volume 2 bk 3


FAITH ROOTS CHIKORO CHEBHAIBHERI




HUSUNGWA UYE KUDZOKA




BHUKU REZVIDZIDZO




na Willie George






ZVIRI MUBHUKU


Nhanganyaya.....................................................................................................................i

Mashandisirwo ebhuku rino..............................................................................................iii

Hurongwa hwemudzidzisi wevana.....................................................................................iv

Zvinodiwa........................................................................................................................ix

Chidzidzo chekutanga:

Mwari anodana Isaya................................................................................1

Kuenda kunoraura....................................................................................5

Musikana akamirira kwenguva refu (Ngano)..............................................8

Dzokororo..............................................................................................11

Chidzidzo chechipiri:

Munamato hwaHezekia...........................................................................13

Kurwisa muvengi (Kamutambo)...............................................................17

Nyundo yaMwari (Chidzidzo)..................................................................19

Dzokororo..............................................................................................21

Chidzidzo chechitatu:

Mambo wechidiki Josia...........................................................................23

Mambo wechidiki (Kamutambo).............................................................27

Zviri nani kuterera (Ngano)......................................................................30

Dzokororo..............................................................................................33

Chidzidzo chechina:

Jeremia naBaruki.....................................................................................35

Shoko risingaparadziki (Kamutambo).......................................................39

Shoko rinogara nekusingaperi (Chidzidzo)................................................42

Dzokororo...............................................................................................43

Chidzidzo chechishanu:

Ubatwa....................................................................................................45

Isa shoko pakutanga (Kamutambo)..........................................................49

Tenzi ane utsinye (Ngano)........................................................................51

Dzokororo..............................................................................................54

Chidzidzo chechitanhatu:

Danieri neshamwari dzake........................................................................55

Mukana wakanaka (Kamutambo)............................................................58

Chengetedza moyo wako.........................................................................60

Dzokororo...............................................................................................62

Chidzidzo chechinomwe:

Danieri - Kungwarira mweya waMwari...................................................63

Murume akaterera (Kamutambo).............................................................66

Tinoda simba (Chidzidzo).........................................................................69

Dzokororo...............................................................................................70

Chidzidzo chechisere:

Moto muzhinji..........................................................................................71

Mira wakasimba (Kamutambo)................................................................75

Usatendeuka uye usatsva (Chidzidzo).......................................................78

Dzokororo...............................................................................................79

Chidzidzo chechipfumbamwe:

Mambo akava mhuka...............................................................................81

Chimiro chakanaka (Kamutambo).............................................................84

Kurohwa! (Ngano)...................................................................................86

Dzokororo................................................................................................89

Chidzidzo chegumi:

Kukundikana kwaBershazari.....................................................................91

Chidziviso chekupedzisira (Kamutambo)...................................................94

Munamato wekutenda (Ngano) ............................................................96

Dzokororo................................................................................................99

Chidzidzo chegumi neimwe:

Danieri - Abuda mugomba reshumba.....................................................101

Kupazwa kwejeri (Kamutambo)............................................................104

Mwari vanochengetedza (Chidzidzo)......................................................106

Dzokororo............................................................................................107

Chidzidzo chegumi nembiri:

Jona nehove...........................................................................................109

Hapachina kushoropodzwa (Kamutambo)..............................................113

Mukomana akarova nyakuzvitutumadza (Ngano).................................115

Dzokororo..........................................................................................118

Chidzidzo chegumi nenhatu:

Hurongwa hwaHamani hwakaipa.........................................................119

Mhuri imwe pasi paMwari (Kamutambo).............................................123

Munyu wenyika (Chidzidzo).................................................................125

Dzokororo...........................................................................................126

Chidzidzo chegumi nena:

Estere anobatsira vanhu vake...............................................................127

Mambokadzi akashinga (Kamutambo).................................................130

Hausi wega (Chidzidzo).......................................................................133

Dzokororo..........................................................................................134

Chidzidzo chegumi neshanu:

VaIsraeri vanodzokera.........................................................................135

Ushamwari hwakadzama (Kamutambo)................................................139

Moyo mutsva waLisa (Ngano)..............................................................141

Dzokororo............................................................................................144

Chidzidzo chegumi nenhanhatu:

Kuvaka svingo patsva...........................................................................145

Kudzivisa kwekutenda (Kamutambo)....................................................148

Kupedza simba rasatani (Chidzidzo)......................................................150

Dzokororo............................................................................................152

Chidzidzo chegumi nenomwe:

Kuedzwa kwaJobo................................................................................153

Batirira pachokwadi chako (Kamutambo)..............................................157

Mwari anopa zvionhu zvakanaka (Chidzidzo).........................................160

Dzokororo.............................................................................................161

Maitirwo emutambo hwekubuda muubatwa nekudzokera................................................163





MWARI VANODANA ISAYA


Chidzidzo chekutanga


Ndima yekuverenga: Isaya 6:1-9, Marko 16:15-20


Chokwadi: Gashira kudanwa kwako naMwari muupenyu hwako.


Ndima yemusoro: Marko 16:15, “Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvese Evhangeri.”


Kamutambo: “Kuenda kunoraura”


Chidzidzo: Ngano - “Musikana akamirira kwenguva refu”


Zvinodiwa: Isaya (500), midhuri yetemberi (505)


Kumudzidzisi:


Kudana kwaMwari kuushumiri hushanu pane vamwe vanhu, kunotanga vasati vazvarwa. Vamwe vanhu vanozoziva nezvekudanwa kwavo mumashure mekunge vazvarwa patsva. Zvisinei, pamwe Mwari vakatotanga kushanda nevamwe vana vaunodzidzisa kuti vapinde muushumiri. Zvakakosha kuti vana vasamanikidzwe maringe neizvi, asi kumiririra Mwari kuti ashande mavari mumwe nemumwe.


Zvekare nyatsosimbaradza kuti Mwari anodana mumwe nemumwe wedu kuti azadzikise chikamu mumuviri waKristu (I vaKorinte 12:1-18), uye akapa mutendi wese hushumiri hwekuwirirana (II vaKorinte 5:18-20). Sezvo unodzidzisa kuti Mwari anodana vanhu sei, vana vako vanonzwisisa kuti kufara uye mukana wakanaka, kuterera kudana kwaMwari.


Tsanangudzo:


I. Mwari akazviratidza pachiono kune mumwe murume ainzi Isaya.

A. Mwari ane nzira dzakasiyana dzekuzviratidza kwatiri.

1. Dzimwe nzira dzacho mbiri ndedzinoti zviono uye zviroto (Mabasa avapositori 2:16-17).

2. Haungavimbi naMwari pamusoro pechiono kana chiroto nekuti hamuna vimbiso mubhaibheri inoti unogona asi kuti zvipo zvinopiwa sekuda kwaMwari apo anoona zvakakodzera.

3. Kana Mwari akapa chiono kana chiroto, zvachinoreva zvinenge zviri pachena uye zvinoburitsa kutenda nekushinga kwete kutya nekusagutsikana.

4. Imwe nzira yakanyanyonakisa iyo Mwari anozviratidza kwatiri, kubudikidza neshoko rake (Johane 1:1,14)

B. Isaya aiva mutemberi achinamata Mwari apo Mwari vakamupa chiono.

1. Dzimwe nguva Mwari vanodana vanhu muushumiri hwavo nenzira dzinoshamisa dzakaita sechiono (Mabasa evapositori 26:13-19) kana nezwi chairo (I Sameri 3:1-10).

2. Kazhinji kudanwa kwaMwari kunouya sechishuwo mumoyo mako chisingakwanisike kuzadziswa nechimwe chinhu kunze kwekushumira shoko raMwari (Mapisarema 37:4, Jeremia 20:9)

C. Muchiono chake, Isaya akaona kubwinya kwaMwari.

1. Jehova vainge vagere pachigaro chavo chehumambo vakakomberedzwa nevatumwa vemhuka dzinonzi serpimi dzaisazorora kurumbidza Mwari - kana nesuwo hatifanire kumira kurumbidza Mwari (VaHeberu 13:15)

2. Simba raMwari nekubwinya kwakakonzera kuti Temberi izunguzike. Apo simba raMwari rinouya pavanhu, ivowo nedzimwe dzenguva vanokwanisa kudonha (Johane 18:4-6)

3. Tinofanira kuchengetedza rukudzo rwedu kuhuvapo hwaMwari.

II. Mwari vaitsvaga mumwe munhu wekuti aendesenyaya yavo kumhuri yeIsraeri.

A. Mwari vaiva nenyaya yekutumira asi pasina munhu angaiparidza.

1. Panguva ino vatumwa havakwanisi kuudza vanhu kuti vangaponeswa sei kunyangwe hazvo dzichikwanisa kubatsira vanhu kuti vawane kwavangaende kunonzwa shoko (Mabasa evapositori 10:1-6)

2. Mwari vakaisa basa rekuparidza shoko mumaoko evarume nevakadzi uye vakomana nevasikana (Marko 16:15)

B. Muchiono Mwari vakabvunza, “Ndingatuma ani uye ndiani angatiendere?”

1. Mwari vaida Isaya muushumiri.

2. Isaya akabvuma kudanwa kwake naMwari, ndokuti, “Ndiri pano nditumei.”

3. Tinofanira kugashira kudana kwaMwari muupenyu hwedu, kunyangwe muzvipo zvishanu zvehushumiri (VaEfeso 4:11) kana chimwewo chinhu chatakagadzirirwa naMwari (I vaKorinte 12:18)

4. Tose tine hushumiri hwekudzokererana (II vaKorinte 5:18-20).

C. Apo Isaya kaparidza, akamirira Baba, neMwanakomana neMweya Mutsvene.

1. Mwari vakabvunza, “Ndiani achatiendera?”

2. Kana munhu akaparidza uye achitaura shoko raMwari mukuzodzwa neMweya Mutsvene zvakafanana nekunge zvinhu zvaari kutaura zviri8 kutaurwa naMwari pachake.

3. Tiri vamiriri vaKristu uye takamumiririra panyika.

III. Jesu anoda kuti tiende neshoko munyika (Marko 16:15-20)

A. Kutumwa kukuru murairo unofanira kutevedzwa nekereke yose.

1. Kuparidza shoko hakusi kweavo vari muhushumiri chete.

2. Uyu murairo kuna ani naani zvake anotenda.

B. Tinofanira kuparidzira zvisikwa zvose.

1. Jesu anoda kuti munhu wese anzwe nyaya yake ndicho chikonzero mutendi wese aine chekuita.

2. Shoko “Inyaya yakanaka” tinogoverana mashoko akanaka kwete akaipa.

C. Jesu akati kune zvimwe zviratidzo zvinofanira kutevera kuparidzwa kweshoko rake.

1. Tinodzinga satani nezita raJesu.

2. Vanhu vachazdzwa neMweya uye votaura nendimi itsva (Ndimi dzavasina kumbodzidzira).

3. Tine simba pamusoro penyoka.

4. Hatizokuvadzwi nenjodzi yemishonga inouraya.

5. Tichaturika maoko pamusoro pevarwere, uye vachapora.

D. Gashirai kudanwa kwakaiswa muupenyu hwenyu naMwari.

1. Chinhu chakakosha kushumira Mambo Jesu Kristu.

2. Mune simba uye kuzadzikiswa mukupindura zvawakadanhirwa naMwari.



Dzidziso yeMweya:


Ndiri mushumiri weshoko raMwari

Kugoverana shoko nevasati varinzwa.

Kubatsira vamwe kuti vaone

Kuti Jesu akavadzikinura.


Nekuti munhu wese anokwanisa kunoudza mumwe munhu

Kuti Jesu anovada.

Kuvaudza kuti akafa

Akamukazve

Kununura nyika kubva muzvivi.



KUENDA KUNORAURA


Chidzidzo chekutanga


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally


(Bennie anofanira kutakura chirauro)

Sally: Mhoro, Bennie, uri kuitei?


Bennie: Ndiri kuenda kunoraura.


Sally: Uri kuenda kunoraura kupi?


Bennie: Ndiri kuenda kwaChivero. Kune dziva guru kwazvo rine hove zhinji. Ndinovimba kunonakidza zvikuru ikoko. Kungotaura nezvazvo kunoita kuti ndifare zvikuru.

Sally: Zvinondifadza izvozvo.


Bennie: Uri kuitei nhasi, Sally?


Sally: Ndiri kuenda kunoraurawo zvekare.


Bennie: Uri kuendawo! Uri kuenda kupi iwe?


Sally: Ndiri kuenda kunoraura kwaMukuvisi.


Bennie: Haungaendi kwaMukuvisi, Sally. Hakuna mvura yakawanda uko!


Sally: Hove dzandiri kuraura hadzidi mvura yakawanda kuti dzishambire.


Bennie: Sally, ndinovimba wanga uri muzuva kwenguva refu. Pfungwa dzako dzabikwa! Hove dzose dzinoda mvura yekushambira mairi.


Sally: Kwete dzandiri kuredza ini.


Bennie: Uri kuraura hove dzakaita sei?


Sally: Murume wehove.


Bennie: Murume wehove? Chii ichocho?



Sally: Vanhu, Bennie. Jesu akati kana tichimutevera, anotiita varedzi vevanhu. Jesu anoda kuti tibate vanhu tivaunze kuhumambo hwekudenga.


Bennie: Unoreva kuti tinokwanisa kuredza vanhu sezvatinongoitawo hove?


Sally: Ndizvozvo.


Bennie: Murume akaita sei achadyira pagonye guru?


Sally: Yuck! Hapana anoita izvozvo.


Bennie: Ndafunga kuti wati tinokwanisa kuzviita nenzira imwecheteyo?


Sally: Zvisinei, pfungwa yacho imwe chete, asi zvidziyo zvekushandisa ndizvo zvinosiyana.


Bennie: Kana usingashandise makomye akafuta pachirauro ungashandisa chii?


Sally: Kana uchiredza vanhu, chirauro chaunoshandisa, ishoko raMambo Jesu Kristu.


Bennie: Unoshandisa chii senhebe nechirauro chacho?


Sally: Unokwanisa kushandisa nzira dzakasiyana siyana kuti utaure nevanhu.


Bennie: Sedzipi?


Sally: Unokwanisa kuvakoka kusvondo wovatsanangurira nekuvapupurira kana kuvapa mabhuku akanyorwa nezve shoko raMwari kana kuvakoka kumba motarisa mifananidzo yezvaMwari.


Bennie: Pane nzira dzakawanda dzekuredza nadzo vanhu kana ukanyatsofunga pamusoro pazvo. Unoshandura here chekuraurisa? Ndinoreva kuti dzimwe nguva unomboshandisa here sadza pachinzvimbo chemakonye?


Sally: Kwete, chekuraurisa ndicho chimwe chete. Hapanazve chimwe chinhu chingakwanisa kubata vanhu kuti vaende kuumambo hwedenga kunze kweshoko raMwari.


Bennie: Unoziva kana ndikabata hove, ndinoita kuti chirauro chibva chabatisisa kuti isapunyuka, ko iwe unoita sei?


Sally: unokanda chirauro nekubvunza kana munhu wacho achida kugashira Jesu uye nekunamata naye kuti aite izvozvo.


Bennie: Vakomana, Sally waita kuti ndide kubatawo vanhu. Ungava nebasa nazvo here kana ndikaregedza kuenda kwandaida kunoredza, ndichienda newe kwawaida kuenda kunoredza iwe pachako?


Sally: Kwete. Mutendi wese anokwanisa kuraura vanhu.


Bennie: Rega ndibvise mbatya dzekuraurisa idzi. Ndokubata ikoko.


Sally: Zvakanaka. (Vose vanobuda)



MUSIKANA AKAMIRIRA KWENGUVA REFU


Chidzidzo chekutanga


Ngano


Joni aivawo nechekuita mumutambo wemhuka. Akafara kuva mumwe wevatambi. Mwana wega wega wemakore gumi nermwe aifara kupfeka nhumbi dzemutambo idzi uye kufamba pamberi pavanhu vanodarika mazana mazhinji.


Rimwe zuva manheru Joni aifunga kuti akakomborerwa zvakadini apo cimwe chinhu chakataura maari. “Pane vamwe vasina makomborero aunawo aya,” rakadaro izwi. Joni akagarisika apo aienderera mberi nekuterera.”Ndinoda kuti uudze Angel pamusoro pemwanakomana wangu.” Akaziva kuti Jehova vaitaura naye.


Nguva zhinji ainge atarisa mifananidzo yechiKristu paterevhizheni yevana, Joni akaziva kuti ainge aponeswa. Ainge anamata nekukumbira Jesu kuti apinde mumoyo make uye aiva nechokwadi chekuti zvivi zvake zvose zvainge zvabva. Aifara kuva muKristu asi kuudza Angel pamusoro paJehova yaiva imwe nyaya.


Angel ndiye aifamba patambo pamutambo waiitwa uyu. Pane imwe nguva ndiye ainge amboita shasha yekufamba patambo pasi rose asi izvi zvainge zvapfuura. Mumakore akatevera ainge atanga kudhakwa uye zvainge zvoratidza paari. Kaviri mumwedzi wakapfuura akapotsa adonha. Kekutanga mumakore makumi matatu ainge oderera pabasa rake, izvi zvainge zvakaipisisa pabasa rake.


Joni akaziva kuti Angel ainge asina shamwari. Hapana kana munhu aifarira kutaura naye. Aitya kutaura naye nezvaJesu, saka akafunga kuzviregera. Pfungwa idzi hadzina kubuda maari. “Udza Angel pamusoro pemwanakomana wangu.”Jehova vakaramba vachidaro. Joni akaziva kuti Jehova vaida kuti aparidzire Angel, asi akaedza kuzvibvisa mupfungwa make.


Manheru ega ega pamutambo, Joni airatidzira ari pakati penhandare nebhiza rake. Aikwanisa kumira kumashure kwebhiza kunyangwe richifamba. Aisvetuka kubva pabhiza kuenda pane rimwe, achimira nemaoko. Aidada zvikuru nekuita kwake uku uye vanhu vaizvifarira. Vakamukuza zvakanyanyisa apo akapedza mutambo wake. Joni ainge abatwa zvikuru nezvainge zvaitika mumutambo asi haana kukanganwa zvaaainge aiudzwa naMwari kuti aite.


Pese paaibva munhandare, ainzwa ruzha rwevanhu apo mutauri aizivisa shasha yekufamba pawaya. “Vana mai nana baba, yasvika nguva yekuona mukuru wekufamba pawaya, Angel Lambini!”


Maziso ose ainge akatarisa pana Angel apo akafamba achienda pawaya. Akakwira zvinyororo nyoro ndokubatirira pabango kuti asadonhe. Waya yakanga yakasungirirwa kumapango maviri uye kubva pasi kusvika pawaya paiva nemamita mashanu zvekare painge pasina chinogama pasi.

Mukuru wemutambo ainge akumbira Angel kuti aise chinozogama pasi kuitira kana achinge adonha sezvo ainge ambotsvedza kaviri mumwedzi wainge wadarika. Angekl ainge azviramba, achiti mutambo hwawaizonakidza kana pakaiswa mambure ekumugama.


Joni akamira akatarisa Angel apo aifamba chinhambwe chega chega. Mumashure mekunge afamba chikamu chepakati nepakati pewaya, Joni akaziva kuti aifanira kutaura naAngel pamusoro paJesu mumashure menguva shoma. Ko kana akadonha kubva pawaya? akafunga zvake. Ndichataura naye mangwana, akazvidzikamisa mumoyo make.


Zvakabva zvaitika! Angel akatsvedza. Akaedza kuzvidzora asi akadonhedza rimwe bango. Vanhu vose vakatanga kutaura nezvekudonha kwake. Angel ainge adonha saka ainge atoregera mutambo. Akakwanisa kubata waya nerumwe ruoko. Hana yaJoni yakarova nekukasika apo varume vakamhanya nemambure ekugama Angel. Akadonhera mumambure muya ndokutakurwa oendwa naye. Joni akafara kuti Angel ainge asina kukvara. Angadai akafa kudai akadonhera pasi.


Joni akafamba zvishoma achienda kwainge kwaendeswaAngel achirangarira kuti rufu rwainge rwada kusvika pana Angel. Uye aisaziva Jesu. Ndinofanira kuterera izwi raMwari nekuudza Angel pamusoro paJesu, akafunga Joni.


Akafamba akananga kwaiva naAngel, asvika pamusio, akamira akanyarara. Magetsi ainge achibvira uye Joni akanzwa izwi raAngel kubva mukati. Ari kutaura nani? akafunga Joni. Mumvuri wemunhu mumwe chete ndiwo wairakidzika kubva pawindo.



Uri chinhu chisingabatsire!” izwi raAngel rakadaro. “Wakanakira pasina. Unofanira kutorega zvemutambo uyu Hauchagona,” izwi rakadaro.


Ari kutaura naniko? akafunga Joni. Haana kuda kuramba akamirapo saka akabva agugudza. Musio wakavhurwa Chiedza chaiva mukati memba iyi iyi chakavhundutsa Joni.


Munodei? akabvunza Angel kuna Joni. Akazengurira. Pamusoro petafura paiva nebhotoro redoro. “Taurisai,” akadaro Angel.


Mha-a,” akandandama Joni, “Ndinoda kutaura newe.” Angel akaenda patafura yake ndokusvikogarapo. Akaudza Joni kuti agarewo nerumwe rutivi. Haana kuziva kuti oti chii pekutanga saka akangogara akatarisa murume uyu.


Uchataura here?” akabvunza Angel.


Ndinoda kukuudza nezvaJesu,” akadaro Joni.


ndinoziva nezvaJesu saka hapana chaunofanira kundiudza,” akadaro Angel. “Iye zvino chidzokera kumba.”


Kwete,” akadaro Joni. “Handisi kuenda kusvikira mandibvumidza kutaura nezvaJesu.” Angel akashamisika nekushinga kwaJoni. “Jesu vanokuda zvikuru, Angel,” akadaro musikana. “Munokosha kwaari. Akafunga zvakawanda pamusoro pako ndicho chikonzero akafa pamuchinjikwa nekuda kwezvivi zvako.” akaenderera mberi. Angel akagutsurirra musoro.


Ndiri murume akaipa zvikuru,” akadaro Angel apo akatsikitsira. “Hazvichagona kuti ndisangane naJesu.”


Kwete,” akaenderera Joni. “Ndakatora nguva refu kuti ndikuudze, asi unokwanisa kukumbira Jesu kuti vapinde mumoyo make manheru ano.” Kamusodzi kakayerera padama pemurume uyu.


Ndichanamata,” akadaro Angel. Moyo waJoni wakasununguka! Akaudza Angel kuti anganamata sei, uye akakumbira Jesu kuti vapinde mumoyo make. Ainge amirira kwenguva refu, asi Mwari ngaarumbidzwe, akapiwa mumwe mukana wekupedzisira kuti aunze Angel kuna Jesu.



DZOKORORO


Chidzidzo chekutanga


Shandisai shoko


Zvakakosha kwatiri kuti titerere zvatakadanhirwa naMwari kuti tiite kwete maringe nehushumiri chete, asi neupenyu hwedu hwemazuva ose. Mwari ati ambotaura mumoyo mako kuti uite chimwe chinhu uye ukaterera zvaakataura here? Udza vamwe kuti Mwari

vakati chii uye wakaitei.


Mibvunzo:


1. Mwari vakazviratidza muchiono kuna ani?

2. Mwari anozviratidza kwatiri nenzira ipi yakanyanyokosha?

3. Mwari achazviratidza kwatiri zvekare nenzira dzipi panguva dzakasiyana?

4. Ungatenda Mwari here nekuda kwechiroto kana chiono?

5. Apo Mwari anopa chiono, zvachinoreva zvinenge zviri pachena here uye zvinoburitsa chii?

6. Ndedzipi nzira dzinoshandiswa naMwari kudana vanhu kuhushumiri?

7. Mwari anodana vanhu kuushumiri sei kana kuti mubasa ripi?

8. Muchiono chaIsaya, Mwari ainge akakomberedzwa nani?

9. Chii chakaitika kutemberi apo simba raMwari nekubwinya kwakaizadza?

10. Ndeapi maitiro atinofanira kuva nawo pahuvapo hwaMwari?

11. Mwari aitsvaga chii apo akapa chinono kuna Isaya?

12. Vatumwa vanokwanisa here kuparidzira vanhu shoko kuti vaponeswe mazuvano?

13. Mwari akasiira basa rekuparidza kuna ani?

14. Tinofanira kugashira here kudanwa kwaMwari muupenyu hwedu kana kuti tinofanira kumirira mumwe munhu kuti azviite?

15. Hushumiri hupi hune mutendi wese?

16. Isaya aimirira ani apo aiparidza?

17. Kuparidza shoko kwakangomirira avo vari muzvipo zvekushumira voga here?

18. Sei tichifanira kuparidza shoko kuzvisikwa zvose?

19. Shoko raMwari inhau dzakaita sei?

20. Ndezvipi zviratidzo zvishanu zvakanzi naJesu zvaizotevera mumashure mekuparidzwa kweshoko rake?






MUNAMATO WAHEZEKIA


Chidzidzo chepiri


Ndima yekuverenga: II Madzimambo 18:1- 19:37


Chokwadi: Avo vanonyengedza Mwari vanokundikana nguva dzose.


Ndima yemusoro: Genesi 12:3, “Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza, unokutuka ndichamutukawo.”


Kamutambo: “Kurwisa muvengi”


Chidzidzo: “Nyundo yaMwari”


Zvinodiwa: Mambo weAsiria (501), Mambo Hezekia (502), Mauto eAiria (503), Mutumwa (504), Midhuri yetemberi (505)



Kumudzidzisi:


Mumagwaro mese Mwari anozvizivisa pache zvake kune vanhu vake. Nemamwe mashoko, zvese zvinoitika kwatiri, Mwari anozvitora sezvaitika kwaari. Mwari anomirira vanhu vake kubva kumhandu dzose ndokunge vadana kwaari nekuterera izwi rake. Hapana simba panyika pano ringarwisa maKristu akamira pasungano naMwari.


Zvakakosha kuziva kuti Mwari ndewedu uye kuti tinokwanisa kuwana simba rake rose. Kunyangwe vavengi vaJuda neIsraeri vaionekwa, vavengi vedu vari mumweya (vaEfeso 6:12). Zvisinei, kutenda muna Mwari kunounza kukunda sezvakaita mambo Hezekia.


Tsanangudzo:


I. Mambo weAsiria akamukira mambo Hezekia neJuda achida kuparadza.

A. VaAsiria vainge vamanikidza kuti nyika yeJuda ive pasi pavo uye vabhadhare mitero kwavari.

1. Izvi zvaireva kuti nyika yeJuda yaizobhadhara mari yakawanda kwavari kuratidza kuti vainge vari pasi peAsiria uye kuzovarwira panguva yehondo.

2. Satani achaedza kusunga vanhu vaMwari neusungwa hwakasiyana siyana.

B. Hezekia akava mambo weJuda aine makore makumi maviri nemashanu ekuzvarwa.

1. Akavimba naJehova ndokuchengeta mitemo yakange yapiwa Moses naMwari.

2. Akageza nyika kubva muzvinamatwa zvemifananidzo nekusarurama.

C. Hezekia akaramba kuva pasi peAsiria.

1. Makristu haafaniri kubvumira satani kuti avasunge pane chipi kana chipi zvacho.

2. Jesu akati kana tikaenderera mberi neshoko rake, tichaziva chokwadi uye chokwadi chichatisunungura (I Johane 8:31-32)

D. VaAsiria vakadavira kuramba kwaHezekia nekutumira hondo huru.

1. Hondo yavo yakakurira nzvimbo huru yeJuda uye vainge voda kutora Jerusarema zvekare.

2. Apo Hezekia akaona zvainge zvoitika, akatanga kutya ndokubvuma kubhadhara mitero kuva Asiria.

E. Kutya ndicho chinhu chinopikisa kutenda.

1. Kana maKristu achipa nzvimbo kukutya nekushanda nako, satani ane mukana wekubata hupenyu hwavo.

2. Kana maKristu achisimuka achishanda nekutenda, Mwari anofamba kazhinji mavari.

II. VaAsiria havana kugutsikana nemari yemitero yeJuda.

A. Nhafu neruchiva hazvikwanisike kuzadzikiswa.

1. Anokonzera munhu kana nyika kuti irambe ichida zvakawanda.

2. Kana ukapa satani nzvimbo muupenyu hwako haaregi kuramba achida kukubira.

B. Mambo weAsiria akatumira vanhu vake vatatu vanoremekedzwa kuJerusarema vaine hondo huru.

1. Vakatambudza mhuri yeJuda vakati vaida mari yakawanda.

2. Vakatanga kutambudza Mwari uye vakaudza vanhu veJerusarema kuti mambo weAsiria aiva mukuru kuna Mwari weIsraeri.

C. VaAsiria vainge vava chituko chenyika yeIsraeri.

1. Chese chinoba (chinobvisa), chinouraya (Chinounza rufu), kana kuparadza muupenyu hwedu, chituko.

2. Hatifaniri kubvuma chituko nekuti Kristu akatidzikinura kubva kwachiri (vaGaratia 3:13).

D. VaAsiria vainge vasisarwisane nevanhu veJudah chete.

1. Vainge varonga kuita hondo naMwari vasingazive.

2. Hazvikwanisike kurwa naMwari uchikurira (Zvirevo 21:30)

III. Mwari havazorasi vanhu vavo vesungano (Deteronomio 31:6, vaHeberu 13:5-6)

A. Mambo Hezekia vakazvirereka ndokuenda kutemberi kunotsvaga Mwari.

1. Hezekia aifanira kunge atsvaga rubatsiro rwaMwari kare.

2. Tinofanira kutsvaga Mwari pakutanga, kwete sechinhu chekupedzisira, Mwari anoda kutibatsira nguva dzose, kwete apo tinenge tapinda mumatambudziko makuru chete.

B. Kana vavengi vauya kuzorwisa vanhu vaMwari, Mwari anozvitora pache zvake.

1. Mwari naJesu vanonatsozviratidza kune vanhu (Mateo 25:40)

2. Apo Hezekia akanamata, akaudza Mwari, “Titi mune izvi tose. Vari kukurwisai.”

C. Mwari akanzwa ndokupindura munamato waHezekia.

1. Mwari anotinzwa nguva dzose kana tikamuyeuchidza neshoko rake.

2. Isaya akaporofita kuna Hezekia kuti Asiria yaizoenda nekuti Mwari vaizodzivirira Jerusarema.

D. Kana vanhu vakauya vachida uye vachiziva kuzorwisa Mwari nevanhu vake vanozorasikirwa.

1. Mutumwa waMwari, muusiku humwe chete, akauraya vaAsiria zviuru zana zvine makumi masere ane varwi vashanu. Vamwe varwi vakatiza.

2. Mumashure, mambo weAsiria akaurayiwa nevanakomana vake apo ainamata mwari wenhema.

3. Mwari anokwanisa kuzvirwira, saka hazvina kuchenjera kutora daka nevasakarurama.

E. Bhaibheri rinotiudza kuti hondo yedu haisi yenyama neropa asi iri pakati pemasimba emweya (VaEfeso 6:12).

1. Kunyangwe vanhu vangarwisa hurongwa hwaMwari, vavengi chaivo ndisatani nevateveri vake.

2. Kana tichimira munhoo yaMwari hatingakurirwi, nekuti takasimba munaJehova uye nemusimba raMwari. (vaEfeso 6:10-18)


Dzidziso yemweya:


Handifaniri kutya muvengi

Nekuti Jesu akakunda kare.

Kana ndichitaura nemuzita raJesu, anofanira kutiza.

Muvengi haana simba pamusoro pangu.


KURWISA MUVENGI


Kamutambo


Chidzidzo chechipiri


Vatambi: Bennie, satani, Sally, Izwi raamai


Bennie: (Anopinda ofamba pasiteji, obva abuda achiimba) Iri ndiro zuva rakaitwa naMwari, Iri ndiro zuva rakaitwa naMwari.


