VOLUME 3 BK 1
NYAYA INOKOSHA KUNA MARIA
Chidzidzo chekutanga
Ndima yekuverenga: Mateo 1:18 -25, Ruka 1:26 -38, Johane 1:1-14
Chokwadi: Jesu weNazareta ndiye shoko raMwari rinorarama
Ndima yemusoro: Johane 1:14, "Shoko rakava nyama, ndokugara pakati pedu"
Kamutambo: Amai vanokosha munyika
Chidzidzo: Rungano - "Chishamiso kuna Carol"
Zvinobatsira: Mutumwa Gabriel (600). Maria (601), Josefa (602)
Kumudzidzisi:
Chinhu chakakosha kurangarira muchidzidzo ichi ndechekuti Jesu haana kutanga kurarama apo Maria paakaita pamuviri. Jesu akanga ariko kare semunhu wechipiri wemuviri waMwari. Ndiye shoko raMwari akatora muviri waMwari. Mune mamwe mashoko Jesu ndiye tsananguro yaMwari mumuviri wemunhu (VaHeberu 1:3). Mafungiro aMwari, mabatiro ake uye matauriro ake akanyatsoratidzwa neshoko raMwari rinorarama. Chikamu chaMwari chaiva chekubatanaidza shoko kuti rive muviri. Apo unodzidzisa, iva nechokwadi uye kutsanangura kuti Jesu aivepo naMwari seshoko zvekare isa mundangariro kuti Jesu achadaidzwa nezita iroro kwamakore ose (Zvakazarurwa 19:13)
Tsanaguro:
I. Mwari vakatuma mutumwa wavo Gabriel kumhandara Maria.
A. Maria aigara Nazareta, guta reGareri.
1. Zvakanga zvaporofitwa kuti mudzikinuri achanzi muNazarini (Mateo 2:23)
2. Maria aiva musikana akarurama aida Mwari nemoyo wake wose.
B. Maria akanga akavimbisana kuzoroorana nemumwe murume ainzi Josefa, aiva muvezi.
1. Maria akanga asati agara naJosefa - vakanga vasati vachata.
2. Hupenyu hwake hwemangwana hwakanga hwakarongeka nekuda kwechitsidzo ichi. Hapana waaisoroorwa naye kunze kwaJosefa.
3. Kusiya chitsidzo ichi kwaitoda kurambana.
C. Pekutanga Maria akatya mutumwa Gabriel paakazviratidza.
1. Akanga asati amboona zvakadai.
2. Gabriel akamuudza kuti asatye. Mwari havatyisidzire vana vavo.
D. Gabriel akaudza Maria kuti aifadza Mwari uye kuti aiva mukadzi akakomborerwa.
1. Mumwe nemumwe wedu akakoshera Mwari.
2. Pane nzvimbo mumoyo maMwari isina anokwana kunze kwako iwe.
II. Gabriel akaudza Maria nyaya inokosha.
A. Akamuudza kuti achava nemwana, asi kwete mwana zvake.
1. Mwana uyu aizova mukomana - mwanakomana waMwari.
2. Gabriel akamuudza nezita raaizomupa, Jesu.
3. Akati mwana uyu aizova mambo uye aizotonga vanhu vaMwari nekusingaperi.
B. Maria haana kunzwisisa kuti aizova nemwana sei ipo pasina murume waainge asangana naye.
1. Vana vese vanozvarwa kana mhodzi yemurume yapinda mumukadzi.
2. Nekuda kwechivi chaAdam mumunda weEden, mhodzi dzese dzevarume dzakatukwa nechivi uye rufu.
C. Gabriel akaudza Maria kuti baba vemwana wake havaizova munhu.
1. Mwari, nesimba reMweya Mutsvene, vaizodyara shoko ravo maari.
2. Mwari pachavo ndivo vaizova baba vemwana uyu.
3. Mwana waMaria aizozvarwa asina kutukwa kwezvivi kana rufu nekuti aiva Mwanakomana waMwari.
D. Kunyangwe asina kunzwisisa zvose zvakatsanangurwa, Maria akagamuchira hurongwa hwaMwari kubva kuna Gabriel.
1. Akati, "Ngazviitike kwandiri sezvamataura." (Ruka 1:38)
2. Kugamuchira shoko raMwari ndicho chivimbo chekutanga "Kuzvara", chishamiso chako chinobva kuna Mwari.
III. Semataurirwo azvakaitwa naGabriel, Maria akava amai vaitarisira.
A. Jesu asati auya panyika semwana, ainzi shoko raMwari. (Johane 1:1)
1. Aigara naMwari asati auya panyika.
2. Mwana aiva mudumbu raMaria aiva shoko raMwari rinorarama.
3. Shoko raMwari munhu, Jesu.
B. Josefa akarwadziwa apo akaziva kuti Maria akanga akatarisira mwana.
1. Akafunga kuti akanga agara nemumwe murume.
2. Nekuti aiva murume ane ngoni uye akarurama, Josefa akafunga kuramba Maria chinyararire, kuti asanyare uye asatakwe nematombo.
C. Apo Josefa aironga izvi, mutumwa waMwari akazviratidza kwaari.
1. Akaudza Josefa kuti asatye kutora Maria semukadzi wake.
2. Akatsanangura kuti Maria akava nepamuviri peMweya Mutsvene uye kuti mwana wake aiva mudzikinuri, Jesu.
D. Anzwa tsananguro yemutumwa, Josefa akaroora Maria nekuti akaziva kuti mwana uyu aiva Mwanakomana waMwari.
1. Shoko raizova nyama rotsanangura kuti Mwari ndiani, uye kuti Mwari akaita sei kuvanhu. (Johane 1:14)
2. Jesu haashanduki, shoko raMwari rinorarama. (Zvakazarurwa 19:13)
Dzidziso yeMweya Mutsvene
Pakutanga
Kwaiva neshoko
Shoko raiva naMwari
Uye shoko raiva Mwari
Shoko rakava munhu
Rakagara rikafamba panyika
Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari
Ndiye shoko rinorarama.
AMAI VANOKOSHA MUNYIKA
Kamutambo Chidzidzo chekutanga
Vatambi: Mubvunzi , Maria
Mubvunzi: Nhasi tinoremekedza amai vanokosha. Tingangoti, ndivo amai vakakosha pavakararama vose. Ngativaombererei maoko tichivatambira, amai Maria.
Maria: Maita zvenyu, muri vana vakazadzwa nenyasha.
Mubvunzi: Maria, Mwari vane nzvimbo yakakosha yavakakuchengetera, ndizvozvo here?
Maria: Hongu, asi mumwe nemumwe wedu akakosha pana Mwari. Ndakakomborerwa kuva amai veMwana waMwari, asi vana ava vakakoshera Mwari.
Mubvunzi: Mwari vakarongera mumwe nemumwe wedu zvakakosha. Maria ungatiudze wo here kuti tingawana sei zvatakarongerwa naMwari.
Maria: Regai ndimbofunga ..... Oh, hongu. Ndinotenda kuti tinofanira kugara takarurama kuti tive nezvaMwari zvakakosha.
Mubvunzi: Bhaibheri rinoti waiva wakarurama, mhandara, zvinorevei kuti kuva mutsvene?
Maria: Kuva mutsvene kuchengetedza muromo wako kuti usataura zvisakarurama nemashoko anorwadza, uye kurangarira Mwari nguva dzose.
Mubvunzi: Maria, ndine urombo, kuti vazhinji vedu muno takatadza. Zvinoreva here kuti hatisisiri vatsvene.?
Maria: Kwete, Tendai Mwari nenyasha dzavo dzekuregerera. Munhu wese akatadza kana kuita chimwe chinhu chisakarurama. Mwana wangu chete Jesu, ndiye akararama upenyu hutsvene, asi nekuti mupiro wedu, zvivi zvedu zvinogona kusukwa. Kana vatadzi vanochenurwa kana vakatambira nyasha dzaMwari kuburikidza naJesu.
Mubvunzi: Wakambovao here nenguva yawakarova Jesu ari mudiki?
Maria: Kwete! Haana kana kumbotadza kana kugumbuka. Haana kana kumborwa nevamwe vana, aiva mwana akarurama.
Mubvunzi: Aitamba here nevamwe vana?
Maria: Oh, hongu. Aitamba nekufarira zvaidiwa nevamwe vana. Asi paingova nekamusioyano pane imwe nzvimbo, kunyangwe zvakadaro.
Mubvunzi: Chii chaaiita chaishamisa?
Maria: Aipedza nguva refu, ari mumasinagoge apo akanga okwanisa kuverenga achiverenga, chitenderano chekare.
Mubvunzi: Aiva nenzara yekuda kudzidza nezvaMwari?
Maria: Hongu. Aibvunza mibvunzo yandaitadza kupindura asati ave negumi nemakore mairi.
Mubvunzi: Anofanira kuva aiva akakosha.
Maria: Aiva akakoshesa. Paiva nemutsauko kubva pakutanga. Handife ndakakanganwa mutumwa waMwari, Gabriel apo akauya mumba mangu kuzondiudza nezvemwanakomana
waMwari.
Mubvunzi: Ndiko kushanyirwa kwekutanga here kwawakaitwa nemutumwa Gabriel, Jesu asati azvarwa?
Maria: Hongu, zvakaitika ndisati ndambova nechifungidziro chekuti ndichaita mwana. Mutumwa akandiudza kuti ndichaita mwana, Mwana waMwari.
Mubvunzi: Wakanzwa sei?
Maria: Ndakashamisika, asi handina kubvunza. Ndaiziva kuti Mwari vanokwanisa kuita chero chinhu.
Mubvunzi: Mwari anokwanisa kuita chero chinhu?
Maria: Chero chinhu!
Mubvunzi: Kurapa varwere?
Maria: Hazvimunetsi !
Mubvunzi: Kuonesa mapofu?
Maria: Chaizvo!
Mubvunzi: Kumutsa vakafa?
Maria: Masimba aMwari haana muganhu. Aida kuti ndibereke Mwanakomana wake, zvikaotika sokudaro.
Mubvunzi: Zvakakosha.
Maria: Wati kudini?
Mubvunzi: Zvakakosha kutenda kuna Mwari zvisinei kuti dambudziko racho rakakura sei.
Maria: Haungawani hurongwa hwaMwari paupenyu hwako kana usingatendi.
Mubvunzi: Ndinotenda mushoko raMwari.
Maria: Ndiri mutendi asingakahadziki.
Mubvunzi: Ndiri mutendi asingakahadziki. Vana ava vanofanira kuzvidzokororawo. (Ita kuti vana vadzokorore mashoko aya, kaviri kana katatu.) Ngatidzokororei tose, Ndiri mutendi asingakahadziki. Zvekare, Ndiri mutendi asingakahadziki.
Maria: Zvakanaka vatendi. Ndava kuenda kunogara nemwana wangu nekusingaperi!
CHISHAMISO KUNA CAROL
Kamutambo Chidzidzo chekutanga
"Amai ndinoda kuendawo kuchechi yevanhu vakuru nemi? Kamwe chete ikako chete. "Ndinokuvimbisai kuti nguva inotevera, ndinoenda kuchechi yevana vadiki."
"Carol unofanira kutondera zvatataura tichibva kumba. Unofanira kuti usangane nevamwe vana vezera rako. Ndinofunga kuti kuchechi ndiyo nzvimbo yega yaunokwanisa kuwana shamwari."
"Amai, tarisai zvandakaita. Vana vanotamba vachimhanya mhanya. Munofunga kuti ndiani angada kutamba nechibibi?"
"Haufanire kudaro mwanangu. Hausiri chibibi. Wakangorwarawo nechirwere chekuoma mutezo."
Amai vakamufambisa ari muchigaro ndokuenda naye kubazi revana. "Ramba uri pano apa ndinonokutsvagira mudzidzisi anouya kuzogara newe pano."
"Amai handisi mwana mudiki. Handidi mureri."
"Hazvina basa izvo, chindisiyai ndakadaro."
Sei vachingoita zvekuti vandinyadzise? akafunga Carol. Ndinofunga, ndizvo zvavanotaura - kuchengeta vana.
"Ko wakadini zvako, Carol? Ndafara chaizvo kuti uri pano. Ndini Mufundisi Wilson. Kana ukanditevera, ndinokuratidza kwamunodzidzira."
Ah! vanenge vane moyo wakanaka, akafunga Carol. Zvekare havana kundibata semwana!
Carol akawana nzvimbo pasina aizokuvadzwa nechigaro chake. Akatsrisa akaona madziro akapendwa zvakanaka, pamwechete nevana vaiseka. Izvi zviri nani pane zvandaifunga. Vana vakawanda vakakwazisa Carol nekuzvitaura kwaari. Carol akanzwa kukurudzirwa nemaitiro evana ava.
Carol akaedzawo nepaaigona napo panguva yekuimba kunyangwe zvazvo aisaziva mazwi enziyo dzacho. Kwakatevera kamwe kamutambo kaakafarira chose.
Mufundisi Wilson vakataura pamusoro pechimwe chinhu chaakanga asati ambonzwa nezvacho.
Vakaudza vanhu vese kuti kwaisava kuda kwaMwari kuti vanhu varware. Carol akanga apa upenyu hwake kuna Mwari apo aiva nemakore mashanu ekuberekwa. Aigara achiudzwa kuti achange asisashandise chigaro chake chemavhiri kana achinge azoenda kudenga kuna Jesu zvachose. Murume uyu aimutaurira kuti Jesu vaida kuti aite zvakanaka nguva iyoyo. Zvakanaka sei kumhanya nekutambawo nevamwe vana vadiki? akafunga Carol.
Mufundisi Wilson vakataura pamusoro paMaria amai vaJesu, zvekushanyirwa kwavo nemutumwa uyo akavaudza kuti vachava amai vemwanakomana waMwari. Mufundisi Wilson vakatsanangura magariro aiita Jesu kudenga zvekare kuti ndiye shoko raMwari. Maria akamupa mutumbi saka aiva shoko rakaputirwa munyama. Kunyangwe zvazvo Maria asina kunzwisisa zvose zvaaakaudzwa nemutumwa, akati, "Ngazviitike kwandiri sezvamataura." Pamusana pekuti Maria akagamuchira shoko raMwari, akava amai vemwanakomana waMwari.
Mufundisi vakati tinokwanisa kuita saMaria pamusana pekugashira shoko raMwari mumoyo medu. Kugashira shoko raMwari mumoyo medu ndicho chinhu chekutanga tisati tagashira zvatinoda kubva kunaMwari. Akataura kuti, kana tikagashira shoko raMwari mumoyo medu, zvakafanana nekudyara mbeu muvhu. Ukadyara mbeu , ukaidiridza nekutenda inounza mhinduro inoita kunge mbeu iri kukura kubva muvhu. Mufundisi Wilson vakatsanangurawokuti dzimwe nguva mbeu inobva yangokura pakarepo zvinova ndizvo zvinonzi zvishamiso.
Carol akanyatsomirira chijana chake. Akafara chaizvo kuva nenguva iyi. "Ndarapwa, ndarapwa naJesu. Ndarapwa, izwi rakaramba richingotenderera mupfungwa dzake. Pakupedzisira mufundisi Wilson vakazobvunza kana paine aida kurapwa.
Carol akadaidzira, "Mufundisi, Mufundisi, ndazviitike kwandiri kubudikidza neshoko raMwari." Vamwe vana vakatanga kuseka asi Carol haana kuita basa nazvo. Aida kufamba kudarika zvimwe zvinhu zvese panyika. Akabva anzwa kakunyeredzwa mumakumbo ake. "Ndarapwa, Mufundisi! Ndinoziva kuti ndarapwa!"
"Saka zvino sei uchiri muchigaro chemavhiri?" akabvunza mumwe mukomana aiva akagara padyo naye.
"Ndinoziva kuti ndarapwa. Apo Mufundisi vataura kuti Jesu vanoda kuti ndirapwe, pane zvaitika mumoyo mangu. Handisati ndambozvinzwa zvakare." Carol akasimuka kubva muchigaro chake, ndokutwasanura makumbo ake zvishoma nezvishoma. "Ndarapwa, Ndarapwa," akadaidzira apo aisimuka. Vana vose vakaita ruzha rwekufara apo Carol akatanga kufamba.
Carol akafamba zvishoma nezvishoma achitenderera mumba mavaidzidzira umu. Simba rake rakaramba richiwanda apo aifamba. Akabva amhanyira mumaoko mamufundisi Wislon achichema nerufaro, "Ndarapwa! Ndarapwa! Ndinotenda! Ndinotenda"
Kumeso kwamufundisi Wilson kwakafaranuka apo vakatarisa maziso aCarol ayo aiva akazara nemisodzi yemufaro. "Mwanangu, Jesu vakusimbisa," vakadaro mufundisi.
Amai vanga vachifunga kuti vari kundiunza kuno kuti ndiite shamwari, akafunga Carol, asi Mwari vanga vachida kuti vandirape!
DZOKORORO
Chidzidzo chekutanga
Shandisai shoko
Jesu ishoko raMwari rinorarama. Zvakakosha kuti titende nekuterera bhaibheri sezvataingoitawo kutenda nekuterera Jesu kudai aititaurira nemuromo.
Ungafunge here imwe nguva yawakatenda kushoko apo zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka, zvikazoshanduka kuva zvakanaka? Taurira vamwe zvakaitika.
Mibvunzo
1. Ndeipi ngirozi yaMwari yakaunza nyaya inokosha kuna Maria?
2. Maria aiva mukadzi akaita sei?
3. Maria aigara muguta ripi?
4. Maria ainge akatsidzirana nemurume ainzi ani kuti vachazoroorana?
5. Maria akazvitora sei pekutanga apo ngirozi, Gabriel yakamushanyira?
6. Mumwewo munhu anokwanisa here kutora nzvimbo yako kunaMwari?
7. Ngirozi Gabriel yakaunza nyaya yei yakakosha kuna Maria?
8. Gabriel akaudza Maria kuti atumidze mwana kuti ani?
9. Gabriel akataurira Maria kuti chii nezvaJesu?
10. Sei Maria asina kunzwisisa nyaya yekuva nemwana yakauya naGabriel?
11. Pamusana pechivi chaAdam chii chakaitika kumhodzi yemurume wese?
12. Mwari akaita sei kuti ave baba vaJesu?
13. Maria akabvuma here kana kuti akaramba nyaya yakauya naGabriel?
14. Jesu aiva mupenyu here asati auya panyika?
15. Jesu ainzi ani , asati auya panyika?
16. Sei Josefa akarwadziwa apo akaziva kuti Maria aiva ave kuzova nemwana?
17. Pamusana pekuti Josefa aiva netsitsi, chii chaakafunga kuti aite?
18. Chii chakaitika kuna Josefa apo aifunga zvekuita?
19. Apo Josefa akanzwa tsanangudzo yengirozi, akaita sei?
20. Chii chaive chakakosha pakuti shoko raMwari rive munhu?
KUZVARWA KWAJESU
Chidzidzo chechipiri
Ndima yekuverenga: Ruka 2:1-21
Chokwadi: Jesu akazvarwa panyika semurume aiva nemasimba aMwari.
Ndima yemusoro: Johane 3:16 "Mwari vakada nyika nekudaro, vakaipa kumuzvari wake kuti ani nani anomutenda ave neupenyu husingaperi."
Kamutambo: Mabasa mamwecheteyo.
Chidzidzo: "Hwayana yaMwari"
Zvinobatsira: Ngirozi (600), Maria (601), Josefa (602), dhongi (603), chidyiro chemombe (604), mwana Jesu (605), hwai (606), ngamera (607), vafudzi (608), chikwata cheNgirozi (609), nyenyedzi (610), guta (611)
Kumudzidzisi
Nyatsosimbaradza kuvana vako kuti shoko raMwari rakauya riri munhu. Akazvarwa ari munhu sezvinongoitwawo vamwe vanhu vese. Kunyangwe zvazvo akanga ari Mwari, akararama upenyu hwemunhu achitevedzera zvidzidzo zvemagwaro achisimbaradzwa neMweya Mutsvene. Haana kuzvarwa aine chituko cherufu, pamusana pekuti aiva asiri chebereko chemunhu, asi iye aiva munhu.
Hwayana dzaibairwa muchitenderano chekare dzaifanira kunge dzisina vara. Jesu anokodzera pachitarisiro ichi. Rufu rwakanga rusina simba paari. Aiva akaita saAdam asati aita chivi. Dai Jesu akanga asina kumira panzvimbo pedu, angadai akararama nekusingaperi nekuti chivi chaAdam chaiva chisina nzvimbo maari.
Tsananguro
I. Josefa naMaria vakafamba kuenda kuJudea panguva iyo Maria aiva otarisira kusununguka.
A. Mutongi wemaRoma, Agustus Caesar akati vanhu vose vaiva pasi pehutongi hwake vaifanira kubhadhara mitero.
1. Nyika yose yeIsrael yaiva pasi pehutongi wemaRoma nguva iyoyo.
2. Tinotarisirwa naMwari kuti tibhadhare mitero kuhurumende dzedu. (vaRoma 13:6-7)
B. Munhu wese aifanira kunyoresa mutero kuguta raanobva.
1. Josefa naMaria vaifanira kufamba kubva kuNazareta kuenda kuguta raDavid rainzi Beterehema.
2. Urwu rwaiva rwendo rwemamaira makumi manomwe.
C. Vose Maria naJosefa vaiva vechizvarwa chamambo David.
1. Mwari aive avimbisa kuti vechizvarwa chaDavid vaizotonga Israel nekusingaperi.
2. Isaiah aive aporofita kuti mudzikinuri achabvazve muchizvarwa chaDavid.
(Isaiah 11:10)
D. Pavakangosvika muBeterehema, Josefa naMaria vakatsvaga nzvimbo yekugara.
1. Vakasvotwa nekuwana dzimba dzekugara dzose dzakazara.
2. Nzvimbo yaingovapo chete, idanga remadhongi. Vakanga vasisina sarudzo asi kugaramo.
II. Maria akasunungukira mwana wake imomo mudanga ramadhongi.
A. Apo mwana paakazvarwa, Maria akamuputira nemachira.
1. Machira aya aiva machira anonyatsomona mwana zvakasimba akaita sechitunha.
2. Kana tazvarwa patsva, tinoputirwa zvakasimba murudo rwaMwari.
B. Maria akabva aisa mwana muchidyiro chemadhongi.
1. Chidyiro chemadhongi chinhu chaiva chakagadzirirwa kuti chinoisirwa chikafu chemadhongi kuti adye.
2. Masvikiroi akaita musiki wedenga nepasi pano panyika!
C. Semataurirwo aiva aiitwa Josefa naMaria nengirozi Gabriel, vakatumidza mwana kuti Jesu.
1. Jesu zvinoreva kuti "Muponesi"
2. Akatumidzwa zvekare kuti Immanuel zvinoreva kuti "Mwari anesu"
III. Vafudzi vakauya kuzonamata, Muponesi aiva azvarwa uyu.
A. Vafudzi vaifudza hwai dzavo husiku.
1. Pachinguvanacho, ngirozi yaMwari yakaonekwa, kubwinya kwaMwari kukapenya pavari vose.
2. Pakutanga vafudzi vakatya.
B. Ngirozi yaMwari yakavaudza nhau yakanaka.
1. Yakavaudza nezvekuzvarwa kwKristu, ndokuvaudza kwaaiva.
2. Pakarepo boka rengirozi rakaonekwa pamwe nengirozi yekutanga.
C. Boka rengorozi iri, rairumbidza Mwari richivimbisa rugare nekuda kwaMwari kuvanhu.
1. Tinofanira kugara tichifara nekutenda kuti Jesu akauya.
2. Kufara kwedu kwakakosha kunaMwari.
D. Apo ngirozi dzakaenda, vafudzi vakaenda kuBeterehema kunoona mwana.
1. Vakawana Maria naJosefa nemwana, Jesu, vari mudanga remadhongi.
2. Vakakurukura pamusoro penyaya iyi nevamwe vemuBeterehema, ndokudzokera kunofudza zvipfuyo zvavo vachirumbidza Mwari.
E. Shoko raMwari rakauya pasi pano mumutumbi wekamwana kadiki.
1. Jesu aiva Mwari uye aiva munhu panguva imwecheteyo.
2. Paakauya panyika, haana kuda kushandisa masimba ake saMwari. (vaFiripi 2:5-7)
F. Jesu akararama semunhu kuti atiratidze mararamiro aidiwa naMwari.
1. Ndicho chikonzero akaropafadzwa neMweya Mutsvene
(Mabasa evapositori 10:38),nekushandisa shoko raMwari pamusoro padhiabhorosi. (Mateo 4:1-11).
2. Kunyangwe zvazvo aivaMwari, akararama upenyu hwemunhu achiregedza Mwari achirarama maari neshoko neMweya Mutsvene.
Chidzidzo cheMweya Mutsvene
Jesu akauya pasi achibva kudenga
Aksiya ukuru hwake.
Jesu akauya pasi achibva kudenga,
Akangoita seni.
Mwari akandida saka,
Akada kuti ndizive,
Saka akatumira Mwanakomana wake kwandiri.
Jesu akauya pasi achibva kudenga,
Achiunza upenyu husingaperi.
MABASA MAMWECHETEYO
Chidzidzo chechipiri
Vatambi: Bennie, Jimmy, Moyo
Bennie: Wanzwa here zvataurwa nemudzidzisi nhasi, Jimmy?
Jimmy: Hongu, asi hazvingakwanisiki.
Bennie: Nechikonzero chei?
Jimmy: Pamusana pekuti iwe neni hatingakwanise kuita mabasa mamwecheteyo naJesu.
Bennie: Asi mudzidzisi vazviverenga kubva mubhaibheri. Jesu vakati tinokwanisa kuita mabasa mamwecheteyo neaaiita, kana kutodarika.
Jimmy: Zvisinei, Jesu akakanganisa. Bennie, isu tingori vanhu venyama. Jesu aiita zvinhu zvese izvi pamusana pekuti Mwana waMwari. Isu hatisi Mwari.
Bennie: Ndinozviziva, asi.....
Jimmy: Hapana asi pamusoro pazvo. Mabasa mamwecheteyo seaJesu? Chimbondipa kanguva. (anobuda)
Bennie: Pamwe Jimmy ari kutaura chokwadi. Asi pamusoro pazvo, Jesu mwana waMwari. Kuzvarwa kwake kwakashamisa. Tingaita sei mabasa mamwecheteyo naye?
Moyo: (Moyo unopinda)
(uchipopota) Yuck! Uri kuti chii?
Bennie: Chii chiri kunetsa, Moyo?
Moyo: Wava kutanga kusavimba neni. Ndinobva ndanzwa sezvaunonwa kana wadya muriwo.
Bennie: Handifarire muriwo ini!
Moyo: Handifarire kupokana, usandiudze izvozvo.
Bennie: Handina kuziva kuti ndiri kupokana.
Moyo: Uri kupokana nezvakataurwa neJesu pamusoro pekuita mambasa mamwecheteyo.
Bennie: Hongu, asi Moyo, ndingaite sei mabasa mamwecheteyo naye? Mwanakomana waMwari, ini ndingoriwo Bennie.
Moyo: Chekutanga, unokwanisa kuita mambasa mamwecheteyo nokuti Jesu vakazvitaura. Izvozvo zvakatokwana kuti uzvitende. Chechipiri, unofanira kunzwisisa kuti Jesu pavakauya panyika havana kuda kushandisa masimba avo saMwari, vakangoitawo sew.
Bennie: Kana vasina kuda kushandisa masimba avo ehuMwari, vakakwanisa sei kuita zvishamiso nekurapa kwese kwavaiita?
Moyo: Jesu vakataura kuti Baba vari mavari ndivo vaiita mabasa aya.
Bennie: Unotaura kuti Mwari vakaita zvinhu izvi zvese kubudikidza naJesu?
Moyo: Ndizvozvo, Jesu akagara upenyu semunhu airegera Mwari vachirarama maari. Mwari vanongokwanisa kuita mabasa mamwecheteyo avakaita muna Jesu, kubudikidza nesu.
Bennie: Saka nanhasi, apo tinokumbira Jesu mumwoyo medu, Mwari anogara mukati medu. Anokwanisa kuita mabasa mamwecheteyo kubudikidza nesuwo.
Moyo: Uri kukurumidza kuzvibata, Bennie. Ndava kutanga kunzwa kutenda mandiri. Hapana munhu anokwanisa kuita zvaiitwa naJesu pamusana pekuti aiva neMweya Mutsvene, asi vatendi vose vanokwanisa kuzviita nekuti tave neMweya Mutsvene.
Bennie: Izvi zvinoshamisa! Ndinotenda nekundibatsira kwawaita.
Moyo: Chero nguva, chikomana. (anoenda)
Jimmy: (Jimmy anopinda) Uri kumhanyira kupiko, Bennie?
Bennie: Ndiri kuenda kunoita mabasa mamwecheteyo neaJesu.
Jimmy: Ndinofunga tapedza nezvazvo kare. Haungaite izvozvo.
Bennie: Zvakanaka. Handingaite mabasa, asiMwari vari mandiri vanokwanisa!
Jimmy: Ho-o?
Bennie: Huya ndikutsanangurire tichienda. (Vose vanoenda)
HWAYANA YAMWARI
Chidzidzo chechipiri
Ndima yekuverenga: VaHeberu 9:22, "...pasina kudeuka kweropa hapana kuregererwa."
Zvinodiwa: Muti wekupindura ruvara rwechikafu mutsvuku, Karo sirapu isina ruvara, pepanhau, pendi chena, bhegi repepa, banga, chekunamisa (masking tape), chigaba chisina basa
Kugadzirira: Sanganisa mushonga wekupindura chikafu, mutsvuku chikamu chimwe muzvina che Karo sirapu mukabhegi kepepa kuti zviite seropa. Sunga pepa iri kuti zviri mukati zvisabude.
Unyanidza mapepanhau ane chitsama uchiaita tubhora wozomapetenura kuti aratidze kuunyana. (Ona Fig 1) Putira bhegi riya repapa nepepanhau wonama, chitamga kugadzira hwayana uchiisa chibhegi chiya kuti chive dumbu. (Ona Fig 2) Kana wapedza kugadzira hwayana, isungirire newaya mudenga wobva waipenda nependi chena.
Chidzidzo:
Muchitenderano chekare vanhu vaitarisirwa naMwari kuti vape mipiro kuitira zvivi zvavo. Apo Moses akatungamirirwa naMwari kuburidza vana veIsrael muEgipita, Mwari akavaudza kuti vapire nehwayana.(Bata hwayana mumaoko mako). Hwayana yaifanira kunge yakasimba, isina ruvara. Yaifanira kunge iriyo hwayana yakanaka kupfuura dzose dziripo.
Vanhu vaifanira kuiuraya, vozodza ropa racho pamisuwo yavo. Usiku, ngirozi yerufu yakauya panyika yeEgipita, imba yose yaiva isina ropa pamusiwo yakashanyirwa nerufu. Mwana mukuru mumhuri akafa.
Vana veIsrael havana chavakaona. Apo ngirozi yerufu yakaona ropa pamisuwo, haina kupinda mukati. Saka ropa rehwayana rakaponesa vana veIsrael.
Chitadzo chinhu chakaipisisa chinotadzisa munhu kuva panaMwari. Kana vanhu vachiita zvitadzo vanozvibvisa pana Mwari votadza kuwana makomborero. Kubvira pekutanga Mwari akaedza nepaanogona napo kuti aregerere vanhu muchivi. Airamba achitsvaga nzira dzekuti akaomborere nadzo vanhu asingava godori. Chitadzo chine mubairo. Nzira yoga inoita kuti munhu aregererwe matadzo ake, kudeuka kweropa risina mhosva.
