rega ndikudzidzise. Iye wakatora utera......


Bennie: Iye wakatora utera......


Moyo: Uye akatakura urwere hwangu.


Bennie: Uye akatakura urwere hwangu.


Moyo: Ndzizvozvo. Ramba wakadaro mwana, uye uchaita zvikuru. (Moyo anobuda)


Bennie: Iye wakatora utera hwangu, uye akatakura urwere hwangu. Iye wakatora utera hwangu uye akatakura ....akatakura .....yowe-e! Ndicharamba ndichizviita. Ndicharamba ndichizviita. Iye wakatora utera hwangu akatakura urwere hwangu. Ndicharamba ndichizviita kusvikira satani andiregera. Kwete, varume handifaniri kurwara uye ndinoziva......ndinozviziva. Shoko raMwari rinoti, iye wakatora utera hwangu uye akatakura marwadzo angu. Nemavanga ake, ndakaponeswa.


(Satani anopinda)

Satani: Zvakanaka. Zvakanaka. Wabudirira mwana. Wabudirira. Ndichadzosera urwere kwakare uye kutonhorwa kwakare!


Bennie: Ya-a! Ndave kunzwa zviri nani! Mhino dzangu yadzichachururuka. Pakuhuro pangu hapacharwadza. Ndave kunzwa zviri nani. Hallelujah! Rumbidzai Jehova! Ndinotenda Mwari nekundiporesa. Ndinotenda pamusoro peshoko renyu. Hallelujah!




USARAMBE UCHIRWARA


Ngano Chidzidzo chechinomwe


Nicodemus aisakwanisa kumirira kuzoenda kumba kwaGospel Bill. Akatasva bhiza reke nekukurumidza ndokudzika akananga kumba kwaGospel Bill. Iri ndiro raiva zuva raGospel Bill rekuenda kunovhima, uye aizvifarira zvikuru.


Apo Nicodemus akasvika pamba paGospel Bill akawana pasina munhu. "H-m-," akadaro Nicodemus. "Haasiri Gospel Bill. Anosindimirira kusvikira ndauya." Nicodemus akaburuka pabhiza rake ndokufamba akananga kumba. Bhiza raGospel Bill raiva richiri mudanga maro.


Apo Nicodemus akafamba achipinda mumba, akashamiswa kuona Gospel Bill achiri pamubhedha. "Bill!" akadaidzira Nicodemus. "Uchakarara! Tinofanira kuenda tinodzibata izvozvi."


Gospel Bill haana kupindura. Nicodemus akafamba achiswedera pamubhedha akatarisa kumeso kwaGospel. "Maiwe zvangu!" akatura mafemo Nicodemus. "Kumeso kwako kwakatsvukuruka, uri kunzwa zvakanaka here?" akabvunza.


Gospel Bill akazevezera zvinyoro nyoro, asi Nicodemus haana kunzwa kuti aiti chii. Akanyatsotereresa zvekare kuti anzwe.


"Nemavanga aJesu ndakaponeswa." akazevezera Gospel Bill. "Nemavanga ake ndakaponeswa."


Izwi raiva pasi pasi asi Nic akaziva kuti Gospel Bill ainge ati chii. "Satani ari kuedza kuisa urwere pauri, sandizvo here Gospel Bill?"


"Asi anonyepa," akapindura Gospel Bill. "Uye shoko raMwari rinoti nemavanga aJesu ndakaponeswa."


"Zvakanaka," akadaro Nicodimus, "Rega ndikugadzirire muto uye nekukuvigira chijira chinyoro. Kusvika wave nani ndichakubatsira kuti usatambudzike."


Nicodemus akaisa mucheka wakanyorova pamhanza paGospel Bill akamubatsira kuti anwe chindiro chese chemuto. Bill akagara pamubhedha ndokutanga kutaura.


"Nezuro ndakaenda kuguta reSalt ndikaona vanhu vakawanda vachirwara. Vanhu vese ava vaiva nechirwere chimwe chete. Ndakapinda muguta ndikatora Ol'Doc Smithey kuti auye kuzovabatsira. Ndinodavira kuti satani ari kuedza kuisawo chirwere ichi pandiri," akatsanangura Gospel Bill.


"Zvisinei,. munyepi, handiti?" akabvunza Nic.


"Munyepi, uye chirwere ichi hachisi changu," akadaro Gospel Bill. "Shoko raMwari rinoti kana Jesu akatora utera hwangu akatakura marwadzo angu."


"Ndingakuudze kuti chii?" akadaro Nicodemus. "Ngatirumbidzei Mwari pano kwekanguva kadiki, uye tizivise satani kuti tinotenda shoko raMwari."


Saka Gospel Bill naNicodemus vakasimudza maoko avo vakarumbidza Mwari nekurapa Gospel Bill. Vaiziva kuti chinhu chakakosha pakutenda, kurumbidza Mwari pamusana pekurapa iye asati arapa.


Mumashure mekanguva, Bill akabva atonzwa zvakanaka akabva asvetuka kubva pamubhedha. "Chihandei tinovhima!" akadaidzira. Iye naNicodemus vakabva vatasva mabhiza avo ndokuimba dzimbo dzekurumbidza Mwari.


"Tarisa kuno!" akadaro Nicodemus kuna Gospel Bill achizevezera. Bill akatarisa ndokuona nhoro hombe yakamira pamusoro pechuru kachinhambwe. Akanyatsogadzirira ndokunangisa pfuti yake achibva airidza.


"Bhu-u-m!" yakarira pfuti chiutsi chakabva chaonekwa kuti togo nekumashure kwepfuti. Nhoro yakabva yadonhera pasi yafa uye vavhimi vaviri ava vakava nemachikichori nenyama yenhoro nebhinzi uye chingwa pakudya kwavo kwemanheru.


"Unoziva," akadaro Nicodemus, "kana munhu akadzidza kutenda shoko raMwari, anokwanisa kudzinga satani nguva dzose."


"Ichokwadi!" akadaro Gospel Bill. "Ndinobvumirana newe. Haufanire kuramba uchirwara!"



DZOKORORO


Chidzidzo chechinomwe


Shandisai shoko


Vangani venyu vakamborapwa? Zvakafamba sei? Pane munhu akambokunamatirai here? Kana kuti makamira neshoko raMwari here, sezvakaita Bennie mumutambo wedu? Titaurirei nezvazvo.


Mibvunzo


1. Ndiani mambo akarwisa Israel pekutanga?

2. Akabudirira here pakutanga?

3. VaIsrael vakati chii pamusoro paMwari?

4. VaCanaanite vaiva vanhu vakaita sei?

5. Magariro avo anokanganisa vanhu pakuita sei?

6. Vaipa mipiro yakaita sei?

7. Chii chakaitika apo Israel yakarwisa Arad?

8. Chii chimwe chinhu chakaitika kuvaIsrael zvekare?

9. Vanhu vaMwari vanosvika pakupomerwa mhosva nekushorwa kana zvaita sei?

10. Pane mumwe muIsrael akambofa here nekushaya mvura kana chekudya?

11. VaIsrael vangani vaigara murenje?

12. Mwari akavachengeta nechishamiso chakaita sei?

13. Chii chakaitika apo vakatanga kunyunyuta?

14. Mwari akaudza Moses kuti aitei kuti vanhu vaporeswe?

15. Nyoka yaiva mufananidzo wei?

16. Sei nyoka yaiva mufananidzo waJesu?

17. Tinotarisira kuponeswa nekuregererwa kubva kuna ani?

18. Chii chakaitika apo Sihon akarwisa Israel?

19. Chii chakaitika apo Og akarwisa Israel?

20. Sei hondo idzi dzaiva dzakakosha kuIsrael?





DHONGI RABALAAM RINOTAURA


Chidzidzo chechisere


Ndima yekuverenga: Numeri 22:1 - 25:18


Chokwadi: Mwari haadi kutyora zvitsidzo zvake.


Ndima yemusoro: Deuteronomio 23:5, ".......asi Jehova Mwari wako ` wakashandura kuti akakkuropafadza, nokuti Jehova Mwari wako akakuda."


Kamutambo: "Kunda zvakaipa nezvakanaka'


Chidzidzo: "Mashoko anorwadzisa"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Atari nemupiro (216), Balak, mambo weMoab (224), mutumwa (225), Balaam (226), Balaam nedhongi (227), Ngirozi (228),

Phenehas (229)


Kumudzidzisi


Chidzidzo chino chinoratidza zvakanaka kubatana kweshoko raMwari neMweya wake. Mweya neshoko zvagara zvinopindirana. Balaam akaedza kutuka Israel neMweya waMwari, asi hazvina kuitika nekuda kwaMwari uye aiva avimbisa kare kuti aizoropafadza Israel uye kuvapa nyika yeCanaan.


Tsanangudzo


I. VaIsrael vakawana mumwe muvengi muBalak, mambo weMoab.

A. VaIsrael vakakumbira mvumo kuna Balak yekuti vapfuure nemuMoab vachienda kuCanaan.

1. Balak nevanhu veMoab vaitya vaIsrael.

2. Balak akaziva kuti vaIsrael vakaropafadzwa naMwari asi akavarambidza kupinda.

B. Balak akafunga kuti aikwanisa kubvisa makomborero aMwari kubva kuIsrael nekutsvaga muporofita aizovatuka.

1. Akatuma vatumwa kunaBalaam, muporofita, uye akamuvimbisa mubairo mukuru kana aigona kutuka Israel.

2. Balaam akaramba mubairo waBalak nekuti aiziva kuti Israel yakaropafadzwa naMwari.

C. Balak haana kukurumidza kuzviregedza, saka akatuma vatumwa zvekare kuna Balaam nechivimbiso chemari yakawanda kana aizokwanisa kutuka Israel.

II. Balaam akakurudzirwa nemari akabvuma kutuka Israel.

A. Apo Balaam akatanga rwendo kuenda kuMoab, Mwari akatuma mutumwa kuti amumise.

1. Apo Balaam akatasva dhongi rake achifamba nekamukana kadiki, dhongi akamira rikaramba kuenda mberi.

2. Dhongi rakakwanisa kuona mutumwa waMwari achivhara nzira.

B. Kunyangwe Balaam akarova dhongi rake nechimuti, rakaramba kuenda mberi.

C. Mwari akakonzera dhongi kuti ritaure kuna Balaam.

1. Panzvimbo yekuzvininipisa pamusoro pechishamiso ichi, Balaam akaomesa moyo wake.

2. Balaam akatsamwira dhongi.

D. Mumashure mazvo, mutumwa akazviratidza kunaBalaam , akabva azvipunzira pasi ndokureurura chivi chake.

E. Jehova vakaudza Balaam kuti aende kuMoab uye kuti ataure chete zvaainge audzwa naMwari.

F. Apo Balaam akasvika, akava neatari nomwe dzainge dzavakirwa zvipiriso dzose.

G. Zvisinei kuti akaedza zvakadini, Balaam haaikwanisa kutuka Israel neMweya Mutsvene.

1. Mwari akaropafadza Israel nechitsidzo chisingaperi.

2. Mwari havanyepi kana kushandura shoko ravo.

III. Kunyangwe Balaam aisakwanisa kutuka Israel, vakazvituka pachavo.

A. VaIsrael vakaunza vakadzi vainge vasina kutsarukana mukamba mavo uye vakapemberera nemabato asakarurama.

1. Vakadzi ava vainamata zvifananidzo uye vakaunza tsika yavo iyi.

2. Mwari vainge vaudza Israel kuti isashamwaridzane nevasinganamate uye kuti vasaroore vabvakure pamusoro pechikonzero chimwechetecho.

B. Mumashure mazvo vanhu vazhinji vakabatikana mumabiko akapirwa Baal, chifananidzo chegoridhe.

1. Kunamata zvifananidzo, imwe nzira yekunamata mweya yetsvina.

2. Vanhu vaMwari havangakwanise kushandira iye uye zvifananidzo panguva imwe.

C. Apo Phenehas, muzukuru waAaron akaona kuti vamwe vevavakidzani vainge vakoka kunamatwa kwaSatani mukamba, akavamukira.

1. Phinehas akatanga kutonga avo vainge vatungamirira zvinamato zvezvifananidzo.

2. Dai pasina kuti Phinehas akasuka Israel nevese vaikonzera nyonganyonga, mutongo mukuru waizouya.

D. Pakupedzisira. mumashure Phinehas akamira akanangana nezvivi, vaIsrael akareurura uye vakaregera kunamata zvifananidzo.

1. Dzimwe nguva munhu mumwe chete anomira pachokwadi, anokwanisa kudzidzisa vanhu vakawanda.

2. Tinofanira kumirira zvakatinakira kunyangwe tiri toga.


Dzidziso yeMweya


Mwari vakandiropafadza, vakandiropafadza.

Vakandiregerera uye vakandirapa.

Mwari vakandiropafadza.

Ndine shamwari, musha, uye mhuri,

NeNgirozi dzinondichengetedza.

Ndinotenda Mwari,

Nekuti vakandiropafadza.


KUNDA ZVAKAIPA NEZVAKANAKA



Kamutambo Chidzidzo chechisere


Vatambi: Bennie, Sally


Bennie: Jehova, Ndine dambudziko guru, uye ndinoda kuti mundibatsire. Munoona, kune mwana uyu anga achindidenha kuchikoro. Zita rake ndiTongai Chiremba. Zvisinei, Jehova aramba achindidenha kunyangwe panguva yekudya kwemasikati. Anga achindisandudzira kumadziro. Anokopa zvekare pamapepa pangu achibiridzira. Anoita kuti vamwe vana vose vandiseke, ndinofunga kuti mungambomuitirawo utsinye kashoma. Mumurwarise kwemasvondo akati wandei, kuitira kuti asauye kuchikoro, kana kumuita kuti awirwe nenjodzi kana chimwe chinhu chakaipa kuti chiitika kwaari.

(Sally anopinda)


Sally: Uri kuitei?


Bennie: Ndiri kunamata, Sally. Ndiri kunamata pamusoro paTongai Chiremba.


Sally: Uri kukumbira Mwari kuti aite chimwe chinhu chakaipa kune mumwe munhu?


Bennie: Hongu. Ndiri kukumbira Jehova kuti vamuitire utsinye. Ndinoda kuti Tongai asangane nerimwe dambudziko rinoita kuti asauye kuchikoro.


Sally: Izvozvo hazvina kunaka.


Bennie: Unorevei kana uchiti hazvina kunaka? Anondidenha. Ndinoreva kuti haafanire kudaro. Anoita kuti vamwe vana vese vandiseke. Hauzive kuti zvakaita sei kuva padyo naTongai chiremba.


Sally: Neniwo ndaiva nemusikana akadaro muboka redu regore rapera.


Bennie: Saka makaita sei imi vagoni vepwere?


Sally: Ndichakuudza zvandakaita. Ndakamunamatira.


Bennie: Wakamunamatira?


Sally: Uh, huh.


Bennie: Asi pane chakashanduka here pazviri, Sally?


Sally: Zvakandiitira zvose zvakanaka pasi pano. Iye yava shamwari yangu yepamoyo.


Bennie: Wakanamatira mumwe munhu ainge achikutadzira?


Sally: Ndizvozvo, bhaibheri rinoti namatirai vavengi venyu.


Bennie: Namatirai vavengi venyu? Zvinoitika izvozvo?


Sally: Ndizvo zvakataurwa naJesu.


Bennie: Kwete, asi.....


Sally: Saka unofunga kuti ungaite sei?


Bennie: Unoreva kuti ndinofanira kunamatira Tongai Chiremba?


Sally: Ndizvozvo.


Bennie: Zvakanaka, Sally . Kunamatira Tongai Chiremba? Ndinozviita sei izvozvo?

(Pashure)


Bennie: Iwe Sally, funga kuti chii chaitika? Wakandipa dzidziso yakanaka,


Sally: Uri chimwe chinhu.

(Sally anopinda)


Sally: Chii chakaitika?


Bennie: Unoziva kuti chii chaitika nhasi kunotambirwa nhabvu kuchikoro? Tongai Chiremba adonha kubva padenga denga.


Sally: Asi hazvina kunaka!


Bennie: Oh, kwete. Ndinoziva kuti hazvina kunaka Sally. Asi apo adonhera pasi, ndini ndatanga kumhanya kunomubatsira.


Sally: Zvisinei, zvakanaka.


Bennie: Hongu, Sally ndamubatsira kumuka, uye ndamubatsira kupinda muhofisi yamukoti. Fembera kuti chii chaitika? Ndamunamatira munzira.


Sally: Wamunamatira?


Bennie: Chokwadi! Kunyangwe anga achindiitira utsinye. Uye unoziva zvaitika?


Sally: Chii?


Bennie: Zvisinei, tapinda muhofisi yamukoti, akati ndaifanira kuva mumwe weshamwari dzake. Haachazondidenha zvekare. Ufunge zvakanaka. Namatira vanokuitira utsinye. Zvinoshanda Sally. Wandipa dzidziso yakanaka.


