Vol 3Bk 2



ZVIRI MUBHUKU


Nhanganyaya...............................................................................................i

Mashandisirwo ebhuku rino.........................................................................iii

Yambiro kumudzidzisi wevana......................................................................ix

Zvinodiwa....................................................................................................xi

Chidzidzo chekutanga:

Kutenda kukuru......................................................................1

Kutenda kwakasimba (Kamutambo).......................................4

Kunzwa nekuita (Ngano).........................................................6

Dzokororo..............................................................................9

Chidzidzo chechipiri:

Kudya kweruzhinji...................................................................11

Kunaka kwaMwari (Kamutambo)............................................14

Chikafu chakwanda (Chidzidzo)................................................16

Dzokororo................................................................................18

Chidzidzo chechitatu:

Mambo wedutu........................................................................19

Kumisa dutu (Kamutambo).......................................................22

Gospel Bill anomisa dutu (Ngano).............................................24

Dzokororo...............................................................................26

Chidzidzo chechina:

Kurwarira kubwinya kwaMwari?..............................................27

Kukomborerwa pakuguma (Kamutambo).................................30

Sei Jesu akava chituko (Chidzidzo)............................................32

Dzokororo................................................................................34

Chidzidzo chechishanu:

Karuvara kekubwinya................................................................35

Ndinosarudza Jesu (Kamutambo)...............................................38

Kusvika pakuguma (Ngano).......................................................40

Dzokororo.................................................................................43

Chidzidzo chechitanhatu:

Jaya mupfumi naRazaro..............................................................45

Kusiiwa (Kamutambo)...............................................................48

Ruka McGee anonamata (Ngano)..............................................50

Dzokororo.................................................................................53

Chidzidzo chechinomwe:

Jesu nevana.................................................................................55

Munhu akakosha (Kamutambo)...................................................58

Chikuru hachisi nani (Chidzidzo)...................................................61

Dzokororo...................................................................................62



Chidzidzo chechisere:

Jaya Mupfumi..............................................................................63

Munoda ani? (Kamutambo)..........................................................66

Kupa kunobhadhara (Ngano).......................................................68

Dzokororo...................................................................................71

Chidzidzo chechipfumbamwe:

Maziso matsva aBartimeo.............................................................73

Bartimeo munhau (Kamutambo)...................................................76

Usazvipira kuurwere (Chidzidzo)...................................................79

Dzokororo....................................................................................81

Chidzidzo chegumi:

Mambo anopinda muJerusarema....................................................83

Kurapa kwerumbidzo (Kamutambo)..............................................86

Chipo chaPercy (Ngano)................................................................88

Dzokororo.....................................................................................91

Chidzidzo chegumi neimwe:

Jesu, Mambo pamusoro perufu......................................................93

Kurarama zvekare (Kamutambo)..................................................96

Upenyu hunoenderera mumashure merufu (Chidzidzo)...................99

Dzokororo..................................................................................101

Chidzidzo chegumi nembiri:

Paseka nechirairo........................................................................103

Mutengo unorwadza (Kamutambo).............................................106

Mukoma nemunun’ina (Ngano)...................................................108

Dzokororo..................................................................................111

Chidzidzo chegumi nenhatu:

Kurambwa nekutongwa ..............................................................113

Chishamiso (Kamutambo)............................................................116

Nemavanga ake (Chidzidzo).........................................................118

Dzokororo...................................................................................120

Chidzidzo chegumi nena:

Mutakuri wezvivi..........................................................................121

Kunyepa kukuru (Kamutambo)....................................................125

Kutsiva (Ngano)...........................................................................127

Dzokororo...................................................................................130

Chidzidzo chegumi neshanu:

Jesu anoparadza rufu....................................................................131

Kuchema kwasatani (Kamutambo)...............................................134

Satani akaremara (Chidzidzo).......................................................136

Dzokororo...................................................................................138

Chidzidzo chegumi nenhanhatu:

Kudzokera mukubwinya................................................................139

Kunamata muzita (Kamutambo).....................................................142

Munyai (Ngano).............................................................................144

Dzokororo......................................................................................147




Chidzidzo chechinomwe:

Kutumwa kukuru.............................................................................149

Kupenya kwechiedza (Kamutambo).................................................152

Gadzirira kuenda (Chidzidzo)............................................................154

Dzokororo.......................................................................................155

Maitirwo emutambo wedzikinuro..............................................................................157



FAITH ROOTS CHIKORO CHEBHAIBHERI




KUDZIKINURWA KWEVANHU




Bhuku rezvidzidzo




na






Wilie George



KUTENDA KUKURU


Chidzidzo chekutanga


Ndima yekuverenga: Mateo 8:5-13, Ruka 7:1-10


Chokwadi: Kuzvininipisa nekuterera kunopa kutenda kukuru.


Ndima yemusoro: 1 Petro 5:5, “Saizvozvo imi vadiki, muzviise pasi pevakuru.”


Kamutambo: “Kutenda kwakasimba”


Chidzidzo: Ngano - “Kunzwa nekuita”


Zvinodiwa: Jesu (700), Mutungamiri wezana (701), Vakuru (702)


Kumudzidzisi:


Vamwe vanhu vanofunga kuti kutenda kukuru kunowanikwa chete nevanhu vashoma. Sezvo Mwari asingasarudzi, pfungwa iyoyo haishandi. Kutenda kwedu kunokwanisa kukura (II vaTesaronika 1:3). Mumashure mekuponeswa kwedu, tinofanira kukudza kutenda kwedu nekuita zvinotaura shoko. Mashandiro ekutenda akafanana kunyangwe munhu aine kutenda kukuru kana kutenda kushoma, kunofanira kunge kuine zvimwe zvinhu zvinobatsira kuti kutenda kushande zvakanaka. Chidzidzo chino chinoburitsa pachena kuti kuzvininipisa nekuterera kunobatsira chii mukutenda. Kana vana vachidzidza kukosha kwekuva pasi pevakuru, vanokwanisa kufamba mukutenda kukuru uye kuwana makomborero ose aMwari.


Tsanagudzo:


I. Mutungamiriri wezana mumauto eRoma akakumbira rubatsiro kubva kuna Jesu.

A. Jesu akapinda muguta reKapernaume umo maigara mutungamiriri wezana.

1. Mutungamiriri wezana aiva mukuru pavarwi veRoma.

2. Mutungamiriri wezana aiva nemushandi aiva akakosha kwaari uye ainge arwara zvekare ainge ava padyo nekufa.

B. Mutungamiriri wezana akatumira vakuru vechiJuda kuti vakumbire Jesu kuti auye kuzorapa muranda wake.

1. Mutungamiriri wezana aiva muKristu ainge azodzidzira chiJuda.

2. Aifarira maJuda uye ainge avakisa pekuti maJuda agonamatira.

3. Isuwo tinofanira kuda mhuri yeIsraeri uye tiite zvose zvatinokwanisa kuti tiikomborere (Genesi 12:1-3)

C. Mutungamiriri wezana akaona asina kukodzera kuenda kuna Jesu pachake.

1. Murume uyu ainge akazvirereka pana Jehova izvo zvaisaitwa nemaRoma mazhinji.

2. Kana munhu achizvikudza uye asingatereri, haaendi kure nezvinhu zvaMwari. (Zvirevo 16:18)

3. Kana Jesu apinda mumoyo medu, tinokodzera kuenda pahuvapo hwaMwari (vaEfeso 3:12), Zvisinei tinofanira kuzvininipisa (1 Petro 5:6)

II. Jesu akafamba oenda nevatungamiriri vemaJuda.

A. Jesu anopindura kudanwa kwekutenda.

1. Jesu haaparidzire vanhu nekuda kwekodzero chete.

2. Kunyangwe hazvo Jesu achitinzwira tistsi nekuda kwekutambudzika kwedu (vaHeberu 4:15), Kutenda ndiko kunoita kuti ashanda.

B. Jesu asati asvika pamba apa, mutungamiriri wezana akatumira shamwari kwaari.

1. Mutungamiriri wezana akaraira kuti zvainge zvisina kukosha kuti aende kumba kwake.

2. Akakumbira Jesu kuti angoraira chete uye aiziva kuti muranda wake aizorarama.

C. Mutungamiriri wezana akanzwisisa kukosha kwekuva pasi pemutemo.

1. Semukuru mumauto evaRoma, akaterera zvido zveavo vaiva pamusoro pake.

2. Aivawo nevarwi vaiva pasi pake vaifanira kutevedzera zvido zvake.

D. Mutungamiriri wezana akaziva kuti Jesu aiva murume aiva pasi pemutemo.

1. Jesu aifanira kuita kuda kwaMwari.

2. Pamusana pekuti Jesu aiva pasi pemutemo waMwari, Urwere nezvirwere zvaiva pasi pake.

3. Mutungamiriri wezana aiziva kuti zvirwere nemarwadzo zvaizoterera shoko raMwari.

III. Jesu akapindura mutungamiriri wezana akarapa musevenzi wake.

A. Apo Jesu akanzwa chikumbiro chemutungamiriri wezana, akafara zvikuru.

1. Zvinhu zviviri zvakakonzera kuti Jesu afare muhushumiri hwake: Kutenda kukuru nekusatenda (Marko 6:6)

2. Jesu akataura kuti ainge asati amboona kutenda kwakadai muIsraeri yose.

B. Kutenda kukuru kunoitwa neavo vanotevedzera hutungamiriri hwamwari.

1. Tinoterera hutungamiriri hwaMwari kana tichikudza nekuterera vabereki vedu (vaEfeso 6:1-3)

2. Tinoterera hutungamiriri hwaMwari nekutevera muenzaniso hwehuMwari hwevatungamiriri vedu vezvemweya. (1 Petro 5:1-5)

3. Ungafunga here vamwe vanhu vatinofanira kuremekedza nekuterera?

C. Kana tisingatereri hutungamiriri hwaMwari, satani haakwanise kutiterera.

1. Kana tikadyara kumukirana, tinokohwa kumukirana. (vaGaratia 6:7)

2. Zvakakosha kugara tichiterera Mwari nekuita zvaanoda.

D. Muranda wemutungamiriri wezana akaponeswa apo Jesu akataura izwi.

1. Tinofanira kutaura shoko raMwari kuti tivake kutenda kwedu (vaRoma 10:17)

2. Tinofanira kutaura shoko raMwari kuti tisunungure kutenda kwedu (Marko 11:23)

Dzidziso yemweya:


Mutungamiriri wezana akauya kuna Jesu rimwe zuva

Akati, “Muranda wangu ari kurwara zvikuru.”

Asi mune simba mumashoko amunotaura.

Ingotaurai Izwi chete, ndinoziva kuti anoponeswa.


Taurai izwi chete

Uye muranda wangu anoponeswa.

Taurai izwi chete.

Haazofi, Ndinoziva anorarama.




KUTENDA KWAKASIMBA


Chidzidzo chekutanga


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally


(Bennie anopinda)


Bennie: Izuva guru rekuenda kunoraura! Zuva riri kupenya uye honye dziri kuumburuka. Ndiri kunzwa kuti ndabata hove izvozvi. Ndinongofanira kugadzira chikafu chekudya masikati ndobva ndaenda!


(Sally anopinda)

Sally: Mhoro, Bennie. Wakanangepiko?


Bennie: Ndiri kuenda kunoraura, Sally. Handingadarika zuva rakaita serino. Ndiri kudzinwa dzichidana zita rangu. Bennie, Bennie huya undibate, Bennie.”


Sally: Ndiamai, uye vanga vachiti, Bennie, Bennie huya utsvaire mumba mako.”


Bennie: Amai vari kuda kuti ndiende kunotsvaira mumba mangu?


Sally: Hongu.


Bennie: Izvozvi?


Sally: Hongu, izvozvi.


Bennie: Asi mumba mangu mune tsvina! Zvichatora nguva yakareba kuti ndizviite uye nguva inenge yapera kuti ndiende kunoraura.


Sally: Baba zvekare vasiya mabasa akawanda ekuti uite uchigadzira chivanze nhasi.


Bennie: Zvakaita sechii?


Sally: Zvakaita sekucheka huswa nekubvisa tsina dzose dziri kuseri kwemba nekusakurira mubindu.


Bennie: Chii? Ndingatopedza pakati pehusiku chaipo! Nhasi musi weMugovera, Sally. Ndinoshanda zvakanyanya kuchikoro svondo rose. Nhasi chisis, zuva rekuzorora. Mwari vakati hatifanira kuita basa zuva iri.


Sally: Zvaingova zvechitenderano chekare chete, Bennie.


Bennie: Zvisinei zvinoita semutemo wakanaka kwandiri. Ndava kuenda kunoredza.


Sally: Worega kuterera Baba naamai?


Bennie: Nehove dzose dzandichabata, kurohwa hakuna basa.


Sally: Hausiwo mubairo wacho chete, Bennie.


Bennie: Unorevei? Baba vava nedzimwe nzira here dzekuranga nadzo?


Sally: Kwete, asi unodzivisa kutenda kwako kuti kushande sezvakunofanira kuita.


Bennie: Sally, kuenda kunoraura kune chekuita here nekutenda kwangu?


Sally: Unoziva sei?


Bennie: Pamusana pekuti muBhaibheri, Jesu akadana kutenda kwemutungamiriri wezana kuti kwakasimba nekuti aiziva kuti zvakakosha sei kuva pasi pemutemo. Kutenda kwaJesu kwakashanda zvakanaka nguva dzose nekuti aigara ari pasi pemutemo waMwari.


Sally: Kutenda kwako hakungashandi zvakanaka.


Bennie: Ndinoda kuti kutenda kwangu kushande zvakanaka. Ndava kuregera kuenda kunoraura ndotsvaira mumba mangu uye ndozogadzira chivanze.


Sally: Zvakanaka kwauri, Bennie. Unozivei, ndinenge ndanzwa baba vachitaura nyaya yekuenda newe kurwzi mangwana tabva kuchechi.


Bennie: Zvinofadza izvo! Ndichaita basa rangu rose nhasi.

(Vose vanobuda)



KUNZWA NEKUITA


Chidzidzo chekutanga


Ngano


Kumeso kwaAlex kwakapenya nehasha. Amai vangu vane utsinye. Handizivi kuti chinonetsa chii saka regai ndiende zvangu kwaana Billy. Vanondiita sekuti ndichiri mucheche kana kuti ndaita mhosva huru kwazvo kana chimwe chinhu.