Apo Adam akatadza, akatengesa rudzi rwese rwevanhu kunaSatan, mwari vepasi rese. Satani aida kuve nevanhu kuitira kuti agovarwadzisa nekuvaparadza. Mutengo weropa chete ndiwo waikodzera kuti iwe neni tiregererwe. Mwari vakaratidza vanhu kuti mupiro wehwayana waingokwana kuvhara zvitadzo kwegore. Gore raitevera, umwe mupiro waifanira kupirwazve. Zvitadzo zvevanhu hazvina kubviswa, asi zvaingo vharwa chete.
Zvino nerimwe zuva imwe hwayana yakauya panyika. Sezvakangoitawo dzimwe hwayana dzose dzekupira, aiva asina ruvara kana chinana. Aiva akarurama nekuti aiva asina chitadzo. Apo Johane mubhabhatidzi akaona Jesu achiuya kurwizi Jordan, akamudaidza kuti hwayana yaMwari. Jesu akauya kuzova mupiro kuzvitadzo zvedu.
Jesu paakaroverwa pamuchinjikwa, aiva hwayana yaiva yapirwa. (Baya padumbu rehwayana, nebanga worega ropa richidonhera muchigaba chisina basa) Akaregera ropa rake rinokosha richirasika pamusana pezvitadzo zvedu. Ropa rake hari vhari zvitadzo zvedu asi rinotozvisuka kuti zvibve. Kana tasukwa kubva muzvitadzo nekukumbira kuti Jesu vararame mumoyo medu, tinobva taita kunge tisina kumbobvira tatadza.
Ropa raJesu rinotisuka zvakanyanyonakisa richitisiya tisina kana kachitadzo kasara. Ngatitendei Mwari nekuda kweHwayana yake. (Kana usingadi kushandisa ropa muchidzidzo chino, shandisa hwayana yepepa iyi.)
DZOKORORO
Chidzidzo chechipiri
Shandisai shoko
Jesu akauya panyika kuti azotiratidza mararamiro anodiwa naMwari kuti tiite. Zvishamiso nemabasa makuru aakaita, akabudirira kwete pamusana pekuti aivaMwari asi pamusana pekuti aive akazodzwa neMweya Mutsvene, akazara zvekare neshoko.
Mwari akamboshandisa here iwe kana mumwe munhu waunoziva kuti aite chishamiso?
Mibvunzo
1. Sei Josefa naMaria vakafamba kubvaNazareta kuenda Judea?
2. Ndiani aitonga Israel panguva yekuzvarwa kwaJesu?
3. Josefa naMaria vakaenda kuguta ripi reJudea?
4. Maria naJosefa vaiva vechizvarwa chamambo upi?
5. Sei zvaiva zvakakosha kuti Maria naJosefa vave vechizvarwa chaDavid?
6. Josefa naMaria vakagara kupi apo vakasvika kuBeterehema?
7. Maria akaputira Jesu nei apo akazvarwa?
8. Tinoputirwa nei kana tazvarwa patsva?
9. Chii chinonzi chidyiro?
10. Zita rekuti Jesu rinorevei?
11. Jesu aiva nerimwe zita rekuti chii, zvekare rairevei?
12. Ngirozi yaMwari yakaudza ani pamusoro pekuzvarwa kwaJesu?
13. Chii chakaitika mumashure mekunge ngirozi yaMwari yaudza vafudzi nezvaJesu
pamwechete nekwaaiva?
14. Tinofanira kufara here nekutenda kuti Jesu akauya?
15. Kurumbidza kwedu kwakakosha here kuna Mwari?
16. Shoko raMwari rakauya sei panyika?
17. Jesu akaramba ari Mwari here kunyangwe akanga ari munhu?
18. Jesu akaita sei nemasimba ake saMwari?
19. Sei Jesu vakararama upenyu hwavo semunhu kwete saMwari?
20. Jesu akaregedza sei Mwari vachirarama maari?
VACHENJERI VANOMUTSVAGA
Chidzidzo chechitatu
Ndima yekuverenga: Mateo 2:1-12
Chokwadi: Uchenjeri hwaMwari hunouya kwatiri kubudikidza neshoko neMweya
wake.
Ndima yemusoro: Zvirevo 3:5, "Vimba naJehova nemwoyo wako wese, urege kuzendama panjere dzako."
Kamutambo: "Nguva yapera"
Chidzidzo: Handisi fuza
Zvinobatsira: Maria (601), Josefa (602), mwana Jesu (605), Ngamera (607), nyenyedzi (610), vachenjeri vatatu (612), mambo Herod (613)
Kumudzidzisi:
Njere ndicho chinhu chakakosha muupenyu hwese (Zvirevo 4:7). Njere dzinounza upfumi, ruremekedzo, upenyu hurefu nekufamba pedyo naMwari (Zvirevo 3:13-18). Kuda kuva neuchenjeri ndicho chimwe chezvinhu zvinoratidza moyo wakasununguka pamberi paMwari.Uchenjeri hwechokwadi hunokudza Mwari. Kana vana vakadzidziswa kukudza Mwari mukunamata, mukudzidza, mukupa uchenjeri hunodururuka kubva pamoyo yavo.
Kunyange zvazvo vachenjeri ava vaiva vasingagari muIsrael, vaiva nezviratidzo zveurongwa hwaMwari. Pane dzimwe nguva maGentile vaizodzwa kuva maporofita nemapirisita, zvichiratidza kuti hurongwa hwaMwari hunosanganisira vanhu vese.
Tsanangudzo
I. Vachenjeri vakabva kumabvazuva vachiuya kuzonamata Jesu kuIsrael
A. Kuda kwaMwari kwakabvira kuri kwekuda kupinza vanhu vese muhurongwa hwavo.
1. Kunyangwe muchitenderano chekare, Mwari vakanga vachida kuti nyika yese yeIsrael ive chapupu kumarudzi ose (Malachi 3:12)
2. Shoko raJesu Kristu rinofanirwa kugoveranwa nevanhu vese. (Mateo 28:19,20)
B. Varume vakachenjera ava vaizivikanwa nekuti maMagi, vakatevera mucherechedzo wekudenga.
1. Vaiva veboka raitenda mushoko renyenyedzi.
2. Nyenyedzi dzakagadzirirwa kushambadza shoko raMwari rokudzikinurwa kwete kutungamirira vanhu kuzvidzidzo zvemamiriro edenga. (Mapisarema 19:1)
C. Dzimwe nguva vachenjeri vakambenge vaona zvainge zvakanyorwa naDaniel sezvo iriyo nzvimbo yavaibva.
1. Daniel akanga aporofita pamusoro penguva chaiyo yaizourayiwa mudzikinuri.
(Daniel 9:25,26)
2. Vachenjeri vakaona nyeredzi yake vakaziva kuti azvarwa.
II. Apo vachenjeri vakasvika kuJerusalem, vakaenda kuna mambo Herod.
A. Vakazivisa Herod kuti mambo wemaJuda akanga azvarwa pane imwe nvimbo muIsrael.
1. Apo Herod akazvinzwa, akanetsekana akashamiswa.
2. Akabvunza vachenjeri kuti vakange vatanga kuona nyeredzi riini.
3. Akavaudza kuti kana vachinge vamuwana vagozouyawo vachimuudza.
B. Vachenjeri vakatevera nyenyedzi kusvikira pamba paMaria naJosefa.
1. Nyenyedzi yakavatungamirira dakara yasvikomira chaipo paiva naJesu.
2. Vachenjeri vakasvika kuJerusalem mumashure memakore angangoita maviri Jesu azvarwa.
C. Vachenjeri vakabvumidzwa kupinda mumba kuti vaone Jesu.
1. Pavakamuona vakapfugama pasi vakamunamata.
2. Vakamupa zvipo zvendarama nezvinonhuwira.
D. Mwari akayambira vachenjeri ava, muchiroto kuti vasaende nekuna mamboHerod.
1. Kunyangwe zvazvo zvisiri zviroto zvese zvinobva kuna Mwari, Mwari vanotaura kune vanhu muzviroto nguva nenguva. (Mabasa avapositori 2:17)
2. Vachenjeri vakaterera Mwari vakadzokera kumba neimwe nzira.
III. Vachenjeri ava vanotidzidzisa zvidzidzo zvakakosha pamusoro peuchenjeri hwaMwari.
A. Varume ava vaiva vakachenjera nekuti vakatsvaga Mwari.
1. Tinokwanisa kutsvaga Mwari kuburikidza nekunzwa nekuverenga shoko rake.
2. Tinokwanisa kutsvaga Mwari mumunamato, tichimubvumidza kuti ataure kwatiri.
B. Varume ava vaiva vachenjeri nekuti vainamata Jesu.
1. Kunamata hachingori chiitiko chekuremekedza chete asi kuzvipira,nekuva nerudo nekurumbidza.
2. Kunamata kwechokwadi kunobva mumweya mako kounza njere pamoyo wako.
C. Varume ava vaiva vakachenjera nekuti vakapa kunaJehova.
1. Kana uchida kubudirira, unofanira kudzidza kupa.
2. Kana tichipa mubasa raMwari, Mwari anosununguka kutipawo pfungwa kuti tikabudirira sei.
D. Njere ndicho chinhu chakakosha muupenyu.
1. Mwari akavimbisa kukupa uchenjeri kana uchihuda. (Jakopo 1:5)
2. Kutsvaga Mwari, kumunamata, nokupa, dzose inzira dzekuwana nadzo uchenjeri hwaMwari muupenyu hwako.
Chidzidzo chemweya
Kana uchida kuchenjera, m-huh,
Kana uchida kushambidzika, m-huh,
Tora shoko raMwari
Woriisa mumoyo mako.
Verenga shoko raMwari mazuva ose, m-huh,
Usakanganwe kunamata.
Apo unoverenga bhaibheri nekunamata.
Uchashambidzika mazuva ose.
NGUVA YAPERA
Kamutambo Chidzidzo chechitatu
Vatambi: Uropi, Moyo
Uropi: Ah, Handinhazvikwanise zvekumuka mangwanani! Mbariro dzangu dzose dzakaneta zvekare kumutsa mwana uyu kunonetsa zvikuru. Zvisinei, tinofanira kuenda. Pane zvinhu zvakawanda zvinoda kuitwa nhasi. Regai ndidye, kudya kwemangwanani ndibude muno!
Moyo: (Moyo anopinda) Haungakurumidze kudaro tinoda kumbotaura.
Uropi: Ruregerero Moyo, handina nguva. Ndinoda kuenda kuchikoro ndisati ndanonoka.
Moyo: Hapana kwauri kuenda tisati tataura!
Uropi: Zvisinei wakapasa pakushingirira, asi ndakuudza kuti handina nguva. Ndichazotaura newe mumashure.
Moyo: Unoziva kuti kakawanda sei uchindipa chikumbiro ichocho? "Ndichataura newe mumashure," zvinoreva kuti kwete!
Uropi: Iye zvino chiterera, uri kunetsera pasina. Ndichataura newe usiku, ndisati ndarara.
Moyo: Chokwadi, chokwadi ungabva warara usina kana kuburitsa izwi rimwe chete. Nyatsotarisa Uropi! Handisi zvandinesinge ndiri, ndagumbuka.
Uropi: Ndichaenda newe kwachiremba mangwana.
Moyo: Handidi kuenda kwachiremba! Ndinoda kunamata! Ndinoda kuverenga bhaibheri! Ndinoda kunamata Mwari!
Uropi: Unofunga kuti nguva yacho ndinoiwana kupi munyika muno. Ndakabatikana zvikuru.
Moyo: Ndizvozvo, wakabatikana. Unofanira kuwana nguva yekuita izvozvo zvese kana kuti tichaguma tava kuimba tose munzira. Ndiani anenge azvifunga.
Uropi: Chii chazvinobatsira zvese izvozvo?
Moyo: Chii chazvinobatsira? Unoda kusangana naSatani usina simba remweya here?
Uropi: Kwete, asi...
Moyo: Saka unotofanira kunamata Mwari nekuverenga bhaibheri.
Uropi: Asi Moyo, ndinoenda kuchechi masvondo ose. Haufungi here kuti zvakakwana izvozvo?
Moyo: Kuenda kuchechi kwakakosha, asi hazvina kukwana.Tinoda kugara tichinzwa kubva kuna Mwari mazuva ose kwete svondo rimwe chete.
Uropi: Uchenjeri hwaMwari hwapinda sei mukutaurirana kwatiri kuita?
Moyo: Ndiwo mumwe mubairo wekunamata nekuverenga bhaibheri. Mwari vanotiratidza njere kuitira kuti tizive kushanda nevanhu nemamiriro ezvinhu.
Uropi: Ndabva ndaziva chimwe chinhu chandinoda kuti Mwari vandibatsire nenjere.
Moyo: Zvino haungazvizivi nekudya maputi.
Uropi: Ndinoda kunamata, ndizvo?
Moyo: Ndizvozvo.
Uropi: Ndinoda kupinda mushoko raMwari.
Moyo: Chokwadi.
Uropi: Zvekare ndinoda kunamata Jehova.
Moyo: Wazvibata !
Uropi: Ndichatanga mangwana.
Moyo: Nhasi! Uchatanga nhasi!
Uropi: Zvakanaka! Zvakanaka! Ndichatanga nhasi. Ndave kuenda kunotora bhaibheri rangu.(Anobuda)
Moyo: Ndiri kuzviona kuti zvichatora nguva kumushandura. (Anobuda)
HANDISI FUZA
Ngano Chidzidzo chechitatu
Rimwe zuva Gospel Bill akakwira chitima kubva kuDry Gulch kuenda kuSouth Pass. Paaive akagara muchitima mumwe murume aive kune rumwe rutivi akamutaudza. "Mamuka sei," akadaro murume uya.
"Mhoroi," akapindura Bill. "Izuva rakanaka. Muri kuenda kupi?"
"Ndiri kuenda kukaguta kadiki kanonzi South Pass," akadaro murume uya.
"Zvakanaka," akadaro Gospel Bill. "Ndiko kwandiri kuendawo. Tichashanyirana munzira."
"Chokwadi tinofanira," akadaro murume uya. Gospel aida kushanyira murume uya kuitira kuti agomutaurira nezvaJesu. Gospel Bill akamutaurira kuti Jesu akauya sei kuzotinunura kubva kuzvitadzo. Murume uya aiva akanyorovera asi akanga asina nguva yekuterera nyaya yaGospel Bill.
"Vakuru," akadaro murume uya. "Handitendi kuti kune zvitadzo, Mwari kana Jesu. Zvinhu zvekungofungira zvinoitwa nevanhu vasina kudzidza."
"Muri kundiudza kuti hamutombotendi kuna Mwari?" akabvunza Bill.
"Ndizvozvo chaizvo," akadaro. "Mwari akagadzirwa mupfungwa dzevanhu pamusana pekuti vanhu vaida chekutenda machiri."
"Zvakanaka, ko munotenda kuchii?" akabvunza Bill.
"Ndinotenda muzvidzidzo zvesainzi," akadaro murume uya. Handitendi muzvinhu zvandisingakwanise kuona. Handisati nadmboona Mwari. Kana ariko, anodini kuzviratidza kwatiri? Kana ndikamuona, ndingatenda asi kwete ndisina.."
"Uri murume akanyatsosvika, asingafanire kuomesa musoro zvakadai," akadaro Bill. "bhaibheri rinoti, fuza rinotaura mumoyo maro kuti hakuna Mwari. Ndinofunga neweow uri rimwe fuza."
"Uri munhu asina kufunda!" akadaidzira murume uya"Uri kunditukirei ? Ndakadzidza pane chimwe chikoro chikuru chemunyika zvekare handisi fuza!?
"Ini ndingori munhuwo zvake anokwanisa kutenda bhaibheri nekuvimba nenjere dzaMwari ndisati ndazvikoshesa ini pachangu. Zvekare ndine chiratidzo kuti Mwari mupenyu"
"Une chiratidzo? Chiratidzo rudzii chaungave nacho?" akabvunza murume.
"Ndakaona Mwari vachishandura varume vainge vakaoma moyo, vachiva maKristu.Ndakaona zvekare vanhu vakawanda vachigamuchira Jesu," akadaro Bill.
"Pamusana pakuda kwavo," akadaro murume. "Varume vanokwanisa kuzvishandura vega.
Pakarepo pfuti yakanzwika ichirira kubva mune imwe motokari. Bill akatarisa kaona murume akanga akapfeka chekuvharisa kumeso kwake. Akanga aine pfuti mbiri dzaiva dzakanongedzerwa vanhu vaiva muchitima umu. Paakatanga kutaura zvaaida , chitima chakabva chamira.
"Vakadzi nemiwo varume," akadaro mumhu uya aiva nepfuti, "kandai pfuti dzenyu pasi kana munadzo, moburitsa mari yenyu. Nyamwari dzangu neni dziri kubira chitima.
"Yowe-e, zvino toita sei?" akadaro murume aitaura Bill.
"Ndave kunamata ndichitenda Mwari," akadaro Gospel Bill.
"Zvakawanda zvinhu zvakanaka zvinokwanisa kuitika panguva ino.
"Mbavha yakabva yafamba ichitora zvese zvinokoshapamechetepo nemari. kubva kune vanhu vaiva muchitima.
Gospel Bill akakotamisa musoro wake ndokunamata. Akakumbira njere achiti, "Baba, shokorenyu rinoti kana mumnhu wese asina njere, regai akumbire kunaMwari. Zvakanaka ndinoda kuziva kuti ndoita sei muchiitiko chino. Ndinotenda nekutaura neni, nemuzita raJesu."
Apo murume wepfuti uya akasvika pedyo, Bill akanzwa izwi raJehova richitaura kwaari.. Charlie McCullough. Daidzira mazwi aya nezwi riri pamusoro - Charlie McCulough. Nzvimbo yake yekuhwanda iri paBrush Creek.
Bill haana kunzwisisa kuti sei aifanira kutaura zita remunhu apo vanhu vaiva pakati pekubirwa. Asi pamusana pekuti Bill akadzidza kuterera zvinoda Mwari, Bill akaita zvaiva zvataurwa Mwari.
"Charlie McCullough!" akadaidzira Gospel Bill. "Charlie McCullough!"
"Ani?" yakashamisika mbavha iya. "Waziva sei zita rangu?"
"Mwari havangoziva zita rako chete," akadaro Bill, "asi vanozivawo zvekare kune nzvimbo yako yekuhwanda iri kuBrush Creek."
Mbavha iya yakashamisika kuti yaizivikanwa kunyangwe yainge yakavhara kumeso. Yakabva yadonhedza ngowani yaiva nemari iya yose, ndokubuda yomhanya. "Huyai vakomana!" akadanidzira. "Ipai vanhu mari dzavo pakare. Ngatibudei muno! Vanoziva kuti tisu vavaani zvekare kuti tinohwanda kupi.!"
Chikwata chese chembavha chakatiza, vanhu vaiva muchitima vakatora zcinhu zvavo. Murume uya aiva asingatendi kuna Mwari akatarisa kuna Bill ndokuti, "Wanga uchiziva McCullough nakare here?"
"Kwete," akapindura Bill. "Handisati ndambosangana nemurume uyu muupenyu hwangu. Pamusoro pazvo, handaikwanisa kumuziva nekuti ange akavhara kumeso kwake.
"Saka waziva sei zita rake pamwepo nepaanohwanda." "Mwari vanditaurira, nekuti ndinovimba navo kunyange munguva yematambudziko."akatsanangura Bill.
"Zvangoitikawo. Zvinhu zvangoitikawo," akadaro murume uya.
"Zvakanaka," akadaro Bill, "unokwanisa kudaro, asi ndinoziva zvakanyatsoitika. Uchenjeri hwaMwari hwatinunura."
DZOKORORO
Chidzidzo chechitatu
Shandisai shoko
Mwari anoda kuti vana vake vamutsvage kuitira kuti agotaura navo nekuvachenhetedza.
Zuva rega rega, svondo rino apo unenge uchinamata kana kuverenga bhaibheri, unofanira kuva nepekunyorera zvaunofunga kuti Mwari ari kutaura kwauri uye zvaari kukuratidza kubva mushoko rake.
Mozouya nepamunenge muchinyorera svondo rinouya kuti mugogoverana nemudzidzisi wenyu.
Mibvunzo
1. Ndiani akafamba kubva kumabvazuva kunonamata Jesu?
2. Mwari anoda here kuti vanhu vose vave muhurongwa hwake?
3. Vazivi vemabvazuva ava vaizivikanwa nerimwe zita rekuti chii?
4. VaMagi vaiva varume vakaita sei?
5. Nyeredzi dzakanyatsogadzirirwa chii.?
6. Zvinyorwa zvaaani zvinodaro vachenjeri vakaona?
7. Daniel akaporofita kuti chii muzvinyorwa zvake?
8. Vachenjeri vakaziva sei kuti Jesu aiva azvarwa?
9. Ndiani akataura nevachenjeri ava pavakasvika kuJerusalem?
10. Inyaya dzei dzakagoveranwa nevachenjeri naHerod?
11. Mambo Herod vakakumbira kuti vazivi vemabvazuva vaigoitei?
12. Nyenyedzi yakatungamirira vachenjeri vevamabvazuva yakazomira papi?
13. Kwakanga kwapera nguva yakadini Jesu azvarwa apo pakauya vazivi vemabvazuva?
14. Vachenjeri vakaita sei apo vakaona Jesu?
15. Chii chakadziviswa vachenjeri naMwari muzviroto?
16. Ndedzipi nzira mbiri dzatingatsvaga nadzo Mwari?
17. Kutenda kwechokwadi kunobva kupi, zvekare kunoita sei?
18. Kana uchida kubudirira unofanira kuita sei?
19. Kana tichipa mubasa raMwari, chii chaanoita?
20. Chii chinhu chakanyanyo kosha muupenyu?
MUVENGI WAMWARI
Chidzidzo chechina
Ndima yekuverenga: Ezekiel 28:12-19, Mateo 2:13-23
Chokwadi: Satani anoshandisa vanhu kuita mabasa ake ekuparadza.
Ndima yemusoro: 1 Johane 3:8, "Mwanakomaka waMwari wakawoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa adhiabhorosi."
Kamutambo: Muvengi chaiye
Chidzidzo: Muvengi wedu, dhiabhorosi
Zvinodiwa: Ngirozi (600), Maria (601), Josefa (602), dhongi (603), mwana
Jesu (605), mambo Herod (613)
Kumudzidzisi:
Nyatsotsanangurira vana kuti muvengi wedu ndisatani nemabasa ake akaipa kwete vanhu (VaEfeso 6:12). Vanhu vanongova midziyo inoshandiswa kuita mabasa asina kunaka. Kana vanhu vari muzvivi, vanobva vaita midziyo yemuvengi waMwari. Kurarama muzvitadzo kunoita kuti uve shamwari yadhiabhorosi.
Dzidzisa vana vako kuti tinokwanisa kuparadza satani nemabasa ake muupenyu hwedu, nekurarama mushoko raMwari. Kuna ani nani watinoitira mabasa ake, tinova varanda vake (VaRoma 6:16). Apo tinoterera shoko raMwari, tinoratidza kuti tiri varanda vaKristu. Kuterera shoko raMwari kunotiita tisave munyika nekutichengetedza mumabasa asatani.
Tsanangudzo
I. Satani ndiye anokonzera mhirizhonga munyika.
A. Pane imwe nguva satani aiva mukuru wengirozi dzaMwari.
1. Pamusana pekuzvikudza nekuda kunamatwa, akapokana naMwari (Isaiah 14:12-15)
2. Chimwe chikamu chengirozi chakapokanawo naye (Zvakazarurwa 12:4)
B. Satani nevatsigiri vake vakakurirwa vakakandirwa pasi.
1. Vakakandirwa pasi Adam asati ambogadzirwa.
2. Satani haana kumbobvira, zvekare haambofi akaenzana naMwari.
C. Pamusana pekuti satani hapana icho anokwanisa kuita Mwari, anotsvaga kukuvadza vanhu vaMwari.
1. Munhu ndiye akanyanyokosha pane zvisikwa zvese zvaMwari (Mapisarema 8:4-8)
2. Mwari akasika munhu kuti amude amunamate.
D. Apo Adam naEve vakaiswa pamuedzo mubindu reEden, satanim akabva awana simba rekuti apinde munyika.
1. Akabva aita mambo wepasi pano. (II VaKorinte 4:4)
2. Iye zvino zvitadzo nerufu zvave kushanda mukati memunhu wese.
E. Kubvira pakatadza munhu,satani akaedza kuparadza zvido zvaMwari kuti zviitwe.
1. Mwari vakaudza satani kuti kuchauya mumwe munhu aiva achazomuparadza.
(Genesisi 3:15)
2 .Satani akaziva kuti mazuva ake mashoma!
II. Hurongwa hwaMwari hwekuparadza simba rasatani hwaiva hwekutumira shoko rake pasi
pano riri mumunhu.
A. Jesu raiva shoko raMwari riri mumutumbi.
1. Aiva asiri mwana waJosefa asi aiva mwana waMwari.
2. Akazvarwa asina chitadzo chaAdam pamusana pekuti baba vake chaivo vaiva vasiri munhu.
B. Kuti chirongwa chaMwari chibudirire, Jesu aifanira kufira zvitadzo zvedu.
1. Pamusana pekuti Jesu aiva asinsa chitadzo, aikwanisa kuva chibairo kuti abhadhare mubairo wezvitadzo zvedu.
2. Apo akazviita, hutongi hwasatani pamusoro pedu hwakagurwa. (VaHeberu
2:14-15)
C. Satani aiva akangotarisira uyo akanga avimbiswa naMwari kuti achamuparadza.
1. Satani anofanira kunge akaona zvinhu zvisinganzwisisiki zvakawanda pakazvarwa Jesu.
2. Aida kuparadza mwana.
D. Satani aida munhu wekuti ashande naye kuti auraye mwana, Jesu.
1. Panyika satani anoshanda nevanhu sezvinongoitawo Mwari.
2. Mutumbi wako unokupa bvumo kuti usevenze panyika (VaHeberu 10:5)
3. Kuda kwemunhu ndiko kunoita kuti asarudze kushandira Mwari kana kushandira satani.
E. Apo vachenjeri vakaudza mambo Herod nezve kuzvarwa kwamambo mutsva wemaJuda, satani akawana mudziyo wekushandisa.
1. Godo, ruvengo nekurwadziwa zvinotivhurira misuwo yekuti satani atishandise.
2. Herod akazvibvumira kuti ave mudziyo wekushandisa wasatani.
III. Mambo Herod nemoyo wavo wakaipa, vakaedza kuparadza Muponesi.
A. Dai Jesu akaurayiwa asati asvika pachipiyaniso, angadai asina kuzova muponesi wedu.
1. Kubvira pekutanga, hurongwa hwaMwari hwaiva hwekuti Jesu afe, asi zvaifanira kuitika nenzira yakanaka.
2. Satani aisaziva kuti Mwari vaizoregedza Jesu achifira zvitadzo zvedu.
B. Herod akaraira kuti vana vose vakomana vane makore maviri zvichidzika vaurayiwe muBeterehema, achishandiswa nasatani.
1. Aiziva kuti Jesu aiva pakati pemakore iwayo sekutaurwa kwazvainge zvaitwa nevachenjeri.
2. Hapana kana tsitsi nerudo muna dhiabhorosi zvachose.
C. Ngirozi yaMwari yakazviratidza kuna Josefa muhope.
1. Yakaraira kuti Josefa atore Maria naJesu aende navo kuEgipita kusvikira Herod afa.
2. Zvipo zvevachenjeri ndizvo zvakapa mari yerwendo urwu.
D. Hurongwa hwadhiabhorosi hwakabva hwamiswa.
1. Herod akawana mubairo wake wezvivi zvake, akafa akaenda kugehena.
2. Apo Herod akafa, Josefa akatora mhuri yake vakaenda kuEgipita vakanogara kuNazareta.
3. Tichitevera shoko raMwari nekutungamirirwa neMweya Mutsvene, tinokwanisa kumisa Satani nehurongwa hwake kuupenyu hwedu.
Chidzidzo cheMweya
Jesu akauya panyika
Kuzonunura nyika kubva muzvitadzo.
Akaparadza masimba ose asatani,
Akakurira.
Apo ndinoterera shoko raMwari
Ndichimuraramira,
Ndinoparadza hurongwa hwasatani
Ndorarama upenyu hwekukunda maari,
Ndinoparadza masimba asatani
Ndorarama upenyu hwekukunda zvitadzo.
MUVENGI CHAIYE
Kamutambo Chidzidzo chechina
Vatambi: Sally, Maria, Moyo, satani
Satani: Iwe mukomana, rimwezve zuva rokuti usvotwe. Ndinongofarira kurwadzisa upenyu hwevanhu kunyanya maKristu. Vamwe vacho havana kana neromuromo, havatombozivi kuti ndini ndiri kuzviita. Ya-h, kwauya mumwe rega tione kuti hatingawane basa here.
(Sally anopinda)
Sally: Ndinofarira mazuva akaita sanhasi. Zuva rakanatsobuda, shiri dziri kufara. Zvinhu zvese zviri kuendeka!
Satani: Psss! Iwe mwana iwe, asi watokanganwa? Uchatondera here nezuro pawakakwazisa Maria akaramba akanyarara?
Sally: Ndiri kushaya kuti sei Maria asina kundipindura apo ndakamukwazisa nezuro.?
Satani: Haachadi kuti uve shamwari yake, ndicho chikonzero.
Sally: Pamwe haachadi kuve shamwari yangu.
Satani: Zvine basa nani? Akanyanya kushata zvekare anotaurisa.
Sally: Handina hany'a nazvo kana asingadi kuve shamwari yangu. Akanyanya kushata zvekare anotaurisa. Pandichamuonera ndichamutaurira pachena.
Satani: Zvanaka! Ndaiziva kuti uchazviita. Muudze izvozvo ndizvo zvaanoda. Basa rangu raitwa rega ndichienda kunotsvaga mumwe mwana wekunyengedzazve.
(Maria anopinda)
Maria: Mhoro Sally, wakadiniko?
Sally: Saka nhasi ndipo pawazofunga kutaura neni? Hausisiri shamwari yangu zvekare, Maria! Une pamuromo pasingamharwi nenhunzi, zvekare wakashata. Handina basa nazvo chero ndikasazokuona zvekare.
Maria: (Achishamisika) Asi Sally.......
Sally: Chibva pano, usadzoke zvekare! (Maria anoenda achichema) Zvakamurwadza.
(Moyo unopinda)
Moyo: Sally, ndanyara chaizvo newe.
Sally: Pamusana pei? Anzwa chaizvo zvaanga acida kunzwa.
Moyo: Kwete, haana.
Sally: Haana kana kutombondidaira pandakamukwazisa nezuro.
Moyo: Pamusana pekuti amai vake vaida kuenda kuchipatara, saka Maria aifanira kumhanyira kumba. Pamwe haana kana kutombozvinzwa.
Sally: (anorereka musoro) Ndataura zvinhu zvese zvisina kunaka kwaari. Handitombozivi kuti sei ndafunga ndichidaro.
Moyo: Ndisatani anga ari mazviri zvose. Anoedza kupesanisa maKristu kuti apenge, arwisane kuitira kuti vasanatsotarisane nedambudziko chairo iro.
Sally: Satani pachake.
Moyo: Zvakanaka, usangotambira kapfungwa kese kanouya mumusoro mako. Dzidza kuzvipima neshoko raMwari woregedza zvimwe zvese zvausingapindirane nazvo uchishandisa zita raJesu nekutaura shoko raMwari.
Sally: Ndinotenda Moyo nekunditsiura. Ndichakumbira ruregerero kuna Maria nekukurumidza.
Moyo: Uyo Maria ari uko uyo! Maria, Maria, ndinoda kutaura newe.