MASHOKO ANORWADZISA


Chidzidzo chechisere


Ndima yekutarisa: Zvirevo 12:18, "Mamwe mashoko anobaya semunondo. Asi rurimi rwowakachenjera runounza ruponeso."


Zvindodiwa: Chipepa chihombe chepepa remanira, zvinyoreso zverudzi rwemamaka uye chekunamisa (Masking tape)


Gadziriro: Chidzidzo chisati chatanga, nyora mufananidzo wekumeso kwemukomana, wakazadza pepa rese. Apo unodzidzisa chidzidzo, bvarura mufananidzo uyu kadimbu nekadimbu kuratidza kuti mashoko anorwadzisa.


Chidzidzo


Makambonzwa here chirevo chinoti, "Zvimiti nematombo zvinokwanisa kutyora mabhonzo angu asi mashoko haandirwadzisi?"


Kutaura chokwadi chirevo ichi hachisi chechokwadi. Mashoko anorwadzisa, kunyangwe asingaratidzi mavanga, asi kukuvadza kwaanoita mweya wemunhu ndekwechokwadi.


Bhaibheri rinoti, muna zvirevo 18:21, "Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi." Uye zvekare munaZvirevo 12:18, bhaibheri rinotiudza kuti mamwe mashoko anocheka sebakatwa.


Nezvinhu izvi mupfungwa, tinofanira kuva takangwarira mashoko atinoshandisa. Mashoko edu anokwanisa kuunza makomborero, kana kuti anounza kutukwa. Tinokwanisa kubatsira kuvaka shamwari dzedu, kana kudziparadza. Mashoko edu ane simba.


Vamwe vedu tine mashoko nenzira isiyo. Tinotaura zvinhu pamusoro pevanhu uye zvinozovarwadzisa zvakanyanya nekuvashaisa tariro. (Bvarura chipenga chemufananidzo)


Paivapo nemumwe mwana mukomana aiva nemakore masere ainzi Tafadzwa aiva akakurira zera rake. Pamusana peizvi, ainyara uye rimwe zuva akadonhedza rambi raamai vake ravainyanyoda. "Uri zibenzi remwana!" vakapopota amai. "Hapana kana chinhu chimwe chete chaunokwanisa kuitawo zvakanaka!" (Bvarura chimwe chipenga) Kubvira zuva iroro Sarudzai akabva atanga kutenda kuti hapana chinhu chaaikwanisa kuita, aiva mukundikani. Mashoko aamai vake akaparadza chivimbo chake.


Sarudzai akatanga kudzikira muzvidzidzo zvake, uye shamwari dzake dzakabva dzatanga kumuseka pane zvinhu zvese zvaaiita. Vaitaura zvinhu zvinomusvoresa zvakawanda zvaiita kuti arwadziswe pasi pasi pemoyo wake. (Bvarura chimwe chipenga)


Mumakore mashoma akatevera, Sarudzai akatanga kuzvisvorawo. "Uri benzi! Haufunge!" aitaura zvose izvi pache zvake kana achinge atadza kuita chimwe chinhu. (Bvarura chimwe chipenga). Mhedzisiro yacho, Sarudzai akazoregedza chikoro sezvo akafunga kuti aiva dofo risingazokwanisa kuita chimwe chinhu. Akabva abatana nevamwe vana vezera rake vaiva nedambudziko rimwe chetero. Mumashure menguva shoma, akatanga kushandisa zvinodhaka. (Bvarura chimwe chipenga)


Rimwe zuva apo aitenga zvinodhaka pane vanotengesera panze, mapurisa akamusunga. Akaenda kujeri akazoona ava panzvimbo yaasina kumbobvira arota nezvayo. (Bvarura chipenga chekupedzisira) Upenyu hwa Sarudzai hwaiva hwava padyo nekuparadzwa.


Asi chimwe chinhu chakaitika. Mumwe musungwa aiva nebhaibheri uye akatanga kutaurira Sarudzai nezvaJesu. Sarudzai akabva agamuchira Jesu akabva atanga kuenda kuchechi uko akadzidza zvakawanda pamusoro paJehova. (Tanga kuridza nziyo dzesvondo)


Apo Sarudzai akatanga kudzidza zvakawanda pamusoro paMwari, akabva anyanyawo kutenda maari uye muchisikwa chitsva chakaiswa maari naMwari. Panguva apo akapedza kupika, Sarudzai akanga adzokera pakare zvekare uye muupenyu hwake hwakanaka. Kuziva kwake chidzidzo, mashoko iwayo anobvarura uye mashoko anokwanisa kuvaka. Kufa kana kurarama zviri musimba rerurimi!


DZOKORORO


Chidzidzo chechisere


Shandisai shoko


Chero munhu zvake ane muvengi wake, mumwe munhu asingamude kana anoedza kumurwadzisa. Wakambonamatira vavengi vako here? Chii chakaitika?


Mibvunzo


1. Ndiani aiva mambo weMoab?

2. VaIsrael vakakumbira chii kwaari?

3. Mhinduro yake yaiti chii?

4. Balaam aiva chii?

5. Sei Balak akada kupa Balaam basa?

6. Balaam akabvuma here pekutanga?

7. Sei Balaam akazobvuma kuisa chituko pamusoro peIsrael?

8. Balaam akaenda nei kuMoab?

9. Dhongi rake rakaonei?

10. Chii chakaitika apo Balaam akarova dhongi raiva ravhunduka iri?

11. Balaam akaziva here chishamiso chedhongi rinotaura pakarepo?

12. Mwari akamisa here Balaam kuti asaende kuMoab?

13. Balaam akavaka chii apo akasvika kuMoab?

14. Balaam akataura mashoko api pamusoro peIsrael?

15. Sei Balaam akatadza kutuka Israel neMweya Mutsvene waMwari?

16. VaIsrael vakasvika sei pakunamata zvifananidzo?

17. Paiva nemutemo here pamusoro pekuroora vasiri vaIsrael?

18. Ndiani chaiye anenge achinamatwa kana vanhu vachinamata zvifananidzo?

19. Ndiani akasimuka kuti amise kunamatwa kwezvifananidzo izvi?

20. VaIsrael vakatora sei pfungwa yaPhinehas?






MOSES UNORARAMA ZVEKARE!


Chidzidzo chechipfumbamwe


Ndima yekuverenga: Numeri 27:12-23, Deuteronomio 34, Mateo 17:1-9


Chokwadi: Moses akaona hurongwa hwaMwari kuIsrael nekutenda.


Ndima yemusoro: Johane 3:16b, "...kuti ani nani anotenda kwaari asafe asi ave neupenyu husingaperi."


Kamutambo: "Hapana chikonzero chekuchema"


Chidzidzo: "Kubvutwa"


Kumudzidzisi


Chidzidzo chino chinoratidza kuti Mwari anogara achichengeta shoko rake. Akabvumira Moses kuti aone kuzadzikiswa kwevimbiso yakaitwa naAbraham mazana emakore akapfuura. Nhaka yeIsrael kuti itore Canaan haina kuuya pamusana pekuti vaiva nekodzero, asi pamusana pekuti Mwari vainge vatsidza kuti vaizopa zvizvarwa zvaAbraham. Makomborero edu anouya nenzira imwecheteyo, nekutenda nenyasha.


Moses haana kuregera kurarama apo akafa asi kuti akangoshandura kero yake. Uye parumuko, Moses akanyatsogwinya akaoneswa parutivi paJesu kurumbidza mabasa ake neushumiri hwake. Mwari anogara achiratidza basa idzva kubudikidza nemagwaro akare. Nyatsotsanangura kuti sezvakaita Jesu, kuzadzikisa uye kutevedzera murairo waMoses, nesuwo tinofanira kushandisa magwaro.


Tsanangudzo:


I. Jehova vakaratidza Moses kuti shumiro yavo yainge yapera.

A. Mwari vakaudza Moses kuti akwire gomo reNebo.

1. Moses akaita izvi kuti ave nenguva naMwari.

2. Kazhinji zvakakodzera kuva nenguva naMwari kuti tinzwe izwi rake zvakanaka.

B. Moses ainyanyoda kuti Mwari vasarudze mutungamiriri akasimba weIsrael.

1. Mwari anochengetedza shoko rake.

2. Israel yakawana nyika pamusana pechivimbiso chaMwari kuna Abraham uye kwete kuti vaiva nekodzero yacho.

3. Makomborero edu anouya pamusana pasungano yaMwari , kwete kuti tinefaniro yekumawana.

C. Mumashure mekunge aona izvi, Moses akafa musi webhafadheyi rake rekukwanisa makore zana nemakumi maviri.

1. Akanga asingarwari kana kuchembera asi aiva aiine muviri wakagwinya.

2. Utano ndehwe vana vaMwari zvisinei kuti vakura zvakadini.

(III Johane 2).

D. Mwari pachake vakaviga Moses muzasi memakomo munyika yeMoab.

1. Mwari akaita izvi kuti vaIsrael vasanamate Moses.

2. Tinofanira kuremekedza varume vaMwari, asi tinofanira kuramba tichitenda kuna Mwari.

E. VaIsrael havanazve kuzowana mumwe muporofita aiziva Mwari nekunyatsomuona pameso saMoses.

III. Mwari aiva nechimwe chakakosha kuna Moses mazana emakore aitevera.

A. Apo Jesu akauya kuIsrael, maJuda mazhinji akapomera Jesu kuti aidzidzisa rudzidziso rwakasiyana nerwaMoses.

1. Jesu haana kumbodzidzisa kana kuita chinhu achishoropodza zvakataurwa kana kunyorwa naMoses.

2. Ushumiri hwaJesu hwaizadzikisa zvinyorwa zvechitenderano chekare.

3. Vadzidzisi vechiJuda vakange vawedzera pfungwa dzavo uye tsika dzavo pamirairo yaMoses zvekare vakazvishandura.

B. Pasati papera nguva huru asati aroverwa, Jesu akatora Peter, James naJohn kugomo refu kuti avaudze chiratidzo chakakosha.

1. Vari pamusoro ipapo Jesu akatanga kubwinya nekuda kwaMwari uye akashanduka nekubwinya.

2. Vadzidzi vakaonawo Moses naElijah, muporofita vakamira parutivi paJesu vaine kubwinya kwakafanana.

3. Pakarepo vadzidzi vakanzwa izwi raMwari richiti, "Uyu mwanakomana wangu wandinodisa, maari ndinogutsikana, munzwei."

C. Kuonekwa kwaMoses uye Elijah parutivi rwaJesu kunoratidza kuti mitemo (yakamirirwa naMoses) uye maporofita (akamirirwa naElijah) yakazadzikiswa naJesu.

1. Zvose zvechitenderano chekare zvakanyora kugashira Jesu kuIsrael nepasi rose.

2. Moses anova aiva akafa panyama, aimiririra vaSante vainge vafa.

3. Elijah, aiva asina kumbofa asi aiva abvutwa kudenga, aimirira vasante vapenyu.

D. Hurongwa hwaMwari patiri, hauperi pamusana perufu!



Dzidziso yemweya


Nyaya yakanaka, nyaya yakanaka!

Jesu ari kuuya zvekare.

Mabhosvo achanzwikwa,

Uye achaonekwa.

Nyaya yakanaka! Ari kuuya zvekare.


Wagadzirira here kumuona?

Wagadzirira here kuenda?

Hatizivi nguva,

Asi izvi tinozviziva:

Nyaya yakanaka, nyaya yakanaka!

Jesu ari kuuya zvekare.


Ndagadzirira kumuona.

Ndagadzirira kuenda.

Handizivi nguva,

Asi izvi ndinoziva:

Nyaya yakanaka, nyaya yakanaka!

Jesu ari kuuya zvekare.



HAPANA CHIKONZERO CHEKUCHEMA


Kamutambo Chidzidzo chechipfumbamwe


Vatambi: Nancy naSally


(Nancy ari kuchema)

Sally: Chii chaitika, Nancy?


Nancy: Ndiri kutya, Sally. Ndanzwa muparidzi achiparidza kuti Jesu ari kuuya.


Sally: Hazvifanirwe kukutyisa izvozvo. Jesu akarurama. Haatirwadzisi.


Nancy: Ndinozviziva izvozvo, asi handizive kuti ndagadzirira here kuenda kudenga kana Jesu auya.


Sally: Unorevei? Haudi kuenda here?


Nancy: Handifungi kuti anonditora. (Anobva anyanya kuchema)


Sally: Usadaro.


Nancy: Ndakaita zvinhu zvakaipa. Ndakanyepera mudzidzisi wangu rimwe zuva zvekare handisati ndamuudza chokwadi. Uye ndakanyengedza mubvunzo dzemasvomho. (Achiri kungochema)


Sally: Nyarara zvako Nancy. Nyarara.


Nancy: Zvekare ndakashatirwa ndikadana Billy Jeffers nezita rakaipa. Ndinofunga pfungwa dzaipa zvekare dzimwe nguva. (achingochema)


Sally: Nancy, chirega kuchema uterere kwandiri. Haufanire kutya nekusaenda naJesu kunyangwe hazvo wakaita zvinhu zvakaipa.


Nancy: Sei?


Sally: Nekuti wakaponeswa. Ndichiri kutondera apo wakagamuchira Jesu mumoyo mako.


Nancy: Asi haasisimo. Ndinozviziva kuti akandisiya, pamusana pekuti handichamunzwa.


Sally: Jesu havangokusiyi pamusana pekuti wakaita zvakaipa. Haadi kuti uite chivi, asi haakusiyi.


Nancy: Zvisinei, ndoita sei?


Sally: Chekutanga, kumbira kanganwiro yezvivi zvawakaita kuna Mwari.


Nancy: Ko akarega kundiregerera?


Sally: Achakuregerera. Akati achazviita muna 1 John 1:9. "Kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro unotikanganwira zvivi zvedu nokutinatsa pakusarurama kwese."


Nancy: Mwari Baba ndiregererei pane zvese zvandakakutadzirai. Ndakanyepa nekunyengedza ndikataura zvakaipa. Ndinogara ndichifunga zvinhu zvakaipa uye dzimwe nguva handikwanise kuzviregera.


Sally: Mira unzwe, Nancy. Hachisi chitadzo kufunga chivi. Satani akais pfungwa idzodzo mauri.


Nancy: Ndingaite sei kana dzikagarisa?


Sally: Unofanira kubvisa pfungwa idzodzo mauri nemagwaro anobva mushoko raMwari. Taura kuti, "Ndine pfungwa dzaJesu, Satani, uye ndinoramba kufunga zvakashata.


Nancy: Ndine pfungwa dzaJesu, Satani, uye ndinoramba kufunga zvinhu zvakaipa.


Sally: Unofanira kudzora pfungwa dzako neshoko raMwari. Hazvina kushata kuti pfungwa dzakaipa dzipfuure nemupfungwa dzako asi usadziregere dzichigaramo.


Nancy: Ndava kutanga kunzwa kunge Jesu vanondida zvekare.


Sally: Nancy, Jesu havana kumbobvira varega kukuda. Hava kumbokusiya zvekare.


Nancy: Unozviziva sei zvese izvozvo Sally?


Sally: Ndinoverenga bhaibheri uye ndinoterera mukereke.


Nancy: Zvisinei ndiri kufara kuti wandibatsira. Iye zvino ndinofunga kuti ndagadzirira kana Jesu ouya.


Sally: Nancy, wanga wakagadzirira kunyangwe usati wareurura zvitadzo zvako. Unoenda kudenga nekuti wakagamuchira Jesu mumoyo mako kwete nezvakanaka zvawakaita.


Nancy: Saka iye zvino ndinokwanisa kuita zvakaipa kana ndichida?


Sally: Unofanira kusazviita. Unonetsekana zvekare. Chivi chinoita kuti upenyu huwore.


Nancy: Zvanaka, kubvira zvino ndichazvidzora.



KUBVUTWA


Ngano Chidzidzo chechipfumbamwe


"Ndicho chinhu chisina pfungwa chandatanga kunzwa!" akaseka Rodney. "Ndizvo zvinotaura muparidzi wenyu?"


"Hongu," akapindura Stephen. "Anoparidza kubva muBhaibheri achitaura kuti Jesu achauya kuzotora vatsvene kuti vaende kudenga."


"Ndiko kurwara uko," akadaro Rodney. "Jesu haasi kudzoka zvekare. Ndakabvunza baba vangu, vakati hakuna denga."


"Ririko we-e!" akapikisa Stephen.


"Wakamboendako here?" akaseka Rodney.


"Kwete," akadaro Stephen.


"Saka unoziva sei kuti kune denga!" akaseka Rodney. "Iwe nevanhu vekukereke kwenyu munorwara."


Stephen akatendeuka ndokuenda. Akanzwa kusagutsikana nekushushikana. Apo akauya pamba pake, akafunga nezve zvimwe zvinhu zvainge zvataurwa naRodney.