Alex akakwira achienda kudenga ndokunanga mumba make. Akatanga kurovera sasa rake, akanga atozvipinza mumatambudziko. Mashoko aamai vake ekupedzisira aiva ekuti, “Enda kumba kwako kwekurara mwana, wonomirira kusvikira baba vako vadzoka kumba.

Alex akadonha nemusoro. Dzaiva nguvai? 4.30 manheru kwasara awa rimwe chete. Pfungwa dzake dzakavundutswa nekugugudzwa kwemusiwo. Ndinofunga kuti ndibaba chete. Asi zvamboita sei kuti vakasike kuuya kumba nhasi, ndiko kwakava kufunga kwaAlex pakutanga. Akazvimanikidzira kudavira kuti, “pindai.” Musiwo wakavhurwa uye akaona kumeso kune rudo uye kwaunyana kuchibudikira nepamusiwo.


Ah, mhoroi, sekuru,” akadaro Alex. Akanzwa kunyevenuka uye kunyara.


Ndine nguva shoma muno, Alex!”


Nguva shoma? Ko madini kupedza awa?”


Handifungi kuti izvi zvangapedza nguva yakawanda, mwana.” Nerubatsiro rwemudonzvo wavo, harahwa yakagara kunze kwemubhedha padyo naAlex. “Pane kanyaya kadiki diki kawaita naamai vako pasi apa.”


Ah, havanzwisise....”


Sekuru vakazembera zvavo patsvimbo yavo sekuta kwavo kwamazuva ose kana paine zvavanoda kutaura. “Kwete, Alex. Ndiwe usinganzwisise. Mwana, mafungiro ako akaipa. Hautereri amai vako. Unoziva kuti nguva dzose haufaniri kuchovha bhasikoro rako mumugwagwa mukuru. Ndiwo mutemo wacho.”


Asi, sekuru, handisi mwana mucheche. Vanondiita semwana mucheche.”


Mwana, unokanganisa zvekare ipapo. Mugwagwa uyu unowandirwa nguva dzose. Vabereki vako vakaita mutemo iwoyo kuti udzivirirwe.”


Zvisinei, handifungi kuti zvakanaka.”


Bhaibheri rinoti chii maererano nekutera vabereki vako?”

Rinoti, “Vana tererai vabereki venyu..., asi-”


Sekuru vakapindira, “Handitonderi paine pakati asi imomo. Asi ndinorangarira chimwe chinhu chekuti’.....kuti zviite zvakanaka kwauri.’ Mwari vanotipa vabereki kuti vatichengete, asi, chakanyanyokosha, kudzidza kuterera nekuterera izwi revabereki vedu kana tichiri vadiki, tinozokwanisa kunzwa nekuita zvinoreva izwi raMwari kana takura. Ya’ tinoda kanguva kekuti titaure karungano pamusoro penyaya iyi?’


Hongu, Sekuru, “ akadaro Alex. “Munoziva kuti ndinofarira ngano dzenyu zvakaita sei.”


Sekuru vakatanga, “Rimwe zuva mangwanani, baba vangu vakauya muchikwere mandainonga mazai. Ndicho chinhu choga chandaikwanisa panguva iyoyo- ndaiva ndiri mudiki zvikuru. Vakati, “Huya kuno, mwana. Pane chimwe chinhu chandinoda kukuratidza.” Ndakaedza kuvaudza kuti amai vainge vakamirira mazai kuti vabike chikafu chemangwanani, asi vakati izvi zvaikwanisa kumbomira. Saka ndakaziva kuti chaiva chimwe chinhu chakakosha kana zvaizoita kuti amai vambomira, saka ndakaisa bhasikiti rangu pasi ndokuvatevera.


Takafamba takanyarara ndokudarika ngarani, ndokutenderera danga remombe ndokudzika takananga kurukova. Munzira mose ndaingonetsekana kuti chingava chii chaita kuti ndimbotomiswa kunonga mazai.


Baba vakamira parutivi pemuti wainge wakura zvikuru zvekare uine buri pakti pawo. Vakaisa minwe yavo pamuromo ndokuzevezera. “Terera, .....” vakadaro, “Wazvinzwa here?” Ndakazunza mapendekete angu.


Chimbomirai - pane chandanzwa, chinombova chii? Handifungi kuti ndizvo.....pamwe idhadha? Zvaiita sekunge raibuda mumuti uyu, kwete mudenga kana kuti murwizi. Hazvikwanisike! Ndakabva ndanzwa zvimwezve, kuchema kwevana vemadhadha. Baba vakaisazve minwe pamuromo pavo uye ruoko rwavo pamapendekete angu vachindiendesa kusango kune rumwe rutivi.


Hazvina kupedza nguva dhadha risati rabuda muburi remuti, pamwe ndiro. Handina kuzvinzwisisa, dhadha mumuti! Pakarepo rakadzika pavhu ndokutanga kurira richienda. Pakarepo rainge rotonanga kuburi remuti riya.


Handina kuzvinzwisisa: akabuda akateverana mumashure menguva shoma uye ainge aine nguva shoma chete achochonywa. Izvi zvakandishamisa zvikuru. “Wow,” ndizvo zvoga zvandakakwanisa kuita. Amai vemadhadha vakaunganidza vana vavo uye ose akafamba akananga kurukova. “Changa chiri chii?” ndakabvunza baba.


Ndizvo zvinoita madhadha kana achirera vana vawo,” ndiya yakava mhinduro yababa.”


Sekuru vakaenderera mberi, “Saka, kana yava nguva yekuti baba namai dhadha vakudze vana vavo vanotsvaga muti wakanaka uye une buri - kwete kurukova semamwe madhadha, asi mumuti wakaboorwa nemakonye.


Kana vachinge vagadzirira nsvimbo sekuda kwavo, amai vemadhadha vanobva vakandira mazai. Kana nguva yekuchechenywa kwemazai yava kuswedera, amai madhdha vanotanga kutaura kwaari. Wanga uchivanzwa vachitaura netuvana mukati memuti. Mumashure memazuva mashoma twazvarwa patsva, tuvana twemadhadha tunotanga

kutaura kuna amai vatwo. Musambo mumwe chete: kwaki, kwaki, kwaki, kwai. Zvinoramba zvakadaro kwemazuva.


Unozivei, Alex?”


Hapana kunyunyuta, pamusana pei?”


Vana vedhadha ivavo vanenge vachidzidza kuterera izwi raamai vavo kunyangwe vasati vazvarwa, nekuti apo vanozvarwa patsva, Amai vanomadana kuti abude mumuti sezvandakaona ndina baba vangu. Vana vose vemadhadha vanoterera vanokudzwa uye vanochengetedza.”


Chii chinoitika kana vakasaterera?”


Zvisinei, mwana mumashure menguva shoma, kana vakasatera vanosiiwa mumuti uye vabereki vacho havazodzoki.”


Zvachose?”


Hongu zvachose, mwana.”


Ko sei amai vasingarambe vachidaidzira?”


Pamusana pekuti vavengi vakaita semapere vanogona kunge vari padyo vakazvinzwa. Izvi zvinozovaisa munjodzi, saka vanofanira kusiya vasingatereri kwakare.”


Munoreva kuti vanofa here kana vasingatereri?”


Hongu, mwana. Tinodzidza chidzidzo chakanaka kubva kumadhadha. Mwari vanoda kuti tidzidze kuterera izwi revabereki vedu, kuitira kuti kana takura tigonzwa nekuterera izwi rake.”


Alex ainge atorwa moyo nenyaya ya sekuru zvekuti haana kana kumboona rume refu rainge rakamira pamusiwo.


Mhoro, Alex,” vakadaro baba.


Baba, Baba,” akachema Alex apo akasvetukira mumaoko ababa vake. “Ndafara zvikuru kukuonai!”


Wafara?” vakadaro baba vachishamisika.


Ndine urombo, handidi kusiiwa mumuti. Handichazorega kukutererai imi kana amai zvekare.”


Alex, ndinofara kuti unoda kuterera, asi ndiani achakusiya mumuti? Uri kutaura kuti chii?” vakabvunza baba vashamisika.


Ah, kwete. Ndinoda kudzidza nekukutererai iye zvino, kuitira kuti kana ndakura, ndinozogona kuterera Mwari.”


DZOKORORO


Chidzidzo chekutanga


Shandisai shoko:


Mutungamiriri wezana aiva akazvirereka uye aiterera ndicho chikonzero akakwanisa kukumbira rubatsiro kubva kuna Jesu. Kana usingatereri vabereki vako uye Mwari, minamato yako ingashanda here? Satani anokwanisa kukuterera here kana usingatereri Mwari?


Mwari vanofara kupindura minamato yevana vavo. Taura pamusoro peimwe nguva yawakanamatira chimwe chinhu uye Jehova vakapindura minamato yako.


Mibvunzo yemutambo:


1. Sei mutungamiriri wezana akakumbira rubatsiro kubva kuna Jesu?

2. Mutungamiriri wezana akakumbira ani kuti aende kunokumbira rubatsiro kuna Jesu?

3. Tinofanira here kuita zvose zvatinokwanisa kuti tikomborere mhuri yeIsraeri?

4. Mutungamiriri wezana aiva nepfungwa dzakaita sei pamusoro paJehova?

5. Ipfungwa dzakaita sei dzinoita kuti munhu asakaure pazvinhu zvaMwari?

6. Tinokwanisa sei kusvika pahuvapo hwaMwari?

7. Jesu anopindura kuti chii nguva dzose?

8. Jesu anoshumira kuvanhu pamusana pekuti vana chavanoda here?

9. Mutungamiriri wezana akatumira mashoko ekuti chii kuna Jesu asati asvika pamba pake?

10. Ndechipi chinhu chakakosha chakazivikanwa nemutungamiriri wezana apo akatumira Jesu mashoko aya?

11. Sei zvirwere nematenda zvichifanira kuterera shoko raJesu?

12. Ndezvipi zvinhu zviviri zvakaita kuti Jesu ashamisike muushumiri hwake panyika?

13. Jesu akati chii pamusoro pekutenda kwemutungamiriri wezana?

14. Ndiani anokwanisa kuva nekutenda kukuru?

15. Ndedzipi nzira mbiri dzatinokwanisa kuterera hutungamiriri hwaMwari nadzo?

16. Ndiani asingafaniri kuterera kwatiri kana tisingatereri hutungamiriri hwaMwari?

17. Kana tichidyara kumukirana, tinogashira chii semubairo?

18. Zvinobhadhara here kuterera Mwari nekuita zvaanoreva?

19. Musevenzi wemutungamiriri wezana akaponeswa riini?

20. Tinofanira kuita sei kuti tivake nekuzururira kutenda kwedu?



KUDYA KWERUZHINJI


Chidzidzo chechipiri


Ndima yekuverenga: Johane 6:1-13, Marko 6:30-45


Chokwadi: Mwari anopa vana vake nguva dzose, kunyangwe mukati mekushaya.


Ndima yemusoro: VaFiripi 4:19, “Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kose pafuma yake, mukubwinya muna Kristu Jesu.”


Kamutambo: “Kunaka kwaMwari”


Chidzidzo: “Kudya kwakawanda”


Zvinodiwa: Jesu (700), Vadzidzi (703), Chaunga (704), Mukomana mudiki (705), zvingwa nehove (706), mabhasikiti azere chikafu (707)


Kumudzidzisi:


Mwari vakavimbisa kutipa zvose zvatinoda maererano nefuma yavo kubudikidza ndi Jesu Kristu. Vimbiso iyi kubva kuna Mwari haina kusimbira pamamiriro ezvinhu zvakatikomberedza. Uye hachisi chivimbiso chinongouya chete asi chinouya nekuda kwemunhu kuti ashande uye aterere Mwari nekuda kwekupa.


Vanhu ava vakaona minana mizhinji kubudikidza nekupiwa zvakawanda pamusana pekuisa zvinhu zvemweya pamberi kudarika zvinhu zvenyika. Mafungiro avo enyama aiva ekuti chikafu hachingawanikwa pakarepo uye vaiva vachida kudzidza zvakawanda pamusoro peshoko raMwari pane kudya. Kupiwa kunokwania kuuya nenzira dzakawanda, asi nyaya ino inotiudza kuti Mwari vanotipa chikafu chakawanda kana zvakakodzera kuti tipe vanhu vake.


Tsanangudzo:


I. Jesu nevadzidzi vake vakaenda pamusoro pegomo kure nemaguta nemisha yavanhu.

A. Jesu kazhinji aienda kunzvimbo dzakavanzika nevadzidzi vake kuti anozorora nekunamata.

1. Simba riri pahushumiri hwaJesu rakauya nekuda kwekutaura kwake pachake naMwari.

2. Pasina nguva yakuzvipira kuva muhuvapo hwaMwari, hapana chatinokwanisa kuita.

B. Vanhu vazhinji vakaona kwakaenda Jesu nevadzidzi vake.

1. Vanhu vazhinji vakavatevera nekuti vainge vaona zvishamiso zvainge zvaitirwa vanhu vairwara naJesu.

2. Mwari vanoshandisa zvishamiso nezviratidzo kuti vaunze4 vanhu kwavari nekuvaitira zvikumbiro zvavo.

C. Apo Jesu akaona chaunga, akafamba netsitsi pamusoro pavo.

1. Akaona kuti vainge vakaita sehwai dzisina mufudzi uye aisakwanisa kuvadzinga.

2. Jesu akadzidzisa vanhu kwemuswere wese wezuva.

D. Apo zuva rainge ranyura, vadzidzi vakaziva kuti vanhu vainge vasina chekudya.

1. Vadzidzi vaida kudzosera vanhu kuti vanozvitengera chikafu, asi kwainge kwava kure nemaguta nemisha.

2. Vanhu ava vainge vaine shungu nechikafu chemweya nezvinhu zvaMwari zvekuti vakakanganwa kuuya nechikafu chenyama.

E. Jesu akaraira vadzidzi vake kuti vape chaunga chevanhu ava zvekudya.

1. Vadzidzi vakashamiswa kuti Jesu akavaudza kuti vaite izvi.

2. Vainge vasina chikafu chakakwana pavainge vari chaizokwana kuzadzikisa zvinhu izvi.

II. Andrew akasangana nemukomana wechidiki aida kupa chikafu chake kuna Jehova.

A. Mukomana uyu aiva nezvingwa zvishanu nehove mbiri.

1. Vamwe vanhu vanomirira kuti vatange vaita mari yakawanda kuitira kuti vagozopa kuna Mwari.

2. Kana munhu asina kutendeka pazvinhu zvidiki zvaanazvo, Mwari haangavimbe naye pane zvinhu zvikuru (Mateo 25:14 - 29)

B. Kamukomana kakapa zvose zvakaiva nazvo kuna mambo Jesu.

1. Aidyara mhodzi muhumambo hwaMwari, kupa Mwari chimwe chinhu kuti awedzere nekukomborera.

2. Kana tichidyara zvizhinji tichakohwawo zvizhinji (II vaKorinte 9:6)

C. Jesu akaudza vadzidzi kuti varonge chaunga muzvikwata zvevanhu makumi mashanu uye zana uye kuti vagare pasi.

1. Mwari anotenda mune zvinhu zvakarongeka (I vaKorinte 14:40).

2. Pasina kuronga kwakanaka, chishamiso ichi hachaikwanisa kubudirira nekuti hazvaizokwanisika kuona vanhu vadya nevasina.