(satani anopinda)

Satani: Maiwe-e!, Phooey! Handikwanise kuregera maKristu achifara kunyanya avo vanofamba vachirumbidza. Handikwanisi kana kutaura zita rake chairo. Uye mwana uyo ari pamusoro chaipo pepepa rakanyorwa vanhu vandisingakwnaise kurega vachiita izvozvo. Panofanira kuva nenzira yandikadzvanyirira nayo mwana uyu, ndinoziva, urwere hunokwanisa kuzviita! Ha, ha, ha, ha....(Anobuda)


(Bennie anopinda)


Bennie: (Satani anoonekwa muchivanze obva atumira hurwere kuna Bennie) (Achiimba) Ndiro zuva rakaitwa naMwari, Ndiro zuva rakaitwa na....maiwe-e! Ndafunga kuti musoro wangu watsemuka. Chirwere chiri kuedza kuuya kwandiri. Urwere, zvakanyorwa kuti, “Wakatora utera hwangu akatakura marwadzo angu uye nemavanga ake ndakaponeswa,” saka chibva pano izvozvi!

(Anoenderera mberi nekuimba) Ndiro zuva rakaitwa naMwari.......(Anobuda)

(Satani anouya zvishoma nezvishoma achirwadziwa.)


Satani: Vakomana! Zvinorwadza izvi. Nguva yose mumwe munhu paanotaura shoko raMwari saizvozvo, zvakafanana nekundirova musoro nenyundo. Zvisinei, izvi hazvina kushanda. Kunofanira kunge kuine zvimwe zvingashande. Rega ndinone....ndaziva!Godo rinozvikwanisa! Ha, ha, ha, ha, ha, ha, .........(Anobuda)


(Bennie anopinda)


Bennie: (Satani anoonekwazve pachivanze otumira godo kuna Bennie) (Achiimba)

Ndiro zuva rakaitwa naMwari............


(Sally anopinda)

Sally: Iwe, Bennie, fembera kuti Joey anokushevedza kuti chii?


Bennie: Chitora moyo, chichekererwa?


Sally: Kwete, anokudana kuti chipuka ndipe mwenje. Ndozokuona (anobuda)


Bennie: Chii? Ndikamubata ndichamubvisa mhuno ndoinamatidza pane nzeve yake! Chimbomira. Godo riri kuda kundibata. Godo ndinokushaisa mukana nezita raJesu. Ndinosarudza kuregerera Joey uye handikupi rugare saka chibva nezita raJesu. (Anobuda achiimba) Ndiro zuva rakaitwa naMwari........


(Satani anopinda achirwadziwa)


Satani: Izvi zvinorwadza izvi. Pese panongoshandiswa zita iroro, ndinobva ndatooma. Rinondiomesa mitezu. Izvi zviri kuwedzera kurwadziwa kwangu nguva dzese. Ndinofanira kunge ndiine chimwe chinhu chandingashandisa kudzvanyirira mwana uyu. (Anombomira kwekanguva achifunga). Hmm. Ndizvo! Sei ndisina kufunga nezvazvo pakutanga? Izvi zvinokurira vana nguva dzose, kusaterera! Ha, ha, ha, ha, ha,........(Anobuda)


(Bennie anopinda)

Bennie: (Satani anoonekwa zvekare muchivanze otumira kusaterera kuna Bennie) (achiimba) Ndiro zuva rakaitwa naMwari.........


Amai: (Izwi ramai rinonzwika) Bennie! Bennie!


Bennie: Munodei, Amai?


Amai: Ndinoda kuti uuye kuzotsvaira mumba mako!


Bennie: Handikwanisi! Handisi kuzozviita! Chimbomirai kanguva tione! Ndiri kuti chii? Kusaterera kuri kuedza kundibata. Bhaibheri rinoti, “Vana tererai vabereki venyu muna Jehova, nekuti izvi zvakanaka.” Handisi kukuterera nezita raJesu! Ndava kutouya amai! (Anobuda achiimba) ndiro zuva rakaitwa naMwari........

(Satani anouya zvishoma nezvishoma, achichema)


Satani: Hazvibatsire. Hapana chiri kushanda. Handingamisikidzane neshoko nezita iri. Wakunda mwana. Ndava kubuda muno. (Anobuda achichema)




NYUNDO YAMWARI


Chidzidzo


Chidzidzo chechipiri


Ndima yekutarisa: Jeremia 23:29, “Shoko rangu harina kufanana nemoto here? ndizvo zvinotaura Jehova, uye senyundo inoputsa dombo here?”


Zvinodiwa: Nyundo ine musoro wepuranga, nyoka nhatu dzerabha, chinhu chakapfava chekugamha nyundo, Bhaibheri.


Gadziriro: Isa nyoka mumasaga epepa wova nawo padyo.


Chidzidzo:


Wakambopengera satani here? Wakamboshuva here kumurova pamhuno? Kunyanya apo anenge akuitira zvinhu zvakaipa? Zvisinei, ndine nhau dzakanaka kwauri! Unokwanisa kurova satani nenhyundo! (Simudza nyundo yako) Jeremia 23:29 inotiudza kuti shoko raMwari rakaita senyundo. (Verenga ndima iyi)


Nyundo dzinoshandiswa kuita zvinhu zvakasiyana siyana, asi nyundo iyi (Simudza Bhaibheri) inoshandiswa kurova satani. Kana muvengi akauya kuzokuedza une chekumurovesa nacho. Shoko raMwari inyundo yatinokwanisa kusevenzesa kurova satani.


Vavengi vedu havasi vanhu. Muvengi wedu, satani, mweya. Saka hatingaiti zvakawanda tichishandisa nyundo, bakatwa kana pfuti. Asi kana tichitaura shoko raMwari, mashoko edu anova nyundo yekurovesa muvengi kusvikira atiza.


Dzimwe nguva Satani anoedza kutiita kuti tisaterere vabereki vedu. (Dhonza nyoka kubva musaga woirembedza padyo nenzeve yako) Anozevezera pfungwa dzakaipa mumusoro mako. “Haufanire kuterera,” anodaro. “Unokwanisa kubudirira, usingatereri. Taurira amai vako kuti wakanganwa kuita zvavanga vakutuma,” anozevezera.


Unokwanisa kuita chinhu chimwe pazviviri. Unokwanisa kuterera kwaari woita zvakaipa, kana kuti unomurova nenyundo! Sei? Kana uchitaura shoko raMwari, “Satani, Bhaibheri rinoti, ‘Vana tererai vabereki venyu munashe,’ vaEfeso 6:1,” uri kurova satani nenyundo! Uye zvinomurwadza. Shoko raMwari richitaurwa nemuKristu rinopa satani nguva yakaoma! Kuwanda kwekutaura kwaunoita ndiko kurwadziwa kwaanoitwawo nenyundo. (Rova nyoka yerabha iya nenyundo apo vana vanodzokorora vaEfeso 6:1)


Satani haakurumidzi kuregedza zvaanenge achida kuita. Pamwe anofungakuti unozokanganwa kuziva kuti unoshandisa sei nyundo yako kana kuti achauya kwauri nenzira yakasiyana. (Tora imwe nyoka)Uyu muedzo wakasiyana. Nyoka inoda kuti ndisaende kuchechi. (Rembedza nyoka panzeve pako kuita sekunge ine zvairi kutaura)


Ndoterera kunyoka here? Kwete! Ndichairova neshoko raMwari. “Satani, Bhaibheri rinoti, ‘Tisarega kuvungana kwedu sezvinoita vamwe.’ vaHeberu 10:25. Ndinokudzivisa nezita raJesu.” (Rova nyoka woikandira kure) Shoko raMwari rikataurwa nemuKristu rinounza kutya kuna satani.


Muvengi kapusa. Anoramba achidzoka kuti azorohwa nenyundo. (Simudza nyoka yekupedzisira woirembedza padumbu pako.) Uyu muedzo zvekare. Nyoka iyi iri kundiedza kuti ndirware nekurwadzisa mudumbu mangu. Urwere hwakangoita semuedzo. Hunobva kuna satani. Tinofanira kuzviramba nenyundo.


Iwe, nyoka unorwadzisa mudumbu mangu, ndinokudzivisa nezita raJesu neshoko raMwari. mateo 8:17 rinoti Jesu akatora vutera hwangu nemarwadzo angu. Saka ndinoramba kuti ugare mandiri.” (Rova nyoka apo unodzokorora Mateo 8:17 nemamwe magwaro anoporesa akaita sekuti 1 Petro 2:24 navaGaratia 3:13) Vakomana nevasikana, munofanira kushandisa nyundo dzenyu kuti mudzinge muvengi. (Kandira nyoka kure)


DZOKORORO

Chidzidzo chepiri


Shandisai shoko:


Hezekia aifanira kusangana nehondo yeAsiria uye zvaitaridzika sekunge paiva pasina tarisiro yekukunda. Asi shoko raMwari rinotiudza kuti Mwari ndewedu uye achakomborera avo vanotikomborera uye kutuka avo vanotitukawo.


Ngatitorei kamukana kadiki kuti tinamate sezvakaita Hezekia, kune avo vari muno vari kusangana nehondo dzemweya kana dzimwe hondo, tichikumbira Mwari rubatsiro. Chitarisirai kuona Mwari achishanda.


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndeipi nyika yakamukira Juda ichida kuiparadza?

2. Ndiani aiva mambo weJuda apo Asiria yakavamukira?

3. VaAsiria vaida chii kubva kuvaJuda?

4. Hezekia akaita sei apo akaita mabo wevaJuda?

5. MaKristu anofanira kubvumira satani kuti avasunge here nechimwe chinhu?

6. Asiria yakapindura sei kuramba kwaHezekia kubhadhara mitero?

7. Chii chinopikisa kutenda?

8. Chii chinoitika kana maKristu apa nzvimbo kukutya uye achishanda nako?

9. Chii chinoitika kana maKristu akamira akashinga pakutenda?

10. Sei Asiria isina kugutsikana nemari yemutero yayaipiwa neJuda?

11. Nhafu neruchiva zvinozadzikiswa here?

12. Mambo weAsiria akatumira vatumwa vatatu nehondo huru kuguta ripi?

13. VaAsiria vakarwadzisa Mwari sei?

14. Tingaziva sei kana chimwe chinhu chiri chituko muupenyu hwedu?

15. Nekusaziva vaAsiria vakaronga kuita hondo nani?

16. Mwari anosiya here vanhu vake vesungano?

17. Sei Mwari akanzwa munamato waHezekia wekukumbira rubatsiro?

18. Isaya akaporofita kuti chii kuna Hezekia?

19. Chii chakaitika kuhondo yeAsiria humwe husiku?

20. Ndiani muvengi chaiye watinofanira kunetsana naye?



MAMBO WECHIDIKI JOSIA


Chidzidzo chechitatu


Ndima yekuverenga: II Madzimambo 21:23 - 23:27


Chokwadi: Gadzirisa upenyu hwako zvichienderana neshoko raMwari.


Ndima yemusoro: Joshua 1:8, “Bhuku iyi yemurairo haifaniri kubva pamuromo wako asi unofanira kuirangarira masikati neusiku.”


Kamutambo: “Mambo wechidiki”


Chidzidzo: “Zviri nani kuterera”


Zvinodiwa: Josia mudiki (506), Josia akura (507), Hirkia (508), Shafani (509), Hurda (510), Baari (511)


Kumudzidzisi:


Kana vanhu vasingararami zvakataurwa neshoko raMwari, upenyu hwavo hunozadzwa nechivi nekuparadzwa. Shoko raMwari rinopa nharaunda nevanhuwo zvavo magariro akanaka kudarika kumwe kwese kungawanikwa ruzivo urwu.


Josia akaratidza kushinga kukuru nekuunza Juda kuna Mwari zvekare. Akabvuma kuti kurarama kwaiita Juda kwaiva kwakaipa akazvipira kuterera zvese zvaaiverenga mushoko. Kudai vatendi vazhinji vachitora maitiro mamwe cheteyo chii chinozoitika? Josia akati, “Kana ndichizviona mushoko raMwari, ndichazviita.” Kurudzira vana vako kuti vaite zvakadaiwo.


Tsanangudzo:


I. Josia akagadzwa humambo hweJuda apo aiva nemakore masere chete ekuberekwa.

A. Baba vaJosia, mambo Amoni, vaiva vasakarurama.

1. Vainamata zvifananidzo nekuita zvisakarurama pamberi paMwari.

2. Vasevenzi vake vakamurangana vakamuuraya.

B. Humambo hwaJuda hwakakanga husisina huMwari uye vainge vatokanganwa Jehova.

1. Kana vanhu vachibva pana Mwari neshoko rake, upenyu hwavo hunotanga kudzikira.

2. Shoko raMwari rinopa muenzaniso wakanaka wemagariro akanaka kwatiri.

C. Kunamata Baari kwainge kwanyanya uye kwainge kwazara kwese kwese.

1. Hungochani hwainge hwava kuitwa pachena sezvo chaiva chimwe chikamu chechitendero.

2. Vamwe vainge votopira vana vavo vachivapisa vari vapenyu sechitendero.

D. Josia ainge asingadi kusarurama kwaiva munyika make.

1. Amai vake, Jedida ndivo vanofanira kunge vamudzidzisa nenzira yeumwari.

2. Josia akaita zvainge zvakanaka mumaziso aMwari achitevedzera nzira yamambo David.

II. Josia akazvipira mumoyo make kuterera shoko raMwari.

A. Apo Josia ainge akura, akatuma Shafani, munyori kumba yaJehova.

1. Shafani aifanira kusangana naHirkia mupirisita mukuru voronga kuti temberi igadziriswe.

2. Hirkia ainge awana bhuku remitemo rainge rakavigwa mutemberi.

B. Mutemo waMoses wainge usisatevedzwi muIsraeri kwenguva refu.

1. Shafani akadzokera nebhuku remitemo ndokunoriverengera mambo Josia.

2. Apo Josia akanzwa shoko raMwari, akaziva kusarurama kwevanhu veIsraeri akareurura nekuda kwevanhu vake pamberi paMwari.

C. Josia akatumira shoko kuna Hurda, muporofita wechikadzi kuti apiwe mazano.

1. Hurda akataura nemweya waMwari achiudza Josia kuti Juda hayaizotongwa nekuda kwezvivi zvavo panguva yehutongi hwake.

2. Josia akaziva kukosha kwekuita zvinhu nemarongero aMwari kwete kutevera tsika kana nzira inoshandiswa nevamwe kuita zvinhu.

3. Akazvipira kuterera zvese zvaaiwana mushoko raMwari.

III. Josia akakonzera humambo hwaJuda kuti huve munzira yeshoko raMwari.

A. Kuterera Mwari zvinoreva kutora zvinhu zvose zvarinotaura nekuvimbisa kuva zvechokwadi.

1. Ichokwadi (Johane 17:17)

2. Kana mamiriro ezvinhu achipikisana neshoko raMwari, ramba uchiterera nekutaura shoko raMwari, mamiriro ezvinhu anoshanduka.

B. Josia akaita kuti shoko raMwari riverengwe kune vanhu vose veJuda.

1. Kutenda kunouya kwatiri kana tichinzwa shoko raMwari (vaRoma 10:17)

2. Haungatereri shoko raMwari kana usingazivi zvarinoreva.

C. Josia akaita sarudzo yakanaka yekurarama nekutonga nyika yake neshoko raMwari.

1. Kuziva shoko raMwari nekurarama mushoko raMwari zvinhu zviviri zvakasiyana.

2. Muiti weshoko raMwari ndiye anogashira makomborero aMwari (Jakobo 1:25)

D. Josia akasarudza kuti zvose zvaachaona mushoko raMwari achazviita.

1. MaKristu anofanira kuzvipira kuita zvese zvakakodzera kuti vapinde mukuwirirana neshoko raMwari.

2. Akaita kuti temberi igadziriswe uye akadzosera rutondedzo rwepasika.

E. Kunamatwa kwese kwezvifananidzo muJuda kwakadziviswa namambo Josia.

1. Mipiro yose yevanhu yakarambidzwa.

2. Zvifananidzo zvose zvakaputswa nekuparadzwa.

3. Vapirisita vose vezvifananidzo vakarambidzwa.

4. Kunamatwa kwemadhimoni nezviito zvose zvisakarurama kwakamiswa nekuparadzwa.

F. Apo pose Josia ainge ari mambo weJuda, munyika maiva nerunyararo nerugare.

1. Mwari vakaropafadza Juda pamusana pekuterera kwaJosia kushoko rake.

2. Kana tikatevedzera shoko raMwari muupenyu hwdu, tinofamba mumakomborero aMwari zvekare.


Dzidziso yemweya:


Verenga shoko ramwari.

Isa shoko pasi pemoyo wako.

Taura shoko masikati neusiku.

Rega shoko raMwari rikutaridze nzira.

Shoko raMwari rinorarama zvikuru mandiri.

Shoko rake chiedza mutsoka dzangu.

Sezvo ndinoterera, rinonditungamirira mazuva ose,

Kundidzidzisa kuva

Izvo anoda kuti ndive.



MAMBO WECHIDIKI


Kamutambo


Chidzidzo chechitatu


Vatambi: Josia, mubvunzi


Mubvunzi: Sei uchida kuva mambo wenyika yose iwe uchiri mwana mudiki? Mweni wedu wanhasi akagadzwa humambo aine makore masere ekuberekwa. Regai tizvinzwire kubva kuna mambo wechidiki, Josia.


(Mambo Josia anopinda akura)

Josia: Mhoroi, vana. Mangwanani akanaka kwamuri.


Mubvunzi: Mambo Josia varipi?


Josia: Ndini mambo Josia.


Mubvunzi: Asi ndanga ndichifunga kuti Josia aiva mukomana wechidiki.


Josia: Ndakura, ndave murume mukuru zvino.


Mubvunzi: Zvisinei ndinofunga kuti kunyangwe vana mambo vechidiki vachakura mumwe musi. Tinofara kuva newe nhasi. Tiudze nezve humambo hwako.


Josia: Sekuziva kwako ndakatonga Juda rimwe divi reIsraeri. Apo Jeroboami akava mambo, Israeri yakapatsanurana muzvikamu zviviri. Juda yaiva chikamu chezasi.


Mubvunzi: Bhaibheri rinoti uri mambo anoremekedzwa.


Josia: Ndakangoita zvinotaura Bhaibheri uye Mwari vakandikomborera.


Mubvunzi: Wakanzwa sei kuva mambo nemakore masere?


Josia: Pakutanga ndakatya asi ndakazoona kuti ndingachenjera nekubudirira sei.


Mubvunzi: Zvinofadza. Tiudze kuti munhu angachenjera nekubudirira sei.


Josia: Shoko raMwari rinotiudza muna Joshua 1:8 kuti tinofanira kurangarira shoko raMwari nekuritaura. Kana tikadaro tinobudirira.


Mubvunzi: Kurangarira zvinorevei?


Joshua: “Kurangarira” zvinoreva kutora nguva yekufunga zvataurwa. Kana ndichirangarira shoko raMwari ndinotora nguva yekufunga pamusoro paro.


Mubvunzi: Wakati tinofanira kutaura shoko raMwari. Zvinotibatsirei izvozvo?


Josia: VaRoma 10:17 inotiudza kuti kutenda kunouya nekunzwa uye kunzwa shoko raMwari. Kana tichitaura shoko, kutenda kunovakwa mumoyo medu.


Mubvunzi: Zvakakosha here izvozvo?


Josia: Kukosha? Zvese zvatinogashira kubva kuna Mwari zvinouya nekutenda. Wakaponeswa nekuti wakataura shoko raMwari nemuromo wako.


Mubvunzi: Ndakati, “Jesu ndiye Mambo wangu.”


Josia: Hongu, uye pawakadaro, shoko raMwari rakakuita chisikwa chitsva.


Mubvunzi: Ndizvozvo. Ndinotondera kuti pane chimwe chinhu mukati mangu chakashanduka pandakati, “Jesu ndimambo wangu.”

Josia: Shoko raMwari rizere nesimba uye paunoritaura simba iroro rinodururwa kuti rikushandire.


Mubvunzi: Zvinofadza! Wadii kutungamirira vana mukudzikisa simba? Vana dzokororai zvataurwa namambo Josia.


Josia: Ndava chisikwa chitsva muna Kristu Jesu.


(Mirira kuti vana vatevedzere usati wataura zvimwe)


Ndiri mudziyo waMwari wakagadzirirwa kuita zvakanaka.


Pamusana pekuti Jesu akava chivi, ndakarurama.


Jesu akatora zvirwere zvangu zvose uye marwadzo angu ose.


Nemavanga ake, ndakaponeswa.


Mubvunzi: Tatenda zvikuru mambo Josia. Mashoko iwayo anounza kutenda.


Josia: Zviri nyore kuvaka kutenda. Mwari akatipa shoko rake nechikonzero ichocho.


Mubvunzi: Chii chinoitika kana tichitaura shoko raMwari uye zvichiita sekunge zvisiri kubatsira.


Josia: Unofanira kuita zvandaiita apo ndaiva mambo.


Mubvunzi: Waiita sei?


Josia: Ndakaita zvinhu zvose munyika mangu kuti zvitevedzere shoko raMwari.


Mubvunzi: Hongu, asi waiva nevarwi vaienda kunodzika mitemo yaunenge waisa, asi isu hatina varwi.


Josia: Hongu, munavo. Mashoko aMwari amunotaura anoita varwi vanokonzera kuti zvinhu zviitike muupenyu hwako kuti uterere shoko raMwari.


Mubvunzi: Unofanira kutsidza samambo wotumira varwi vako. “Shoko raMwari rinotaura kuti Jesu akatora vutera hwangu akatakura marwadzo angu uye nemavanga ake ndakaponeswa.” Taura mashoko akadaro kusvikira muviri wako wabvumirana neshoko raMwari.


Mubvunzi: Ko kana ndichirwarisa?


Josia: Ramba uchitumira varwi kuhondo kusvikira vakurira. Tondera kuti mashoko ako ndivo varwi vako.


Mubvunzi: Mashoko angu ndivo varwi vangu. Saka ndinokwanisa kuva nevarwi vakawanda sekuda kwangu! Rega ndimirire apo satani achada kundibata zvekare! Ndichaparadza humambo hwake.


Josia: Uchava mambo akanaka.


Mubvunzi: Ndinotenda, mambo Josia. Ndinotenda zvekare nekuva pachirongwa chedu.


Josia: Muchitendei zvenyu.




ZVIRI NANI KUTERERA


Chidzidzo chechitatu


Ngano


Josh akatarisa pachiringa zuva chake. Chad anonoka nechikamu chepakati cheawa. Ndinofunga kuti haachauya, akafunga. Akabva anzwa mumwe munhu achidana zita rake, “Josh!” Akatarisa ndokuona Chad achiuya kwaari achifambisa aine mumwe mukomana.

Ndine urombo ndanonoka, Josh. Pane mumwe munhu wandinoda kuti usangane naye. Uyu ndi Nate. Vakatamira pamhiri pemugwagwa padyo nekumba kwedu,” akadaro Chad.


Mhoro, Nate, ndafara kukuona.”


Ndine urombo nekukumisa,” akadaro Nate.


Hazvina basa. Usanetseke zvako. Tango rasikirwa zvishoma shoma. Chad neni tinonotarisa vatambi veDynamos vachitamba mazuva ose echipira tabva kuchikoro. Pari zvino vakakunda nezvibodzwa zvinomwe. Ndinofunga vane mukana mukuru wekukunda gore rino. Ngatichiendai.”


Iwe, Josh zvine basa here kana tikasaenda nhasi chete? Ndinoziva kuti hatisati tamborega kuenda kubhora kana zuva rimwe zvaro mumakore maviri, asi Nate ane zano raanaro uye handifungi kuti zvingatikanganisa kusaenda kwezuva rimwe.”


Zvakanaka, ndinofunga tinokwanisa kurega kuenda nhasi chete. Hurongwa hwei?”


Unoziva nzvimbo iya iri zasi kwerwizi iya yava Mbeya? Nate ataura kuti varidzi vacho havapo vakaenda kurwendo saka hapana munhu. Tinoda kuenda kunoona. Nate ane kiyi inovhura makiyi ose.”


Chimbomira, muri kureva here kuti munoda kunopaza mumba memumwe munhu? Muri kutamba zvenyu handiti?” Josha akavhunduka.


Kwete Josh, tinongotarisa zvedu,” akapindura Chad.


Pamwe tingazongotorawo tumwe tunhu tudiki,” akawedzera Nate.


Iye zvino mava kutaura pamusoro pekutora zvinhu zvimumwe munhu. Kuba ikoko. Kwete, Chad. Bhaibheri rinotiudza kuti tisatora zvinhu zvisiri zvedu. Chad unoziva kuti tinodzidza tose muchikoro cheva chekusvondo. Haungaendi nemukomana uyu, Chad?” Josh akatarisa Chad apo ainge atsikitsira akatarisa pamakumbo pake.


Handei kani Josh hatitadzire mumwe munhu. Vanhu ava vane zvinhu zvakawanda. Havamboziva kana paine chisipo. Sezvataurwa naNate, havamboziva kuti tapinda mumba mavo.” Chad ainge aoita sekunge aida kuzvidzikamisa.


Asi ndinoziva kuti ndanga ndirimo zvekare Mwari vanoziva kuti ndanga ndirimo,” akadaro Josh.


Nate akabaya Josh pachipfuva. “Chiiko chiri kungonzi Mwari, Mwari? Unenge gwarawo iwe, handei kani Chad.”


Chad hauzive here kuti shoko rinoti chii......”akandandama Josh.


Ibvapo muzivi weBhaibheri,” akadaro Nate achisudurudza Josh munzira, “enda unoparidzira vamwe nekuti Chad neni tichaenda kunofara.”


Josha akatarisa apo Chad naNate vakafamba voenda. Haana kubvuma kuti shamwari yake ingaite zvakadaro. Ngwaro rinoti shamwari dzakaipa dzinopinza mumatambudziko rinotaura chokwadi, akafunga. Chad akafunga kukosha kwekunamatira shamwari yake. “Baba , nezita raJesu, tumirai mumwe munhu kuti amise Chadi asi aita zvaari kuda kuita. Ameni.”


Zuva raitevera Josh aidya kudya kwemangwanani uye aiva neziso rimwe chete rainge rakavhurika, aisanzwa zvese zvaitaurwa zvekare. Chimwe chinhu chakataurwa nababa vake chakamuvhundutsa. Pakarepo Josh akabva anyatsomuka. “Baba, mabva kutaura kuti chii?”


Rega tione, mune nyaya yekupazwa kwepamba pavaMbeya mupepa umu.”


Zvechokwadi here? Chii chimwe chataurwa pamusoro penyaya iyi?” Josh akaedza kuzvidzikamisa. Hana yake yainge yorova zvakapetwa kashanu uye ainge otanga kudikitira. “Vakabata here vanhu vakaita izvi?”


Zviri kunzi pakabatwa munhu mumwe chete asi hapana kupiwa zita remunhu wacho. Zviri kunzi munhu wacho mudiki saka zita rake richabudiswa kana vabereki vake vaudzwa zvekare zviri kunzi muvakidzani akafungidzira kuti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka pamba apa saka akadana mapurisa. Chinhu chakanaka ichi?”


Hongu.” Josha akanyevenuka. Aiva nechokwadi chekuti mapurisa ainge abata Nate. Chad ainge ari muchidzidzo chake chekutanga saka akaziva kuti aizowana nyaya yose kubva kwaari nenguva dzekuzorora.


Bhero rekutanga rakarira asi chigaro chepamberi paJosh chainge chisina munhu. Chaiva chigaro chaChad. Josh akanetsekana nekudzidza chidzidzo chake. Musoro wake waivhiririka nekufunga pamusoro paChad. Panguva dzekudya kwemasikati, akachaya runhare kumba kwavana Chad.


Makadini,” rakadaro izwi rakafaranuka.


:Kwaziwai, amai Rey. Ndini Josh. Chad akasimba here?”


Ndinodavira kuti anorarama.”


Kurarama? Chii chakaitika?”


Amai Rey vakaseka. “Ndanga ndiri kutamba zvangu newe, Josh. Anga aenda kunobiswa zino saka haasati anatsogadzikana.”


Zvakanaka, akafunga Josh. Ndazotondera zvino kuti Chad akandiudza kuti aizoenda kwachiremba wemazino musi wechitatu mangwanani. “Halleluja,” akadanidzira nemufaro.


Handizivi kuti kuenda kwachiremba ndiko kungafadze kudaro here, asi mazino ake ose anaka zvino. Uyu Chad uyu.”


Mhoro, Josh chii chiri kufadza?” akabvunza Chad.


Ndangofona kuti ndinzwe kuti zvinhu zvose zviri kufamba zvakanaka here. Ndinoreva mafambiro amakaita nezuro nezvimwewo.”


Hongu, zvimwe zvese zviri kufamba zvakanaka. Ndinotenda nekundinamatira kwawakaita.”


Wakaziva sei kuti ndaikunamatira?”


Ndakangozviziva. Unoziva kuti ndaienda naNate, asi apo takasvika padyo nepavaMbeya, takapfuura nepasekuru Jordan. Vainge vagere pachivara uye zvakaita sekunge vainge vakatondimirira. Ndakatanga kufamba ndichiita sendisina kuvaona, asi vakandidana ndokundimisa. Vakati vaizondibhadhara madhora makumi maviri kana ndikacheka huswa muchivanze chavo. Unondiziva, handipfuuri panotaurwa nenyaya yemari. Hazvaiita kuti ndirasikirwe nemadhora makumi maviri. Ndakaudza Nate kuti ndaizomubata pava pashure.”


Mumashure mechinguva ndakanzwa mabhero kurira pese pese. Ndipo pandakazoziva. Ndakapotsa ndazvipinza muna taisireva. Pamusoro pazvo ndaiziva kuti zvakaipa. Funga kuti zvaizoita sei kuna amai nababa ndisingataure hangu kwandiri ini. Vakomana, ndakabva ndakumbira ruregerero kuna Mwari. Ndakamuudza zvekare kuti ndichakoshesa shamwari dzekutamba nadzo kubvira ipapo. Kutaura pamusoro peshamwari dzinoziva Mwari, unoda here kuziva kuti ndakaziva sei kuti uri kundinamatira?”


Ndinoda kuzviziva, chokwadi,” akadaro Josh.


Uchiri kutoindera kuti ndakuudza kuti zvaiita sekunge vaJordan vainge vakandimirira?”


Hongu, ndinotondera.”


Mumashure memabhero ose ndakadzokera kunocheka huswa.”


Chii chakazoitika?” akabvunza Josh.


Ndipo pandakaona kuti huswa hwechivanze chavaJordan hwainge husati hwava kuda kuchekwa asi ndakahucheka, zvisinei. VaJordan vakabuda vakandipa madhora makumi maviri. Panguva imwecheteyo, vakaturika ruoko rwavo pamusoro pemafudzi angu ndokunditarisa mumaziso. Vakangoti, “Nyasha dzake dzinogara narini,’vakabva vasekerera ndokutendeuka vodzokera kumba kwavo. Zvinoshamisa, zvakaita sekunge vaiva mutumwa waMwari kana chimwe chinhu!”


Zvinoshamisa, Chad. Mwari ngaarumbidzwe nenyasha dzake?”


Josh, unoziva kuti nezuro ndakadzidza chidzidzo chandisingafe ndakakanganwa. Usaite zviri kunze kweBhaibheri. Chivi chinoita sechinonakidza pakutanga asi mubairo wacho mukuru zvekuti haukwanise kuubhadhara. Zvakakosha nguva dzose kuterera Mwari!”


DZOKORORO


Chidzidzo chechitatu


Shandisai shoko:


Vanhu veJuda vakakomborerwa apo Josia akaona nekuterera shoko raMwari. Mwari akavimbisa kutikomborera nekutichengetedza apo tinoshanda neshoko rake.