"Chii chaitika?" vakabvunza amai vaStephen apo vakaona kusuruvara kwechiso chake.


"Ndasvotwa," akadaro Stephen. "Ndaenda kunotaurira Rodney Takawira nezvaJesu akabva atotanga zvake kutondiseka."


"Hazviite kunge Rodney," vakadaro amai. "Haana kuita saizvozvo apo wakaenda naye kukereke yevana vadiki."


"Hongu, ndinoziva," akadaro Stephen. "Haasisiri munhu akanaka kwete. Baba vake vakamuudza kuti vanhu vese vemukereke medu vanopenga nekuti vanotenda kuti Jesu achadzoka zvekare."

Stephen akabvisa bhachi rake ndokutora kabhaibheri kadiki kubva muhomwe make. "Rodney ndatomuverengerawo magwaro aya zvekare," akadaro Stephen, "asi angoseka."


"Zvakaipa chaizvo izvozvo," vakadaro amai. "Rega ndiise chikokisi ichi muhovhoni, ndobva ndazonamata newe pamusoro paRodney."


"Aimbova shamwari yangu, amai," akadaro Stephen. "Ndinoda kuti aende kudenga apo Jesu anouya."


Stephen naamai vake vakaenda mumba yekutandarira ndokupfugama muzasi memasofa. Ipapo vakanamatira Rodney nababa vake. Vakakumbira Mwari kuti abatsire Rodney azive chokwadi pamusoro paMwari. "Ndichanamata mumweya pamusoro paRodney mazuva ose, Amai," akadaro Stephen apo vakapedza kunamata.


"Ndiyo nzira yakanyonyonaka kunamata nayo," vakadaro Amai. "Rodney achauya kuno. Murege akadaro. Anenge achibvunza mibvunzo pamusoro paJesu zvekare usati wazviziva."


Masvondo akawanda akapfuura uye Stephen akaramba achinamatira Rodney. Hazvina kumboita sekunge minamato yake yaishandura maiitiro aRodney. Rodney akatanga kutaura mashoko akaipa pamusoro pake kuchikoro, maitiro ake ainge anyanya kutoipa. Stephen ainge anzwa Rodney neshamwari dzake vachimureva nekumuseka nekuzvidza Mwari.


Mamwe masvondo akati kuti akapfuura, rimwe zuva apo Stephen aienda kukereke akaona Rodney achifamba murutivi menzira. "Mira, Stephen!" akadaidzira Rodney. "Ndinoda kutaura newe."


Stephen akamira parutivi apo Rodney aiswedera padyo. Ainge achichema. Kumeso kwake kwainge kwakanyorova nemisodzi, uye ainge akasvuuka.


"Chii chakaitika?" akabvunza Stephen. "Uri kurwara here?"


"Ndibaba vangu ," akachema Rodney. "Vakadhakwa, ndokubva vandirova kumeso, saka ndakatiza. Unofanira kundibatsira, Stephen."


"Asi wakati ndinopenga," akadaro Stephen. "Ndingakubatsira sei?'

"Ndinoziva kuti haupengi," akadaro Rodney. "Baba vangu vakandiudza kuti vanhu vemukereke menyu vakaipa. Vakandiudza kuti ndisatambe newe pamusana pekuti wakandiudza kuti Jesu achauyazve."


"Ndingakubatsira sei?" akabvunza Stephen.

"Ndiri kutsvaga kwekuhwanda kusvikira hasha dzababa vangu dzaserera," akadaro Rodney. "Vachadzikira munguva shoma iri kutevera saka ndichabva ndazodzokera kumba. Ungandihwandisa here?"


"Zvisinei," akadaro Stephen, "Unokwanisa kupinda mukati kana uchida. Tichatanga chechi mumashure mekanguva kashoma kanotevera ."

"Zvakanaka, akadaro Rodney. "Baba vangu havanganditsvage kuno."

Rodney akapukuta misodzi kubva pamatama ake ndokupinda mukereke naStephen. Pakarepo svondo yakatanga, vanhu vakaimba chaizvo vachisimudza maoko avo. Rodney ainge angoenda kukereke kashomanana muupenyu hwake. Aisaziva zvakawanda pamusoro paMwari.


Muparidzi akavhura bhaibheri rake ndokuudza chaunga nezve shoko raaida kutaura pamusoro paro. "Manheru ano ndinoda kutaura pamusoro pekubvutwa," akadaro. "Ndinoda kukuudzai kuti Jesu achadzoka sei kune avo vanotenda maari."


Rodney akanyatsoterera apo muparidzi aidzidzisa vanhu nemagwaro akawanda. Akanzwa kushushikana akaziva kuti aida kanganwiro yaMwari. Aiziva kuti kana Jesu akadzoka, ainge asina kugadzirira kuenda kudenga.


Mumashure mezvo, muparidzi akamira. Akakoka avo vainge vasina Jesu kuti vaende kumberi. Rodney, nemisodzi pamatama, akasimuka ndokuenda kumberi kwekereke. "Ndinoda kupa moyo wangu kuna Jesu," akadaro. Iye nemufundisi vakapfugama mberi kwekereke, Rodney akakumbira Jesu kuti ave mambo wake.


Rodney akazadzwa nemufaro mukuru. Akaziva kuti kana Jesu aiva wekuuya ainge agadzirira kusangana naye. Akafamba akananga kunogara pasi.


Pakarepo misuwo yekereke yakavhurika, Rodney akaoma. Pamusuwo pakamira baba vake vakagumbuka. Kumeso kwababa vake kwainge kwakazadzwa neruvengo. Vakakunga zvibhakera ndokufamba vakananga kuna Rodney ainge otobvunda kare.


"Ndinoda kukudzidzisa chidzidzo chausingafe wakakanganwa mwana." akadaidzira. "Ndakakuudza kuti usasangane nevanhu ava zvekare!" Baba vaRodney vakasveverera kuti vabate Rodney ruoko. Zvakabva zvaitika!


Sekubwaira kweziso, Rodney akabva ashaikwa. Vanhu vose vakabva vashaikwa zvekare. Chidhakwa ichi chakashamisika. Kereke yose yakasara isisina munhu sekunge vanhu vainge vanhura mumakore. Jesu ainge auya!


Baba vaRodney vakapfugama ndokutanga kuchema. "Kwete, kwete izvi hazvingaitike! Izvi hazvingaitike!" akadanidzira. "Handifungi kuti Jesu achauyazve! Handizvibvume!" Nekushaya zvekuita, baba vaRodney vakagumbatira bhaibheri vakariisa pachipfuva chavo. "Vanodiwa Mwari," vakachema. "Ndaiva mutadzi! Jesu akauya, uye ndaiva ndisina kugadzirira!"



DZOKORORO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Shandisai shoko


Makamborota here pamusoro pekuona Jesu Kristu? Makamuona kupi - panyika? Kana kuti kudenga? Chii chakaitika muchiroto ichi?


Mibvunzo


1. Sei Moses asina kupinda munyika yechipikirwa?

2. Igomo ripi raakaudzwa naMwari kuti akwire?

3. Moses akaona sei nyika yechipikirwa iyi?

4. Sei vaIsrael vakawana nyika iyi?

5. Chii chainyanyonetsa Moses pakusiya Israel?

6. Ndiani aiva sarudzo yaMwari mumashure maMoses?

7. Joshua akawana sei zodzo yakafanana neyaMoses?

8. Moses akafa ava nemakore mangani?

9. Moses airwara here paakafa?

10. Ndiani akaviga Moses?

11. Sei Mwari akaviga Moses?

12. Tinonamata here vanhu vakuru vaMwari?

13. Maporofita mangani aiva akaita saMoses aiva muIsrael?

14. Moses akaona sei Mwari apo akataura?

15. Jesu akambotyora here murawo waMoses?

16. Idzidziso yaaani yakashandura murawo waMoses?

17. Ndiani akaenda naJesu pamusoro soro pegomo?

18. Chii chakaitika kuna Jesu pagomo?

19. Ndiani akamira parutivi rwaJesu pagomo?

20. Huvapo hwaMoses hwakarevei?







JOSHUA ANOTUNGAMIRIRA


Chidzidzo chegumi


Ndima yekuverenga: Numeri 27:15-23, Joshua 1


Chokwadi: Hurongwa hwaMwari hunobudirira kubudikidza nevatungamiriri vanonamata.


Ndima yemusoro: Joshua 1:9, "Simba utsunge moyo....nokuti Jehova Mwari wako anewe kwese kwaunoenda."


Kamutambo: "Nyasha dzaDavid kuna mambo Sauro"


Chidzidzo: "Chidimu chisipo"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Moses (203), Joshua (211), Chikafu (231)


Kumudzidzisi


Chidzidzo ichi chinonangana nehutungamiriri hwakanaka. Joshua aiva mutungamiriri akanaka pamusana pekuti akatanga ari muteveri akanaka. Hutungamiri hwakatopfuura kupa zvekuita kana mabasa. Mutungamiriri akanaka ane hany'a nevateveri vake uye anovatungamirira kubva kune chakaipa asi kune chakanaka kunyangwe vateveri vake vasingazvione. Anoisa chivimbo chake chose muna Mwari nokumira akasimba pane chakanaka asingatereri kune vasinganamate.


Joshua aiva mutungamiriri akanaka nekuti aiziva kuvimba nekuda kwaMwari. Aiwana simba iri kubudikidza nekunamata uye kuveranga shoko raMwari nekuita zvinenge zvichidiwa naMwari.


Tsanangudzo


I. Apo Moses akabva muIsrael, chinhu chaiva chakanyanya kukosha, chaiva chekutsvaga mutungamiriri mutsva akakodzera.

A. Mwari anoda kuti vanhu vake vave nevatungamiriri.

1. Mwari akaisa hushumiri hwezvipo zvitatu mukereke kuti aigutse nekuitungamirira.

2. MaKristu anofanirwa kukura uye kuwedzera mumweya yavo sezvavanongoitawo mumiviri yavo.

3. Utungamiriri hwaMwari hunobatsira kuwedzera mweya yema Kristu achiri madiki.

B. Mwari anopa kuzodzwa kweMweya Mutsvene kuvatungamiriri nevashumiri vake.

1. Pane kuzodzwa kwakawanda kwakasiyana siyana.

2. Ushumiri hwega hwega hune chahunoita chisingakwaniswe kuzadzikiswa nevamwe.

C. Mwari akaudza Moses mutungamiriri wekare, kuti Joshua aifanirwa kuva iye mutungamiriri mukuru.

1. Mwari anogara achitaura nevatungamiriri vese kana paine shanduko inoda kuitika.

2. Kazhinji vanhu havatereri kubva kuna Mwari saka vanobva vatanga kurwira hutungamiriri.

D. Vatungamiriri vane basa rakakosha zvikuru.

1. Vanofanira kurarama upenyu hwemienzaniso.

2. Vanofanira kupa tsanangudzo kuna Mwari kuti vanotungamirra sei masangano avo.

II. Apo Moses akafa, Mwari vakapa mitemo kumutungamiriri wavo mutsva Joshua.

A. Akaudza Joshua kuti aifanira kutungamirira vanhu veIsrael kuenda kuCanaan.

B. Akaudza Joshua kuti asimbe atsunge moyo uye hapana munhu aikwanisa kumudzivisa.

1. Kana tichitevera Mwari, hapana munhu anokwanisa kutitadzisa kugashira makomborero aMwari.

2. Usadzikisirwa naani nani zvake uye usabvumidza kurwadziwa kuchikutadzisa kugashira makomborero aMwari.

C. Mwari akaudza Joshua kuti anzvere pashoko ramwari nguva dzose.

1. Shoko raMwari rinokupa njere kuti ufunge saMwari nekuita sarudzo dzakarurama.

2. Kana uchinzvera mushoko raMwari, pfungwa dzako dzinokutungamirira mukuita zvinhu zvinobudirira.

3. Mwari vanoda kuti vanhu vavo vose vabudirire (III Johane 2)

III. Joshua akatora kodzero iyi neushingi.

A. Joshua aiziva kuti vaIsrael vaizoda chikafu chakawanda muhondo dzavo saka akavaudza kuti vazvigadzirire.

1. Kutenda muzvivimbiso zvaMwari kunoda zviito.

2. Joshua akaita zvinhu izvo aifanira kuita kuti agamuchire zvivimbiso zvaMwari.

B. Marudzi ekwaReuben, Gad uye Manasseh vaiva nenzvimbo dzavo

kumabvazuva kweJordan, asi Joshua akati vaifanira kubatsira muhondo yeCanaan.

1. Nzvimbo yaiva kumabvazuva kweJordan yainziGilead.

2. Joshua akakurudzira kubatana pamarudzi ose.

C. Zviito zvaJoshua zvakatuma vanhu kuti vaterere Mwari.

1. Vatungamiriri vanofanira kuva nevateveri vakanaka.

2. Mutungamiriri akanaka anogara achitungamirira vanhu kuti vaterere Mwari.

D. Joshua aiziva kuti Mwari ainge avimbisa Canaan kuvaIsrael, asi zvekare aiziva kuti vaizofanira kuirwira.

1. Dzimwe nguva tinofanira kurwa nemasimba erima kuti tigashire makomborero edu.

2. Tinorwa kwete nezvinokuvadza asi nekutenda.

3. Mwari anogara achitibatsira kuti titore izvo takavimbiswa naMwari.


Dzidziso yemweya


Ndinoterera vabereki vangu

Nevadzidzisi vangu zvekare

Mwari baba, ndinokumbira muvabatsire.

Tsungirira, muve nemoyo wakanaka nerudo.

Tinokutendai Mwari nevatungamiriri.

Vanondindiratidza zvekuita.

Ndibatsirei Jehova kuti ndivatevere.

Apo vanokuteverai.



NYASHA DZADAVID KUNA SAURO


Kamutambo Chidzidzo chegumi


Vatambi: David nemumwe wevateveri vake


(David nemuteveri wake vakamira mubako)

Muteveri: Handinzwisisi David. Sei mambo Sauro vari kukutsvaga nemeso matsvuku.


David: Ndinofunga kuti pamusana pekuti vane godo kwandiri.


Muteveri: Godo?


David: Hongu, uchiri kuziva pandakauraya Goriati?


Muteveri: Ichokwadi, zvino zvakaipei izvozvo?


David: Zvisinei vanoti mambo Sauro vakakurira zviuru asi ini ndakakurira zviuru gumi. Zvakaita kuti mambo Sauro vave negodo.


Muteveri: Ya-a ndazvibata. Nekuti ndiwe chete wakauraya vavengi veIsrael vakawanda, mambo akave negodo nazvo.


David: Ndizvozvo. Ane godo. Anofunga kuti ndinoda kumutorera humambo hwake.


Muteveri: Ndizvo anoita?


David: Asi ndichangoita mambo bedzi kana Mwari vachida kuti ndiite, zvekare handidi kukuvadza mambo Sauro.


Muteveri: Zvakanaka, Ndingakuudze kuti chii? Kuti Mambo Sauro vava kupenga. Vanokuvhima semhuka. Sei asingatore hondo yake kuenda kunorwisa vaFirisitia?


David: Handizive, asi haambondibata, pamusana pekuti Mwari vaneni.


Muteveri: Sei achiuya achikutsvaga? Anokutora semunhu ane mhosva. Hapana chawakamuitira chakaipa asi zvakanakira iye neIsrael yose.


David: Ndinozviziva. Asi anofunga kuti awane rugare muhumambo hwake anenge andiuraya.


Muteveri: Zvisinei ndinovimba kuti varume vake havapinde muno mubako. Hondo yake yanga ari panze apo chinguva chishoma chadarika.


David: (Achizevezera) Imhere mhere yeiko iyo?


Muteveri: (Achizevezera) Chimbomira. Tarisa marokwe ayo. Ndimambo Sauro.


David: Ndimambo Sauro. Atova pano padyo apo.


Muteveri: Ari ega! Ari ega!


David: Sssh!


Muteveri: (Achiri kuzevezera) Ndiyo nguva yako, David. Ndiyo nguva yako! Enda unomuuraya izvozvi. Une zvikonzeor zvese zvekuti umuuraye. Nyoka iyi yanga ichiedza kukuuraya makore mazhinji apfuura. Enda unomubata David.


David: Kwete, Handingazviite.


Muteveri: Haungazviite?


David: Kwete. Handingazviite. Handingaise ruoko rwangu pana mambo.


Muteveri: Asi David, anga achiedza kukurwadzisa.


David: Ndinozviziva.


Muteveri: Imhandu yako!


David: Ndinozviziva asi handingamuurayi. Ndichamurega ararame.


Muteveri: Asi ari muno mubako. Unokwanisa kuenda ikoko ukanomuuraya. Ane kodzero yekufa. Anga achiedza kukuuraya. Anga aine masoja anga achikutsvaga kwemwedzi yakawanda.