(Maria anopinda)
Maria: Ndine urombo nemashoko akashata andakataura kwauri. Ndakaregedza satani achiisa pfungwa idzodzo mumusoro mangu. Ungandiregererawo here?
Maria: Chokwadi Sally ndinokuregerera. Tichiri shamwari here?
Sally: Ndingapika! Iye zvino ndave kuziva watiri kurwisana naye, tichangoramba tiri shamwari. (Vose vanobuda)
MUVENGI WEDU DHIABHOROSI
Chidzidzo chechina
Ndima yekuverenga: VaEfeso 6:12, "Nekuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga."
Zvinodiwa: Mabhegi mana epepa, mamasiki manana asatani, mazita mana akanyorwa, mamaka akati wandei, chigero.
Kugadzirira: Uchishandisa mamaka, nyora zviso zvina pamabhegi emapepa: Murume mumwe, vasikana vaviri, chimufananidzo chinotyisa chimwe. (Ona Fig 1) Pasi pezviso izvi nyora mazita aya pamabhegi aya, Chester mupari wemhosva, Freddy anotyisa, Sally murwere, naPolly Nhamo. Cheka panoenda maziso kuti vana vagoona. Nyora kuti satani pamabhegi ose ari mana. Sarudza vana vana kuti vagofanokubatsira nguva isati yakwana. Ita kuti mumwe mubatsiri wako ave nevana ava kunze kwemumba mekuitira mutambo. Pfekedza vana vese mamasiki aya nezita rinoti Satani. Fukidza vana musoro nemabhegi aya nezita. Ita kuti vana vange vari panze vachipinda mumwe mumwe apo unenge wotaura nezvake.
Chidzidzo
Vakomana nevasikana nhasi tine vaenzi muchidzidzo chedu. Pamwe makambonzwa nezvevaenzi ava vandinoda kukutaurirai nezvavo. Havasi vatsva kwamuri asi pamwe hamuna kumbofunga pamusoro pemabasa evaenzi vatisingafarire ava.
Muenzi wedu wekutanga, munoverenga nezvake mazuva ose mumapepanhau. Mungakwazise here Chester mupari wemhosva. (Mwana wekutanga anouya kumberi) Tinonzwa nezvembavha, mhondi nevanyengeri. Zvinoita sekunge pese patinobatidza bhaisikopu tinonzwa nezvaChester mhondi neshamwari dzake. Asi munoziva here kuti ndiani anokonzera mabasa ose aya? (Bvisa bhegi repapepa riya) Ndisatani. Ndiye anokonzera zvose izvi.
(Mwana wekutanga anobuda, wechipiri anopinda) Tine mumwezve muenzi nhasi. Ndiye anokonzera kukosora nemamwe marwadzo ese aungafunga. NdiSally murwere. Sally murwere haasi chinhu chitsva kuvana vazhinji. Sally anoita kunge anongogara achirwara nemudumbu kana kuti nemusoro asi pane muvengi chaiye anokonzera zvose izvi. (Bvisa bhegi repepa) Muri kuona kuti ndiSatani.
(Mwana wechipiri anobuda wechitatu achibva apindawo) Muenzi wedu anotevera ndiFreddy anotyisa. Tese takambosangana naye. Kazhinji kacho anoonekwa kana magetsi adzimwa kana kuti paitika mhere mhere isinganzwisisiki, hazvinei kuti ndekupi kana kuti papi anoonekwa chete. Tinoziva kuti ndiani ari kuzviita. (Bvisa bhegi repepa) Ndisatani. ndiye anokonzera zvose izvi muupenyu hwevanhu. Ndiye muvengi chaiye.
(Mwana wechitatu anobuda, wechina achibva apinda) Pane mumwe munhu wechina wandinoda kukuzivisai kwaari, Polly Nhamo. Kutambudzika hakusekesi. Polly haangotamburi chete, asi anonyima zvekare ane humbimbindoga. Asi munomboziva muvengi waMwari chaiye kuti ndiani, zvekare kuti ndiani anokonzera nhamo? (Bvisa bhegi repepa) Pafungei - ndisatani.
Satani ndiye muvengi chaiye waMwari. Ndiye anokonzera kutya, kurwara, kushaya, mhosva nezvimwewo zvitadzo zvese.
DZOKORORO
Chidzidzo chechina
Shandisai shoko
Satani akaedza kushandisa mambo Herod kuti auraye Jesu apo aiva Mwana mudiki. Dzimwe nguva mweya wakaipa unoedza kutadzisa vana vaMwari kuita basa rake.
Satani akamboedza here kukutadzisa kuita basa ramwari rawaida kuita? Pamwe akashandisa mumwe munhu kuti akutadzise. Tiudze zvakaitika uye kuti wakazokunda sei?
Mibvunzo
1. Ndiani anokonzera kusagadzikana kwese munyika?
2. Sei satani akakandwa kubva kudenga?
3. Ingirozi ngani dzakatevera satani pakupanduka kwake?
4. Chii chinoedzwa kuitwa nasatani sezvo asingakwanisi kukuvadza Mwari pachake?
5. Satani akakwanisa sei kupinda muupenyu hwedu?
6. Satani akazova ani mumashure mukutadza kwaAdam naEve?
7. Mumashure mekunge vanhu vatadza, Mwari akaudza satani kuti chii?
8. Sei Jesu akazvarwa asina chitadzo chaAdam naEve?
9. Mwari akaronga sei kuparadza simba raSatani?
10. Sei Jesu ari chibairo chekubhadhara zvitadzo zvedu?
11. Chii chakaitika kusimba raSatani pamusoropedu apo Jesu akatifira?
12. Sei satani aida kupradza Jesu achiri mwana?
13. Satani aida kubatsirana nani kuti hurongwa hwake hwekuuraya Jesu hubudirire?
14. Chii chinotaridza kuti munhu ari kushandiswa naMwari here kana kuti nasatani?
15. Ndiani aiva mudziyo wakashandiswa nasatani kuedza kuparadza mwana, Jesu?
16. Taura zvinhu zviviri zvingakonzera kuti satani apinde matiri?
17. Chii chingadai chakaitika kudai Jesu akaurayiwa asati aenda pachipiyaniso?
18. Satani aiziva here kuti Jesu ndiye achava muiro wezvivi zvedu?
19. Ndechipi chinhu chakaipisisa chakaitwa namambo Herod apo vaiedza kuuraya Jesu?
20. Tingamisa sei hurongwa hwaSatani muupenyu hwedu?
MUKOMANA ASINA KUMBOTADZA
Chidzidzo chechishanu
Ndima yekuverenga: Ruka 2:40-52
Chokwadi: Tinokwanisa kuramba kana kurwisa chivi.
Ndima yemusoro: VaRoma 6:14, "Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro pako."
Kamutambo: "Chivi hachisi mukuru wangu"
Chidzidzo: Kukokwa
Zvinodiwa: Maria (601), Josefa (602), dhongi (603), Guta (611), Mwana
Jesu (614), mapirisita, nevafundisi nevaFarise (616)
Kumudzidzisi
Chikonzero chakaita kuti munhu asaregererwe munguva yaMoses ndechekuti chivi chaigara mumweya wemunhu.Kunyange zvazvo munhu achinge amboda kuita zvakanaka, simba rekusiya pfungwa iyoyo rakanga risipo (VaRoma 7:20) Pasi pemurairo wechitenderano chekare, chivi chemunhu chaingovharwa neropa remhuka isina mhosva. Pasi pechitenderano chitsva, zvivi zvedu zvakagezwa neropa raJesu.
Chinangwa chekuuya kwaJesu chaiva chekupa vanhu masimba ekuti vararame, vave vakundi pamusoro pezvivi, zvirwere neurombo. Jesu vakaisa upenyu hwavo mumweya yedu apo takazvarwa patsva, zvichitipa bvumo yekuva vakundi. Kunyange tichimbotadza dzimwe nguva, tinokwanisa kungoshandisa 1 Johane 1:9 toramba tichirarama muutsvene.
Tsanangudzo
I. Apo Jesu akakura kuita mukomana, akadzidza pamusoro pababa vake, Mwari.
A. Mwari anoita baba vedu kana tichinge tatenda kuti Jesu ndiIshe.
1. Mwari ndiye baba vemweya yedu (VaHeberu 12:9)
2. Tinova vana vaMwari (1 Johane 3:2)
B. Jesu akadzidza nezvaMwari kubudikidza nekuverenga chitenderano chekare.
1. Mwari anozviratidza kwatiri kubudikidza neshoko rake.
2. Jesu akazadza moyo wake nemagwaro - tinofanira kutevedzera muenzaniso wake.
C. Apo akadzidza magwaro, Jesu akadzidza zvese pamusoro pakewo zvekare.
1. Chitenderano chekare chaiva chakazara nemagwaro aitaura pamusoro paJesu pachake.
2. Sezvo Jesu airarama upenyu semunhu, aifanira kuverenga nekudzidzawo sezvatinongoitawo.
D. Tikaverenga magwaro nekuadzidza, anotitaurira kuti tisu vanaani munaKristu.
1. Tiri vatsvene vaMwari (II vaKorinte 5:21)
2. Tiri vatsvene tisina kukanganisa chinhu pamberi pashe (VaEfeso 1:4)
3. Tiri vakundi mune zvese (VaRoma 8:37)
II. Apo Jesu ainge ave nemakore makumi maviri akaenda nevabereki vake kuJerusalem kubva
kuJerusalem.
A. Vabereki vaJesu vaigaro enda kuJerusalem gore negore panguva yepasika.
1. Pasika yaiva nguva yekutondera kuburitswa kwevana veIsrael muEgipita.
2. Pasika chaiva chiratidzo kubva kuna Mwari kuvanhu vake kuchiratidza zvavaizoitirwa nemudzikinuri kana auya.
3. Mazuva ano tinogamuchira chidyo chinoera serutondedzo rwezvatakaitirwa naJesu.
B. Panguva yepasika Jesu akashanyira Temberi achikurukura nemapirisita.
1. Vapirisita ndivo vaiva vanhu vakafunda kubva mumagwaro.
2. Jesu aiva nechishuwo chekudzidza zvinhu zvose zvaMwari.
3. Apo tinonzwa nzara nenyota yaMwari, akativimbisa maguta (Mateo 5:6)
C. Pakapera pasika, vanhu vakanga vabva kuNazareta vakadzokera kumusha.
1. Mumashure mekunge vafamba kwezuva rose, Josefa naMaria vakaona kuti Jesu akanga asipo.
2. Kufamba kwezuva rose kwaireva kufamba mamaira gumi nemasere kusvika pamakumi matatu.
3. Aiva maitiro enguva iyoyo kuti mufambo wekutanga waiva mupfupi pane wekupedzesera, waigona kuva mamaira matatu kusvika pamasere.
4. Chikonzero cheizvi chaiva chekuti pamwe panenge paibne chinenge chakanganikwa, saka munhu aikwanisa kudzokera kunotora achizobata vamwe zuva raitevera.
III. Josefa naMaria vakadzokera kuJerusarema kunotsvaga Jesu.
A. Vakanga vasina kuita basa nazvo, vachifunga kuti pamwe aiva nevamwe, shamwari kana hama.
B. Pazuva rechitatu vakawanda Jesu ari muTemberi.
1. Aiva akagara nevakuru vesvondo pamwe chete nevanyori vemagwaro, achiterera kwavari nekubvunza mibvunzo.
2. Vadzidzisi vemagwaro vakashamiswa nemhinduro dzake pamwe chete neuchenjeri hwake.
C. Vabereki vaJesu vakabvunza kuti sei akanga asara kuTemberi.
1. Akavaudza kuti aifanira kuita basa raMwari.
2. Jesu akadzokera naJosefa naMaria kuNazareta achivaterera uye achiwenzera njere dzake kuna Mwari nekune vamwe vanhu.
D. Semukomana muupenyu hwake Jesu haana kumboita chivi.
1. Jesu haana kunge aramba kuenda nevabereki vake kuNazareta, asi kungoti vanhu vaive vangosangana sangana.
2. Jesu akakunda miedzo nekuva nesarudzo yakanaka inoenderana neshoko raMwari.
3. Nesuwo, tinokwanisa kukunda zvivi nekuti upenyu hwaJesu huri mumoyo yedu, hunotipa simba rekuva nesarudzo yakanaka maererano neshoko raMwari.
Chidzidzo cheMweya
Ndinoramba satani namabasa ake ese
Neshoko raMwari
Nezita raJesu
Kuchivi ndinoti, "Hausi mukuru wangu!
Jesu akakunda muhondo! Wakaruza!"
Ndiri mukundi.
Chivi hachina simba pamusoro pangu
Ndiri mukundi.
Jesu akandikundisa.
CHIVI HACHISI MUKURU WANGU!
Chidzidzo chechishanu
Vatambi: Mubvunzi, Josefa
Mubvunzi: Wakambifunga here kuti Jesu aiva akaita sei apo aiva mucheche? Zvisinei, tichazviwana muchirongwa chanhasi apo tichange tiina Josefa muchidzidzo chedu. Ngatigamuchirei Josefa muvezi.
Josefa: Tatenda, tatenda.
Mubvunzi: Kukomborerwa kwakadini! Takanzwa nezvako zvekare tiri kufara chaizvo kuva newe pachirongwa chino.
Josefa: Ndinofara kuva pano. Ndinofarira vana, ndaiva nevana vakawanda mumba mangu.
Mubvunzi: Waiva navo! Vakawanda kudarika kuve naJesu?
Josefa: Hongu, regai ndione, kwaiva nevasikana, naJude naJames.
Mubvunzi: Oh! Vaiva vakawanda. Titaurirei nezvaJesu, aiva mukomana akaita sei?
Josefa: Aiva mwana akanaka. Handaikwanisa kukumbira mwana akadzikama kudarika iye. Haana kumbobvira apokana neni, kana zuva rimwe chete zvaro.
Mubvunzi: Hauna kumbobvira wamurova here?
Josefa: Zvainge zvisingakodzeri, aingoita zvakanaka chete.Mukomana iyeye ainamata mazuva ese, ndichiri kurangarira kuti aida chaizvo kuti ndimuverengere magwaro.
Mubvunzi: Jesu aiva nerudo chairwo neshoko raMwari, ndizvozvo here?
Josefa: Ichokwadi, ndichochaiva chakavanzika chake pakuita zvakanaka. Aifunga nezveshoko raMwari nguva dzose.
Mubvunzi: Akatanga kuita izvi riini?
Josefa: Apo aiva mudiki. Asati ave nemakore makumi maviri , amai vake neni takagara pasi tikamutaurira kuti aiva akakosha sei kwatiri.
Mubvunzi: Makamuudza kuti kudii?
Josefa: Takamuudza kuti aive asiri mwana wangu, asi kuti aiva mwana waMwari. Takamuudza mauyiro akaita ngirozi kwatiri, iye asati atombozvarwa, ichitiudza kuti aizonzi Jesu zvekare aizonunura vanhu vake kubva muchivi.
Mubvunzi: Jesu akaita zvishamiso here apo aiva mudiki?
Josefa: Kwete. Haana kumboita zvishamiso kusvikira apoa akanga ave nemakore makumi matatu apo aive akazadzwa nemweya mutsvene.
Mubvunzi: Aiva nemasimba emasaramusi here?
Josefa: Kwete. Jesu haana kumboita masaramusi. Simba rake rose rekurapa nekuita zvishamiso raibva kuMweya Mutsvene.
Mubvunzi: Saka aiva akangoita sevamwe vakomanawo zvavo?
Josefa: Aiva akangoita sevamwe vana vose chete kungoti haana kumbobvira aita chivi.
Mubvunzi: Unofunga kuti pane mumwe mwana zvekare achaita saJesu here?
Josefa: Tose tinokwanisa kuva saiye nekuti iye anokwanisa kurarama mumoyo medu, asi hakuna munhu anokwanisa kugara asina kuita chivi kana kamwe chete zvako. Jesu haana kumbobvira aita chivi. Chivi chaiva china chekuita naye.
Mubvunzi: Vamwe vanhu havatomboedza kugara vasingaite chivi. Vanoita sekunge
vasingakwanise kubatsira asi kungoita zvakaipa zvega.
Josefa: Ndicho chikonzero Jesu akauya. Akazvarwa naMaria, akakura, akaroverwa pamuchichinjiko, akamukazve kuti tikunde zvivi.
Mubvunzi: Tinokwanisa here kuti kwete kuzvivi?
Josefa: Hongu. Bhaibheri rinoti muna vaRoma 6:14, Nekuti zvivi hazvizombova nesimba pamusoro pako." Takasununguka, kana Jesu achigara maari.
Mubvunzi: Ko zvivi zvatakaita kare?
Josefa: Jesu vakatotirwira pane zvese izvi. Bhaibheri rinoti kana tichireurura zvitadzo zvedu, iye ane rudo nekutiregerera matadzo edu.
Mubvunzi: Ndikareurura zvitadzo zvangu, Mwari vanondiregerera?
Josefa: Zvakanaka. Anoregerera nguva yese yese.
Mubvunzi: Ndingazvitondera sei zvose izvi?
Josefa: Ramba uchiisa pfungwa dzako pashoko raMwari. Rinoti, Shoko renyu ndakarichengeta mumoyo kuti ndigorega kukutadzirai." Kufunga pamusoro peshoko raMwari kunoita kuti usaite zvivi.
Mubvunzi: Ndichazviita musati maenda! Ndinoda kukubvunzai mubvunzo.
Josefa: Bvunza hako.
Mubvunzi: Ndiani akakudzidzisai magwaro aya ose?
Josefa: Iwe unofunga kuti ndiani? NdiJesu akandidzidzisa izvozvi nezvimwe zvakawanda.
KUKOKWA
Kamutambo Chidzidzo chechishanu
"Mhanya Sally, vhura!" akadaidzira Lynn.
Sally akaramba zvake akatarisa hamvuropu yaainge aiswa mumaoko naJay Sparrow mukomana aizivikanwa zvikuru aiva mugwaro rechitanhatu. "Ndiri kutoshaya kuti chii," akaseka Jenny.
Sally akatendeudza hamvuropu iya zvekare kuti anyatsogutsikana kuti ndeyani. Chokwadi yakanga iri yake, Sally Morgan.
Sally akanga ava kutotadza kuvhura hamvuropu iyi nekufara.
"Verenga uchidaidzira, Sally."
"Zvakanaka inoti, "Uri kukokwa kumutambo webhava dheyi yaJay Sparrow kuWater World musi wesvondo, musi wa13 June kubva na10 mangwanani kusvika na5 masikati. Upindure musi wemuvhuro ,7 June usati wasvika."
Mwoyo waSally wakarwadza. Svondo, sei nesvondo? Sally haana kufara nazvo, akatanga kuchema.
"Sally, zvaita sei? Wakokwa kumutambo wemukomana anozivikanwa zvikuru pachikoro pese, tisingatauri zvedu zveupfumi, asi wava kuchema?"
"Handingaende," akachema Sally.
"Sei usingakwanisi kuenda,? akabvunza Lynn.
"Pamusana pekuenda kuchechi."
"Pamusana pechechi? Sei? Zviri kunze kwemutemo hwechechi yenyu here kuenda kumutambo?"
"Oh, handizvo," Sally akapindura. "Kungoita kwekuti mutambo uri kutanga nguva dzimwedzo nechechi saka ini ndiri mumutambo watiri kuita kuchechi. Tinoshumira muchechi yevana svondo dzose."
"Saka ingorovha svondo rimwe. Hazvina kumboipa!"
"Haunzwisise. Ndati ndiri mutambi mumutambo uri kuitwa, kwete kutaura pamusoro paJesu," Sally akatsanangura.
Lynn haana kuzvinzwisisa."Iwe kana ini ndinoendawo kuchechi asi usabva wazvinyanya kudaro. Kurovha, svondo rimwe, hachisi chitadzo."
"Kwandiri zvakakosha. Pandakapa moyo wangu kuna Jesu ndakamuvimbisa kuti ndichaisa iye pamberi."
"Iwe kani," Lynn akadaro. "Mwari anonzwisisa izvozvo. Anoda kuti ufare."
"Uri kutaura chokwadi. Haadi kuti ndisafare. Asi kana ndikaenda kumutambo iwyu, moyo wangu uchindiudza kuti ndinofanira kunge ndiri muchechi ndichishumira shoko raMwari , ndini munhu anenge akasuwa kukunda vanhu vese pasi pano."
"Zvisinei, ita zvaunoda upenyu hwako. Kana uchida kuruza mukana waunowana kamwechete, kubva ita zvako." Lynn akatanga kufamba.
Haanzwisise, akafunga Sally. Zvisinei Mwari ndinoziva kuti munonzwisisa.Handingatengesi ukama hwangu nemi pamusana pemutambo webhava dheyi uyu. Pamusoro pazvo, shoko rinoti, kana tsvaga kutanga umambo hwekudenga zvimwe zvinhu zvose zvinozotevera. Ndinokutendai iye kuti kuchava nemimwe mitambo yakaita seuyu, yandichafarira.
Mweya waSally wakatanga kusimuka zvekuti paakazosvika kumba akanga ava kuimba, "Kwayedza, kwayedza,kwayedza mumoyo mangu, mumoyo mangu, Jesu ndiye zuva rangu kwayedza mumoyo mangu." Sally akavhura musiwo achidaidzira, "Kana satani asingazvide izvi, ndezvake!"
Pakupera kwesvondo kwese, Sally aiedzesera izvo aizoudza Jay nekusaenda kubhava dheyi kwake. Hazvina kubuda zvakanaka. "Oh, Mwari ndipei mashoko ekuti ndikwanise kutsanangura izvi kuna Jay," Sally akanamata.
Mukana wekuti Sally achivimba naMwari, wakasvika panguva yekudya kwemasikati. Jaya akabhabhaisa achinyemwerera zvakanyanya apo aipfuura nepachitoro achienda kwaiva naSally."Hie Sally! Ndangouya kuti ndizokuudza kuti baba vangu vanoda kuti munhu wese ange ave pamba pedu na9.30 manganani esvondo. Akatsvaga motokari yakanaka chose kuti itiendese kuWater World. Zvichanakidza!"
Sally akatura mafemo. "Jay, ndine urombo, asi handikwanise kunge ndiri pamutambo wako."
Jay akashamisika. "Uri kutamba neni here?"
"Uri kuona. musi wesvondo," akadaro Sally.
"Saka?"
"Nesvondo, ndinoenda kuchechi."
"Ingorovhaka svondo imwe chete."
Hezvoka izvo, Sally akafunga. "Haunzwisise. Uri kuona ndiri muKristu. Jesu ndiye munhu akakosha muupenyu hwangu. Pamusoro pazvo ndiri muchikwata chichaitisa kamutambo kekushumira kuvana." Apo, ndazvitaura.
"Ndazvinzwa," Jay akadaro. "Ndekupi zviya kwaunoenda kuchechi?"
"Handifungi kuti ndambozvitaura. Mhuri yangu inoenda kuWord of Faith Christian Centre," akapindura Sally.
"Zvinonakidza izvi," Jaya akapindura. "Zvisinei, ndine urombo kuti haukwanise kuuya musi wesvondo. Ndichazokuona." Jay akatendeuka ndokufamba achienda.
"Zvakanaka," akadaro Sally. Ndichazokuona - riini, akafunga. Zvisinei, Jehovha munondida!
Masvondo ose mangwanani, raiva basa raSally kuti aburitse tumidhori twese twainge twuchizoshandiswa. Sally ndiye aifanira kuona kuti vese vakapfeka zvakanaka here. Akanga atopedza apo shamwari yake, Amy akapindamo.
"Sally, fembera kuti chii chaitika!"
"Pamwe mudhuri wabatira moto kana kuti mutungamiriri wenyika, anzwa nezvemutambo wedu saka auyawo kuzoona," akadaro Sally.
"Vhara!"
"Unorevei nekuti vhara?"
Amy akanga aita kuti Sally achinyatsoterera. "Mota mbiri dzakanaka, dzatomiswa panze apa," Amy akadaro.
"Uri kutamba." Sally akafunga kuti Amy ari kutamba.
"Kwete, Sally, ndiri kutaura chokwadi. Fembera kuti ndiani anga ari mune imwe yacho?" Amy aitadza kutaura nekufara. "Jay Sparrow!" akadaidzira. "Anga aine vamwe vana vakawanda vaanga anavo."
"Izvi zvinoshamisa, ungazive kuti sei vari pano," akabvunza Sally.
"Pamwe vauya kuchechi yevana. Ndinovimba vazadza maraini matatu."
Pakarepo Sally akava neimwe pfungwa. "Ngativanamatirei," akadaro. Vasikana vaviri vakabatana maoko vakabvumirana kuti Mweya Mutsvene ubate moyo wemwana wega wega zvekare kuti vagogamuchira Jesu semuponesi wavo.
Mumashure memutambo wake, Sally akaenda zvinyoronyoro kunogara mumashure shure. Amy ataura chokwadi. Vese varimo! Sally akatanga kufunga kuti sei vainge vauyamo vasina kuenda kuWater World, asi akafara kuvaona vese.
Pastor Miller pavakakoka vaida kugashira Jesu, maoko mazhinji pamitsara mitatu akasumudzwa. Sally akanyanya kufara zvekuti akatanga kuchema. Madonhwe makuru emisodzi akayerera namatama ake apo akasimudza maoko ake achinamata Mwari.
Mumashure mesvondo, Sally akafamba achienda kumberi kwechechi uko kwaiva kwakamira Jay. "Mhoro Jay."
"Mhoro Sally. Ndinoziva kuti uri kushamisika kuti sei tose tiri pano."
"Kutaura chokwadi, hongu, asi ndafara chaizvo kuti mauya."
Jay akatanga kutsanangura. "Pawakandiudza kuti hawaikwanisa kuuya kumutambo kwangu nekuti waida kuenda kuchechi, ndakada kuziva kuti chii chaimboitika kuchechi kwenyu. Vanhu vese vauya nekuda kuona. Ndanga ndichida kuona kuti chii chinonyanyokosha pano apa. Saka ndazozviona. Wakatarisana naJay mutsva, kubvira nhasi ndave kuzobatikanawo svondo yega yega, ndichienda kuchechi. Ichi ndicho chipo chikuru chebhavha dheyi rangu chandisati ndamboona.
DZOKORORO
Chidzidzo chechishanu
Shandisai shoko
Mumwe nemumwe wedu akatomboedzwa. Kunyangwe Jesu akaedzwa nasatani kuti aite zvakaipa, asi akazviramba neshoko raMwari.
Ungafunga here dzimwe nzira dzingashandiswa kuedza vanhu nasatani pamwepo nemagwaro avangashandise kuramba miedzo ?
Mibvunzo
1. Baba vaJesu ndiani?
2. Mwari anozoita baba vedu riini?
3. Jesu akadzidza sei , uye isu tingadzidza sei nezvaMwari?
4. Ndianizve mumwe akadzidzwa nezvake naJesu paaidzidza magwaro?
5. Sezvo Jesu ari Mwari, sei akatora nguva achifunda magwaro sezvatinoitawo ?
6. Patinodzidza nekuverenga magwaro, chii chatinodzidza?
7. Taura zvinhu zvitatu zvatinonzi nebhaibheri tiri, muna Kristu?
8. Jesu aiva nemakore mangani apo akaenda nevabereki vake kuJerusalem?
9. Jesu nevabereki vake vainge vaenda kuJerusalem kunoitei?
10. Pasika yairevei?
11. Ndechipi chirayiro chatinodya iye zvino chinotirangaridza zvatakaitirwa naJesu?
12. Sei Jesu akaenda kuvapirisita muTemberi nguva yepasika?
13. Kana tichinzwa nzara nenyota pamusoro paJesu chii chaakativimbisa?
14. Sei kutanga kwerwendo rwega rwega kwaiva kupfupi pane pekupedzisira?
15. Josefa naMaria vakatsvaga Jesu kwenguva yakareba zvakadini?
16. Vabereki vaJesu vakamuwana kupi?
17. Jesu aiitei muTemberi?
18. Chikonzero chipi chakapiwa naJesu kuti sei aiva muTemberi?
19. Jesu akamboita chivi here ?
20. Jesu akaramba chivi sei zvekare isu tinoramba chivi sei?
JOHANE MUBHABHATIDZI
Chidzidzo chechitanhatu
Ndima yekuverenga: Mateo 3:1-17, Johane 1:29
Chokwadi: Jesu akatsikinura vanhu kubva kuchivi
Ndima yemusoro: Johane 1:29, "Tarirai gwayana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika."
Kamutambo: "Kugadzirira nzira"
Chidzidzo: Chidhori chechisoja
Zvinodiwa: Johane mubhabhatidzi (617), Chaunga (618), Jesu (619, 620), njiva (621), mvura (622, 623)
Kumudzidzisi
Chidzidzo chino chinopa mukana wakanaka kuvana vako kuti vadzidze pamusoro perubhabhatidzo rwemvura. Rubhabhatidzo rwemvura rwakakosha pamusana pezvikonzero zvitatu: 1) Mutemo unobva kuna Mwari. 2) Zvinopupura kushanduka kwako nechemukati.
3. Chiitiko chekuramba kuti nyama ive nesimba pamusoro peupenyu hwedu.
Zvakakosha kuti tizive kuti rubhabhatidzo rwemvura harwutiite vatsvene. Ropa raJesu weNazareta ndiro chete chipiro chinobvisa zvivi zvedu. Rubhabhatidzo rwemvura rwunoburitsa izvizvo pachena. Kunyangwe zvazvo rubhabhatidzo rwemvura ruchipiwa kuvana vanenge vagamuchira Jesu semuponesi wavo, havafanirwe kumanikidzwa kuti vaite izvi.
Tsanangudzo
I. Mwari vakatuma Johane mubhabhatidzi semutumwa wavo kuti agadzirire kuuya kwaJesu.
A. Kuzvarwa kwaJohane kwaiva chishamiso mwedzi mishoma shoma Jesu asati azvarwa.
1. Amai vaJohane, Elizabeth vaiva hama yaMaria amai vaJesu.
2. Ngirozi yaMwari yakazviratidza kuna Zacharias, ikataura nezvekuzvarwa kwaJohane kunyangwe zvazvo Elizabeth ainge asingabari.
B. Apo Johane paakakura, Mwari akamutumira kurenje padyo nerwizi Jordan.
1. Johane aipfeka nhumbi dzakagadzirwa nemvere dzengamera, achidya mhashu nehuchi hwemusango.
2. Sekutaura kwaiva kwaita muporofita, Johane ndiye aiva izwi raichema murenje, kugadzirira kuuya kwaIshe (Isaiah 40:3)
C. Vanhu vose vaibva kuJerusalem, Judea nemamwewo matunhu akatenderedza rwizi Jordan vakauya kuzonzwa Johane achiparidza.
1. Johane akaparidza kuti vareurure zvitadzo zvavo uye vabhabhatidzwe.
2. Kureurura kunoreva kushandura moyo - vanhu veIsrael vainge vanyanya kutadza.
D. Vanhu vechiJuda vazhinji vakanzwa Johane achiparidza, vakabhabhatidzwa murwizi Jordan vachirerurura zvitadzo zvavo.
1. Kwavari, kubhabhatidzwa kwaireva kuti vainge vazvipira kushandura maitiro avo.
2. Kuparidza kwakazodziwa kunoita vanhu vave nesarudzo.
II. Jesu akauya kurwizi Jordan kuzobhabhatidzwa naJohane.
A. Mwari aiva ataura kuna Johane pamusoro pemumwe munhu aizouya.
1. Akaudza Johane kuti ushumiri hwemurume uyu hwaiva huchakura kupfuura hwake.
2. Mwari akati Johane aizoona Mweya Mutsvene uchiburuka senjiva kuvanhu.
B. Rimwe zuva apo Johane aiparidza, akaona Jesu achiuya kwaari.
1. John akamudaidza kuti "Hwayana yaMwari."
2. Sezvo hwayana dzaipirwa sezvipiriso, Johane naJesu vaiziva kuti vaizobhadharira zvitadzo zvevanhu nekununura vanhu.
C. Jesu aida kuti Johane amubhabhatidze.
1. Pakutanga Johane akaramba achiti Jesu aiva asina chitadzo nekuti aiva mwana waMwari.
2. Sezvo Jesu ari iye mufananidzo nemuenzaniso wedu, akazviitira isu kwete iye pachake, saka Johane akabhabhatidza Jesu pamusoro pekushingirira kwake.