D. Mukuterera, vadzidzi vakagadzirira vanhu kuti vagashire Mwari.

1. Tinofanira kugadzirira kugashira kubva kuna Mwari nekupa kuhumambo hwake.

2. Kurumbidza Mwari tisati tawana mhinduro inzira yakanaka yekutarisira zvishamiso.

III. Pakati pekushaya, Mwari akapa chikafu kuvanhu.

A. Mwari akaropafadza chikafu nekutenda Mwari nekuda kwechikafu ichi.

1. Akatanga kudimbura chikafu achiisa muzvidimbu akachipa kune vadzidzi vake, vakazochigovera kune vanhu.

2. Chikafu chakawanda kusvikira vanhu vose vadya.

B. Varume vanosvika vanosvika zviuru zvishanu pasina vana kana vakadzi vakapiwa chikafu.

1. Mabhasikiti gumi nemaviri akazara akasara, Mwari wedu ndiMwari wezvizhinji!

2. Vamwe vanhu vanofunga kuti mabhasikiti gumi nemaviri akasara echikafu akapiwa kumukomana uya.

C. Kana tichitarisa kushoko raMwari, Mwari achatipa zvatinoshuva panyama zvese nepamweya.

1. Mwari haasi muridzi wenhamo - satani ndiye muridzi.

2. Mwari anoda kuti vana vake vapiwe zvisinei nemamiriro ezvinhu.


Dzidziso yemweya:


Mwari wangu anondipa zvandinoshuva,

Zvese zvandinoda

Maererano neupfumi hwake,

Upfumi hwake nekubwinya.


Ndine zvakakwana uye handizoshayi.

Mwari wangu vanoita izvozvo.

Kubudikidza naJesu Kristu

Ndine zvese zvandinoda.


KUNAKA KWAMWARI


Chidzidzo chechipiri


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Jerry, vaHiggins


(Jerry anopinda)

Jerry: (Asina kufaranuka) Vakomana handizivi kuti chii chichaitika iye zvino.


(Bennie anopinda)

Bennie: Jerry uri kutaridzika sekunge usiri kufara, chii chiri kunetsa?


Jerry: Baba vangu varegera basa nhasi. Ivo vose naamai vanga vachitova nedambudziko kuti vabhadhare zvikwereti mwedzi yose. Iko zvino haaichatokwani zvachose.


Bennie: Mhuri yenyu ine chikafu chekudaya here?


Jerry: Dzimwe nguva tinotopedza mazuva tisina chekudya. Handizivi kuti chii chichaitika iye zvino. Ndaida zvikuru kuenda kukereke chirimo chino,

Bennie, asi hazvichatokwanisiki.


Bennie: Usanete, Jerry. Ndinoziva kuti Mwari vanoda kukubatsira asi ndichatsvaga kuti vanoda kukkubatsira sei. Ndichazokuona. (Anoenda)


Jerry: Ndozokuona, Bennie. (Anoenda)

(VaHiggins vanopinda)


VaHiggins: Regai tione....... ndiri kuda kkuti ndione kuti ndingatsanangura sei chidzidzo ichi musi wesvondo.


(Bennie anopinda)

Bennie: Pamusoroi, vaHiggins.


VaHiggins: Mhoro, Bennie. Ndingakuitira chii?


Bennie: Manga muri mudzidzisi wangu wechechi yevana kubvira kare. ndinofunga kuti mune ruzivo rwakatambanuka pamusoro paMwari neBhaibheri nezvimwewo zvinofambirana nazvo.


VaHiggins: Zvakanaka, Bennie asi nanhasi hausati wandiudza kuti ndingakubatsira sei.


Bennie: Munoziva shamwari, Jerry, wandinouya naye kuchechi dzimwe nguva?


VaHiggins: Hongu, Vabereki vake havanamati.


Bennie: Ndizvozvo chaizvo, asi Jerry anonamata.


VaHiggins: Ndinotondera paakaponeswa muchechi yevana.


Bennie: Baba vake vamiswa basa nhasi, uye vanga vachitova nedambudziko remari nakare uye havatombowani chikafu chakakwana. Uye Jerry anga achida kuenda kumusangano muchirimo chino uye haakwanise kubhadhara. Tingavabatsira sei vaHiggins?


VaHiggins: Pane zvinhu zviviri zvatinokwanisa kuita, Bennie. Chekutanga ndichaita kuti hushumiri hwekubatsira hutengere mhuri yavana Jerry chikafu kamwe pasvondo. Kechipiri iwe neni tichabvumirana zvinotaura vaFiripi 4:19 kuti Mwari achapa baba vaJerry rimwe basa.


Bennie: Asi, vaHiggins, baba vaJerry havana kugashira Jesu samambo nemuponesi wavo.


VaHiggins: Asi bhaibheri rinoti, “Kunaka kwaMwari kunoita kuti munhu atendeuke.” Huya tishande nneizvi. (Vose vanobuda)


(Jerry anopinda)

Jerry: Wow! Kushanduka kwakadini! Handisi kugutsikana neizvi!


(Bennie anopinda)

Bennie: Iwe, Jerry, chii chiri kuitika?


Jerry: (Achiratidza kufara) Chechi yako yatumira zvinhu zvakawanda kumba kwedu nhasi. Baba namai vangu vashamiswa zvikuru! Asi hazvisizvo zvoga. Vaudza vabereki vangu pamusoro paJesu nerudo rwaMwari uye kuti chechi yenyu yaitenda kuti baba vangu vachawana basa riri nani.


Bennie: Chii chakaitika?


Jerry: Baba vangu vakadanwa kuti vaende kunoedzwa nenyaya yebasa mangwana mangwanani. Vauya kumba vachifara zvikuru. Vawana basa uye rinobhadhara zvakapetwa kaviri pane ravanga vanaro!


Bennie: Mwari ngaarumbidzwe! Saka uchakwanisa kuenda kumusangano wekuchechi.


Jerry: Hongu! Unoziva kuti baba vangu vakati chii? Vakati mhuri yedu yose ichatanga kuuya kuchechi kwenyu! Mwari vakanaka!


Bennie: Hongu, akanaka!

(Vose vanobuda)




CHIKAFU CHAKAWANDA


Chidzidzo chechipiri


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: Johane 6:1-13


Zvinodiwa: Mapepa maviri makuru ekhaki, chigero, chekunamisa (Tape), glue, penzura uye pepa risina mitsetse.

Gadziriro: Vhura bepa rimwe chete woriisa parutivi. Tora rimwe wocheka pasi paro uchisiya masentimita maviri nechidimu kubva pasi. Ichi chichashanda sepasi pebepa pekunyepera. (Tarisa mufananidzo wekutanga) Isa glue kudivi rimwe rine mukombero wekunyepera woriisa mukati merimwe pep sezviri pamufananidzo. (Tarisa mufananidzo wepiri)


Chicheka zvingwa zvinokwana nehove kubva pabepa risina mitsara riya kuti uzadze bepa riya rine pasi pasina kusimba. (Kana uchida unokwanisa kukopa mifananidzo iripo.)


Zadza pasi bepepa nechingwa nehove zvawacheka. Siya mukana wekubvisa tape. Chiisa zvingwa zvakachekwa nehove mbiri mupepa. (Pamusoro pepasi pasina kusimba paya)


Chidzidzo:


Pane mumwe wenyu here akambouya nechikafu kuchikoro kana kune chimwewo chiitiko? Zvechokwadi here? Asi makambogoverana here nevanhu zviuru zvishanu? Munoziva, mukomana wechidiki mubhabibheri akazviita. Tinowana nyaya iyi muna Johane 6:1-13.


Zviuru zvevanhu zvainge zvauya kuzoona Jesu uye vainge vari kure neguta. Zvisinei vakagara kwenguva huru zvekuti vainge vofanira kudya, asi painge pasina chikafu chaizokwana vanhu vose.


Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vatarise kuti vaiva nechikafu chakawanda zvakadini. Vadzidzi vakaona mukomana ainge auya nechikafu chake. (Panguva ino, simudza pepa rako mudenga) Asi mukati mepepa iri maingova nezvingwa zvishanu chete nehove mbiri. (Dhonza zvirimo woratidza pepa risina chinhu apo unenge uchitaura.) Zvainge zvisingakwani vanhu vose, asi naJesu zvishoma zvatinazvo zvakawanda. Mukomana uyu aizvipira kupa chikafu chake kuna Jesu, uye Jesu akatora chikafu ichocho, ndokutenda, chichibva chawanda. (Dzosera zvidimbu zviya mupepa makare. Apo unoisa maoko mupepa iri, bvisa tape yakanama kuitira kuti zvidimbu zviya zvionekwe.)


Vakomana nevasikana, vadzidzi vakatanga kupa vanhu chikafu. (apo unotaura ita zvimwe chetezvo.) Vakaramba vachingopa. Vakapa vanhu zviuru zvishanu! Bhaibheri rinoti vakaguta. Vakadya kusvika vasisakwanise. Asi sandizvo zvega, pavakaunganidza chikafu chainge chasara, chakazadza mabhasikiti gumi nemaviri.


Jesu akazadzisa zvido zvavo nekushandura zvishoma zvichiva zvizzhinji! Uye Jesu achazadzisa zvikumbiro zvako, newewo.


DZOKORORO


Chidzidzo chechipiri


Shandisai shoko:


Wakamboda here kuitira Jesu chimwe chinhu, asi zvose zvawaiva nazvo zvaiva zvishoma kana kuti hauna kuona zvakanaka? Ungada here kumuimbira rwiyo? Ungada here kumuitira mufananidzo kana kumuudza ngano? Kana uchimupa zvakanyanyonaka zvako, anozvitora achizviita zvikuru, okomborera vanhu vakawanda nechipo chako.


Chii chaungade kupa Jesu nhasi?


Mibvunzo yemutambo:


1. Sei Jesu akaenda kunzvimbo yakavandika nevadzidzi vake?

2. Simba rehushumiri hwaJesu rinobvepi?

3. Sei chaunga chakatevera Jesu nevadzidzi vake kwese kwavaiva?

4. Mwari vanoshandisa zvishamiso nezviratidzo kuita chii?

5. Jesu akaita sei paakaona chaunga chevanhu?

6. Sei vadzidzi vakada kuudza vanhu kuti vaende manheru iwayo?

7. Sei vanhu vainge vakanganwa kuuya nechikafu chepasi pano musi iwyu?

8. Ndeupi murairo unoshamisa wakapiwa vadzidzi naJesu?

9. Paiva nechikafu chakakwana here chekupa chaunga chose semaonero enyama?

10. Ndiani akafunga zvekupa Jesu chikafu chake chose?

11. Mukomana uyu aiva nechikafu chakawanda zvakadini?

12. Ndekupi kukanganisa kunoita vamwe vanhu mukupa kuna Mwari?

13. Mwari anovimba nevanhu here nemari zhinji kana vasingavimbike nemari shoma?

14. Chii chinoitika kana tichidyara zvizhinji muhumambo hwaMmwari?

15. Sei Jesu akaudza vadzidzi kuti vaunganidze vanhu muzvikwata zvevanhu makumi mashanu uye zana?

16. Ndedzipi nzira mbiri dzatingagadzirira nadzo kugashira zvatinoda kubva kuna Mwari?

17. Jesu akaropafadza sei chikafu chisati chapiwa vanhu?

18. Vanhu vangani vakapiwa zvingwa zvishanu nehove mbiri?

19. Ndiani muridzi wezvakawanda uye ndiani muridzi wenhamo?

20. Mwari anokwanisa kutipa here kunyangwe mukati mekushaya?



MAMBO WEDUTU


Chidzidzo chechitatu


Ndima yekuverenga: Marko 4:35-41, Mapisarema 8


Chokwadi: Mutendi wese ane simba pamusoro pemadutu kana achivhiringidza upenyu hwake, kana hwemhuri kana pfuma.


Ndima yemusoro: Mapisarema 8:6, “Makamubatisa hushe hwamabasa amaoko enyu.”


Kamutambo: Kumisa dutu


Chidzidzo: ngano - “Gospel Bill anomisa dutu”


Zvinodiwa: Jesu (700), Vadzidzi (703), chikepe (708)


Kumudzidzisi:


Madutu, chamupupuri nemhepo dzakasimba dzinodaidzwa zvisizvo se “Mabasa aMwari.” Kunyangwe ari iye akasika zvinhu zvose asi handiye honzeri yemadutu ane hasha. Kudai zvanga zvirizvo, Jesu aidai aipikisana nebasa raMwari. Madutu ane hasha, kuzviratidza kwamambo wemumhepo anova ndiye satani. Zvakangofanana nemamwe mabasa asatani ose, mutendi ane simba pamusoro pemadutu ane hasha kubudikidza nezita raJesu kana zvichikanganisa upenyu hwake nehwemhuri kana pfuma. Chidzidzo chino chinopa mukana wakanaka wekuti vana vabude mukutya madutu uye vapinde mukutenda shoko raMwari.