David: Sssh! Handisi kuzomuuraya. Muranda waMwari akazodzwa, uye handingamurwadzise. Hazvina kunaka kwandiri kuti ndiuraye munhu akazodzwa neMweya waMwari. Ndiye mambo uye hazvina kunaka.


Muteveri: Aikuuraya dai aziva kuti uri muno.


David: Pamwe, asi ndiri kumuregerera. Ndichamurega ararame.


Muteveri: David, Mwari achakuropafadza. Vanhu vakawanda vangauraye mambo vasina kumbofunga kaviri pamusoro pazvo.


David: Handingamukuvadzi. Kana ndichiita zvakaipa kuna mambo, zvinhu izvozvo zvinokwanisa kuitika kwandiri rimwe zuva zvekare.



CHIDIMBU CHISIPO


Chidzidzo Chidzidzo chegumi


Ndima yekutarisa: VaRoma 12:1-2, "Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwemoyo. Musaenzaniswa nenyika ino, asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka kunofadza, kwakakwana"


Zvinodiwa: Jega remota


Gadziriro: Dimburai jega muzvidimbu zvinoti chibato, chekugadzikisa nezvimwewo. Isa zvidimbu izvi zvese kusara kwechibato panoonekwa nevana. Isa chibato kure newe asi pachinokwanisa kuonekwa nevana.


Chidzidzo


Hwaiva husiku hutema kuGweru. Mwedzi waisaonekwa. Mutambo wevana vechikoro wainge wapera uye mudzidzisi vaifanira kuendesa mumwe wevakomana kumba kwavo sezvo aigara kure neguta saka mudzidzisi vaizotyaira munzira dzakaipa kuti vamuendese.


Pop! Motokari yainge yaputika vhiri. Mudzidzisi akatora makiyi ake ndokutenderera kuseri kwemotokari yake. Zvainge zvakaoma kuti awane buri rekiyi pabhokisi pake sezvo kwainge kwasviba.


Mudzidzisi akatora jega ndokuburitsa tayi rimwe kuti atsive riya rainge raputika. Akatanga kubatanidza jega rake. (Batanidzawo jega rako). "Izvi hazvitore nguva refu," akadaro achitaura oga. Akaisa jega panzvimbo yaro padyo nebhamba. Chibato chejega chaiva chisipo! Rakanga risina zvimwe zvidimbu.


Mudzidzisi akatarisa mubhokisi. Chibato chejega chaiva chisimo. Tayi rakaputika, munzira isina motokari dzakwanda kunze kwanyanya kusviba zvekare, hapanazve mubato wejegi! (Unganidza zvidimbu zvejegi )


Dzimwe nguva Mwari anopinda mumatambudziko akaita seemudzidzisi uyu. Kune vanhu vaanoda kushandisa, asi zvimwe zvidimbu hazvipo. Jegi remota ringakwanisa here kusimudza motokari risina chibato? Kwete!


Mwari vanoda kukushandisa asi vanoda chero nhengo yemuviri wako, kwete zvimwe zvauri. Mwari vanoda mweya wako. Unokwanisa kumupa izvozvo nekugashira Jesu mumoyo mako. Saka moyo wako ndewaMwari. (Nyatsogadzira jegi ndokuriisa pamberi pevana."


Hazvisizvo zvese. Mwari vanoda muviri wako. Anoda tsoka dzinoenda kunzvimbo dzakanaka. Anoda maoko anomushandira. Anoda mazi hipora zvekare. (Isa chimwe chibandi pasi)


Mwari haasati agutsikana kwete. Anoda iwe wese wakakwana. Anoda kuzadza pfungwa dzako. Anoda kuti uzadze pfungwa dzako nepfungwa itsva, pfungwa dzeshoko raMwari. Usarega pfungwa dzakaora dzichipinda mauri. Dzishaise nzvimbo nekugara wakazadza pfungwa dzako nepfungwa dzakanaka. Ndedzipi dzimwe pfungwa dzakanaka? (Dhonza chibato chejega wotanga kumonera jega). (Tsanangura nezvekunzvera magwaro kuti uve nepfungwa itsva).


Kana Mwari ainewe wese, anechombo chakasimba!


Chii chakaitika kumudzidzisi munyaya iyi? Iye nemukomana uya vakamhanyira kumba yemupuraze ndokukumbira chibato chejega. Asi pamusana pekuti pane chibande chisipo, vakasvika kuba usiku hutema.



DZOKORORO


Chidzidzo chegumi


Shandisai shoko


Mwari akaudza Joshua kuti anzvere magwaro siku nesikati. Imwe nzira yekunzvera nayo magwaro ndeyekudzokorodza zvaunenge waverenga kasingaperi. Pamwe wakambonzwa amai vako kana baba vako vachizviita. Vane gwaro ravanofarira here ravanoramba vachidzokorora pachavo? Une shoko raMwari here raunoda kushandisa? Ungayeuka here imwe nguva yawakabatsirwa nekunzvera shoko raMwari?


Mibvunzo


1. Ndiani akasarudzwa naMwari kuti atungamirire Israel pakafa Moses?

2. Mwari anotarisira kuti vatungamiriri vanoita sei kune vanhu vachiri vadiki

pakutenda?

3. Kune mhando ngani dzeushumiri hwaMwari?

4. Mwari anosimbaradza sei zvipo zveushumiri?

5. Zvipo zvese zveushumiri zvakafanana here?

6. Ndiani anopiwa umbowo nevafundisi pamusoro pehushumiri hwavo?

7. Mutungamiriri anofanirwa kunge aine upenyu hwakaita sei?

8. Mwari akapa Joshua mutoro wakadini?

9. Vanhu vanokwanisa kutitadzisa kuwana makomborero aMwari here?

10. Sei zvakanaka kusarwadziswa?

11. Mwari vakaudza Joshua kuti anzvere pamusoro pei?

12. Sei kunzvera magwaro aMwari kwakanaka?

13. Mwari vanovimbisa chii ka tanzvera?

14. VaIsraekl vakagadzirira sei hondo yavo neCanaan?

15. Gilead iri kupi?

16. Joshua akakumbira kushandira pamwe kubva mumarudzi matatu.

Akakumbira kuti vaite chii?

17. Dzimwe nguva zvakakodzera here kurwira makomborero aMwari?

18. Ndiani uyo tinorwa naye?

19. Tingashandisa zvombo zvakaita sei muhondo medu?

20. Ndiani anotibatsira muhondo yedu?




RAHAB - MUTADZI AKATENDA


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yekuverenga: Joshua 2:1-24, 6:25


Chokwadi: Kutenda kuna Mwari kunochenura mutadzi wese zvisinei nezvaiitika kare.


Ndima yemusoro: VaEfeso 2:8, "Nokuti makoponeswa nenyasha nekutenda, izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari."


Kamutambo: "Kuremekedzwa kwevanhu vaMwari."


Chidzidzo: Ngano - "Leonard J. Kashiri"


Zvinodiwa: Joshua (211), hondo yemuvengi (214), Guta rine ruzhowa (221), Vasori vaviri (232), Rahab (233)


Kumudzidzisi


Ropa rinokosha raTenzi wedu Jesu Kristu rinokwanisa kugeza chero mutadzi akanyanyisa nekuvaunza kumhuri yaMwari. Kutenda kwaRahab mufananidzo wakanaka hwesimba remupiro waKristu nesimba rekuchenura vatadzi. Rahab ainge asina kururama aine mabasa akaipa akare, asi kutenda kwake kwakamushandura kukamupa upenyu hutsva neIsrael. Akazoroorana nemuIsrael akava zitateguru raTenzi Jesu.


Kutenda kwaRahab kwakauya pamusana pekunzwa nyaya dzebasa raMwari muIsrael. Kutenda kunouya nekunzwa shoko raMwari uye munhu wese anonzwa anokwanisa kutenda, zvisinei nemabasa ake akare.


Tsanangudzo


I. Joshua akatuma vasori vaviri kuJericho.

A. Vanhu veJericho vaitya samare maIsrael.

1. Satani anoita kuti vanhu vatye vavengi vavo panzvimbo chekuda vavengi vavo.

2. Jericho raiva guta rine uipi uye ufeve.

B. Vasori vakaenda kunoona kuti vangatora sei guta iri kwete kutarisa kuti zvaikwanisika here.

1. Kana tichifamba nekutenda, hatikanganwi matambudziko edu asi tinofanira kuona kuti ndeapi.

2. Mwari anotibatsira kuti tikunde matambudziko edu chaiwo uye haatikuridziri kuti titi haako.

C. Vasori vaviri ava vakagara mumusha maRahab uyo aiva asina kutwasuka.

D. Apo mambo weJericho akanzwa kuti Rahab angangodaro ari kuchengeta vasori, akatuma masoja kuti atsvage mumba make.

1. Aida kuuraya vasori ava.

2. Mambo ainge asina tarisiro yekubatsira vaIsrael kunyangwe hazvo aivatya.

II. Rahab akaviga vasori mudenga remba yake.

A. Matenga edzimba aishandiswa sematura saka zvaiva nyore kuti Rahab avavigemo pakati pezvimwe zvinhu.

B. Apo masoja akamubvunza nezve varume vaviri ava, Rahab akanyepa akavaudza kuti varume vainge vaenda.

1. Kunyangwe hazvo Rahab akanyepa kuvarume vakaipa veJericho, Mwari haana kuchitora sechivi kwaari.

2. Rahab akaisa upenyu hwake pakaipa kuti achengetedze vanhu vechirangano vaMwari.

C. Masoja akabvuma zvainge zvataurwa naRahab uye vakabva vasiya guta ndokuenda kunotsvaga vasori ava.

D. Rahab akaudza masoja kuti anotenda muna Mwari weIsrael.

1. Rahab aitenda munaMwari nekuti ainge anzwa zvishamiso zvizhinji zvavainge vaitirwa naMwari.

2. Kutenda kunouya nekunzwa shoko raMwari (VaRoma 10:17)

E. Rahab akaudza vasori kuti vamusiyewo kana vaIsrael vouya kuzotora guta.

1. Rahab akatenda zvikuru musimba raMwari zvekuti aiziva kuti Mwari vaigona kuisa Jericho mumaoko evaIsrael.

2. Rahab aiva nekutenda kwakakura musimba raMwari zvakatokurira vaIsrael vazhinji!

III. Mwari akaremekedza kutenda kwaRahab.

A. Vasori vakaita sungano naRahab apo vakanzwa mashoko ake nekuona zviito zvake.

1. Kutenda kusina mabasa kwakafa.

2. Rahab akatenda chivimbiso chevasori kuti chimuchengetedze.

B. Rahab akabatsira vasori kuti vatize muJericho.

1. Akavadzikisa netambo tsvuku nepafafitera rake.

2. Sezvo imba yaRahab yaiva pamadziro eJericho, vasori vakabva vangotiza.

C. Vasori vakaudza Rahab kuti asiye tambo tsvuku iyi iri pafafitera pake kana aida kuzoponeswa.

1. Rahab akavaterera akasiya tambo iyi iri pafafitera.

2. Tambo tsvuku iyi yaiva yakamirira ropa raJesu raizodeuka rimwe zuva kuponesa vatadzi.

3. Hapanazve imwe nzira ingaponeswa nayo vanhu kunze kweropa raJesu.

D. Rahab akaponeswa uye akava mutsvene nekutenda.

1. Aisakodzera kuponeswa pamusana pezviito zvake zvekare.

2. Kristu haana kungofira shamwari dzake chete, asiwo vavengi vake!


Dzidziso yemweya mutsvene


Usapime bhuku nekuona kunze kwaro.

Hazvisati zvanonoka kusvikira zvapera.

Mwari vanogona kushandura moyo wemutadzi.

Vape mavambo matsva.

Ndinoziva, ndinoziva,

Nekuti Mwari vakandiitira izvi zvese.


Nenyasha ndakaponeswa.

Kubudikidza nekutenda ndazvigadzira.

Mwari ari kurutivi rwangu, handingakundikani.

Ndini musoro kwete muswe.

Ndinoziva, ndinoziva

Nekuti Mwari vakandiitira izvi zvese.



KUREMEKEDZA VANHU VAMWARI



Kamutambo Chidzidzo chegumi neimwe


Vatambi: Rahab neMubvunzi


Mubvunzi: Vakomana nevasikana, tine mweni akakosha pachirongwa nhasi uyo aimbogara kuJericho. Mukadzi wekutenda uye zitateguru raJesu. Chingamidzai Rahab.


(Rahab anopinda)

Rahab: Mhoroi, ndini Rahab wekuJericho.


Mubvunzi: Ndakaverenga nezvako mubhaibheri. Ndakanyanyoverenga nezvako svondo rino ndichigadzirira bvunzo.


Rahab: Chokwadi? Sei wakaverenga nezvangu? Hapana chakakosha chandakamboita.


Mubvunzi: Kunyangwezvo, asi wakakosha. Kutenda kwako kwakakonzera kuti uve zitateguru raJesu.


Rahab: Zvisinei, ndinotenda mushoko raMwari. Kubvira pandakangonzwa nezva mwari weIsrael, ndanga ndichingotenda.


Mubvunzi: Wakatanga kunzwa nezvaMwari sei?


Rahab: Makore mazhinji akapfuura ndaigara kuJericho. Ndaiva mukadzi azere nemabasa asakarurama, ndichienda kumabiko asakarurama nekuita mabasa ese ezvivi.


Mubvunzi: Sei waiita zvinhu zvakaipa Rahab?


Rahab: Pamusana pekuti upenyu hwangu hwaisvota. Ndaive ndichitsvaga chimwe chinhu chingandinakidza. Mabiko aya zvekare aisandigutsa.


Mubvunzi: Mwari oga ndiye angagutsa nzara iri pamoyo pemunhu.


Rahab: Ndaiva nemukomana ainzi Agat uyo aiva musori wamambo weJericho. Akange asipo aenda kurwizi rweJericho kuti anotarisa vanhu vaMwari, vaIsrael.


Mubvunzi: Mambo weJericho ainge achironga zvekurwisa Israel here?


Rahab: Uri kutamba here? Mambo weJericho aitya vanhu veIsrael zvekuti haaitomborara usiku.


Mubvunzi: Sei vanhu vese vaitya maIsrael?


Rahab: Pamusana pekuti tainge tanzwa zvishamiso zvavainge vaitirwa naMwari. Takanzwa zvekare kubuda kwavainge vaita muEgipita uye kuti Mwari akavapa chikafu sei murenje kwemakore makumi mana. Patakanzwa kuti vainge voinga isusu, tese takatya.


Mubvunzi: Chii chakaitika kuti ude kutenda Mwari?


Rahab: Ndaibika chikafu chemanheru apo varume vaviri vakasvika mumba mangu vachitsvaga pekugara. Ndakaziva kuti vauyi nekuti vaisaratidzika sevarume veJericho.


Mubvunzi: Varume vaviri ava vaiva vasori vaibva kuIsrael. Waizviziva here pekutanga?


Rahab: Kwete pakutanga, asi pandakaziva kuti ndivana ani, ndakavimbisa kusaudza chero munhu zvake kuti vaivapo. Pamusuo pangu pakabva pagogodzwa.


Mubvunzi: Wakafunga kuti ndiani, Rahab?


Rahab: Handina kuziva kuti aiva ani, saka ndakaviga varume pamusoro pemba yangu ndokubva ndaenda kumusuo. Paiva nemasoja mana ainge atumwa namambo weJericho.


Mubvunzi: Waivatya here?


Rahab: Zvishoma, asi ndaiziva kuti ndaifanira kubatsira varume veIsrael ava, pamusana pekuti Mwari aiva parutivi pavo. Ndaifanira kunge ndakanoregera pamusana pekuti Mwari aichengetedza varume ava , asi ndakaita chinhu chakaipa.


Mubvunzi: Wakaita sei?


Rahab: Ndakareva nhema kumasoja. Nhema dzinobva kuna satani saka ndaisafanira kutaura nhema idzi.


Mubvunzi: Asi Mwari akakuregerera, Rahab.


Rahab: Chokwadi akandiregerera. Apo masoja akange aenda, varume vaviri veIsrael vakandiudza kana hondo yavo yauya kuzotora guta, imba yangu yaizosiiwa.


Mubvunzi: Waiva nechokwadi here kuti varume ava vaizoreva zvavaitaura.


Rahab: Ndaiva nechokwadi nazvo. Ndaiziva kuti vaiva vanhu vaMwari.


Mubvunzi: Tiudze zvakaitika apo midhuri yeJericho yakapazika.


Rahab: Munguva ingangoita masvondo maviri vasori vaenda, vaIsrael vakatanga kufamba vachitenderera guta redu. Munhu wese muguta akatanga kutya. VaIsrael vakatenderera guta kamwe pazuva kwemazuva matanhatu. Ndakaunganidza hama dzangu ndikadziudza kuti dzigare mumba mangu. Ndaitenda kuti Mwari vachatichengetedza zvakanaka sekutaura kwainge kwaita vasori.