D. Rubhabhatidzo rwemvura runoratidza kuti takatendeka pana Mwari.
1. Ropa rajesu chete ndiro rinokwanisa kutichenesa nekutidzikinura kubva muzvivi.
2. Rubhabhatidzo rwemvura runotiratidza zvinenge zvaitika mumoyo memunhu.
III. Jesu akapiwa simba neMweya Mutsvene.
A. Apo Jesu akauya pamusoro pemvura, Mweya Mutsvene wakauya paari.
1. Sezvaakaudzwa naIshe, Johane akaona Mweya Mutsvene uchimhara pana Jesu senjiva.
2. Panguva dzimwechetedzo, Mwari akataura kubva kudenga achiti, "Uyu mwana wangu wandinodisisisa, maari ndakasununguka."
B. Panguva iyoyo Jesu ndipo paakapiwa simba rekuita zvishamiso.
1. Kusvika panguva iyoyi, Jesu aive asati amboita chishamiso.
2. Mweya Mutsvene unotipa simba rakakura munashe. (Mabasa evapositori1:8)
3. Tinokwanisa kuwana simba reMweya Mutsvene nhasi (Mabasa avapositori 2:38-39)
C. Tinofanira kubhabhatidzwa sezvakaitwa Jesu nekuti isu tinotenda muna Jesu takaitwa vatsvene maari.
1. Kubhabhatidzwa kwemvura mutemo kubva kuna Mwari.
2. Rubhabhatidzo rwemvura chiratidzo chekunze kana chipupuro chekushanduka kwemunhu kana achinge azvarwa patsva.
3. Rubhabhatidzo rwemvura runoita kuti kutenda kwedu kutipe sarudzo yekuti tisatongwa nenyama yedu.
Chidzidzo cheMweya
Tarisai hwayana yaMwari
Inobvisa zvitadzo zvevanhu.
Jesu Kristu Mwanakomana waMwari
Ndiye hwayana yakamutswa.
Sezvo ndakakumbira Jesu kuti ave mumoyo mangu,
Handichave sakare
Ndadzikinurwa
Neropa rehwayana.
KUGADZIRIRA NZIRA
Kamutambo Chidzidzo chechitanhatu
Vatambi: Johane mubhabhatidzi, Eliud (mudzidzi waJohane)
Eliud: Iwe, Johane, ndanga ndichifunga.
Johane: Uchirangarira shoko raMwari zvekare, Eliud?
Eliud: Kwete saizvozvo, Ndanga ndichifunga nezvekushandura maitirwo ezvimwe zvinhu.
Johane: Kushandura? Kushandura sei?
Eliud: Kushandura chikafu chatinodya. Mhashu neuchi zvakanaka asi kwete nguva dzose.
Johane: Zvakanaka kwauri, zvinokudza bvudzi paditi pako.
Eliud: Kutaura nyaya yebvudzi, hauone here kuti inguva yesutu itsva? Nguwo dzevhudzi rengamera dzave dzakare. Ndinoreva kuti vamwe vanhu vanouya kuzoterera mharidzo dzako madhokotera nevazivi vemitemo. Hufungi kuti unofanira kupfeka zvinotaridzika zvakanaka?
Johane: Hazvina basa izvo. Ndidzo chaidzo mbatya dzemurenje. Chinhu chaunokwaisa kugeza uchipfeka, hazvidi kuwachwa nemichina.
Eliud: Ndicho chimwe chinhuzve ichocho. Nechikonzero chei uchingoramba uchiparidza uri kuno kurenje? Ndinoziva kuti tinokwanisa kuunganidza vanhu vakawanda kuguta.
Johane: Unofanira kuramba uri pane chawakadanirwa, mwana. Mwari vakataura kuti ndini ndaiva izwi raichema murenje. Handina kumboona apo takashaiwa vanhu. Vanhu vari kubva nzvimbo dzose. Kune mvura yakawanda kurenje kuno yekubhabhatidza vanhu zvekare.
Eliud: Waunza chimwe chinhu zvekare. Unoramba uchingonyudza vanhu pasi pemvura, chii chinoitika kana vakayeredzwa? Tinokwanisa kusungwa, mitero yedu ikapetwa kaviri. Ivo vanhu vanombobhabhatidzirweiko?
Johane: Mucherechedzo, Eluid. Kana munhu achinge areurura, ave kutevera Mwari, Mwari vanomukanganwira zvivi zvake, otangisa patsva zvekare. Rubhabhatidzo rwemvura runoratidza kushanduka kunoitika mumoyo memunhu. Rubhabhatidzo rwangu nderwe kugadzirira mumwe ari kuuya mumashure mangu.
Eliud: Unongoramba uchitaura nezvemumwe achauya, ndiani? Zvekare achauya riini?
Johane: Iye ihwayana yaMwari, Eliud. Achabvisa zvivi zvose zvenyika. Mitemo haikwanise kubvisa zvitadzo asi murume uyu anogona. Achabhabhatidza nemoto neMweya Mutsvene. Achave mukuru kune vanhu vese.
Eliud: Asi iwe uri murume mukuru, Johane - muporofita mukuru waMwari.
Johane: Zvandiri, ndakazvipiwa naMwari, asi handikodzeri kana kusunungura shangu dzemurume uyu.
Eliud: Uchamuziva sei kana auya?
Johane: Jehova vakati ndichaona Mweya Mutsvene uchimhara paari, uchiramba uripo. Iye Mwanakomana waMwari.
Eliud: Ho-o Mwanakomana waMwari ari kuuya saka uri kumugadzirira nzira.
Johane: Chikomborero neruremekedzo.
Eliud: Unofungei nekuita dzimwe shanduko dzandataura?
Johane: Ndinofunga tinofanira kungosiya sezvazviri.Yave nguva yekuita basa, Eliud. Kwauya chikwata chevaFarise nemaSaduse. Imichaunga chenyoka! Ndiani akauyambirai nezvemutongo uchauya ....
(Vose vanobuda)
CHIDHORI CHECHISOJA
Ngano Chidzidzo chechitanhatu
Gospel Bill aidzidzisa chikwata chevakomana chaiva panze pechitoro. pamusor paJesu. Vose vakanyatsoterera apo Bill ainyatsovataurira nezvekuuya kwaJesu kuzofira zvivi zvedu. "Jesu akauya kuzotidzikinura," akatsanangura. "Akazviita apo akafa pamuchinjikwa."
"Kudzikinura zvinorevei?" akabvunza mumwe wevakomana ava.
"Kudzikinurwa kunoreva kubvisa chimwe chinhu kuti udzoserwa chawakambotorerwa." akadaro Gospel Bill. "Mwari akatidzikinura kubva kuna satani. Ndichakutsanangurirai ndichishandisa zvakamboitika kwandiri pandaive ndichiri mudiki." Maziso ose aive akatarisa pana Gospel Bill apo ainge achitaura.
"Zvakaitika apo ndaiva nemakore gumi ekuberekwa," akadaro Gospel Bill. "Baba vangu vakandipa banga dzaru, ndikadzidza kuveza. Rimwe zuva ndakawana kamuti, ndikatanga kuveza chidhori chemusoja kubva pachimuti ichi."
"Ndinofarira zvidhori zvemasoja," akadaro mumwe mukomana.
"Ndakachipenda ndikachigadzira zvakanaka," akadaro Bill. "Ndicho chidhori chandainyanyodisa nekuti ndaive ndachigadzira ndega."
"Wakatamba nacho kakawanda here? akabvunza mukomana.
"Mazuva ose," akadaro Bill. "Ndakatamba nechidhori chemusoja ichi kudarika mimwe midhori yangu yose. Ndakazofunga zvekuenda nacho kuchikoro."
"Ndinoziva kuti mukomana wese kuchikoro aifarira chidhori ichocho," akadaro mumwe mukomana.
"Rega ndikutaurirei zvakaitika," Bill akaenderera mberi. "Ndakaisa chidhori chiya musaki. Chikoro pachakavhurwa, ndakaisa saki pasherefu yangu. Vanhu vose pavainge vasingazvione, mukomana ainzi Stanley akavhura saki akaba chidhori ichi."
"Hapana akamudzivisa?" akabvunza mumwe wevakomana aiva akaterera.
"Hapana akazviziva kuti atora chidhori changu chemusoja," akadaro Bill. "Akachiviga mubhachi, ndokuenda nacho kumba."
"Zvakakurwadza here?" akabvunza mumwe.
"Ndakachema nekuti chidhori changu chainge charasika," akadaro Gospel Bill. "Ndakatsvaga pese pese kunotambirwa kusvika kwasviba kuti ndichiwane. Ndakabvunza vana vose muchikoro kuti vainge vambochiona here. Hazvina kubatsira."
"Wakagadzira chimwe here?" akabvunza mumwe mukomana.
"Kwete," akapindura Gospel Bill. "Handina kumbofunga zvekuti ndigadzire chimwe. Rimwe zuva ndiri kuchikoro ndakaona Stanley achiuya kuchikoro akabata chidhori changu."
"Wakamurova here?" akabvunza mukomana.
"Kwete," akadaro Bill. Ndingadai ndakapinda mumatambudziko dai ndakaita izvozvo. Zvisinei, zvaiva zvakashata. Ndakaenda kuna Stanley, ndikamubvunza nezvemusoja wangu."
"Akakudzorera here?" vakabvunza vakomana.
"Haana kundipa musoja," akadaro Bill. "Akanga atovezera zita rake pamusoja wangu, akandiudza kuti ndiye ainge aveza chidhori ichochi."
"Ainyepa!" akadaro mumwe mukomana.
"Hongu, Stanley akanyepa nekuba zvekare," akadaro Bill. "Akagumisira abvuma kunditengesera musoja - wandakagadzira nemaoko angu. Aida madhora mashanu.
"Madhora mashanu!" akadaro mumwe wevakomana. "Yakawanda kudarika inowanikwa nababa vangu kwesvondo rese."
"Yakawanda kupfuura inowanikwa nababa vangu zvekare," akadaro Bill. "Ndakafunga mumoyo mangu kuti hapana chaive chakanyanya pane kuti ndiwane chidhori changu."
"Waiva nemari yacho here?" akabvunza mumwe mukomana.
"Kwete," akadaro Gospel Bill. "Ndaiva ndisina kana mari, asi ndakawana basa rekukama mombe, raindipa shereni pazuva. Zvakanditorera masvondo gumi kuti ndiwane madhora mashanu iwayo, asi ndakazviita. Saka ndakaenda kumba kwavana Stanley kunobvunza nezve chidhori changu."
"Saka waifara, sandizvo here?" vakomana vakabvunza
"Ndakafara kuva nemudhori wangu asi akanga akanganisika," akadaro Bill. "Akanga akazara madhaka, zvekare pendi zhinji yaive yabva. Ndakatora chidhori ndikaenda nacho kumba ndikachigeza, ndikabva ndachipenda zvekare."
"Ndinofunga Stanley akasvotwa!" akadaro mumwe mukomana.
"Hapasiripo pakaperera nyaya yacho," akadaro Bill. "Mumashure memazuva maviri, baba vaStanley vakamuunza kumba kwedu. Pavakaona aine mari yakawanda, vakamubvunza kuti ainge aiwana sei. Baba vake vakabata chokwadi chose vakaumita kuti adzosere mari yangu yose."
"Inyaya inofadza," akadaro mumwe mukomana. Vakabvumirana vose kuti nyaya iyi yakada kufanana neya Jesu.
"Mwari akatigadzira, satani akatiba," akadaro mumwe mukomana.
"Satani akatibata zvakaipa. Akatikonzera kuti tiite zvivi nezvese zvakaipa," akadaro mumwe.
"Asi Mwari vakapa zvese zvakanaka zvavaiva nazvo - Jesu - kuti atidzikinure," akadaro Bill. "Mwari akakwanisa kuve naJesu zvekare sezvandakangoitawo kuwana mari yangu , nekuti mumashure memazuva matatu neusiku hutatu muguva, Jesu akamukazve."
"Ndinofunga ndave kuziva kuti kudzikinura zvinorevei," akadaro mumwe mukomana.
"Kana neniwo," vakadaro vamwe vose. "Hatife takazvikanganwa kana tichiri kurarama."
DZOKORORO
Chidzidzo chechitanhatu
Shandisai shoko
Jesu akauya kuzotidzikinura kubva muzvivi. Kunyangwe zvazvo zvivi zvisina simba pamusoro pemaKristu akazvarwa patsva, dzimwe nguva tinoerekana taregera nyama yedu ichitikonzera kuti tiite chivi.
Kana uine chivi chausati wareurura kuna Mwari, iye zvino , tora kanguva kekukumbira ruregerero kuna Mwari. Kubva kuna 1 Johane 1:19. kana ukareurura zvitadzo zvako, Mwari vachakuregerera nekukuchenesa kubva kuzvivi zvakao.
Mibvunzo
1. Ndiani aiva mutumwa waMwari akagadzirira kuuya kwaJesu?
2. Johane mubhabhatidzi aiva neukama naJesu here?
3. Mwari vakatuma Johane mubhabhatidzi kuti aende kunoparidza kupi?
4. Mapfekero api aJohane ainge akasiyana nevamwe?
5. Johane mubhabhatidzi aiparidza kuti chii kune vanhu vose vaiuya kwaari?
6. Shoko rekuti kureurura rinorevei?
7. Chii chakaitika kune maJuda mazhinji akanzwa Johane achiparidza?
8. Rubhabhatidzo rwemweya rwairevei kumaJuda?
9. Mwari vakaudza Johane mubhabhatidzi kuti chii maringe neushumiri hwaJesu?
10. Johane akadaidza Jesu kuti ani apo akamuona achiuya kuzobhabhatidzwa?
11. Sei zvaiva zvakakodzera kuti Jesu adaidzwe kuti hwayana?
12. Sei Johane akaramba pekutanga, kubhabhatidza Jesu?
13. Sei Jesu akabhabhatidzwa nemvura?
14. Rubhabhatidzo rwemvura runomirira chii?
15. Rubhabhatidzo rwemvura runochenesa here kana kudzikinura mumnhu kubva muchivi?
16. Chii chakaitika apo Jesu akabuda mumvura apa akabhabhatidzwa?
17. Mwari akati kudii kubva kudenga apo Jesu akabhabhatidzwa?
18. Tingagamuchira here Mweya Mutsvene sewakagamuchirwa naJesu?
19. Sei tichifanira kubhabhatidzwa sezvakaitwa Jesu?
20. Sei rubhabhatidzo rwemvura rwakakosha?
JESU ANOKUNDA MIYEDZO
Chidzidzo chechinomwe
Ndima yekuverenga: Mateo 4:1-11, VaHeberu 4:15
Chokwadi: Dzivisa miyedzo neshoko raMwari
Ndima yemusoro: Jakopo 4:7, "Dzivisai dhiabhorosi agokutizai."
Kamutambo: "Kudzivisa Kutya"
Chidzidzo: "Bakatwa reMweya"
Zvinodiwa: Jesu (619, 620), matombo (624), chiruvi (631)
Kumudzidzisi
Vamwe vanhu vanofunga kuti miyedzo inouya kuti isimbaradze kutenda kwedu. Miyedzo haisimbaradze kutenda kwedu ai kuti kutenda kunouya nokunzwa shoko raMwari.Zvichakadaro, hurongwa hwaMwari kuti tishandise kutenda kwedu mumiyedzo uye kuti zvinosimbaradza kutenda kwedu. Chinangwa chasatani mukuyedza vanhu, ndechekuda kutungamirira vanhu muchivi kuitira kuti kuparadzwa kushande muupenyu hwavo. Zvakakosha kuti tipatsanure kubva pakuyedzwa pachivi nechivi chaichokuitira kuti vanhu varege kuzvisvora kana vayedzwa.
Kunyangwe zvazvo bhaibheri richititaurira kuti tidzivirire zvakaipa (1 vaTesaronika 5:22), tinofanira kuedza nepese patinogona napo kuti tibve muzvinhu zvinotikonzera kuti tiyedzwe. Zvisinei, miyedzo icharamba ichiuya kwatiri sezvo tichiri kurarama. Panguva idzodzi apo shoko raMwari rinoita bakatwa reMweya tobva takaurira miyedzo.
Tsanangudzo
I. Mumashure mekuzadzwa neMweya Mutsvene, Jesu akayedzwa nasatani.
A. Jesu akatungamirirwa neMweya kuenda kurenje.
1. Ikoko akapedza mazuva makumi mana neusiku makumi mana achinamata nekuzvinyima.
2. Panguva iyoyi Jesu aiva mukati memhuka dzakawanda asi hadzina zvadzakamuita. Sezvo mhuka dzinoda kuremekedzwa hatifaniri kudzitya.
B. Pamusana pekuzvinyima kwenguva refu, Jesu akanga aneta.
1. Mukuneta imomo, akaedzwa nasatani.
2. Mwari haaedzi munhu nechakaipa (Jakopo1:13)
3. Miyedzo yose inobva kunasatani.
C. Miyedzo iyi yakasangana naJesu chaiva chinhu chakakosha chaakatungamirirwa neMweya Mutsvene.
1. Kuve akatendeka ane tsitsi, mupirisita mukuru, Jesu aifanira kuedzwa sezvatinoitwawo, ichi ndicho chikonzero chakaita kuti Jesu anete (VaHeberu 4:15)
2. Pamusana pekuti Jesu akadzivisa chiyedzo, anokwanisa kutitungamirira kuti tibude machiri.
D. Miyedzo haiuyi kuzosimbaradza kutenda kwedu.
1. Miyedzo inouya kuzotungamirira vanhu muzvivi kuitira kuti kuparadzwa kushande muupenyu hwavo.
2. Kutenda kunokura chete nekunzwa shoko raMwari nekuriita.
II. Jesu akangoedzwa sekuedzwa kunongoitwawo munhu wese. (1 John 2:16)
A. Satani akaedza Jesu neruchiva rwenyama nekumuti ashandure matombo ave chingwa.
1. Mumashure mekutsanya kwenguva yakareba izvi zvakafadza Jesu.
2. Kudya chikafu chakaomarara ichi kwaigona kuuraya Jesu nokuti dumbu haringakwanise kugaya chikafu chakaomarara mumashure mekutsanya kwakareba.
B. Satani akaedza Jesu neruchiva rwemaziso nekumuvimbisa ushe hwese hwenyika.
1. Satani ndiye mwari wepano pasi saka aiva nesimba rekuita izvi zvose.
2. Satani aida kuti Jesu amunamate kuti agowana upfumi hwese uhwu.
C. Satani akaedza Jesu nekudada kweupenyu nekumuti asvetuke kubva pachisuvi cheTemberi akagozvikanda pasi.
1. Satani akatoshandisa shoko raMwari kuti Jesu atende zvaaitaura.(II Timotio 2:15)
2. Jesu aiziva kuti dai ngirozi dzaimugama, zvaizoratidza maJuda kuti iye aiva mwana waMwari.
3. Kakuita ikaka kaizotorera Jesu upenyu hwake nekuti Mwari havaizodzivirira kuita kweupenzi kwakadai.
III. Jesu akadzivisa satani kubva mumiyedzo yake nekushandisa shoko raMwari.
A. Pese paaiyedzwa, Jesu aitaura shoko raMwari kumuyedzo wacho.
1. Kutaura shoko raMwari ndicho chombo chedu kuna satani.
2. Shoko raMwari mumiromo yedu rinova bakatwa reMweya.
B. Nekudzidza shoko raMwari tinokwanisa kuzvipa zvombo zvekushandisira satani.
1. Muromo wako wakaita sepombi yekutenda - kana ukapombera rutendo kumoyo wako nekureurura shoko raMwari, muromo wako unopombera kutenda zvekare kana miyedzo youya.
2. Kunamata muMweya kunokubatsira kuti uwane magwaro okutaura kunasatani.
C. Mumashure mekukundikana kuedza Jesu, satani akasiya Jesu kwemwaka.
1. Satani haangoenda kekutanga apo unotaura shoko raMwari.
2. Tinofanira kuzvipira kudzivisa satani kusvika aenda.
Chidzidzo cheMweya
Kana ndichitaura shoko raMwari,
Kutenda kunokura mandiri
Kana ndichitaura shoko raMwari,
Satani anofanira kutiza.
Saka kana miyedzo yauya,
Ndinoti, "Zvakanyorwa muzita raJesu,"
Kana ndichitaura shoko raMwari,
Satani anofanira kutiza.
KUDZIVISA KUTYA
Kamutambo Chidzidzo chechinomwe
Vatambi: Bennie, Moyo, Uropi, satani
Satani: Yah! iye zvino yave nguva yekutamba netsvina, tarisa kuti ndiani ari kuuya ...
(Bennie anopinda)
Ndine chirwere chandauya kuzokupa, mwana, kutya kuchavhurira musiwo. Chienda!
Bennie: Maiwe-e! Chiiko ichi? Kakurwadza kakadzika kari kupinda nepakati pediti kobva kadzika neruoko. Maiwe-e, katangazve!
Satani: Iye zvino wava kuzonditerera, ndingaite sei kuti utende kwandiri? Kachando? Kwete izvi hazvibatsire. Ko kuzvimba makumbo? Kwete haangazvitendi zvekare.Ko chirwere chemoyo? Achiri mudiki asi rega ndiedze. Iwe, mwana, wava nechirwere chemoyo!
Bennie: Maiwe! Ndinofunga ndave nechirwere chemoyo.
Satani: (Anoseka) Ari kuzvitenda. Kana ndikaramba ndichimutyisa, ndinokwanisa kushanda muupenyu hwake. Kutya kunondibatsira zvikuru kuti ndisevenze mumunhu. Zviri nani kuti uoneke shamwari dzako mwana, wava kutofa! (Anoenda achiseka)
Bennie: Ndinofunga ndicha...... Ndiri kutya kuti ndicha .....ndichafa! Maiwe-e! (Anoenda)
(Uropi naMoyo vanopinda)
Uropi: Ndiri kutya. Kakurwadza kaya kakapinda nemandiri kaviri. Ndinonyatsoziva kuti ndava kufa.
Moyo: Ndiregererewo.
Uropi: Ndichiri mudiki kuti ndife. Handidi kufa. Asi ndine urombo ndava kufa.
Moyo: Ndiregererewo.
Uropi: Chisara zvako nyika ine utsinye!
Moyo: Urrr-oop-i!
Uropi: Ah! ndiwe moyo handina kunge ndakaterera.
Moyo: Ndanga ndichiongorora, wanga uchipedza nguva yako yese uchifunga nezvekutya pamusana pekakurwadza kaya.
Uropi: Asi hauna kuzvinzwa, Moyo. Zvanga zvichirwadza! Ndinoziva kuti chirwere chemoyo.
Moyo: Unoziva sei?
Uropi: Uhu-u er, uh.....ndinofungidzira, handizive.
Moyo: Zvinogoneka kuti pamwe kuunyana kwemarunda emumuviri, asi uri kubvumidza satani kubudikidza nekutya wobva wafunga kuti wave kuita chirwere chemoyo. Hapana chauri kurwara nacho pari zvino asi kutya.
Uropi: Kutya?
Moyo: Hongu. Ndipo apo satani achishandisa kutya kuti chimwe chinhu chibva chanyanya kutyisa kupfuura zvachiri.
Uropi: Unoreva kuti handifaniri kutya?
Moyo: Kwete kana uine mukuru ari mukati mako zvekare uchiziva shoko raMwari. Iye zvino chitaurira mwana wedu kuti adzivise kutya muzita raJesu achitaura shoko raMwari. (Vose vanobuda)
(Bennie anopinda)
Bennie: Ndava nepfungwa itsva.Ndinoda kudzivisa kutya uku nezita raJesu ndichitaura shoko raMwari. Sei ndisina kumbofunga nezvazvo kare?
(Satani anopinda)
Satani: Iwe! mwana usakanganwe. Uri kufa!
Bennie: Handisi kufa ini, Satani! Ndinodzivisa kutya nemuzita raJesu. Ari mandiri mukuru kudarika ari munyika!
Satani: Saka ndava kutobuda muno.
Bennie: Ngatirumbidzei Mwari! Handichabvumi zvekare miyedzo yasatani.
(Anobuda)
BAKATWA REMWEYA
Chidzidzo chechinomwe
Ndima yekuverenga: VaHeberu 4:12, "Nekuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda bakatwa rinocheka mativi ose......"
Zvinodiwa: Maapuro mana, banga hombe,
Gadziriro: Dzidzira kucheka maapuro mumhepo uchishandisa banga hombe. Shandisa kabhora ketenesi kudzidzira. Kana usingade kurichekera mumhepo, shandisa tafura nechibhodhi chekuchekera kuti uitise muenzaniso uyu.
Chidzidzo
Shoko raMwari rinotitaurira kuti tiri muhondo. Hatisi kurwa nevanhu, asi tiri kurwa nemweya yerima nemafungiro ayo. Waizviziva here kuti satani ndiye anokonzera mafungiro akaipa mukati memunhu? Unofanira kuve wakagadzirira mafungiro iwayo.
Hatikwanise kuwona satani nemaziso edu kana kumubata nemaoko edu, kunyange tikamutsvaga sei. Satani mweya unogara munyika memweya. Kuti tirwise mabasa ake, tinofanira kushandisa mabasa emweya. Mwari vane chombo chekuti tishandise icho chinotyiwa nasatani zvikuru. Chombo ichi chinokurira satani chero nguva. VaHeberu 4:12 vanoti, shoko raMwari rakaita sebakatwa. VaEfeso vanotitaurira kuti kutaura shoko raMwari ndiko kushandisa bakatwa remweya. Tine chombo chekushandisa! Chombo chemweya! (Simudza zibanga riya)
Unoziva here kuti ukataura shoko raMwari panguva yekuedzwa, bakatwa rinobva mumuromo mako? Haukwanise kuriona kana kuri bata, asi zvinoitika. Mukutaura shoko raMwari bakatwa rinobva mumuromo mako roenda kunorwa hondo nasatani. (Vheeretsa zibanga)
Iye zvino ngatichienzanisai maapuro aya nemiyedzo inotiwira. Kutya chiyedzo chinobva kuna satani. Kutya kunozevezera munzeve medu, "Pane mumwe munhu ari muzasi mako, pane munhu ari kuda kukubata kana ukangodzima mwenje chete." (Bata apuro wakaisa panzeve pako uchizevezera.) "Uchaita njodzi. Uchafoira kuchikoro." Kutya kunogara kuchiita kuti vana vatye.
Tenda Mwari, une chombo. Bhaibheri rinoti Mwari havana kutipa mweya wekutya. Rinoti, "Usatye nekuti ndinewe." Kana uchitaura magwaro aya, bakatwa reMweya rinoenda kunoita basa. Rinocheka miyedzo kuita zvidimbu, zvidimbu. (Cheka apuro nepakati)
Pane mumwe muyedzo unotarisana nevatendi. Vana vanosangana nazvo, nguva nenguva. Chiyedzo chekusaterera. (Bata rimwe apuro panzeve yako)
Kusaterera kuno zevezera, "Haufanire kuita zvaunoudzwa namai vako. Havasi kukuona iye zvino. Usatsvaire mumba mako, enda unotamba." Kusaterera kunofanira kurwiswa nechombo chemweya.
Bakatwa reMweya ndiyo mhinduro yedu. "Kusaterera,"unoti, "Bhaibheri rinoti unofanira kukudza baba vako namai vako," Bakatwa rinobva pamuromo wako rotanga kucheka mafungiro iwayo. (Dimbura apuro nepakati)
Chiyedzo cheruvengo chinouya kuvana kunyange vakuru. Rinotizevezera richitiudza kuti tinyime vakatikomberedza. "Mukoma wako, adimbura kandege kako katsva kekutambisa! Unomutuka nekumurova!" ndizvo zvinoita ruvengo. (Shandisa apuro)
Chii chaungaite? Kunyangwe apo usingade kushandisa bakatwa remweya mutsvene, unotofanira. Taura shoko raMwari kwauri uchiti, "Uyu murairo waMwari kuti tidanane. Saka ndinorega rudo ruchifashukira mandiri kwete ruvengo." (Cheka apuro nepakati) Bakatwa rinoparadza zvakare muyedzo.
Kunyangwe hurwere hukauya, tinoshandisa bakatwa reMweya. (Bata apuro panzeve pako) "Uri kurwara," kurwara kunozevezera."Uri kurwara nepahuro, kana chibhokisi kana gwirikwiti." Tenda Mwari pamusoro pebakatwa reMweya, shoko raMwari.
"Zvirwere nematenda, shoko raMwari rinotaura kuti Jesu pachake akatorwa marwadzo ose, zvekare neropa raJesu ndakaponeswa." Unganyanyotaura shoko raMwari, bakatwa rinobva ranyanyawo kushanda. Rinocheka dambudziko kuita zvibandi zvibande kana ukaramba uchirishandisa (Cheka apuro)
Zvisinei, vanhu vazhinji havashandise mabakatwa avo. Vanobvumidza pfungwa nemiyedzo yasatani kuti irambe irimo. Mwari haadi kuti tishamwaridzane navo saka akatipa bakatwa . Ngatishandei nemiyedzo yeupenyu. Ngatishandisei bakatwa reMweya nekutaura shoko raMwari!
DZOKORORO
Chidzidzo chechinomwe
Shandisai shoko
Nyora 1 Peter 2:24, II Timotio 1:7, VaEfeso 6:1 papepa. Ramba uchifamba naro kusvikira wave kugona kutaura ndima idzi nemusoro. Pese paunosangana neurwere, nekutya nekusaterera, taura shoko raMwari kuzvidzivisa.
Jesu akadzivisa miyedzo neshoko raMwari saka newewo unokwanisa!
Mibvunzo
1. Chii chakaitika kuna Jesu mumashure mekunge azadzwa neMweya Mutsvene?
2. Jesu akaita mazuva mangani neusiku hungani achitsanya nekunamata murenje?
3. Mwari anoedza vanhu here nemweya wakaipa?
4. Ndiani akatungamirira Jesu kurenje kuti anoedzwa nasatani?
5. Miyedzo yose inobva kupi?
6. Pamusana pei Mweya Mutsvene wakatungamirira Jesu mukuyedzwa nasatani?
7. Miyedzo inouya kuzovaka nekuwedzera kutenda here?
8. Miyedzo inouya kuzodini?
9. Kutenda kunovakwa sei?
10. Jesu akaedzwa sevamwe vanhu vese here?
11. Satani akaedza Jesu sei neruchiva rwenyama?
12. Satani akaedza Jesu sei neruchiva rwemaziso?
13. Satani akaedza Jesu sei nekudada neupenyu?
14. Satani anomboshandisa magwaro here kuti vanhu vaite zvivi?
15. Jesu akadzivisa sei miyedzo yasatani?
16. Kana shoko raMwari riri mumiromo yedu, chii charinoita?
17. Chii chatinozvipa kana tikadzidza shoko raMwari?
18. Muromo wako unosevenza sei sepombi yekutenda?
19. Unganamata sei kuti uwane rubatsiro rwemagwaro ekutaura kunasatani?
20. Ungava sei munhu anoda kudzivisa satani?
CHISHAMISO CHEKUTANGA CHAJESU
Chidzidzo chechisere
Ndima yekuverenga: Johane 2:1-11, Mabasa evapositori 10:38
Chokwadi: Mwari anopa kune avo vanovimba naye.