Tsanangudzo:


I. Apo Jesu akasika Adam, akamupa simba pamusoro penyika yose.

A. Adam aiva nesimba pamusoro pemabasa ose esimba remaoko aMwari(Genesi 1:26)

1. Aiva mutevedzeri waMwari pasi pano.

2. Hapana chinhu chainge chisina kuiswa pasi pesimba raAdam.

B. Apo Adam akatadza, akaisa masimba ake ose mumaoko asatani.

1. Satani akazova zvino mambo wenyika ino (II vaKorinte 4:4)

2. Apo Satani akapinda munyika, huwori hwose hwakatanga. Izvi zvisati zvaitika, zvinhu zvose zvaifamba negwara rakanaka.

C. Satani ndiye honzeri yemadutu ose ane hasha anouraya nekuparadza.

1. Anodanwa kuti mambo wesimba remumhepo (vaEfeso 2:2)

2. Madutu ane hasha zviitiko zvenyika - haasiwo mashandiro aitarisirwa naMwari paakazvisika.

II. Jesu nevadzidzi vake vakayambuka gungwa reGarire kuti vanoparidza shoko.

A. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti, “Ngatiyambukei kune rumwe rutivi.” 1. Jesu aitaura nekutenda nguva dzose uye ainge aine kariro yekusvika paanogumira.

2. Pamusana pekuti ainge aneta, Jesu akaenda kuseri kwechikepe ndokurara.

B. Apo Jesu akarara, dutu rine hasha rakasimuka kubva mugungwa.

1. Mhepo yainge yakasimba uye ichityisa uye masai sai airova muchikepe.

2. Kunyangwe hazvo vadzidzi vakaita zvavaikwanisa, chikepe chakazara nemvura.

C. Vadzidzi vakabatwa nekutya kukuru pamusoro pedutu iri.

1. Vadzidzi ava nekutya vakamutsa Jesu ndokubvunza kuti, “Hamuna hanya kunyangwe tofa here?”

2. Kutya kunokonzera vanhu kuti vataure zvinhu zvavainge vasingafanire kutaura. Chokwadi ndechekuti Jesu aiva nehanya neupenyu hwavo.

D. Hurongwa huzhinji hunounzwa nasatani kwatiri hune kutya mukati.

1. Kutya kunopikisana nekutenda uye kunopa satani mukana wekuti ashande mukati medu.

2. Kutya zvinoreva “kutenda” mumabasa asatani.

III. Jesu akaratidza simba rake pamusoro pedutu.

A. Jesu akanyaradza dutu, pakarepo kwakava nerunyararo.

1. Dutu iri raisakwanisa kunge rabva kuna baba vake, kana kuti Jesu angadai asina kuridzivisa.

2. Dutu rakatumwa nasatani kuti riparadze Jesu.

B. Vadzidzi vaikwanisa kunge vakamisa dutu, zvekare.

1. Jesu akatsiudza nekuda kwekutya kwavo nekutenda kushoma.

2. Sezvo Jesu ainge ataura kare, “Ngatiyambukirei kune rumwe rutivi,” vaiva nesimba rose raidiwa kuti vayambukire ikoko.

C. Mutendi wese anokwanisa kushandisa simba pamusoro pemadutu anoparadza.

1. Hatikwanisa kuziva mamiriro ekunze mazuva ose.

2. Tinokwanisa kudzivisa madutu ane hasha anoda kupararadza upenyu hwedu nepfuma yedu, kubudikidza nekutenda muzita raJesu. (Isaya 32:2)

D. Kubudikidza naJesu, simba rainge rapiwa Adam naMwari rakadzoswa kumutendi.

1. Jesu akauya kuzodzosera vanhu zvose zvainge zvaraswa naAdama paakadonha.

2. Jesu akaratidza zvinodiwa naMwari pamutendi wega wega kuti ararame.


Dzidziso yemweya:


Kana kunze kotanga kupenya

Uye kotanga kupwanyira

Madutu ari kunze oita kunge asingagone kumiswa

Haufanire kutya

Kana kunetseka kuti chava chii

Nekuti unokwanisa kushandisa simba rimwechetero

Rakashandiswa naJesu pagungwa.


Rugare ngaruvepo!

Mhepo nemasai sai zvakaterera Mwari

Rugare ngaruvepo!

Uye anoterera zvekare kana tikashandisa zita raJesu.




KUMISA DUTU


Chidzidzo chechitatu


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Moyo, satani, Izwi remutapi wenhau


(Bennie anopinda)

Bennie: Nhasi kuri kunaya zvikuru. Uye kupenya nekupwanyira kwakuri kuita kunototyisa! Ndinofunga ndinofanira kutarisa kuti vari kutii nhasi maererano nemamiriro ekunze. (Anofamba kuti anobatidza wairesi)


Izwi remutapi:(asiri pasiteji) Ndinodzokorora zvekare: Kuchange kuchipwanyira zvikuru kusvika pakati peusiku nhasi. Mhepo zhinji ine hasha nechimvuramabwe chichaparadza zvhinhu zvizhinji. Ndinodzokorora zvekare - musabude panze zvachose..


Bennie: Maiwe-e zvakatooma kudarika zvandaifunga. Handizive kuti ndichakwanisa kurara sei nhasi. Ndinotya kunze kwakadai.


(satani anopinda)

Satani: Kutya? Ndanzwa here mumwe munhu achiti kutya? Zvakanaka! Kutya ndicho chimwe chevabatsiri vangu. Rega ndione kuti ndingakwanisa kuita kuti zvifambe here. (Anofamba achienda padyo naBennie.) Iwe Mwana, unoziva imba iya yamakabva kuvaka nababa vako kuseri uko? Mhepo ichaiparadza!


Bennie: Mhepo yakasimba ichawisa imba yangu nhasi.


Satani: Hongu, ichawiswa, mwana. Ko muzuwerere wako? Mheni ichaurova nekuuparadza!


Bennie: Vakomana, muzuwerere wangu ugoparadza here?


Satani: Mumashure maizvozvo zvose, mwana, Dutu richauya pamuri!


Bennie: Ndinoziva kuti dutu richauyawo pandiri zvekare! Ndiri kutya ini, ndichaita sei zvangu?


Satani: (achiseka) Mwana uyu ndatomutora. Ndava kuenda kunotsvaga vakawanda vekutyisidzira. Nhasi ndiro zuva rakanaka rekuita izvi. Kurota zvinotyisa nezvimwe zvakadaro! (Anobuda)


Bennie: Sei tichiwana madutu akaipa kudai? Kupinda mumagumbeze hakubatsire pamusana pekupwanyira kwakunoita. Handizive kuti ndingaita sei!

(Moyo anopinda)

Moyo: Usatye rubatsiro rwuri pano!


Bennie: Moyo, ndafara chaizvo kukuona. Dutu iri randityisa zvikuru - uye handichazivi zvekuita. Ungandibatsira here?


Moyo: Ndicho chikonzero ndiri pano, Bennie. Chekutanga, haufanire kutya. Wanga uchiterera kupfungwa dzisidzo.


Bennie: Asi, Moyo, dutu iri nderechokwadi! Zvinhu zvose izvozvo zvinokwanisika kuitika.


Moyo: Zvisinei, Bhaibheri rinoti Mwari haana kutipa Mweya wekutya asi wesimba, rudo nepfungwa dzakanaka. Haufanire kutya kunze kwekunge wasarudza izvozvo.


Bennie: Asi, Moyo......


Moyo: Chii?


Moyo: Jesu akakupa simba pamusoro pemadutu anoparadza.


Bennie: Vakatipa?


Moyo: Hongu. Madutu anoparadza akauya semubairo wechivi chaAdam uye midziyo yasatani. Unotondera here mubhaibheri apo dutu rakaedza kuparadza Jesu nevadzidzi vake apo vakayambuka gungwa?


Bennie: Hongu! Jesu ainge akakotsira, asi apo vadzidzi vakamumutsa, akadzivisa dutu rikamira.


Moyo: Wataura zvakanaka - kana dutu rava kuda kuparadza upenyu hwako nezvinhu zvako, Jesu akati unokwnaisa kuita zvimwechetezvo.


Bennie: Ho-o! zvakanaka. Ndingaita kunaye here nguva dzose apo baba vangu vanoda kuti ndicheke uswa?


Moyo: Kwete, Bennie. Haungakwanisi kushandura mamiriro ekunze saizvozvo. Une simba rekumisa madutu kuti asakukuvadze. Tevedzera muenzaniso waJesu.


Bennie: Ndatenda zvikuru nekuda kwerubatsiro urwu, Moyo. handichatyi zvekare.


Moyo: Uchitendi zvako ndozokuona pava pahsure. (Anoenda)


Bennie: Vakomana, handifaniri kutyiswa nemadutu zvekare.


(satani anopinda zvekare)


Satani: Hmmm. Pane chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka pano apa. Hapasisina kutya. (Anofamba achienda padyo naBennie) Iwe Mwana, wakanganwa here kuti mhepo iri kuvhuvhuta zvakadini uye kuti kuri kupenya zvakadini?

Bennie: Handina mweya wekutya, asi wesimba, rudo uye pfungwa dzakanaka! (Muromo wasatani unoramba wakashama) Dutu, ndine simba pamusoro paro nezita raJesu! Rugare ngaruvepo!


Satani: Ndava kubuda muno! (Anoenda)


Bennie: Iwe, nyarara uterere. Mhepo nekupenya zvakamira. Kwava nemvura yakanyorova iri kunaya panze. Mwari ngaarumbidzwe! (Anobuda)



GOSPEL BILL ANODZIVISA CHAMUPUPURI


Chidzidzo chechitatu


Ngano


Aiva masikati apo Gospel Bill aigadzira waya yake kumafuru. Akafamba zvishoma achidzika achitevedza waya yake achitarisa panoda kugadzirwa, asingaoni makore emvura aiva mumahsure make. Bill akanzwa mhepo yava kutonhorera ndokucheuka akabvaa aona denga rasviba.


Vakomana!” akadaro Bill apo aitarisa mhepo yainge yatora ngowani yake. “Ndanga ndisiri kuzvitarisira.” Bill akasvetuka achibva pabhiza rake. Akamhanya akananga musango achitevera ngowani yake yainge yaenda nemhepo akabva aona chamupupuri chainge chouya chava chinhambwe chidiki kubva paaiva.


Gospel Bill akasvetukira pabhiza rake. Ainge achida kutiza paiuya nechamupupuri ichi. Akamhanyisa bhiza rake akananga kumafuro, achiedza kuti chamupupuri ichi.


Zvisinei kuti aimhanya zvakadini, Bill akaona kuti aisakwanisa kutiza makore matema emvura. Aiva makore aityisa aitenderera tenderera achiuya padyo naye.


Pakarepo, Bill akaona muswe wehuruva waikonzerwa nechamupupuri uchiuya kwaari. Mashanga mapepa nezvimwewo zvainge zviri mudenga zvakadzika pasi. Pakarepo mhepo yakashanduka ndokuenda nerumwe rutivi.


Bill akaenda nerumwe rutivi kwaiva kusina chamupupuri. Akamisa bhiza rake pakachuru ndokumira otarisa dutu. Akafunga kuti zvaiva nani kudai chamupupuri chikasananga nepamisha yavanhu. “Hakuna kana mombe kurutivi rwuno rwemafuro, ndinotenda Mwari,” akadaro Bill achitaura zvake oga.


Paakacheuka akaona chimwe chinhu chaiva kanhambwe kubva paaiva.


Kwete!” akadanidzira Bill. Akaona ngoro yaiva yakavharwa iri mugoronga, panova ndipo chaipo painanga nechamupupuri! Sekupenya kwemvura, Bill akatasva bhiza rake akananga ikoko.


Yaiita seyainge asingakwanise kufamba. Apo Bill akasvika padyo, aikwanisa kuona zvainge zvaitika. Paiva nemumwe mugari nemhuri yake vainge vakakomberedza ngoro iyi. Yainge yabvisika vhiri uye vose vaiedza kuisimudza.


Budai umo, muri kuitei,” akadaro Bill apo ainge osvika pangoro iyi. Akasvetuka achibva pabhiza rake ndokukandira mwana mukomana nemwana musikana pachigaro chake pabhiza.


Uri kuita sei?” akabvunza mugari uya.


Hamusi kuona here chamupupuri icho?” akabvunza Bill.


Chamupupuri?” akabvunza murume uyu. “Ndangofunga kuti zvimwe chimvura mabwe chiri kuuya.” Murume ainge asina kukwanisa kunantsoona pamusana pekuti vaiva mugoronga. Zvainge zvouya padyo zvino.


Vakomana,” akadaro murume uya. Akapfugama nemabvi ake ndokutanga kuchema kuna Mwari. “Mwari, musatiuraye. Ndapota musatiuraye, Mwari!” Mhuri yose yakawira pasi ndokutanga kuchema nekunamata. Vose vakaita zvinhu zvakafanana.


Mwari, Baba,” akakumbira murume, “ndapota musandiuraye. Ndichakushumirai nekusingaperi kana mukasandiuraya.”


Panguva ino, Bill akaona kuti zvainge zvisisabatsire kuedza kubva paiuya nechamupupuri apa. Akaudza murume uya nemhuri yake kuti varare pasi mugoronga riya ndokuvaudza kuti vanyarare.


Mwari, Baba,” akaenderera mberi murume uya, “ndapota musandiuraye nechamupupuri chenyu. Ndapota Mwari.”


Ndati nyararai! akadaro Bill. Chamupupuri chainge chiri zvinhambwe zvishoma kubva pavaiva, Bill akamhanya pamusoro pechuru. Aiziva kuti painge pasara chinhu chimwe chete chekuita.


Bill akasimudza maoko ake kudenga ndokutanga kurumbidza Mwari. Marara nehuruva zvakazadza denga apo akamira akashinga chamupupuri chichiuya padyo.


Mugari akasimudza musoro kubva pasi pengoro ndokuterera kuna Gospel Bill. “Ndinokuraira gore kuti udzokere kwakare,” akadaro Bill. “Rugare ngaruveko nezita raJesu!” Murume akatarisa achishamisika, achitarisira kuona Gospel Bill atorwa nechamupupuri.


Zvakashamisa ndezvekuti, gore rakamira panzvimbo risingaendi kuna Bill. Bill aitaura gwaro mumashure megwaro.