Mubvunzi: Chii chakazoitika pazuva rechinomwe?


Rahab: VaIsrael vakafamba vachitenderera Jericho kanokwana kanomwe. Vakabva vazotanga kudanidzira. Apo vakatanga kudanidzira madziro akabva atanga kuzunguzika ndokudonha.


Mubvunzi: Imba yako yaiva pamadziro chaipo, saka sei usina kufa?


Rahab: Pamusana pekuti ndakaterera mashoko evarume vaMwari? Vakandiudza kuti ndisiye tambo tsvuku ichirembera pafafitera. Vavakidzani vangu vakafunga kuti ndaipenga nekusabvisa tambo iyi pafafitera.


Mubvunzi: Vamwe vanhu vose muJericho vakafa kusara kwako nemhuri yako.


Rahab: Hongu nekuti ndakatenda Mwari uye zvakaita kuti tirarame.


Mubvunzi: Rahab wakazova muIsrael iwe pachako ukaroorana naSalmon, muIsrael. Aiva tateguru vaJesu.


Rahab: Ichokwadi.


Mubvunzi: Usati waenda une yambiro here yaungada kupa kuvatereri?


Rahab: Ivai vakanaka kune vanhu vaMwari. Vimbai naMwari moshanda neshoko rake.


Mubvunzi: Tatenda. Vakomana nevasikana ngatibatsiranei kutenda muenzi wedu.

(Mhururu nemheterwa)



LEONARD J. KASHIRI


Ngano Chidzidzo chegumi neimwe


"Leonard J. Kashiri!" vakadaro mai Gwara vakatsamwa vakamira pavharanda pavo. "Buda mumaruva mangu!" Leonard J. akamhanya zvakanyanyisa achibuda muchivanze. Nenguva shoma ainge amira mumadziro uye asisanzwe izwi raMai Gwara.


"Heh, heh," akaseka Leonard J. pache zvake. "Chimbuya ichi hachina kundibata!" Leonard J. Kashiri aiita semunhu aingofarira kutsamwisa vamwe vanhu. Kudimbura maruva amai Gwara akanga awana mubairo ndicho chakava chinhu chake chekutanga kuita musi uyu.


Mumashure mekanguva kadiki, Leonard J. akatorera Betty Gora kamwana kadiki chidyo chinotonhorera chinonyungudika, ndokuchikandira pachuru. Apo Betty akachema, Leonard J akafamba achienda achiseka, "Majuru anodawo chidyo ichi semare."


Mumashure mazvo, Leonard J. Kashiri akabudisa mweya mumavhiri emota yavaGarai. Akamwaya madhaka pamashitibhedha machena amai Mawere avakanga vachangobva kuwacha. Akatora bhasikoro raJohn Mahachi akarikandira mumvura yekushambira pamba iri padyo navo! Akadira mvura pakitsi yamai Tapera. Leonard J. Kashiri aiva mwana aiva neutsinye kupfuura mwana wese ainge ambogara munzvimbo yeHarare.


Rimwe zuva masikati vanhu vese vemudunhu iri vakaita musangano. Vaida kuwana nzira yekuti Leonard J. asaite maitiro ake kune vamwe vanhu.


"Sei vabereki vake vasingamurove?" vakabvunza amai Tapera.


"Leonard J. haana baba," vakatsanangudza vaGudza, "uye amai vake vanorwara zvikuru. Leonard J. anongosiiwa achiita zvaanoda."


"Ndinofunga ndinoziva kuti Leonard J. Kashiri anodei," vakadaro amai Mawere. "Ingondipai zuva kana mazuva maviri, ndinofunga tingawana shanduko." Vavakidzani vakafara kunzwa kuti mai Mawere vane hurongwa. Pane dzimwe nguva vose vainge vasvotwa nemaitiro aLeonard J. Kashiri nemabasa ake.


Mazuva akati kuti akadarika vavakidzani vakatanga kuona shanduko mumaitiro aLeonard J. Rimwe zuva vaGarai vakatarisa nepafafitera ndokuona Leonard J. achicheka huswa pachivanze chavo!


Munguva shoma yakatevera, Leonard J. akakwira mumuti kuti abatsire kitsi ya Betty Gora. Pakarepo, akasvika pamba pamai Tapera panguva iyo vaida rubatsiro pakutakura zvinhu zvavainge vatenga.


Mumasikati, zuva iroro, vavakidzani vakasangana pachivanze chamai Gwara. "Chii chazoitika kuna Leonard J. Kashiri?" vakabvunza VaGarai.


"Ave mukomana akashanduka," vakadaro amai Tapera. "Akandibatsira kutakura zvinhu zvandainge ndatenda uye haana kana kutora chimwe chinhu kubva muzvinhu izvi. Chii chamakaita kwaari mai Mawere?"


Pakarepo, Leonard J. Kashiri akafamba ndokuenda kuvavakidzani ndokutanga kutaura. "Leonard J. Kashiri wekare akafa," akadaro mukomana, "uye ndakauya kuzorarama pachinzvimbo pake."


"Uri ani kana kuti uri chii?" vakabvunza vaGarai.


"Ndiri chisikwa chitsva muna Kristu!" akadainidzira Leonard. "Pandakapa moyo wangu kuna Jesu, Leonard J.wekare akafa. Iye zvino, Leonard J. angofanana naJesu."


"Makorokoto kuna Leonard J. Kashiri mutsva!" akadaro mumwe wevavakidzani. Havana kuzova nekushushikana zvekare pamusoro paLeonard J.


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nembiri


Shandisai shoko


Moyo wemunhu wese wese unoshanduka kana achinge azvarwa patsva asi pane vamwe vanhu vanobva vatoratidza shanduko. Ungarangarira here imwe nguva yawakashandura maitiro apo wakazvarwa patsva?


Mibvunzo


1. Joshua akatuma vasori vangani kuJericho?

2. Mambo weJericho aifunga chii nevanhu veIsrael?

3. Vasori vakagara kupi apo vakaenda kuJericho?

4. Mambo akaita sei apo akanzwa nezvevasori?

5. Rahab aiva mukadzi wekutenda here?

6. Rahab akaviga vasori pai?

7. Rahab akaudza masoja kuti chii?

8. Rahab akaisa upenyu hwake pakaipa here pamusana pevasori?

9. Sei Rahab akabatsira vasori?

10. Rahab akawana sei kutenda kwake munaMwari?

11. Kutenda kunouya kwatiri sei?

12. Masoja akavimba here nenhema dzaRahab?

13. Kunyepa uku kwakava chivi here kuna Mwari?

14. Rahab akakumbira chii kuvasori?

15. Vasori vakavimbisa here kusiya Rahab?

16. Rahab akatenda here kuti Jericho yaizopunzika?

17. Vasori vakatiza sei?

18. Vasori vakaudza Rahab kuti aite sei netambo tsvuku?

19. Tambo tsvuku inoratidza chii?

20. Rahab akazowana rumwe ruremekedzo here pamusana pekutenda kwake?




CHIDANHO CHEKUTENDA

Chidzidzo chegumi nembiri


Ndima yekuverenga: Joshua 3 na 4


Chokwadi: Kufamba neshoko raMwari kunopa magumo akanaka.


Ndima yemusoro: VaRoma 10:17, "Saka kutenda kunouya nekunzwa, uye kunzwa shoko raMwari."


Kamutambo: "Chidanho chihombe chaJeff"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Joshua (211), Araki yechitenderano uye vapirisita (234)


Kumudzidzisi


Kutenda kunofanirwa kutsigirwa neshoko raMwari. Kutenda kwega hakusi mumagwaro. Kutora zvidanho zvisina kutsigirwa neshoko raMwari hakuna kuchenjera. Zvisinei, kutora zvidanho mugwara raMwari inyaya yakasiyana. Kunyangwe Mwari achititi tiite zvisingakwanisike, kuteerera Mwari kunounza zvibereko.


Mwari vakange vavimbisa nyika yeCanaan kune vaIsrael kakawanda. Kubudikidza mumakore makumi mana ekunetsekana murenje, vanhu vaisatenda vainge vafa uye kwainge kwava nevanhu vatsva vaitenda. Iye zvino vainge vagadzirira kuenderera mberi nevimbiso yaMwari. Paakapa gwaro rechidanho chekuti vapinde muJordan, vakabvuma, mvura ikavavhurira nzira nekuti vaishanda pashoko raMwari.


Mwari anoremekedza shoko raMwari rakanyorwa nanhasi sekuremekedza kwaakaitashoko rake raakataura kuvaIsrael. Mweya Mutsvene uri matiri kuti shoko raMwari rive rechokwadi uye kuti tishande nawo. Saka kutora chidanho chekutenda hakusi kupusa. Kupinda muvimbiso yaMwari.


Tsanangudzo:


I. Apo vanhu veIsrael vakasvika parwizi Jordan vakaona kuti rwainge rwakazarisa.

A. Dzimwe nguva mamiriro ezvinhu anotitadzisa kuwana zvatinenge tavimbiswa naMwari.

1. Jesu akatuka dutu apo rainge rave kuisa upenyu hwake nehwevadzidzi pakaoma.

2. Mamiriro ezvinhu haarevi kuda kwaMwari nguva dzose.

B. Joshua akaziva kuti Mwari vainge vavatungamirira kusvika ipapo, uye aiziva kuti Mwari vachavayambutsa.

1. Mwari haatungamiriri vanhu vake pasina gwara.

2. Mwari anotitungamirira nematanho, uye tinofanira kumutevera danho rimwe panguva imwe chete.

C. Joshua akaraira vapirisita vainge vakatakura Araki yesungano kuti vatungamirire hondo yeIsrael.

1. Araki yaitakura huvapo hwaMwari.

2. Tinotevera hutungamiriri hwaMwari, haateveri hwedu.

D. Apo vanhu vakatevera Araki, vaitevera shoko raMwari uye Mweya waMwari.

1. Araki yaiva nemitemo ine gumi pazvinyorwa zvemabwe.

2. Araki yaitakura zvekare huvapo hweMweya Mutsvene.

II. Mwari akaudza Joshua kuti atore chidanho chaiita sekunge chaisakwanisika.

A. Jehova vakaudza Joshua kuti vaizova naye sezvavaingovawo naMoses.

1. Apo Moses akatanga kutungamirira vaIsrael kubva muEgipita, akatarisana nekuyambuka mvura zhinji, gungwa dzvuku.

2. Vanhu vaida kuona kuti Mwari aiva naJoshua.

B. Pamusana pekuti rwizi Jordan rwainge ruzere, vanhu veJericho havana kufungidzira kuti vaIsrael vanga kurumidza kuyambuka.

1. Kutevera Mwari kunotiita kuti tive nechidanho chimwe chete pamberi pasatani.

2. Mwari vanofara kutitungamirira pazvinhu zvatingafunga kuti hazviite.

C. Joshua akaudza vapirisita kuti vatakure Araki kumahombe kombe edziva, uye vobva vanyika makumbo mumvura.

1. Vapirisita vakapinda mumvura isati yapauka.

2. Kutenda kunoshanda pashoko raMwari kusati kwaona shanduko mumamiriro ezvinhu.

D. Joshua aiva nekutenda nekutungamirira vanhu nenzira iyi nekuti Mwari vainge vamuudza kuti azviite.

1. Kutenda kunofanirwa kutsigirwa neshoko raMwari kwete nepfungwa dzemunhu.

2. Vanhu vakawanda vakarwadziwa pamusana pekuti vakaedza kuita zvinhu zvisina kutsigirwa neshoko raMwari.

E. Shoko raMwari rizere nezvivimbiso zvekuti isu titevedzere.

1. Shoko raMwari ndiyo nzira Mwari vanotaura nesu kazhinji.

2. Apo tinonzwa shoko raMwari, Mweya wake unozvishandisa mumoyo medu kana tichitenda.

3. Kana shoko riri rechokwadi muhana dzedu, tinokwanisa kurishandisa matiri.

III. Mwari vakaita basa ravo kuna Joshua nemaIsrael.

A. Apo vapirisita vakangopinda muJordan mvura yakabva yamonerana.

B. Mwari vakabva vaomesa rwizi urwu paipfuura nevanhu kuti vasanyure mumadhaka. (Akaita zvimwechetezvo kugungwa dzvuku)

C. VaIsrael vakayambuka Jordan pavhu rakaoma.

D. Kuti vayeuke chishamiso ichi, vaIsrael vakatora matombo gumi nemaviri kubva pasi pavaifamba napo murwizi umu vakamaunganidza kunze kwerwizi.


Dzidziso yemweya mutsvene


Tora chidanho ichocho chekutenda nhasi.

Usambotya.

Ita chete izvo Mwari vakuti uite.

Shinga, utore chidanho icho chekutenda.


Apo Joshua akatarisana neJordan,

Rwaiva rwakafara uye kudzika.

Asi akatora chidanho ichocho chekutenda,

Uye akayambukira kune rumwe rutivi.


Kana ndikasangana nedambudziko.

Kuchikoro, kana kumba, kana kunotamba.

Mwari vanoti ndichakurira.

Saka ndichatora chidanho ichocho chekutenda.



MUKOMANA WESUNGANO -

UYE MUFUDZI


Kamutambo Chidzidzo chegumi nembiri


Vatambi: David, kuomba kweshumba naJobab (Muvakidzani waDavid)


Jobab: Mhoroka, David. Hufudzi huri kudiiko?


David: Zviri kufamba zvakanaka! Handina kana chekunyunyutira. Mwari vanondichengetedza, Jobab. Wakadini zvako?


Jobab: Ya-a, hazvisi kufamba zvakanaka. Ndakanzwa shumba nezuro manheru apo ndaifudza mombe dzangu. Handingodi kufunga kuti chii chaizoitika dai shumba yakada kunditevera.


David: Pangori nechinhu chimwe chete chaungaita kana shumba yauya.


Jobab: Ya-a, mhanya!


David: Hazvisizvo zvandaizotaura. Unouraya shumba kana yava kutyisidzira mombe dzako.


Jobab: Unoziva chimwe chinhu David. Ndinofunga wava kutopenda. Shumba dzakasimba uye dzakagwinya. Ungauraya sei shumba?


David: Ichokwadi ndingashandisa zvibhakera zvangu.


Jobab: Unopenga.


David: Mira kwekanguva Jobab. Hauna here kumbonzwa nyaya dzezvakaitwa naMwari nemadzitateguru edu Joshua naCaleb? Varume ivavo vaiva vakashinga. Vakauraya mamhitsa aisatenda vakatora nyika yavo, zvese pamusana pekuti vaiva nechitenderano naMwari.


Jobab: Saka inguva refu yapfuura. Joshua naCaleb vakafa.


David: Pamwe ndizvo, asi chitenderano chaMwari kuvaIsrael chichiri kushanda. Ndinotenda kuti Mwari vanondichengetedza ini nehwai dzangu.


Jobab: Asi hauzvinetse nezve shumba nezvigwe-e?


David: Kutya kunoedza kuwana nzvimbo mumoyo mangu, asi ndinozvibisa nekufunga nezvaMwari. Ndicho chikonzero ndichitamba uye ndichiimba kuna Mwari. Zvinondiita kuti ndishinge.


(Pakarepo shumba inonzwika kuomba pane chinhanho chishoma)

David: Mira pano Jobab! Ndiri kudzoka izvozvi. (David anoenda)


Jobab: David! Dzoka kuno! Wave kurwara here? Ishumba iyo! Maiwe-e nhasi David achadamburwa kuitwa zvidimbu. Uri rema rakaita sei! Sungano yaanogara achitaura nezvayo yamupinza mumatambudziko.

(David anodzoka nemuswe weshumba mumaoko)


David: Ndibatsire ndibvise ganda iri, Jobab.


Jobab: Chii? Waiuraya? Wauraya shumba?


David: Neshoko raMwari nemaoko angu.


Jobab: Saka ichokwadi. Sungano inoshanda.


David: Inoshanda kune vanotenda mairi, Jobab. Une banga here?


Jobab: Ndanga ndiri kufamba naro kubvira pandakanzwa shumba ichiomba usiku hwapfuura.


David: Mwari ngaarumbidzwe! Ndinofara zvikuru kuti Mwari vanondichengetedza. Ngatikurumidzei kuvhiya muswe uyu kusati kwasviba. Ndinoda kunoratidza vakoma vangu zvaiitwa naMwari.


Jobab: David, unoshamisa. Kwekanguva ndafunga kuti wava kupenga. Wanga usingambotya shumba iyi.


David: Jobab, Vanhu vaMwari vane chikonzero chekutenda Mwari panguva nematambudziko. Kunetsekana kwainge kusingafaniri kundibatsira nguva shoma yapfuura. Ndainge ndicharasikirwa nechikamu chezvipfuyo zvangu, dai ndatya ndisina kuvinga shumba iyi.


Jobab: Unofunga ndinofanira kudzidza kushandisa sungano here?