Nyora makomborero matatu muupenyu hwako zvaunoziva kuti zvakauya kwauri pamusana pekuterera shoko raMwari. Semuenzaniso, pamwe wakagashira imwe mari mumashure mekupa chipo kuchechi kana kuti wakaponeswa mumashure mekunamatira mumwe munhu airwara.


Kana watadza kufunga chimwe chinhu, zviongorore mumoyo mako kuti uone kuti uri muiti weshoko raMwari chaiye here.


Mibvunzo:


1. Josia ainge ava nemakore mangani paakaitwa mambo weJuda?

2. Kana vanhu vachibva kuna Mwari neshoko rake, chii chinoitika kwavari?

3. Chii chinopa muenzaniso wekurarama kwakanaka muupenyu hwedu?

4. Ndechipi chivi chainge choitwa pachena sechikamu chetsika muJuda?

5. Vamwe vatenderi vainge vopira chii sechikamu chichitendero chavo?

6. Josia aida here huipi hwaiva munyika make?

7. Sei Josia akatuma Shafani, munyori kumba kwaMwari?

8. Nderipi bhuku rakakosha rakawanikwa naHirkia rakavigwa mutemberi?

9. Josia akaita sei apo Shafani akadzoka ndokusvikomuverengera bhuku remirairo?

10. Ndiani akatumirwa shoko naJosia kuti auye kuzopa mazano?

11. Hurda akaudza Josia kuti chii kubudikidza nemweya waMwari?

12. Josia akazvipira kuita chii mumoyo make?

13. Tiri kutevera shoko raMwari here kana tichitora zvinhu zvese zviri mubhaibheri sechokwadi?

14. Tinofanira kuita sei kana mamiriro ezvinhu zchipikisana neshoko raMwari?

15. Ungaterera here shoko raMwari kana usingazivi zvarinoreva?

16. Chii chinhu chakakosha chakaitwa namambo Josia maererano nehutongi hwavo?

17. Kuziva shoko raMwari kwakafanana here nekurarama neshoko raMwari?

18. Munzwi weshoko here kana kuti muiti weshoko anowana makomborero aMwari?

19. MaKristu anofanira kuzvipira kuita sei kuti ave nechibvumirano neshoko raMwari?

20. Sei Juda akava nerugare nezororo apo Josia aiva mambo?



JEREMIA NABARUKI


Chidzidzo chechina


Ndima yekuverenga: Jeremia 36:1-37:4, 22:1-19


Chokwadi: Shoko raMwari richagara nekusingaperi.


Ndima yemusoro: I Petro 1:23, “Shoko raMwari ...rinogara nekusingaperi.”


Kamutambo: “Shoko risingaparadziki”


Chidzidzo: “Shoko raMwari richagara nekusingaperi”


Zvinodiwa: Jeremia (512), Jehoiakimi (513), Baruki (514), Mambokadzi (515)


Kumudzidzisi:


Chidzidzo chino chinoratidza mamiriro eshoko raMwari. Kudenga nepasi sekuziva kwedu, kuchapfuura asi shoko raMwari richagara nekusingaperi. Hapan chingaenzaniswa nesimba reshoko. Vakuru vemarudzi ose vari pasi paro. Kunyangwe Mwari pachake anoremekedza shoko rake.


Kuziva mamiriro eshoko raMwari, kukosha kwaro kunotiita kuti tinzwe nzara yaro uye nevana vedu. Mweya yedu inoda shoko raMwari kuti ikure sezvinoitawo miviri yedu inoda chikafu kuti ikure (Mateo 4:4). Dzidzisa vana vako kuti vadye pashoko raMwari mazuva ose.


Tsanangudzo:


I. Jeremia aiva muporofita waMwari aigara muhumambo hweJuda.

A. VaPorofita vashumiri vane kuzodzwa kwakakosha kuba kuMweya Mutsvene.

1. Maporofita muchitenderano chekare vaiva nezviroto zvakakosha, zviono uye zviratidzo kubva kuna Mwari.

2. Vaitaura kumadzimambo uye kuvanhu zvavanenge vaudzwa naMwari kuti vataure.

B. Tine vanhu nhasi vachiri kuita basa iri. (VaEfeso 4:11-12)

1. Chekutanga, muporofita, mushumiri weshoko.

2. Ane zvipo zvitatu zvemweya zvinoshanda maari uye chipo chekuporofita muhushumiri hwake.

3. Shoko renjere, shoko reruzivo uye kuongorora mweya ndizvo zvipo zvitatu zvemweya (I vaKorinte 12:8-10) nekuti chimwe nechimwe cheizvi chinoratidza zvimwe zvinhu.

4. Shoko renjere rinoratidza chimwe chinhu chichazouya, shoko rekuziva rinoratidza chimwe chinhu chakapfuura kana chiri kuitika uye kuongorora mweya “kuona” zvakanaka kana zvakaipa mumweya.

C. Mweya Mutsvene wakaita kuti Jeremia aporofite pamusoro pekusarura kweJuda nemambo wayo asakarurama, Jehoiakimi.

1. Kana Mwari achitumira munhu yambiro kuti atendeuke, ari kuzviitira iye pachake.

2. Munhu wese ane simba rekusarudza zvaanoda kutevedza, zvakanaka kana zvakaipa.

3. Kana munhu achitevera zvakaipa, Mwari anotumira yambiro kuti atendeuke uye asarudze kutevera zvakanaka.

D. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Mwari anodzora vaanoda.

1. Urwere, njodzi kana matambudziko hadzisi nzira dzinoshandiswa naMwari kudzora vana vake.

2. Mwari anotitonga neshoko rake (Timotio 3:16-17)

II. Shoko raJehova kubudikidza naJeremia rakatumirwa kuvatongi veJuda.

A. Apo Jeremia akataura neMweya Mutsvene, mashoko aakataura aiva mashoko aMwari.

1. Jeremia akaita kuti murume ainzi Baruku anyore zvaaitaura.

2. Jeremia akatuma Baruki kuti aendese shoko raMwari kuvanhu nevatongi veJuda.

B. Apo mambokadzi weJuda akanzwa nezvechiporofita chekutongwa chainge chaverengwa naBaruki, vakadzamirwa.

1. Shoko raMwari harina charingaita kune munhu kana achinge asina kurinzwa (VaRoma 10:17)

2. Kana mumwe munhu achikanganisa, shoko raMwari rinoshanda mumoyo mavo.

C. Mambokadzi vakatora chinyorwa chaJeremia ndokuenda nacho kuna mambo Jehoiakimi.

1. Vakaudza Baruki kuti iye naJeremia vahwande vasataure kwavari.

2. Vanofanira kunge vaitarisira mhinduro isiyo kubva kuna mambo.

D. Mambo Jehoiakimi akaita kuti chiporofita chiverengerwe vanhu mudare make.

1. Apo akanzwa mashoko aya haana kutendeuka kubva muzvivi zvake.

2. Akabvarura chinyorwa ndokukanda zvidimbu mumoto.

III. Hazvikwanisike kuti shoko raMwari riparadzwe.

A. Mumashure mekunzwa kuti chinyorwa chekutanga chainge chapiswa, Jeremia, kubudikidza neshoko raMwari akaita kuti Baruki anyore nyaya imwe cheteyo zvekare.

1. Kana Mwari achitumira shoko rake, anoita kuti rizadzikiswe (Isaya 55:11)

2. Shoko raMwari harishanduki (Maraki 3:6)

B. Nguva ino Jeremia akaporofita nyaya huru kuna Jehoiakimi.

1. Akati Babironi yaizouya kuparadza Judah.

2. Akati apo Jehoiakimi achafa, mutumbi wake hahuiswi muguva remadzimambo asi achavigwa semhuka. (Jeremia 22:18-19)

C. Jehoiakimi akaedza kuparadza shoko raMwari asi shoko raMwari harikwanisi kumiswa - harigumi.

1. Kana vanhu vachishora shoko raMwari vanonyangadza (Zvirevo 28:9)

2. Kana uchitaura shoko raMwari nemuromo wako uchitenda nemoyo wako, zvine simba kufanana nekunge rataurwa naMwari pachake.


Dzidziso yemweya:


Shoko raMwari chikafu chemweya wangu.

Ndinoda kuzvifunga, kuzvinamata, kuzvinzwa.

Apo ndinoriverenga mazuva ose,

Rinondisimbaradza, ndicho chikonzero ndichiti

Shoko rake haridarike.


SHOKO RISINGAPARADZIKI


Chidzidzo chechina


Kamutambo: Mubvunzi wechidzimai, Jeremia


Mubvunzi: Shoko raMwari rinogara nekusingaperi. Haringopfuuri kana kuparadzwa. Mweni wedu wanhasi ndiye akanyora chimwe chikamu cheshoko raMwari. Zvimwe zvinhu zvaakanyora zvakapiswa nekuparadzwa asi Mwari akamupa mashoko mamwecheteyo zvekare. Ngatizvinzwei kubva kumuenzi wedu, Jeremia.


(Jeremia anopinda)


Jeremia: Mwari ngaarumbidzwe! Zvakakosha kuva pano. Tinokutendai nekurumbidza. Mwari akanaka nhai? Ndinofara kuziva kuti muchine shoko raMwari. Mashoko andakapiwa naMwari akanyorwa makore zviuru zviviri zvine makore mazana mashanu akapfuura asi nanhasi muchinawo.

Mubvunzi: Mashoko awakaudzwa naMwari kuti unyore aiva asiri mashoko ari oga.


Jeremia: Hongu. Mweya Mutsvene wakauya pandiri ukandiudza zvekutaura. Shamwari yangu Baruki akaanyora mubhuku.


Mubvunzi: Mambo Jehoiakimi haana kufara nezvawainge wanyora saka akazvibvarura akazvipisa.


Jeremia: Hazvina kumisa shoko raMwari kuti ribude pachena, ndizvo here?


Mubvunzi: Kwete, vakuru. Humambo hwa Jehoiakimi wakadzikira sekutaura kwenyu.


Jeremia: Humambo hwaJehoiakimi hwainge husina kuvakirwa pashoko raMwari.


Mubvunzi: Humambo hwaMwari hwakasimba, nhai, Jeremia?


Jeremia: Hongu. Shoko raMwari rinoti Mwari achabvisa zvese zvakaora ozadza pasi pose nekubwinya kwake.


Mubvunzi: Saka pasi pano pachashanduka. Zvinhu zvose zvichashanduka.


Jeremia: Shoko raMwari harishanduki. Ndere chokwadi uye rakasimba nhasi nekusingaperi.


Mubvunzi: Richiri kuita zvishamiso.


Jeremia: Richiri kuita chero chinhu! Mwari vakaisa simba ravo rose mushoko ravo.


Mubvunzi: Ndicho chikonzero vanhu vasingakwanisi kuparadza shoko raMwari, kunyangwe akaedza nguva yakawanda. Shoko raMwari ndicho chinhu chinodederesa satani.


Mubvunzi: Zvisinei, ndava kuisa shoko raMwari mumoyo mangu kuitira kuti ndirishandise.


Jeremia: Vanhu vakawanda vanoziva magwaro mazhinji asi havazive kuti vangaashandise sei.


Mubvunzi: Unorevei, Jeremia?


Jeremia: Shoko raMwari rakavapo kuti vanhu varishandise. Tinorishandisa nekutenda mumoyo medu nekutaura nemiromo yedu.


Mubvunzi: Kunyangwe ndikakwanisa kudzidzira bhaibheri rose nemusoro, kana ndisingarishandise, hazvibatsire.


Jeremia: Ndizvozvo. Shoko raMwari rinokwanisa kukubvisai kubva mukutya, urwere, chivi, kunetsekana, urombo nezvinhu zvakaipa zvinoiswa nemuvengi.


Mubvunzi: Ndipe gwaro rinodzinga kutya.


Jeremia: Shandisa Timotio 1:7, “Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba nerudo nepfungwa dzakanaka.” Kana wava kutya, taura gwaro iroro kusvikira kutya kwatiza.


Mubvunzi: Unoziva here gwaro maererano nekurwadziwa nemudumbu?


Jeremia: Mateo 8:17. Jesu akatora utera hwangu akatakura urwere hwangu.” Chisara zvako iwe unorwadisa mudumbu mangu.


Mubvunzi: Ipa gwaro rinoenderana nechivi. Ndanga ndichisangana nematambudziko kazhinji.


Jeremia: Unoda vaRoma 6:14, “Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu nokuti hamuzi pasi pemurairo asi pasi penyasha.”



Mubvunzi: Ko rimwe gwaro rekushushikana?


Jeremia: I Petro 5:7 rinoti, “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti iye unokuchengetai.”


Mubvunzi: Ko urombo?


Jeremia: Hupedzei! Bhadharai chegumi chenyu motaura II vaKorinte 8:9, “Nokuti munoziva nyasha dzashe wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akfuma wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.”


Mubvunzi: Mwari vanoda kuti ndive nezvakawanda.


Jeremia: Ameni! Kune gwaro rinoenderana nezvinhu zvose zvaunoda.


Mubvunzi: Chinhu chinonyanyondifadza ndechekuti kana ndikazvitenda zvinosevenza.


Jeremia: Pamusana pekuti shoko raMwari ibenyu.


Mubvunzi: Watibatsira zvikuru. Tinotenda nekuuya kwako.


Jeremia: Munotendei zvenyu. Tozoonana kudenga.


Mubvunzi: Ngatifungei nezvataurwa naJeremia.




SHOKO RAMWARI RINOGARA NEKUSINGAPERI


Chidzidzo chechina


Chidzidzo chekuita



Ndima yekutarisa: Mateo 24:35, “Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.”


Zvinodiwa: Maka, bepa jena, bepa rerudzi rwe Tyvek. (Rinowanikwa muzvitoro zvemabhuku)


Gadziriro: Nyora pabepa jena nemaka kuti, “shoko remunhu.” Zvino chinyora pabepa reTyvek kuti, “shoko raMwari.”


Chidzidzo:


Vakomana nevasikana, shoko raMwari rinomira nekusingaperi. Richagara richishanda uye richagara nekusingaperi. Jesu pachake akataura muna Mateo 24:35 kuti, “Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.” Pane mutsauko pakati peshoko remunhu neshoko raMwari. Shoko raMwari rinogara nekusingaperi asi shoko remunhu rinokwanisa kukukanganisa. Vanhu havatevedzeri zvivimbiso zvavo kazhinji. Zvimwewo zvinhu zvinokwanisa kuitika. Shoko raMwari rinoramba riripo, harishanduki. (Panguva ino sarudza mwana mudiki pane vamwe.)


Ndine bepa pano rinoti, “shoko remunhu.” Shoko remunhu rinogara narini here? Kwete. Ndinoda kuti (achitaura nemubatsiri) ubvarure bepa iri. Enderera mberi! Rega mubatsiri abvarure bepa muzvidimbu zvidiki diki. Zvanga zviri nyore kubvarura. Iye zvino ndinoda mumwe munhu akasimba kuti andibatsire. (Panguva ino, sarudza mumwe mwana wekuti akubatsire, anenge mukuru pane abvapo.)


Ndine chimwe chipepa chakasiyana nechekutanga. Chakanyorwa kuti, “shoko raMwari.” Shoko raMwari rakasiyana neshoko remunhu. Ndinoda kuti uedze kubvarura shoko raMwari. Enderera mberi. (Panguva ino, nyatsoongorora kuti uone kuti havachibvarure. Usavaregedze vachiedza kubvarura chipepa ichi nemazino nekuti chinozobvaruka) Hamukwanisi here kubvarura bepa iri? (Panguva ino unokwanisa kupedzisa chidzidzo kana kudana vamwe vana vaviri kana vatatu kuti vaedzewo, panguva yose vafungise nezvemubatsiri wekutanga) Shoko raMwari rakasiyana neshoko remunhu. Shoko raMwari harizopfuuri: richagara narini!


DZOKORORO


Chidzidzo chechina


Shandisai shoko:


Zvakakosha kune vanhu kuti vazive zvinotaura shoko raMwari.


Mazuva ose svondo rinouya, kana waverenga bhaibheri, nyora ndima mbiri dzekuti ugoverenga nekudzidza (Nyatsofunga kuti dzinorevei muupenyu hwako uye kuti ungadzishandisa sei) zvipe nguva ingaita mamineti gumi nemashanu.


Pakupera kwesvondo, funga kuti unenge wava kuziva Jehova zvakadini. Pamwe ungada kuedza izvi kwemwedzi wese!


Mibvunzo:


1. Maporofita echitenderano chekare akagashira chii kubva kuna Mwari?

2. Kuchine maporofita here nhasi?

3. Chii chinonzi muporofita?

4. Ndezvipi zvipo zvitatu zvinotaridza kuti zvipo zvemweya?

5. Zvipo zvingani zvemweya zvinoshanda muuhushumiri hwemuporofita?

6. Mweya Mutsvene wakaudza Jeremia kuti aporofite pamusoro pei?

7. Sei Mwari akatumira yambiro kune vamwe vanhu?

8. Mwari anodzora sei avo anoda?

9. Mwari haashandise chii kutsiura vanhu vake?

10. Apo Jeremia akataura neMweya Mutsvene aiva mashoko aani?

11. Ndiani akanyora zvakaporofitwa naJeremia?

12. Munhu anofanira kuita sei kuti shoko raMwari rimushandire?

13. Shoko raMwari rinotsiura munhu mumoyo make kana zvaita sei?

14. Mambokadzi agutsikana nechiporofita chaJeremia akatarisirawo here kuti mambo Jehoiakimi achigashire?

15. Jehoiakimi akaita sei apo akaverenga chiporofita ichi?

16. Zvinokwanisika here kuti shoko raMwari riparadzwe?

17. Jeremia akaita sei mumashure mekunzwa kuti shoko rekutanga rakapiswa?

18. Chii chinoitika kune vanhu vasingatereri shoko raMwari?

19. Chii chinoitika kune vanhu vasingakudzi shoko raMwari?

20. Shoko raMwari rinoita simba sekunge riri kutaurwa naMwari pachake kana zvaita sei?



UBATWA


Chidzidzo chechishanu


Ndima yekuverenga: II Madzimambo 25:1-21


Chokwadi: Kana shoko raMwari rikasatevedzwa mubairo wacho husungwa.


Ndima yemusoro: VaRoma 6:14, “Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu.”


Kamutambo: “Isa shoko pakutanga”


Chidzidzo: Ngano - “Tenzi ane utsinye”


Zvinodiwa: Hondo yemuvengi (503), Zedekia (516), Nebukadnezari (517), vaIsraeri (518)


Kumudzidzisi:


Nyaya yehubatwa hwa Juda inyaya inosuwisa zvikuru, asi chidzidzo chikuru chinowanikwa munyaya iyi. Hubatwa hwakauya mumashure memakore akawanda ekusaterera neyambiro dzakawanda kubva kuna Mwari. Chikonzero chikuru chaiita kuti vanhu ava vasashandire Mwari ndechekuti vainge vasingadi kuzvarwa patsva sesu. Zvekare vaikwanisa kunge vakaterera murau sekukwanisa kwavaiita nenyasha dzaMwari. Kusaterera kunounza matambudziko mumashure.


Hubatwa hauna kukodzera kumunhu anoterera nekushanda neshoko raMwari. Jesu akati kana tikaenderera mberi neshoko rake, tichaziva chokwadi uye chokwadi chichatisunungura. Kutevedza hurongwa hwaMwari neshoko rake hakuise munhu muusungwa, asi kunotoita kuti agare hupenyu hurefu.


Tsanangudzo:


I. Vanhu vaMwari vesungano vakatora sungano yavo naye.

A. Humambo hwaJuda ndiyo chinhu chekupedzisira chechikwata chemaIsraeri munyika yechipikirwa.

1. VaIsraeri vainge vavimbisa mumakore ainge apfuura kuti vachashandira Mwari asi vashoma vakazviita.

2. Kurwadziwa nekuda kwaMwari kukuru asi kunozopera.

B. Mwari anokomborera avo voga vanofamba nekuterera shoko rake.

1. Mwari haatarise nzira dzekutonga nadzo vanhu asi, anotsvaga nzira yekuvakomborera nayo.

2. Mwari ainge asingazokomborera Israeri nekuti vainge vazvibvisa pakuchengetedza nekusaterera kwake.

3. Kana tisingashandi neshoko raMwari, Mwari haana chekuita kana chekuzadzikisa muupenyu hwedu (Jeremia 1:12, Marko 16:20)

C. Apo Mwari akaita sungano yake neIsraeri, akavapa zvakawanda (Deuteronomio 28:1-14)

1. Akavimbisa kuvabatsira kurwisa vavengi vake.

2. Akavimbisa kuti vaizova vatano.

3. Akavimbisa kuvapfumisa.

4. Akavimbisa kuti vachabudirira pane zvose zvavanoita.

5. Akavavimbisa upenyu hurefu (Mapisarema 91:16)

6. Vaizopiwa zvose zvavanoda kana vachiterera mirairo yake nekuterera izwi rake.

D. Sungano yedu naMwari munaKristu iri nani kudarika iyo yemaIsraeri (VaHeberu 8:6)

1. Sungano ine vimbiso dzose dzekare nezvimwewo zvakawanda.

2. Tinokwanisa kuzvarwa patsva, tichigashira upenyu nemamiriro aMwari.

3. Tinokwanisa kuzadzwa neMweya Mutsvene uye totaura nendimi.

II. Mambo weBabhironi, Nebukadnezari akauya nevarwi vake ndokuparadza Jerusarema.

A. Pamusana pekuti vaIsraeri vaisafamba neshoko, havana kukwanisa kudzivisa muvengi.

1. Tinokwanisa chete kudzivisa muvengi kana tichizviisa pasi paMwari (Jakobo 4:7)

2. Satani anoda kuba shoko kubva mumoyo medu pamusana pekuti ndicho chinhu chinomukurira. (Marko 4:15).

B. Satani haana tsitsi.

1. Vanhu vaNebukadnezari vakauraya vanakomana vamambo Zedekia pamberi pababa vavo.

2. Vakabvisa maziso aZedekia ndokumusunga nengetani.

3. Hazvibatsire kupinda munyika yemuvengi - tinofanira kuramba tiri pakutenda uye kuterera kwedu kuna Mwari kunotichengetedza kubva kuna satani.

C. Kuparadzwa kweJerusarema kwaiva kwakanyanyisa zvikuru.

1. Vanhu veBabhironi vakatora zvinhu zvose zvakakosha zvegoridhe mutemberi yaMwari.

2. Guta rese reJerusarema rakabirwa zvinhu ndokupiswa kusanganisira imba yamambo neimba yaJehova.

D. Yambiro yose nechiporofita chakapiwa vaporofita vaMwari chainga chazadzikiswa.

1. Hurongwa hwaMwari nehurongwa hwedu hwakasiyana.

2. Zvatakapiwa naKristu mukudzikinurwa haisi nyaya yemasanga asi zvimwe zvinhu muupenyu.

III. Vanhu vaMwari vesungano vakatapwa vakava varanda nevasevenzi.

A. Vanhu veJuda vakaendeswa kuBhabironi.

1. Vanhu vakawanda vane zvinzvimbo zvikuru muJuda, vakaurayiwa kusanganisira mupirisita mukuru.

2. Varombo vekupedzisira ndivo vakasiiwa kuti varime.

B. Hwakanga husiri hurongwa hwaMwari kuti vanhu vake vaitwe zvakadai.

1. Vakazvisarudzira voga kubudikidza nekusatenda.

2. Mwari havadzivise zvido zvevanhu.

C. Zvinhu zvose zvakaipa zvakaitika kuJuda zvainge zvisina kukodzera.

1. Vaikwanisa kunge vakaterera Mwari vakabudirira.

2. Kazhinji maKristu anotambudzika zvisina kukodzera pamusana pekuti havazive shoko raMwari kana kuti havadi kuita zvinoda shoko raMwari (Hosea 4:6)

D. Kana tikapa mukana kumuvengi, tinozviparadza.

1. Simba raanoisa muupenyu hwedu ndiro zvekare ratinomupa (vaEfeso 4:27)

2. Satani hakurire munhu wese anoterera shoko raMwari.


Dzidziso yemweya:


Ndiri mukundi.

Chivi hachina simba pandiri.

Ndiri mukundi.

Neshoko raMwari, ndakasunungurwa.


Kana ndichishanda neshoko,

Zvinondipa simba pamusoro pechivi.

NaJesu mumoyo mangu,

Ndinoziva kuti ndinobudirira.


ISA SHOKO PAKUTANGA


Chidzidzo chechishanu


Kamutambo


Vatambi: Jimmy, Bennie, moyo waBennie


Jimmy: Iwe, Bennie vakomana vazhinji tichasangana musi wemugovera mangwanani toenda kuduwino.


Bennie: Guru riya riri kukarwizi Save?


Jimmy: Ndiroro. Kune zvekushambirisa zvakawanda uye kusvetukira mumvura hakunetsi. Inguva yakanaka chaizvo iyoyo. Unoda kuendawo here?


Bennie: Hongu, ndingada.


Jimmy: Zvakanaka. Saka tose tichauya tichikutora kumba kwenyu nenguva dzechipfumbamwe mangwanani.


Bennie: Asi ndiyo nguva inotangawo chechi. Ndanga ndichifunga kuti wati mumashure mekudya kwemasikati.


Jimmy: Hatingadaro, Bennie. Masikati kunenge kwazarisa. Nguva yakanaka inguva inoitwa chechi. Ndinofanira kuenda. Iva nechokwadi kuti wagadzirira patinosvika kumba kwenyu. (Anoenda)


Bennie: Vakomana, handichazivi kuti ndoita sei. Ndinoziva zvandinofanira kuita. Ndinofanira kuenda kuchechi, asi ndinoda kunotuhwina zvekare. Pamwe hazvina kunyanya kuipa kuti ndirovhe kuchechi. Ndinoreva, vamwe vakomana vose vari kuenda kunoshambira. Ndinofunga ndinofanira kuendawo.


(Moyo anopinda)

Moyo: Chimira ipapo, Bennie chikomana!


Bennie: Moyo, uri kuitei pano?


Moyo: Ndiri kuda kuedza kukubatsira.


Bennie: Asi ndiri kufunga zvakanaka. Vakomana vose vari kuenda kuduwino. Handione chikonzero chandingaregererawo.


Moyo: Harisi dambudziko rekuti waenderei kuduwino asi dambudziko riripo ndere nguva yauri kuda kuendako.

Bennie: Asi kana tikasaenda nguva yechechi, paduwino panenge pazara.


Moyo: Saka kana usingachengeti shoko raMwari pamusoro pezvakakosha muupenyu hwako, upenyu hwako huchazara nezvinhu zvausingade.


Bennie: Asi vamwe vakomana vose vari kuenda.


Moyo: Ichokwadi. Vakanganwa kukosha kweshoko raMwari uye chitarisa zvavave kuita. Larry anga achiputa fodya, Danny anotaura zvinyadzi, uye Jimmy ari kumukirana nevamwe nguva dzose.


Bennie: Iye zvino pamusana pekuti wazvitaura, ndava kuona zvimwe zvezvinhu izvi.


Moyo: Kunyangwe usiri ngirozi, Bennie upenyu hwako hwagara hwakakomborerwa nekuti unoremekedza shoko raMwari.


Bennie: Ndichadarowo! Kuduwino kunombomira kusvikira imwe nguva. Ndava kuenda kuchechi.


Moyo: Ndizvo zvandinokudira Bennie. Ndozokuona. (Anobuda)


Bennie: Ndinofara kuti ndine moyo unoda kuita zvakanaka. Ndinoziva kuti ndaita sarudzo yakanaka.


(Jimmy anopinda zvekare)


Jimmy: Iwe Bennie, ndabva kutaura nevamwe vakomana vashanu vari kuenda kuduwino nesu. Zvichafadza zvikuru.


Bennie: Ndashandura pfungwa dzangu. Ndava kuenda Jimmy.


Jimmy: Hauchaenda, sei?


Bennie: Handingaregi kuenda kuchechi nekuda kwekuenda kuduwino. Ndinoda kunzwa shoko raMwari. Ndichauya pashure kwete nguva yechechi.


Jimmy: Zvisinei, tinenge tisisiko nguva idzodzo. Kunenge kwazarisa. Kunongonakidza mangwanani kusati kwazara. Ucharasikirwa nenguva inofadza, Bennie.


Bennie: Rega ndirasikirwe zvangu. Ndicharenmekedza Mwari neshoko rake.


Jimmy: Ita sekuda kwako. Handingaregi kuenda kuduwino nekuda kwechimwe chinhu. (Anoenda)


Bennie: Ndinoziva kuti ndaita chinhu chakanaka uye ndinoziva kuti Mwari vachandikomborera pamusana pekuita sarudzo yakanaka. (Anobuda)



TENZI ANE UTSINYE


Chidzidzo chechishanu


Ngano


Famba, iwe zibenzi!” akadanidzira Siri Hatwa kunzou yake. akaregedzera chiwepu chake panzeve dzaWomba uyo aizvuva danda nyoro akana kwaiiswa mamwe matanda. Musi uyu kwaipisa zvikuru uye pfungwa dzaWomba dzainge dzongofunga mvura chete. Siri Hatwa aiva tenzi ane utsinye, ainge arambidza nzou yake kunwa mvura mukakova kaiva padyo. Simba raWomba raigona kuva nani kudai aidya nekunwa nguva dzose.


Unofanira kubvumidza mhuka yako kunwa mvura kakawanda, Siri Hatwa,” akadaro mumwe murume wemunharaunda iyi. “Inzou yakanaka zvikuru zvekuti inokwanisa kushanda zviri nani kana ikawana mvura yakakwana,” akawedzera murume uya. Siri Hatwa akatarisa murume uya ndokurovazve Womba panzeve.


Famba, une hunyope iwe benzi!” akadaro Siri. “Iwe chengeta pfungwa dzako handidi kudzinzwa,” akadaro Siri kumurume uya. Womba akanetsekana nekuzvuva danda riya kuti risvike pane mamwe.


Chiri simudza uise pane mamwe!” Siri akadaro achirova nzou iya zvekare. Womba akamonera danda riya nemushinga wake ndokusimudza danda riya nesimba kuti riende pamusoro pemamwe matanda.


Kudai ndangowana zvangu chekunwa, akafunga Womba apo akatendeuka akatarisa murukova.


Kwete, Kwete ikoko,” akadaro Siri. “Uchanwa kana ndati uchinwa,” akadaro Siri. “Famba uende! Dzokera kumiti, tichine matanda ekutakura!” akadanidzira Siri.


Sekurangarira kwaiita Womba, Siri ainge amuitira utsinye kazhinji. Achimuka mangwanani mazuva ose, Womba aizevenza zvakaoma zuva rose uye aipiwa chikafu chishoma chenzou diki chaiyo. Siri aigara achiirova nechiwepu kana kurova mushinga wayo zvakasimba nechimuti. Akavenga upenyu hwekurarama naSiri Hatwa, asi Womba ainge asina sarudzo kunze kwekuterera. Siri aiva tenzi wake uuye hapana nzou inofanira kumukira tenzi wayo.


Rimwe zuva manheru mumashure mekushanda zvikuru, Womba akaona kakomana kadiki kakamutarisa. Siri akasungirira Womba pamuti apo kakomana kakamira kakatarisa. “Hauna kufamba nekukasika nhasi saka uchadya mashizha mashoma aya usiku hwese!” akadanidzira Siri kunzou yake yainge yaneta zvikuru. Akabva afamba akananga kumba zvake.


Womba ainge ava nenzara zvikuru zvekuti hazvina kupedza nguva isati yapedza mazhizha aya. Dumbu rayo rainge richiri kuda akawanda mumashure mekupedza mashizha aya asi painge pasisina chimwe chekudya.


Womba akashamisika paakaona dutu reuswa raiswa pamberi pake. Kakomana kainge kaunzira Womba chimwe chikafu. “Uri nzou yakanaka, inoshanda nesimba,” kakadaro kakomana,” uye unoda chikafu chakawanda kudarika mashizha mashoma awapiwa.” Mushinga waWomba wakabva watutira chikafu mumuromo mayo. Mukomana akaenda akadzoka akabata mugomo wemvura. Womba akafara zvikuru kuti mumwe munhu ainge amuunzira chimwe chikafu nemvura. “Uri mhuka yakanakisa kushandira tenzi ane utsinye kudai,” akazevezera mukomana munzeve dzaWomba. “Unofanira kusungurwa kuti ufambe nedzimwe nzou musango,” akadaro.