Dutu!” akadaro Bill, “Isaya 32:2 inoti munhu mumwe nemumwe uchava seutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.” Ndini munhu wacho nekuti ndinoziva kuti hazvisi zvaMwari.” Mumashure mekanguva, Gospel Bill neshoko vakakurira. Chamupupuri chakapinda mumakore zvekare machainge chabva.


Mugari nemhuri yake vakasvetuka kubva pasi pengoro ndokumhanyira kuna Bil. Handisati ndamboona zvakadai!” akadaro murume uya. “Wazviita sei?”


Handina kuzviita,” akadaro bill. “Shoko raMwari raita kuti dutu iri riterere.”


Asi ndaifunga kuti madutu anobva kuMusiki,” akadarozve murume uya.


Madutu anouraya, anoba nekuparadza haabvi kuna Mwari,” akadaro Bill. “Hauna kumboverenga here pamusoro paJesu nedutu?”


Ndichaverenga Bhaibheri rangu zvakanaka,” akadaro mugari. “Shoko raMwari raponesa upenyu hwangu.”



DZOKORORO


Chidzidzo chechitatu


Shandisai shoko:


Waiziva here kuti unokwanisa kunamatira rugare padutu? Wati wamboita izvi here? Kana wakambozviita, tiudze nezvedutu, zvawakataura uye zvakaitika.



Mibvunzo yemutambo:


1. Adam aiva nesimba pamusoro pei paakasikwa naMwari?

2. Chii chakaitika kusimba raMwari apo akatadza?

3. Chii chakatanga kuitika apo satani akauya panyika?

4. Mambo wesimba remumhepo rimwe zita rinoreva ani?

5. Madutu ane hasha ndiyo yaiva tarisiro yaMwari here paakasika zvinhu?

6. Ndeapi mashoko ekutenda akataurwa naJesu kuvadzidzi vake pamusoro pekuyambuka gungwa reGarire?

7. Apo vadzidzi vaiyambuka gungwa, Jesu aiitei?

8. Chii chakaitika kugungwa reGarire apo Jesu ainge akakotsira?

9. Vadzidzi vakaita sei pakasimuka dutu?

10. Ndeupi mubvunzo wakabvunzwa nevadzidzi apo vakamutsa Jesu?

11. Chii chakabatanidzwa nehurongwa hwasatani huzhinji hwekupikisana nesu?

12. Kutya kunobvumidza ani kuti ashande muupenyu hwedu?

13. Kutya, “kutenda” muchii?

14. Jesu akaita sei kudutu?

15. Jesu angadai akadzivisa dutu here kudai rakabva kuna baba vake?

16. Vadzidzi vaikwanisa kunge vamisawo dutu here?

17. Tinofanira kudzivisa madutu anoda kuparadza upenyu hwedu kana pfuma yedu

sei?

18. Tinokwanisa here kuziva mamiriro ekunze mazuva ose?

19. Jesu akauya panyika pano kuzodzosa chii?

20. Mwari anoda kuti mutendi wese ararame sei?



KURWARIRA KUBWINYA KWAMWARI


Chidzidzo chechina


Ndima yekuverenga: Johane 9:1-41


Chokwadi: Mwari haafadzwi neurwere.


Ndima yemusoro: VaGaratia 3:13, “Kristu wakatidzikinura pakutuka kwemurairo.”

Kamutambo: “Kukomborerwa pakuguma”


Chidzidzo: chidzidzo - “Sei Jesu akava chituko”


Zvinodiwa: Jesu (700), vaFarise (702), Vadzidzi (703), chaunga (704), Murume Bofu (709), Bofu raponeswa (710)


Kumudzidzisi:


Kutaura kuti Mwari vanofadzwa neurwere zvakafanana nekuti Adam naEve vakaita sarudzo yakanaka pavakaita chivi, pamusana pekuti sarudzo yakavhura musiwo hweurwere kuti huuye panyika.


Paiva nemapofu akawanda muIsraeri. Mwari aisafanira kuita kuti murume uyu azvarwe ari bofu kuti agoponeswa naJesu. Mabasa aMwari ainge asati atanga maari kusvikira paakaponeswa naJesu. Kudai kubwinya kwaMwari kwairatidzwa kune vanhu kubudikidza neurwere, sei satani asina kuita kuti bofu rigumbuke pamusoro pehupofu hwaro?


Kufunga kuti Mwari akarwarisa murume uyu kuti Jesu agomurapa, hazvibvi mushoko, kufunga kusingabvi mubhaibheri. Hapafanire kunge paine mukaha pakati pendima 3 na4 yaJohane 9 pamusana pekuti Jesu aitaura kuti mabasa aMwari aifanira kuitwa mubofu aikwanisa kuitwa naiye. Kubudikidza nemagwaro ose, Mwari aifadzwa apo vanhu vaiporeswa nekudzikinurwa.


Tsanangudzo:


I. Vadzidzi vaJesu vaiva nemubvunzo pamusoro pebofu ravainge vaona munzira.

A. Vadzidzi vakabvunza, “Ndiani akaita chivi, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvakaita kuti azvarwe ari bofu?”

1. Vakafunga kuti paifanira kunge paine chikonzero chekuti ave bofu.

2. MaJuda aitenda kuti mwana aikwanisa kuita chivi ari mudumbu maamai vake, zvinova zvaikonzera kusagutsika nekuda kweupofu.

B. Jesu akapindura vadzidzi vake kuti haisi mhosva yake kana kuti yevabereki vake zvakaita kuti murume uyu azvarwe riri bofu.

1. Kunyangwe zvirwere zvose zvakapinda munyika kubudikidza nechivi (vaRoma 5:12), hazvirevi kuti kana munhu achirwara anenge aita chivi.

2. Urwere huri panyika, uye tinofanira kuhutora sezvahuri zvisinei kuti tiri muchivi kana kuti hatisi.

3. Pane dzimwe nguva hurwere hunouya nekuda kwechivi chemunhu (Johane 5:14)

C. Mwari haarangi chivi neurwere (Mabasa avapositori 10:38)

1. Satani ndiye muridzi weurwere uye chivi chinomupa mukana wekushanda muupenyu hwemunhu.

2. Kuti Mwari ape munhu chirwere anenge atoba nekuti haana zvinhu zvakaipa (Jakobo 1:17)

D. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti mabasa aMwari aifanira kuitwa mumurume uyu.

1. Jesu haana kuti ubofu aiva mabasa aMwari.

2. Mwari ainge asina kumboita mabasa mumurume uyu panguva dzino.

II. Jesu akaita basa raMwari mubofu iri.

A. Jesu akatsanangura kuvadzidzi vake kuti ndiye aizofanira kuita mabasa aMwari.

1. Jesu ndiye chadzera chokubwinya kwake nomufananidzo wake chaiye. (vaHeberu 1:3)

2. Jesu haana kumboisa urwere pane mumwe munhu, kana kumboudza mumwe munhu kuti anofanira kuramba achirwara.

B. Jesu akapfira pasi ndokugadzira dhaka.

1. Akazodza dhaka pamaziso ebofu.

2. Jesu akaudza murume bofu kuti riende kunogeza mudziva Siroami.

C. Bofu rakateverera mirairo yaJesu pakarepo.

1. Kuterera shoko raMwari kunounza makomborero.

2. Apo murume akageza dhaka kubva mumaziso ake, akabva aona.

D. Shamwari nehama dzemurume uyu dzakada kuziva kuti akaona sei.

1. Pakutanga vamwe vanhu vainge vasina chokwadi kuti ndiye.

2. Akavaudza kuti Jesu ainge amuponesa.


III. Vavengi vaJesu vakagumbuka nechishamiso ichi chekuporesa.

A. Kudai murume akaramba riri bofu, satani aifadzwa nazvo.

1. Chinhu chese chinoba, chinouraya kana chinoparadza chinofadza satani (John 10:10)

2. Tsika dzinomhura simba raMwari chairo.

B. Apo vaFarise vakanzwa kuti Jesu ainge arapa murume uyu vakatsamwa zvikuru.

1. Vakaramba vachibvunza murume uyu kuti ainge arapwa sei.

2. Vakaudza murume uyu kuti Jesu aiva mutadzi.

3. Apo murume uyu ainge aramba kubvuma zvavaipomera Jesu, achiramba akashinga pana Jesu, vakamukanda kunze kweTemberi.

C. Apo Jesu akanzwa zvainge zvaitwa, akatsvaga murume uyu zvekare.

1. Jesu akatsanangurira murume uyu kuti iye ndiye aiva mwanakomana waMwari.

2. Haasi maziso ake enyama akavhurika chete asi maziso ake emwya akavhurikawo zvekare.

3. Mwari anofadzwa kana vanhu vaponeswa.


Dzidziso yemweya:


Kristu akandidzikinura kubva mukutukwa kwemurawu.

Jesu akandidzikinura kubva mukutukwa kwemurairo.


Panzvimbo peurwere, ndine utano.

Panzvimbo penhamo, ndine upfumi.

Upenyu husingaperi akandipa panzvimbo perufu.




KUFADZWA PAKUGUMA


Chidzidzo chechina


Kamutambo


Vatambi: Sally, Amai Wilson, Izwi ramai vaSally

(Sally anopinda)

Izwi ramai: (Risiri pasiteji) Sally! Uripiko mudikani?


Sally: Ndiri mumba yekutambira, amai. Munodaei?


Izwi ramai: Ndinoda kukutuma. Ndinoda kuti uendesera Amai Wilson chikafu chandavagadzirira.


Sally: Ndivo mbuya vaya vanogara kumhiri uko here?


Izwi ramai: Hongu. Vanorwara nechirwere chemakumbo uye havanyanyofamba.


Sally: Munoda kuti ndiende izvozvi here?


Izwi ramai: Hongu, enda kumba kwavo izvozvi, vari kutokutarisira.

Sally: Zvakanaka, ndava kutoenda. (Anobuda)


(Amai Wilson vanopinda)

Amai Wilson: Nhasi gumbo iri riri kunyanya kurwadza. Handimbokwanisa kutsvaira mumba nhasi icho ndicho chokwadi.

(Sally anopinda)

Sally: Mhoroi, Amai Wilson.


Amai Wilson: Mhoro, Sally. Handina kumbonzwa kupinda kwawaita kunyangwe ndanga ndiri kukutarisira.


Sally: Munoda kuti ndiise chikafu ichi mumba yekubikira here?


Amai Wilson: Ndingazvikudza, mudikani, asi kana ukazviisa imomo handizokwanisi kuzvidya nekuti makumbo angu ari kurwadza semare nhasi. Unokwanisa hako kumbosiya ipapo kwechinguva chino.


Sally: Zvakanaka.


Amai Wilson: Yowe! Inga wakura chaizvo, musikana. Ndinotaura naamai vako parunhare kakawanda asi hatisati tamboshanyirana. ndizvo here?


Sally: Kwete hatisati. Hapana chatiri kuita izvozvi, mungada here kunoshanya?


Amai Wilson: Chokwadi ndingada. Ndingafara kutandara nevamwe.


Sally: Ndingakubvunzai, mava nenguva yakadini muchirwara nemakumbo?


Amai Wilson: Ndava nemakore makumi maviri ndakadai.


Sally: Ndakanga ndisati ndatombozvarwa apo makatanga kurwara nhai! Hapana here chinokwanisa kuitwa navana chiremba kuti vakubatsirei?


Amai Wilson: Kudai zvaivapo, mudikani ndingadai ndakabatsirikana kare. Vanondipa mapiritsi ekuti zvisanyanye kurwadza, asi ndizvo zvoga zvavanokwanisa kuita.


Sally: Wakambofunga here zvekuti Mwari vakurapei?


Amai Wilson: Kwete, Sally. Ndinotenda kuti Mwari vakaisa chirwere ichi pandiri kuti vandidzidzise chimwe chinhu.


Sally: Pfungwa idzodzo makadziwana kupi?


Amai Wilson: Kereke yandakakura ndiri yakandidzidzisa zvinhu izvi.


Sally: Handidi kuti ndishore, amai Wislon, asi chechi yenyu haina kukudzidzisai chokwadi.


Amai Wilson: Sally! Ungadaro sei?


Sally: Pamusana pezvinotaurwa neBhaibheri, amai Wilson. Shoko raMwari rinoti Jesu akatora utera hwedu akatakura urwere hwedu.

Amai Wilson: Zvinowanikwa mubhuku ripi izvozvo?


Sally: Muna Mateo 8:17. Rinotaura zvekare kuti nemavanga aJesu takaponeswa muna 1 Petro 2:24.


Amai Wilson: Handina kuziva kuti magwaro iwayo aiva muBhaibheri.


Sally: Uye pane zvakawanda. Chidzidzo chei chamakadzidza pamakore makumi maviri akadarika icho munofunga kuti Mwari aida kukudzidzisai?


Amai Wilson: Handizive. Chinhu chega chandakadzidza ndechekuti handidi kurwadziwa.


Sally: Chizvionai? Zvinoreva kuti Mwari anonoka kudzidzisa kana kuti imi munonoka kudzidza.


Amai Wislon: Sally, usashaya rukudzo kudaro.


Sally: Handizvo zvandiri kutaura, amai Wilson. Ndiri kungoda kukuratidzai kuti Mwari anoda kuti mupore. Kubudikidza nebhaibheri rose, Mwari aifadzwa nevanhu vainge varapwa kwete pavainge vachirwara.

Amai Wilson: Maiwe-e ndanga ndiri benzi. Asi handina kumbonzwa zvinhu zvakadai kare, Sally. Ndinoda kuti undinamatire. Ndinodavira kuti Mwari vachindirapa.


Sally: Hongu! Mwari Baba, ndinonamatira amai Wilson nhasi. Shoko renyu rinotaura kuti Jesu akavadzikinura kubva mukutukwa kwechirwere chemakumbo. Cherwere chemakumbo buda mavari izvozvi nezita raJesu!


Amai Wilson: Chimwe chinhu chiri kuitika! Marwadzo ari kubuda mumakumbo anfu! (vanosvetuka svetuka) ndaponeswa! Ndaponeswa! Mwari ngaarumbidzwe, ndaponeswa!


Sally: Halleluja!


Amai Wilson: Zvinoshamisa izvi! Ndichaenda kunoudza shamwari dzangu dzose. Mwari ngaarumbidzwe! Ndinotenda zvikuru, Sally nekundiudza chokwadi. Ungada here kudya neni chikafu chemanheru nhasi?