David: Hongu. Sungano iyi ndeye vana vese vechizvarwa chaAbraham naIsaac naJacob. Mwari akaita sungano nesu kuti atichengetedze uye kutirwira.


Jobab: Unozivei? Ndinofunga Mwari vaisa chibhakera chavo mune chako apo warwa neshumba.


David: Aisa chibhakera chake mune changu pamusana pekuti ndaisa mashoko ake mumuromo mangu nepfungwa dzake mundangariro mangu. Uchandibatsira here kuvhiya dehwe iri kana kuti kwete?


Jobab: Zvakanaka, ndotangira papi?


David: Ngatibvisei ndebvu dzake.




CHIDANHO CHAJEFF CHIHOMBE


Ngano Chidzidzo chegumi nembiri


"Ndine urombo, mwanangu, hatina mari yekukuendesa kuungano," vakadaro baba. Jeff akafamba achienda achierera misodzi. Akaziva kuti baba vake vaitaura chokwadi. Kambani yaishandirwa nababa vake yainge yava kuvharwa uye baba vake vainge vave kuzorega basa mumashure memasvondo maviri. Asi izvi havina kukwanisa kuita kuti Jeff anzwe zvakanaka. Shamwari dzake dzose dzainge dzichienda kuungano iyi, asi iyi aizogara kumba asina chekuita.


Jeff akazvinzwira urombo apo akapfeka kuti aende kukereke. Akasandudzira sasa rake ndokuisa mbatya dzake dzokupfeka pamubhedha. Akatanga kunyunyuta, "Sei Mwari vasingaite chimwe chinhu panyaya iyi!"


Mufambo wese wekuenda kukereke waisvota uye hwainge usingafadze. Jeff, uyo anosifarira kusangana neshamwari dzake aisada kuvaona musi uyu. Airwadziwa kuti audze mudzidzisi kuti aisakwanisa kuenda kuungano yekuchechi iyi. Arwadziwa nekutaura kuti mhuri yake yaisakwanisa kuwana mari iyi.


Zvishoma nezvishoma, Jeff akapinda mumba yekudzidzira ndokunanga kumudzidzisi. "Handisi kuenda kuungano,: akadaro zvinyoro nyoro asingade kuti vamwe vanzwe. "Hatina mari yacho."


"Ndinozvinzwisisa," akadaro mudzidzisi apo akambundira Jeff. "Asi usarase moyo. Terera kuchidzidzo changu nhasi."


Jeff akanyatsoterera apo mudzidzisi akataura pamusoro paJoshua uye kuti vaIsrael vakarwisa sei nyika yechipikirwa. "Mwari akavimbisa nyika yeCanaan kuvana veIsrael," akadaro mudzidzisi, "asi Joshua nevanhu vaifanira kutora matanho ekutenda kuti vagashire vimbiso iyi!"


Pakarepo zvakaita sekuti mweya waJeff wainge wabatidzwa. "Ndiri kuenda kuungano!" akafunga. "Ndinotora chidanho chekutenda uye ndowana zvandakavimbiswa naMwari!" Pakangopera chidzidzo ichi, Jeff akamhanyira kumudzidzisi aine chikumbiro. "Mudzidzisi, mungandipewo here rimwe svondo kuti ndiwane mari yandinoda kuendesa kuungano?"


"Nhasi ndiro ranga riri zuva rekugumisira kubhadhara," akadaro mudzidzisi, "asi ndinofunga ndingangokupa rimwe svondo." Jeff akafara. Nerubatsiro rwaMwari aienda kuungano!


Nekujeka kwainge kwakaita zuva remangwana, Jeff akafamba muvavakidzani achishambadza basa rake rekucheka uswa nekutimbira mabindu. Amai Tafara vakamuti asakurire bindu ravo. Vekwa Chonzi vakati acheke huswa. Akageza motokari yasekuru Masendu, zvekuti pakupera kwezuva ainge ava nemadhora gumi nemashanu.


Jeff akafara nezuva rake rekutanga nemari yaainge awana. Ainge atanga zvakanaka uye aida rimwe zana remadora pamusoro. Kusagutsikana kwakatanga kumunetsa mupfungwa apo akatanga kufunga kuti imwe mari aizoiwana sei. Jeff akabva aziva kuti kusagutsikana kunouraya kutenda, saka akazvibvisa mundangariro make nekutaura shoko raMwari. "Bhaibheri rinoti, zvinhu zvese zvandichakumbira mumunamato nekutenda, ndichazviwana! Ndakakumbira Mwari kuti vandipe mari kuti ndiende kuungano, uye vachazviita."


Nezuva raitevera, Jeff akaenda muvavakidzani zvekare achitsvaga basa. Akahara mashizha, akacheka huswa akabatsira kupenda garaji. Pakuvira kwezuva akanga awana mamwe madhora makumi maviri ane madhora mashanu.


Jeff akasevenza zvakaomarara svondo rose, zvekuti nemusi wemugovera basa rose rainge raitwa, asi aive achida madhora makumi mana kuti akwanise kuenda kuungano. Akanetsekane zvekare akatanga kusagutsikana, asi akaramba achirwisa kusagutsikana neshoko raMwari.


Mangwana mangwanani apo akapfeka kuti aende kukereke, Jeff akatanga kurwadziwa zvekare. "Basa rese riya, asi ndichiri kungoda madhora makumi mana pamusoro." Asi Jeff akazvifungisa kuti asapokane neshoko raMwari muna Mateo 21:22. Akaenda pawodhiropu yake ndokutora madhora makumi masere ndokuisa muhomwe.


Apo chechi yevana yaienderera mberi, Jeff akatondera kuti aifanira kubhadhara chegumi pamari yaaiva nayo kunyangwe hazvo aiida yose kuti aende kuungano. Zvaiva zvakaoma asi Jeff akabudisa madhora masere aya ndokumaisa mundiro yemupiro apo yaidarika. Aisaziva kuti aifanira kuita sei, asi aiva nechokwadi kuti aienda kuungano.


Pakapera chechi, Jeff akaenda kumudzidzisi wake ndokuburitsa madhora makumi manomwe ane madhora maviri kubva muhomwe make. "Ndakatora matanho ekutenda svondo rino sezvamakataura musi weSvondo," akanyemwerera. "Ndakawana mari yose iyi asi ndichiri kunyara pazana remadhora rine madhora makumi maviri."


"Ah-a kwete!" vakadaro mudzidzisi vachisekerera. "Mumwe murume ane mabhizimisi akatipa madhora makumi mashanu kushumiro yevana, akati tiise kumari yekubatsira vari kuenda kuungano."


"Mwari ngaarumbidzwe! Tinotenda, Jesu!" akadaro Jeff. Kubva musi iwoyo zvichienda mberi, akadzidza kuti Mwari vanoremekedza matanho ekutenda kunyangwe atorwa nevana!


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nembiri


Shandisai shoko


Mwari vakambokukumbira here kuti uite chimwe chinhu chawakafunga kuti chaisakwanisika pekutanga? Pawakatanga kumuterera, zvinhu zvakafamba zvakanaka. Tiudze nezvazvo.


Mibvunzo


1. Sei zvainge zvakaoma kuti vaIsrael vayambuke rwiziJordan apo vainge

vagadzirira kuenda kuCanaan?

2. Mamiriro ezvinhu anotiratidza here kuda kwaMwari nguva dzose?

3. Mamiriro ezvinhu akaedza sei kukanganisa Jesu nevadzidzi vake?

4. Joshua akaziva sei kuti yainge yasvika nguva yekukurira Canaan?

5. Vanhu veJericho vaitarisira here vaIsrael?

6. Mwari akaudza Joshua kuti chii pamusoro pekuva naye?

7. Moses akambenge awirwa nedambudziko rakadai here?

8. Ndiani akatungamidzwa mberi kwemhandu naJoshua?

9. Araki yaiva nei?

10. Nekutevera Araki yesungano, vaIsrael vaitevera chii?

11. Mwari vanoda here kudzivisa zvinhu zvisakarurama?

12. Mwari vanotitungamirira here pane chakaipa?

13. Mwari vakatungamirira Joshua kuti ati chii kuvapirisita?

14. Pakapinda vapirisita mumvura, mvura yainge yatoungana here?

15. Kutenda kunofanira kutsigirwa nei?

16. Vapirisitita naJoshua vaiva neshoko here raibva kuna Mwari rekutsigira

kuita kwavo?

17. Tinogamuchira shoko raMwari sei nhasi?

18. Ndiani anoshanda neshoko kuriita rive chokwadi muhana dzedu?

19. Chii chakaitika pasi pedziva apo mvura yakaungana?

20. VaIsrael vanorangarira sei chishamiso ichi?



KUDANIDZIRA KWEKUTENDA


Chidzidzo chegumi nenhatu


Ndima yekuverenga: Joshua 6


Chokwadi: Kutenda kunopemberera kunyangwe mhinduro isati yauya.


Ndima yemusoro: VaRoma 8:31b, ".....Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa?"


Kamutambo: "Kutenda kwakafanana"


Chidzidzo: Ngano - "Nicodemus nechidhori"


Zvinodiwa: VaIsrael (200), Joshua (211), guta rakavakirwa madziro (221), Rahab (233), Araki yesungano nevapirisita (234), Israel ichipembera (235), masoja achipembera (236)


Kumudzidzisi


Iva nechokwadi kuti kutenda kunopemberera mhinduro isati yaonekwa, uye chero munhu anopembera mumashure mekukunda. VaIsrael vaisanzwisisa zvavaiiita, apo vainzi varambe vakanyarara nekuzopembera pazuva rechinomwe asi kutenda kwakashanda nokudaro. Mwari anofara nekupa gwara rekutevedza kuti aone kana tichiteverera. Maitiro edu pachedu haakwanise kuunza zvishamiso zvake, asi kuterera kwedu kunodzikisa simba raMwari kuti ritimiririre. Munyaya iyi, kuterera kwakaunza zvishamiso zvakawanda zvaingokwnaiswa kuitwa naMwari oga, uye akagamuchira kubwinya mazviri.


Tsanangudzo


I. Kunyangwe vanhu veJericho vainge vachitya vaIsrael, vainge vakazvipira kuvadzivisa.

A. Vanhu veJericho vainge vanzwa zvese zvishamiso zvainge zvaitirwa vaIsrael naMwari.

1. Kana makomborero aMwari apiwa kune vanhu vake, chero vatadzi vanokwanisa kuzviona.

2. Satani anoda kuti vanhu vaMwari vatye chaunga chake, asi tikafamba nekutenda tinokwanisa kukurira nyika (1 John 4:4)

B. Vanhu veJericho vaivimba nesimba ravo kuti vazvirwire.

1. Vainge vavaka mudhuri mukuru wakatenderedza guta ravo uye vainge vakagadzirira kuuya kwevaIsrael.

2. Zviri nani kuvimba naMwari pane kuvimba nesimba rako.

C. Pamusana pekuti rwizi Jordan rwainge rwakazara panguva iyoyo, saka vanhu veJericho vainge vasingakwanise kuyambuka panguva iyoyo.

1. Vakakanganwa kuti Mwari vainge vapatsanura mvura yemugungwa dzvuku kuti Moses nevanhu vake vapinde.

2. Nyika hainzwisise kuti Mwari vangaitira vanhu vayo zvinhu zvakaita sei?

II. Mwari vakapa Joshua pfungwa dzekuti arwise guta.

A. Mwari vane hurongwa hwekuti Joshua atevedzere.

1. Mwari vakaudza Joshua kuti hondo yake ifambe ichitenderera guta reJericho kwemazuva matanhatu.

2. Chokwadi izvi zvaizoita kuti masoja abva agadzirira, asi vaisazokurira pamusana pesimba ravo pachavo.

B. Nemafungiro emunhu, hurongwa hwaJoshua hwainge hwakapusa asi Mwari vanoshandisa kupusa ikoko kuti vakurire vakangwara.

1. Hurongwa hwaMwari hwakaratidza kuti ivo pachavo ndivo vainge vari pamusoro pekukurira kwaJoshua.

2. Mwari vanoda kuwana rumbidzo pane zvose zvavanoita.

C. Joshua akaudza vanhu kuti vasataura kana shoko rimwe zvaro panguva yose iyi yavaifamba vachitenderera Jericho.

1. Izvi zvakaita kuti vanhu vasawana mukana wekukurukura pamusoro pezviito zvaJoshua izvi.

2. Kutaura kwekupokana kunoputsa kutenda.

D. Pazuva rechinomwe, Joshua akati masoja atenderere guta kanokwana kanomwe.

1. Kufamba uku kwakatungamirirwa nevapirisita vainge vakatakura Araki yesungano.

2. Vapirisita vazhinji vainge vakatakura mabhosvo aishandiswa kurumbidza Mwari.

E. Mwari akaudza Joshua kuti madziro eJericho aizodonhera pasi.

III. Joshua pamwe neisrael vakaterera Mwari nemirairo yake uye vakakunda.

A. Nemurairo waJoshua, vanhu vakadanidzira kuna Mwari apo madziro ainge achakamira.

1. Kutenda kunotenda Mwari kana mhinduro isati yauya.

2. Chero munhu anokwanisa kudanidzira kana akunda.

B. Apo vanhu vakadanidzira nekutenda, madziro eJericho akapazika.

1. Vanhu vazhinji veJericho vakafa pakapwanyika madziro aya.

2. Vanhu veJericho vaisakwanisa kurwisa Israel.

C. Munhu wese muguta akaparadzwa nevaIsrael kunze kwaRahab nemhuri yake.

1. Mwari anochengetedza shoko rake rakatendeka.

2. Chero munhu anokwanisa kugashira makomborero aMwari zvisinei nerudzi rwake kana tsika, kana akagamuchira kutenda.


Chidzidzo chemweya


Kutenda kunoshanda nguva dzose

Hazvina kushanduka zvachose.

Tanga watenda, wozoona

Zvese zvinosunga zvinofanira kudonhedzwa.


Ndinoti "Midhuri iyoyo ngaidonhe."

Ndisati ndaiona ichidonha.

Ndinodaidzira kudaidzira kwekutenda,

Uye Mwari vanodonhedza mudhuri!



KUTENDA KWAKAFANANA


Vatambi: Joshua nemubvunzi wechikadzi


Mubvunzi: Vakomana nevasikana, tine mweni akakosha pachirongwa chedu nhasi. Akachengetedza kutenda kwake kwemakore makumi mana. Akawana zvaaitenda mazviri ndokutungamirira vamwe murifa renzvimbo yechipikirwa iyi. Ngatigamuchire Joshua.


(Joshua akapinda)

Joshua: Mhoroi, munoda here kuti ndikutungamirirei kunyika yechipikirwa?


Mubvunzi: Titori munyika yechipikirwa, Joshua. Tiri vana vaMwari.


Joshua: Tendai Mwari! Kana muchida kuziva nezvemumwe munhu anoda kutungamirirwa kunyika yechipikirwa iyi, vatumirei kwandiri. Ndinoziva nzira.


Mubvunzi: Ndeipi nzira kunyika yechipikirwa, Joshua?


Joshua: Jesu ndiyo nzira.


Mubvunzi: Nyika yechipikirwa iripi?


Joshua: Iri kwese kwese kune vanhu vaMwari! Unokwanisa kuva nemakomborero ese aMwari chero pese pauri.


Mubvunzi: Ameni! Vanhu vaMwari vanofanirwa kuropafadzwa.


Joshua: Sezvo Jesu akauya, zviri nyore chaizvo kuwana maropafadzo.


Mubvunzi: Unorevei?


Joshua: Apo ndaitungamirira Israel, ndivo vega vaiva vanhu vaMwari. Iye zvino chero munhu anokwanisa kuva munhu waMwari.


Mubvunzi: Bhaibheri rinoti chero munhu anodana nezita raJehova achaponeswa.


Joshua: Zvakasiyana nenguva yangu. Kuropafadzwa naMwari, taifanira kuchengeta mitemo yaMoses. Zvaiva zvakaoma. Vanhu vaMwari vose vaigara muIsrael.


Mubvunzi: Iye zvino, Mwari vane vanhu pasi rose. Nyika yechipikirwa haisingori imwe chete, asi iri pese pese pane vanhu vaMwari.


Joshua: Takadzinga mhitsa dzakawanda.


Mubvunzi: Saka nesuo. Tinochengeta mhitsa dzezvivi, kunetsekana, kutya uye kurwara muupenyu hwedu.


Joshua: Mhitsa dzedu dzaiva dzakakura, dzakareba, asi Mwari vakavapa kwatiri. Kukura kwavo ndikowo kumhanya kwavanoita.


Mubvunzi: Tinoshandisa chombo chedu chemweya kumhitsa dzedu.


Joshua: Takashandisa mapakatwa pavarume vakuru ava muCanaan zvekare. Vaiva mhitsa chaidzo asi Mwari vakatibatsira kuti tivamhanyise. Chombo chemweya chakaita sei ichocho?