Womba akashamisika. Zvingakwanisika here kuti dzimwe nzou dzinofamba dzoga pasina vana tenzi vane utsinye kudai? Womba anga asati amboona mhuka yakadai. Iye pachake aitya chiwepu chaSiri kana akatiza.


Mukomana uya aziva pfungwa dzaWomba, akazevezera zvekare, “Uri nzou huru kwazvo uye Siri Hatwa murume mudiki.” Mukomana akawedzera, “Unokwanisa kudambura tambo dzake nyore wotanga zvako kufamba uchienda kwaunoda,” akadaro mukomana. Womba ainge asati ambonzwa matauriro akadai. Siri aiva tenzi anotyisa aiva nechiwepu chairira kwazvo. Angatyiswa here nenzou zvayo?


Uri kuitei panzou yangu?” rakadaro izwi gobvu. Mukomana akacheuka ndokuona Siri Hatwa achiuya nechiwepu chake. Akachiridza mumhepo apo kakaomana kakatiza.


Benzi remukomana rakupa chikafu chakapetwa kaviri pane chaunofanira kudya,” Siri Hatwa akadaro nehasha kuna Womba. “Ukadya zvakawanda unobva wafuta wotadza kuita basa.” Siri akadzokera kumba kwake. Chinhu chaaisada chaiva chekuti Womba akure akasimba nekuti zvaizokonzera kuti itize zviri nyore.


Zuva raitevera raiva rakaoma zvikuru nekuti Siri akaita kuti Womba ashande meswere wese wezuva pasina kana donhwe zvaro remvura. Rurimi raWomba rwainge rwaoma uye aitoita mvura yekufembedza kubva murukova rwaiva padyo. Siri akaita kuti Womba ashande zvakapetwa kaviri. Aida kuti nzou ishande zvakaomarara kuti itadze kutiza nekuneta.


Mumanheru Siri akasungira Womba pane mumwe muti kuti mukomana uya asaione. Siri akapa Womba chimwanda cheuswa nemugomo mumwe chete wemvura. Womba akakasira kudya huswa hwake ndokunwa mvura. Siri akaenda kumba kwake.


Kunze kwasviba, Womba akanzwa munhu aiuya kwaari neuswa huzhinji. Aiva mukomana uya uye aiva neuswa huzhinji. Womba akadya uswa huya ndokunwa mvura yainge yauya nemukomana uya.


Wava kuzoita nzou huru yakasimba,” akadaro mukomana. “Rimwe zuva uchakwanisa kutiza tenzi ane utsinye uyu.”


Mazuva ose manheru mumashure mekushandiswa zvakaomarara naSiri, kakomana kaivigira Womba chimwe chikafu nemvura. Nzou iya yakakura ikasimba zvisinei nenzira dza Siri dzose dzokuti irambe isina kusimba.


Rimwe zuva kunze kwaipisa zvikuru musango, Siri akarova Womba panzeve. “Famba, iwe benzi!” akadanidzira. “Tinofanira kupedza kutakura matanda aya nhasi!”

Womba ainge oshanda zvakaomarara asi Siri airatidzika seaisazviona. Utsinye hwake hwainge hwatowedzera. Womba akafunga pamusoro pezvinhu zvose zvaainge audzwa munzeve nekakomana kaya.


Iye zvino ndava kuzoenda, akafunga Womba. Akatendeuka kubva kwaainge anzi naSiri aende nako.


Kwete, iwe benzi remhuka,” akadanidzira Siri. “Kwete ikoko!” Akarovera chiwepu kumeso kwenzou asi nzou yakaramba ichienda. Tambo dzainge dzakaisunga dzakadimbuka apo yaiedza kuzvisunungura. Siri akamhanya kuti anomira kumberi kwemhuka yake yainge yotiza.


kwete, iwe benzi!” akadaro Siri. Nguva yainge yapera. Womba akasimudza murume ndokumukanda mumashizha. Pakarepo nzou yakabva yapinda musango ndokufamba zvayo pamadiro isisanetswi nechiwepu naSiri Hatwa.


Handinzwisisi,” akadaro Siri Hatwa achitaura oga apo aibva mumashizha. “Mumakore ose apfuura, benzi renzou iri rainge richinditya asi pakrepo rabva rarega kunditya kana chiwepu changu,” akandandama Siri. Akaenda kumba kwake haana kuzoona Womba zvekare.


(Fananidza Womba nemutendi anokurirwa asi aine mukana wekukurira mudzvanyiriri asi anonyengedzwa. Mashoko ekutenda ndiwo oga anokwanisa kuita kuti mutendi asimuke nekumukira satani)


DZOKORORO


Chidzidzo chechishanu


Shandisai shoko


Kana tichifamba mukutenda muna Mwari, tinokwanisa kutaura shoko raMwari nekudzivisa satani. Kana tichidaro, Bhaibheri rinoti satani anofanira kutiza.


Ngatitorei mukana uno kuti titaure shoko raMwari kuti satani atize!


Mibvunzo:


1. Ndechipi chikwata chevaIsraeri chakapedzisira kuva munyika yechipikirwa?

2. Tinofanira kufamba sei kuti tikomborerwe naMwari?

3. Mwari ari kutsvaga here nzira dzekutonga nadzo vanhu vake?

4. Mwari akapa vana veIsraeri sei apo akaita sungano navo?

5. Taura zvinhu zviviri zvoga pane zvakavimbiswa naMwari pasungano?

6. Sungano yatinayo naMwari iri nani kupinda yaiva nevaIsraeri here?

7. Sungano yedu iri nani pane yemaIsraeri pakudii?

8. Mambo akaita kuti Jerusarema iparadzwe ainzi ani?

9. Nebukanezari aitonga nzvimbo yainzi chii?

10. Sei vaIsraeri vainge vasina kusimba pavavengi vavo?

11. Tingakwanisa kudzivisa satani kana zvaita sei?

12. Satani ane tsitsi here?

13. Chii chakaitika kuna mambo Zedekia weJuda?

14. Vanhu veBabironi vakaita sei kuguta reJerusarema?

15. Yambiro yose nezviporofita zvaibva kuvaporofita vaMwari zvakazozadzikiswa here?

16. Chii chakaitika kuvanhu vaMwari apo vakabatwa muusungwa?

17. Yaiva sarudzo yaMwari here kana yemaIsraeri kuti zvinhu zvakaipa izvi zviitike?

18. Sei maKristu achitambudzika zvisina kufanira dzimwe nguva?

19. Kana tikapa mukana kumuvengi ndiani anotikurira?

20. Satani angakurira here mumwe munhu anofamba nekuterera shoko raMwari?




DANIERI NESHAMWARI DZAKE


Chidzidzo chechitanhatu


Ndima yekuverenga: Danieri 1:1-21


Chokwadi: Mwari anopa mukana wakanaka kuvana vake vanomumirira.


Ndima yemusoro: Johane 12:26, “Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza.”


Kamutambo: “Mukana wakanaka”


Chidzidzo: “Chengetedza moyo wako”


Zvinodiwa: Mutariri mukuru (509), Nebukadnezari (517), Danieri (519), Shadraki, Mishaeri naAbedinego (520)


Kumudzidzisi:


MaKristu mazhinji vanogara vachizvityira. Vanogamuchira matambudziko kubva kune vasakarurama. Kunyangwe Bhaibheri richitaura kuti tichashungurudzwa nekuda kwekurarama upenyu wehuMwari, rinotaura zvekare kuti tichatambudzikapamwe chete naye nesimba raMwari (II Timotio 1:8). Tinofanira kuziva simba raMwari, kunaka uye kudiwa, kudarika kushungurudzwa kwatinoitwa. Danieri neshamwari dzake vaikwanisa kunge vakakundzwa nekutya nekunyara asi vakasarudza kuterera Mwari. Iye neshamwari dzake vakagashira rudo kubva kune vese vaiva pamusoro pavo.


Kana tichida kudiwa nevamwe, tinofanira kunge tichidawo vamwe zvekare. Vamwe vanokuda here kana kuti unogara uchifinyamira vaunofunga kuti havasiri kuita zvakanaka? Usatarisa kutadza kwavo asi vabate nenyasha nerudo rwaunoda kugashira kubva kuna Mwari.


Tsanangudzo:


I. Mambo Nebukadnezari vakakurira Juda.

A. Nebukadnezari aiva mutongi weBhabironi.

1. Bhabironi ndiyo yaiva nyika ine simba kudarika dzimwe dzose panguva iyoyi.

2. Nebukadnezari akaita kuti vanhu veJuda vabatwe muuranda kuBhabironi.

B. Akatanga chikoro chevamwe vanrume vechidiki veJuda.

1. Varume ava vaifanira kunge vakangwara munzvimbo dzose dzeuchenjeri.

2. Vaizodzidziswa mutauro nemagwaro eKardea nokusevnza mumba mambo.

C. Danieri, Hanania, Mishaeri na Azaria ndivo varume vana vakasarudzwa muchikoro chaNebukadnezare.

1. Vakapiwa mazita matsva. Zita raDanieri rakava Beltshazzar, Hanania akava Shadraki, Mishaeri akava Meshaki uye Azaria akava Abedinego.

2. Vaifanira kudzidza chikoro ichi kwemakore matatu.

II. Danieri neshamwri dzake vakaramba vachiterera Mwari kunyangwe vari pakati pevasingatendi.

A. Varume vaiva vakuru vevadzidzisi nevadzidzisi vaDanieri neshamwari dzake vainamata zvifananidzo.

1. Vaisaziva nezvaMwari wechokwadi anorarama.

2. Mumwewo munhu aikwanisa kuramba Mwari asi kwete varume vana ava.

B. Mambo aitaura chikafu chekudya kana chekunwa chevaHeberu ava mazuva ose.

1. Chimwe chechikafu ichi vaisabvumidzwa kuchidya nemutemo waMoses.

2. Chaikwanisa kunge chakapirwa kuzvifananidzo kana kuti chainge chabva pamhuka dzainzi hadzina kuchena nevaJuda.

C. Danieri neshamwari dzake vaisada kutyora mutemo waMwari kunyangwe nenzira ipi zvayo.

1. Vaiva nehanya neukama hwaiva pakati pavo naMwari.

2. Vakaramba vachishandira Mwari kunyangwe pasina mumwe aizviita.

D. Danieri akabvunza vakuru vake bvumo yekuti vasadye chikafu chamambo.

1. Mwari ainge apa Danieri rudo rukuru nemukuru wavo.

2. Mukuru uyu aitya kuti Danieri nevamwe vake havazova neutano sehwevamwe zvinova zvaizomupinza mumatambudziko namambo.

E. Danieri akakumbira kuti vambozviedza.

1. Kwemzuva gumi vaidya muriwo wega nekunwa mvura.

2. Mumashure memazuva gumi vakuru vainge vokwanisa kuona kuti ndiani aitaridzika zvakanaka Danieri neshamwari dzake kana kuti vamwewo varume vaidya chikafu chamambo.

III. Mwari aiva nehurongwa hwekushandisa varume vechidiki ava nenzira inoshamisa.

A. Mwari anoda kukushandisawo nenzira inoshamisa zvekare.

1. Wakakosha kuna Mwari!

2. Ane hurongwa hwekuti iwe uzadzikise (I vaKorinte 12:18, 27)

B. Panguva yekupedza kwavo zvidzidzo, mambo Nebukadnezari vakasarudza Danieri nechikwata chake kuti vave vabatsiri vake nevapi vemazano.

1. Mwari ainge apa Danieri neshamwari dzake uchenjeri hwakapetwa kagumi kudarika hwevachenjeri venyika iyi.

2. Danieri aikwanisa kunzwisisa zvaireva zviroto nezviono zvaipiwa neMweya Mutsvene.

C. Njere dzaMwari dzinouya kwatiri kubudikidza neshoko rake nemweya wake.

1. Garai muzere neMweya Mutsvene - namatai nendimi.

2. Verengai nekutaura shoko raMwari pache zvenyu.

D. Mwari anoda kukurudzira vana vake vose nekuvaita kuti vadiwe nevanhu vose.

1. Mwari haana basa nekuti uri ani (Mabasa evapositori 10:34)

2. Garai nemweya wakanaka. Musasuduruke kubva kuna Jehova.


Dzidziso yemweya:


Handibve pashoko raMwari.

Ndichagarisa maziso angu ari pana Jesu Kristu.

Kana ndichimira pashoko raMwari,

Pane zvinhu zvakanaka nguva dzose zvakandimirira.

Makomborero ndeangu,

Handibvepo.



KUBATWA KWERUDO


Chidzidzo chechitanhatu


Kamutambo


Vatambi: Izwi remudzidzisi, Sally, Mary, Jerry


Mudzidzisi: (Izwi rinonzwika kubva pasiteji) Munhu wese anofunga anoziva kuti munhu akabva pamhuri yetsoko. Mangwana mumwe nemumwe wenyu anofanira kuunza umbowo hunotsigira nyaya iyi. Chiendai zvenyu.


(Sally naMary vanopinda)


Sally: Unofungei pamusoro pemudzidzisi wedu mutsva, Mary?


Mary: Zvisinei, handidi kusvora asi zvinokwanisika kuti akabva mumhuri yetsoko nekuti ane pfungwa dzemabhanana kwete uropi.


Sally: Ndinobvumirana newe. Nyaya yekuti vanhu vakabva mumhuka ndeya kunyepa. Hazvitombokwanisika hazvo.


Mary: Uye tinofanira kunyora pepa tichizvitsigira. Tichaita sei?


Sally: Rega tifunge nezvazvo kwekanguva. Kana tikaita zvinotaurwa nemudzidzisi, tinomufadza towana zvibodzwa zvakawanda muzvidzidzo.


Mary: Asi hatibvumirane nenyaya iyi. Hazviwirirane nebhaibheri.


Sally: Ndinozviziva. Tinokwanisa kunyora pamusoro pekusikwa kwevanhu! Kune humbowo hwakakwana hwekutsigira.


Mary: Asi kana mudzidzisi asingazvide, tinokwanisa kufoiriswa.


Sally: Asi tinenge takamira pane zvatinotenda zviri.


Mary: Ndinoda pfungwa iyoyo, Sally. Ndava kutanga kutonyora papepa rangu izvozvi. (Anobuda)


Sally: Ndozokuona mangwana, Mary. Ndinoda kutanga kunyora basa rangu papepa zvekare.


(Jerry anopinda)


Jerry: Iwe, Sally wakanzwa here zvakaitika kuna George naElaine?


Sally: Kwete, chii?


Jerry: Vakaenda kumudzidzisi mumashure mechidzidzo ndokunobvunza kuti vanganyora here pamusoro pekusikwa kwevanhu kusiri kwekubva pamhuka.


Sally: Mudzidzisi akati chii?


Jerry: Akati achavabvisira zvibodzwa pamusana pekubvunza kwavo.


Sally: Anoita sekunge asina kusununguka, sandizvo here?


Jerry: Handifungi kudaro. Hapana chakadaro, handinganyori pamusoro pemanyepo iwayo. Ndichazozviona pashure. (Anoenda )


Sally: Pamwe ndinofanira kushandura mafungiro. Ndinoda kupasa zvakanaka papepa iri, chimbomira zvishoma! Ndinokwanisa kuvimba naMwari kuti ndidiwe. Kana ndichiita zvinofadza Mwari, akati anozoita kuti ndidiwe nevanhu. Jehova ndinovimba kuti ndiri kuita zvakanaka. Ndinokumbira kuti Mary neni tifarirwe nemudzidzisi. Ndinodavira kuti ndazvigashira nezita raJesu. Ameni. Ndava kunyora nyaya yangu izvozvi. (Anobuda)

(Zuva raitevera)

Mudzidzisi: (Izwi rinonzwika kubva pasiteji) Sally naMary mapepa enyu haana kutaura pamusoro pekusikwa kwevanhu kubva mumhuka. Ndaifanira kukunyimai zvibodzwa, asi nekuda kwekutsvaga kwamakaita umbowo hwenyu hwekutsira mafungiro enyu, ndava kugashira mapepa enyu. Chiendai zvenyu vana.

(Sally naMary vanopinda)


Mary: Vakomana ndambovhunduka paya, Sally ndafunga kuti tichapinda mudambudziko.


Sally: Ndinofunga munamato wangu wapindurwa.


Mary: Munamato upi?


Sally: Ndakakumbira Jehova nezuro kuti tifarirwe nemudzidzisi, saka azviita. Tinokwanisa kutenda Mwari kuti tidiwe nevanhu.


Mary: Chero vanhu zvavo.


Sally: Hongu, sei uchibvunza?


Mary: Pamusana pekuti handina kutsvaira mumba mangu apo ndauya kuchikoro nhasi. Ndinoda kufarirwa naamai vangu pandinosvika kumba! (Vose vanobuda)



CHENGETEDZA MOYO WAKO


Chidzidzo chechitanhatu


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: Zvirevo 4:23, “Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanirwa kurindwa, nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zveupenyu.”


Zvinodiwa: Magirazi matatu anotaridza zviri mukati ane mvura, ingi, chipunu chidiki, komichi diki yemushonga wekubvisa ruvara.


Gadziriro: Isa zvinhu izvo zvose pamberi pevana vako. Edza chidzidzo chino pachine nguva kuti uone kuti ingi yaunenge wasarudza inoshanda here. Kana mushonga wekubvisa ruvara usingachenesi mvura ungangoda kushandisa mushonga wekupenda chikafu.


Chidzidzo:


Zvirevo 4:23 inotiudza kuti zvakakosha kuchengetedza moyo yedu. Moyo wako wakita se tsime remvura uye zviri kwauri kurichengetedza rakashambidzika.


Pawakava muKrisu Mwari vakakupa moyo wakachena. Ropa raJesu rakasuka zvese zvisakarurama pauri ukasara wachena. (Fananidza moyo wemutendi negirazi remvura.)


Iye zvino satani anoedza kuita kuti maKristu arege matsime akaiswa naMwari mavari asvibe. Haakwanise kusvibisa moyo wako kusara kwekunge wamupa mukana. Saka usamuregere achiisa muchetura mutsime rako.


Kune zvinhu zvakawanda zvinosvibisa moyo yakanaka, zvinhu zvakaita sekusagutsikana nekusatenda. Satani anoda kuti mudire kupokana nekusatenda mumatsime enyu kuparadza kutenda kwenyu. Kutenda, semvura kunopa upenyu uye kunounza hutano. Kutenda ndekwepamoyo. Saka kana moyo wako uzere nekupokana nekusagutsikana, kutenda kwako hakushande. (Isa kadonhwe keingi mugirazi)


Moyo wako unosvibiswa kana ukarega zvinhu zvakaipa zvichipindamo. Kana uchigashira kuti Mwari vanoda kuti urware, moyo wako unenge wasvibiswa. Kana uchitenda kuti shoko raMwari haringashande mumoyo mako, moyo wako hauna kuchena.


Kana tsime rizere nezvinhu zvakaipa, haringaburitsi upenyu. Asi kune chimwe chinhu chinokwanisa kuchenisa tsime rine tsvina. Chinokwanisa kuchenisa moyo wako zvekare. Ishoko raMwari. Shoko raMwari rinokwanisa kudzosera kutenda mumoyo mako. (Dira chipunu chemushonga wekubvisa ruvara mugirazi, wokurunga) Shoko raMwari rinobvisa kupokana nekusagutsikana.


Kushushikana kunosvibisawo moyo wakanaka. Kunoita kuti tsime risakodzere kuunza upenyu. (Isa kadonwe keingi mune rimwe girazi)


Kana ukatsamwa uchituka hanzvadzi nevanun’una vako, uri kuisa tsvina mutsime mako. Asi shoko raMwari rinoti kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye akatendeka uye anoda kutiregerera zvivi zvedu nekutichenisa kubva mukusarurama kwese. (Dira chipunu chemushonga wekubvisa ruvara mugirazi wokurunga kusvikira ingi isisaonekwe.)

Mwari anogeza tsime rako kana ukareurura zvitadzo zvako.


Muvengi anoda kukuona uchiuraya tsime rako nekuchengeta daka. Wakambovenga here vamwe vanhu zvekusada kana kuvaona? Wakavaregerera here? Kana uchichengeta hasha neruvengo mumoyo mako nekuda kwevamwe vanhu, wabvumidza moyo wako kuti usvibiswe. (Dira donhwe reingi mugirazi rechitatu, wokurunga)


Kusaregerera kunosvibisa moyo wako. Kunounza ruvengo nekugumisa upenyu hwako. Asi Mwari vanoregerera vamwe. Anokwanisa kurapa chero ronda ripi zvaro. Mukumbire kuti akuregerere wobva waregererawo avo vakakutadzira. (Kurunga mushonga wekubvisa ruvara uya mugirazi)


Tarisa moyo wako! Ugarise wakachena! Usarege muvengi achikufurira kuita zvinhu zvakaipa.


DZOKORORO


Chidzidzo chechitanhatu


Shandisai shoko


Kudiwa kunoreva kusarudzwa pakati pevamwe vanhu, wokomborerwa pamusana pekudiwa. Tinowana izwi rekuti “Kudiwa” kubva pashoko rinoti “Diwa”


Kana uchiterera shoko raMwari saDanieri neshamwari dzake nhatu unokwanisa kukumbira Mwari kuti vaite kuti udiwe nevamwe vanhu. Hatifaniri kungotsvaga kudiwa kuti tizadzise zvido zvedu zvenyama asi tinofanira kutsvaga kudiwa nevanhu kuti zvitibatsire kushumira shoko nekutaridza kunaka kwaMwari.


Ngatitorei nguva ino kuti tikumbire kudiwa kubva kuna Mwari.


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndiani aiva mutongi weBabhironi apo Danieri aiva mubatwa?

2. Shamwari dza Danieri nhatu dzainzi vana ani?

3. Nebukadinezari akatanga chii kune vamwe vakomana vechidiki veJuda?

4. Chikoro ichi chaibatsirei uye chakatora nguva yakadini?

5. Vakuru vaDanieri vaiva vatungamiriri nevadzidzisi vakaita sei?

6. Mambo airaira chii mazuva ose kuvarume vechiHeberu?

7. Chii chainge chakaipa pachikafu chaisarudzwa namambo?

8. Sei Danieri nevamwe vake vaisada kutyora murawu waMwari?

9. Tinofanira kuramba tichishandira Mwari here kunyangwe pasina munhu atituma?

10. Kudiwa kwaDanieri nemukuru wevatariri kwakabvepi?

11. Chii chakanetsa mukuru wevatariri pamusoro pechikumbiro chaDanieri chekusada kudya chikafu chamambo?

12. Chikumbiro chaDanieri neshamwari dzake chaiva chei?

13. Sei Danieri neshamwari dzake vakatarisika zviri nani kudarika vamwe mumashure memazuva gumi?

14. Mwari anoita kuti tibudirire uye tidiwe kana zvaita sei?

15. Tinofanira kunamatira kuti tidiwe here nevamwe vakatikomberedza?

16. Mwari anoda kushandisa here vanhu vese nenzira yakakosha?

17. Chii chakaitika kuna Danieri neshamwari dzake apo vakapedza chikoro?

18. Danieri neshamwari dzake vainge vakachenjera zvakadini kudarika vamwe vachenjeri?

19. Njere dzaMwari dzinouya kwatiri sei?

20. Mwari vanoda here kukuitira zvavakaitira Danieri neshamwari dzake?


DANIERI - KUNGWARIRA MWEYA WAMWARI


Chidzidzo chechinomwe


Ndima yekuverenga: Danieri 2:1-49


Chokwadi: Dzidza kuvimba nesimba nekuita kweMweya waMwari.


Ndima yemusoro: Mabasa avapositori 1:8, “Asi muchapiwa simba kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu.”


Kamutambo: “Danieri - Murume akaterera”


Chidzidzo: chidzidzo chekuita - “Tinoda simba”


Zvinodiwa: Vachenjeri veBabhironi (515), Nebukadnezari (517), Danieri (519), Shadraki, Meshaki, naAbedinigo (520)


Kumudzidzisi:


Danieri neshamwari dzake vainge vachinyatsoziva nezve Mweya Mutsvene uye vaiziva kuti vangatevera sei kutungamira kwake. Ruzivo rwavo neMweya Mutsvene rwakavadzidzisa kuti vazive kugashira njere dzinokosha. Sezvo njere dzedu dzichiguma,

Mweya Mutsvene nenjere dzawo haugumi. Tinofanira kudzidza kuvimba naye zvizere.


Kuterera shoko rakanyorwa ndicho chinhu chakakosha pakuziva izwi reMweya Mutsvene. Shoko rakanyorwa rakapiwa kubudikidza neMweya Mutsvene nekudaro zvimwechete. Sezvo tinodzidza shoko raMwari nekuterera mirairo, tinenge tatora chidanho chikuru mukutevera Mweya Mutsvene uye tinozova neruzivo rwakawanda nekutungamirirwa muupenyu hwedu hwemazuva ose.


Tsanangudzo:


I. Mambo Nebukanezari akava nechiroto rimwe zuva.

A. Zvimwe zviroto zvinobva kune Mweya Mutsvene waMwari uye zvinoreva zvinhu zvakawanda.

1. Mwari haavimbise kutaura nesu kubudikidza nezviroto, asi anokwanisa kuzviita pane dzimwe nguva sekuda kwake (Mabasa avapositori 2:17)

2. Zvimwe zviroto zvizhinji zvatinorota hazvina zvazvinoreva zvachose.

B. Kunyangwe ainge asakarurama, Nebukadnezari akapiwa chiroto neMweya Mutsvene.

1. Dzimwe nguva Mwari anoshanda nevatadzi nenzira inoshamisa.

2. Jehova vaiva nehurongwa naDanieri neshamwari dzake kuti vakudziridzwe.

C. Apo akamuka, mambo akaudza vashandi vachenjeri vake uye aida kuti vatsanangure chiroto chake.

1. Mambo ainge akanganwa chaizvo zvaainge arota.

2. Aida vachenjeri vake kuti vamuudze zvaainge arota kuti zvairevei!

D. Hapana kana mumwe zvake wevachenjeri vake akakwanisa kududzira hope.

1. Paiva nevafemberi, nevachenjeri nen’anga vaibge vasina Mweya waMwari.

2. Satani haanganzwisise nemazvo hurongwa nekodzero dzaMwari. (1 vaKorinte 2:7-8)

E. Nekutsamwa pamusoro pekutadza kumubatsira, Nebukanezari akaraira kuti vabatsiri vake vose nevachenjeri vaurayiwe.

1. Danieri neshamwari dzake nhatu vaizosanganisirwa muchiitiko ichi.

2. Satani aiedza kushandisa kutsamwa nekusanzwisisa kwamambo kuti amise hurongwa hwaMwari kuna Danieri.

II. Danieri akaenda akashinga kuna Jehova kuti awane rubatsiro panyaya iyi (vaHeberu 4:16)

A. Apo mukuru wevachengeti vamambo, Arioki, akaenda kunotora Danieri, Danieri akamubvunza pamusoro pechiitiko ichi.

1. Arioki akatsanangura zvose kuna Danieri.

2. Akabvumidza Danieri kuti akumbire mambo kuti amupe nguva yekunamata kuna Mwari nekuda kwehope dzake uye akapiwa mvumo iyi.

B. Danieri aiziva kuti Mweya Mutsvene waizomupa mhinduro.

1. Mwari vakatumira Mweya Mutsvene pano panyika kuti ave mubatsiri nemupi wemazano.

2. Tinogashira rubatsiro rwake kana tichiterera shoko raMwari nekunamata mumweya.

C. Danieri akabvunza shamwari dzake, Hanania, Azaria naMishaeri kuti vanamate naye kuti Jehova ataridza zvaireva chiroto ichi.

1. Usiku ihwohwo, Mwari vakaratidza Danieri kududzirwa kwehope dza Nebukadinezari muchiono.

2. Danieri akarumbidza Mwari nekupindura munamato wake ndokuudza Arioki kuti aikwanisa kubatsira mambo kuti anzwisise hope dzake.

III. Danieri akaudza mambo zvaainge aratidzwa naJehova usiku.

A. Nebukadnezari akabvunza Danieri kuti aiziva here zvaireva hope idzi.

1. Danieri akapupura kuti kwaiva naMwari kudenga anotaridza zvishamiso.

2. Akaudza mambo chiroto chake chaitaura nezvinhu zvaizoitika pashure.

B. Danieri akarondedzera chiono chose chainge chaonekwa namambo.

1. Zvinhu zvose zvainge zvakagadzirwa nezvinhu zvakasiyana siyana zvinosanganisira goridhe, sirivhera, simbi uye simba yakasangana nevhu.

2. Izvi zvose zvaimirira humambo hwakasiyana siyana hwaizotonga pasi rose, humambo hwaNebukanezari ndihwo hwaiva pamusoro hwakamirirwa negoridhe.

C. Danieri akatsanangudza humambo nezvaizoitika pakuguma.

1. Humambo hwekupedzisira hwakatsanangurwa sesimbi yakasanganiswa nemavhu. Chimwe chikamu chainge chakasimba asi chimwe chainge chisina kusimba.

2. Humambo uhu hwaizowirwa nezidombo ziguru raizoripwanya.

3. Zidombo guru iri rairatidza humambo hwaJesu uhwo hwaizovapo rimwe remazuva panyika.

D. Mambo akafara kuti Danieri aiziva hope idzi uye akamupa mubairo.

1. Danieri akapiwa zvipo zvakawanda uye akakwidziridzwa kuva mutevedzeri wenyika yeBhabironi.

2. Nechikumbiro chaDanieri, mambo akakwidziridza shamwari dzake nhatu kuti vave vabatsiri vake vakuru.

3. Kuvimba neMweya Mutsvene kunounza rubatsiro rukuru nemakomborero muupenyu hwedu.

Dzidziso yemweya:


Simba reMweya waMwari

Riri kushanda zvikuru mandiri

Kunditungamirira nekundibatsira,

Mune zvese zvandinotaura kana kuita.

Neshoko raMwari mukati

Nemweya wake kuti utungamirire.

Ndinonzwa izwi raMwari Baba vangu.




DANIERI MURUME AKATERERA


Kamutambo


Chidzidzo chechinomwe


Vatambi: Danieri, Mubvunzi


Mubvunzi: Ndiri kufara zvikuru nekuda kwemuenzi wedu wanhasi nekuti murume anoziva kuti angatungamirirwa neMweya waMwari sei. Akadudzira hope dzaNebukanezari. Akapedza usiku hwese ari mugomba reshumba. Akaverenga chinyorwa chakanga chanyorerwa mambo Berishaza pamadziro. Ngatigashirei Danieri.


(Danieri anopinda)


Danieri: Ndinotenda zvikuru kuva nemi pachirongwa chino. Ndinozvifarira kudari kuva mugomba reshumba.


Mubvunzi: Ndine chokwadi kuti zviri nani kudarika mugomba reshumba. vana ava havambokuruma.


Danieri: Zvisinei, shumba hadzina kundiruma. Kunguruma kwadzaiita ndiko kwakandinyangadza chete. Wati wamboedza kukotsira here padyo neshumba dzinenge dzichiita ngonono?


Mubvunzi: Kwete, handitombodi kurara padyo neshumba zvachose, kunyangwe dzisingaite ngonono.


Danieri: Tendai Mwari nekuda kwenyasha dzake. NdiMwari vakanaka. Mwari ngavarumbidzwe, ndinokunamatai nekukudza zita renyu.


Mubvunzi: Danieri, uri kuitei?


Danieri: Ndiri kurumbidza Mwari. Ndinozviita kanodarika katatu pazuva uye ndiyo nguva yekurumbidza nayo Mwari.


Mubvunzi: Asi, tine chirongwa chekuita.