Ndima yemusoro: Marko 9:23,"Kana iwe chigona kutenda, zvose zvingaitika kune unotenda."
Kamutambo: "Kubatsirana naMwari"
Chidzidzo: "Mvura muwaini"
Zvinodiwa: Maria (601), Vasevenzi (608), Vaenzi (618), Jesu (619, 620), mapoto (625)
Kumudzidzisi
Chidzidzo chino chinoburitsa pachena zvinobuda kana munhu akabatana naMwari muchishamiso. Chinhu chakaipa kana munhu achitenda Mwari mune chimwe chinhu, achitarisira kuti Mwari aite zvose. Kune divi remunhu nedivi raMwari pahondo yega yega nepakukurira pega pega.(Zvirevo 21:31). Kana tikaita chikamu chedu, Mwari haamboregi kuita chikamu chake.
Kutenda ndicho chinhu chega chinotarisirwa naMwari kubva kuvana vake kuti avape zvavanoda. Kunyangwe zvazvo kutenda ikoko kuchida kuti tiratidze kuzvipira kwedu, Mwari vanoita zvishamiso kuti vatipe. Tondera kuti kutenda hakutarise rutivi rwekuipa kwezvinhu, asi kunotarisa kuna Mwari nokuona mhinduro isati yavepo.
Tsanangudzo
I. Jesu akaenda namai vake nevadzidzi vake kumuchato kuCana, muGarire.
A. Muchato wemaJuda waiva mutambo wakareba.
1. Mimwe mitambo yaitora mazuva.
2. Apo Jesu anodzoka kuzotitora sevasvitsa vake, tichava nemhemberero yemuchato kudenga (Zvakazarurwa 19:7-9)
B. Pakati pemabiko emuchato aya, waini yakataidza.
1. Izvi zvaigona kuzozvoresa muridzi wemabiko aya.
2. Maria akaunza vasevenzi kuna Jesu akakumbira Jesu rubatsiro.
C. Maria akaudza vasevenzi kuti vatevedzere zvese zvaitaurwa naJesu.
1. Kana tichitenda kuna Mwari, zvakakosha kuti tizarure moyo yedu kuizwi rake.
2. Tinofanira kuzvitora kubva pane zvaanotaura.
D. Jesu akapa vasevenzi mirairo yavasina kunzwisisa.
1. Akavaudza kuti vazadze mapoto akati wandei nemvura.
2. Mapoto emvura aya aiwanza kushandiswa kuiswa mvura yekusukisa namaJuda, aitakura mvura inokwana magarani gumi nemasere kusvika kumakumi maviri nemanomwe, poto imwe chete.
3. Vasevenzi vakaita sekutaura kwaJesu.
II. Kutenda kunotanga kuona mhinduro maziso asati aona.
A. Chokwadi chinongodiwa pakutenda ndechekuziva kuti shoko raMwari rinotii.
1. Kana tikatarisa zvatinoudzwa nemamiriro ezvinhu, hatingakwanise kushandisa kutenda.
2. Tinofanira kunge tichida kutenda nekuita zvinoda shoko raMwari zvisinei nemamiriro ezvinhu.
B. Apo mapoto emvura paakazadzwa, Jesu akataurira vasevenzi kuti vatore imwe yemvura vaende nayo kumukuru wemutambo.
1. Vasingabvunze, vasevenzi vakatora mvura vakaenda nayo kumukuru wemutambo.
2. Kana shoko raJehova rakajeka kwatiri, hatifaniri kukahadzika, asi kuritevedzera.
C. Panguva iyo mukuru wemutambo akanwa komichi, yakanga yatova waini.
1. Mukuru wemutambo akashamiswa nekuti waini iyi yaiva nani pane yavainga vatanga nayo.
2. Izvi zvaiva zvisina kuringana neurongwa hwezuva iri, asi Mwari vanogara vachipa zvakanaka.
D. Chishamiso ichi ndicho chakava chekutanga kuitwa naJesu (Johane 2:11)
1. Simba raJesu rekuita zvishamiso rakabva kuMweya Mutsvene, uyo anokwanisa kupa simba rezvishamiso kuvatendi nanhasi.
2. Kuvapo kwaJesu, nekubatsira pamuchato wekuCana kunoratidza kubvumidzwa kwemichato naMwari.
III. Mwari anotipa sekukumbira kwatinoita kana tichishandisa kutenda.
A. Vanhu vanongoramba vachishaiwa muupenyu huno.
1. Kumwe kutukwa kwemutemo kwaiva kutambura nekushaya (Deuteronomy 28:17)
2. Kristu akatidzikinura kubva kuchituko chemutemo (VaGaratia 3:13)
B. Mwari anokwanisa kutipa zvakakwana kunyange tiri pakati pekushaya.
1. Mwari havagurisirwe nemamiriro ezvinhu.
2. Mwari vanoshanda nemamiriro eupfumi hwavo. (VaFiripi 4:19)
C. Chishamiso chekupiwa pamuchato weCana hachina kungoitika, kunyangwezvo.
1. Vasevenzi vaifanira kuterera Jesu kuti vagashire chishamiso ichi.
2. Vakasevenza neshoko raMwari vasati vaona mibairo, havana kutaura kusatenda.
3. Kana tikabatana naJehova nenzira imweyo, tinogashira zvipo zvaMwari kuupenyu hwedu.
4. Kurumbidza Mwari mhinduro isati yauya imwe nzira yatinogashira nayo makomborero aMwari.
Chidzidzo cheMweya
Hapana chisingaitike.
Hapana chisingaitike.
Hapana chakaomera Mwari kuita.
Zvisinei nekutarisika kwacho,
Kana ukangotenda,
Mwari vanokuitira chishamiso.
KUBATSIRANA NAMWARI
Kamutambo Chidzidzo chechisere
Vatambi: Bennie, Sally
Bennie: Ndichaita sei iye zvino? Bhasikoro rangu ratyoka, harikwanisike kugadzirika. Handina mari yekuti nditenge rimwe, zvekare shamwari dzangu dzichandisiya kana dzava kuchovha mabhasikoro adzo. Izvi zvakaoma izvi! Ndichaita sei?
(Sally anopinda)
Sally: Iwe, Bennie. Chii chiri kuitika?
Bennie: Kusagudzikana, kurwadziwa, zvese zviri pandiri.
Sally: Chii chanetsa?
Bennie: Bhasikoro rangu ratyoka. Ndiri kureva kunyatsotyoka chaiko. Murume anogadzira mabhasikoro ati harichagadziriki.
Sally: Ko wadii kutenga idzva?
Bennie: Kutenga idzva? Unoziva kuti bhasikoro idzva rinoita marii, Salluy? Pamwe kuzana ramadhora! Ndingori mwana mudiki, handizive. Unofunga kuti mari yakadaro ndinoiwana kupi?
Sally: Mwari anokubatsira kuti uiwane.
Bennie: Mwari anondibatsira kuti ndiwane bhasikoro?
Sally: Hongu.
Bennie: Angazviita sei izvozvo?
Sally: Unofanira kunamata uchitenda kuti kuti uchagashira chaunoda.
Bennie: Hazvina kuoma izvo. Pane chimwe chandinofanira kuitazve here?
Sally: Hongu unofanira kubatsirana naMwari. Unofanira kunge uchida kusevenza kana kuita rimwe basa raungakwanisa kuita.
Bennie: Asi ndanga ndichifunga kuti Mwari anongondipa. Kana ndiri kurisevenzera, hazvisi kubva kuna Mwari, handiti?
Sally: Hazvisizvo, Bennie. Muzvishamiso zvaJesu mubhaibheri, aida kuti vanhu vabatsirane naye.
Bennie: Akaita?
Sally: Chokwadi. Tondera paakashandura mvura kuve waini? Vasevenzi vaifanira kuzadza poto dzemvura jesu asati aita chishamiso.Paakamutsa Lazarus kubva kuvakafa, vanhu vaifanira kusudurudza dombo pakutanga.
Bennie: Handina kumbobvira ndafunga nezvazvi pakutanga. Saka kana ndanamata, ndikatenda, ndinofanira kutsvaga nzira dzingaita kuti ndiwane mari?
Sally: Ndizvozvo.
Bennie: Asi Mwari vanotumira mari kubva kudenga here?
Sally: Pamusana pekuti Mwari havana mari kudenga. Mwari havasi munyengedzi. Mari yese yatinoda iri pasi pano.
Bennie: Saka tikatenda Mwari nekuda kwezvimwe zvinhu, anotiratidza kuti tingazviwana sei, saka zvingangoreva kuti tishande?
Sally: Ndizvozvo, Bennie, ndichazokuona (Anoenda)
Bennie: Ndichaita zvataurwa naSally iye zvino. VaTogara vanditi nditsvaire garaji ravo nekucheka huswa. Vati vachandipa madhora makumi maviri. Zvekare ndine mamwe makadhi ebaseba anoda kutengwa naJimmy. Mwari vari kundibatsira kuti ndingawana sei mari kuti nditenge rimwe bhasikoro.
MVURA MUWAINI
Chidzidzo chechisere
Ndima yekuverenga: Mabasa evapositori 10:38, "Kuti Mwari vakazodza Jesu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba."
Zvinodiwa: Hari, gaba remvura, mushonga wekupindura ruvara rwechikafu, mutsvuku, chekunamisa (masking tape)
Gadziriro: Namira kabhodhoro kemushoga mutsvuku pasi pehari, kakanatsomira zvakanaka.
Chidzidzo
Mumashure mekunge Jesu abhabhatidzwa murwizi Jordan naJohane mubhabhatidzi, akaenda kumuchato kuCana muGalilee. Kwaiva nemutambo mukuru, vanhu vainwa waini. Mutamb usati wapera, vaigovera zvekudya vakapererwa newaini.(Tendeudza hari yako ichitarisa mudenga, uchiita kuti vana vasaone kabhodhoro kari mukati)
Vanhu vanongogara vachipererwa. Pasina kupiwa naMwari, vanhu havakwanisa kugara vaine zvakakwana. Zvakanaka kuziva kuti Mwari vanopa zvakawanda. Havazombopererwi nechinhu chakanaka.
Maria, mai vaJesu vaiziva kuti Jesu aikwanisa kubatsira, saka vakaunza vagovi vechikafu kuna Jesu, vakavaudza kuti vatevedzere zvavainge vaudzwa naJesu.
Sezvineiwo, Jesu akaudza varume ava kuti vazadze mvura mumapoto emvura. Mumashure mekunge vaita izvi, akavaudza kuti vatange vapa mukuru wemutambo. (Panguva yaunenge uchitaura iyi, mononora chivharo chemushonga uya nerumwe ruoko kuti vana vasaone)
Vagovi vechikafu vakaterera zvainge zvataurwa naJesu, chinhu chinoshamisa chakaitika. Kushanduka kukuru kwakaitika. (Dira mvura iya yakachena kubva muchigaba chemvura uchiisa muhari) Zvishamiso zvaMwari zvinoshandura zvinhu. Mvura yakava waini. (Durura
mvura kubva muhari muya kudzosera mugaba remvura) Simba raMwari rinoshandura zvinhu.
Simba raiva naJesu rekuita zvishamiso raibva kune Mweya Mutsvene. Akanga asina simba iri muupenyu hwake hwese. Akagamuchira simba rekuita zvishamiso paakazadzwa neMweya Mutsvene murwizi Jordan. Mweya wakauya pamusoro pake senjiva.
Kana takazadzwa neMweya Mutsvene, simba raMwari riri matiri kuti tishandure zvinhu. Tinokwanisa kushandura matambudziko achive kukunda munasheJesu nesimba reMweya Mutsvene.
DZOKORORO
Chidzidzo chechisere
Shandisai shoko
Mwari anoda vana vake zvokuti anoda kuvapa zvose zvavanoda.
Iwe kana mhuri yako yakambotenda Mwari here pamusoro pechimwe chinhu chavaida, vakachiwana? Titaurire zvakakitika
Mibvunzo
1. Pachiitiko chipi apo Jesu akaita chishamiso chake chokutanga?
2. Muchato wakaendwa naJesu waiitirwa kupi?
3. Chii chichaitika apo Jesu anouya kuzotigashira sevasvitsa vake?
4. Vanhu vari pakati pemabiko emuchato, chii chakaperevedza?
5. Maria akaudza vasevenzi vaiva pamabiko kuti chii?
6. Kana tichitenda Mwari, zvakakosha here kuti tizarure moyo yedu kuti tinzwe shoko rake?
7. Ndeupi murairo wakapiwa vasevenzi naJesu , waisanzwisisika?
8. Kutenda kunoona here mhinduro maziso asati aona?
9. Ndechipi chivimbiso chinofanira kuwanikwa mukutenda?
10. Tinofanira kunge tichida kutenda nekuita shoko raMwari kunyange zvikadini?
11. Mumashure mekuzadza mapoto nemvura, vasevenzi vakadini?
12. Tinofanira here kuva nemibvunzo pashoko raMwari kana tichinyatsorinzwisisa?
13. Chii chakaitika pamvura mumashure mekunge mukuru wemutambo airavira?
14. Jesu akawanepi simba rekuita zvishamiso?
15. Simba reMweya Mutsvene rekuita zvishamiso rinowanikwa here muvatendi mazuvano?
16. Kuvapo kwJesu nekubatsira pamuchato weCana kunoratidza chii?
17. Kuchagara kuine kushaya here muvanhu muupenyu huno?
18 Chii chinogona kuitwa naMwari kunyangwe pakati pekushaya?
19. Tingagamuchira sei kupa kwaMwari uupenyu hwedu?
20. Ndeipi nzira imwe yatingaratidza kutenda kwedu kuti tiunze makomborero aMwari?
HUMAMBO HUTSVA
Chidzidzo chechipfumbamwe
Ndima yekuverenga: Johane 3:1-21. VaKorose 1:12-14
Chokwadi: Vatendi inhengo dzehumambo hutsva.
Ndima Yemusoro: Johane 3:3, "Kunze kwekunge munhu azvarwa patsva, haakwanise kuona humambo hwaMwari."
Kamutambo: "Handisisiri zvandaiva kare"
Chidzidzo: "Kugamuchirwa kumhuri"
Zvinodiwa: Nicodemus (614), Jesu (619, 620)
Kumudzidzisi
Chidzidzo chino chinotiratidza kuti pane mabato maviri emhuri kana humambo hwevanhu pasi pano. Vanhu vasingazive Kristu vari muhumambo hwerima asi avo vakamugamuchira inhengo dzehumambo hwaMwari. Munhu anopinda mumhuri yake mumashure mekuzvarwa mairi, naizvozvo, ndizvo zvinoitawo humambo hwaMwari
Vanhu vanoda kuzvarwa patsva mumweya, kwete pamusana pezvavanoita asi pamusana pezvavari. Chivi chinozvigarisa mumwoyo memunhu, zvinova zvinoita kuti munhu apare mhosva. Kuita ikoko kunofanira kushandurwa kuti kufadze Mwari. Kana munhu achinge asvika pakushandira Ishe Jesu Kristu, kuita kwake kwezvivi, kunotsiviwa nekuda kwaMwari. Anova munhu mutsva (II vaKorinte 5:17) kuvanhengo yemhuri yaMwari nehumambo hwaMwari.
Tsanaguro
I. Nicodemus, muFarise nemutongi wemaJuda akaenda kuna Jesu neusiku aine mibvunzo.
A. Nicodemus akanga singanzwisise kuti sei Jesu akauya panyika.
1. Aiziva kuti Jesu ainge atumirwa naMwari pamusana pezvishamiso zvaaiita.
2. Aiva asina chikwadi, nyangwezvo, kuti Jesu ndiye aiva mudzikinuri.
B. MaJuda mazhinji aifunga akuti mudzikinuri aizotanga humwe humambo hutsva panyika kana achinge auya.
1. Vaitenda kuti mudzikinuri anenge ari murwi mukuru, achiparadza maRoma aitonga Israel.
2. Vaida kuve vakasununguka panyama.
3. Jesu aiziva kuti vanhu vaifanira kusungurwa muusungwa hwemweya vasati vasunungurwa panyama.
C. Jesu akataurira Nicodemus kuti vanhu vaifanira kuzvarwa patsva kuti vapinde muumambo hwaMwari.
1. Nicodemus nekufunga kwenyama, haana kunzwisisa zvaitaurwa naJesu.
2. Kuzvarwa patsva kuzvarwa pamweya .
3. Hakusi kuzvarwa patsva kwepfungwa dzemunhu kana mutumbi.
II. Jesu akatsanangurira Nicodemus zvaireva humambo hwaMwari.
A. Jesu akataurira Nicodemus kuti aifanira kugamuchira mweya mtsva kubva kuMweya waMwari.
1. Chazvarwa nenyama, inya, nyama haikwanise kugadzira mweya.
2. Mweya waMwari ndiyo yoga nzira yatinokwanisa kugashira mweya.
B. Muporofita Ezekiel akaporofita pamusoro pekuzvarwa kutsva, mazana emakore akapfuura. (Ezekiel 36:26)
1. Akataura kuti Mwari achatora mwoyo yevanhu yakaomarara achivapa moyo minyoro - chivi chinoomesa mweya yevanhu.
2. Vanhu vese vane mweya inogara mavari.
C. Munhu asati azvarwa patsva, ari muumambo hwerima.
1. Musevenzi uye mubatwa kuchivi (vaRoma 6:16)
2. Muumambo hwerima, satani ndiye mukuru wake. (vaEfeso 2:1-3)
D. Hapana munhu anokwanisa kupinda muumambo hwaMwari kusvikira mweya wake washanduka.
1. Dai izvi zvaigoneka, Denga ringadai rizere nemweya isina kuchena inokonzera kusagadzikana.
2. Mweya wemunhu unoshanduka kana agamuchira Jesu saMambo nemuponesi wake.
E. Humambo hwaMwari humambo hwemweya.
1. Hunowanikwa muvatendi uye wakagadzirwa nekuvimbika, runyararo nerufaro muMweya Mutsvene (Ruka 17:21, VaRoma 14:17)
2. Rimwe zuva Jesu achadzika humambo hwake hunobatika panyika. (Zvakazarurwa 20:4)
III. Jesu akataurira Nicodemus kuti humambo hutsva hwaizouya sei?
A. Jesu akataura kuti ndiye aizoripira zvitadzo zvevanhu.
1. Chivi chine mibairo inofanira kuripirwa nevanhu (vaRoma 6:23)
2. Nekuti Jesu vakararama upenyu husina chivi, vaikwanisa kuripira zvitadzo zvepasi pose.
B. VaSante vechitenderano chekare havaikwanisa kuwana upenyu hutsva nekuti Jesu aiva asati apedza basa rake rekudzikinura vanhu.
1. Zvivi zvevaSante vechitenderano chekare zvaivharwa neropa remhuka asi zvaisabviswa.
2. Zvivi zvedu zvinonatsobviswa neropa raJesu.
C. Jesu akataurira Nicodemus kuti Mwari vaida nyika zvakadini.
1. Akati ruponiso chipo chinobva kuna Mwari.
2. Humambo hwaMwari ndewe avo vakagamuchira Jesu zvisinei nemarudzi avo.
D. Kuti tizvarwe patsva tinofanira kuita zvinhu zviviri. (vaRoma 10:9-10)
1. Tinofanira kutaura kuti Jesu ndiyeIshe weupenyu hwedu -Ishe zvinoreva mukuru.
2. Tinofanira kutenda kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa.
E. Kana tazvarwa patsva, tinoshandura humambo.
1. Hatisisiri pasi peusungwa hwasatani nemitemo yeumambo hwake.
2. Tiri vehumambo hwaMwari zvekare tinorarama nemitemo yeumambo hwake.
Chidzidzo cheMweya
Pandakakumbira Jesu kuti vapinde mumoyo mangu,
Vakashandura upenyu hwangu
Vakandipa mavambo matsva.
Ndakazvarwa patsva.
Jesu anogara mandiri.
Iye zvino ndave nhengo yemhuri yaMwari.
HANDISISIRI ZVANDAIVA KARE
Kamutambo Chidzidzo chechipfumbamwe
Vatambi: Mubvunzi, Nicodemus
Mubvunzi: Tinofara chaizvo kuva nemuzivi wemitemo nhasi. Aigara muIsrael panguva yaJesu zvekare ndiye murume wekutanga akanyorwa mubhaibheri akanzwa nezvekuzvarwa patsva. Tese ngatigamuchirei Nicodemus.
(Nicodemus anopinda)
Nicodemus: Ndatenda, Ndatenda chaizvo.
Mubvunzi: Zvakanaka, Nicodemus, wakava nenguva naJesu zvekare wakanzwa achidzidzisa.
Nicodemus: Hongu, ndizvozvo. Ndakamunzwa munguva zhinji. Ndaiva naye husiku humwe chete apo ndakamunzwa achitaura nezveshoko rakakosha mubhaibheri. Johane 3:16.
Mubvunzi: Handifungi kuti pane mumwe wevana ava anoziva nezvendima iyoyo.
Nicodemus: "Nekuti Mwari vakada nyika nokudaro, vakaipa kumwanakomana wavo wakaberekwa mumwe woga kuti ani nani anomutenda asafe asi ave neupenyu husingagumi."
Mubvunzi: Wakanzwa Jesu achidaro?
Nicodemus: Hongu ndakamunzwa. Handina kunge ndaziva kuti chaiva chinyorwa. Ndaisanzwisisa zvinhu zvakawanda zvaitaurwa naJesu.
Mubvunzi: Wakafungei apo Jesu akataura nezvekuzvarwa patsva?
Nicodemus: Ndicho chinhu chandisina kunzwisisa pekutanga.
Mubvunzi: Sei usina kunzwisisa?
Nicodemus: Isu maJuda taiziva kuti Mwari akavimbisa kutitumira mudzikinuri, mwanakomana wake. Taifunga kuti achava mambo ane varwi vakawanda achazotonga pasi pose.
Mubvunzi: Jesu ndimambo, nerimwe zuva achatonga pasi pose.
Nicodemus: Ndizvozvo, asi basa rake guru raiva rekufira zvitadzo zvedu pamuchinjikwa. Ndaiva ndisingazive izvi kusvika paakazomuka kubva kuvakafa.
Mubvunzi: Saka wakanzwa nezvehumambo hwaMwari, asi wakafunga kuti huchave humambo hune masoja nevarwi.
Nicodemus: Pakutanga, ndizvo chaizvo zvandaifunga. Ndakazoziva pave pashure kuti humambo hwaMwari huri mumoyo mevanhu.
Mubvunzi: Munhu wese ari muhumambo hwaMwari here?
Nicodemus: Kwete sekudaro! Vamwe vari muhumambo hwerima.
Mubvunzi: Humambo hwerima?
Nicodemus: Hongu, ndiwo humambo huri muvanhu kusvikira vazvarwa muumambo hwaMwari. Satani ndiye mambo werima.
Mubvunzi: Munhu anokwanisa here kutiza humambo hwerima uhu?
Nicodemus: Tinokwanisa kutiza humambo hwerima nekuzvarwa patsva.
Mubvunzi: Nicodemus, zvinonyatsorevei kuti kuzvarwa patsva? Tingaita vana vadiki patsva here, zvinoita?
Nicodemus: Ndizvo chaizvo zvandakaudza Jesu. Munhu wese ane mweya unogara maari.
Mubvunzi: Ndine mweya?
Nicodemus: Uri mweya uye unogara mumba - mumuviri wako.
Mubvunzi: Muviri wangu ndiyo imba yemweya wangu?
Nicodemus: Saka kana wazvarwa patsva, mweya wako unobva wiatwa mutsva chaiwo.
Mubvunzi: Asi ndichine muviri mumweyo.
Nicodemus: Hongu, zvekare uchine mweya mumweyo.
Mubvunzi: Saka munhu anorarama mukati mandu ndiye aoitwa mutsva.
Nicodemus: Ndizvozvo. Wakaitwa chisikwa chitsva pawakagamuchira Jesu. Mweya wako wakasukwa neropa raJesu uye upenyu hwaMwari hwakapinda mauri. Iye zvino mweya wako wachena sewaJesu.
Mubvunzi: Une chokwadi here?
Nicodemus: Mwari vanopa makomborero akanaka, akakodzera chete.Kururama kwaakapa kuMweya wako kwakodzera. Wakachena pamberi paMwari.
Mubvunzi: Asi ndakatadza ndisati ndava muKristu.
Nicodemus: Wakakumbira ruregerero here? Wakareurura here chitadzo chako?
Mubvunzi: Hongu.
Nicodemus: Mwari vakakuregerera.
Mubvunzi: Unoreva here kuti handifanire kuita chimwe chinhu chekuti Mwari vafare neni?
Nicodemus: Une dambudziko rakangoita seraiva neshamwari dzangu. Unofunga kuti unorurama nekungoita chimwe chinhu chakanaka.
Mubvunzi: Ndinonzwa zvakanaka kana ndichinge ndaita chinhu chakanaka.
Nicodemus: Unofanira kuita zvakanaka, asi hazvikuwanisi ruponeso. Chipo.
Mubvunzi: Unoreva kuti zvakangofanana kunyange ndisinga ite zvakanaka nguva dzose?
Nicodemus: Wakaponeswa nekuti wakagamuchira Jesu, mupiro waMwari wezvivi.
Mubvunzi: Ndinobvuma kuti ndave kunzwisisa.
Nicodemus: Zvakanaka Zvipo zvaMwari zvakanaka zvekare tinofanira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvaakatipa.
Mubvunzi: Tatenda chaizvo, Nicodemus kuva newe pachirongwa.
Nicodemus: Zvanga zvichifadza.
KUGAMUCHIRWA KUMHURI
Ngano Chidzidzo chechipfumbamwe
"Miti nematombo zvingandityore mabhonzo, asi mazwi haandikuvadze." Jeremy akanyepa. Mazwi aJason eutsinye anocheka sebanga achipinda pamwoyo obva azodzika nemudumbu. Jeremy akabva akunga zvibhakera pakarepo akanzwa kubatwa pabendekete.
"Usamuterera, aisarevesa. Anongotaura zvisina basa." Greg akaedza kunyaradza Jeremy, asi akaramba kuterera izvo.
"Nyarara, Unoziveiwo iwe? akadaro Jeremy.
"Zvisinei ndinoziva kuti Jesu anokuda," akadaro Greg.
"Ho-o Jesu anondida.Ndiko kusaka baba vedu vakatisiya, amai vanodhakwa."
"Ndiani akakuudza kuti yese iyo imhosva yaMwari?"
"Hapana akandiudza," Jeremy akapindura."Ndinongozvifunga kuti kudai Mwari ariko uye ari mukuru ane simba, haairega zvakadai zvichiitika."
"Mwari havana kumboita zvinhu izvozvo, satani ndiye akazviita."
"Saka satani ndiye akavaita kuti vaite izvi," akaseka Jeremy.
"Seka kana uchida. Asi izvi hazvishanduri pfungwa yekuti Mwari vanokuda uye kuti satani anokuvenga. Ndisatani anouya kuzouraya, kuba nekuparadza, kwete Mwari," Greg akatsanangura. "Icho ndicho chokwadi Jeremy kuzvitenda kana kuzviramba."
Kurira kwebhero rechikoro kwakaita kuti hurukuro iyi ipere. Ndaponeswa nebhero akafunga Jeremy paakatanga chikoro. Akatendeuka ndokuzevezera kuna Jason,"Tichaonana mumashure Jason! Tichapedzerana pashure!"
Apo Jeremy akagarisika pachigaro chake , mazwi aGreg akatanga kutenderera mumusoro make.Greg anotosvota nenyaya dzake dzekwaJesu. Handifungi kuti zvese zvaataura ndezvechokwadi? Kwekanguva zvakaita sekunge pane abatidza mwenje wetarisiro mumoyo make. Akafunga nezveupenyu hwake. Mufananidzo wezvinhu zvese zvakaipa nekutuka kwaaiva aita kwakamhanya mupfungwa dzake. Moyo wake wakarwadza. (Mwari haangandide. Ndanga ndichiita zvakaipa.
Mumashure mezvidzidzo, Jeremy akaona Greg muhoro.
"Iwe, Greg, mirapo!"
"Mhoro Jeremy. Chii chaitika?"
"Ah! Ndanga ndichida kuti ndikumbire ruregerero pane zvandataura. Ndinoziva kuti wanga uchingoedza kubatsira."
"Kanganwa nezvazvo, Jeremy. Ndakuregerera."
Jeremy akambotamba tamba kwekanguva achimirira kuti chikwata chevana vechikoro chimbodarika. Akakumbira Greg kamwe kanguva sezvo aiva nemibvunzo. Greg aiva akasununguka kuti ataure.
"Zvakanaka, wati Jesu anondida, ndizvo?"
"Hongu, ndizvozvo, Jeremy, anokuda zvakanyanya kudarika zvaungafungidzira," akapindura Greg.
Zvakanetsa Jeremy kuti Mwari vangamuda sei nemabasa ese akaipa aaiita, kufunga nekutaura.
Greg akamutaurira zvakawanda pamusoro peruponeso. "Bhaibheri rinoti munhu wese akatadza akasasvika pakubwinya kwaMwari. Ndizvo zvazviri, Jeremy. Kune humambo huviri chete pasi pano. Humambo hwerima nehumambo hwechiyedza. Munhu wese asina kugamuchira Jesu inhengo yehumambo hwerima. Tinopinda muumambo hwechiedza nekutenda kuti Jesu ndivo mwana waMwari uye nekuti vakafira zvitadzo zvedu vakazomukazve kuvakafa muzuva retatu. Bhaibheri rinoti kana uchipupura nemuromo wako kuti Jesu ndiMambo, uchitenda mumoyo mako kuti Mwari vakamumutsa muvakafa, uchaponeswa. Kubva ipapo, kana Mwari vokutarisa vanoona kururama pamusana pekuti kudeuka kweropa raJesu kwakaripira zvitadzo zvedu. Kana ukaita izvi, unova bandi remhuri yaMwari - humambo hwechiedza.
Jeremy haana kugutsikana nezvaainzwa. "Ichokwadi here ichi."
"Ndicho chokwadi chaicho pasi rese," akanyemwerera Greg.
"Unoreva kuti ndikatenda kuti Jesu akaripira zvivi zvangu uye mupenyu, ndozvitaura, ndinobva ndaponeswa zvekuti ndikafa ndinoenda kudenga?" Jeremy akabvunza.
"Ndizvo chaizvo. Asi unenge wavawo mwana waMwari pano pasi. Zvakawanda zvaunowana mukuva mwana waMwari. Zvitadzo zvako zvakaripirwa neropa raJesu, asi akavewo neshamhu kumusana. Zvinoreva kuti vakamurovawo nechiwepu saka unokwanisa kurapwa. Mwari haadi kuti vana vake vave varumbo kana varwere kana kusungwa nezvivi!"
Jeremy akatadza kuzvinzwisisa, asi zvakamufadza. Mumashure Grega akabvunza Jeremy kana aida kugashira Jesu ipapo. Jeremy akanga asati ave nechokwadi kuti Mwari vanga mutambire, asi Greg akamuvimbisa kuti Mwari aizomutambira chero nguva.
"Zvakanaka, Ndichazviita, Greg. Zvinofanira kuva nani pane zvandiri iye zvino, saka ndinorasikirwa nei?"
Jeremy akadzokorora zvese zvaiva zvataurwa naGreg. Mumashure memunamato, Jeremy akanzwa kusununguka mukati make.
"Wow, izvi zvakanaka Greg ndava kunzwa zvakasiyana nakare."