Sally: Ndingafara. (vose vanobuda)




SEI JESU AKAVA CHITUKO


Chidzidzo chechina


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: VaGaratia 3:13, “Kristu akatidzikinura kubva muchituko chemurawo” (Deuteronomio 28)


Zvinodiwa: Zvipikiri zvikuru zvitatu, nyundo, pepa risina mitsara, zvibhodhi zvekugadzirisa muchinjikwa.


Gadziriro: Gadzira muchinjikwa wakareba mafiti mana uye wakafara mafiti maviri. Nyora pane rimwe pepa kuti “urombo,” pane repiri nyora kuti “Urwere,” pane retatu nyora kuti “Rufu rwenyama,” uye pane rechina nyora kuti “rufu rwemweya.”


Chidzidzo:


Bhaibheri rinotiudza kuti Kristu akatidzikinura kubva mukutukwa kwemurawu. Waiziva here kuti kudai Jesu asina kutidzikinura, tingadai tiri pasi pekutukwa kukuru? Kutukwa kwemurawu kwakashata uye kwakauya seyeuchidzo kune vanhu vaifunga nezvekutyora murairo waMwari.


Muna Deuteronomio 28, pane zvinhu zvakawanda zvakaipa zvaifanira kuitika kuvana veIsraeri kana vachinge vakanganwa Mwari. Mwari haaise zvinhu zvisakarurama pane vanhu asi kuti satani ndiye anozviita. Maringe naJesu muna Johane 10:10, satani ndiye anoba, anouraya uye anoparadza. Satani anofamba pasi pese achitsvaga vekukuvadza. Hatifaniri kusvora Mwari nekuda kwemabasa asatani.


Muchitenderano chekare, Mwari aikwanisa kunge akachengetedza vana veIsraeri kubva mukutukwa kwese kudai vainge vachengetedza murairo waMoses. Kusaterera kwakaunza kutukwa kutatu. (Simudza bepa rinoenderan nezvaunenge uchitaura apo unotaura chtuko chimwe nechimwe.) Urombo hwakavimbiswa kune avo vaisaterera murairo waMwari. Mwari vakataura kuti urombo chaiva chituko. Rufu nekupatsanurwa naMwari zvakataurwawo zvekare. Chituko chekupedzisira chaiva urwere. Mwari vanodana urwere kuti chituko kwete maropafadzo!


Apo Mwari vakasika munhu vakaisa nyika mumaoko ake, zvose zvaiva zvakanaka. Painge pasina urombo, urwere kana rufu. Pamusana pekuti Adam akaita chivi, chivi chakapinda munyika. Urwere hwakauya kubudikidza nechivi uye satani.


Apo Jesu akauya panyika, akachengetedza murairo waMoses zvakanaka. Haana kumboita chivi. Akatevedzera mirairo yose yemurawu, haana kumboita chakaipa kana kusaterera murairo waMwari, kunyangwe akatukwa paaiva pamuchinjikwa. Kutukwa kwemurairo kwakauya pana Jesu!


Chituko chekutanga pana Jesu chaiva cheurwere. Akatora mavanga aiva pamuviri wake kuti isu tirapwe. (Rovera chipikiri chimwe kurudyi rwemuchinjikwa uchinamatidza pepa rakanyorwa kuti “Urwere” pabhodhi.)


Kechipiri Jesu akarwadziswa neurombo. Akarasikirwa nezvaaiva nazvo zvose panyika, kunyangwe mbatya dzaaiva akapfeka. Urombo chituko uye chakwira pana Jesu. (Rovera pepa rakanyorwa kuti “Urombo” kurutivi rweruboshwe rwemuchinjikwa)


Rufu chinhu chinorwadza. Chituko chiri paviri pamusana pekuti pane mhando mbiri dzrufu. Rufu rwatinofunga kazhinji, rufu rwenyama. Rufu rwenyama runoitika kana mweya wemunhu wasiya mutumbi uye mutumbi unenge wafa. Izvi zvakaitika kuna Jesu. Mutumbi wake wakafa. Hatifanire kutya rufu rwepanyama pamusana pekuti kana mutendi akafa zvino, mweya wake unonanga kudenga.


Rufu rwechipiri, rufu rwemweya - kupatsanurwa naMwari. Jesu akapatsanaurwa naMwari paakaroverwa pamuchinjikwa. Akachema, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Kunyangwe Mwari akabva pana Jesu apo akafa pamuchinjikwa. Kwemazuva neusiku hutatu, Jesu ainge akapatsanurwa naMwari. Akarwadziwa nerufu rwemweya kuti isu tibatanidzwe naMwari muupenyu. (Rovera mhando mbiri dzerufu pasi pemuchinjikwa.)


Makumbo aJesu akaiswa rimwe pamusoro perimwe ndokuroverwa pamuchinjikwa nechipikiri chimwe chete. Ichi chiratidzo chezvituko zviviri zverufu rwakarwadziswa narwo Jesu.


Chituko chemurairo chakawira pana Jesu ainge asingafaniri kuwirwa nacho zvachose. Sei akitwa chituko? Haana kumbotadza. Akatambudzika panzvimbo pedu. Tinofanira kuchinga kutora mibairo yatakatengerwa naJesu kubudikidza nekutambudzika kwake. Urombo, urwere nerufu zvituko uye takadzikinurwa kubva mazviri kubudikidza naKristu!


DZOKORORO


Chidzidzo chechina


Shandisai shoko:


Pane munhu waunoziva here akambogashira chishamiso chekuponeswa? Pamwe ainge akapofomara, ava kuda kufa kana mhetamakumbo, uye Mwari akavaporesa. Tiudze pamusoro pavo.


Vakatenda Mwari here nekuda kwekuponeswa kwavo?


Mibvunzo yemutambo:


1. Vadzidzi vakabvunza Jesu kuti chii maererano nemurume akazvarwa ari bofu?

2. MaJuda vaifunga kuti chii maererano nemwana mudumbu maamai vake?

3. Jesu akati upofu hwemwana chaiva chikonzero chechivi chake here kana kuti chevabereki vake?

4. Urwere hwakapinda sei panyika?

5. Chivi chemunhu ndicho chinokonzera urwere muupenyu hwake here nguva dzose?

6. Mwari anoranga chivi kubudikidza neurwere here kana denda?

7. Mwari anofanira kuita sei kuti ape munhu urwere?

8. Mabasa aani akanzi naMwari anofanirwa kuitwa mumurume bofu umu?

9. Upofu ibasa raMwari here?

10. Jesu aiva chiratidzo chaani?

11. Jesu akamboisa urwere pane mumwe munhu here kana kuudza mumwem unhu kuti anofanira kuramba achirwara?

12. Jesu akashandisa nzira ipi kuita chishamiso ichi chekuponesa?

13. Kuterera shoko raMwari kunounza chii nguva dzose?

14. Shamwari nehama dzebofu dzakaita sei padzakaziva nezvekurapwa uku?

15. Chii chinofadza satani?

16. VaFarise vakaita sei apo vakanzwa kuti Jesu ainge arapa murume uyu?

17. VaFarise vakaudza murume kuti Jesu aiva chii?

18. VaFarise vakaita sei kumurume uyu apo ainge aramba kuvaterera?

19. Jesu akavhura mamwe maziso api kumurume uyu zvekare?

20. Mwari vanofadzwa here neurwere kana zvirwere?



KARUVARA KEKUBWINYA


Chidzidzo chechishanu


Ndima yekutarisa: Mateo 16:13-28, 17:1-13


Chokwadi: Jesu anorumbidzwa nekuti akaterera Mwari kusvika mukufa.


Ndima yemusoro: Mateo 10:32, “Mumwe nemumwe achandipupura pamberi pevanhu, neni ndichamupupurawo pamberi pababa vangu vari kudenga.”


Kamutambo: “Ndinosarudza Jesu”


Chidzidzo: ngano - Kusvika pakuguma


Zvinodiwa: Jesu (700), vadzidzi (703), Petro (712), Jakobo (713), Johane (714), Moses (715), Eriya (716)



Kumudzidzisi:


Kushandurwa kwakaitwa Jesu chaiva chiratidzo chekukudzwa kwaaizoitwa kana achinge apedza kudzikinura. Kurwadziwa kwake kwaiva kwakakura zvekuti aikwanisa chete kutsunga mumashure mekurangarira zvaizotevera. Njere dzake dzechiKristu dzinopatsanura kubva mune zvimwe zvitendero rudo rwaMwari rwakakura zvikuru zvekuti iye akatambudzika kuitira kuti vanhu vave nehushamwari naMwari. Mune zvimwe zvitendero, vamwari vavo havana chavanotambudzika nacho uye ruponeso runowanikwa netsika dzevadzidzi vavo.


Kurudzira vana vako kuti vatevere muenzaniso waJesu nekuita kuda kwaMwari. Kunyangwe kuterera kwedu kuchitipinza mumatambudziko dzimwe nguva, mubairo wekudenga unenge wakakodzera.


Tsanangudzo:


I. Jesu aida kuti vadzidzi vake vazive vasingakahadziki kuti iye ndiani.

A. Pakava nekusanzwisisa kukuru pamusoro paJesu.

1. Mamwe maJuda akafunga kuti aiva Johane mubhabhatidzi amutswa kubva muvafi.

2. Vamwe vakafunga kuti ndiEriya kana Jeremia kana mumwe wevaporofita vechitenderano chekare adzoka kuupenyu.

B. Jesu akabvunza vadzidzi vake kuti vaifunga kuti ndiye ani.

1. Vaifanira kutevera chinhu chiri mugwara kuti vazoshanda zvakanaka muhushumiri.

2. Peter akapindura, “Ndimi Kristu, mwanakomana waMwari vanorarama.”

C. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vanhu vaikwanisa kuziva izvi chete kana Mwari Baba vazviratidza kwavari kubudikidza neMweya Mutsvene.

1. Pasina Mweya Mutsvene, hatikwanisi kunzwisisa zviri maererano nebhabheri (1 vaKorinte 2:14)

2. Mweya Mutsvene unozivisa vanhu pamusoro pezvivi nepamusoro pekuva nemuponesi. (Johane 16:8-9)

D. Jehova vakati vachavaka kereke yavo padombo rekuzarurirwa.

1. Kereke yakaumbwa neavo vose vanotenda muna Jesu.

2. Kana tichitenda mushoko raMwari, tinosimbiswa neDombo rinotidzivirira kubva mumadutu eupenyu.

II. Jesu akaedza kutsanangura kuroverwa kwake kuvadzidzi vake

A. Vadzidzi vakatenda kuti Jesu ndiye mambo.

1. Vaitarisira kuti abvise maRoma pachigaro cheushe hwepanyika.

2. Rimwe zuva Jesu achadzoka panyika pano kuzotonga kwemakore chiuru chimwe.

B. Chinangwa chikuru chaJesu chaiva chekudzikinura vanhu kubva muzvivi.

1. Pasina kudeuka kweropa hapana kanganwiro. (vaHeberu 9:22)

2. Izvi zvinokwanisika chete nekufa kwaJesu nekumuka kwake.

C. Jesu akatsanangura kuvadzidzi vake zvaizoitika kuJerusarema.

1. Akavaudza kuti aizotambudzika nezvinhu zvizhinji kubva kuvakuru vesangano uye kuvapirisita vakuru, aizourayiwa uye aizomutswa kubva kuvakafa.

D. Jesu akadzivisa satani uyo aiedza kumudzivisa kuti asaterere Mwari.

1. Satani ndiye aiva honzeri yemashoko aitaurwa naPetro.

2. Pamusana pekuti munhu ari kushandiswa nasatani hazvirevi kuti ane madhimoni kana kuti anoda kudzikinurwa.

III. Jesu akaona kubwinya kwaizouya kana achinge aterera Mwari kusvika pakuguma.

A. Rimwe zuva Jehova vakatora Petro naJakobo naJohane vakaenda navo pamusoro pegomo.

1. Pamusoro pegomo, Jesu akatanga kupenya nekubwinya kwaMwari.

2. Kumeso kwake kwaipenya sezuva uye mbatya dzake dzaiva dzakachena semwenje.

B. Pakarepo, Moses naEriya vakaonekwa parutivi rwaJesu.

1. Vakataura naKrsitu pamusoro pekuroverwa kwake.

2. Kutambudzika kwaJesu kwakaunza kushinga.

C. Vadzidzi vatatu ava vakashamisika nezvavakaona.

1. Izwi raMwari rakataura kwavari richibva mugore ndokuti, “Uyu mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira. Mumuterere,” (Mateo 17:5)

2. Jesu akavaudza kuti vasataure pamusoro pezvavainge vaona kana kunzwa kusvikira amutswa kubva kuvakafa.

D. Mwari vakataridza kubwinya kwavo kuna Jesu uko kwaizova kwake kana achinge abvuma kudzikinura vanhu.

1. Jesu iye zvino ari kurumbidzwa uye ndiye mambo wemadzimambo uye Ishe wemadzishe.

2. Apo tinotevera Jehova nemoyo wakatendeka, kana nesuwo tinogashira mibairo yekudenga.



Dzidziso yeMweya:


Jesu ainge akatendeka kuna Mwari.

Akafa kuti azadzise hurongwa hwaMwari hwekudzikinura vanhu.

Akarumbidzwa naMwari.

Uye apo ndinpoterera shoko raMwari,

Ndichaonawo kubwinya kwaMwari.



NDINOSARUDZA JESU


Kamutambo


Chidzidzo chechishanu


Vatambi: Mubvunzi, Moses


Mubvunzi: Tiri kufara kuti tine mumwe wevanhu vanotaurwa nezvavo mubhaibheri. Anozivikanwa semwana wemubhasikiti, murume akatungamirira vanhu kuti vabude muEgipita, uye muporofita anoziva Mwari sezvaari chaizvo. Ngatigamuchirei Moses.


(Moses anopinda)

Moses: Mwari ngaarumbidzwe. Mwari ngaarumbidzwe. Zvakakosha kuva panyika zvekare. Ndaisimbogara pano unozviziva here?


Mubvunzi: Hongu, ndinozviziva. Waimbova mutungamiriri wevaIsraeri. Waiva nebasa rakanaka!


Moses: Hongu Mwari vakandibvumidza kuti ndiite zvinhu zvakawanda zvekuti varumbidzwe.