Danieri: Hapana chinonditadzisa kurumbidza Mwari - kunyangwe shumba chaidzo.


Mubvunzi: Tingangobatana nemiwo. (Anotanga kurumbidza Mwari.) Vana, ngatirumbidzeiwo Mwari.


Danieri: Hallelujah, Mwari ngaarumbidzwe! Tinokutendai, Jesu. Mwari ngavarumbidzwe nekuda kwenyasha dzavo dzinogara narini. Baba ndinokudai uye ndinokurumbidzai. Ndimi mukuru kune zvinhu zvose! Makanaka kwatiri. Mwari ngaarumbidzwe.


Mubvunzi: Kazhinji pese pandinonamata ndinowedzera kamwe kanguva.


Mubvunzi: Wow. Wakaziva sei zvaireva zviroto zvakadaro zvamambo Nebukadnezari?


Danieri: Mweya waMwari wakandiratidza zvazvinoreva.


Mubvunzi: Wakaziva sei kuti waiva Mweya waMwari chaiwo? Une chokwadi here kuti hauna kungorotawo zvimwe zvinhu zvawakaudza mambo?


Danieri: Ndinokwanisa kuziva kana Mweya waMwari uri kutaura neni.


Mubvunzi: Unoziva sei? Ko kana usiri kunyatsoziva?


Danieri: Kune nzira mbiri dzingakubatsira kuti uzive izwi raMwari. Chekutanga, unofanira kudzidza nekuziva shoko raMwari. Chechipiri, unofanira kuva nenguva yekunamata mazuva ose uye kurumbidza Mwari kuitira kuti mweya wako ujairire.


Mubvunzi: Chii? Unoreva here kuti ndinokwanisa kudzidzira mweya wangu?


Danieri: Hongu, Mweya wako unoda kudzidzira nekuti unozoneta uye hauzokwanisi kutaura.


Mubvunzi: Mweya wangu unokwanisa kutaura?


Danieri: Hongu uye izwi rawo ndiro rinoita kuti uzive.


Mubvunzi: Saka, kana mweya wangu wakasimba zvinoreva kuti zviri nyore kuti ndinzwe izwi raMwari.


Danieri: Zvakanaka! Anotaura mumweya mako nezwi dete rakanyorovera.


Mubvunzi: Jehova vanokwanisa kutitungamirira nekutidzora kuti tiite zvinhu zvakanaka kana tikaterera izwi irori mukati medu.


Danieri: Ndizvo zvakanaka izvozvo. Ndicho chikonzero akatizadza neMweya Mutsvene kuti timutevere nekuva nesimba rake.


Mubvunzi: Waiziva here zvese zvaifungwa nevanhu apo waiterera kuna Mwari? Unokwanisa kuziva zvinofunga vanhu here?


Danieri: Kwete, ndinongoziva zvandinoratidzwa naMwari.


Mubvunzi: Ndakarota rimwe zuva manheru pamusoro pezidzangaradzimu ziguru, dema rine misoro miviri. Hope dzangu dzinorevei?


Danieri: Zvinogona kureva kuti wakadya zvakawandisa usati waenda kunorara. Hazvisi zvose zviroto zvinobva kuna Mwari. Zvimwe hazvina zvazvinoreva.


Mubvunzi: MaKristu ese anokwanisa kududzira hope here sezvawaiita?


Danieri: Kugona kududzira hope, chipo chinokosha chinopiwa naMwari oga. Asi chero muKristu anokwanisa kuzadzwa neMweya waMwari uye ova nesimba rake.


Mubvunzi: Sei uchifunga kuti Mwari anoda kuti maKristu ave nesimba rake?


Danieri: Anoda kushandisa simba rake kuti rive huchapupu hwaJesu uye kuti vanhu vaponeswe.


Mubvunzi: Inzira yakanaka yekushandisa simba raMwari. Iwe, Danieri, tinotenda nekuuya kwako pachirongwa.


Danieri: Ndazvifarira zvikuru. Ndichazokuona kudenga. (Anoenda)


Mubvunzi: Tatenda tazvinzwira kubva kuna Danieri.



TINODA SIMBA

Chidzidzo chechinomwe


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: Mabasa evapositori 1:8, “Asi muchapiwa simba kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu.”


Zvinodiwa: Tochi nemabhatiri.


Gadziriro: Bvisa mabhatiri mutochi wobva waisa zvose pamberi pevana.


Chidzidzo:


Apo mumwe nemumwe wedu akakumbira Jesu kuti apinde muupenyu hwedu, akapinda akatipa chiedza chake. Asi hazvisizvo zvose. Anotivimbisa zvekare mushoko rake kuti achatipa simba. Mabasa evapositori 1:8 inotiudza kuti tichagashira simba kana tagashira Mweya Mutsvene.


Iye zvino ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Ndiani pano angada tochi isingashandi? (Bata tochi). Handidi. Tochi yandakabata iyi ine dambudziko rine vana vazhinji nhasi. Rinoda simba. Asi ndine nyaya yakanaka kwamuri nhasi. Pano apa ndine dura resimba kune mwana wega wega waMwari nhasi zvisinei kuti mudiki kana kuti mukuru zvakadini. Dura resimba iroro Mweya Mutsvene.


Mabasa evapositori 1:8 inotiudza kuti tichagashira simba. (Isa mabhatiri mutochi wobva wabatidza). Sezvinongoitawo mabhatiri kutochi iyi kuti ipenye iite zvayakagadzirirwa kuti iite, Mweya Mutsvene waMwari unokuzadza nesimba rekuti uite zvawakagadzirirwa kuti uite.


Unokwanisa kuvimba nesimba nemashandiro eMweya waMwari. Unokushandira. Mweya Mutsvene unokupa simba uye unofanira kuva chapupu. Anokupa simba rekuti ugare upenyu hwekukunda zuva rega rega. Tose tinoda simba kuti tipenyere Mwari.



DZOKORORO


Chidzidzo chechinomwe


Shandisai shoko:


Zvakakosha kumaKristu kuti vaterere kubva kuMweya Mutsvene mukati mavo. Hatingoziva mhinduro kumibvunzo yezvinhu zvose zvatinosangana nazvo muupenyu asi Mweya Mutsvene anotitungamirira.


Pane imwe nguva here muupenyu hwako apo waisaziva mhinduro yechimwe chinhu asi Mweya Mutsvene wakakutungamirira kune zvakanaka? Udza vana kuti chii chakaitika.


Mibvunzo yemutambo:


1. Mwari anotaura nevanhu muzviroto here?

2. Zviroto zvese zvinobva kuna Mwari?

3. Mwari anoshanda zvinoshamisa here nemutadzi?

4. Mwari aiva nehurongwa hwakaita sei apo akapa zviroto kuna Nebukadnezari?

5. Mambo akakumbira chii chaisakwanisika nevachenjeri vake?

6. Vachenjeri nevemasaramusi vakakwanisa here kubatsira mabo?

7. Satani anokwanisa here kunzwisisa hurongwa hwaMwari?

8. Sezvo pasina aikwanisa kumubatsira, Nebukadnezari akatumira nhume yekuti chii?

9. Kuurayiwa kwainge kwataurwa kwaisanganisira here Danieri neshamwari dzake nhatu?

10. Ndiani aiedza kushandisa kusanzwisisa kwamambo nehasha dzake kumisa hurongwa hwaMwari kuna Danieri?

11. Arioki, mukuru wevachengeti vamambo akabvumidza Danieri kuita sei?

12. Sei Mwari akatumisa Mweya Mutsvene panyika?

13. Tinogashira rubatsiro rweMweya Mutsvene sei?

14. Ndiani akaenderwa naDanieri kuti awane rubatsiro rwekuziva nekunzwisisa hope dzamambo?

15. Mwari vakaratidza Danieri chiroto nekududzirwa kwacho sei?

16. Danieri akapa uchapupu hwekuti chii kuna Nebukanezari apo akaenda kunotsanangudza hope dzake?

17. Chiroto chaiva nechekuita here nezvinhu zvainge zvaitika kare, zvaiitika kana kuti zvaizoitika?

18. Danieri akatsanangura kuti ainge aona chii kuna mambo?

19. Chii chakaitka uye zvairevei?

20. Chii chinoitika kana tikavimba neMweya Mutsvene?



MOTO MUZHINJI


Chidzidzo chechisere


Ndima yekuverenga: Danieri 3:1-30


Chokwadi: Mira wakasimba pana Mwari mukutenda uye achakumirirawo.


Ndima yemusoro: Zvirevo 16:7, “Kana nzira dzemunhu dzichifadza Jehova, unomuyananisa kunyangwe nemapfumo ake.


Kamutambo: “Mira wakasimba”


Chidzidzo: “Usatendeuke uye usatsva”


Zvinodiwa: Mutumwa (504), Nebukadnezari (517), Shadraki, Meshaki naAbedinego (520), moto muzhinji (521), Muchengeti (522), mamwe marimi emoto (537), chifananidzo (539)


Kumudzidzisi:

Kunyangwe hazvo tichifanira kutarisana nemiedzo nekuedzwa panguva dzakasiyana siyana, tinofanira kuzviita “Maererano nesimba raMwari” (II Timotio 1:8). Hatifaniri kuva nepfungwa yekuti chero zvazvaita asi tive nekutenda apo tinotenda muna Mwari pakati pekuedzwa uye tinozomuona achishandura zvinhu kuti zvitinakire.


Kurudzira vana vako kuti vashinge pana Mwari. Iye zvino yava nguva yekuvaka hwaro hwakanaka muvana vako. Hatina chekunyara nacho asi tine zvese zvekudada nazvo. Mwari ari kushanda zvinotyisa kune avo vanomuraramira pachokwadicheshoko rake. Tinokwanisa kunge tichitonga muzvinhu zvose sezvakaitwa nevaHeberu vechidiki ava kubudikidza nekutaura kudzikinurwa kwavo.


Tsanangudzo:


I. Mambo Nebukadnezari vaiva nechifananidzo chikuru chavainamata.

A. Nebukadnezari ainamata zvifananidzo uye aisatenda muna Mwari.

1. Kunyangwe hazvo ainge aona Mwari achifamba nekukunda mukati make, aisatenda muna Mwari (Ruka 16:31)

2. Chimufananidzo chaainge akagadzirirwa chaiva chakareba zana remafiti uye chakapamhamha mafiti gumi chakavharwa negoridhe.

B. Nebukadnezari akaronga zuva rekukumikidza chifananidzo chake chitsva ichi.

1. Vasevenzi vake vose vaiva nezvigaro zvikuru vaifanira kuenda paikumikidzwa mufananidzo uyu.

2. Shadraki, Meshaki naAbedinigo vaitarisirwa kuti vavepo paizoitwa mutambo wekunamata zvifananidzo izvi kunyangwe vaiva vatendi vaMwari.

C. VaHeberu vechidiki ava vakaziva kuti vaifanira kuita sarudzo yaizoita kuti vataridze kutenda kwavo.

1. Isu tose tinotarisana nezvimwe zvinhu muupenyu zvinota kuti timire naJesu.

2. Tinofanira kushinga kuti tichimira naye kana tawana mukana iwoyu.

II. Pamutambo uyu, munhu wese akaudzwa namambo Nebukadnezari kuti apfugamire nekunamata chimufananidzo.

A. Zvakadanidzirwa kuti munhu wese aivapo aifanira kunamata chimbwa chegoridhe ichi.

1. Apo vaimbi vamambo vakatanga kuimba nekuridza, ichi ndicho chaiva chiratidzo chekutanga kunamata .

2. Munhu wese asinganamate chifananidzo ichi aizokandirwa mugomba remoto.

B. Nziyo dzakatanga uye vanhu vese vakapfugama vachinamata chifananidzo.

1. Munhu wese akapfugama kunze kwaShadreki, Meshaki naAbedinigo.

2. Vamwe vakazivisa izvi kuna Mambo Nebukanezari.

C. Mambo, atsamwa nekuda kwekusarera kwavo, akaita kuti varume vechiHeberu vatatu ava vaunzwe kwaari.

1. Akavapa mumwe mukana wekuti vanamate chifananidzo ichi.

2. Akati hakuna mwari aizovabvisa mumaoko make.

D. Shadreki, Meshaki naAbedinigo vakaramba vakashinga kusanamata chifananidzo uye vakataura vakashinga kuti Mwari wavo aizovadzikinura.

1. Mwari haafare kana vanhu vake vachitambudzika uye vachikurirwa.

2. Kudururira kutenda kwedu kunopa Mwari mukana wekuratidza kusimba kwake kwatiri.


Dzidziso yeMweya


Mira wakasimba pana Mwari usanyare,

Uye achakumirira.

Mira pakutenda usakahadzike

Izvi zvinonzi naMwari anoita, anozviita.

Shinga wakasimba, usatye.

Ramba uchitaura shoko raMwari wotarisa zvinhu zvichishanduka

Tarisa zvinhu zvichikushandukira

Tarisa zvinhu zvichishanduka

Mwari anokumirira.


Usabvuma kukurirwa,

Ramba wakamira pauri,

Wotarisa zvinhu zvichishanduka kwauri.

MIRA WAKASIMBA


Chidzidzo chechisere


Kamutambo


Vatambi: Benny, Jerry, Satani, Moyo


Bennie: Mabhanzi! Chikoro chapera. Yava nguva yekuenda kumba kunotamba bhora.


(Jimmy anopinda)

Jerry: Iwe, Bennie. Uri kumhanyira kupiko?


Bennie: Ndiri kuenda kunotamba bhora. Unoda kuendawo here?


Jerry: Kwete. Terera, Bennie, vamwe vakomana vakawanda pamwe chete neni tiri kuenda kumba kwamudhara Nyati.


Bennie: Muri kuenda kunoita chii ikoko?


Jerry: Tiri kuenda kunokanda matombo nepamawindo emba yake.


Bennie: Chii?


Jerry: Wazvinzwa. Huya tiende tese, kunenge kuchinakidza, Bennie!


Bennie: Ko kana tikabatwa?


Jerry: Hatibatwi. Huya hande, Bennie. Handiti hausi gwara here iwe?


Bennie: Kwete handisi gwara asi handisati ndanotsoziva zvandinoda kuita.


Jerry: Rega ndimbotenderera ndichidaidza vamwe vakomana ndichadzoka mumashure menguva shoma. (Anoenda)


Bennie: Sei Jerry auya nepano nhai, handidi kupinda mumatambudziko. Chandinongoda chete kutamba bhora.


(Satani anopinda)

Satani: Iwe, mwana unoda here kuita gwara?


Bennie: Asi ndikasaenda vamwe vakomana vose vachafunga kuti ndiri gwara.


Satani: Hongu vachafunga kudaro. Saka uchaita sei nekuda kweshamwari dzako? Wakanganwa here zvataurwa naJerry? Hamupindi mumatambudziko.


Bennie: Jerry avimbisa kuti hatipindi mumatambudziko. Pamwe ndikaenda zvinhu zvose zvinofamba zvakanaka.


Satani: Zvechokwadi zvinofamba zvakanaka, mwana. Enderera mberi uzviite. Ndine mubairo mukuru kwazvo wandingakupe kana ukazviita. Ha, Ha, Ha, Ha...(Anoenda achiseka)


Bennie: Handidi kuita izvi. Asi zvekare handidi kuti vanhu vose vafunge kuti ndiri gwara. Handizivi kuti ndingaita sei.


(Moyo anopinda)

Moyo: Unoziva zvekuita, Bennie.


Bennie: Hongu ndinoziva, ndinoziva, Moyo. Handidi chete kuti vanhu vose vafunge kuti ndiri gwara.


Moyo: Haungaiti gwara kana uchimira pachokwadi, Bennie. Zvinoda kushinga kuita izvozvo, kunyanya kana pasina mumwe munhu ari kuzviitawo.


Bennie: Asi zvinoita kunga zvakaoma chaizvo, Moyo.


Moyo: Pamusana pekuti munhu wese anoda kuonekwa uye uri mumwe wevanhu. Asi munhu akakosha kufadza ndiMwari. Kana uchimufadza, anova nechokwadi kuti zvinhu zvose zvinofamba zvakanaka.


Bennie: Iyambiro yakanaka chaizvo, Moyo uye ndichaitevera. Pamwe kana ndikamira nayo pachokwadi, vamwe vakomana vanoregerawo.


Moyo: Yave nguva yekuti ndiende, Bennie. Uri mwana akanaka kuti ndigare maari. (Anoenda)


Bennie: Jerry anofanira kusvika pano chero nguva izvozvi.

(Jerry anobva apinda)


Jerry: Zvakanaka, Bennie, vamwe vakomana vose vatopedza kugadzirira, wapedza here tiende?


Bennie: Handisi kuenda newe, Jerry.


Jerry: Unorevei?


Bennie: Zvamuri kunoita vakomana zvakaipa. Ndanga ndichida kungozviita chete nepamusana pekuti maizofunga kuti ndiri gwara kana ndisina kuzviita.


Jerry: Uri gwara kana usiri kuenda nesu.


Bennie: Kwete, handisi. Ndiri kumira pachokwadi ndichitaura zvakanaka pamberi paMwari. Handina basa nezvaunofunga.


Jerry: Saka ndichaudza vamwe vakomana vose kuti hapana zvauri, uri gwara!

(anoenda)


Bennie: Handina basa nazvo kana akavaudza izvozvo. Ndinonzwa kufara mukati memoyo wangu, nekuziva kuti ndaiita zvaidiwa naMwari kuti ndiite. Jerry adzoka zvekare uye anoratidza kutsamwa zvikuru.


(Jerry anopinda)


Jerry: Imhosva yako, Bennie. Hapana kana mukomana mumwe chete zvake achada kuenda neni kunopaza mawindo sezvo wati hauchaenda. Mese muri makwara.


Bennie: Hatisi makwara, Jerry. Hausi gwara kana uchimira pachokwadi pane zvaunotenda.


Jerry: Zvisinei, ndinofunga kuti muri. Handichatamba nemi vakomana.


(Anoenda)

Bennie: Ndinodavira vamwe vakomana vanoda kutamba bhora. Hey, vakomana ....

(Anoenda)




USASHANDUKE UYE USATSVE


Chidzidzo chechisere


Ndima yekutarisa: Danieri 3: 17 -18, “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira kana pachoto chemoto unopfuta kwazvo, iye uchatirwira paruvoko rwenyu imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo kuti hatingashumiri vaMwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”


Zvinodiwa: Hen’a yewaya, hengechepfu chena, machisi, zvisanganiswa zvemvura nezvinobvira (Half rubbing alcohol)


Gadziriro: Rudunura hen’a woita chishwe kwekupedzisira. Sunga hengechepfu pamusoro pechishwe chawasunga pahen’a, woinyika mawasanganisa. Dzidzira chidzidzo ichi kuti uve nechokwadi chekuti hamuzobatiri moto.


Chidzidzo:


Shadraki, Meshaki naAbedinigo vaiva vakomana vechidiki vatatu vakamirira Mwari. Vakomana nevasikana, zvakakosha kuti muzive kuti mukamira naMwari pachokwadi nepakutenda, iye achakumiriraiwo.


Vakomana vechiHeberu vatatu vaiziva simba raMwari wavo. Nekuti havana kushanduka kana kutsva. Vakamira vakashinga pana mambo muna Danieri 3:17. Vakaudza mambo, “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira, ungagona kutirwira pachoto chemoto unopfuta kwazvo, iye uchatirwira paruoko rwenyu imi mambo.”


Shadraki, Meshaki naAbedinigo vakamira naMwari uye Mwari akavarwira. (Panguva ino, batidza hengechepfu) Chokwadi mambo akavakandira murimi remoto asi havana kutsva kana kukuvadzwa. Mbatya dzavo hadzina kubatira moto. Sekuona kwenyu marimi emoto akakomberedza hengechepfu iyi asi haisi kutsva. Chidzidzo ichi chichiri chechokwadi kunyangwe nanhasi. Kana uchimira pana Mwari nekutenda zvakaperera, Mwari vanokumirirawo. Tondera, Shadraki, Meshaki naAbedinigo havana kushanduka uye havana kutsva.


DZOKORORO


Chidzidzo chechisere


Shandisai shoko:


Bhaibheri rinotiudza kuti zviri nani kuterera Mwari pane kuterera munhu. Wakambomira wakashinga here pane mumwe munhu aiedza kukufurira kuti uite chinhu chakaipa chinopikisana naMwari kana kuti neshoko raMwari?


Tiudze zvakaitika.


Mibvunzo yemutambo:


1. Mambo Nebukadnezari vakavakirwa chii chekuti ivo nehumambo hwavo vanamate?

2. Mambo Nebukadnezari vaiva mutendi waMwari chaiye here?

3. Shadraki, Meshaki naAbedinigo vaifanira here kuva pakupembererwa kwechifananidzo?

4. Vatatu ava vaizotarisana nekuita sarudzo yakaita sei pamutambo uyu?

5. Munhu wese aizorega kunamata chifananidzo ichi aizoitwa sei?

6. Shadraki, Meshaki naAbedinigo vakanamata here chifananidzo ichi nevamwe?

7. Mambo Nebukadnezari vakafara here kuvaHeberu vatatu ava vakamira vakashinga pane zvavaitenda mazviri?

8. Mambo akati chii pamusoro pesimba raMwari rekudzikinura vatatu ava?

9. Shadraki, Meshaki naAbedinigo vakapindura mambo vachiti chii?

10. Nebuladnezari akati chii apo vatatu ava vakaramba kunamata chifananidzo?

11. Moto wakaveswa waipisa kakapetwa kangani pane waisimboveswapo?

12. Chii chakaitika kuvarwi vatatu vakasandudzira vaHeberu ava mumoto?

13. Mambo Nebukadnezari akaona chii paakatarisa mumoto?

14. VaHeberu vatatu ava vakafamba here mugombe remoto?

15. Sei Mwari akatipa vatumwa?

16. Chii choga chaitsva mugomba remoto?

17. Shadraki, Mishaki naAbedinigo vainhuwa moto here pavakabuda mugomba remoto?

18. Mumashure mechishamiso ichi, mambo akaisa mutemo wekuti kudii?

19. Mambo vakaitira Shadraki, Meshaki naAbedinigo chii?

20. Mwari anorumbidzwa sei matiri uye kubudikidza nesu?



MAMBO AKAVA MHUKA


Chidzidzo chechipfumbamwe


Ndima yekuverenga: Danieri 4:1-37


Chokwadi: Zvione semaonerwe aunoitwa naMwari.


Ndima yemusoro: Zvirevo 16:18, “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, uye mweya wemanyawi unotangira kuwa.”


Kamutambo: Chimiro chakanaka


Chidzidzo: ngano - “Kurohwa!”



Zvinodiwa: Nebukadnezari (517), Danieri (519), mhuka Nebukadnezari (523)


Kumudzidzisi:


Rega mumwe nemumwe azive muchidzidzo chino kuti Nebukanezari akadzidza nenzira yakaoma. Kana munhu akazviona nenzira yaanoonekwa nayo naMwari, haafuririke uye anova neruzivo rwemaonero aMwari. Nebukadnezari akazvipa kubwinya kose nekuda kwemakomborero ainge auya kwaari nehumambo hwake. Akaramba kufamba mukuzvininipisa saka akawira muupenzi.


Kuzvininipisa hazvirevi kuzviona sechinhu chepasi pasi. Kuzvininipisa kutora maonerwo aunoitwa naMwari kwete kuzvikudza iwe pachako. Mwari anokuona sewakarurama, wakakosha, uye unogashirika mumaziso ake (II vaKorinte 5:21). Kana ukazvidana iwe pachako unenge wava kudada uye wava kutora mafungiro ako nemaonero ako kwete aMwari. Kana chete tikaziva kuti ndiye muiti wezvese zvakanaka uye nekumupa rumbidzo, tinokwanisa kufara kuva takachena, takakosha uye takarurama.


Tsanangudzo:


I. Mwari vakapa chiroto chepiri kuna mambo Nebukadnezari.

A. Muchiroto chake, Nebukadnezari akaona muti mukuru une mabazi akawanda uye nezvibereko zvakawanda.

1. Muti uyu waisvika kudenga uye waionekwa pasi rose.

2. Mabazi ainge azere neshiri uye muti wacho wainge wakakomberedzwa nemhuka.

3. Muti waipa chikafu kune zvese zvinorarama.

B. Mutumwa waMwari akaonekwa muchiroto ichi achibva kudenga.

1. Akadanidzira, “Tema muti uye udimure mabazi awo.”

2. Muti wakatemwa uye chigutsa chawo chakamonerwa nechisungo chedare nendarira.

C. Nebukadnezari akadanidzira kuti Danieri aunzwe kwaari.

1. Akaziva kuti Danieri ane Mweya waMwari uye aizokwanisa kududzira hope idzi.

2. Hapana kana mumwe wevabatsiri vamambo n’anga kana vafemberi vakakwanisa kubatsira nekuti vainge vasina mweya wechokwadi.

II. Danieri akadudzira hope dzamambo.

A. Danieri akatsanangura kuti muti uyu waireva Nebukadnezari, akati mambo aizobva pachigaro chake.

1. Akati mambo aizvova nepfungwa dzinenge dzemhuka.

2. Mambo aizogara semhuka, achidya uswa uye achigara panze.

3. Akataura kuti pfungwa dzamambo dzaizodzokera cheta kana adzidza kuti isimba raMwari kwete rake pachake rainge raita kuti mukuru akadaro.

B. Danieri akaedza kudzora mambo kubva kuzvivi zvavo kuti vagashire kururama kwaMwari.

1. Muchitenderano chekare, vanhu vaikwanisa kururama nekuterera mutemo waMoses.

2. Tinorurama pamberi paMwari nhasi nekugashira Jesu Kristu saMambo.

C. Nebukadnezari ainge achizvidza kuona zvinhu zvichifamba nenzira yaMwari.

1. Aisakwanisa kutendeuka achishandura maitiro ake.

2. Kudada kunoita kuti munhu asakwanise kugashira zvaakagadzirirwa naMwari uye kunounza kuparadzwa muupenyu hwake (Zvirevo 16:18)

III. Mambo Nebukadnezari vakazoguma vasisafunge zvakanaka.

A. Satani ndiwo muenzaniso wekuzvikudzapane kugashira kufunga kwaMwari.

1. Ainge asingatendi nechigaro chaakapiwa naMwari, aida kuva pamusoro paMwari (Isaya 14:13-15)

2. Kuzvikudza kwake kwakaita kuti adzingwe kudenga nekuiswa mugomba remoto nekusingaperi (Zvakazarurwa 20:10)

B. Kuzvininipisa chimwe chezvinhu zvatinofanira kuva nazvo tose.

1. Kuzvirereka, kukoshesa maitiro emumwe kudarika ako.

2. Munhu akazvirereka, munhu anozviona semaonero anoita shoko raMwari.

3. Shoko raMwari rinoti maKrsitu akarurama, akasikwa patsva uye akakosha (II vaKorinte 5:21, vaEfeso 2:10, Vakorose 3:12)

4. Kana mutendi akaramba achitaura kukurirwa, kukundikana uye kutadza, ari kuzvikudza nekuti haagashire zvinotaura Mwari pamusoro pake.

C. Mushure megore rimwe chete mambo Nebukadnezari ayambirwa naDanieri, mambo akarasikirwa nenjere dzake akaisa semhuka.

1. Bvudzi rake rakareba rikaita semanhenga egondo uye nzara dzake dzikaita sedzeshiri.

2. Mhuri yake yose neshamwari vakamusiya ndokugara muminda semhuka.

D. Nebukanezari akadzidza kuti zviri nani kugashira mafungiro aMwari ezvauri pane mafungiro ako pachako.

1. Mumashure memakore manomwe ekugara semhuka, pfungwa dzake dzakadzokerana ndokudzokera kuumambo hwake.

2. Sarudza kuzvininipisa pamberi paMwari nekugashira zvaanotaura pamusoro pako.



Dzidziso yemweya:


Ndinozviona semaonerwo andinoitwa naMwari,

Uye ndinoziva kuti anondiona

Kururama nekukosha, zvinogashirika mumaziso ake.

Hazvina basa kuti satani anondiudza kuti chii.

Mumoyo mangu ndinoziva kuti Jesu anondida.

Uye ndinomuda,

Uye ndinomushumira nesimba rangu rose.



CHIMIRO CHAKANAKA


Chidzidzo chechipfumbamwe


Kamutambo


Vatambi: Izwi remusikana, Sally, Moyo


Izwi : (Richinzwika kunze kwesiteji) Pamusoro pekuva rema, wakanyangara kudarika ivhu rakasara pakumbiswa! Sei usingabve zvako panyika pano!

(Sally anopinda achichema)


Sally: Handizive kuti sei vanhu vose vari kundiitira utsinye. Hapana ambotaura zvakanaka kwandiri. Pamwe zvavari kutaura ndezvechokwadi pamwe ndiri rema uye ndakanyangara.


(Moyo unopinda)

Moyo: Iwe Sally nechikonzero chei misodzi nekusurikirwa kudai?


Sally: Munhu wese anofunga kuti ndiri rema uye ndakanyangara, uye hapana kana chandinokwanisa kuita chakanaka.


Moyo: Munhu wese?



Sally: Hongu munhu wese - shamwari dzangu dzose, munhu wese munharaunda ino, munhu wese pasi pano!


Moyo: Haasi munhu wese anofunga kudaro pamusoro pako, Sally.


Sally: Zvisinei, ndingada kusangana nemunhu asingafungi kudaro.


Moyo: Wakatosangana naye kare.


Sally: Ndakasangana naye? Ndiani, Moyo?


Moyo: NdiJesu.


Sally: Ndinovimba kuti uchandiudza kuti anondida uye zvose zvichaita zvakanaka.


Moyo: Kwete.


Sally: Hazvisizvo? Unoreva kuti Jesu haachandida?


Moyo: Hongu, anokuda! Asi pane zvikuru kudarika izvozvo.


Sally: Uri kurevei, Moyo?


Moyo: Mashoko anogadzira chimiro mukati mako. Mhando yemashoko aunogarisa mandiri anoita kuti ndione mufananidzo wezvaunofunga kuti uri.

Sally: Ndine mufananidzo wakaipa maererano nezvandiri panguva ino.


Moyo: Pamusana pekuti uri kuregedza vanhu vose vachikuudza zvauri panzvimbo pekuti Jesu azviite.

Sally: Jesu anoti ndakaita sei?


Moyo: Kuti tiwane mhinduro iyoyo tinofanira kutarisa mubhaibheri. Jesu anotaura nesu kubudikidza nemashoko ake. Genesi 1:26 inoti wakasikwa nemufananidzo waMwari.


Sally: Wow! Mwari akandisika sezvaari. Saka handina kunyangara! Chiizve chimwe chaanotaura pamusoro pangu?


Moyo: 1 vaKorinte 2:16 inoti tine murangariro waKristu.


Sally: Handingaite munhu akapusa kana ndine pfungwa dzaKristu.


Moyo: Ndizvozvo. Uye vaFiripi 4:13 inoti unokwanisa kuita zvose kubudikidza naKristu anokusimbaradza.


Sally: Zvino ndinokwanisa kuita zvinhu zvakanaka uye ndinokwanisa kuita zvinhu zvose.


Moyo: Uri kukasika kuzvinzwisisa, Sally. Shoko raJesu rizere nezvinhu zvose zvaanofunga uye zvaanotaura pamusoro pako.


Sally: Uye ndinoda kuterera kubva kwaari kwete kuterera kune vanhu vese vese kunyanya apo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.


Moyo: Zvakanaka, tondera kuti mashoko anopa mufananidzo mukati mako anotaridza chimiro chako.


Sally: Uye ndinoda chimiro chaicho, saka ndichaita kuti mashoko aJesu aratidze chimiro chakanaka mumoyo mangu.

Moyo: Zvinoita kuti ndinzwe zvakanaka.


Sally: Uye kana wava kunzwa zvakanaka, neniwo ndinonzwa zvakanaka. Ndinotenda nerubatsiro rwako, Moyo.


Moyo: Uchitendei zvako.

(Vose vanobuda)



KUROHWA!