"Pamusana pekuti wava chisikwa chitsva - wagamuchirwa kumhuri , Jeremy."
Jeremy naGreg vakaenderera mberi vachitaura kusvikira vanzwa izwi ravaiziva richinzwika mumukana wehoro umu. Ee-e iwe," Izwi raJason rakanzwika. "Baba vako vakadini?"
"Ndafara Jason kuti wabvunza," akadavira Jeremy. "Vanofara, zvekare ndivo baba vakanyanyonakisa munyika mese."
"Ho-o?" Jason akadumbirwa. "Taura chokwadi, wava nemakore usati wamboona baba vako."
"Zviripo ndezvekuti ndakasanganisa mhuri," Jeremy akapindura.
Jason akatadza kuzvinzwisisa. "Unoreva kuti wakazvarirwa?"
"Ndine chokwadi chekuti ungangodaro." Jeremy akanzwa rudo rwaMwari maari pamusana paJason. Panzvimbo pekurwadziwa nemashoko aJason, akatonzwa tsitsi pamusoro pake. "Iwe, Jason, tadii kuenda tikanotenga mabhanzi, ndinoda kukutaurira zvakawanda pamusoro penyaya iyi."
Jason akamirapo kwekanguva asiri kuziva kuti oita sei. "Zvisinei, ... ndinofunga ndingangouya kuti ndinzwe nezvababa vako vatsva ava."
DZOKORORO
Chidzidzo chechipfumbamwe
Shandisai Shoko
Kana munhu achinge azvarwa patsva, vanogamuchira mweya mutsva mukati mavo. Izvi hazvirevi kuti mumashure mezvi vanenge vave kungoita zvakanaka chete.
Bhaibheri rinoti tingashandure sei pfungwa dzedu nekudzora miviri yedu kubva mukuita zvakaipa.
Mibvunzo
1. Ndeupi muFarise uye mutongiwemaJuda akaenda kunaJesu neusiku achinobvunza
mibvunzo?
2. Nicodemus akaziva sei kuti Jesu ainge atumwa naMwari?
3. Nicodemus akanga akagutsikana here kuti Jesu ndiye mudzikinuri?
4. MaJuda mazhinji vaifunga kuti chii pamusoro pemudzikinuri?
5. Jesu akaudza Nicodemus kuti vanhu vaifanira kuita sei kuti vapinde muhumambo
hwaMwari?
6. Kuzvarwa patsva, kuzvarwa patsva kwei?
7. Zvinokwanisika here kuti nyama igadzire mweya?
8. Munhu anogamuchira mweya mutsva kubvepi?
9. Ndiani muporofita akaporofita nezvekuzvarwa patsva mazana emakore zvisati
zvaitika?
10. Chii chinoomesa moyo yevanhu?
11. Ezekiel akati Mwari aizoita sei nemoyo yevanhu?
12. Munhu asati azvarwa patsva anenge ari nhengo yehumambo hupi?
13. Muhumambo hwerima, ndiani waunoshandira?
14. Munhu akanga kwanisa here kupinda muhumambo hwMwari, mweya wake usati
washandurwa?
15. Mweya wemunhu unoshandura sei?
16. Imhandoi yehumambo yehumambo hwaMwari?
17. Sei vaSante vechitenderano chitsva vasina kuwana kuzvarwa patsva?
18. Humambo hwaMwari wakagadzirwa nei?
19. Ndezvipi zvinhu zviviri zvingaitwa nemunhu kuti azvarwe patsva?
20. Chii chinoitika kana tazvarwa patsva?
KUBOORA DENGA KUTI AONE JESU
Ndima yekuverenga: Ruka 5:17-26, Mabasa evapositori 10:38
Chokwadi: Kutenda kwakaperera kunotiita tigashire zvatakatengerwa naJesu.
Ndima yemusoro: Mateo 8:17, "Iye akatora utera hwedu, akatakura marwadzo edu."
Kamutambo: "Mushonga waMwari"
Chidzidzo: Gadzirira kuchigashira
Zvinodiwa: Vanyori nevaFarise (616), Chaumga (618), Jesu (619, 620), murume akaremara neshamwari dzake (626), Murume akaremara arapwa (627)
Kumudzidzisi
Nyaya iri mubhaibheri pamusoro pesimba rekurapa , yakasiyana nezviri kuitika nhasi.VaFarise vaisagutsikana nekuregererwa zvitadzo naJesu asi vainge vasinganetseki nekurapa kwaaiita. Mazuvano vanhu vazhinji vanonzwisisa kuti Mwari vanoregerera zvitadzo kubidikidza naJesu, asi vazhinji havanzwisise nezvesimba rekurapa. Jesu vakatsanangura kuti simba iroro isimba rimwechetero, zvisinei kuti kurapa kana kuregererwa uye kuti ose akangoreruka zvakaenzana.
Mamwe marwadzo inokonzerwa nezvivi sezvakaitika munyaya ino. Mamwe marwadzo haakonzerwe nechivi kunyangwe zvazvo urwere hwese huchikonzerwa nechivhi chakapinda panyika. Kurapa ndicho chimwe chezvinhu zvatakaiitrwa naJesu. Tinofanira kuchitora kunyange kudai tichida denga.
Tsanangudzo
I. Jesu akauya panyika kuzotiregerera, kurapa nekuchengetedza makomborero emarudzi ose.
A. Rimwe zuva, Jesu achidzidzisa, imba yaakanga ari yakazadzwa nevanhu.
1. VaFarise vazhinji nevazivi vemutemo vaivapo.
2. Imba yakazara zvekuti hapana mumwe munhu aikwanisa kupinda.
B. Simba raMwari muna Jesu raivapo kurapa varwere vaivapo.
1. Mwari anoda kuramba achirapa vanhu nekuti ndiMwari akanaka.
2. Umwe neumwe anotenda kushoko rake anoporeswa.
C. Kurapa kunobva kwava kwedu kana tikatenda zvinoreva shoko raMwari.
1. Shoko raMwari rinoti, "Jesu wakatora utera hwedu, akatakura urwere hwedu.(Mateo 8:17)
2. Shoko raMwari zvakangofanana nezvaizotaurwa naJesu kudai aripo.
II. Paiva nevarume vana vakaunza murume aiva akaremara kunaJesu kuti arapwe.
A. Vakatakura murume uya pamubhedha nekuti aisagona kufamba.
1. Aiva Mwari asi ndisatani aiva akonzera kuoma mutezo uku.
2. Pane nguva dzatinoda rubatsiro rweshamwari mukutenda nekubvumirana nesu muminamato.
B. Pamusana pekuwanda kwevanhu, varume vakanga vashaya kuti vopinda sei mumba.
1. Kutenda kwakaperera hakubvumidze kukoneswa kugashira Mwari.
2. Vakakwira pamusoro pedenga vakaboora buri, vakadzikisa shamwari yavo netambo paiva naJesu.
C. Jesu akaona kutenda kwaiva nevarume ava.
1. Kutenda kune zviito zvinofambidzana nako.
2. Jesu akaona kuti vaitarisira kuti murume uyu arapwe afambe.
D. Kutenda kwakaperera hakurambidzwe chakunoda.
1. Satani haaregere kutenda kwevanhu kuchishanda asina kumboedza kukumisa.
2. Kuyedza kumisa kwaanoita kunotaridza kuti zviri kushanda.
III. Murume akaoma mutezo akarapwa.
A. Jesu akaudza murume kuti matadzo ake aregererwa.
1. Dzimwe nguva marwadzo anouya muvanhu pamusana pekuti vane zvivi muupenyu hwavo.
2. Mwari vanotiregerera matadzo edu kana tikavakumbira.
B. Vanyori navaFarise vaivapo vakatsamwira Jesu nekuti aiva aregerera murume uyu zvivi zvake.
1. Vaisafunga kuti Jesu mwana waMwari saka havana kutenda kuti angaite izvi. 2. Jesu akataura kuti isimba rimwechetero rairegerera zvitadzo uye kurapa varwere.
3. Sezvo zvivi neurwere zvichifambirana, ruregerero nekurapwa zvinofambiranawo.
C. Jesu akataura kumurume uya kuti asumudze mubhedha wake aende kumba.
1. Murume akaporeswa nemashoko aJesu.
2. Mazwi anotaurwa nekutenda ane simba (VaHeberu 11:3)
D. Murume akasimuka anyatsosimba ndokutanga kurumbidza Mwari achigamuchira zvose zvaiva zvake.
1. Aiva nekodzero iyi sezve aiva chizvarwa chaAbraham.
2. Kurapa kwakakura sei panesu vanonamata, vanorarama pasi pechitenderano chitsva.(VaHeberu 8:6) E. Kuterera mashoko aJesu kuchiri kungorapa varwere nhasi.
1. Tinogashira ruponeso kubva kunaIshe nekuti Jesu akatitengera (1 Petro 2:24)
2. Gutsikana nekutenda kwako, usabvumidze kana ani kuti akutadzise kugashira Mwari.
Chidzidzo cheMweya
Kurapwa ndekwangu
Mwari akakutenga paKarivari kare.
Kurapwa ndekwangu.
Jesu akatibhadharira
Paakafira iwe neni.
Jesu pachake akatora utera hwangu
Akatakura marwadzo angu nematenda
Kurapwa ndekwangu.
Ndiri muridzi.
Ndinokugamuchira izvozvi.
MUSHONGA WAMWARI
Kamutambo Chidzidzo chegumi
Vatambi: Bennie, Sally, Moyo
Bennie: Oooooooh! Muviri wangu wese uri kurwadza.
(Sally anopinda)
Sally: Chiuya Bennie, dzave nguva dzekuenda kuchikoro.
Bennie: Handisi kuenda kuchikoro nhasi, Sally.
Sally: Kusaenda? Pamusana pei?
Bennie: Pamusana pekuti musoro wangu uri kutema, mudumbu muri kurwadza, pahuro pangu pari kurwadza zvese nebvudzi rangu. Handisi kuenda kuchikoro ndiri kurwara.
Sally: Washandisa shoko raMwari here pamusana pekurwara ikoku?
Bennie: Usataure neni nezvaizvozvo nguva ino iyi, Sally. Terera, ndinoda kuti undivigire zvimwe zvinhu kubva kuchitoro kana wava kubva kuchikoro.
Sally: Unodei?
Bennie: Ndinoda macafenol, madisprin, maanadin nemapanadol.
Sally: Handingakuigire zvose izvo, ndave kuenda kuchikoro ndinganonoka.
(Anobuda)
Bennie: Unofanira kundiigira izvozvo, Sally! Oooooh, Ndiri kurwadziwa. Ndave kuenda kunoona terevhizheni kuti pfungwa dzangu dzigadzikane.
(Mwoyo anopinda)
Moyo: Chimbomira ipapo, Bennie.
Bennie: Iwe Moyo unodei?
Moyo: Ndinoda kuti umboterera kwekanguva kadiki.
Bennie: Ungatora kanguva kadiki? Handisi kunzwa zvakanaka.
Moyo: Ndizvo zvandinoda kutaura nezvazvo. Jesu vakabhadhara mutengo wakakosha kuti iwe urapwe.
Bennie: Ndaudza Sally kuti andivigire mishonga ine chitsama kuti ndite nani.
Moyo: Zvakanaka asi pane mumwe mushonga waunofanira kutora zvakare.
Bennie: Kwete castor oil asi.
Moyo: Haisi castor oil. Ishoko raMwari. Kutora shoko raMwari mushonga panyama yako.
Bennie: Unenge wakaita sepiritsi here kana kuti mushonga wemvura?
Moyo: Kwete zvese izvozvo.
Bennie: Unotora shoko raMwari uchiriisa mudumbu mako worisiysa imomo kwemazuva matatu here?
Moyo: Kwete! Unotora mushonga waMwari weshoko nekutaura izvi nemuromo wako.
Bennie: Chii chandingaite nemuviri wese unorwadza.
Moyo: Chipimo che1 Peter2:24 naMateo 8:17. Unofanira kuzvipupura sekuti, nemavanga aJesu ndakaporeswa uye Jesu pachake akatora utera hwangu akatakura marwadzo angu.
Bennie: Mushonga waMwari ndingautore kangani?
Moyo: Kusvikira zviratidzo zveurwere zvese zvapera.
Bennie: Ndinofunga ndobva ndachitotanga izvozvi.
Moyo: Ipfungwa yakanaka (Anoenda)
Bennie: Nemavanga aJesu ndakaponeswa uye akatora utera hwangu akatakura marwadzo angu. Nemavanga aJesu ndakaponeswa .......(anobuda)
(Sally anopinda)
Sally: Bennie! Bennie! uri kupi? Ndakuigira mushonga.
(Bennie anopinda)
Bennie: Ndiri pano, Sally, asi handichada mushonga.
Sally: Wanga uchinyepera kurwara kuti usaende kuchikoro asi?
Bennie: Kwete, asi ndanga ndichishandisa mushonga waMwari muswere wese.
Sally: Mushonga waMwari?
Bennie: Hongu. Unoverenga magwaro anotaura nezvekuporesa, wozvitaura nemuromo wako. Ndave kufara zvino. Ngatidzoserei mushonga iwoyo, tidzoserwe mari yedu. Ndinokutengera ice cream.
Sally: Zvandifadza kana neni!
(Vose vanobuda)
GADZIRIRA KUCHIBATA
Chidzidzo chegumi
Ndima yeKuverenga: Habakuki 2:4".......Asi wakarurama uchararama nekutenda kwake."
Zvinodiwa: Mabharuni maviri, maka, bhegi repurasitiki, nebhegi regirosari.
Gadziriro: Vana vasati vatanga zvidzidzo, furidza zvibharuni kuitira kuti zvisakwane mubhegi riya repurasitiki, nemaka nyora kuti "Ruponeso", pane rimwe nyora kuti kurapwa, pane mamwe madiki nyora kuti "kupusa" pane rimwe nyora kuti "kutenda".
Iva nezvese zvaunoda kushandisa pamberi.
Chidzidzo
Pane mutsauko, pakuti kutenda nekuti kupusa. Kutenda ndiko kunotipa simba kuti tigamuchire zvinhu zvatakasiyirwa naJesu. Vanhu vakawanda vanoedza kuwana zvinhu zvaMwari nenzira isiyo.
Ndinoda kuti mumwe auye kuzondibatsira nhasi. (Sarudza mwana wekuti auye kuzobatsira. Mupe mabhegi madiki uvaudze kuti uchavakandira mabharuni. Vaudze kuti vanofanira kuedza kubata mabharuni ari mubhegi.)
Muri kuona, vakomana navasikana, vanhu vakawanda kubata zvipo zvaJesu nemaitiro avo voga.(Paunenge uchitaura izvi, kandira mabharuni kumubatsiri wako) Asi haumbofa wakabata makomborero aMwari nekupusa kwakadai. Hatina kubatsirwa nemabasa edu , zvichida pane anofunga kudaro. Hatina kubatsirwa nehuvapo hwedu isu pachedu. Asi pamusana pekutenda kwakaperera, ndiko kunopa pfungwa dzako kutenda - kuti tigobata nekugamuchira zvaunopiwa naMwari.
Hapana imwe nzira yaungawane nayo makomborero aMwari pasina kutenda kwechokwadi. (Ipa mubatsiri wako bhegi rinoti "Kutenda" wokanda mabharuni kwaari apo unotaura mashoko anotevera) Zvinoda kutenda kuti ugashire ruponeso, sezvaunongodawo kutenda kuti uwanewo ruponiso, kuti kutenda kumwechete kuri muna Jesu kukubatsire kugashira kurapwa.(Kanda rimwe bharuni kuti mubatsiri wako agoribata.)
Sevarume vakacheka buri padenga remba kuti vadzikise murume airwara, kwaiva kutenda kwakaita shanduko kuti murume airwara agashire kubva kuna Jesu. Kutenda, kwete kupusa kunoita kuti tigashirekwete ruponeso chete, asi kurapwa nevimbiso mushoko raMwari.
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi
Shandisai shoko
Pane dambudziko here muupenyu mako paungade kushandisa kutenda asi hauna kuzviita? Kana uchida kurapwa kana mhinduro pane chiitiko chisina kufamba zvakanaka, tsvaga magwaro aungatende, wonamata nekugamuchira mhinduro nekutenda.
Kana usina chaunoda pari zvino, tsvaga mumwe munhu ari muchikoro newe, wobvumirana naye muminamato kumhinduro.
Mibvunzo
1. Jesu akauya panyika kuzoitei?
2. Sei Mwari vachida kurapa varwere?
3. Kurapwa nekwevasarudzwa chete here kana kuti ndekwe vanhu vese?
4. Kurapwa kunova kwedu sei?
5. Shoko raMwari rinoti Jesu akaita sei nezvirwere namarwadzo edu?
6. Murume akauya neshamwari dzake ina kuna Jesu airwara nei?
7. Ndiani aiva akonzera kuoma mutezo uko?
8. Tinoda here shamwari dzedu kuti dzimire nesu pakutenda dzimwe nguva?
9. Ndezvipi zvipingaidzo zvakasangana nemurume uyu neshamwari dzake?
10. Kutenda kwakaperera kunorega zvimhingaidzo zvichikumisa here kugamuchira
kubva kuna Mwari?
11. Murume akaremara neshamwari dzake vakazosvika sei kunaJesu?
12. Jesu akaonei apo murume akadzikiswa kwaari kubva padenga?
13. Satani anokurega kutenda kwako kuchishanda here asina kumboedza kukumisa?
14. Chii chinhu chekutanga chakataurwa naJesu kumurume uyu?
15. Kurwara ndicho chiratidzo chezvivi here muupenyu hwevanhu?
16. Sei Vanyori nevaFarise vakatsamwira Jesu apo akaregerera murume airwara uyu?
17. Isimba rimwechete here rinoregerera zvitadzo uye kurapa miviri yevanhu?
18. Murume wekuoma mutezo akarapwa sei?
19. Sei tichigashira kurapwa kubva kunaJehova mazuvano?
20. Tingarwisa sei zvimhingaidzo zvinoedza kutitadzisa kugamuchira kubva kuna Mwari?
MUKADZI PATSIME
Chidzidzo chegumi neimwe
Ndima yekuverenga: Johane 4:1-42
Chokwadi: Mweya Mutsvene wakaita semvura inoyerera.
Ndima yemusoro: Johane 7:38, "Unotenda kwandiri, sezvakarebwa norugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make."
Kamutambo: "Mumwe kana miviri?"
Chidzidzo: "Gospel Bill nemaIndia"
Zvinodiwa: Guta (611), Chaunga (618), Jesu (619, 620), Tsime (628), mukadzi patsime (629)
Kumudzidzisi
Kune kusangana kuviri kunoitika neMweya Mutsvene muupenyu hwevanhu. Pakuzvarwa patsva, Mweya Mutsvene unoshandura mweya wemunhu iwo wobva wagra maari. Kune Tsime remvura, upenyu husingagumi apo mutendi anokwanisa kuchera kana ave nenyota (Isaiah 12:3). Zvibereko zvemweya yedu pamwe chete neMweya Mutsvene zvinotanga kuonekwa panguva ino (VaGaratia 5:22-23)
Pane kugashira kukuru kwemvura mhenyu kune avo vanotenda kana kuti vakazadzwa neMweya Mutsvene. Ruzivo runovhura masasa kune zvipo zvipfumbamwe zvemweya zvakataurwa muna 1 vaKorinte 12 nekusimudzira vatendi kubasa rakakura. Tinofanira kuzvitora zvose tichifarira makomborero etsime nerukova.
Tsanangudzo
I. Jesu aifamba achipfuura nenzvimbo yeSamaria achidzokera kuGarire achibva Judea.
A. Jesu aiziva nakare kutiMwari vaida kuti apfuure nemuSamaria.
1. Kubudikidza neMweya Mutsvene, Mwari vanotiita tizive zvimwe zvinhu zviri pamberi
(Johane 16:13, I vaKorinte 2:9-10)
2. Mumashure mekunge aneta nerwendo, Jesu akamira patsime reSychar.
B. MaJuda aifunga kuti vaSamaria vaiva vanhu vakaipa vasina chekuita navo.
1. Vamwe vanhu, pamusana pezvavari, vanenge vasina chekuita nevamhu vemamwe marudzi kana verumwe ruvara - izvi zvakaipa.
2. Mwari haaremekedzi vanhu. Haadi vanhu zvakasiyana.
C. Mukadzi wechiSamaria akauya kuzochera mvura patsime.
1. Jesu akamushamisa nekumukumbira mvura.
2. Nokuziva kuti aiva muJuda, mukadzi aida kuziva kuti sei Jesu Jesu akataura naye.
D. Jesu akatanga kumutaurira nezvemvura isingaperi.
1. Akatadza kumunzwisisa, achifunga kuti aitaura nezvemvura chaiyo. 2. Mafungiro enyama haakwanise kugashira zvinhu zveMweya waMwari
(I vaKorinte 2:14)
II. Mukadzi weSamaria akazobata chokwadi pamusoro pemvura iyi.
A. Jesu akamuudza kuti avo vose vanonwa mvura iyoyi havazova nenyota zvekare.
1. Jesu aitaura nezvenyota iri mumoyo mevanhu.
2. Vanhu vose vane nyota yaMwari nekuti mumoyo memunhu wega wega mune kagomba kanokwaniswa kuzadzikiswa naMwari voga.
B. Mvura yeupenyu yaitaurwa naJesu yaiva upenyu husingagumi.
1. Jesu aida kupa mukadzi weSamaria, upenyu husingagumi.
2. Hupenyu husingagumi ndewe munhu wese nhasi nekuti Jesu akafira zvitadzo zvedu.
C. Mukadzi weSamaria akakumbira Jesu kuti amupewo mvura iyi.
1. Jesu akamuudza kuti aende kunounza murume wake, Jehova vanofara kuti mhuri yose iponeswe.
2. Hupenyu husingagumi ndehwe munhu wese nhasi nekuti Jesu akafira zvitadzo zvedu.
D. Jesu akaudza mukadzi, "Wakaita varume vashanu uyezve murume wauri kugara naye haasi murume wako zvachose."
1. Izvi zvakashamisa mukadzi nekuti chaiva chokwadi.
2. Jesu akazviziva nekuti Mweya Mutsvene wakamuudza. Chaiva chipo cheshoko reruzivo chakapa Jesu ruzivo rwezvakaitika kare izvo aisaziva.
E. Mukadzi akasiya Jesu patsime, ndokumhanyira kuguta reSychar.
1. Akadzoka nevanhu vazhinji vaida kuona kana kunzwa zvaitaurwa naJesu.
2. MaSamaria mazhinji emuguta umu vakatenda kunaJesu.
III. Mvura yeupenyu yeMweya Mutsvene ndeyako.
A. Mwari anoda kuti vanhu vese vanwe mvura iyi inozadza mweya yavo.
1. Mvura yeupenyu, upenyu hwaMwari hunopinda mune avo vanogashira Jesu.
2. Jesu ndiye oga anopa mvura yeupenyu iyi nekuti hakunazve rimwe zita rinokwanisa kuponesa vanhu.
B. Nekuzvarwa patsva, tinogashira tsime remvura yeupenyu.
1. Takazvarwa neMweya uye tinogamuchira hupenyu husingagume munaMwari.
2. Tinotanga kuratidza humwari muzvibereko zveupenyu hwedu.
C. Nekugashira Munhu weMweya Mutsvene, tinogashira nzizi dzemvura yeupenyu.
1. Ruzivo urwu runotevera kuzvarwa patsva uye runotiunza padyo naMwari.
2. Kuzadzwa neMweya Mutsvene kunoita kuti mutendi ave nesimba rekuita mabasa makuru aMwari (Mabasa avapositori 1:8)
Chidzidzo cheMweya
Ndine nzizi dzemvura yeupenyu
Inoyerera kubva pamoyo pangu.
Ndine nzizi dzemvura yeupenyu
Inoyerera kubva pamoyo pangu.
Sezvo ndakakumbira Jesu kuti vandibhabhatidze,
Nesimba reMweya Mutsvene
Ndine nzizi dzemvura yeupenyu
Inoyerera kubva pamoyo pangu.
MUMWE KANA MIVIRI
Kamutambo Chidzidzo chegumi nembiri
Vatambi: Sally, Maria
Maria: Izvi zvinotikanganisa mafungiro! Vamwe vanhu vanotaura nezve kuzvarwa nemweya. Vamwe vanotaura nezvekuzadzwa nemweya. Vamwe vanotaura nezvazvo zvese. Handizvinzwisise!
(Sally anopinda)
Sally: Mhoro Maria, wakadini zvako?
Maria: Kusagutsikana ndiko kwadiri.
Sally: Kusagutsikana nei?
Maria: Vanhu vanotaura nezvekuzvarwa paMweya nezvekuzadzwa neMweya. Kune Mweya Mitsvene mingani?
Sally: Kune Mweya Mutsvene Mumwe.
Maria: Saka sei achitaurwa nezvake sekunge akawanda kupfuura mumwe?
Sally: Pamusana pekuti kune zvinhu zviviri zvinoitika neMweya Mutsvene.
Maria: Zvinhu zviviri asi Mweya Mutsvene mumwe?
Sally: Ndizvozvo. Kana ukakumbira Jesu mumoyo mako, ndipo paunozvarwa neMweya.
Maria: Ndakakumbira Jesu kuti vapinde mumoyo mangu, asi handifunge kuti ndinonzwisisa zvazvinoreva kuzvarwa neMweya.
Sally: Zvinoreva kuti Mweya Mutsvene unopinda mukati memoyo wako wobva wauita mutsva.
Maria: Kana aiita izvozvo anobuda zvekare here?
Sally: Ah, kwete! Akati haafe akakusiya kana kukukanganwa. Chikonzero chinoita kuti Jesu agare mumoyo mako nemangu panguva imwe chete, Mweya Mutsvene.
Maria: Saka kana ndikazvarwa neMweya Mutsvene zvoreva kuti moyo wangu watova mutsva?
Sally: Hongu, uye unenge wava neMweya Mutsvene mukati mako.Anobvisa zvivi zvese okuita mutsvene mumaziso aMwari. Uye unobva watanga kuzivisa mabasa aMwari - rudo, rufaro, rugare, kuzvirereka, kunaka, kutenda, kuzvidzora nekushingirira.
Maria: Iwe, ndingafare kuti ndazvarwa neMweya.
Sally: Chero neni. Asi kune chimwe chinhu chinogona kuitika kwauri zvekare.
Maria: Kuzadzwa neMweya Mutsvene?
Sally: Hongu.
Maria: Chii chinoitika kune munhu ane ruzivo rweMweya Mutsvene?
Sally: Zvinhu zvakawanda. Chekutanga, kana wazadzwa neMweya, unotaura nemutauro wausati wambodzidza.
Maria: Ndizvo zvazvinoreva here kana vachiti kutaura nendimi?
Sally: Hongu. Mweya mutsvene anokupa mazwi ekunamata iwe wobva waataura.
Maria: Asi zvinobatsirei kunamata nemutauro wausingazivi?
Sally: Kunyangwe zvazvo pfungwa dzako dzisingazivi zvauri kunamata, asi mweya wako unosimbiswa. Bhaibheri rinoti iyi inzira yekutenda kunaMwari uye kana usingazive kuti unganamata sei pamusoro pechimwe chinhu, Mweya Mutsvene unokubatsira.
Maria: Kutaura nendimi kwakakosha.
Sally: Ichokwadi. Kana ukazadzwa neMweyaMutsvene, unogashira simba rekuva mupupuri weshoko raMwari uye kunyatsonzwisisa mirairo yaMwari muupenyu hwako.
Maria: Ndinokwanisa kuzadzwa here neMweya Mutsvene?
Sally: Unokwanisa. Kana wangozvarwa neMweya, unogona kuzadzwa neMweya.
Maria: Unganamata neni here, Sally?
Sally: Chokwadi, huya.
(Vose vanoenda)
GOSPEL BILL NEMAINDIA
Ngano Chidzidzo chegumi neimwe
Gospel Bill aifara chaizvo paaienda kuDry Gulch. Kunze kwaiva kwotosviba zvekare chechi yaive yotoda kutanga. Bill aiva achangobva kuzvarwa patsva zvekuti muguta raaigara maiva muchigara muine misangano yekukurudzirana. Vanhu vazhinji vemuzvitoro uye zvidhakwa nevatambi venjuga vainge vaponeswa.
Bill akaenda kuchechi akatasva bhiza rake, ndokusvikorisungirira pabango. Akapinda muchechi akabva asvikirana nevanhu vachangotanga kuimba. Oh, vanhu vaida kuimba nekurumbidza Mwari. Bill aigara achingonzwika ariye ane izwi riri pamusoro panguva yekurumbidza Mwari.
Mufundisi Martin vakasimuka kuti vazivise mutauri wemusi uyu, mufundisi Abe Mulkey. Gospel Bill aigara akagadzirira kuterera shoko kubva kumufundisi uyu nekuti pane chimwe chinhu chaishamisa paari. Mufundisi Mulkey vakaudza vanhu kuti vainge vagashira Mweya Mutsvene sei.
Gospel Bill haana kunzwisisa zvakawanda nezveMweya Mutsvene. Bill aiziva zvakawanda nezvaJesu uye Mwari, asi akanga asati ambonzwa munhu achiparidza nezveMweya Mutsvene. "Baba," Bill akanamata chinyararire, "Ndinoda kunzwa mufundisi Mulkey vachinditaurira nezveMweya Mutsvene."
Muparidzi akatanga kutaura. Akaudza vanhu, "Mutendi wese anofanira kuzadzwa neMweya Mutsvene!" Bill akanyatsoterera sezvo muranda waMwari akaverenga kubva mubhuku reMabasa avapositori. Shoko raMwari muna Mabasa vavapositori 2:4, "Uye vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nendimi sezvavainge varairwa neMweya."
"Ndine chokwadi chekuti achatsanangudza izvozvo," murume aiva akagara padyo naGospel Bill akazevezera.
"Kana munhu achinge aponeswa," akaenderera muparidzi, "anowana moyo mutsva!" Vanhu vakabvumirana nemuparidzi. "Asi kune zvakawanda," akaenderera mufundisi Mulkey. "Unoda simba reMweya Mutsvene. Unokwanisa kuzadzwa neMweya Mutsvene wotaura nendimi!"
"Kutaura nendimi? Ndicho chii ichocho?" akabvunza murume aiva padyo naBill.
"Shhhh! Terera, muparidzi achatsanangura," akadaro Bill.
"Kutaura nendimi chiratidzo chekuti mutendi akazdzwa neMweya Mutsvene," akadaro muparidzi. "Vadzidzi vaIshe vose vaiva vakazadzwa neMweya Mutsvene uye vaitaura nemitauro yavaisanzwisisa."
"Handibvumirane nazvo!" akadanidzira murume aive agere kumberi muchechi. "Kutaura nendimi chinhu chisina nebasa!" Bill akashamisika kunzwa munhu achitaura zvakadaro.
"Ndaisimbodarowo," akadaro muparidzi, "asi ndakazadzwa neMweya Mutsvene akaita shanduko huru mukati mangu."
"Sei?" akadaro murume uya akanga zvino amira padyo neatari.
"Ndakasimba mukuudza vanhu nezvaJesu!" akadaro muparidzi.
"Zvisinei, handisi kuwana Mweya Mutsvene kana kutaura nendimi!" akadaro murume achibuda muchechi akagumbuka.
Nechinguvacho, Gospel Bill akasimuka akadanidzira kumumuparidzi.
"Muparidzi," akadaro, "Ndinoda, zvamanga muchitaura nezvazvo. Mondiratidza zvekuita ndobva ndawana Mweya Mutsvene, ndotaura nendimi!"