Mubvunzi: Ndezvipi zvimwe zvishamiso zvawakaita?


Moses: Ndaingova muziyo hwaMwari. Simba rake rakaita zvishamiso zvose. Regai ndione, Ndaiva nemudonzvo waishanduka kuita nyoka.


Mubvunzi: Zvinoshamisa izvo!


Moses: Ichokwadi. Handikanganwi kuzvonyongoka kwaiita mudonzvo wangu pasi mumba maFaro. Ndakashandisa mudonzvo iwoyu muzvishamiso zvose zvaidiwa naMwari kuti ndiite.


Mubvunzi: Wakatambanudza mudonzvo wako here pamusoro pemvura dzemugungwa Dzvuku kuti udzipatsanure?


Moses: Hongu, ndakazviita. Ndakashandisa mudonzvo uyu kurova dombo mvura ikabuda. Chimwe chinhu chinoshamisa chandakaita nemudonzvo uyu, kugadzira matatya.


Mubvunzi: Panguva yawaiva kuEgipita here apo Faro ainge aramba kusunungura vanhu vaMwari?


Moses: Hongu, Mwari vaida kubatsira Faro kuti afunge zvakanaka kuti tiende, saka vakagadzira mamirioni akawanda ematatya.


Mubvunzi: Matatya ekutambisa? Matatya ezvippa?


Moses: Kwete. Mwari vakaita matatya chaiwo, mamirioni awo. Faro akava nematatya mushangu dzake, mungundu yake, mundiro yake yechikafu, pamubhedha pake, kunyangwe muzvikokisi zvake. Ichi chaiva chishamiso chinosekesa.


Mubvunzi: Ndinotondera zvishamiso zvizhinji zvawakaita kubudikidza nerubatsiro rwaMwari.


Moses: Hongu, ndakawana chikamu changu chezvishamiso izvi.


Mubvunzi: Wakanyora zvekare mabhuku mashanu ekutanga muBhaibheri.


Moses: Ndizvozvo. Ndakanyora zvandakaudzwa naMwari kuti ndinyore. Zvaiva zvisina kuoma.Akandiudza chaizvo zvekuti ndinyore.


Mubvunzi: Mwari vakakupa mirairo ine gumi here?


Moses: Hongu, ndakaipiwa pandakashanyira Mwari pagomo reSinai.


Mubvunzi: Mamirioni evanhu akakomborerwa newe, Moses. Mwari vakakushandisa kuti uite zvishamiso, utungamirire vanhu vake kubva muEgipita, kunyora mirairo yake nezvimwewo zvakawanda. Ndechipi chinhu chakakosha chawakaitira Mwari?


Moses: Chinhu chakakosha chandakaitira Mwari chakaitika ndafa.


Mubvunzi: Zvinonakidza izvi, wakaita chii?


Moses: Rimwe zuva apo Jesu ainge achiri panyika, akatora Petro naJakobo naJohane akaenda navo kumusoro kwegomo. Apo vainge vavepo, Mwari akatumira Eriya, muporofita kuti asangane naJesu. Ndakamira naye kuti azive kuti ndaiva naye mune zvose zvaaiita.


Mubvunzi: Iri raiva basa rakakosha zvikuru.


Moses: Ndizvozvo. VaJuda vazhinji havana kutenda kuti Jesu aiva mwana waMwari uye vaifunga kuti Jesu aipikisana nerudzidziso rwavo.


Mubvunzi: Aiva achipikisana nemi, ndizvo here?


Moses: Kwete. Aida kuratidza vanhu nzira kwayo yekurarama muna Mwari kudarika zvandaiita ini.


Mubvunzi: Makapa vanhu mirairo yaMwari mukaratidza kuti chivi chii?


Moses: Hongu, asi Jesu akauya kuzopa vanhu moyio mitsva kuti vasaite chivi. Murairo wangu, waingoyambira vanhu pamusoro pechivi. Jesu akaratidza vanhu kuti vangakurira chivi sei.


Mubvunzi: Saka zvaiva zvakakosha kwauri kuti ubatsire Jesu?


Moses: Hongu, zvaiva zvakakosha zvikuru. Ndaiziva kuti aifanira kufa pamuchinjikwa, saka ndakamuudza kuti rudzi rwese rwevanhu, kusanganisira neni, vaivimba naye kuti atidzikinure muzvivi.


Mubvunzi: Ndine chokwadi kuti Jesu akafara kuti wamusimudzira.


Moses: Jesu haana kuruza moyo, asi ndakafara nekuti ndaikwanisa kumusarudza

uye kuti aizive kuti aiita zvinhu zvakanaka.


Mubvunzi: Kana neniwo ndinosarudza Jesu. Ndinomusarudza saMambo wangu.


Moses: Ndinoshuva kuti dai Jesu achisarudzwa nemunhu wese. Vamwe vanhu havape Jesu mukana wekuti ave Mambo saka vanosarudza chivi.


Mubvunzi: Ndiri pano kuti ndikubatsirei kuita sarudzo, vakomana nevasikana, sarudzo yakanaka ndiJesu!


Moses: Ameni!



KUSVIKA PAKUGUMA


Chidzidzo chechishanu


Ngano


.......nomwe,........rusere....” Jamie akazviswatura apo aisimudza chisimbi kuti achidzosere panzvimbo pacho. Jamie aida zvikuru kukwana pachikwata chebhora gore rino. Vanhu vose vaimuudza kuti ainge asina kukodzera kuti ave muchikwata chenhabvu. Panguva ino zvaizoshanduka chete, aisatora kwete semhinduro. Pese paaitondera, airota ari muchikwata cheBelmont. Iye zvino ainge azvipira kuti zvinhu zvakaita semumhu wake zvimutadzise kupinda muchikwata. Aizozviratidza kuti anokwanisa, vaizozvionera.


Pfungwa dzake idzi dzakakanganiswa neshamwari yake, Jack uyo akamurova musoro nepawindo. “Iwe, Jamie! Unod ahere kuenda kuchitoro?”


Kwete, Jack handikwanise.”


Ah, huya kani vamwe vakomana vose vari kuenda.”


Pamwe nguva inotevera.” Jamie akawedzera umwe huremu hunosvika mapaundi gumi.


Zvisiye kani Jamie. Haukwanise kupinda muchikwata iwe unonyatsozvoziva.”


Jamie akafunga pamusoro pezvinhu zvakawanda zvaaikwanisa kunge akaudza Jack asi akafunga kuti aende.


Aka kakava kechishanu musvondo iri apo Jamie aizoguma aregera kudzidzira. Pamwe aingozvinyepera hake. Pamwe Jack nevamwe vose vainge vataura zvakanaka. Kwete. Akanzwa mweya wake kusimuka. Kwete, inhema chaidzo, satani, handizvigashiri nezita raJesu. Jamie akadzokera kunosimudza masimbi ake. “Motsi,... piri.....”


Masvondo matanhatu akapfuura uye nguva yekutaura chokwadi yainge yasvika. Muchirimo chose, Jamie ainge azvidzikamisa. Shamwari yainge yamupa madzidzisirwo aivainge vachiitwa uye ainge afunga kuzviita zvakapetwa kaviri. Kana zvainzi anofanira kuzviita kashanu iye aizozviita zvakapetwa kaviri. Aimhanya mamaira mashanu mazuva ose uye airamba chimwe chikafu chakawanda chaaizopiwa namai vake. Akaramba kuenda kumabiko mazhinji neshamwari dzake uye aisimudza masimbi nemoyo unoda. Iye zvino ainge atarisira kuona kuti kushanda kwake kwese uku kwaizomubatsira here.


Mudzidzisi akaenderera mberi nekuverenga mazita evanhu. “Phillips, Rogers naSmith ndimi mava kutevera.” Vakomana, ndiko kupera kwazvoka uku, akafunga Jamie. Ndinokutendai nekuda kwekuti pese pandinoisa maoko angu pandinoisa maoko angu panobudirira kubudikidza naJesu uyo anondisimbaradza. Kent Rogers ndiye aitanga gore rapera uye David Philips ndiye aizotevera. Ndivo vakomana vakanditadzisa kupinda gore rapera, akafunga Jamie.


Smith”


Ndiri pano,” akapindura Jamie.


Hauna kumboedza here gore rapera?”


Ndakaedza.”


Mudzidzisi akabvunza. “Ndechipi chinzvimbo chawaida kuedza nhasi?”


Kugamuchira, mudzidzisi.”


Zvakanaka. Jansen, iwe kanda. Logan, vhara. Rega tione kuti zvinofamba sei mwana.”


Jamie akaenda kuti anopira. Gadzirirai, Gadzirirai, akafunga. Logan akaenda pakati paJamie nebhora, asi ainge anonoka. Minwe yaJamie yainge yatobata bhora zvakasimba. Izvi zvakapa mukana wakanaka mukuedza uku. Akabata mabhora ose uye akadzikisira vatambi vose vaaifunga kuti vaizomukunda. Akanzwa kukunda mukati make. Kushanda kwake zvakaomarara kwainge kwamuwanira mibairo pakuguma. Mudzidzisi akashamiswa nekugona kwakaitika sechishamiso. Mudzidzisi akaudza Jamie kuti haasi iye waaiziva ainge amboedza gore rapera. Jamie akaudzwa zvekare kuti aizogashira runhare runotaura mhedzisiro yekuedzwa kwake kuti aonekwe kuti akakodzera here kupinda mumutambo. Jamie akamhanya kumba achifara zvikuru.


Haana kukwanisa kudya chikafu chemanheru zuva iri. Pese pairira runhare, aimhanyira pasina mumwe ati asimuka pachigaro chake.


Usapaparike,” vakadaro amai. “Mudzidzisi anokuchaira runhare kana ava neruzivo nazvo.”


Dzikama, mukoma,” akawedzera munin’ina wake, Ben. Anga amirira kwenguva refu, uye runhare rwakazosvika pava pashure.


Smith?”


Ndini, vakuru.”


“”Ndini mudzidzisi Howard. Mwana, Handizive kuti ndingataura sei zvandinofanira kutaura.” Moyo waJamie wakanyura. Izvi zvainge zvisingaratidzi kufadza zvachose.!


Pawabva pakuedzwa paya, Phillips akuvara. Ndagashira runhare kubva kuna chiremba kuti haazokwanisi kutamba kwechikamu chikuru chemwaka. Koita Rogers, haana kutamba nhasi. Zviri pachena kuti anga ari kumbozorora. Hazvingandishamisi kana akarega kudzoka. Hasvisizvo zvandinotarisira kuchikwata changu. Saka zvandiri kuedza kutaura, mwana, ndezvekudai, iwe ndiwe uchava mutungamiri wedu wekugashira mwaka uno. Makorokoto, mwana, wakakodzera,” vakadaro vamudzidzisi.


Nditswinyei, ndiri kurota,” akadaro Jamie apo akadzosera runhare pasi. “Musazondimutsa!”


Huya kuno, mukoma, usapedzera nguva,” akadaro Ben.


Vakomana, ndakwana muchikwta! Handina kungokwana chete muchikwata asi kuti izvozvi makatotarisana nemutangi wechikwata cheBelmont Tigers.”


Zvakanaka!” akadanidzira munin’ina wake apo airova zvake maoko.


Zvinofadza izvi! Zvakanaka chose, mudikani,” vakadaro amai.


Ndinofanira kukutendai nhasi.”


Inini, ndakaita chii?” vakabvunza amai.


Ndimi makandiudza zano rekuita kuti ndiwane simba apo ndainge ndichida kuregera. Makandiudza kuti handizokwanisi kuzadzikisa chiroto changu kana ndisina kushinga kusvika pakuguma. Ndinotenda Mwari kuti ndakaterera mashoko enyu ekuraira ndikaatevedzera kusvika pakuguma.!”





DZOKORORO


Chidzidzo chechishanu


Shandisai shoko:


Mwari akambokupai chiroto chekuti uchava chii kana kuti uchaita chii kana wakura? Tiudze pamusoro pazvo.


Mibvunzo yemutambo:


1. Mamwe maJuda aifunga kuti Jesu ndiani?

2. Sei zvaiva zvakakosha kuti vadzidzi vaJesu vazive kuti ndiye ani?

3. Petro akadaira achiiti chii paakabvunzwa naJesu kuti vaifunga kuti ndiye ani?

4. Sei tichida mweya Mutsvene kuti utibatsire muupenyu hwedu?

5. Mweya Mutsvene unotsiudza vanhu pamusoro pei?

6. Jesu anotaura sei kuti aizovaka sangano rake?

7. Tinomiswa sei nedombo richatichengeta kubva mumadutu eupenyu?

8. Sezvo vadzidzi vaitenda kuti Jesu ndiye mambo, vaitarisira kuti achaita sei?

9. Basa guru raJesu raiva rei?

10. Ndeipi nzira yoga iyoJesu aizodzikinura vanhu kubva muzvivi?

11. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti chii chaizoitika kuJerusarema?

12. Ndeupi mudzidzi akaedza kumisa Jesu kuti asataure nezvekurwadziwa kwake?

13. Ndiani aiva honzeri yemashoko aitaurwa naPetro achiedza kumisa Jesu kuti asaende kumuchinjikwa?

14. Ndiani akaenda naJesu kugomo?

15. Chii chakaitika kuna Jesu pagomo?

16. Ndevapi vanhu vaviri vechitenderano chekare vakaonekwa vakataura naJesu?

17. Moses naEriya vakataura naJesu pamusoro pei?

18. Izwi raMwari raiti chii kuvadzidzi pamusoro paJesu?

19. Sei chiitiko chekushandurwa chakaitika kuna Jesu?

20. Tinogashira chii kana tichitevera Jehova takatendeka?





JAYA MUPFUMI NARAZARO


Chidzidzo chechitanhatu


Ndima yekutarisa: Ruka 16:19-31


Chokwadi: Humbimbindoga haufadzi Mwari.


Ndima yemusoro: Mateo 19:19, “Ida wekwako sezvaunozvida iwe.”