Mubvunzi: Bakatwa remweya ishoko raMwari. Kana vanhu vaMwari vachitaura shoko raMwari, zvinoita sekunge bakatwa riri kubva mumuromo mavo, richicheka mabasa asatani.


Joshua: Nesuwo taiva nebakatwa iri zvekare. Unoziva zvakawanda pamusoro paMwari. Unoziva sei zvese izvi?


Mubvunzi: Tinoverenga shoko raMwari. (Sumudza bhaibheri)Izvi zvinotiudza zvose zvataida kuziva kubva kwaari.


Joshua: Zvakanaka, rumbidzai Mwari! Ndinovimba kuti dai taiva nebhuku

rakadaro panguva yangu. Taingova nemitemo yaMoses. Vanhu imi munoita sekunge mava kungomhanyisa satani kubva munhika.


Mubvunzi: Hongu tiri!


Joshua: Hallelujah! Hapana chinhu chimwe chati chashanduka.


Mubvunzi: Chii ichocho?


Joshua: Kutenda hakusati kwashanduka kana nepadiki. Kunoshanda nguva dzose. Mava neshoko raMwari rakawanda kupfuura rataiva naro asi zvakangofanana.


Mubvunzi: Bhaibheri rinoti Jesu mumwe chete nezuro nanhasi nekusingaperi. Kutenda kwakashanda sei nguva yenyu, Joshua?


Joshua: Kutenda kunoshanda kana uchitenda shoko raMwari mumoyo mako uye uchiritaura nemuromo wako. Ndakati, "Madziro aya ava kudonha. Madziro eJericho atodonha kare. Ndinovimba atodonha." Akanga achakamira pandaitaura kudaro.


Mubvunzi: Uri kutenda shoko raMwari usati wariona.


Joshua: Zvakanaka, Ndakadaro, "Nekutenda, madziro iwayo adonha." ndakazvitaura svondo rese. Apo takadanidzira, zuva rechinomwe, akadonha. Ndiko kushanda kunoita kutenda. Unofanira kutaura sekunge wava nemhinduro usati waiona.


Zvisinei ndinofanira kudzokera kudenga. Ndichazokuonai imwe nguva.


Mubvunzi: Ufambe zvakanaka, Joshua.


NICODEMUS NEMUPURWA


Ngano Chidzidzo chegumi nenhatu


Rimwe zuva mangwanani, apo Gospel Bill ainge achiri mukomana mudiki, akatasva bhiza rake achienda mumakomo. Aida kushanyira shamwari yake, Nicodemus, uyo aichera goridhe. Apo akasvika paigara Nicodemus, Bill akakatyamadzwa. Maigara mabhiza mainge mapazika uye bhiza rainge rakafa. Akavhura musiwo wemba. Mainge musina kumira zvakanaka mukati.


"Nicodemus!" akadanidzira Bill. "Nicodemus! Uri kunzwa zvakanaka here?" Gospel Bill akamira ndokuterera. Akanzwa karuzha. Akamhanyirako ndokunowana Nicodemus achikambaira kubva munochengeterwa hupfu. Aiva akafukidzwa nehupfu kubva kumusoro kusvika kumakumbo.


"Nicodemus ndiwe here?" akabvunza Gospel Bill.

"Hongu, ndini!" akadaro Nicodemus . "Zvakakwanisa kuita kuti munhu asiye."

"Chii chakaitika?" akabvunza Bill.


"Oh, mupurwa uya, mitatu yakapinda ndokuita zvose izvi muno ndokuuraya bhiza rangu. Ungadai wakandiuraya dai ndisina kupinda munochengeterwa upfu. Ndiko kechitatu mumwedzi mitatu apo mipurwa yaiuya pano. Ndava kusiya nzvimbo yangu, haisisina kuchengetedzwa."


"Sei usina kuipfura?" akadaro Gospel Bill.


"Kuupfura? Ndakaupfura, asi hazvibatsire. Ganda rake rakasimba zvekuti mabara haagoni kupinda," akapindura Nicodemus.


"Zvisinei, usatize," akadaro Bill. "Rega ndigare newe pano kwemasvondo mashoma anotevera tobva tazoona zvekuita nemipurwa yese iri mitatu. Pamusoro pazvo iye zvino wave kuwana zvicherwa zvakanaka."


"Hongu iye zvino mugodhi une goridhe rakawanda, asi handina basa nekuzvisiya kana zvichireva kuti ndigare nemipurwa," akadaro Nicodemus.


""Zvisinei, Nicodemus, ngatigadzirisei nzvimbo ino. Hazvina kumira zvakanaka, " akadaro Bill achifara zvake.


Gospel Bill naNicodemus vakatsvaira nekugeza mubva umu nekugadzira danga. Mumazuva mashoma akatevera nzvimbo iyi yakataridzika setsva, uye Nicodemus aiva akafara kuti Bill ainge ataura naye nezvekugara naye. Kuchengetedza Nicodemus kuti asatye, usiku hwese Bill aimuverengera magwaro kuti avake kutenda kwake. Mumashure memasvondo maviri, mainge musisina kutya muna Nicodemus zvachose.


(Kuita kuti nyaya ive yechokwadi, verenga mamwe magwaro anopaza kutya.)


Rimwe zuva mangwanani, Gospel Bill akaenda kunosungira bhiza rake achigadzirira kudzokera kumba. "Nicodemus," akadaro Bill, "Yasvika nguva yekuti ndichidzokera kumba. Ndichakuona mumashure memwedzi inotevera."


"Zvakanaka," akadaro Nicodemus, "Ndakafara chaizvo nekushanya kwako, uye ndinofara kuti wakandiverengera magwaro. Kana mipurwa ikadzoka zvekare, ndinoziva zvekuita."


"Nanhasi, Nicodemus," akadaro Bill, akabva atasva bhiza rake okwira makomo achibva ashaikwa mumiti.


Manheru iwayo, Nicodemus ainge atobatwa nehope, akanzwa ruzha mudanga. Kutya kwakauya mupfungwa make uye wakaipa akabva amufungisa zvese zvainge zvamboitwa nemipurwa iyi nguva yakapfuura.


"Pwa-a!" Mupurwa wainge wava panze zvekare Nicodemus akaziva kuti nenguva shoma unenge wava pamusiwo pake.


"Mwari havana kundipa mweya wekutya!" akadaro Nicodemus akashinga. Kunyangwe aitya, akazviita kuti ataure shoko raMwari, zvakaita kuti adzinge kutya uku.


Nechinguvacho ruzha rwakanzwika pamusiwo. Pachinzvimbo chekutya, Nicodemus akaenda panoveserwa moto ndokubatidza chimuti. Chakaita mwenje wakanaka, uye akachitakura akananga kumusiwo kwaiva nechaisandidzira musiwo ichi.Pakarepo musiwo wakavhurika uye mupurwa mukuru wakabva wapinda.


Nekukurumidza, Nicodemus akabva amhanyira mupurwa uyu ndokusvikoisa chimuti chiya chaipfuta pamhino dzemupurwa. Mupurwa uyu nekurwadziwa wakamhanya nepamusiwo. Pawakamhanyira musango, Nicodemus akautandanisa nemwenje.


Mupurwa hauna kuzodzoka kuzonetsa Nicodemus zvekare. Nicodemus haana kutya kuona mupurwa zvekare, uye akamirira zviri zvake kusvikira ava mupfumi. Akazvizadza neshoko raMwari, iro rakakosha kudarika goridhe, uye akawana matombo aya anopenya zvekare mumugodhi wake.



DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nenhatu


Shandisai shoko


Dzimwe nguva kana tichitenda Mwari pamusoro pechimwe chinhu, zvinobva zvaitika mumoyo medu zvekuti tinobva taziva kuti tava nemhinduro, tisati taiona nemaziso. Izvi zvakamboitika kwauri here? Chii chawaitenda Mwari nacho? Chii chakaitika?


Mibvunzo


1. Vanhu veJericho vainge vachitya vaIsrael here?

2. Sei vaitya?

3. Vaivimba nechii kuti vachengetedzwe kubva kuvaIsrael?

4. Tingakunda sei nyika nematambudziko ayo?

5. Sei vanhu veJericho vaisatarisira vaIsrael?

6. Chii chavainge vakanganwa pamusoro paMoses?

7. Joshua akawana sei pfungwa dzekutora guta?

8. VaIsrael vakaita sei pamazuva matanhatu ekutanga?

9. Vakatenderera guta kangani pazuva rechinomwe?

10. Mumaziso evanhu sei izvi zvaiita kunge zvakapusa?

11. Sei Mwari vachiunza zvinhu zvakapusa?

12. Ndiani anofanira kutendwa nezvinhu zvinenge zvaitwa naMwari?

13. Ndiani akatungamirira vaIsrael mukufamba kwavo uku?

14. VaIsrael vakadanidzira zvaita sei?

15. Kutenda kunopa mbiri kuna Mwari riini?

16. Chii chakaitika apo vaIsrael vakadanidzira?

17. Ndiani wega akasiiwa apo Israel yakarwisa Jericho?

18. Sei Rahab akasiiwa?

19. Munhuwo zvake anokwanisa kuwana kutenda here?

20. Maitiro aRahab ainge akasiyana papi neevanhu vekuJericho?






KUSATERERA KUNOUNZA KUPARARA


Chidzidzo chegumi nena


Ndima yekuverenga: Joshua 7:1-8:29


Chokwadi: Chivi chinotadzisa kudururuka kwemakomborero aMwari.


Ndima yemusoro: 1 Johane 1:7, "Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza , tinoyanana isu, neropa raJesu Kristu mwanakomana wake rinotinatsa kubva muzvivi."


Kamutambo: "Chinhu chekudaidzira nezvacho."


Chidzidzo: "Chivi chine buri machiri."


Zvinodiwa: Moto (202), Vasori gumi (210), Joshua (211), guta rakavakirwa (221), Achan (237)


Kumudzidzisi


Chidzidzo ichi chinoratidza kukosha kwekurwisa chivi nenzira yaMwari. Kunyangwe chitenderano chekare chichiita kunge chaiva neutsinye, maitiro acho ainge akakosha kutevedzera kunyangwe muchitenderano chitsva.


Mwari vakatipa kodzero yekuti tibvise zvivi musungano itsva iyi. Hatingarambe tichienderera mberi nezvivi nerumwe rutivi tichida kuwana makomborero muchitenderano chitsva panguva imwecheteyo. Tinofanira kusiya uye kureurura zvivi zvedu uye kutenda kutsiura kwaMwari. Saka, tinofamba muutsvene hwaMwari. Kana tichida kunyanyofara nemakomborero ehumambo hwaMwari, tinofanira kuzvibvisa muhumambo hwerima.


Tsanangudzo


I. VaIsrael vakaenda kunoita hondo muguta reAi.

A. Joshua akatumira vasori kuti vaende kunoongorora guta iri.

B. Vasori vakadzoka vakataura kuti Ai yaikwanisa kutorwa nevarwi vangangoita zvuru zviviri kana zviuru zvitatu.

1. VaIsrael vakanyanyofara pamusana pekukunda kwavo kuJericho.

2. Hapana akaita basa nekubvunza Mwari pamusoro peyambiro pakurwisa Ai.

C. Apo masoja zvuru zvitatu vakaenda kunorwisa Ai, vakarohwa zvakaipisisa nevarume vemuAi.

1. Vakatiza nekurwadziwa nekuti vainge vasina kutarisa kukurirwa.

2. Masoja makumi matatu ane varume vatanhatu vakaurayiwa.

II. Joshua akazvininipisa pamberi paMwari kuti azive kuti sei vanhu veIsrael vakakurirwa.

A. Kana miyedzo ichiuya, tinofanira kuenda kuna Mwari kuti titungamirirwe.

1. Vanhu vazhinji vanotsamwira Mwari kana vachinge vakurirwa.

2. Joshua akaenda pamberi paMwari nemoyo munyoro.

B. Mwari vainge vayambira vaIsrael kuti vasatore kana chinhu muJericho.

1. Mwari vairatidza kuti zvibereko zvekutanga zvaiva zvavo.

2. Jericho ndiyo raiva guta rekutanga muCanaan kukurirwa nevaIsrael.

C. Achan, murume werudzi rwaJudah, haana kuterera Mwari uye akatora upfumi kubva muJericho.

1. Kunyangwe akaviga zvaainge atora mumusasa make, Mwari akazviona.

2. Hazvibatsiri kuedza kuviga chivi kubva kuna Mwari.

D. Mwari vakaudza Joshua kuti mumwe munhu wemuIsrael ainge aita chivi, uye makomborero haaikwanisa kuva pavanhu kusvikira chitadzo charangwa.

1. Kana tichida makomborero muupenyu hwedu tinofanira kuterera shoko raMwari.

2. Kana Mwari akabvumidza kuti zvivi zvedu zvisarangwe, anofanira kuitawo zvimwechetezvo kuna satani.

3. Mwari akatuma Jesu kuti arangwe pamusana pezvivi zvedu.

E. Mwari vakaratidza Joshua kuti Achan ndiye aiva atadza.

1. Achan akazobvuma chete apo ainge azivikanwa.

2. Mhuri yake yainge yatadzawo, nekuti vaiziva zvaainge aita asi vainge vasarudza kusazvitaura.

F. Vanhu veIsrael vakataka Achan nemhuri yake uye zvipfuyo zvake nematombo.

1. Uyu waiva mutongo wakaoma asi zvakaratidza vanhu veIsrael kuti vaifanira kunge vasina kufanana nevavakidzani vavo veCanaan muzviito zvavo zvisakarurama.

2. Kana mutongo uyu wangopera, Israel yaisara isina chivi uye kuyananiswa naMwari.

III. Mwari akabatsira vaIsrael kuti varwise Ai.

A. Mwari akapa Joshua humwe hurongwa hwehondo.

1. Akaudza Joshua kuti vaIsrael vaikwanisa kuwana upfumi hweAi.

2. Dai Achan akamirira, aikwanisa kuwana upfumi hwese hwaaida pamusana pemakomborero aMwari.

B. Joshua akatumira varwi zvuru makumi matatu nevashanu kuti vahwande kunze kweAi.

C. Zvino, Joshua nevamwe vashoma vakaenda ndokunorwisa guta kusvikira varume veAi vabuda kuzorwa.

1. Varume veAi vakabva vadzingirira Joshua nevarwi vake.

2. Joshua ainge asingatizi asi kuti ainge aronga nemamwe marongero.

D. Apo maguta eAi akasara asina varwi, hondo yaJoshua yainge yakahwanda yakabva yapinda mumaguta ndokutanga kumapisa.

1. Varwi vaJoshua vakakomberedza varwi veAi.

2. Vakaparadza guta zvachose.


Chidzidzo chemweya


Ndinoda kuita kuda kwaMwari.

Ndinosarudza kuterera Mwari.

Ndinoita kuti satani atize kubva pandiri.

Kana achida kuti ndiite chivi.


Ndinofamba naJesu mazuva ose.

Anondiratidza mararamiro,

Kuda hama yangu seni,

Kunamata nekuregerera.


CHINHU CHEKUDANIDZIRA NEZVACHO


Kamutambo Chidzidzo chegumi nena


Vatambi: Mutauri naMambo David


David: (Achifara) Hallelujah! Mwari ngaarumbidzwe! Mwari vakanaka!


Mutauri: Varume nevakadzi, nhasi tiri panze peimba yamambo David muJerusalem. Tichabvunza vanoremekedzwa ava mibvunzo mishomanana.


David: (Achidaidza) Kuchena! Kuchena! Kuchena! Kururama!


Mutauri: Mundiregererewo, mambo David. Ndinoda kukubvunzai mibvunzo mishoma kana zvichibvira?


David: Unofanira kumbomira nekuti ndichiri kumborumbidza Mwari. Hallelujah! Mwari ngaarumbidzwe. Tinotenda Jehova.


Mutauri: Sei muri kufara kudaro?


David: Ndakatadzira Mwari.


Mutauri: Hapana chekufarira apa.


David: Asi akandiregerera uye akachenesa moyo wangu. Hallelujah! Ngaarumbidzwe! Tinotenda, Jehova!


Mutauri: Ungarumbidze Mwari sei zvakadaro iwe wakatadzira Mwari?


David: Wakati Mwari vakakanganwa zvivi zvako?


Mutauri: Ndizvo zvandakataura! Ndaregererwa zvachose pamusana pekuti Mwari havachatomboziva zvandakaita. Ndarurama!


Mutauri: Kururama? Ndakanzwa nezve shoko iroro kakawanda, asi handina chokwadi kuti ndinoziva zvarinoreva.


David: Kana munhu akarurama, anenge ari mutsvene pamberi paMwari. Mwari havaone chivi mumunhu akarurama.


Mutauri: Munhu wese haasi mutadzi here?


David: Munhu wese akatadza, asi kana tichivimba nemupiro waJehova, anobvisa matadzo ese.


Mutauri: Saka kana wakaita chimwe chinhu chakaipa, uri kuti Mwari vakachikanganwa?