"Huya kuno, mukomana," akadaro muparidzi. Gospel Bill akamhanya kuatari ndokusvikomira pamberi pamufundisi Mulkey. Muparidzi akaisa maoko pamusoro paBill , uye apo vainamata vose, Bill akanzwa mashoko aaisanzwisisa achibva pamoy pake. Mashoko aya aiita semumwe mutauro.
"Uri kunzwa here mashoko aya, mukomana?" akabvunza muparidzi.
"Hongu," akadaro Bill.
"Saka chimataura," akamutuma. Bill akatanga kutaura mashoko aainge asati ambo taura. Haana kunzwisisa kunyangwe shoko rimwe raibuda mumuromo make, asi akaziva kuti kuti izvi zvaibva kuna Mwari.
"Hey," akadaidzira mumwe murume aiva akagara mumashure, "Ndinoziva zvaari kutaura. Murume uyu ari kutaura zvinhu zvakanaka pamusoro paMwari nemutauro wangu wechiJerimani!" Vanhu vakashamisika. Gospel Bill akaramba achitaura nendimi mweya wake ukaita seunoda kuputika. Chechi yose yakatanga kurumbidza Mwari, vanhu vazhinji vakataura nendimi.
Mumashure mechechi uye vanhu vese vaenda, Bill akaenda kunoona muparidzi. "Chii chaitika kwandiri?" akabvunza Bill.
"Wagashira Mweya Mutsvene ukataura nendimi," akapindura muparidzi.
Asi handina kana kumbonzwisisa zvandaitaura," akadaro Bill.
"Haufanirwe kuziva," akadaro mufundisi Mulky. "Bhaibheri rinotaura muna 1 vaKorinte 14:14, "Nokuti kana ndichinyengetera nerumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. Pfungwa dzako hadzizive kuti uri kuti kudii."
"Ndiri kutaura nani?" akabvunza Bill.
"Uri kutaura kuna Mwari," akadaro muparidzi.
"Zvichaitika zvakare here?" akabvunza Bill.
"Zvisinei, izvo zviri kwauri," akadaro muparidzi. "Unokwanisa kutaura nendimi pese paunodira."
""Zvakanaka," akadaro Bill. "Ndichazviita nguva dzose!"
"Hazvikukuvadze," vakadaro mufundisi Mulkey apo akabatana maoko naBill. Bill akakwira pabhiza rake ndokumhanya akananga kumafuro. Hwaiva husiku hwakajeka nechiedza chemwedzi. Moyo waBill waifara nekutaura nendimi.
Pakarepo, bhiza raBill rakamira. Ohi-i! Bill akadonha kubva pabhiza. Akanga ahakwa nemuIndia nekademo akakuvara zvakanyanya.
Pazuva raitevera Bill akadzidziuka akaona ari mukati mematambudziko. Maoko ake aiva akasungwa netambo uye aiva akarara zvisina rubatsiro pasi mutende yemaIndia. Paakaedza kuti asunungure tambo iyi rimwe zirume refu remuIndia raiva rakapenda kumeso, rakapindamo.
"Usaedze kuzvisunungura iwe," akadaro murwi, "Uri musungwa wangu. Chitofara izvozvi nekuti kana kwasvipa, uchafa!"
"Kufa?" akadaidzira Bill. "Ndatadzei? Ndanga ndisiri munzvimbo yemaIndia apo wakandihaka nezuro."
"Usiku, Mambo Crazy Feathers vachakupira kuti vanhu vedu vaponeswe," akatsanangura muIndia.
"Kundiuraya kuti vanhu vaponeswe?" akabvunza Bill.
"N'anga yakati nzira yoga yekubvisa zvirwere kubva kumaIndia, kuuraya murungu nepfumo rinoera ," akatsanangura muIndia. Naizvozvo akasiya Gospel Bill mutende kuti amirire rufu.
"Jehova," akachema Bill, "Ndinoda rubatsiro!" Apo Bill ainamata mashoko aya asinganzwisisike akatanga kusumuka kubva mumweya. Akatanga kutaura nendimi nekukurumidza semagonero aaiita.
Bill ainzwa kufara kwaiita maIndia apo aigadzirira mutambo wavo wekupira. Kutya kwakaedza kubata pfungwa dzaBill, asi apo ainyanya kunamata nendimi aibva anyanyodzikama.
Nguva yakafamba uye Gospel Bill aizviona nekunyura kwaiita makore. Kazhinji aiwanzotya , asi aiziva kuti Mwari vaizomuitira chimwe chinhu chakakosha.
MaIndia maviri akauya mutende akatakura Gospel Bill. Vakamusaidzira vakanomuiisa pakati pedariro remamwe maIndia. Vazhinji vavo vairatidza kurwara zvikuru uye vainge vakatarisira kurapwa nesimba ren'anga.
N'anga yechirume yaiva yakapfeka nguwo yenhoro, yakatanga kutamba nekukanda mbanda mumoto. Aiimba achitaura akatarisa kuna Gospel Bill.
"Jehova," akadaro Bill, "Munofanira kundiudza zvekutita maIndia aya asati andiisa mumoto." Bill akabva aziva zvokuita. Akatanga kutaura nendimi nezwi riri pamusoro soro. N'anga yakabva yamira kutamba, maziso evanhu vose akange atarisa kuna Gospel Bill.
Nechinguvacho, mambo akabva afamba kubva muchaunga umu ndokuenda paiva naGospel Bill. Akatarisa mukomana uya nekushamiswa kukuru apo akaramba achitaura nendimi. Mambo akadana muIndia murefu uya akanga ambopinda mutende yaGospel Bill mangwanani emusi uyu. Ndiye muIndia woga mumusha umu aigona kutaura chirungu, saka akaudza Bill zvaida kutaurwa namambo.
MuIndia murefu uyu akatarisa kuna Bill akati, "Mambo anoda kuziva kuti unoziva sei mutauro wedu."
"Handizive mutauro wenyu," akadaro Bill.
"Ndanzwa uchitaura kuti mumwe murume akatofa kuti vaponseswe kare. Ndakunzwa nenzeve dzangu." Bill akabva aziva kuti apo aitaura nendimi aitaura nemutauro wemaIndia aya. "Tiudze nezve murume uyu," akadaro muIndia.
Maoko aBill akasunungurwa uye akatanga kuparidza nezvaJesu.Vakatereresa apo murume murefu aivatsanangurira zvaiparidza naGospel Bill.
"Nekuti Mwari vakada nyika, nekudaro vakaipa kumwanakomana wavo kuti ani nani anomutenda asafe asi ave neupenyu husingagumi. Jesu Krisu vakafira imi pamuchinjikwa. Akauya kuzotambudzika nezvinhu zvese zvakaipa kuitira kuti isu tidzikinurwe," akatsanangura Bill. "Unokwanisa kusava nezvivi, zvirwere uye kusagutsikana kana ukatenda maari."
Bill paakapedza chidzidzo chake, akatanga kunamatira maIndia airwara. Mumwe nemumwe, maIndia akatanga kuwana simba uye vose vakarapika apo Gospel Bill akanamata. Mambo akafara zvikuru akatanga kutamba , musha wese ukafara.
Gospel Bill akapedza mamwe masvondo maviri nemaIndia, achivadzidzisa kuti vanga gashira sei Jeu uye Mweya Mutsvene. Mambo akamuita munhu anoremekedzwa mumusha uyu akatomupa zita rechiIndia rinoreva "Rurimi rwemoto." "Kana murume uyu achitaura, mashoko ake anopisa semoto," akadaro mambo.
Gospel Bill akaziva kuti kuzadzwa neMweya Mutsvene kwamununurira upenyu hwake.
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi neimwe
Shandisai shoko
Mweya Mutsvene unotitungamirira muchokwadi. Anotiratidza zvekare nezvezvichatevera kuitira kuti tigadzirise nhasi.
Unofunga kuti Mweya Mutsvene unotaura kwatiri sei? Ndedzipi dzimwe nzira dzaanoshandisa kuti atiratidze zvekuita?
Mibvunzo
1. Ndeipi nzvimbo yakapfuura naJesu apo aidzokera kuGarire achibva Judea?
2. Jesu akaziva sei kuti Mwari vaida kuti apfuure nemuSamaria?
3. Jesu akamira papi Musamaria?
4. VaJuda vaifunga kuti chii pamusoro peMasamaria?
5. Zvakanaka here kuva nezvifungidziro pane vamwe vanhu?
6. Mwari anoda vamwe vanhu here kupfuura vamwe?
7. Ndiani akauya patsime kuzochera mvura apo Jesu ainge ari?
8. Jesu akatanga kutaurira mukadzi nezvei?
9. Sei mukadzi wechiSamaria akatadza kunzwisisa kuti Jesu aitaura nezvei?
10. Sei vanhu vaine nyota mumoyo yavo?
11. Sei Jesu aida kupa mukadzi weSamaria mvura yeupenyu?
12. Sei upenyu husingaperi huripo kumunhu wese nhasi?
13. Ndeipi nyaya yakataurwa naJesu maererano nemukadzi uyu apo akati haana murume?
14. Jesu akaziva sei nezvemukadzi uyu?
15. Chii chakaitika mumashure mekunge mukadzi audza vamwe muguta reSychar nezvaJesu?
16. Mvura yeupenyu yeMweya Mutsvene ndeye munhu wese here?
17. Vanhu vanogamuchira sei tsime remvura yeupenyu?
18. Chii chinoitika kana tihagamuchira tsime remvura yeupenyu?
19. Vanhu vanogamuchira sei mvura yeupenyu iyi?
20. Chii chinoitika kana mumhu azadzwa neMweya Mutsvene?
JESU ANODANA VANE GUMI NEVAVIRI
Chidzidzo chegumi nembiri
Ndima yekuverenga: Ruka 5:1-11, Mateo 10:1-11
Chokwadi: Jesu achiri kudaidza varauri vehove nanhasi
Ndima yemusoro: Mateo 4:19, "Nditevere ndigokuita murauri wevanhu"
Kamutambo: "Murume akaredza vanhu"
Chidzidzo: "Kudaidzwa kunoraura"
Zvinodiwa: Chaunga (618), Jesu (619, 620), Mvura (622, 623),
Chikepe (630), Peter (632), mambure azere nehove(633), Judas (634), Andrew (635), James (636), Johane (637), vadzidzi (638)
Kumudzidzisi
Mwari vachiri kutsvaga varume nevakadzi, nevakomana nevasikana nhasi kuti vazoita varauri vevanhu. Ushumiri hwekudzokererana hwakaiswa pamutendi wega wega (II vaKorinte 5:18). Maitiro anogona kusiyana asi ibasa redu kunyange zvikadini. Tinofanira kupa vhangeri kune vakarasika.
Nguva chaiyo yekukurudzira kuparidza inguva yekunge uchiri mudiki. Vatendi vechidiki vanofanira kuve vakashinga vachigoverana nevamwe kutenda kwavo. Vanobva vaziva kukosha kwekuparidzira vakarasika vachibva varwisa kutya kushumira nekuva vakasununguka mukutaura zvinhu zvaMwari.
Tsanangudzo
I. Rimwe zuva Jesu akamira muchikepe kuti aparidzire vanhu vakawanda.
A. Jesu aiparidzira vanhu pagungwa reGarire.
1. Vanhu vakawanda vakauya kuzomunzwa achiparidza nekudzidzisa.
2. Jesu akavaparidzira shoko dzvene.
3. Akavaudza kuti vangasunungurwa sei kubva muusungwa hwasatani.
B. Vanhu ava vaida zvikuru kuterera mashoko aJesu zvekuti vakamukomberedza.
1. Izvi zvakamanikidza Jesu kuti aparidze ari muchikepe chakapinda mumvura zvishoma.
2. Mashoko aJesu mweya neupenyu (Johane 6:63). Tinoda kuti agutse moyo yedu.
C. Chikepe chaiparidzirwa naJesu chaiva chaSimon.
1. Simon nevamwe vake vaiwacha mambure avo sezvo vainge vararovedza.
2. Vainge vavedza usiku hwese asi havana kubata chinhu.
D. Jesu apedza mharidzo yake, akataurira Simon kuti afambise chikepe kuti chipinde mugungwa odzikisa mambure ake kuti abate hove.
1. Jesu aida kutenda Simon nekubvumidza kuti chikepe chake chishandiswe naJesu achiparidza.
2. Simon aiva asingazvifungidzire, asi airatidza rukudzo kunaJesu zvekuti akakanda mambure.
E. Simon akabata hove dzakawanda zvekuti dzaitsemura mambure nekun'yudza chikepe!
1. Pakaita hove dzakawandisa zvekuti akadana shamwari dzake kuti dzimubatsire.
2. Simon, mukoma wake Andrew nevamwe vavo vana James naJohane, vakashamiswa nemawandiro ehove.
3. Pavakangosvika kunze kwegungwa, vakasiya zvose ndokutevera Jesu.
II. Jesu vakadana varume gumi nevaviri kuti vave vadzidzi vavo nevabatsiri muushumiri.
A. Vadzidzi vane gumi nevaviri ava ndivana Simon Peter, Andrew, James naJohn (Vana vaZebedee), Philip, Thaddaeus, Bartholomew (Nathaniel), Simon muZealot, James (Mwana waAlphaeus), Mateo, naJudas Iscariot.
1. Varume ava vakasarudzwa mumashure mekunamata kwakasimba nekutsvaga Mwari.
2. Jesu aiziva kuti nerimwe zuva Judas Iscariot aizomutengesa (Johane 6:64)
B. Vadzidzi ivava vaizivikanwa zvekare nezita rokuti vapositori.
1. Vapositori zvinoreva "vakatumwa" kuenda kumatunhu kana kuvanhu kunoita basa raMwari, mazuvano kune vaparidzi vakadanwa naMwari "vakatumwa".
2. Jesu aiziva kuti varume ava vanozosara vachiita basa apo anenge apedza basa rake pasi pano.
3. Ava vane gumi nevaviri, kunze kwaJudas Iscariot vane nzvimbo dzakakosha muumambo hwekudenga (Mateo 19:28, Johane 17:12)
4. Kunyangwe zvazvo kuine vamwe nhasi vanokwanisa kuva vapositori nhasi asi havasi pachinzvimbo chimwe chete nevadzidzi vekutanga ava.
C. Jesu akadzidzisa vadzidzi vane gumi nevaviri kuti vafambise ushumiri hwake sezvaaiita iye.
1. Akavaudza kuti vaparidze vhangeri.
2. Akavapa simba rekurapa varwere, kumutsa vakafa, kuburitsa mweya yetsvina nekurapa vane mapere mbudzi.
III. Vanhu vese vakazvarwa patsva vanofanira kuva vadzidzi vaJesu.
A. Mudzidzi munhu anotevedzera muenzaniso uye rudzidziso rwemumwe.
1. Tiri vabati pamwe chete naMwari (I vaKorinte 3:9)
2. Takagamuchira ushumiri hwaJesu hwekudzokererana tese tinofanira kuva varauri vevanhu.
B. Tine simba rekumisa mabasa asatani kune avo vanotenda mushoko raMwari (Marko 16:15-18).
1. Tinofanira kunamatira varwere nezita raJesu.
2. Tinofanira kuratidza masimba pamusoro pasatani.
3. Tinofanira kuparidza shoko kune vakarasika.
C. Kuparidza vhangeri, kungori kutaurira mumwe munhu nezvekunaka kwaMwari nechipo cheruponeso.
1. Nyika inoda kunzwa kuti Jesu achasunungura vanhu.
2. Ndeipi imwe nzira yaungafunga kuti ingashandiswa kusvitsa vhangeri kune vamwe vanhu?
Chidzidzo cheMweya
Kwese kwandinoenda,
Ndichaita kuti vanhu vazive
Kuti Jesu akafa uye akamukazve
Kuzovaponesa kubva muzvivi.
Ndinofanira kuvaita vazive
Kuti Jesu anovada,
Saka ndichavaudza shoko rakanaka
Kwese kwandinoenda.
MURUME AKAREDZA VANHU
Kamutambo Chidzidzo chegumi nembiri
Vatambi: Mubvunzi, Peter
Mubvunzi: Paiva nevarume gumi nevaviri vaibatsira Jesu muushumiri hwake. Vaidaidzwa kuti vadzidzi. Nhasi tine mumwe wevadzidzi pachirongwa. Ngatigashirei Peter.
Peter: Titambire, Titambire. Ndinofara chaizvo kuti ndive pano nhasi nemi. Ndinofarira vana zvikuru.
Mubvunzi: Peter, tinofara chaizvo kuva newe nhasi. Takanzwa zvakawanda chaizvo pamusoro pako. Uri murume akanyarara chose.
Peter: Ndakakomborerwa kuva mumwe wevadzidzi vaJesu.
Mubvunzi: Chii chinombonzi mudzidzi?
Peter: Mudzidzi munhu anotevedzera rudzidziso rwemumwe munhu. Ndaiva mudzidzi waJesu nekuti akandikumbira kuti ndimutevere. Ndakadzidza zvose zvandinoziva nezvaMwari kubva kwaari.
Mubvunzi: Wakadzidzei kubva kuna Jesu?
Peter: Jesu akandiratidza kuti Mwari ngava baba vangu sei. Ndisati ndaziva, ndaifunga kuti Mwari vainge vakabatikana kuti vandibatsire, asi Jesu vakandiratidza kuti Mwari vanondida zvakadini.
Mubvunzi: Unoziva here kuti vanhu vakawanda zvakadini vanogara panyika nhasi?
Peter: Vangangosvika mabhirioni mashanu?
Mubvunzi: Ndizvozvo. Unofunga kuti Mwari vanoziva vanhu ivavo vari munyika muno, vagovabatsira vese?
Peter: Ichokwadi vanozviita. Mwari vanoziva kuti ibvudzi rakawanda zvakadini mumusoro memunhu wega wega. Vanoda kutikomborera tose.
Mubvunzi: Mwari vanomboisa matenda nezvirwere pavanhu here? Anotikomborera nechinhu chakashata here?
Peter: Mwari havana kana matenda nezvirwere kudenga. Havana kana chakaipa, zvekare havadi kuti tive nechakaipa. Takadzikinurwa kubva kuchituko ichocho.
Mubvunzi: Unoziva sei kuti Mwari havakonzera njodzi, kana kurwarisa vanhu.
Peter: Ndaitarisa Jesu zvakanyanyisa. Mumakore matatu andakafamba naye, handina kumbobvira ndakamuona achirwarisa munhu. Haana kana kumboudza chakaipa pamunhu kana kamwe zvako.
Mubvunzi: Haana kumborwadzisa munhu?
Peter: Haana! Kwete mweya mumwe chete! Kana Jesu vaisakwanisa kuzviita. havangazviite nhasi. Jesu havana kushanduka. Bhaibheri rinoti ndiye mumwecheteyo nezuro, nhasi nekusingaperi.
Mubvunzi: Achiri kungorapa?
Peter: Hongu!
Mubvunzi: Achiri kungokomborera?
Peter: Ichokwadi!
Mubvunzi: Ndinofunga wakadzidza zvizhinji kubva kuna Jesu.
Peter: Chinhu chikuru icho Jesu akandiitira, chaiva chokundiratidza kuti Mwari vakaita sei.
Mubvunzi: Kuti Jesu akaita sei?
Peter: Ndaigara ndichingofunga kuti anogara achipengera zvivi zvangu. Handi kumbobvira ndafunga kuti angapindura minamato yangu.
Mubvunzi: Minamato yaJesu yaigara ichipindurwa nguva dzose.
Peter: Akandidzidzisa kuti ndinganamata sei. Ndaingowanawo mhinduro sezvaaingoitawo.
Mubvunzi: Wakamboitawo here zvishamiso muushumiri hwako?
Peter: Ndakaita nekuti ndaiterera kuna Jesu.
Mubvunzi: Zvakashata kuti hatina Jesu pano kuti atidzidzise.
Peter: Chimbomira! Une chimwe chinhu chinokudzidzisa kunamata uchiwana mhinduro.
Mubvunzi: Ndinoita sei?
Peter: Shoko raMwari! Rinotitaurira kuti tinganamata sei kuna Mwari nemuzita raJesu uye kuti tingagashira sei mhinduro dzekutenda. Chinhu chese chaitaurwa naJesu chaibva mubhaibheri. Uyezve Mweya Mutsvene unobatsira kuti unzwisise shoko raMwari.
Mubvunzi: Unoreva here kuti ndinokwanisa kudzidza zvakawanda kubva mubhaibheri nekuMweya Mutsvene zvakangoita sezvandaizodzidza kudai Jesu aripo?
Peter: Ndizvozvo, kana usingatereri bhaibheri, hawaikwanisa kuterera Jesu.
Mubvunzi: Ndichaterera bhaibheri. Ndichaita sezvarinoreva.
Peter: (Achifarira) Mwari ngaarumbidzwe! Allelujah! Mwari ngaakudzwe! Tinotenda Jesu!
Mubvunzi: Wanyanyofarireiko kudaro?
Peter: Muchawana mhinduro dzeminamato yenyu sezvakaitika kuna Jesu neni. Muri vadzidzi.
Mubvunzi: Ndinofunga ndichafarawo zvikuru. Ndinofarira kuva mudzidzi waJesu.
KUDAIDZWA KUNORAURA HOVE
Ngano Chidzidzo chegumi nembiri
Scott aiva akatarisira zuva iri kwemasvondo akawanda, zvino rakanga razosvika!
Motokari yasekuru Bill yaizosvika chero nguva. Vaizoisa zvipfeko zvavo mumotokari vobva vaenda kunyanza. Ndinovimba tichamira tichitenga mabhanzi sezvatakaita musi uya, akafunga Scott. Sekuru Bill vanoziva kuti ndinomafarira, kunyanya makuru aya.
"Oh, Sekuru kurumidzai." Mudumbu maScott makabvumirana nazvo zvikaratidza kuti sekuru vainga vave padyo. Mangwanani iwayo, kunze kwainge kusina kujeka zvakanaka, Mota tsaru yerudzi rweFord yairatidza kunge yaiva padyo kuuya.
Scott akadzika achimhanya ndokuvhura musuo nekukurumidza. "Wagadzirira here?" vakabvunza sekuru.
"Ndapedza!" akapindura Scott. "Ndakapedza usiku hwanezuro chaiwo. Zvaitondinetsa kuti ndirambe ndakavhara maziso angu. Airamba achida kuti arambe akavhurika kuti ndione kuti haasati ave mangwanani here."
Sekuru vakaseka. "Saka wakamirira chii zvino, ngatirongedzei."
Vachangobuda pagedhi, sekuru Bill vakati,"Ufunge ndatova nenzara, unofunga kuti hatingaendi kunotenga mabhanzi here? Unobva wawanao mabhanzi aunofarira aya."
"Zvakanaka,! Mazviita sekuru."
"Usafunge zvakawanda muzukuru, handingakuregi uchifa nenzara."
Vakasvika panyanza zuva rorova makomo. Zvinhu zvose zvairatidzika sezvakagadzirwa negoridhe. "Icho chii icho?" vakabvunza sekuru. "Haunganzwisise zvinhu zvaMwari."
"Yah-a zvinoshamisa," akapindura Scott.
"Ngatichihandei mwana!"
Mvura yaingunorovera pamativi echikepe chavo semwana ari kuridza ngoma.
"Izvi zvakanaka izvi, sekuru, ndatenda! Hapana chakanaka kupfuura izvi. Ndinoshuva kuti dai ndichiredza mazuva ose eupenyu hwangu."
"Zvakanaka, mwana, ndine zvekutaura kuzvirevo izvozvo zvose. Chekutanga ndingakutaurira chimwe chinhu chakanaka kupfuura izvozvo zvese. Chechipiri, unokwanisa kuenda kunoredza kweupenyu hwako hwese kana uchida."
"Ndinoda, Chokwadi? Chirudzii?" Scott akazembera panasekuru.
"Rega ndikuudze nyaya kubva mubhaibheri inobva yaita kuti zvese zvireruke."
Oh, Boy akafunga Scott. Aifarira nyaya dzasekuru sezvaaingoitawo kuredza hove.
Sekuru vakatangisa. "Nguva refu yakapfuura, munguva yaJesu, varume vazhinji vaigara pedyo nemvura vairarama nekuredza. Vaigadzira mambure makuru netambo, vobva vapinda mugungwa nezvikepe zvidiki zvisina kunyanya kusiyana nechatinacho ichi, asi kungoti izvo zvainga zvakagadzirwa nematanda kwete marata. Vaiti kana vava mukati megungwa, vokandira mambure mumvura. Havaimbokwanisa kurarama nehove dzekubata nechirauro. Zvisinei vaizodhonza mambure aya kana hove dzakawanda dzapinda.
"Ho-o! Saka ngatitoreiwo mambure." akadaro Scott.
"Handizvo zvandiri kuda kutaura, mwana. Rega ndimbopedza," vakadaro sekuru. "Rimwe zuva Jesu akasvika nepaiva nevarume ava , "Nditeverei, ndigokuitai varauri vevanhu." Varume ava vakabva varegedza zvavaiita vakatevera Jesu."
"Munoreva samufundisi Johnson?"
"Zvisinei, mufundisi Martini muredzi wevanhu," vakatsanangura sekuru, asi Jesu vanoda kuti vanhu vavo vose vave varauri vevanhu. Hapana chinhu chinofadza panyika pano chinofadza sekutungamirira mumwe munhu kunaMwari. Kuraura kunganakidza, asi haufe wakawana mufaro wakadaro mukubata hove."
"Ndinofunga ndinoziva zvamunoreva. Ndinokwanisa kuva murauri wevanhu here, sekuru?"
"Ichokwadi, unokwanisa, mwana. Ndizvo zvaitaurwa naJesu paakati, "Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose." Kuparidza murairo unobva kuna Jesu. Ndizvo zvazvinoreva kuraura mazuva ose."
"Ndezvangu! Ndichava murauri wevanhu, ndicharaura vanhu mazuva ose kubva nhasi asi ndinovimba ndichabata vakawanda kuna Jesu. Ndichatanga nemusi weMuvhuro kuchikoro!"
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi nembiri
Shandisai shoko
Tese takadanwa kuti titaurire vamwe nezve vhangeri raJesu.
Dai waiudza mumwe munhu waiti kudii?
Mibvunzo
1. Jesu akaparidza kuti chii kuchaunga chakamutevera?
2. Izwi rokuti vhangeri rinorevei?
3. Sei Jesu akaparidza rimwe zuva ari muchikepe?
4. Ndiani aiva muridzi wechikepe chakaparidzirwa naJesu?
5. Mumashure mekunge Jesu apedza mharidzo yake, akaudza Simon kutii?
6. Sei Jesu akaudza Simon kuti araure mumashure mekunge atoneta nekuraura usiku hwese
asi asina chaakabata?
7. Chii chakaitika apo varauri vakadzikisa mambure avo?
8. Varume vangani vakadanwa naJesu pekutanga kuti vamubatsire muushumiri hwake?
9. Jesu akasarudza sei varume ava?
10. Vadzidzi vane gumi nevaviri aiva vaizivikanwazve nezita rokutii?
11. Mupositori anoita basa rei?
12. Pane vapositori here nhasi vakafanana nevapositori vekutanga?
13. Jesu akadzidzisirei vadzidzi vane gumi nevaviri ava?
14. Jesu akatuma vane gumi nevaviri ava kuti vaitei?
15. Vatendi vose vakazvarwa patsva vanofanira kuva vadzidzi vaJesu here?
16. Mudzidzi zvinorevei?
17. Ushumiri hupi hwakapiwa munhu wese naJesu?
18. Ndepapi patinowana simba rekumisa mabasa asatani mune vamwe.
19. Munhu anoparidza sei shoko?
20. Inyaya ipi inoda kunzwikwa nenyika?
KUTENDA KUNOSHANDA SEI
Chidzidzo chegumi nenhatu
Ndima yekuverenga: Marko 4:1-33
Chokwadi: Kutenda kunoshanda semhodzi.
Ndima yemusoro: Marko 11:24, "Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nekukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo."
Kamutambo: "Yunifomu isingaonekwi"
Chidzidzo: "Maziso ekutenda"
Zvinodiwa: Jesu (619,620), Vadzidzi (638)
Kumudzidzisi
Mufananidzo wemurimi akarima zvirimwa zvake akagashira zvibereko mufananidzo wekuti tingatende sei kunaMwari. Kana tichinamata kana kutaura mukutenda, mhodzi inodyarwa. Zvibereko zvinogona kusaonekwa pakarepo asi nekuvimba kuti minamato yedu yapindurwa uye kudiridzira mhodzi yedu yekutenda nekurumbidza Mwari uye kureurura, kubuda kwayo kunoita sembeu iri kubva mumhodzi.
Hungava hurema hwemurimi, kuti kana achinge adyara mhodzi dzake muvhu, oramba achidzitimbira kuti aone kuti dzamera here. Hurema zvekare kwatiri kana tichitimba kutenda kwedu pamusana pekusagutsikana nekuona zvinobatika. Tinofanira kubvumira simba rekutsungirira kuti ribatsirane nekutenda, kuti tirege mbeu iri muvhu kusvikira nguva yekukohwa yasvika.
Tsanangudzo
I. Jesu akadzidzisa vanhu vakawanda vaimutevera kuti kutenda kunoshanda sei.
A. Muzvidzidzo zvake Jesu aishandisa nyaya kuti abatsire vanhu kuti vanzwisise shoko raMwari.
1. Ngano idzi dzaiva dzepano pasi asi dzichireva zvekudenga.
2. Ngano idzi dzaitaura zviitiko zviri pachena asi dziine chokwadi chemweya.
B. Kutenda ndiko kwatinofanira kushandisa kuti tigamuchire makomborero aMwari(vaHeberu 11:6)
1. Tinofanira kusanganisa kutsungirira nekutenda kwedu (vaHeberu 6:12)
2. Kutenda kunobva mukunzwa shoko raMwari (vaRoma 10:17)
C. Jesu akataura rungano rwemurimi akadyara mhodzi dzake.
1. Murimi akati achidyara mbeu dzake, dzimwe dzakawira panzira, dzimwe paruware dzimwe pakati peminzwa dzimwe dzakawira pavhu rakanaka.
2. Mibairo yakasiyana yakaonekwa zvichienderana nekuti mbeu yakawira pai.
D. Mbeu dzakawira pavhu rakanaka ndidzo dzega dzakakura zvakanaka.
1. Dzimwe mbeu dzakafa nekuti dzakanga dzisiri pavhu rakanaka.
2. Dzimwe dzakawira panzira dzakadyiwa neshiri.
3. Dzakawira paruware dzakamera asi dzakapiswa nezuva dzikafa.
4. Dzakawira muminzwa dzakakura pamwe neminzwa, minzwa ikadzivhunga.
II. Jesu akatsanangura rungano rwemurimi kuvadzidzi vake.
A. Akavaudza kuti shoko raMwari rakaita sembeu.
1. Shoko raMwari rinofanira kudyarwa kuti rigoshanda.
2. Shoko raMwari rinokura richiunza zvibereko kana radyarwa pavhu rakanaka.
B. Moyo wemutendi anotenda shoko raMwari ndiro ivhu rakanaka.
1. Tinofanira kudyara shoko raMwari mumoyo medu.
2. Tinofanira kutendeseka tichidzura masora akataurwa naJesu mumoyo medu.
C. Mbeu hadzikure nekanguva kadiki.
1. Zvinotora nguva kuti zvikure uye zvibereke zvibereko.
2. Zvinotora nguva kuti shoko raMwari uye kutenda kuve nezvibereko muupenyu hwedu.
D. Kana tichida kuti mbeu dzedu dzikure tinofarira kudzidiridza.
1. Kutaura zvinotaurwa neshoko raMwari imwe nzira yekudiridzira nayo mbeu yedu yekutenda.
2. Kutenda Mwari pamusana pezvinhu zvisati zvaitika imwe nzira yekudiridza mbeu yako yekutenda.
III. Dzimwe nguva minamato yedu inotora nguva kuti tiwane zvibereko zvatakatarisira.
A. Mwari anoda kuti tinamate uye timukumbire zvatinoda.
1. Mwari anoda kupa zvipo zvakanaka kuvana vake. (James 1:17)
2. Kazhinji, hatigashire zvinhu nekuti tinenge tisina kuzvikumbira (James 4:2)
B. Mhinduro kuminamato yedu haingouya pakarepo.
1. Yakaita sembeu inokura kubva mumhodzi.
2. Pamusana pekuti hatikwanise kuzviona, hazvirevi kuti hazvisevenzi.
C. Kana tichinamata nekutenda, mbeu inodyarwa mumoyo medu.
1. Mhinduro yatova yedu kare nekutenda.
2. Inongoda nguva yekukura.
D. Kunyangwe zvazvo simba rekutenda richishanda semhinduro yedu, tinofanira kuregedza simba rekutsungirira richishanda matiri.