Chidzidzo chechipfumbamwe


Ngano


Tito ndiye aiva murwi ane mukurumbira pavarwi vechidiki vemakore gumi nemaviri muguta iri uye aizviziva. Ainge akunda mumitambo gumi nemiviri uye hapana kana ainge amboedza kumukurira. Mumba make nmainge muzere nemireza nemikombe. Mufananidzo wake waigara uri mupepanhau uye ainge amboburitsa paterevhizheni.


Ndini mwana ane mukurumbira wekurwa munyika yose,” akadaro Tito kune vamwe vaaidzidza navo mumwe musi mumashure mezvidzidzo. “Ndinokwanisa kungorova chero ani zvake panguva yandinoda,” akazvirova dundundu. Hapana kana mumwe wavo akada kumupikisa nekutya kurohwa.


Munhu wese pachikoro apa aitya Tito zvikuru. Vose vainge vaona mireza nemikombe yake zvekuti vaiziva kuti aigona sei kurwa. Vana ava vaitya zvikuru zvekuti Tito aivaitisa zvose zvaaida sekunge ndiye aiva mukuru wavo. “Nditengere zviwitsi pachitoro apo,” akadaro Tito kuna Charlie.


Asi handina kana mari, Tito,” akadaro Charlie.


Iba!” akadanidzira Tito. “Kana ukatadza kundivigira chiwitsi ichocho, ndinokubvisa mazino.” akavimbisa Tito. Charlie akatendeuka oenda zvake. Tito akaseka ndokuudza vamwe pamusoro pekurwa kwaaizoita. “Musi wechishanu unotevera ndicharova Victor Perez,” akadaro Tito. “Ndakakurira vanhu gumi nevana uye Victor Perez achava wegumi neshanu. Hapana angandirova nekuti ndini mwana akaomesesa munzvimbo ino yose.”


Pakarepo, Charlie akadzoka akabata chiwitsi chekupa Tito. “Ah, wazvita zvako,” akadaro Tito kuna Charlie. “Uri mwana akanaka, Charlie.” Charlie akangozunguza mapendekete ake hapana chaakataura. Akaziva kuti Tito aizomurova kudai asina kuba chiwitsi ichochi.


Vakomana vakatevera Tito uko ainodzidzira zvemutambo wake masikati oga oga. “Iwe, Tito,” akadaro mudzidzisi Riley, “unofanira kutanga kugadzirira mwana wekwaPerez uyu. Ndakanzwa kuti akasimba kwazvo.”


Tito akanguruma. “Ndinomupwanya pwanya, mudzidzisi,” akadaro Tito. “Akangofanana nevamwe vana vose vemakore gumi nemaviri vanorwa.”


Mwana wekwaPerez ane makore gumi nerimwe chete, Tito,” akadaro mudzidzisi. “Akasimmba kunyangwezvo - uye anokasika chaizvo. Haasati ambokurirwa.”


Chimwe nechimwe chine nguva yacho, mudzidzisi,” Tito akaseka zvake. “Ndichamurova zvekuti acharamba mutambo uyu zvachose.”


Zvisinei,” vakayambira mudzidzisi Riley, “wotonyatsogadzirira worega zvako zvekudya zviwitsi izvi.” Akawedzera , “Ndinoda kuti ukurire.”


Tito akataura kune vamwe vakomana apo ainge obuda pamusiwo. “Ndinoda kukuratidzai, vakomana kuti ndinorova sei, ndinonzi Tito ini!” akaenda. “Handimbodzidzira nekuda kwemutambo uyu kubvira nhasi!”


Chii?” akabvunza Charlie. “Hausi kuzodzidzira kana kugadzirira mutambo uyu?”

Chii unofunga kuti ndiri ani?” akabvunza Tito. “Ndingaputitsa kamwana kemakore gumi nerimwe aka nechibhakera chimwe chete.” Akazvitutumadza zvikuru. “Ndini murwi mukuru uyezve hapana anondikurira.”


Kwemazuva gumi aitevera, Tito haana kuenda kunodzidzira mutambo. Akadya zviwitsi nekunwa zvinwiwa izvo ainge arambidzwa nemudzidzisi. Akatora chero fodya yemukoma wake chaiyo. Musi wemutambo wakasvika. Tito akaenda kumba yekudzidzira mutambo kunotora hanzu dzake.


Wanga uri kupiko kwemazuva gumi akadarika?” vakabvunza mudzidzisi Riley. “Nhasi manheru ndipo pane nemutambo nemwana wekwa Perez asi wanga usingatombouyi zvako kuzodzidzira,” vakadaro mudzidzisi vasingafare.


Ah-h, mudzidzisi, ndinomurova ini,” akadaro Tito. “Munoziva kuti ndinogona sei,” akadaro Tito.


Ndinoziva kuti unogona sei kana wadzidzira,” vakapindura mudzidzisi Riley. “Ndapotsa ndatogurisa mutambo asi ndiwe mwana wega watinaye muchikamu ichochi,” vakadaro mudzidzisi.


Tito akaenda kwaigara zvinhu zvake ndokunotora bhegi rake. Akakwira mubhazi rechikwata ndokutanga kuzvidhonza nekuronga zvaaida kuzoita mwana wekwaPerez.


Handina kumbodzidzira kwemazuva gumi,” akadaro Tito,” uye ndicharatidza kuti ndinogona sei.”


Unopenga,” akadaro Butch. “Munhu wese asingadzidziri anenge achitsvaga kukurirwa.”


Handisi kuda rubatsiro rwako, ndichakurova muromo iye zvino,” akadaro Tito.


Gara pasi,” vakadaro vaRiley. “Ticharwisa chimwe chikwata kwete kurwa pachedu.”


Bhazi rakamira kunze kwemumba mekuitira mitambo. Vanhu vakawanda vainge vakamira mumitsara kuti vabhadhare mari yekupinda. Munhu wese muguta ainge akatarisira zvikuru mutambo uyu. Tito nevamwe vake vakaenda mumba yekuti vapfeke nhumbi dzemutambao nekugadzirira.


Nguva shoma yainge yadarika zvekare yainge yava nguva yaTito yekuti apinde, uye akabva aona vamwe vaaidzidza navo vakagara pamberi chaipo. Akatarisa waaizorwa naye ndokumutyisidzira, “Victor Perez ndiri kukupwanya nhasi.” Perez akaita sekunge asina kumbonzwa zvainge zvichitaurwa naTito.


Vakomana vaviri ava vakasangana pakati penhandare ndokunyatsoterera apo vaiudzwa mitemo yemutambo. Tito akacheuka ndokutswinyira shamwari dzake ziso. Ndiri kumupwanya nhasi, akafunga zvake pache zvake.


Bhero rakarira. Ngende! Tito akamira pakati penhandare. Perez akasimudza maoko ake ndokutanga kurova Tito parutivi. Hmmm, akafunga Tito, mwana uyu anenge anorova chaizvo pazera rake, asi ini handinzarwo.


Varwi vaviri ava vakambotamba kwekanguva. Tito akabva amurova pachirebva chaPerez. Aifanira kunge adonhedzwa nacho chibhakera ichi, akafunga Tito. Perez akaramba achirova Tito parutivi. Tito akatanga kuvhara nekunzvenga zvibhakera zvemwana wemakore gumi nerimwe uyu.


Chimwe chinhu chakasvika paziso rake rerudyi. Bho-o! Chaiva chibhakera chaPerez. Tito akabva adonhera pasi.


Motsi, piri, tatu, ina, shanu, tanhatu, nomwe, pfumbamwe, nyanzvi yedu, Victor Perez!”

akadaro muzvina pembe. Munhu wese akakatyamadzwa. Tito akurirwa muchikamu chekutanga chaicho nemwana wemakore gumi nerimwe.


Mudzidzisi Riley vakatakura Tito ndokuenda naye mumba mekuzororera ndokumuita kuti amuke. “Chii chaitika?” akabvunza Tito achishamisika. “Sei ndiri mumba mekuzororera?” akabvunza mudzidzisi Riley.


Zvisinei,” vakapindura mudzidzisi Riley. “Ndinovimba wadzidza chidzidzo nenzira yakaoma.”


Munoreva here kuti ndakurirwa?” akabvunza Tito. Mudzidzis Riley vakagutsurira musoro. “Ndingarohwa sei nemwana wemakore gumi nerimwe?” akabvunza Tito.


Bhaibheri rinotiudza chaizvo zvaitika,” akadaro mudzidzisi.


Bhaibheri?” akabvunza Tito.


Zvirevo 16:18 rinoti, “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, uye mweya wemanyawi unotangira kuwa.” vakadaro mudzidzisi Riley.


Ndinodavira kuti ndazvikonzera kukurirwa ndega,” akabvuma Tito. “Ndaifanira kunge ndakadzidzira. Chandaida ndachiwana. Ndanga ndichizvikudza uye ndadzidza chimwe chinhu.”


DZOKORORO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Shandisai shoko:


Nyora zvinhu zvishanu zvinotaurwa naMwari mushoko rake pamusoro pako. Namatidza pepa rawanyora iri pamadziro panzvimbo yaunopfuura nayo mazuva ose. Dzokorora mashoko aya mazuva ose apo unodarika nepapepa apa uchitaurisa.


Mibvunzo:


1. Nebukadnezari akaona chii muchiroto chake chepiri chakabva kuna Mwari?

2. Mutumwa akadzika kubva kudenga muchiroto ichi akadanidzira kuti chii?

3. Ndiani akadanwa naNebukadnezari kuti adudzire chiroto ichi?

4. Muti waiva muchiroto ichi waimirira chii?

5. Chii chinhu chinoshamisa chakaudzwa mambo naDanieri kuti chaizoitika kwaari?

6. Ndechipi chidzidzo chakaudzwa mambo naDanieri kuti aizodzidza?

7. Zvaizotora makore mangani kuti Nebukadnezari adzidze chidzidzo ichi?

8. Danieri akaedza kuita sei mumashure mekuudza mambo dudziro yehope idzi?

9. Vanhu muchitenderano chekare vaiita vatsvene sei?

10. Tinoita vatsvene sei?

11. Chii chaitadzisa Nebukadnezari kuona zvinhu nemaonero aMwari?

12. Kuzvikudza kunounza chii muupenyu hwemunhu?

13. Ndiani muenzaniso wekuzvikudza kugashira kufunga kwaMwari?

14. Mutendi wese anofanira kuva munhu akaita sei?

15. Munhu akazvirereka pachokwadi anozviona sei?

16. Mutendi anogara achitaura zvekukundikana, kukurirwa nekutadza anenge achifamba pai?

17. Chii chakaitika mumashure megore Danieri adudzira hope dzaNebukadnezari?

18. Mamiriro aNebukadnezari akashanduka sei?

19. Nebukadnezari akagara kwemakore mangani semhuka asati adzokera kupfungwa dzake?

20. Tinosarudza sei kuzvirereka pana Mwari?



KUKUNDIKANA KWABERSHAZARI


Chidzidzo chegumi


Ndima yekuverenga: Danieri 5:1-31


Chokwadi: Kubva kuna Mwari kunokupinza mumaoko asatani.


Ndima yemusoro: Jakobo 4:10, “Muzvininipise pamberi pashe agokukudzai.”


Kamutambo: “Chidziviso chekupedzisira”


Chidzidzo: Ngano - “Munamato wekutenda”


Zvinodiwa: Danieri (519), Bershazari (524), ruoko rwaMwari (525)


Kumudzidzisi:


Vanhu vanokwanisa kuva nesimba zhinji zvekuti vanorega kuremekedza Mwari. Kuti munhu ave nechivi ichi haafanirwe kunge ari mupfumi kana nhengo yezvematongerwo enyika chete. Anongozvinzwa ava nesimba pachake. Mumaonerop iwayo munhu anoona sekunge azviita pasina rubatsiro rwaMwari. Shoko raMwari rakanyatsojeka - tinofanira kuvimba nekururama kwake, kugona kwake, simba rake uye nenjere dzake.


Simba revanhu vega harikwane kurwisana nasatani. Masimba emweya haakwaniski kurwiswa nemasimba asiri emweya chete. Munhu anozvipatsanura kubva pana Mwari anenge azvikokera muvengi kuti ashande muupenyu hwake ega. Kurudzira vana vako kuti vavimbe naMwari nguva dzose uye kumupa rukudzo rwaanofanira nguva dzose.


Tsanangudzo:


I. Mambo Bershazari akaitira vatevedzeri vake churu, mabiko.

A. Bershazari aiva muzukuru waNebukadnezari.

1. Aiva munhu asakarurama.

2. Samambo weBhabhironi, Bershazari aiva murume akasimba zvikuru.

B. Mabiko aBershazari chaiva chituko pamberi paMwari.

1. Iye nevaenzi vake vakashandisa midziyo inokosha yemuTemberi yaMwari paJerusarema kuti vanwire doro.

2. Apo vainwa vairumbidza vanamwari vegoridhe, sirivhera, simbi, miti uye mabwe.

C. Paiva pasina chikonzero chekuti sei Bershazari ainge asinganamati Mwari.

1. Ainge anzwa kwenguva zhinji kuti Mwarivainge vadzikinura Danieri, shamwari dzaDanieri kunyangwe sekuru vake, Nebukadnezari sei.

2. Zvisinei nezvinhu izvi zvose, Bershazari haana kana kumboremekedza Mwari.

II. Pakati pemabiko, Mwari vakanyorera Bershazari tsamba pamadziro.

A. Apo vanhu vose vairumbidza zvifananidzo vachinwa doro, ruoko rwaMwari rwakaonekwa ruchinyora pamadziro.

1. Bershazari akatya zvikuru uye kumeso kwake kwakacheneruka, mabvi ake akatanga kurovana.

2. Mashoko aiva pamadziro aiti, “MENE MENE TEKEL UPHARSIN.”

B. Vafemberi vose nevachenjeri vakanzi vadudzire mashoko aya.

1. Bershazari akavimbisa mugove kuna ani nani zvake aizogona kutsanangura mashoko aya.

2. Vakatadza kumatsanangura nekuti vainge vasiri pamwe chete nemunyori.

3. Apo vakatadza kubatsira, Bershazari akanyanya kushupika.

C. Pakuguma, mambokadzi akapinda maiitirwa mabiko.

1. Akaudza mambo kuti aisafanira kutya.

2. Akamutsanangurira nezvekukwanisa kwaDanieri kududzira hope nekupedza matambudziko.

III. Danieri akadanwa kumutambo ndokutsanangurira mambo chinyorwa ichi.

A. Bershazari akavimbisa kupa mubairo mumwe cheteyo kuna Danieri sekuvimbisa kwaainge aita vamwe vose.

1. Danieri akaudza mambo kuti aikwanisa kuchengeta zvake mubairo wake kana kupa mumwe munhu.

2. Danieri akati aizotsanangura mashoko.

B. Danieri akaverenga mashoko ekutanga, “MENE MENE.”

1. Akaudza Bershazari kuti Mwari wakaverenga mazuva eushe hwenyu akahugumisa.

2. Mwari anodzivisa vanozvikudza (Jakobo 4:6)

C. Danieri akaverenga shoko rinotevera, “TEKEL.”

1. Akati mambo nehumambo hwake vainge vayerwa pachiyero vakaonekwa vakareruka.

2. Hapana chakanaka chainge chasara mavari.

3. Danieri ainge ambotsiudza mambo nekuda kwekuzvikudza nekutadza kuzvidzora pana Mwari.

D. Danieri akaverenga shoko rekugumisira, “UPHARSIN.’

1. Shoko iri rinoreva kupatsanurana.

2. Danieri akatsanangura kuti humambo hwaBershazari hwaizokamuraniswa pakati pevaMedia nevaPersia.

E. Bershazari haana kushanduka zvisinei neyambiro yaDanieri naMwari.

1. Usiku ihoho, Bershazari akaurayiwa.

2. Humambo hwake hwakagovanwa nevaMedia nevaPersia.

3. Bershazari akarambira muchivi pamusana pekuti aishandira satani zvekare satani ihuyakwese.

F. Kana munhu akazvibvisa kuna Mwari, anozviisa mumaoko emuvengi.

1. Mwari haazombofi akatisiya (VaHeberu 13:5)

2. Satani haana simba pamusoro pedu kusara kwekunge tamupa isu pachedu (Ruka 10:19)


Dzidziso yemweya:


Ndinovimba naJesu

Ndinovimba naJesu.

Simba rake nekururama kwake ndekwangu.

Kubudikidza neshoko rake raanondipa

Njere nekugona

Kuparadza hurongwa hwasatani kwandiri.



CHIDZIVISO CHEKUPEDZISIRA


Chidzidzo chegumi


Kamutambo


Vatambi: Bershazari, Mubvunzi


Mubvunzi: Zvisinei muenzi wedu wanhasi ndimambo akapedza nguva yake achiita zvisina maturo. Akatonga nyika yeBhabhironi apo Danieri ainge ari mupenyu. Haana kuvaka humambo hwake pashoko raMwari sakahwakapunzika. Muenzi wedu ndiBershazari. Hamufanire kupemberera.


(Bershazari anopinda)

Bershazari: Sei musingandifarire kana kundikwazisa? Ndini mambo mukuru Bershazari, mambo weBhabironi.


Mubvunzi: Asi muri kukanganwa chimwe chinhu kani, mambo Bershazari? Makarasikirwa nehumambo hwenyu kare kwazvo mumashure memutambo wamakaita.


Bershazari: Ndapota, usandiyeuchidze nezveusiku uhu. Mabvi angu anorovana nguva yese yandinofunga pamusoro pazvo.


Mubvunzi: Mambo Bershazari sei maisashumira Mwari?


Bershazari: Ndaiva ndakaoma musoro, handizivi kuti sei ndaisararamira Jehova.


Mubvunzi: Maiziva kuti Mwari ndewechokwadi, sandizvo here?


Bershazari: Hongu, ndaiziva kuti Mwari ndewe chokwadi. Ndaiva mwana mudiki apo Shadraki, Meshaki naAbedinigo vakakandwa mumoto nasekuru. Ndakanzwa baba vangu vachitsanangura kuti Mwari akavadzikinura sei.


Mubvunzi: Waifanira kunge wakaziva kuti Mwari vakashandisa sei Danieri kuyambira sekuru vako pamusoro pekusarurama kwavo.


Bershazari: Ndinotondera ndichinzwa pamusoro pemurume aiva azere nemweya waMwari aikwanisa kududzira hope.


Mubvunzi: Waiziva kuti Mwari ndewechokwadi, asi waisamushumira?


Bershazari: Ndakaita chinhu chinongoitwa nevanhu vakawanda. Ndinoziva nezvaMwari, asi handina kumbozvipa nguva kuti ndimuzive pachangu.


Mubvunzi: Mwari vaikwanisa kunge vakakubatsira kutonga nenzira kwayo.


Bershazari: Ndinozviziva. Ndakafunga kuti pamwe aingozviita kuti ashamisire. Aida kundibatsira pachokwadi.


Mubvunzi: Uri kutaura chokwadi, Mwari haangoiti zvinhu zvekuti ashamisire. Anoda kuti tive nezvakanaka.


Bershazari: Humambo hwangu hungadai hwakagara kwenguva refu. Kudai ndaidzokorora, ndaishandura zvinhu zvakawanda.


Mubvunzi: Waiita sei kudai wainzi udzokorore zvekare upenyu hwako?


Bershazari: Kudai ndiri kurarama nhasi, chinhu chekutanga chandaiita, kupa moyo wangu kuna Jesu.


Mubvunzi: Iyambiro yakanaka. Ko chimwezve?


Bershazari: Ndaigashira Mweya Mutsvene ndowana simba raMwari rose.


Mubvunzi: Ndizvo zvega here?


Bershazari: Kwete handzvo zvose, Ndipo pekutanga. Ndinotsvaga kereke rinotenda mubhaibheri inodzidzisa kutenda mushoko raMwari uye ichipindwa masvondo ose.

Mubvunzi: Chokwadi unofanira kushanduka kubva mumaitiro ako akare.


Bershazari: Jesu anoshanura vanhu kana achinge auya kuzogara mavari. Ndinoziva kuti handingazoita mabiko akadaro zvekare.


Mubvunzi: Semabiko awakaita musi wazonyorwa naMwari pamadziro ako?


Bershazari: Hongu, handizoita mumwe mutambo wakadaro zvekare. Ndakanwira doro mimikombe inoyera yemuTemberi yaMwari. Upenzi wakadini ihoho?


Mubvunzi: Kukanganisa kukuru kwawakaita kwaiva kwekusapa moyo wako kuna Mwari. Mwari akaedza zvekare kukuyambira, haana here?


Bershazari: Hongu, ruoko rukuru rwakaonekwa kubva pasina ndokutanga kunyora chinyorwa pamadziro emuzinda wangu.


Mubvunzi: Uye Danieri akakuudza kuti mashoko anorevei?


Bershazari: Hongu. Mwari vaiedza kundipa mumwe mukana wekuti ndiswatuke uye nditerere kubva kwaari.


(Anobva aenda achichema)


Mubvunzi: Chionai vana, Mwari vaiedza nepavanogona napo kubatsira Breshazari asi akakanganisa zvikuru. Haana kureurura matadzo ake. Hamusi kufara here kuti upenyu hwenyu hauna kufanana nehwaBershazari? Kana usati wapa upenyu hwako kuna Jesu unokwanisa kuzviita nhasi!


MUNAMATO WEKUTENDA

Chidzidzo chegumi


Ngano


Unofunga kuti baba vako vanokwanisa kuzviita here mwedzi unouya, Sam?”


Handizive, Steve. Unoziva kuti vakabatikana zvakadini. Ndakavaudza nezvazvo svondo rakapera. Vakangoti, “Tichazozviona.” Kazhinji zvinoreva kuti kwete. Waikwanisa kuziva kusafara kwaSam kubva muizwi rake. Ainge aneta nekuva ndiye oga mwana ainge aine vabereki vasingauyi. Baba vaigara vachingoshanda. Havana kuuya kumutambo webhora remadzibaba uye mumwe mutambo apo Sam aivavo nechekuita, kzvainge zvakawanda chaizvo.


Iwe, Sam, ndine imwe pfungwa.


Chii Steve?”


Tondera kuti svondo rapera kuchechi takadzidza pamusoro pekunamata nekutenda? Ngatinamatei tikumbire Mwari...”


“”Ndanzwa zvauri kureva rega tizviite!” Sam akabva azara nekutenda.


Vakomana vakanamata nezita raJesu ndokubvumirana, kuti moyo wababa vaSam waizoshanduka vakawana nguva yekuuya kumutambo.


Sam akafara zvikuru. “Ndinotenda kuti ndagashira mhinduro yemunamato uyu,” akadaro.


Ameni. Zvisinei, ndinovimba yava nguva yekuenda kumba,” akadaro Steve.


Hongu, ndizvozvo chaizvo,” akadaro Sam.


Vakomana vakafamba kwekanguva vasingataure chinhu. Pakarepo, Steve akabva atanga kutaura.


Sam?”


Chi, Steve?”


Ndingakubvunza mubvunzo here?”


Hongu, bvunza hako?”


“”Sei baba vako vasingaendi kuchechi pamwe chete newe naamai vako?” akabvunza Steve.


Zvisinei, ndinofunga pamusana pechikonzero chimwe chete ichocho, havana nguva yacho. Vanozvidana kuti “Munhu akazvigadzira oga” Tondera kuti vakapenga sei apo amai vangu vakaponeswa? Vakavaudza kuti vainge vakapusa nekupa mumwe munhu mukana wekuva nechekuita neupenyu hwavo. Ndinovimba zvine chekuita nekukura kwavo nekuti vakafanana zvikuru nasekuru. ndinofunga kuti vanotenda kuti kana munhu akachengeta mhuri yake uye ari munhu akanaka, Mwari vanomuendesa kudenga. Apo amai vakaedza kuvatsanangurira kuti munhu wese akatadza uye anoda Mwari, vakabva vatanga kupenga. Asi vachashanduka nekuti tiri kuvanamatira.”


Svondo rimwe chete rakapfuura uye hapana chairatidza kunge chiri kushanduka. Sam akaramba achizvikurudzira neshoko kuti asaite chinepfu. Akazviyeuchidza kuti afamber nekutenda mushoko raMwari kwete nekuona.


Musi wechipiri chaitevera, Sam akashamiswa kuona motokari yababa vake pachivanze apo akadzoka kubva kuchikoro. Zvinoshamisa! Dzava nguva dzechina masikati uye baba vatova pamba kare, Sam akafunga, Handizive kuti zvaita sei.


Ndauya!” akadaro Sam.


Shhh!” Akanzwa ruoko rwaamai vake rwakamubata ruoko.


Zvaita sei? Pane afa here kana kuti chimwe chinhu?”


Amai vakaisa munwe wavo pamuromo vachinyararidza Sam apo vaifamba vachienda naye mumba yekudyira. “Ndibaba vako,” vakadaro nezwi gobvu vachizevezera.


Chii chaitika kuna baba, zvaita sei?” akabvunza Sam.


Hongu uye kwete.”


Amai, taurai kani, mava kundityisa zvino.”


Ndingati hapana chaitika. Zvandiri kuedza kutaura, Sam ndezvekuti rega tione kuti, ndingati chiiko...?


Ingozvitaurayi Amai. Ndinokwanisa kuzvinzwisisa pane kusaziva.”


Zvisinei, nhasi baba vamiswa basa. Vakangosurukirwa, Sam.”


Vamiswa? Baba? Nechikonzero chei?”


Handisati ndava nechokwadi. Ndinofunga kuti kambani yavo yavharwa. Baba vako havasi kutaura zvinonzwisisika panguva ino, asi zvandinoziva ndezvekuti vambomiswa basa.”


Saka zvino?” Sam akabvunza.


Sam, ngaqtinamatei,” vakadaro amai. “Tinoda kutungamirirwa naMwari.”


Unofunga Mwari vari kuranga Baba?”


Sam, unoziva kuti Mwari havaite zvinhu zvakadaro. Satani ndiye anouya kuzoba nekuparadza,” amai vakatsanangura. “Asi handifungi kuti Mwari vangasahndisa chiitiko ichi. Unoona, baba vako vakaisa ruvimbo rwavo rwose pabasa ravo nekugona kwavo kudarika kwaMwari. Satani pachake akaitawo dambudziko rimwe chete iroro. Unotondera kuti akati aizova Mwari. Ndizvo zvakaita kuti akandwe kubva kudenga. Ngatinamatei kuti Baba vazive kuti havakwanise kuva nechekuita neupenyu hwavo uye kuti vanofanira kushandira mumwe munhu, angava Mwari angava satani.”


Sam naamai vake vakabatana maoko ndokunamatira ruponeso rwababa muzita raJesu.


Musi wesvondo mangwanani, Sam akamuka ndokutarisa pawachi yake. Ndararisa, akataura oga. Sam akasvetuka achibuda mumagumbeze, akamhanyira kunogeza uko asina kana kupedza nguva. Akabva angononga chero hembe yaakatanga kusangana nayo ndokubuda onanga mumba yekutandarira. Akashamisika zvikuru achiona baba vake vakapfeka sutu.


Mamuka sei, baba,?”


Ndafunga kuti ndiende kuchechi pamwepo newe naamai vako.”


Zvechokwadi here?”


Chokwadi mwanangu. Unoziva kuti ndanga ndiri kumboongorora moyo wangu. Sekuziva kwako ndakava nenguva yakareba yekufunga. Uchiri kutondera zviya kuti kune mutambo uri kuitwa kuchikoro kwako mumashure memazuva mashoma?”


Hongu.”


Handisi kuzoregera kuuya!”


DZOKORORO

Chidzidzo chegumi


Shandisai shoko:


Bershazari aiva munhu asakarurama uye aisakudza Mwari kana shoko rake. Airamba achiita zvinhu zvakaipa uye airamba kuregera zvivi zvake.


Kana uchiita chivi, Bhaibheri rinoti kana tichireurura zvitadzo zvedu, Mwari vane nyasha dzekutiregerera nekutichenisa kubva mukutadza kwedu. Tora kanguva kuti uongorore moyo wako, uone kuti pane chaunoda kuregererwa here. Kana chiripo, chireurure kuna Mwari uye wotenda vimbiso yake yekukuchenura.


Mibvunzo yemutambo:


1. Mambo Bershazari vaiva munhu akaita sei?

2. Baba vaBershazari vainzi ani?

3. Mabiko akaitirwa vanhu naBershazari chaiva chituko kuna ani?

4. Bershazari nevaenzi vake vakashandisa midziyo inoyera yeTemberi yaMwari kuita chii?

5. Bershazari akava nechikonzero here chekuita izvi?

6. Apo vanhu vose vainwa nekunamata zvifananidzo chii chinhu chinoshamisa chakaitika?

7. Bershazari akaita sei kubudikidza neruoko rwaMwari rwainyora pamadziro?

8. Vafemberi nen’anga dzakakwanisa here kududzira zvinyorwa izvi?

9. Ndiani akapinda maiitirwa mutambo, akaudza mambo nezvaDanieri?

10. Danieri akabvuma here kududzira chinyorwa ichi kuna mambo?

11. Danieri akabvuma here mubairo waainge avimbiswa kupiwa naBershazari?

12. Mashoko ekutanga ekuti, ‘MENE MENE’ anorevei?

13. Mwari anonzwa sei nekuda kwekuzvikudza kwevanhu?

14. Izwi rekuti ‘TEKEL’ rinorevei?

15. Sei zvainge zvingakwanisike kununura Bershazari nehumambo hwake?

16. Izwi rekuti, ‘UPHARSIN’ rinorevei”

17. Chii chakaitika kunaBershazari usiku ihoho?

18. Humambo hwakagoveranwa pakati paani nani?

19. Chii chinoitka kumunhu kana achinge abva pana Mwari zvachose?

20. Mwari vachatisiya here?


DANIERI ABUDA MUGOMBA RESHUMBA


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yekuverenga: Danieri 6:1-28


Chokwadi: Mwari ndiye mununuri wedu.


Ndima yemusoro: Mapisarema 91:11, “Nokuti iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako.”


Kamutambo: Kupazwa kwejeri


Chidzidzo: “Mwari vanotichengetedza”


Zvinodiwa: Mutumwa (504), mambokadzi asakarurama (515), Danieri (519), Mambo Darius (526), Shumba (527, 538)


Kumudzidzisi:


Ruponiso rwakakosha kudarika kuregererwa kwezvivi kwega. Kunosanganisira kudzikinurwa nekuchengetedzwa. MaJuda pasi pesungano yekare vaiva nevimbiso yekuchengetedzwa kana muhondo chaimo kana vainge vachifamba naMwari.


Hatifaniri kutarisira zvishoma kubva pasungano yedu iyo yakavimbiswa kuti iri nani (vaHeberu 8:6)


Zvakakosha kuti tisatyisidzire vana. Kutya kusina humwari kunounza kutambudzwa kusina kana ani zvake anokufarira uye kunoisa munhu muusungwa. Tinofanira, kutsanangura sungano yedu yekuchengetedzwa todzidzisa vana vedu kuti vangashandisa sei zita raJesu nekuvimba naMwari nekuda kwekupiwa. Matambudziko akawanda muupenyu aikwanisa kunge akadziviswa kudai vanhu vakaziva kufamba nekuchengetedzwa kwaMwari.