David: Zvakanaka. Hallelujah! Mwari ngaarumbidzwe!


Mutauri: Chii chandingaite kuti Mwari vabvise zvivi zvangu?


David: Unofanirakutenda muna Mwari. Ukamukumbira kuti akupe moyo muchena, anobvisa zvivi zvese okuita wakarurama. Hallelujah! Rumbidzai zita raJehova! Mwari ngaarumbidzwe!


Mutauri: Zvisinei, tinotenda nemhinduro dzinogutsa, mambo David. Iye zvino ndave kuziva kuti sei muchifara kudai. Varume nevakadzi, mazvinzwira. Mwari aanokanganwira zvivi zvako kana uchivimba naye. Halleluja!




CHIVI CHINE BURI MACHIRI


Chidzidzo chegumi nena

Ndima yekutarisa: II VaKorinte 5:21, "Uyo wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu kuti isu tive kururama kwaMwari maari."


Zvinodiwa: Mucheka wakakura mita imwe chete mativi ose, chidimbu cheshinda chakareba masentimita gumi nemashanu eshinda yakajeka, chimwe chipenga chingaita masendimita mashanu.


Gadziriro: Nyora mucheka kuti "Zvivi," wochiisa pachinoonekwa. Boora kaburi pakati pemucheka uye ushandise mucheka wekupavhara. (tarisa muenzaniso)


Chidzidzo


Chivi chinhu chakaipa chaizvo vakomana nevasikana. Hazvingave semafungiro aungaita. Pane angandiudza here kuti chii chinonzi chivi? (Ipa nguva yekuti vana vataure mafungiro avo. Mhinduro yauchapa inofanirwa kunge iri maererano nezvatinotaura pano.) Chivi hachingori chiitiko chekuita zvakaipa. Chivi chinosundwa nemweya. Chirwere chemweya. Chivi mapatya nerufu.


Mwari vanovenga chivi. Anovenga chivi pamusana pezvachinoita kuvarume kana vakadzi, vakomana nevasikana. Chivi chinokonzera mamwe madzibaba kuti ave zvidhakwa. Chivi chinokonzera mamwe madzimai kuti ave zvipfeve. Chivi chinokonzera vakomana nevasikana kuti vasaterere vabereki vavo uye vamukirane pamusana pehutongi. Chivi chinodya mweya yevanhu semhumhi.


Chivi chinotadzisa vanhu kuenda kudenga. Mwari haabvumidze chivi kudenga pamusana pekuti haadi kuva nedambudziko raaiva naro panyika. Saka, chivi chinotadzisa zvinhu zvakawanda panyika. Sezvo vanhu vese vakatadza uye havachakwanisa kusvika pakubwinya kwaMwari, hapana kana munhu mumwe chete anokwanisa kupfuura ruzhowa rwechivi urwu.


Shinda iyi inoratidza munhu akarasika. (Edza, zvichiramba, kuruka shinda kubudikidza nepajira. Zviite kakawanda kuti uratidze kushaya tariro kwemunhu)


Kana chidzidzo ichi chikamirira pano, zvinganzwisa tsitsi, asi Jesu akauya kuzoita chimwe chinhu pamusoro pechivi. Akauya kuzoisa buri paruzhowa rwechivi. Muna II vaKorinte 5:21 Bhaibheri rinoti Jesu akava chivi. Akava chikamu cheruzhowa rwaipesanisa vanhu naMwari. (Nongedzera chigamba, uchitsanangura kuti chinomirira Jesu.)


Kwemazuva matatu uye usiku hutatu, Jesu aiva akafa. Izvi zvakaitika apo akafa pachipiyaniso. Akava chivi, saka akafa pamweya. Haaana kutadza iye pachake. Akatora mamiriro echivi chinova ndicho chivi.


Mumashure memazuva matatu uye usiku hutatu achirwadziwa mumoyo nekuda kwepasi rino, Jesu pachake akazvarwa patsva. (Ona vaRoma 8:29, Vakorose 1:18) Akasimuka nekukunda pamusoro pechivi uye rufu izvo zvaitadzisa vanhu kusvika kuna Mwari. (Dhonza chipenga kubva pamucheka) Iye zvino Jesu haasisiri chivi, pane buri rakasiyiwa paaiva, uye vanhu vanokwanisa kupfuura zviri nyore. (Dhonza shinda kubva muburi)



CHIVI


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nena:


Shandisai Shoko


Pamusana pechivi chaAchan, vaIsrael vakakurirwa neAi. Wakamborasikirwa here nemakomborero pamusana pechivi? Pamwe wakanyepa, wakanyengedza, kana kuti wakatora chinhu chisiri chako uye makomborero awaifunga kuti ndeako akanga asisiri ako zvachose.


Ngatiitei tumitambo nhasi tunoratidza kuti vana vangawira sei muchivi uye vachirasikirwa nemakomborero. (Mumashure mekamutambo kega kega rega vatambi vadzokorore vachiti "Kwete" kubva kumiedzo uye vachigashira makomborero.)


Mibvunzo


1. Nderipi guta repiri rainge rakarongwa kuzorwiswa neIsrael?

2. Raiva guta guru here?

3. Vasori vakaudza Joshua kuti chii?

4. Chii chakaitika apo vaIsrael vakatanga kurwisa Ai?

5. Varume vangani veIsrael vakaurayiwa muhondo iyi?

6. VaIsrael vakaita nekurasikirwa uku?

7. Joshua akasvika sei kuna Mwari?

8. Joshua aipenga here pamusoro paMwari?

9. Mwari vakaudza Israel kuti chii pamusoro pehupfumi hweJericho?

10. Zvakarevei kuti Jericho ndiro rakava guta rekutanga kutorwa neIsrael?

11. Ndiani akatora upfumi kubva muJericho?

12. Joshua akaziva sei kuti ndiani aiva nemhosva?

13. Ndiani mumwe aiva nemhosva kunze kwaAchan?

14. Achani akarangwa sei?

15. Sei mutongo wakaoma kudai wainge wakakodzera?

16. Ndiani akarangwa pachinzvimbo chedu?

17. Chii chaizoitika dai Mwari vaingobvumira kuti zvivi zvedu zvese zvipere zvisina

kurangwa?

18. Joshua akanyengera sei varume veAi?

19. Nderipi rimwe guta rakarwisa Israel pamwepo neAi?

20. Chii chakaitika kuhupfumi hweAi?



SHAMWARI DZISAKARURAMA


Chidzidzo chegumi neshanu


Ndima yekuverenga: Joshua 9:3-27


Chokwadi: Shamwari dzakaipa dzinogona kureva matambudziko.


Ndima yemusoro: II VaKorinte 6:14, "Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi, nokuti kururama kungava neukama hweiko nekusarurama?"


Kamutambo: "Kudemba kwaSamson"


Chidzidzo: Nyaya - "Dambudziko parukova"


Zvinodiwa: Joshua (211), Gibeonite (238)


Kumudzidzisi


Nyatsotsanangura kuti vanhu vangasarudza sei shamwari nehama dzekufamba nadzo muna Kristu. Joshua akatadza nekuita chibvumirano nenyika yevavengi asina kubvunza Mwari. Shamwari dzisingabvi kuna Mwari dzinokanganisa kufamba kwedu naMwari sezvakaita vaGibeonite kuIsrael, vakaunza matambudziko avaisafanira kunge vakawana.


Tsanangudzo


I. Mwari akaraira vaIsrael kuti vasave nechibvumirano cherunyararo nevavakidzani veCanaan.

A. VaCanaan ava vaiva vanyangadzi vakaipisisa uye vainamata zvifananidzo uye nekupira vanhu.

B. Vanyangadzi ava vaidana huvapo hwemadhimoni nemweya yetsvina munyika pamusana pemararamiro avo. C. Mwari aiziva kuti vaIsrael vaifurirwa nevanhu veCanaan kana vakagara padyo navo. 1. Vanhu vane dambudziko guru rekukurira zvivi vasingatungamirirwe neshamwari dzisakarurama.

2. Tine nguva yakaoma kudzivirira miedzo kubva kushamwari kudarika kuvavengi.

D. Mwari vanotiudza kuti tisasungwa pajoki nevasingatendi (II vaKorinte 6:14)

1. Tinofanira kuremekedza mutemo uyu mukusarudza shamwari, mumabasa kana mune dzimwe nzvimbo.

2. Tinokwanisa kuva shamwari kune vasingatendi, asi hatifanire kuvimba navo kana kuvabvumidza kuti vave nechekuita muupenyu hwedu.

II. VaGibeonite vakanzwa nezvekukunda kukuru kwevaIsrael uye vaivatya zvakanyanya.

A. Gibeon ndiyo yaiva guta rakasimba pane ese muCanaan, asi vaiziva kuti Mwari aizobatsira vaIsrael kuti vavakutire.

B. Vakazofunga kuti nzira yoga yavangarwisa nayo kwaiva kuita sungano isiri yechokwadi neIsrael.

1. Vakatuma varume vaiita sekunge vaibva kunyika iri kure kure.

2. Vainge vakapfeka shangu dzine zvigamba nehembe dzakabvaruka uye vaiva vakatakura chikafu chakaoma chine chakumvumvu.

C. Apo vatumwa ava vakasvika kuna Joshua kuIsrael, hapana akafungidzira kuti vaiva vari vavakidzani.

D. Vakanyengerera Joshua uye Israel kuti vave nesungano navo kuti vasavaparadze uye vave shamwari dzavo.

E. Pamusana pekuti akafunga kuti vanogara kure, Joshua akaita chibvumirano cherunyararo nevaGibeonites.

III. Chibvumirano cherunyararo ichi chakaunza kusagadzikana.

A. Joshua haana kutsvaga kutungamirirwa naMwari pakuita chibvumirano ichi neGibeon.

1. Mwari angadai akadzivisa Joshua mukuita ushamwari nemaGibeonites.

2. Tine Mweya mutsvene matiri unotitungamirira kubva mumatambudziko.

B. Mazuva matatu mumashure mekunge chibvumirano chaitwa, vaIsrael vakaona kuti vainge vanyengedzwa, uye vaGibeonite vaiva vavakidzani.

1. Vanhu veIsrael vaida kuparadza Gibeon.

2. Vatungamiriri ve Israel vaisazoparadza Gibeon pamusana pekuti vainge vaita sungano navo.

3. Mwari anofara kana tikachengeta shoko redu.

C. Pamusana pekuti vaGibeonite vainge vanyengedza, Joshua akamanikidza varume vavo vakakosha kuti vave nhapwa.

D. Pamusana pechibvumirano chavo neGibeon, Joshua nevana veIsrael vaifanira kurwira hondo yose yainge yava kurwisa Gibeon.

1. Kuva neushamwari hwaksimba nevasingatendi zvinoita kuti tidzokere shure.

2. Dzimwe nguva vasingatendi vanoshandisa ushamwari hwavo kuwana zvavanoda vasina chavo chavanoita.


Dzidziso yemweya


Baba, ndinokukumbirai

Shamwari dzine mutsa, dzinehumwari.

Shamwari dzinokufadzai.

Mundibatsire kuterera.

Shamwari dzinogara

Dzakavimbika kusvika pazuva rekuguma

Ndinokutendai pamusana peshamwari idzi, baba,

Muzita raJesu ndinonamata.


KUDEMBA KWASAMSON


Kamutambo Chidzidzo chegumi neshanu


Vatambi: Samson

(Mutambo unotanga naSamson ari muchitokisi. Akatarisa pasi)


Samson: Ndingava benzi rakadai sei? Ndingadai ndakaziva zviri nani. Ndaita benzi chairo nhasi.

(Pakarepo, Samson akatendeukira kuvanhu.)

Mhoroi, zita rangu ndini Samson. Handina kukuzivai pekutanga. Pamusana pekuti ndakapofomara. Asi handina kugara ndakapofomara kusvikira nhasi pavandiisa muchitokisi.


Ndinofunga muri kunetsekana kuti sei ndiri mujeri nhasi. Regai ndikuudzei, handisi mupari wemhosva. Ndiri muIsrael, uye vavengi vevanhu vangu, vaFirisitia vandiiisa mujeri.


Paiva nerimwe zuva apo ndakapotsa ndaputsa jeri. Ndaiva ndakasimba. Ndaiva ndakasimba zvekuti ndakadzipuraagedhi emipanda weguta ndikamatakura kwemamaira akati wandei. Pane imwe nguva ndakauraya shumba nemaoko angu. Ndaikwanisa kurova varume zvuru zvitatu ndiri ndoga pakurwa kumwe chete. Asi iye zvino handichina simba.


Ndinoziva kuti muri kunetsekana kuti ndakawana kupi simba rakadai. Zvisinei zvese zvakatanga ndisati ndazvarwa. Mwari vakatuma mutumwa kuvabereki vangu ndokuvaudza kuti kana ndakura ndichashandiswa naMwari kuti ndisunungure vanhu vake kubva muvaFirisitia. Pandakakura, Mweya waMwari waindipa simba panguva dzandaida.

Ndakazozviita. Handizive kuti ndaiva benzi rakadaro sei? Mutumwa kaudza vabereki vake kuti ndaisafanirwa kugera musoro kana kunwa hwaini. Ndaisada kuita kunyangwe chimwe chizvinhu izvi asi, ndakaita chimwe chinhu chakapusa. Ndakatanga kudanana nemumwe muFirisitia aiva akanaka chaizvo, ainzi Delilah. Ndaiziva pamusana pekuti shoko raMwari rakandiudza kuti ndisave shamwari yevakadzi vasakarurama.


Delilah ainge asinganyatsondida. Aingoda kupfuma chete. Akandikumbira kuti ndimuudze kuti chii chaizondishaisa simba kana ndichinge ndachiita, akagera bvudzi rangu. Mumashure masvo akanditengesa kumaFirisitia kuti awane mubairo. Ndipo pavakabvisa maziso angu ndokundiita muranda.


Zvisinei, ndakawana chidzidzo. Handichazoita shamwari nevanhu vakaipa zvekare. Kutamba nevanhu vakaipa kunotyisa.




DAMBUDZIKO PARUKOVA


Ngano Chidzidzo chegumi neshanu


Paiva nemumwe mukomana ainzi Tony aigara mumakomo. Aiva neshamwari dzakawanda vaidzidza kuKundayi. Vainge vachifara chaizvo vose kuchikoro, kumba uye apo vaitamba. Tony neshamwari dzake vaigara padyo nerukova Mukuvisi urwo rwaiva rwakadzika mafiti mazana manomwe. Padyo nepamba paanaTony paiva nebhiriji re miti pamusoro perukova urwu kuti vanhu vafambe. Bhiriji iri raiva ravakwa makore makumi mashanu kuitira kuti vanosevenza mumugodhi vago pinda napo. Zvaizovatorera nguva shoma nekuti pasina bhiriji iri vaifanira kukwira rumwe rutivi rwerukova.


"Musatambe pamusoro pebhiriji," vakadaro baba vaTony. "Rachembera uye hazvisisina kunakira vanhu vatatu kuti vafambe pariri."


Tony akaterera baba vake. Aiziva zvaizoitika kana akadonhera murukova.


"Pandaiva mwana mudiki," vakadaro baba vaTony, "shamwari dzangu mbiri dzakapinda mumatambudziko pamusana pebhiriji iroro. Vose vakawira. Zvakatora nguva shomanana kuti varove pasi. Pavakadonhera pasi, mitumbi yavo yabva yadimbuka dimbuka. Ibvai pabhiriji iri."


Rimwe zuva, mudzidzisi akavaratidza mumwe mwana ainzi Mike. Mike aiva ati kurei uye aidherera vamwe vana vose vaaidzidza navo. Aigara akachena zvekare. Panguvayo vana vose vakaita Mike munhu aidiwa nevana vose. Tony aifungidzira kuti Mike ndiyo shamwari chaiyo yekutamba nayo. Aitsvinyira mudzidzisi, achitaura zvinosetsa uye kutsvinyira vana vaienda kukereke.


Tony ainetsekana zvikuru neshamwari dzake. Mike asati auya, vose vaiva vakanaka. Asi iye zvino, vainge votaura zvinyadzi uye kuseka vana vechiKristu.


"Iwe, Tony," akadana Mike, "unoda kunzwa imwe n'yambo?"


"Kwete, rega hako," akapindura Tony.


"Chii chiri kunetsa nhai Tony? Asi uri muKristu kani?" akabvunza Mike. Vamwe vana vose vakaseka Tony. Vaiita zvose zvaidiwa naMike pamusana pekuti vaifunga kuti ndiye aiita zvaidiwa nezera rake. Tony ndiye oga mwana aisakwanisa kufurirwa naMike.


Rimwe zuva muchirimo vana vaidzidza naTony vakava nekamufambo kekuenda kubhiriji riya. Mudzidzisi akavapa mvumo yekudhonzana vasiri padyo nerukova. Nechinguva chisipi, vana vose vakanga vava