1. Hatifanire kufunganya, mhinduro isati yauya (vaFiripi 4:6)
2. Kutsungirira zvinoreva kuti tinoramba takamirira tisingamhanye mhanye.
3. Kana tikawedzera tsungiriro mukutenda, tinokura muzvinhu zvaMwari (James 1:4).
Dzidziso yeMweya
Kutenda kwakafanana nembeu yaunodyara
Kana wazvidyara,
Zvinokura
Saka idiridze nemashoko ekurumbidza,
Uye uchange uine zvekutaura.
YUNIFOMU ISINGAONEKWI
Kamutambo Chidzidzo chegumi nenhatu
Vatambi: Bennie, Jimmy
Jimmy: Ndaifunga kuti ndichakwanisa asi handikwanisi.
(Bennie anopinda)
Bennie: Iwe, Jimmy, chii chiri kunetsa?
Jimmy: Ndagumbuka.
Bennie: Wagumbuka nei?
Jimmy: Bhora riri kutanga mumasvondo maviri ari kutevera.
Bennie: Ndinozviziva. Ndakatomirira kuenda.
Jimmy: Ndaifunga kuti ndaizoendawo asi handichakwanisi.
Bennie: Hauchakwanisi? Sei?
Jimmy: Baba naamai vangu vanokwanisa kundibhadharira mari yekupinda asi handina yunifomu, uye vakati havana mari yekutenga. Haungatambi usina yunifomu.
Bennie: Ndinoziva kuti uchaiwana.
Jimmy: Unoziva sei?
Bennie: Nekutenda.
Jimmy: Nekutenda?
Bennie: Ndizvozvo, Jesu akatitaurira muna Marko 11:24, "Zvinhu zvose zvamunonyengeterera, nokukunbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo."
Jimmy: Unofunga yunifomu dziri kutaurwa nezvadzo here imomo?
Bennie: Hongu! Kana uchida Jehova uchimuisa pekutanga muupenyu hwako, anoda kukukomborera nezvinhu zvakadaro asi unofanira kuva nekutenda kuti uzvigashire.
Jimmy: Saka, ndinganamata ndichikumbira Mwari yunifomu yebhora?
Bennie: Zvakanaka, asi unofanira kutenda kuti wazvigamuchira kana uchinamata.
Jimmy: Unoreva kuti ndinofanira kutenda kuti ndave nayo ndisati ndaiona?
Bennie: Hongu, Unotenda, unogamuchira paunonamata kwete usati wanamata kana kuti mumashure mekunamata, asi paunonamata. Unova nayo nekutenda>
Jimmy: Asi ndinozoiona riini?
Bennie: Ichocho chikamu chaMwari. Anoti uchachiwana. Unochigamuchira nekutenda, womurumbidza nezvayo sekunge wakaipfeka.
Jimmy: Asi Bennie mutambo uri kutanga mumashure mesvondo mbiri!
Bennie: Unoita chidanho chako Mwari achaita chake. Ndave kuenda kumba ndichazokuona pashure, Jimmy. (Anobuda)
Jimmy: Ufambe zvakanaka. Ndichaita zvakaturwa naBennie. Ndichakumbira Mwari yunifomu. Mwari Baba, Jesu akati ndinokwanisa kunamata ndichikumbira zvese zvandinoda zvino ndinoda yunifomu. Uye izvozvi ndichinamata ndinotenda kuti ndagamuchira yunifomu muzita raJesu. Ndinotenda, Jehova, kuti yave yangu iye zvino nekutenda. Ameni (Anobuda)
(Mumashure memasvondo maviri, Jimmy anopinda)
Jimmy: Zvisinei, nhasi bhora rinotanga. Jehova, ndinokutendai nekukurumbidzai pamusana peunifomu yangu. Handisati ndaiona asi ndinotenda kuti ndakaigamuchira pandakanamata nezvayo, svondo mbiri dzakapfuura. Ndinotenda kuti yave yangu nekutenda.
(Bennie anopinda)
Bennie: Iwe, Jimmy fembera tinzwe!
Jimmy: Chii, Bennie?
Bennie: Sekuru vangu vakauya kuzotishanyira nezuro, fembera kuti vaiva nei?
Jimmy: Natete vako?
Bennie: Kwete! Mari yekutengesa yunifomu itsva.
Jimmy: Zvakanaka. Ndiri kukufarira, Bennie.
Bennie: Aiwa, terera Jimmy. Vabereki vangu vakanditengera yunifomu itsva yebhora, chirimo chapfuura ichi. Sekuru vangu pavakaziva nezvazvo, vakandiudza kuti ndipe mari iyi kune mumwe mwana angaida. Ndiri kukupa Jimmy.
Jimmy: Mwari ngaakudzwe! Hallelujah!
Bennie: Huya kuno. Tinokwanisa kutenga yunifomu tichienda kunodzidzira bhora. Vose vanobuda)
MAZISO EKUTENDA
Chidzidzo chegumi nenhatu
Ndima yekuverenga: II vaKorinte 4:18, "Tisingatariri zvinoonekwa ........"
Zvinodiwa: Mbatya dzekuvhiyisa, mahabhurosi mahombe, zvekuvhiyisa, tafura yekuvhiyira, mashitibhedha, murwere.
Gadziriro: Zvidzidzo zvisati zvatanga, sarudza mwana wekuisira ziso idzva nekumudzidzisa kuti anopindura sei mibvunzo.
Chidzidzo
Mudzidzisi:
Bhaibheri rinoti tinofamba nekutenda kwete nekuona. Zvinoreva kuti tinofanira kudzidza kutarisa zvinhu nematarisiro aMwari. Kana dambudziko richiuya kwatiri, tinowanzotambudzika panzvimbo pekuona mhinduro. Mwari vane mhinduro kudambudziko rega rega!
Tinofanira kudzidza kutarisa zvinhu nemaziso ekutenda. Kutenda kunoona mhinduro kwete dambudziko. Rega ndione ndinoda mubatsiri. (Daidza murwere wako)
Ndine mibvunzo yandinoda kukubvunza. (Murwere) Ngatitii muviri ako wakazara nemapundu. Une tumaronda muviri wako wese. Unoziva kuti Mwari ndiye murapi, saka unonamata. Unorapwa riini?
(Mhinduro yemurwere inonga yambodzidzirwa nguva isati yasvika)
Murwere: Kusvikira maronda ose aoma.
Mudzidzisi: Asi bhaibheri rinoti wakarapwa nemavanga aJesu.
Murwere: Ndinotenda kuti ndarapwa kana ndazviona.
Mudzidzisi: Ngatitii unoda bhachi idzva. Unoziva kuti Mwari vanopa zvinhu zvakanaka kuvana vavo, saka unonamata uchikumbira bhachi. Mwari anokupa riini bhachi?
Murwere: Pandinoriona nekuripfeka.
Mudzidzisi: Une dambudziko. Hauzivi kuti ungaona sei nemaziso ekutenda.
Murwere: Ndingaona sei nemaziso ekutenda kana ndisinawo?
Mudzidzisi:
Jesu, ndiye dhokotera mukuru, anotipa ziso idzva neshoko rake. Anotiratidza kuti tingaona sei mhinduro kumatambudziko asati asvika.
(Iye zvino chirarisa murwere patafura wogadzirira kuvhiya . Kana uchida, panguva iyi, tsanangura kuvana kuti uku hakusi kuvhiya kwechokwadi uye hapana kuchekwa kuri kuiitika.)
(Pfeka mbatya dzekuvhiyisa apo unenge uchitaura) Murwere wangu haazive kuti angaona sei nemaziso ekutenda. Kana tichinzvera shoko raMwari. maziso edu ekutenda anovhurika. Tinoziva kuti vanhu vekutenda mubhaibheri, vaiona zvavaida vasati vazvigamuchira.
Joshua akaita kuti vana veIsrael vapemberere kukunda guta reJericho kunyange zvazvo midhuri yainge ichakamira. Abraham akatenda Mwari nekuda kwemwanakomana asati amugashira. Imwe ngirozi yainzi Gabriel, murume wekushinga paaive akahwanda nekutya.
Kana matambudziko achiuya, tinofanira kunamata kuti tione mhinduro zvisati zvaitika. Ndiko kushanda kunoita maziso ekutenda! (Mukudzidzisa umu, chivhiya uchiisa mahabhurosi semaziso ekutenda)
Maziso ekutenda anoona mhinduro maziso edu enyama asati aiona. Ngatichimutsai murwere wedu tichiratidza kuti maziso ekutenda anoshanda sei.
(Kumurwere) Wave nemaziso matsva, maziso ekutenda. Ngatichionai kuti unogona kuashandisa here. Ngatitii, muviri wako wakazara nemhezi uye wonamata kuti dzipore. Unorapika papi?
Murwere: Nekutenda ndinoona ndatorapwa kare nekuti Jesu akatora marwadzo angu nezvirwere. Nemaziso ekutenda, ndinoona ndatorapika kunyangwe mavara achiripo.
Mudzidzisi: Unoreva here kuti unoona mhinduro kunyangwe chirwere chichiri mumuviri?
Murwere: Hongu, ndinozviona nemaziso ekutenda.
Mudzidzisi: Ngatitii wakumbira Mwari bhachi idzva. Vanokupa riini?
Murwere: Nemaziso ekutenda, ndinoona Mwari vachindipa bhachi apo ndinongonamata nezita raJesu.
Mudzidzisi: Saka hausi kumira kusvikira wawana bhachi wozotenda Mwari.
Murwere: Kwete, Ndiri kuona bhachi nemaziso angu ekutenda ndisati ndariona nemaziso enyama. Ndinotenda Mwari nezvaro nekuti richauya.
Mudzidzisi: Iye zvino wava kunzwisisa? Maziso ekutenda anoona mhinduro isati yauya. Unowana maziso ekutenda kubva kunadhokotera mukuru, Jesu, kana uchiterera kuti shoko rinotii panzvimbo pekuterera matambudziko.
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi nenhatu
Shandisai shoko
Kutenda kwedu kwakaita sembeu. Pakutanga tinoidyara apo tinonamata uye tinofanira kuidiridza neshoko raMwari uye nekurumbidzwa.
Makambodyara here mbeu yekutenda ukamirira kuti uone kuti ichazviratidza sei. Wakaramba uchidiridzira here kutenda kwako? Wakaregedza here apo zvinhu zvakaratidza kusahata? Titaurire nezvazvo.
Mibvunzo
1. Jesu akadzidzisa chaunga kuti chii apo vaimutevera?
2. Mukudzidzisa, Jesu akashandisa chii kuti vanhu vanzwisise?
3. Rungano rwaJesu runoitei?
4. Tingashandisa chii kuti tigamuchire makomborero aMwari?
5. Nderipi rimwe simba ratingashandise pamwe chete nekutenda?
6. Nderupi rungano rwakataurwa naJesu kuti abatsire vanhu vanzwisise kuti kutenda
kunoshanda sei?
7. Ndedzipi mbeu dzakakura zvakanaka maererano nerungano rwaJesu?
8. Shoko raMwari rinoshanda sembeu here?
9. Ndiriini achakura shoko raMwari richigounza zvibereko?
10. Nderipi ivhu rakanaka raitaurwa naJesu?
11. Chii chatinofanira kuva nechokwadi nacho tisingafaniri kuchichengeta muhana medu?
12. Shoko raMwari nekutenda rinopa zvibereko pakarepo here?
13. Ndedzipi nzira mbiri dzaungadiridza nadzo mbe ?
14. Mwari vanoda here kuti tivanamate tichikumbia zvatinoda?
15. Ndechipi chikonzero kazhinji chinoita kuti tisawane zvinhu?
16. Pamusana pekuti hatikwanise kuona kutenda kwedu kuchishanda, zvinoreva here kuti
hazvishande?
17. Chii chinoitika tikanamata nekutenda?
18. Chii chinofanira kushanda patiri apo kutenda kuchishanda semhinduro yedu?
19. Zvinorevei kutsungirira?
20. Chii chinoitika kwatiri kana tikawedzera kutsungirira pakutenda kwedu?
MWANASIKANA ANORARAMA ZVEKARE
Chidzidzo chegumi nena
Ndima yekuverenga: Marko 5:21-24, 35-43
Chokwadi: Jesu anopa zvinhu zvakanaka, Satan anounza zvakaipa.
Ndima yemusoro: Johane 10:10, "Mbavha inouya kuzoba nekuparadza nekuuraya: Ini ndakauya kuti vave neupenyu uye hwakawanda."
Kamutambo: "Zvandibva"
Chidzidzo: Ari kumborara zvishoma
Zvinodiwa: Chaunga (618), Jesu (619, 620), Peter (632), Jamea (636), John (637), Jairus (639), Mwanasikana waJairus (640)
Kumudzidzisi
Kazhinji maKristu anotadza kunzwisisa kuti chimwe chinhu chinenge chaitika chabva kuna Mwari here kana kuna satani. Kana tikanzwisisa zvinotaura shoko raMwari kuna Johane 10:10, tinenge tave kuziva kuti zvabva kupi. Pasina ruzivo urwu, zvakaoma kumira takasimba pakutenda kushoko raMwari.
Vanhu vazhinji vemuIsrael vakafirwa nevana asi Jesu haana kuvamutsa vose. Akakwanisa kuita basa rakakosha iri nekuti Jairus aitenda. Kutenda kunovhurira misuo kuzvishamiso zvaMwari kuti zviitike. Chinhu chakakosha muchidzidzo chino kuti tizive kuti Jairus kunyangwe zvazvo akaedzwa kuti ave nekutya, haana kuzviita. Kutenda kwake kwakabvumidza Jesu kuti aparadze basa rasatani.
Tsanangudzo
I. Murume aiva nemwanasikana wake, airwara, aiva nemakore gumi nemaviri akaenda kuna Jesu.
A. Mwari anoda kuti tiuye kwaari kana paine chatinoda.
1. Ndiye baba vedu vekudenga uye anehany'a neupenyu hwedu.
2. Usaedze kuita zvese pachako wega, kumbira rubatsiro rwaMwari.
B. Murume uyu ainzi Jairus, mumwe wevakuru vesinagogi.
1. Jairus akadonhera pamakumbo aJesu nekutya nekuremekedza.
2. Jairus akakumbira Jesu kuti aende kunorapa mwanasikana wake aiva padyo nekufa.
C. Jesu akaenda naJairus nekuti haana kumbobvira aramba chikumbiro chekutenda.
1. Jairus akaratidza kutenda nekuti akati mwanasikana wake aizorapika kana Jesu vakaisa maoko avo pamusoro pake.
2. Hapana kana kamwe chete mumagwaro matsvene apo uyo akauya kuna Jesu nekutenda akaenda asina zvaauyira.
II. Jesu asati asvika kumba kwaJairus, mwanasikana uya akabva afa.
A. Satani ndiye honzeri yerufu kwete Mwari.
1. Rufu rwakapinda munyika nekuda kwezvivi uye muvengi.(1 vaKorinte 15:26)
2. Mwari haadi kuti vana vadiki vafe kana kurwara.
3. Muviri wemunhu wese uchafa rimwe zuva, asi Mwari vanoda kuti tirarame upenyu hwese. (Mapisarema 91:16)
B. Musevenzi wepamba paJairus akasangana naye panzira akamuudza nechiitiko ichi.
1. Apo Jesu akanzwa izvi, akaudza Jairus kuti asatye asi kutenda chete.
2. Kana kutya kukauya kuchiedza kutaura newe kuti ubve pakutenda, ramba kuzviterera, terera Jesu!
3. Jesu haana kumbotaura kana izwi rimwe chete rekusatenda.
C. Vakaramba vachienda kumba kwaJairus sepasina chaitika.
1. Kutenda hakuna chekuita nemamiriro ezvinhu, asikutenda kushoko raMwari chete.
2. Apo vakasvika pamba, paiva pakazara nehama neshamwari dzaichema.
III. Jesu akaraira masimba asatani.
A. Jesu kati kune vanhu nekutenda, "Mwanasikana haana kufa, asi akangorara."
1. Paakangodaro, vanhu vakaseka.
2. Kutenda kunoita kunge munhu asingafunge zvakanaka kune vasingatendi.
B. Jesu akatora Peter, James, Johane nevabereki vemusikana ndokuenda mumba maiva nemwana, vakavhara musiwo.
1. Jesu aida kubvisa kusatenda.
2. Vanhu vekutenda vanova nhengo dzezvinhu nekuona zvinhu zvisingaonekwe nevamwe vanhu.
C. Jesu akabata ruoko rwemwanasikana ndokumuudza kuti asimuke.
1. Musikana akamuka ndokusimuka, akatanga kufamba.
2. Mazwi ekutenda akataurwa asina chisimba anowana zvibereko.
3. Tinokwanisa kutaura shoko raMwari zvakasimba kumuvengi angatibire.
D. Vanhu vakashamiswa pavakaona mwanasikana achibuda mumba muya ari mupenyu.
1. Vamwe vanhu vanoramba kutenda kunyangwe vakaona chishamiso. (Ruka 16:31)
2. Kuratidza kuti chishamiso chaiva chechokwadi, Jesu akati musikana apiwe chikafu kuitira kuti munhu wese aone kuti haasi chipoko.
E. Hatifanire kubvumidza satani kuti asevenze muupenyu hwedu.
1. Angaedze kuunza zvinhu zvakaipa munzira medu asi tinokwanisa kumudzivisa nekutenda kwedu.
2. Zvinhu zvakanaka zvaJesu zvakasimba kupfuura zvakaipa zvasatani (vaRoma 12:21)
Chidzidzo cheMweya
Mwari akanaka nguva dzose.
Upenyu husingaperi akatipa kubudikidza naJesu Kristu.
Chipo chese chakanaka uye chakarurama
Chinobva kuna Mwari kumusoro
Mwari akanaka nguva dzose.
ZVANDIBVA!
Kamutambo Chidzidzo chegumi nena
Vatambi: Moyo, Uropi
Uropi: Maiwe. Handizive kuti zvichafamba sei? Handizive kuti sei?
(Moyo unopinda)
Moyo: Chii chiri kuitika mumusoro imomo, Uropi?
Uropi: Ndiri kuita zvinhu zvakanyanyoreruka mukurarama kwemunhu.
Moyo: Chii ichocho?
Uropi: Ndiri kunetsekana!
Moyo: Dambudziko nderei?
Uropi: Kamwana aka katiri kugara makari kari kutanga zvidzidzo zvekushambira paYMCA masikati ano.
Moyo: Saka chii chakaipa ipapo?
Uropi: Ndiri kunetsekana kuti tichazviita sei? Hatana kumbobvira tashambira, unozviziva. Tinogona kunyura! Zvekare kuchange kuine vamwe vana gumi. Ndiri kunetsekana kuti pamwe havatifarire. Ndiri kukungura kuti dai amai vasina kumbobvira vati tiende.
Moyo: Imbomira ipapo, Uropi. Unozviziva here kuti haufanire kutya nebvunda zvakadaro?
Uropi: Unorevei kana uchiti handifaniri kutya nekubvunda sezvizvi? Hongu ndizvo!
Moyo: Kwete, haudaro.
Uropi: Tarisa, Moyo munhu wese ari munyika anonetsekana saizvozvi. Ndiko kurarama kwacho.
Moyo: Handina basa kuti ndiani anozviita. Zvakangoipa zvekare hazvisi bato reupenyu hwechiKristu. Bhaibheri rinoti unofanira kukanda zvinhu zvese zvinokutambudza kuna Jehova nekuti vanokuriritira.
Uropi: Asi kana ndisinganetsekani, handina chekufunga.
Moyo: Unokwanisa kufunga kuti Mwari vanotii nazvo.
Uropi: Zvisinei, ndinokwanisa kupedza dambudziko iri ndega. Ndichiri kungoda kunetsekana naro kwenguva diki diki.
Moyo: Zvinobatsirei? Uri wega haukwanise kushandura zvichaitika nhasi. Ukazvipira kuna Mwari, nekuvimba naye anoita zvose.
Uropi: Kunetsekana kwese uku kuri kundinetesa. Ndinamatirewo Moyo.
Moyo: Chokwadi. Mwari baba tiri kukadira vana vese vari muzvidzidzo zvekushambira kwamuri. Zvisinei kuti tinogona zvakadini kana kuti vamwe vanotifarira zvakadini, tiri kuzviisa kwamuri, zvekare hatichadi kunetsekana nezvazvo zvekare nemuzita raJesu. Ameni!
Uropi: Ameni. Yasvika nguva yekudzokera kuzvidzidzo, handei. (Vose vanobuda)
(Mumashure memaawa matatu, Uropi naMoyo vanopinda)
Moyo: Zvinoshamisa! Chokwadi zvinoshamisa! Zvinhu zvese zvaendeka. Mwana asvetukira mumvura sehove uye tabva taita shamwari nhatu. Ndiri kutadza kuzvitenda ini.
Moyo: Ndiwo mubairo wekuturira zvese zvinokunetsa kunaJehova. Kana ukapa dambudziko kuna Mwari uchiramba kunetswa naro, anokuitira zvose okuratidza zvekuita kuti uripedze.
Uropi: Izvi zvichanditorera nguva, asi kubvira nhasi zvichienda mberi ndicharamba kunetsekana. Zvandibva!
Moyo: Uchadaro zvekare.
Uropi: Zvandibva.
Moyo: Unofanira kukonzera kusagadzikana nguva dzose here? (Vose vanobuda)
ARI KUMBORARA ZVISHOMA
Ngano Chidzidzo chegumi nena
Rimwe zuva mangwanani apo Gospel Bill aisuka bhiza rake, akanzwa izwi raimudaidza kunzira.
"Gospel Bill!" rakadaidzira izwi. "Pane amboona Gospel Bill here?" Pakarepo Bill akabuda mudanga kuti amuone.
"Ndiri pano," akadaro Bill apo akaona vaGora, muridzi wepurazi rinonzi T-Fork. "Munondida here?" akabvunza Bill.
"Hongu, huya nekukasika," vakadaro vaGora vachidaidza Bill neruoko. "Mukomana wangu arumwa nenyoka zvino chiremba vaenda kuguta. Unofanira kuuya kuzonamata!"
"Regai ndiise bhiza rangu mahanisi, ndiri kutouya," akadaro Bill achimhanyira mudanga makare. Bill akakurumidza kuisa mahanisi, mumashure akatarisa mubhegi kuti aone kuti bhaibheri rake ririmo here. Akatasva bhiza rake ndokuenda.
Paiva nemamaira gumi nemaviri kusvika papurazi reT-Fork zvekare nzira yacho yaiva isina kunaka. Mumakomo nemumakomba, Bill akamhanyisa bhiza rake nemurindzi wepurazi. Bill aiziva kuti kurumwa nenyoka kunotyisa sei, kunyanya kana uturu kana husina kubiswa nguva iyoyo.
"Zvaitika sei?" akabvunza Bill kuna vaGora apo vaimhanya munzira.
"Oh, mukomana anga achitamba panze nematanda ewaya akadonha kare, abva atsimbirirwa ruoko nechibhodhi. Abva arumwa nezinyoka ziguru," vakatsanangura baba. "Mukomana adonha zvekuti anofanira kunge arara ipapo kwenguva yakareba tisati tamuona."
Vachangopedza kutaura, Bill akatarisa pamberi akaona murume wemupuraze achifamba zvake. Aiva asingamhanyise bhiza rake .
"Ndave pano," akadaro Bill kumurume uyu. "Handei tinoona mukomana!"
"Hazvichanyanyobatsira iye zvino," akadaro murume uya. "Mukomana atofa mamineti gumi apfuura. Ndine urombo, vaGora. Taita zvataigona."
"Iye zvino, VaGora," akadaro Gospel Bill, "wauya kuzondidaidza nekuti unoziva kuti ndinoziva kunamata. Kusamira zvakanaka kwezvinhu hazvirevi kuti handinganamatire mukomana." VaGora havana kutaura chinhu.
"Ndinoziva kuti wakanamatira zvinhu zvakawanda," akadaro murume uya kuna Bill, "asi mukomana uyu afa. Ndamuona achifa."
Bill akatarisa kuna vaGora, achiita kunge asina kumbonzwa zvataurwa nemurume uyu. "Musatye, vaGora. Zvinhu zvese zvinogoneka kune munhu anotenda."
"Tichanamatira mukomana uyu!" vakadaidzira baba. Bill navaGora vakasiya murume aisatenda uyu vachimhanyira kupurazi uku.
Apo Bill nababa vakange vave kusvika pamba vakanzwa kuchema kwemusikana wemumba. Vashandi vose vaive vaungana panze vakasuruvara. Bill akasvetuka kubva pabhiza rake ndokutora bhaibheri kubva mubhegi make.
"Handizive kuti sei makasuruvara," akadaro Bill. "Mukomana akangorara." Vashandi vakatanga kuseka apo aifamba achipinda kunoona vakomana ava.
"Mupengo Bill," akaseka mumwe musevenzi. "Akaverenga bhaibheri zvekuti ava kutopenga naro."
"Hongu," akadaro mumwe, "anofunga kuti angangoita zvese zvaiitwa naJesu." Vose vakatanga kuseka vachisvora Gospel Bill.
Apo Bill akapinda mumba maiva nemwana, akakumbira kuti vanhu vose vabude mumba umu kusara kwevabereki vemwana. Bill akatanga kuvaverengera kubva mubhaibheri.
"Shoko raMwari rinoti mbavha inouya kuzoba, kuuraya nekuparadza. Zvinotaura nezvasatani. Shoko rimwechetero rinoti Jesu akauya kuzopa upenyu husingagume," akadaro Bill.
Baba namai vakanyatsotarisa apo Bill aifamba achienda kumubhedha hwemwana achibva abata mwana ruoko. "Hauna simba satani, rekuba upenyu hwemwana uyu!" akadaro Bill aine chivimbo. "Mukomana muka! Ibva pamubhedha nezita raJesu!"
Pakarepo, mukomana akatanga kubwaira. Akavhurisa maziso ndokutanga kufema. Bill akamudhonza, mukomana akatarira amai vake akati , "Ndave nenzara. Ndinoda nyemba nechingwa." Amai vake vakange vanyanyofara zvekuti vakatadza kubvapo.
"Zvisinei, mamunzwa," akadaro Bill. "Gadzirirai mukomana chikafu." Bill akatarisa kukakomana apo aibuda mumba umu. "Iye zvino usatambire pamatanda zvakare," akadaro Bill.
Abuda panze, mumwe wevasevenzi akatanga kumudenha. ""Zvatora nguva yakareba here,?" akadaro. "Wauya pano ukatora vaGora uchifunga kuti mwana wavo achamuka zvino ndezvipi!"
Bill asati apindura musevenzi uyu, izwi rechidiki rakamudana kubva mumba yekurara."Wazviita zvako wandinamatira," akadaro mwana. Apo musevenzi wekusatenda uyu anzwa izwi remwana, akafenda. Bill akasimudzira vamwe ngowani yake apo aitasva bhiza rake kuti aende kumba. Puraze rose rakarumbidza Mwari vanhu vakadzidza kusatamba neminamato yaBill.
DZOKORORO
Chidzidzo chegumi nena
Shandisai shoko
Vamwe vanhu - kunyangwe maKristu akanaka vanotenda kuti Mwari vanounza zvinhu zvakaipa pamusoro pevanhu kuti vavarange.
Ungafunga here magwaro anoratidza kuti Mwari vanongotipa zvinhu zvakanaka uye havarwadzise vanhu?
Mibvunzo
1. Mwari anoda here kuti tiende kwaari kana tiine chatinoda?
2. Sei Jairus akasvikira Jesu?
3. Sei Jesu akabvuma kuenda naJairus?
4. Jairus akataridza sei kutenda kwake pakuponeswa kwemwanasikana wake?
5. Pane mumwe munhu here akambouya kuna Jesu nekutenda, akadzorerwa?
6. Chii chakaitika Jesu asati asvika kumba kwaJairus?
7. Ndiani muridzi werufu?
8. Kuda kwaMwari here kuti vana vadiki varware kana kufa?
9. Jesu akati chii kuna Jairus apo akanzwa nezverufu rwemwanasikana wake?
10. Chii chaunofanira kuita kana kutya kwave kuda kukuburitsa mukutenda?
11. Jairus akaita sei?
12. Kutenda kunoramba here kuti mamiriro ezvinhu anogona kuvapo?
13. Chii chaiitika pamba paJairus apo Jesu akasvika?
14. Jesu akati chii kune vanhu ava vaichema mwanasikana uyu?
15. Vanhu vakatora sei mashoko aJesu ekutenda?
16. Ndivana ani vakanzi vapinde mumba maiva nemwanasikana pamwe naJesu?
17. Jesu akati chii apo vaiva vave mumba?
18. Chii chinoitika kana mashoko ekutenda akataurwa asina chivimbo?
19. Tinofanira kubvumira satani here kuti ashande muupenyu hwedu?
20. Mwari vanesimba here pane chakaipa?
KUBATA KWEKUTENDA
Chidzidzo chegumi neshanu
Ndima yekuverenga: Marko 5:25-34, Mabasa evapositori 10:38
Chokwadi: Kushanda mushoko raMwari kunounza ruponeso.
Ndima yemusoro: Marko 5:34, "Kutenda kwako kwakuponesa."
Kamutambo: Ketenda kunoponesa
Chidzidzo: "Shoko raMwari mushonga"
Zvinodiwa: Chaunga (618), Jesu (619, 620), Mukadzi aibuda ropa (641)
Kumudzidzisi
Mukadzi aibuda ropa mufananidzo wakanaka wemunhu anoshingirira pakutenda. Mukombero wemarokwe emaJuda waiva wakasonwa neshinda ine ruvara rwedenga, zvaimirira zvivimbiso zvaMwari. Mukadzi uyu anofanira kunge akambonzwa nezvesimba reJesu rekurapa akatenda kuti achagamuchira nekubata zvivimbiso zvaMwari.
Nekutaura kutenda kwake, mukadzi akazviita kuti awane ruponeso apo akaita zvaaitenda.Kurudzira vana vako kuti vatevedzere muenzaniso wekutenda uyu. Mashandiro ekutenda akangofanana uye anoshanda zvakafanana kune munhu wese.
Tsanangudzo
I. Paiva nemukadzi aiva achirwara kwemakore gumi nemaviri.
A. Ainge amboenda kunana chiremba vakawanda, asi vakatadza kumubatsira.
1. Urwere hwake hwaitowedzera.
2. Mukadzi uyu aiva ashandisa mari yaaiva nayo yose achiedza kuti apore.
B. Satani ndiye honzeri yezvirwere.
1. Anoedza kuomesera vanhu upenyu.
2. Urwere imbavha netsotsi, inobira vanhu nguva, mari uye ushamwari.
C. Hakuna chipimo kus