Tsanangudzo:


I. Apo Darius muMedia akava mambo yeBhabhironi, akaita kuti Danieri ave mumwe evabatsiri vake vakuru.

A. Paiva nevanhu muhumambo vainge vasingadi Danieri.

1. Pamusana pemweya waDanieri waiva wakanaka, Darius akada kuti Danieri ave pamusoro pezvinhu zvose zvehumambo.

2. Varume ava vakava negodo pamusoro pekukomborerwa kwaDanieri naMwari.

3. Tinofanira kupemberera kana vamwe vachikomborerwa - godo rinoparadza rufaro rwako.

B. MaKristu akawanda nhasi haachafamba nemakomborero akafanana neaDanieri kunyangwe vachikwanisa.

1. Tondera Danieri aisadzokera shure pane zvaaiziva kubva mushoko raMwari.

2. Rukudzo rwake nekuzvipira kwaishamisa.

C. Vavengi vaDanieri vaimutarisa siku nesikati vachiedza kumutsvagira mhosva kuti vamumhangarire kuna mambo.

1. MaKristu anofanira kuziva kuti vatadzi vakatarisira upenyu hwavo (II vaKorinte 3:2-3).

2. Kana uchigara nemoyo wakanaka pamberi paMwari, unokwanisa kuramba uchikurira.

D. Vanhu ava vakaronga kuti Danieri abviswe.

1. Sezvo vainge vashaya chekupomera Danieri muhurumende, vakaziva kuti chinhu choga chavaikwanisa kuita chaiva nechekuita nehukama hwake naMwari.

2. Vakaronga kuti vave nemutemo wekuitira kuti Danieri asanamate.

E. Varume vakanyengetedza mambo kuti aise mutemo wairambidza vanhu kuti vakumbire zvimwe zvinhu kubva kune mumwe kunze kwamambo kwemazuva makumi matatu.

1. Mambo Darius vakanyorerana pasi nevarume ava kubudikidza nechikumbiro chavo.

2. Maererano nemutemo wechiMedia nePersia, hapana mutemo waizoshandurwa kana namambo zvake kana uchenge wakanyoreranwa pasi.

II. Danieri ainamata katatu pazuva akaramba achizviita zvisinei nemutemo.

A. Zviri nani kufadza Mwari pane kufadza vanhu.

1. Munguva zhinji tinofanira kuterera mutemo wenyika yedu (VaRoma 13:1-7).

2. Hatifanire kuterera chete kana mitemo yevanhu yava kupikisa dzidziso yemagwaro sezviri munyaya iyi.

B. Apo vavengi vaDanieri vakamuwana achinamata, vakaudza mambo nezvazvo.

1. Vakataura kuti arangwe sezvavainge vanyorerana pasi - aifanira kukandwa mugomba reshumba.

2. Mambo Darius akaziva kuti ainge anyengedzwa akaedza kufunga nzira yekudzikinura Danieri, asi zvainge zvisingakwanisike kuti atize mutemo wake pachake.

C. Nekupesvedzera kwevanhu vasakarurama. mambo Darius akaita kuti Danieri akandwe mugomba reshumba dzaiva nenzara.

1. Mambo Darius vakaratidza kutenda kwavo kwekuti Mwari vaizodzikinura Danieri (Danieri 6:16)

2. Zidombo guru rakaiswa pamusiwo saka Danieri ainge asina pekutiza napo.

III. Mwari vakachengetedza Danieri nenzira inoshamisa vakamuburitsa mugomba reshumba.

A. Mumashure mekukandirwa mugomba reshumba, Danieri akavimba naMwari kuti vaizomuchengetedza.

1. Hatikwanisi kudzivisa miedzo yose muupenyu.

2. Tinokwanisa kuvimba naMwari kuti tichengetedzwe uye kudzikinurwa nekumira pakutenda shoko raMwari.

B. Mwari vakatumira mutumwa kuti achengete shumba dzisarwisa Danieri.

1. Danieri akapedza usiku hwese neshumba asi haana kukuvadzwa.

2. Vatumwa vanoterera kumashoko ekutenda anotaurwa nemutendi uye nezita raJesu (Mapisarema 103:20)

C. Mangwanani ngwanani zuva raitevera, Darius akaenda kugomba reshumba.

1. Akadana Danieri.

2. Danieri akadavira mambo, achipupura kuchengetedza kwMwari uye akaburitswa mugomba reshumba.

D. Mambo Danieri akaraira kuti varume vose vainge vaine chekuita nekukandwa mugomba reshumba kwaDanieri, vakandwe mugomba reshumba.

1. Kana munhu akaitira mumwe chinhu chakaipa, iye anozoitirwawo chinhu chakaipa.

2. Darius akaisa mutemo wekuti munhu wese muhumambo hwake aifanira kuremekedza nekukudza Mwari waDanieri.


Dzidziso yemweya:


Nditsvagire vatumwa

Vanondichengetedza,

Vanondichengetedza, kuti ndisakuvadzwa.

Ndisave nechivi chingandiwira,

Nekuti mushoko raMwari akavimbisa

Vatumwa vanonditarisira.


KUPAZWA KWEJERI


Chidzidzo chegumi neimwe


Kamutambo


Vatambi: Silas, Paul


Silas: Vakomana, mujeri muno makasviba, huh, Paul?


Paul: Hongu, makasviba chaizvo.


Silas: Chandisiri kuziva ndechekuti sei vanhu vose vakakupengera mumashure mekuburitsa mweya wetsvina mumukadzi uya. Mukadzi uya afara zvikuru asi vamwe vanhu vose vatsamwa chaizvo.


Paul: Ndisatani anga achiedza kukanganisa zvinhu. Anga ari munzwa munyama yangu kwekanguva.


Silas: Waona here zvanga zvaita kumeso kwevatongi vaya? Vabvarura chero mbatya dzavo chaidzo. Mbatya dzavo dzanga dziri dzemhando inodhura zvekare.


Paul: Ichokwadi.


Silas: Iwe Paul unoziva here kuti inguvai?


Pauro: Pava pakati peusiku.


Silas: Vakomana, musana wangu uri kurwadza. Havana kana kutigezesa mumashure mekutirova. Handizivi kuti ndichakwanisa kurara here kana kuti kwete. Ucharara here Paul?


Paul: Kwete iye zvino.


Silas: Handizivi kuti vachaita sei nesu mangwana mumashure mekutirwadzisa nhasi. Vanga vari kupenga chaizvo. Tichaita sei, Paul?


Paul: Tichanamata, ndizvo zvatichaita izvozvo.


Silas: Hongu, ko sei ndisina kuzvifunga?


Paul: Mwari vakavimbisa kutichengetedza, saka tichatenda Mwari kuti tibude mudambudziko iri. Chibva watotungamira nemunamato, Silas?


Silas: Rega tione. Ndinoziva zvinokwanisa kushanda. Rega ndirare pasi apa.


Paul: Mira! Mira, Silas, Mwari havasi kuzonzwa munamato iwoyo.


Silas: Haasi. Ndaifunga kuti Mwari vanonzwa munamato wese unenge wanamatwa. Munamato, munamato, handizvo here?


Paul: Kwete hasvizizvo. Munamato uzere nekusagutsikana, hausi munamato zvachose. Kuti munamato ushande unofanira kunge uri pashoko raMwari uye munamato uyu unofanira kushanda.


Silas: Unokwanisa kuzviita zvekare. Chibva watotanga kunamata, Paul.


Paul: Jehova, shoko renyu rinoti kutambudzika kwewakarurama kukuru asi imi

munodzikinura kubva mune zvese. Iye zvino, Jehova, tinogashira kudzikinurwa kubva mudambudziko rino nezita raJesu. Amen.


Silas: Amen!


Paul: Iye zvino tinoda kuimba tichirumbidza Mwari nekutidzikinura, Silas.


Silas: Asi hatisati tadzikinurwa.


Paul: Tagashira mhinduro kubudikidza nekutenda uye iko zvino tava kuzorumbidza Mwari nekutenda. (Anoimba) Jehova ndinokurumbidzai, ndinokunamatai. Huya kuno Silas, pinda muno.


Silas: (Anoimba) Jehova ndinokurumbidzai. (Vose vanotanga kuimba zvakasimba uye mudhuri unonzwika kundengendeka.)

Paul tarisa uone misuo yose yejeri yakavhurika uye ngetani dzose dzaregedzera! Tasunungurwa! Ngatibudei muno!


Paul: Usamhanya kudaro Silas. Tinofanira kuita kuti muchengeti wejeri aponeswe kutanga. Huya kuno.

(Vose vanoenda)




MWARI VANOTICHENGETEDZA


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yekutarisa: VaEfeso 6:11,17, “Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano adhiabhorosi........Torai ngowani yoruponeso nomunondo wemweya, iro shoko raMwari.”


Zvinodiwa: Ngowani yekutambisa bhora, zvakapfava zvekuisa mumapendekete, zvekuisa mumagokora nemumabvi.


Gadziriro: Iva nezvinhu zvose pamberi pevana.


Chidzidzo:


Mwari ndiye muchengeti wedu, vakomana nevasikana. Shoko raMwari ndere chokwadi. Mwari anopa vana vake vatumwa kuti vavachengete. Ndicho chimwe chemakomborero kana kuti chipo chatinowana mukuvimba naJesu.


Mwari vanopa mudziyo unokosha kumutendi wega wega. VaEfeso 6 inotiudza pamusoro pemudziyo uyu. Unonzi nhoo yaMwari. Nhoo mudziyo unochengetedza unopfekwa pahondo. VaEfeso 6:11 inotiudza kuti tipfeke nhoo yaMwari. Ndinoda mumwe munhu kuti andibatsire nhasi. (Panguva ino sarudza munhu akagara zvakanaka uye akaterera uye akareba)


Ndine umwe mudziyo pano nhasi. (Dhonza nguo dzebhora) Munoziva here kuti midziyo rudzii iyi, vana? Panguva ino tanga kuisa zvepamapendekete pamubatsiri wawasarudza, enderera mberi uchitaura) Ndizvozvo midziyo yebhora.


Chikonzero chinoita kuti mutambi webhora apfeke mapfekero aya ndechekuti asakuvadzwe kana kukuvadzwa. Iye zvino rega tiise zvepamapendekete izvi. Hazvisizvo zvoga. Rega tiise zvemumagokora zvinochengetedza magokora ako. Iye zvino regai tichiisa zvemumakumbo. Zvinoita sei? Uri kunzwa kuchengetedzwa here? Asi hazvisizvo zvoga.


Mumwe mudziyo unotaurwa nezvawo muna vaEfeso ingowani yeruponeso. (Pfekedza mubatsiri wako ngowani) Ngowani ndiyo inokuchengetedza kuti usadonheswa. Mudziyo wakakosha zvikuru kumutambi webhora. Ungada here kutamba bhora usina ngowani yebhora iyi? Kwete ini. Mudziyo uyu webhora hauna kunyanyosiyana nemudziyo wekuchengetedza watinopiwa naMwari Baba. Kana takumbira Jesu kuti apinde mumoyo medu, tinoponeswa. Kubudikidza neruponeso kunouya kuchengetedzwa. Kana uri Mwana waMwari, unofanira kupfeka nhumbi dzekuchengetedzwa nadzo. Unoda nhoo yaMwari!


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi neimwe


Shandisai shoko


Muchidzidzo chebhaibheri nhasi tadzidza kuti Mwari anochengetedza sei vanhu vake. Vatumwa vanotumwa naMwari kuti vachengetichengetedze kubva mukukuvadzwa.


Vamwe vanhu vane tarisiro dzisinganzwisisike pamusoro pekutaridzika kwevatumwa. Vatumwa havaratidzike sevana vacheche, uye havasi vanhu vakafa vakaenda kudenga.


Unofunga kuti mutumwa wako anotaridzika sei? Tose ngatinyorei mifananidzo yezvatinotarisira kuti ndizvo zvakaita vatumwa vedu.


Mibvunzo yemutambo


1. Mambo watadzidza nezvake muchidzidzo ainzi ani?

2. Sei mambo Darius vaida kuti Danieri ave pamusoro pezvinhu zvose zvehumambo?

3. Vanhu vose mhumambo vaifarira here kuti Danieri ave mutungamiriri wezvinhu zvose?

4. Tinofanira kuita godo here kana mumwe munhu akakomborerwa?

5. Sei Danieri akakwanisa kufamba mumakomborero aMwari?

6. Vatadzi vanotarisa here upenyu hwemaKristu?

7. Vavengi vaDanieri vakawana here mhosva yekumupomera pakutanga?

8. Varume ava vakava nehurongwa hwakaita sei kuna Danieri?

9. Chii chaikwanisa kuitwa pakushandura mutemo wemaMedia nemaPersia kana zvichinge zvanyorwa pasi?

10. Danieri ainamata kangani pazuva?

11. Danieri akarega here kunamata mumashure mekunge mutemo wanyorwa?

12. Ndiani watinofanira kufadza kudarika vanhu?

13. Chirango chekutyora mutemo wainge wanyorwa namambo Darius chaizova chei?

14. Mambo Darius vaida here kuti Danieri akandwe mugomba remoto?

15. Danieri aikwanisa here kupunyuka kana takatarisa mamiriro ezvinhu?

16. Danieri akaitei mugomba reshumba?

17. Tinokwanisa here kudzivisa miedzo yeupenyu? Tingaita sei?

18. Ndiani akatumwa naMwari kuti achengetedze Danieri kubva kushumba?

19. Chii chakaitika kune vanhu vainge varonga kuurayisa Danieri?

20. Mambo Darius vakaisa mutemo wekuti chii mumashure mekupunyuka kunoshamisa kwaDanieri?



JONA NEHOVE


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yekuverenga: Jona 1:1 - 3:10


Chokwadi: Nyasha dzaMwari dzinoshamisa.


Ndima yemusoro: Mapisarema 136:1, “Vongai Jehova nokuti wakanaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”


Kamutambo: “Hapachina kushoropodzwa”


Chidzidzo: ngano - “Mukomana akarova nyakuzvitutumadza”


Zvinodiwa: vaNineve (518), Jona (528), chikepe (529), Hove (530)


Kumudzidzisi:


Nyaya yaJona inotiratidza nyasha dzaMwari kune vanhu veNineve uye zvekare kuna iye Jona pachake. Hakusi kuda kwaMwari kuti mumwe munhu aparare (II Petro 3:9). Mwari anopa vanhu mukana wekutendeuka nguva zhinji uye kuti arurama nguva yekutongwa isati yakwana. Mwari aizoshanda zvakanyanya naJona pamusana pekuti vanhu vakawanda vainge vari panguva yakaoma. Kuramba kwake kuterera Mwari kwakaita chimiso munzira yaMwari yekuunza ruponeso kune vanhu veNineve.


Apo Jona ainge asvika pamusiwo wegehena, Mwari vakanzwa munamato wake wekureurura, vakamusimudza nekumubatsira kuzadzikisa chinangwa chaainge atumwa. Kusaterera hakuunze zvibereko zvakanaka asi nyasha dzaMwari dzinokwanisa kushandura zvinhu kuti zvinake. Mwari anofadzwa nenyasha pane kutonga.


Tsanangudzo:


I. Shoko raMwari rakasvika pana Jona kuti aende kunoparidza kuNineve.

A. Nineve raiva guta guru reAssiria.

1. Raiva guta risakarurama uye raigara zviuru zvevanhu.

2. Kusarurama kweguta kwakaunza kuparadzwa.

B. Vanhu veNineve vainge vasina sungano naMwari semaJuda.

1. Mwari zvekare aida kuratidza tsitsi dzake kunyangwezvo.

2. Kunaka kwaMwari nenyasha kwakakura zvekuti hakungakwaniswe nevanhu vake voga. (Ruka 6:35-36)

C. Jona aiva asingade kuenda kuNineve, saka akasarudza kutiza Mwari.

1. Usatize pane zvawakasarudzirwa naMwari muupenyu hwako!

2. Kutevera Mwari kunounza mufaro nekuzadzikiswa, kwete kusuwa nekusagutsikana.

D. Jona akapinda muchikepe chaienda kuTarshishi, kwainga kwakataramuka kubva kuNineve.

1. Aiedza nepese paaigona napo kuti ave kure naMwari.

2. Haukwanise kutiza kubva kuna Mwari nekuti ari kwese kwese

E. Mwari vakatumira dutu kuchikepe chaiva naJona.

1. Jona ainge akakotsira panguva yose yaiitika dutu iri.

2. Mukuru wechikepe akauya akamutsa Jona achimuudza kuti anamate kuna Mwari wake kuti avabatsire.

F. Vanhu vaivamo vakafunga kuti dutu rainge rauya pamusana pemumwe munhu ainge aita zvisakarurama.

1. Vakaona kuti Jona ainge achitiza zvaainge audzwa naMwari kuti aite.

2. Apo dutu rakawedzera, Jona akavaudza kuti vamukandire kunze kwechikepe.

3. Vanhu vaivamo vakamukandira mugungwa ndokubva dutu ramira.

G. Kuramba kwaJona kunoparidzira rupinduko kune vanhu veNineve kwaiva kuvarambidza mukana wekuti vaponeswe.

1. Vanhu havakwanise kutendeuka nekuwirirana naMwari kana pasina anovaparidzira (vaRoma 10:14)

2. Haisi sarudzo yedu kuti tisarudze kuti tingaparidzira ani kana kuti tisaparidzira ani (Marko 16:15)

II. Jehova vainge varonga kuti hove huru igomedza Jona.

A. Hove iyi yakava chikomborero nekuti Jona aidai akanyura mugungwa.

1. Jona akagara mudumbu rehove kwemazuva matatu neusiku hutatu.

2. Muzviitiko izvi zvose zvainge zisina kusiyana nekuti Joana akafa kana kuti ari mugehena.

B. Jona akazoziva kuipa kwechivi chake uye akatendeuka.

1. Kutendeuka pamberi paMwari kunoreva kushandura maitiro nezviito uye kusarudza kuita zvakanaka.

2. Mwari vakanzwa munamato waJona kubva mudumbu rehove vakamunzwira tsitsi.

C. Jesu akafananidza kutambudzika kwaJona nekutambudzika kwake (Mateo 12:40)

1. Jona aiva chiratidzo kana kuti mumvuri waKristu.

2. Sezvo Jona akatambudzikira zvitadzo zvake mumuenzaniso wegehena kwemazuva matatu neusiku hutatu, Jesu akatambudzikira zvivi zvedu mumufananidzo wegehena kwemazuva matatu neusiku hutatu.

3. Jona akamuka kubva murufu rwekugara mudumbu rehove, saka Kristu akamuka kubva muvafi.

III. Pamusana penyasha dzaMwari, Jona akapiwa mumwe mukana.

A. Mwari vakaraira hove kuti irutsire Jona kunze kwegungwa.

1. Ungafungidzire here kuti Jona akataridzika sei?

2. Kana hove dzemugungwa dzichikwanisa kuterera Mwari, ko isu tinofanira kumuterera zvakadini?

B. Shoko raMwari rakauya rwepiri kuna Jona kuti aende kunoparidzira Nineve.

1. Vanhu vakawanda vaidai vakaita chiramwa naJona asi kwete naMwari.

2. Kana Mwari achitidanira chimwe chinhu, haashanduri pfungwa dzake (vaRoma 11:29)

3. Kana tichikanganisa nekutadza, tinokwanisa kudana nyasha dzake.

C. Jona akaterera Jehova akaenda kuNineve ndokuparidza shoko raMwari akashinga.

1. Guta rose rakatendeuka rikatsvaga nyasha dzaMwari - kunyangwe mambo.

2. Pamusana penyasha dzaMwari, guta rakaponeswa kubva mukuparadzwa.



Dzidziso yemweya:


Ipai kutenda kuna Jehova,

Nekuti nyasha dzake dzinogara narini.

Rudo rwake runogara nekusingaperi,

Uye kwandiri, akanaka uye akatendeka.




HAPACHINA KUSHOROPODZWA


Chidzidzo chegumi nembiri


Kamutambo


Vatambi: Satani, Bennie, Sally


Satani: Ndinofarira kushoropodza maKristu, ndichivaita kuti vanyare nekuda kwezvinhu zvakaipa zvavanenge vachiita. Ndinofarira kuvabira mufaro wavo nekuita kuti vasaita hany’a nekururama. Kururama, ah, ndinorivenga izwi iroro. Rinoreva kuyanana naMwari uye rinopa vanhu mukana wekugashira makomborero ake. Kushoropodza kuri nani. Regai tinone kuti tingawana here mumwe munhu wekushoropodza. (anoenda)

(Bennie anoenda)


Bennie: Wow! Ndabva kuona mubhaibheri kuti Jesu akava chivi changu saka ndakabva ndatora kururama kwake. Zvinoreva kuti Mwari vachapindura minamato yangu. Zvinoreva kuti ndinokwanisa kugashira makomborero ake ose. Izvi zvinofadza izvi!


(Satani anopinda)


Bennie: Iwe mwana, uchiri kutondera here rimwe zuva rawakaramba kuterera baba vako?

Bennie: Ndinotondera musi wandakaramba kuterera baba vangu.


Satani: Usakanganwa kuti wabva kukandira mbatya dzechidhori chehanzvadzi yako mumadhaka mangwanani ano.


Bennie: Ndaisafanira kuita utsinye hwakadaro kuna Sally.


Satani: Usambofunga zvako kuti Mwari anonzwa kana kukomborera munhu akadaro.


Bennie: Handifungi kuti Mwari vanonzwa minamato yangu nekuda kwezvinhu zvose zvandakaita izvi.


Satani: Ha, ha, ha, ha, ha. Zvanaka! Mufaro wese wapera uye kururama kwese kwashaya basa. Ava kuzvishoropodza. Zvisinei, basa rangu raitwa pano apa. Ndinofunga yava nguva yekuti ndichienda kubhawa kwaJoe. (Anobuda)


(Sally anopinda)


Sally: Bennie sei uri kunzwisa tsitsi nhasi?


Bennie: Ndanga ndiri kurangarira zvinhu zvose zvandakaita.


Sally: Uri kuzviitirei?


Bennie: Ufunge, handitombozivawo.


Sally: Hauna here kukumbira Mwari kuti vakuregerere pazvinhu izvozvo zvose?


Bennie: Hongu, ndakakumbira.


Sally: Johane wekutanga chitsauko chekutanga, ndima yepfumbamwe inotii?


Bennie: Inoti kana tichireurura zvitadzo zvedu, Iye (Mwari) wakatendeka wakarurama nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu nokutinatsa pakusarurama kwese.

Sally: Ndizvozvo Mwari vanoda kuva nenyasha kwatiri kunyangwe tichitadza. Kana vachikugeza kubva pakusarurama kwese, Bennie, zvinosiya chii?


Bennie: Nechikonzero chei? Asi ini handinzwe sekunge ndakarurama wani, Sally?


Sally: Kushoropodza kwasatani. Anga achiedza kuita kuti utambudzike pamusana pekukanganisa nekutadza kwawakaita asi kana ukareurura nekukumbira kanganwiro, Mwari nenyasha dzavo vanozvibvisa mundangariro yavo uye kana newewo unofanira kuzvibvisa.


Bennie: Zvechokwadi, kupusa, kurega satani achikushora pamusoro pechinhu chekuti kana Mwari chaiye haachazvitonderi.


Sally: Ichokwadi.


Bennie: Ndinofara kuti wauya, Sally. Zvisinei, ndine urombo ndakandira mbatya dzechidhori chako mumadhaka.


Sally: Hazvinei, Bennie. Mwari vakakuregerera, saka neniwo ndinokuregerera.


(Vose vanobuda)




MUKOMANA AKAROVA NYAKUZVITUTUMADZA


Chidzidzo chegumi nembiri


Ngano


Ronnie ndiye aiva mukomana ane utsinye uye Ruka ainge asati amboona. Acharega here kundinetsa? akafunga Ruka. Hapana kana zuva rimwe chete rainge rapfuura Ronnie asina kumboitira Ruka utsinye. Dzimwe nguva Ruka aidana Ronnie zita reutsinye. Dzimwe nguva aimupinga achibva amudonhedza pasi. Pane dzimwe nguva apo Ronnie airova Ruka mudumbu zvinorwadza.


Ko unoregererei kurova Ronnie pamhuno?” akadaro Sam kuna Ruka rimwe zuva. “Anongozvitutumadza zvisina basa, dzimwe nguva anototadza kuziva kuti oita sei kana ukamurova.”


Handidi kupinda mumatambudziko,” akapindura Ruka. Aitya Ronnie. Vana vazhinji pachikoro vaimutyawo. Ronnie ainge akundikana murugwaro rwekutanga uye ainge ari mukuru kune vamwe vose negore rimwe chete. Munhandare yekutambira kana mumugwagwa wekuenda kumba hapana aida kuenda padyo naye.


Rimwe zuva mangwanani, Ruka ainge akatakura chikafu chake chekudya masikati, shangu uye mabhuku apo akasangana naRonnie. Mukomana mukuru werugwaro rwechishanu akamira pakati penzira ndokurambidza Ruka kuti apinde. “Une mari here, Ruka?” akabvunza Ronnie.


Ndine mashereni masere ane makobiri mashanu,” akapindura Ruka.


Ndipe mari yacho iyoyo kana uchida kuenda kuchikoro usina kurohwa,” akatyisidzira Ronnie.


Haungatori mari yangu, Ronnie,” akadaro Ruka. “Ndisiye ndakadaro!” akadanidzira Ruka apo aidzingirirwa naRonnie. Pakarepo, Ruka akadonhera muzasi menzira. Ronnie ainge amuteya. Akasvuuka magokora uye mabuku ake akarasika rasika pasi pose.


Unofanira kutarisa kwauri kuenda,” akadaro Ronnie apo akatendeuka ofamba akananga kuchikoro. Ruka akanyara nekushatirwa zvikuru sezvo vana vaaidzidza navo avinge vakatarisa. Sam akauya kuzobatsira Ruka kunonga mabhuku ake.


Warega nei kuudza mukuru wechikoro kuti ndizvo zvaitika? Ronnie anorohwa pachokwadi,” akadaro.


Pandakagumisira kumutaurira akarohwa shamhu nhatu,” akatsanangura Ruka. “Akarohwa asi akazondirova zvekare musi wachi iwoyo mumashure mezvidzidzo.


Ko tadini kusvetukira Ronnie kubva mumuti? Tose tinokwanisa kumurova!” akadaro Sam. “Kana kuti tinokwanisa kutora banga tomuudza kuti tinomuuraya kana akakudenha zvekare!”

Izvo hazvina kunaka,” akadaro Ruka.


Ndiani ane basa nekuti zvakanaka kana kuti zvakaipa? Tinokwanis kumurova zvakasimba!” akadaro Sam. “Uchaita sei, kurega mukomana uyu achikunetsa mazuva ose eupenyu hwako?”


Ndakanamata pamusoro pazvo,” akapindura Ruka.


Kunamata?” akadaro Sam. “Kunamata kunobatsirei?”


Usiku hwapfuura ndakawana gwaro rinotaura kuti ndisiire zvose kunaJehova,” akatsanangura Ruka, “saka handichanetseki nezvaRonnie zvekare.”


Ndinoziva kuti uri muKristu, Ruka asi uri mbwende kana uchifunga kuti Ronnie acharegedza kukurova. Paacharegedza chete ndepaunenge wamukuvadza,” akayambira Sam.


Mukuru kwandiri zvekuti hazvigoni kuti ndimurove,” akadaro Ruka, “Uye pamusoro pazvo ndine mhinduro.” Sam akatadza kunzwisisa Ruka zvachose. Akafunga kuti Ruka aingova gwara uye ainge achitya kumisidzana naRonnie.


Masvondo matanhatu echikoro akadarika uye Ronnie akaramba achitsvinyira Ruka mazuva ose. Mumwe musi masikati munzira yekuenda kumba, Ruka akanzwa chimwe chinhu chaisanzwisisika.


Aifamba achipfuura nemumunda, achidimbudzira apo akanzwa mumwe munhu achikumbira rubatsiro. “Ndibatsireiwo, ndapota,” rakadaro izwi. Zvaiita semukomana aichema. Ruka akatarisa nemukati meuswa hukuru nemasora apo akasvika padyo neizwi. Aiva Ronnie! Gumbo rake rainge rabatwa nemusungo wairatidza kuti waiva wekare. Waya yacho yainge yatova nengura.


Ruka, Ruka,” akakumbira Ronnie. “Ndapota ndibatsirewo. Ndiburitse mumusungo uno,” akadanidzira. Gumbo raRonnie rainge robuda ropa. Zviminzwa zvewaya zvainge zvanyura mugumbo make zvinova zvakamupedza simba.


Nechinguvacho, Ruka akatondera utsinye hwese hwaaiitirwa naRonnie. Ndinokwanisa kusiya musungo uyu wakadaro kuti arwadziwe, akafunga Ruka. Anokodzera kurwadziwa kwekanguva, pamusoro pazvo akambozviitawo kwandiri.


Ndapota, Ruka,” akakumbira Ronnie. Ruka akatondera zvidzidzo zvese zvebhaibheri zvaainge adzidziswa maererano nenyasha dza Mwari. Akaziva kuti moyo wake hawaizomubvumira kuenda achisiya Ronnie akabatwa nemusungo. Ruka akatora chimuti ndokudzosera minzwa yewaya iya kuti Ronnie asunungurwe.


Handikwanisi kufamba,” akadaro Ronnie mumahsure mekusunungurwa naRuka. Kuchasviba munguva pfupi iri kutevera uye ukandisiya, ndinooma nechando usiku kana kotonhora,” akachema Ronnie. Ruka anga asati amboona Ronnie achinzwisa tsitsi zvakadai.


Usatye zvako,” akadaro Ruka, “Ndinonotsvaga rubatsiro.” Uye akabva amhanya achidzokera kuchikoro kunotora mukuru wechikoro.


Pakarepo, Ronnie ainge ava muhofisi yachiremba uye gumbo rake rasungwa.


Zuva raitevera kuchikoro, akauya achifamba nemadondoro. Munhu wese akashamiswa kuona nyakuzvitutumadza asiri iye wemazuva ose. Panguva yekudya kwemasikati, Ronnie akauya patafura yaRuka ndokusvikomira. “Handizivi kuti anodei?’ akadaro Sam. Ruka akatarisa Ronnie.


“”Ndinoda kuti ugozondiona mumashure mezvidzidzo, Ruka,” akadaro Ronnie. Ruka akashamiswa. Ko Ronnie aida kurwa kunyangwe Ruka ainge amubatsira pamusungo here?


Pashure chikoro chakazopera, Ruka akafamba zvishoma nezvishoma achienda zvake kumba. Ronnie akauya mumashure make. “Iwe, Ruka,” akadanidzira, “Ndinoda kukuona.” Ruka akatendeuka ndokumira. Ronnie akaswedera padyo nemadondoro ake. “Iwe, Ruka,” akandandama Ronnie, “Ndinotenda nekundinunura kwawakaita mumusungo.”


Zvine basa rei?” akadaro Ruka.


Asi wakazviitira chii?” akabvunza Ronnie. “Sei wakandibatsira mumashure meutsinye hwese hwandaikuitira?”


Ndiri muKristu,” akadaro Ruka. “Mwari vakandiitira nyasha kazhinji apo ndainge ndisingakodzeri. Ndinovimba kuti anoda kuti ndiitewo izvozvo kune vamwe.”


Wakandibatsira,” akadaro Ronnie. “Chiremba ati ndaikwanisa kudimburwa kudai usina kukasika kuuya.”


Ndinofara kuti ndakakwanisa kubatsira,” akadaro Ruka. “Tingava shamwari here iye zvino, Ronnie?”


Ichokwadi,” akadaro Ronnie. “Ndine urombo ndaikuitira utsinye. Wainge urisi gwara pamusoro pazvo. Zvakatora kushinga kuti undibatsire.”


Ndiri muKristu Ronnie,” akadaro Ruka. “ndinga muKristu sewe sei?”


Ruka akaudza Ronnie kuti angazvarwa patsva sei. NaJesu mumoyo make, Ronnie akatanga kushanduka. Akaregera kuzvitutumadza. Uye nekufamba kwenguva, Ronnie akazova shamwari yaRuka yepamoyo.



DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nembiri


Shandisai shoko:


Wakamboregera kuterera here saJona? pamwe akakuudza kuti ushumire kune mumwe munhu asi wakatya kuzviita.


Ngatiitei mitambo nhasi tichiratidza zvinoitika kana vana vachiramba kuterera Mwari uye kushumira kushamwari dzavo. Mumashure memutambo wega wega, ita kuti vatambi vadzokorore vachiti hongu kuna Mwari uye kushumira kushamwari dzavo)


Mibvunzo yemutambo:


1. Jona aifanira kuenda kupi kunoparidza shoko raMwari?

2. Mwari vaida here kuti guta reNineve riparadzwe?

3. Kunaka kwaMwari nenyasha ndekwevanhu vake chete here?

4. Jona akaita sei apo akanzwa shoko raMwari?

5. Kuita zvinodiwa naMwari kunosvota here kana kusanakidza?

6. Munhu angamhanyire kupi kuti atize Mwari?

7. Chikepe chakakwirwa naJona chaiendepi?

8. Vanhu vaiva muchikepe vakafungidzira kuti chii chainge chakonzera dutu?

9. Vanhu ava vakazoziva chii pamusoro paJona?

10. Jona akavaudza kuti vaite sei kuti dutu iri ripere?

11. Sei kuramba kwaJona kuparidzira Nineve kwaiva kwakaipa zvikuru?

12. Ikodzero yedu here kuti tisarudze vanofanira uye vasingafaniri kunzwa shoko?

13. Ndeipi gadziriro inoshamisa yakaitwa naMwari kuna Jona apo ainge ava mumvura?

14. Jona akagara zvakadini mudumbu rehove?

15. Jona akazoguma adini mudumbu rehove?

16. Zvakaitika kuna Jona chaiva chiratidzo kana kuti mumvuri waani?

17. Hove yakaita sei kuna Jona apo aninge atendeuka?

18. Mwari anoshandura here pfungwa dzake kana paine chaatisarudzira kuti tiite?

19. Tingaita sei kana takanganisa kana kutadza?

20. Chii chakaitika apo Jona akaparidza shoko kuNineve?



HURONGWA HWAHAMANI HWAKAIPA


Ndima yekuverenga: Estere 1:1- 3:15


Chokwadi: Namatirai vatungamiriri venyika yedu.


Ndima yemusoro: VaRoma 8:26, “ Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi.”


Kamutambo: “Mhuri imwe pasi paMwari”


Chidzidzo: Chidzidzo - “Munyu wenyika”


Zvinodiwa: Ahashveroshi (501), Memukani(512), Varume vasakarurama (509, 522) Estere (531), hamani (532)

Kumudzidzisi


Hapana nguva yakadarika iyo ino yekuti udzidzise vana vako kunamata nekunamatira vatungamiriri venyika yedu. Kana tichida kugara murunyararo nerugare nekuita kuti vhangeri rifambe risina kudziviswa, munamato wakakosha. (I Timotio 2: 1-4) Satani anosevenza nguva dzose achiedza kufurira vatungamiriri venyika kupikisa hurongwa hwaMwari. Kuratidza hubasa hwedu kwakakosha asi chakanyanyokosha munamato.


Chidzidzo chinotaridza kuti satani anokwanisa kushandisa munhu mumwe chete kuti kuti afurire mambo wakanaka mukuita zvakaipa. Sezvo tinobvumira mweya waMwari kuti utitungamirire mukunamatira nyika yedu, tinoona hufuriri hwasatani huchidzikira uye humwari huchiwedzera. Sezvo moyo wamambo uri mumaoko aJehova (Zvirevo 21:1) regai tirambe tichinamata kuti zvishandurwe mugwara rakanaka.


Tsanangudzo:


I. Mambo Ahashiveroshi wePersia akaroora musikana wechiJuda anonzi Estere.

A. Mambo akatsamwa nekuda kwemukadzi wake mukuru, Vashti nekuti aisamuterera.

1. Pamutambo hweimba yehumambo, mambo akatumira kuti Vashti auye kuzoratidza runako rwake.

2. Mambokadzi Vashti vakaramba kuenda izvo zvinova zvakanyadzisa mambo zvikuru.

3. Mambo Ahashveroshi vakabvisa Vashti pachigaro chake vakafunga kutsvaga mumwe mambokadzi.

B. Zvakarongwa kuti paitwe mutambo wekutsvaga mambokadzi vatsva.

1. Vanasikana vose vasati vabva umhandara munyika mose vakaunzwa ndokusvitsva kuna mambo.

2. Pavanasikana vose, mambo Ahashveroshi vakasarudza nokuda Estere.

C. VaPersia vaisaziva kuti Estere aiva muJuda.

1. Modekai sekuru vaEstere vakaudza Estere kuti asaudza mapersia kuti aiva muJuda.

2. Modekai aida, uye akachengeta Estere semwanasikana wake mumashure mekufa kwevabereki vaEstere.

3. Sezvo maJuda vaiva vanhu vakakurirwa, nyaya yekuti Estere aiva muJuda yaikwanisa kumutadzisa kuva mambokadzi.

D. Pamabiko emuchato akaitirwa Estere, Modekai akagara kunze kwegedhi repamuzinda wamambo.

1. Modekai akanzwa machinda amambo maviri achironga nezvekuda kuuraya mambo.

2. Modekai akaudza Estere uyo akaudza mambo Ahashveroshi nemuzita raModekai.

3. Apo zvakaonekwa kuti chaiva chokwadi, machinda maviri aya akaurayiwa.

II. Mambo Ahashveroshi vakasimudzira murume wehumambo hwake ainziHamani ainge akavenga maJuda.

A. Hamani akaitwa mukuru wevashandi vose vaibatsira mambo.

1. Mambo akagadza hukuru hwaHamani akaudza vanhu vose kuti vamukudze.

2. Hamani aiva muAgagi werudzi rweAmareki vanhu vaiva neutsinye zvikuru kumaIsraeri panguva yekugara murenje.

B. Pamusana pemutemo waMoses wairambidza kunamatwa kwechimwe chinhu kana mumwe munhu kunze kwaMwari, Modekai akaramba kuremekedza Hamani.

1. Apo Hamani akaziva kuti Modekai ainge asingade kumukudza, akaita hasha.

2. Aisada kuuraya Modekai oga asi kuti mhuri yose yechiJuda.

C. Satani anovenga munhu wese ane ukama naMwari.

1. Sezvo asingakwanisi kuenda kuna Mwari pachake, Satani anoedza kurwadzisa Mwari kubudikidza nevanhu vake.

2. Hamani aiva mudziyo wasatani achiedza kuparadza vanhu vaMwari.

III. Hamani akaronga nzira yaizoita kuti maJuda ose aurayiwe.

A. Hamani akaudza mambo Ahashveroshi kuti mudunhu make mainge muine vamwe vanhu vasina kufanana nevanhu vepasi pose.

1. Mwari vanoda kuti vanhu vavo vasiyane nevanhu venyika nguva dzose.

2. MaKristu chikwata chakakosha (1 Petro 2:9)

3. Tinofanira kurarama mararamiro anotaurwa neshoko raMwari kwete semadiro enyika.

B. Hamani akakumbira bvumo kubva kuna mambo kuti maJuda ose emudunhu make aurayiwe.

1. Akaudza mambo kuti maJuda aisaterera mirairo yake uye aifanira kuurayiwa.

2. Ahashveroshi akabvumidza Hamani kuti aite sekukumbira kwake asingazive kuti mudzimai wake aiva muJuda.

C. Hamani akatumira zvinyorwa zvemurawu mutsva uyu munyika yose yePersia.

1. Aiva netarisiro yekuita hurongwa hwake uhu.

2. Upenyu hwezviuru zvemaJuda hwainge hwava mungozi.

D. Tinofanira kunamatira vatungamiriri venyika yedu kuti vaite sarudzo dzakanaka.

1. Minamato inovhura misuo ichibvumira Mwari kuti afambe muhurumende dzedu.

2. Tinofanira kutaura zvakanaka pamusoro pevatungamiriri vedu, tichitaura zvinoreva shoko raMwari pamusoro pavo, tisingavashori nekutaura pamusoro pekukanganisa kwavo (vaRoma 13:1-7)

3. Tinofanira kuvanamatira nendimi kuitira kuti Mweya waMwari utitungamirire kuita kuda kwaMwari (vaRoma 8:26-27).


Dzidziso yeMweya:


Baba, Ndinonamatira vatungamiriri venyika yedu.

Muve navo

Munguva dzose

Regai Mweya wenyu

Utungamirire nzira dzavo,

Kuitira kuti tigare murugare

Mazuva ose.


MHURI IMWE PASI PAMWARI


Chidzidzo chegumi nenhatu


Kamutambo


Vatambi: Izwi remutori wenhau, Sally, Moyo


Izwi: (Izwi rinonzwika kubva pasiteji) Manheru, hedzinoi nhau dzichitaurwa naDan Barwe. Heinoi misoro yenhau yanhasi, mbavha dzarura muguta guru reHarare zvekare. Vanhu vakawanda vasungwa mumashure mekuronga nzira dzekuba vachinyepera mamiriyoni emadhora.......


(Sally anopinda)


Sally: Maiwe-e. Zvinoita sekunge matambudziko ari kuramba achingondiwandira nekuda kwevatungamiriri venyika yedu. Kudai paine zvandinokwanisa kuita ndaifara zvikuru, zvino ndiri mwana mudiki. Ndicri mudiki kuti ndiitewo sarudzo.


(Moyo unopinda)


Moyo: Mhoro, Sally.


Sally: Mhoro, Moyo. Uri kuitei pano?


Moyo: Ndinoda kukuratidza kuti ungabatsira sei nyika yako.


Sally: Asi, Moyo, Ndichiri mwana mudiki. Handikwanisi kuita sarudzo. Hapana munhu angada kuterera kubva kwandiri.


Moyo: Zvakaipa!


Sally: Unorevei kana uchiti zvakaipa?


Moyo: Ndinoziva mumwe munhu anokwanisa kukuterera, uye ane simba.


Sally: Mutumwa upi iyeye?


Moyo: Haasi mutumwa.


Sally: Zvisinei, Mutungamiriri haasi kuzogara neni pasi kuti tikurukure.


Moyo: Kwete mutungamiriri.


Sally: Saka ndiani?


Moyo: Mwari. Unogona kutadza kutaura nemutungamiriri kana asi unokwanisa kutaura naMwari anova ndiye mukuru kune zvinhu zvose.


Sally: Asi Mwari haadi kupinzwa munyaya dzematongerwo enyika, anoda here?


Moyo: Hongu anoda. Muna Timotio 2:1-4, Mwari anotiraira kuti tinamatire vatungamiriri venyika yedu kuitira kuti tigare murugare uye kuti vhangeri riparidzwe pasina matambudziko.


Sally: Kana Mwari vachida kupindira muhurumende, vanodini kungopindira vachigadzirisa zvinhu?


Moyo: Havangadaro. Chivi chaAdam chakapa satani mukana wekuti ashande munyika asi pamusana pekudzikinura kwaJesu, vanhu vakaita sewe vanokwanisa kunamata vachikumbira Mwari kuti apindire munyika uye anozviita.


Sally: Unoreva kuti munamato wangu unopa shanduro yezvinoitika munyika medu here?


Moyo: Hongu.


Sally: Ndinganamatira vatungamiriri venyika yangu sei, Moyo?


Moyo: Chekutanga, kukumbira Mwari njere nekutungamirira. Namata kuti Mwari avakomberedze nevanhu vanovapa mazano akanaka.


Sally: Chimwezve?


Moyo: Hongu, Namata kuti nyika yedu ive ine ukama hwakanaka neIsraeri. Mwari vakati avo vanokomborera Israei vachakomborerwawo naye.


Sally: Ndizvo here?


Moyo: Unofanira kuregedza Mweya Mutsvene kuti akubatsire kuti unamate uye kunamata nendimi.


Sally: Vakomana! Saka ndinokwanisa kuita zvakawanda kuti ndibatsire nyika yangu. Ndinokwanisa kunamata uye Mwari anofamba kuti atibatsire. Ndichatanga manheru.


Moyo: Handei! (Vose vanoenda)




MUNYU WENYIKA


Chidzidzo chegumi nenhatu


Chidzidzo


Ndima yekutarisa: Mateo 5:13, “Uri munyu wenyika.....”


Zvinodiwa: Kabandi kenyama, pepa rekuisira zvikokisi chibhotoro chemunyu.


Gadziriro: Isa nyama papepa rekuisira zvikokisi panoonekwa nevana. Iva nechibhotoro chemunyu padyo.


Chidzidzo:


Mhoroi, vanhu vemunyu! Munozviziva hee kuti muri munyu? Jesu akataura kuti muri munyu. Akataura kuti vatendi ndivo munyu wenyika. Tiri kuda kuona muchidzidzo chino kuti aitaura nezvei.


Mumakore mashoma akapfuura, nyama yose yairungwa munyu kuti isaore. Vangani venyu vanoziva kuti nyama inokurumidza kuora sei kana isina kuiswa mufiriji? Kana nyama ikaora inonhuhwa zvakaipa!


Chivi chinonhuwa pamberi paMwari uye kana uri muKristu, chinokunhuwirawo zvekare. Satani anoda kuti nyika ino iore. Angafare kuona Jehova vachirasa nyika nevanhu vose vari mairi. Saka, satani anofamba achiedza kuita kuti vanhu vanhuwe! Anoda kuti mutadze munhuwe pamweya.


Munoziva here kuti mukaita chivi muchigara musingatereri, munoburitsa mweya unonhuwa? Mweya wenyu unoora sezvinongoitawo nyama nyoro pazuva. Vanhu vakawanda vakangodaro. Vakaora uye vanokonzera nyika yose kuti inhuwe.


Mapepanhau azere nenyaya dzevanhu vari kuora. Kana vachishanda vasina Jesu vanobva vanyanya kunhuwa. Pamaterevhizheni panoratidzwa mifananidzo yevamwe vaori zvekare. Kune dzimwe dzimbo panhepfenyuro dzakaimbwa nevaori. Kana munhu asina Jesu, anoora. Chivi chinosunga vanhu.


Tiri munyu wenyika. Kusati kwava nemafiriji, nyama yaimwaiwa munyu. (Mwaya munyu panyama) Kana nyama ichinge yaiswa munyu zvakanaka haiore. Munyu unouraya hutachiwana saka nyama haizoori!


Kana uchinamatira nyika yako, uri kubatsira kumisa utachiwana hwasatani! (Dira mumwe munyu panyama) Kana nyama yaiswa munyu wakakwana, haizoora. Munyu unobata utachiwana nekumisa simba rechivi. (Dira munyu zvekare)


Tinokwanisa kudzivisa simba rewakaipa nekumira naJesu! Tinokwanisa kunamatira mutungamiriri wenyika yedu. Tinokwanisa kuudza shamwari dzedu nezvaJesu. Tinokwanisa kupa mipiro kuhumambo hwaMwari nekubatsira kuparidza shoko. Tiri munyu wenyika.



DZOKORORO

Chidzidzo chegumi nenhatu


Shandisai shoko


1 Timotio 2:1-4 inotiudza kuti zvakakosha kunamatira vatungamiriri venyika yedu. Tinofanira kunamatira vatungamiriri nevamwewo vari muhutungamiriri.


Regai titore kanguva kekuita izvi panguva ino. (Zvakakosha kunyora vanhu ava kuti zvive nyore kuvatondera)


Mibvunzo yemutambo:


1. Mambo akaroora Estere ainzi ani?

2. Sei mambo akatsamwa pamusoro pemudzimai wake wekutanga?

3. Mambo Ahashverosh akatsvaga sei mukadzi wake mutsva?

4. MaPersia ainge achiziva here kuti Estere aiva muJuda?

5. Ndiani sekuru vaEstere vainge vamuchengeta semwanasikana wavo?

6. Sei zvainge zvakakosha kuti maPersia asazive kuti Estere aiva muJuda?

7. Modekai akafumura chii chainge charongwa pamabiko emuchato waEstere?

8. Ndiani ainge asimudzirwa namambo Ahashveroshi kuti ave mukuru wevatevedzeri vamambo vose?

9. Hamani aifarira maJuda here?

10. Mambo akaudza vanhu vese sei kuti vaterere Hamani?

11. Hamani aiva murudzii?

12. Sei Modekai akaramba kuremekedza Hamani?

13. Hamani akaronga kuita sei apo akaona kuti Modekai aisamuremekedza?

14. Sei satani achivenga munhu wese ane ukama naMwari?

15. MaKristu anofanira kurarama zvakasiyana here nevamwe vanhu?

16. Hamani akakumbira mvumo yekuita sei kubvakuna mambo Ahashiveroshi?

17. Ahashiveroshi aiziva here kuti Estere aiva muJuda apo akabvumirana nehurongwa hwaHamani?

18. Sei tichifanira kunamatira vatungamiriri venyika yedu?

19. Tinofanira kuti chii pamusoro pevatungamiriri venyika yedu?

20. Sei tichifanira kunamatira vatungamiriri vedu nendimi?



ESTERE ANOBATSIRA VANHU VAKE


Chidzidzo chegumi nena


Ndima yekuverenga: Estere 4:1 -10:3


Chokwadi: Mwari anochengetedza vanhu vake kubva mune zvakaipa.


Ndima yemusoro: Isaya 41:10, “Usatya nekuti ndinewe.”


Kamutambo: “Mambokadzi akashinga”


Chidzidzo: “Hausi wega”


Zvinodiwa: Ahashiveroshi (501), Modekai (512), Estere (531), Hamani (532)


Kumudzidzisi:


Chidzidzo chino chinotaridza kuti tinokwanisa kutenda Mwari nekuchengetedzwa kubva mune zvakaipa. Hazvina kukodzera uye hazvisi muzvinyorwa kuti tinokwanisa kudzivisa kutambudzwa nekuedzwa kunounzwa nasatani. Kana takapfeka nguwo dzaMwari tinotarisira kudzikinurwa nekukurira pazviri. Zvinofadza kuziva kuti Jesu akapunyuka nenzira inoshamisa kuurayiwa kana kurohwa pamikana yakawanda uye aikwanisa zvekare kupunyuka kuroverwa pachipiyaniso.


Sezvo Mwari achifamba muupenyu hwedu zvichienderana nekuti tinozvitenda sei, ngatimutendei nekuda kwekuchengetedza. Modekai aiziva kuti kudzikinurwa kwaiva kwechokwadi neimwe nzira. Bhaibheri rinotaura kuti kana kuedzwa kouya, Mwari anoita nzira yekupunyuka nayo. (I vaKorinte 10:13) Ngatiregei kuongorora miedzo nematambudziko asi titarisire kuchengetedzwa naMwari nekudzikinurwa.


Tsanangudzo:


I. Modekai nevaJuda vemuPersia vakanzwa nezveurongwa hwaHamani hwakaipa.

A. Vakatanga kuzvinyima vachinamata kuna Jehova.

1. Kana matambudziko auya kwatiri tinofanira kunamata kuti Mwari vatipe njere nekutitungamirira. (Jakobo 1:5)

2. Kutsanya hakuite kuti minamato ipindurwe, kunopa munhu mukana wakakwana wekutsvaga Mwari nekuterera kubva kwaari.

B. Modekai akaudza Estere nezvaHamani akamuudza kuti akumbire ruyamuro kubva kuna mambo Ahashveroshi.

1. Pakutanga, Estere ainge achizeza.

2. Mambo ainge asati amboonana naEstere kwemazuva makumi matatu, uye nekuda kwemutongo werufu, hapana aibvumidzwa kumuona kunze kwekunge atokokwa namambo.

C. Modekai akakurudzira Estere kuti amiririre vanhu verudzi rwake.

1. Akaudza Estere kuti maJuda aikwanisa kununurwa neimwe nzira.

2. Simba rake samambokadzi rainge rakakosha zvikuru panguva ino.

D. Mwari ainge aita Estere mambokadzi panguva yakaita seino.

1. Upenyu hwedu hune chekuita kune vamwe vanhu.

2. Mwari ane hurongwa hwakakosha paupenyu hwako sehwaaiva naho kuna Estere.

II. Estere akaita sarudzo yekuisa upenyu hwake pangozi kuti abatsire vanhu verudzi rwake.

A. Akaziva kuti kana mambo akasasimudza tsvimbo yake, aizourayiwa pamusana pekupinda mudare make.

1. Apo Estere akapinda mudare, mambo akasimudza tsvimbo yake kwaari.

2. Akaudza Estere kuti aizomupa chose chaaida.

B. Estere akakumbira kuti mambo naHamani vazouya kumutambo hwakakosha.

1. Mambo vakadana Hamani pakarepo vakaenda kumutambo hwaEstere.

2. Hamani akafara kuuya kumutambo hwakakosha uyu.

3. Mambo akabvunza Estere zvekare kana paine chaaida zvekare, uye akavakoka kumutambo wepiri waizoitwa mangwana acho.

C. Mutambo wechipiri usati waitwa, Mambo Ahashveroshi vakaudza Hamani kuti aremekedze Modekai nekuti ainge adzivirira mambo kuti asaurayiwa.

1. Hamani ainge achironga zvekukumbira bvumo kubva kuna mambo yekuti auraye Modekai, apo mambo akatuma Hamani kunoremekedza Modekai, kuchengetedza kwaMwari kwaivapo.

2. Nekuda kwaMambo, Hamani akapfekedza Modekai mbatya dzaMambo ndokumutungamirira mumigwagwa ari pabhiza.

3. Hamani aivenga kukudza Modekai asi painge pasina chekuita.

D. Pamutambo musi iwoyu manheru, Estere akakumbira mambo kuchengetedzwa kubva kuhurongwa hwaHamani husakarurama.

1. Akamuudza kuti aiva muJuda uye akakumbira nyasha iye pamwe nevanhu verudzi rwake.

2. Ahashveroshi akatsamwa apo akaziva zvainge zvitwa naHamani.

3. Hamani akakumbira nyasha kubva kuna mambokadzi Estere, uye akanyara nezvaainge aita.

III. Mambo Ahashveroshi akanzwira maJuda ose tsitsi.

A. Chinhu chekutanga chaakada kuita, kwaiva kuparadza Hamani.

1. Hamani akasungirirwa paaida kusungirira Modekai.

2. Chakaipa chinobhadharwa nechakaipa kunze kwekunge munhu atendeuka.

B. Mambo akazopa maJuda ose aiva munyika make simba rekuzvidzivirira pazuva ravaifanira kuzourayiwa.

1. Nguva yainge yapera yekushandura zvainge zvatangwa naHamani.

2. MaJuda ainge okwanisa kukurira vavengi vavo vose. (Deuteronomio 28:7)

C. Modekai akava mutevedzeri wemutungamiriri wenyika yose yePersia.

1. Aiva mutungamiriri wamambo Ahashveroshi pachake.

2. Kuzivikanwa kwake munyika kwakaramba kuchiwedzera.

D. Hurongwa hwasatani hwekuparadza vanhu vaMwari hwakadzoka kumuridzi.

1. Kuchengetedza kwaMwari kwakakura kudarika hurongwa hwasatani (VaEfeso 6:10-11)

2. Mwari anotichengetedza kubudikidza neshoko rake (Jeremiah 1:12), Mweya wake (Johane 16:13), zita rake (Markop 16:17-18), kurumbidza kwake (Mapisarema 8:2) uye vatumwa vake (mapisarema 91:11-12)

3. Tendai Mwari nekuda kwekuchengeta kwake.


Dzidziso yeMweya:


Usatye nekuti ndinewe.

Usatye, ndini Mwari wako.

Ndichakupa simba,

Hongu, ndichakubatsira.

Ndichakuchengetedza kubva mukutambudzika kwese.




MAMBOKADZI AKASHINGA


Chidzidzo chegumi nena


Kamutambo


Vatambi: Estere, Mubvunzi


Mubvunzi: Tiri kufara zvikuru kuti tine tsvarakadenga muno nhasi. Akasarudzwa kuva mambokadzi mumashure mekukunda mumakwikwi erunako akaitwa kuBhabhironi. Kushinga kwake nekutenda kwakaita kuti abudirire. Ngatigashirei mambokadzi Estere.


(Estere anopinda)


Estere: Ndinotenda. Ndinotenda.


Mubvunzi: Uri mukadzi akanaka chaizvo, Estere.


Estere: Wazviita zvako. Une moyo wakanaka, asi chimiro hazvisizvo zvoga.


Mubvunzi: Uri kutaura chokwadi, mambokadzi Estere. Mwari vanoti vana vavo vose vakanaka pamusana pekuti anovaona muna Kristu.


Estere: Hongu. Kana munhu agamuchira Jesu mumoyo make, Mwari vanogeza zvivi zvose. Anotiita tive takanaka.


Mubvunzi: Uye zviri nani kunaka mukati pane kunaka kunze.


Estere: Mwari anotarisa moyo wako, ndizvo zvine basa.


Mubvunzi: Zvisinei, Estere, tiudze zvakaitika apo waiva mambokadzi.


Estere: Chinhu chakanyanyokosha pandaiva mambokadzi, kushandiswa kwandakaitwa naMwari kudzikinura maJuda.


Mubvunzi: Waiva mudzikinuri?


Estere: Kwete, kwete. Mwari akandishandisa kudzikinura maJuda.


Mubvunzi: Wakavadzikinura sei?


Estere: Mwari akandishandisa kuti ndiburitse maJuda mumatambudziko.


Mubvunzi: Ya-a ndanzwisisa. MaJuda ainge apinda mumatambudziko rudzii?


Estere: Unoziva kuti humambo hwese hweIsraeri hwainge hwaparadzwa uye maJuda ainge apararira kwese kwese.


Mubvunzi: Hongu ndinozvitondera.


Estere: MaJuda mazhinji aigara muPersia apo ndainge ndiri mambokadzi.


Mubvunzi: Uri muJuda here?


Estere: Hongu, Ndiri muJuda asi sekuru vangu, Modekai vakandiudza kuti ndisaudza murume wangu, mambo Ahashveroshi.


Mubvunzi: Mambo aisada maJuda here?


Estere: Aisavavenga asi mumwe mupi wemazano wake mukuru, aivenga Modekai pamwe nemaJuda ose.


Mubvunzi: Ndiani nyoka yaivenga vanhu vaMwari kudaro?


Estere: Ainzi Hamani. Akanyengedza murume wangu kuti ape mutemo wekuti maJuda ose aurayiwe.


Mubvunzi: Benzi romunhu! Sei akaita zvakadaro?


Estere: Satani aimushandisa mukuedza kuparadza vanhu vaMwari. Uye kudai vanhu vaMwari vakaparadzwa, kungadai kusina kuzozvarwa muponesi.


Mubvunzi: Izvi zvainge zvakaoma, saka wakaita sei?


Estere: Ndakaisa upenyu hwangu munjodzi kuti ndikumbire mambo kuti abatsire vanhu verudzi rwangu.


Mubvunzi: Murume wako chaiye aikwanisa kuita kuti uurayiwe?


Estere: Hongu. Panguva iyoyo maPersia aiva nemirairo isinganzwisisike. Kana mumwe munhu, kunyangwe mambokadzi akapinda mumatare amambo asina kukokwa aizourayiwa.


Mubvunzi: Uye mambo vainge vasina kukukoka kuti unovaona?


Estere: Kwete, ainge asina kundidana. Uye zuva rekuti maJuda aparadzwe rainge roswedera uye ndaitofanira kuita chimwe chinhu.


Mubvunzi: Chii chakaita kuti ushinge kudaro?


Estere: Ndaiziva kuti Mwari vaneni.


Mubvunzi: Zvakanaka kutondera. Mwari havakundikane. Mambo akaita sei apo wakapinda mumatare make?


Estere: Akapa chiratidzo chekuti ndaifanira kuregererwa. Akafara zvikuru kundiona.


Mubvunzi: Wakamukumbira here kuti ashandure murairo wake?


Estere: Ndakamubikira chikafu chemanheru chakawanda apo akakokawo Hamani kuti ave mweni wedu.


Mubvunzi: Hamani? Sei makakoka nyoka yemunhu yakadaro?


Estere: Ndaiva nehurongwa hwakavandika. Ndakamira kukumbira murume wangu kuti abatsire maJuda kusvikira avakunyanyondifarira. Kana openga anopenga zvachose.


Mubvunzi: Saka waida kuti Hamani avepo kana mambo openga?


Estere: Ndizvozvo. Uye apo ndakaudza mambo kuti ndiri muJuda uye kushata kwehurongwa hwaHamani, akatsamwa zvikuru.


Mubvunzi: Uye Hamani akava nemutambo wekusunga tai, akaurayirwa panzvimbo paainge agadzirira kuti agoparadzira maJuda.


Estere: Mwari akandishandisa kuti ndinunure vanhu vake.


Mubvunzi: Inyaya inonakidza iyi, tazvinzwira kubva kuna mambokadzi Estere.




HAUSI WEGA


Chidzidzo chegumi nena


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: Zvirevo 3:5,6, “Vimba naJehova nemoyo wako wese, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”

Zvinodiwa: Chimucheka chitema chekuvharisa maziso nemwana wekukubatsira.


Gadziriro: Iva nechimucheka chekuvharisa maziso pamberi pevana. Gadzirira mwana wekudoma kuti akubatsire. Iva nechokwadi chekusarudza mwana akagara zvakanaka uye akaterera.


Chidzidzo:


Vangani venyu nhasi vanga vachinzwa sevari vega? Pamwe wanga uchitotya uchifunga kuti uri wega. Wanga uchiziva here kuti dzimwe nguva mabasa kana zvimwe zvinhu zvatinopiwa kuti tiite zviri nyore kuita kana paine mubatsiri.


Ndinoda mumwe munhu wekuti andibatsire nhasi. (Tarisa kwese kwese usarudze mumwe munhu kuti auye mberi kwevamwe) Izvi ndizvo zvandinoda kuti uite. Ndinoda kuti ufambe kubva pano kuenda kumashure kwemba yekudzidzira usina kubondera pane chimwe chinhu kana pane mumwe munhu. Zvakapusaka izvi. Funga, unokwanisa kuzviita izvi? Chokwadi unokwnaisa. Pane chinhu chimwe chete chandakanganwa kukuudza. Ndichavhara maziso ako nechimucheka ichi, ndobva ndakutenderedza. (Panguva ino, sungirira mucheka kumeso kwemubatsiri wobva wamuzeyesa kakati wandei) Tondera usabondere pane chimwe chinhu kana mumwe munhu. (Kana achinge abondera vamwe vana vanoseka)


Chidzoka zvako kuno tigodzokorodza zvekare. Waita zvakanaka asi iye zvino ndichange ndichikubatsira. Ngatiisei chimucheka zvekare tidzokorodze. (Panguva dzino, bata mwana ruoko nekumutungamirira kuti asarovera pane zvimwe zvinhu.)

Waita zvakanaka. Zvanga zvisiri nyore here kepiri? Vakomana nevasikana zvanga zviri nyore kuna (taura zita remwana) kuti afambe zvakanaka sezvo ndanga ndichimutungamirira. Uye munoziva, kana muchibvumira Mwari kuti akutungamirirei kuti nzira dzenyu dziswatuke, mucharerukirwa nezvese zvamunoita.


Hausi wega kana Jesub ari mambo wako. Mwari anochengetedza nekutungamirira vanhu vake kubva mune zvakaipa. Hapana kodzero yekutya nekuti Mwari Baba vanotivimbisa mushoko ravo kuti havazotisiyi. Vanotitungamirira nekutichengetedza kuti tisabondere pane chipi nechipi zvacho chinoedza kuiswa pamberi pedu nasatani. Hausi wega. Mwari anogara aine vana vake nguva dzose.




DZOKORORO


Chidzidzo chechina


Shandisai shoko:


Wakambopinda mumatambudziko here apo zvaitaridzika sekunge mumwe munhu achakukuvadza? Mwari vakakurwira here? Udza vamwe zvakaitika.


Mibvunzo yemutambo:


1. Modekai nemaJuda vakaita sei apo vakanzwa nezvehurongwa hwaHamani husakarurama?

2. Kutsanya kunokonzear here kuti minamato yedu ipindurwe?

3. Modekai akakumbira Estere kuti aitei mumashure mekunzwa hurongwa hwaHamani?

4. Sei Estere aizengurira kubatsira pakutanga?

5. Simba raEstere samambokadzi raishanda here panyaya iyi?

6. Sei upenyu hwedu tese hwakakosha?

7. Mambo akaita sei apo Estere akapinda mumatare ake asina mvumo?