Kamutambo: “Kusiiwa”


Chidzidzo: ngano - “Ruka McGee anonamata”


Zvinodiwa: Mupfumi (717), Razaro nemaronda (718), imbwa (719), Razaro mumashure merufu (720), Mupfumi achitambudzwa (721),

Abrahama (722)


Kumudzidzisi:


Chidzidzo chino chinodzidzisa pamusoro pekusaita humbimbindoga hunounza kuparadzwa. Mupfumi akaenda kugehena kwete pamusana pekuti aiva mupfumi asi kuti aiterera mirairo yaMwari, inova ndiyo nzira yoga yoruponeso. Hachisi chivi kuva nemari yakawanda. Kunyengera kwehupfumi nehumbimbindoga hunofambirana naho, hunoparadza upenyu hwevanhu. Nyaya iyi haisi ngano. Inyaya chaiyo yakaitika, nekuti Jesu akati, “Mumwe mupfumi,” apo anotanga nyaya iyi. Abrahama haangova mutambi chete asi kuti munhu wechokwadi, uye Jesu aiziva zvainge zvaitika chaizvo. Mupfumi akaramba kuterera

murairo wechipiri uye akatadizsa mweya wake kuwana ruponeso.


Tsanangudzo:


I. Mumwe mupfumi aiva nezvese zvaaida muupenyu.

A. Zvinhu zvose zvaidiwa panyama nemupfumi aiva nazvo.

1. Aipfeka nhumbi dzose dzaikwanisa kutengwa nemari zhinji.

2. Chikafu chose chainge chakanaka - aigara aine mabiko.

B. Mwari havapokane nevanhu vane zvinhu zvakanaka nemari yakawanda.

1. Makomborero ake anounza zvakawanda kwauri (Zvirevo 10:22)

2. Mwari anopokana nehumbimbindoga nenhafu. Anopokana nekuti iwe utongwe nezvinhu pane kuti iwe utonge zvinhu.

C. Mupfumi aiva nehumbimbindoga.

1. Aingozvifunga iye pachake nezvekuti iye afare.

2. Kana uine humbimbindoga, unorasikirwa nemakomborero aMwari, nekuti makomborero aMwari anobva kune avo vanopa.

III. Vose vakafa, Razaro nemupfumi vakaenda kuupenyu husingaperi.

A. Razaro akaenda kunzvimbo inodanwa kuti paradiso yaAbrahama.

1. Uku ndiko kwaienda vanhu vainge vaongororwa nemutemo waMoses, Jesu asati amutswa kubva kuvakafa.

2. Mumashure mekumutswa kwaJesu kubva kuvakafa, Paridiso yakava denga dzvene (II vaKorinte 12:4, vaEfeso 4:8)

3. Haufaniri kuva murombo kuti uende kudenga.

4. Mwari anokuda sezvauri, uye kana ukavimba naye, anokuchengetedza.

B. Mupfumi akaenda kuGehena.

1. Kunyangwe hazvo mupfumi aikwanisa kutenga zvose zvaaida panyika pano, haaikwanisa kutenga nzira yake yekuenda kudenga.

2. Mwari anoda kuti tivimbe naye, kwete muupfumi.

3. Mupfumi akenda kugehena pamusana pekuti haana kutevedzera mirairo yaMwari.

C. Apo Razaro ainge achifara muParadiso, mupfumi aitambudzika ari kuGehena.

1. Denga inzvimbo yekufara.

2. Gehena inzvimbo yekurwadziwa nekutambudzika.

D. Mwari aisada kuti vanhu vaende kuGehena.

1. Gehena rakagadzirirwa satani nevatumwa vake, kwete vanhu (Mateo 25:41)

2. Vanhu vanoenda kuGehena nekuda kwavo - nekuramba kugashira Jesu saMambo wavo.

E. Mupfumi akakumbira Abrahama kuti atumire Razaro aende kunoyambira hama dzake nekuda kweGehena.

1. Abrahama akaudza mupfumi kuti kana hama dzake dzikarega kutenda mushoko raMwari, havangatendi kune mumwe munhu akamutswa kubva kuvakafa.

2. Shoko raMwari rakasimba uye rinounza kutenda mumoyo yevanhu kuti vatende.

F. Tinofanira kuda nekubatsira vamwe, kusanganisira varombo, vanoshaya.

1. Jesu akafira iwe apo wainge uchiri muzvivi, uye chivi chakaipa kudarika munhu waunofunga kuti akaipisisa.

2. Jesu akati kana usingade hama yako yaunoona, ungada here Mwari wausati wamboona?

3. Dzidza kuda avo vakakutenderedza - uchava saJesu!


Dzidziso yemweya:


Ida wekwako sezvaunozvida iwe.

Ida wekwako sezvaunozvida iwe.

Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

Ida wekwako sezvaunozvida iwe.


Ida wekwako sezvaunozvida iwe.

Ida wekwako sezvaunozvida iwe.

Ratidza rudo rwaJesu Kristu.

Rega rudo rwake rupenye muupenyu hwako.

Ida wekwako sezvaunozvida iwe.


KUSIIWA


Chidzidzo chechitanhatu


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Mary, Jerry, Moyo waBennie, satani


(Mary naJerry vanopinda)

Mary: Jerry, unombotamba naBennie dzimwe nguva, ndizvo here?


Jerry: Hongu, ndinotamba naye kakawanda.


Mary: Asi ini ndinoda kutamba newe zvakanyanya.


Jerry: Kana neniwo ndinoda kutamba newe, zvekare.


Mary: Ini newe tinokwanisa kuva nehushamwari? Ngatibvisei Bennie torega kuva nebasa naye.


Jerry: Zvinoita kunge zvakanaka kwnadiri. Saka iwe neni tinenge tava nehushamwari hwakakomba.


(Vose vanogutsurira misoro yavo vachibvumirana vobva vabuda.)

(Bennie anopinda)

Bennie: Handizive kuti Mary na Jerry vaenda kupi. Amai vangu vangondipa madhora mashanu uye ndinoda kuenda nayo kunotenga zvidyiwa zvinotonhorera. (Bennie anotarisa tarisa) Ho-o avo vari uko avo. Iwe, Mary na Jerry, munoda here ku.... Vakabva vafamba zvavo vachienda. Ndinoziva kuti vandinzwa uye vandiona.


(satani anopinda)

Satani: Iwe, wakapusa kani haukwanise kuona zviri pachena kudai? Vari kukusiya, havachadi kutamba newe. Havasisina chekuita newe.


Bennie: Handisi benzi. Ndiri kuona zvavari kuita. Vari kundisiya. Havachadi kutamba neni.


Satani: Wazviziva, wakangwarira iwe. Chiona zvaunofanira kuita iye zvino. Usambova nebasa navo. Enda unotenga zvinotonhorera zvese zvaungade uye wobva wadyira pavanokuona. Zvichavagadzirisa izvozvo.


Bennie: Handichina chekuita navo, ndinokwnaisawo kuita utsinye ini. Ndava kuend akunotenga ndodyira pamberi pavo chaipo. Ndichavagadzirisa!


Satani: Waita ruvengo rwakanaka. Wandifadza nhasi, mwana. (Anoenda)


(Moyo waBennie unopinda apo Bennie anotanga kufamba achienda)


Moyo: Uri kuenda kupi, Bennie?


Bennie: Ndiri kuenda kunotenga zvekudya.


Moyo: Uri kuda kudyira kupi?


Bennie: Hazvina chekuita newe! Ndibvire apa!


Moyo: Zvine chekuita neni. Mwari vakati ndinofanira kufambisa upenyu hwedu. Iye zvino wava kuda kuita zvako wega.


Bennie: Ndinotadziswa nei?


Moyo: Pamusana pekuti Mwari akadururira rudo rwake pandiri, saka handingadaro.


Bennie: Zvisinei, unofunga kuti tinofanira kuita sei?


Moyo: Rega ndikuudze....(Moyo anozevezera munzeve maBennie)


Bennie: Unofunga kuti zvinoshanda here?


Moyo: Rudo harukundikane?


Bennie: Zvakanaka, ndichazviita?


Moyo: Ndiwo mafungiro acho andinoda iwayo. (Anoenda)


Bennie: Ndiri kufara kuti ndaterera kumoyo wangu. Ndava kutonzwa zvakanaka kare. (Satani anopinda zvekare)


Satani: Iwe mwana, uri kukanganisa marongero angu. Usakanganwe kuti vakakuita sei.


Bennie: Satani, Bhaibheri rinoti rudo rwaMwari rwadururirwa mumoyo mangu! Ndiri kuterera moyo wangu, kwete iwe! Iye zvino chindisiya nezita raJesu! (Satani anoenda) Iye zvino ndichatevera yambiro yemoyo wangu. (Anoenda)


(Mary naJerry vanopinda zvekare)

Mary: Pane chimwe chinhu chinoshamisa chaitika kwandiri, Jerry.


Jerry: Chii chaitika?


Mary: VaHanson vachaya runhare kubva kuchitoro chezvinotonhorera, vati ndiuye kuzotora chidyiwa chatobhadharwa kare naBennie pamusana pekuva shamwari yake yakanaka.


Jerry: Chokwadi? Zvaitikawo kwandiri.


Mary: Ko sei Bennie aita zvakadaro mumashure mezvatamuita?


Jerry: Handizive asi ndinoziva kuti takanganisa. Bennie ishamwari yakanaka. Handichamusiya zvekare.


Mary: Chero neniwo. Handei tinomutsvaga timuudze kuti takanganisa.


Jerry: Zvakanaka! Tobva taenda nekuchitoro kuya.

(Vose vanobuda)



KUNAMATA KWARUKA MACGEE


Chidzidzo chechitanhatu


Ngano


Ibva pano panyika pangu ndingakubvarura ukaita zvidimbu zvidimbu!” akadaro Ruka McGee. “Ndakaisachiratidzo chekuyambira vafambi pamusoro pekuuya panyika pangu. Iye zvino chibuda!”


Gospel Bill ainge asati amboona murume ane ruvengo rwakadai. Ainge asingadi kuuya papurazi paMcGee, asi aida kubatsira imwe mhuri yaigara padyo.


Ndinokumbirawo, vaMcGee,” akadaro Gospel Bill. “Ndinokumbirawo kutaura nemi kwekanguva kashoma ikako.”


Handina nguva yekutaura nevapfuuri ini!” akadaro McGee.


Ndichaenda mumashure mekanguva kashoma,” akadaro Bill., “asi ndinoda kukubvunza chinhu chimwe chete. Mhuri inogara pedyo newe iri mumatambudziko. Tsime ravo rakapwa uye vanoda mvura yekuti vanwise mombe dzavo. Hapana kana rimwe donhwe remvura papurazi pavo.”


Haisi mhosva yangu,” akadaro McGee. “Handisini ndakati vagerepo.”


Vanhu vakanaka, vanoshanda zvikuru,” akadarozve Bill. “Ndangouya kuzokumbira kuti ungakwanisa here kunwisawo mombe dzavo mvura kusvikira vachera tsime idzva.”


Kwete!” akadaro Ruka McGee. “Ndinoda mvura yose iri mudziva mangu kuti inwiwe nemombe dzangu.”


Asi hauna kana mombe imwe chete zvayo iri munzvimbo ine dziva rako. Une mvura munzvimbo tsere kana gumi chaidzo,” akadaro Bill. “Uye pamusoro pazvo, vari kuda kubhadhara mvura yacho.”


Mhinduro inoti kwete!” akadaro McGee. “Iye zvino ndava kukuyambira - ibva panyika yangu!” McGee akasimudza pfuti yake ndokunongedza kuna Gospel BIll.


Zvakanaka,” akadaro Bill. “Ndava kuenda. Asi handifari nekubata kwaunoita vavakidzani vako. Uchava nedambudziko guru kudarika ravanaro.” Bill akatendeutsa bhiza rake ndokuenda hake.


Pakarepo, Gospel Bill akabva pazvitangwena zvidiki ndokubva aburuka pabhiza pake. Murume ainge akaonda zvikuru, mudzimai wake nevana vadiki vaviri vakabudamo. “Ati chii?” akabvunza murume uya.


Ati kwete,” akapindura Bil. “Ndaedza nepandaigona napo kutaura naye asi aramba.”


Zvisinei, waita izvo waikwanisa,” akadaro murume. “Ndinokutenda zvikuru nekutaura naMcGee kwawaita. Akandiudza mwedzi wapera kuti kana ndikatsika mupurazi make aizondipfura!”


Ndizvo zvaari,” akadaro Bill. “Munhu anonzwisa tsitsi.”


Kunzwisa tsitsi?” akabvunza murume uya. “Ane purazi guru uye ane bhangi rake. Anganzwisa tsitsi sei?”


Mari yaainayo haikwanise kumufadza kwenguva refu,” akadaro Bill. “McGee anonzwisa tsitsi nekuti azere neruvengo. Kuvenga vamwe, mararamiro anonzwisa tsitsi.”


Rimwe zuva raitevera apo Gospel Bill ainge achienda zvake kuguta, akaona ngoro yainmge yakanyura mujecha. Akaendapo kuti anobatsira, akashamiswa kuona ari Mcgee. Paainge osvika padyo akanzwa MacGee achidanidzira mabhiza ake nekuarova nechamboko.


Unoda rubatsiro here?” akabvunza Gospel Bill apo ainge osvika pana McGee.


Kwete,” akadavira Ruka McGee. “Ndichazviita ndoga.”


Zvingava nyore kana ukandibvumidza kuti ndikubatsire,” akadaro Bill. “Ndinokwanisa kukandira tambo pangoro yako ndobatsira mabhiza ako kukweva.”


Vakuru,” akadaro murume atsamwa. “Haunyatsonzwasu. Ndakuudza kuti handidi rubatsiro rwako!” Mumashure mekutaura kudaro, McGee akadzoka ndokutanga kurova mabhiza akae soopenga. Mhuka dzainge dzaneta dzakaedza nepese padzaigona napo asi ngoro yainge ichirema zvikuru kuiburitsa mujecha.


Bill akafambisa bhiza rake ndokutanga kufamba apo akanzwa McGee ava kuchema, “Moyo wangu kani! Moyo wangu kani!” Achitendeuka nekukasika, akaona McGee abata chipfuva chake ndokudonhera pasi. Gospel Bill akadzoka ndokusimudza McGee omuisa mungoro.


Bill akafara kuti ainge awana McGee achiri kufema, asi ainge achitaridza kurwadziwa zvikuru. Bill akavhura bhotoro remvura raaaiva naro ndokudira kumeso kwaMcGee, asi murume haana kumuka.


Bill akaziva kuti aifanira kuenda naMcGee kuguta, saka akasungira tambo pangoro yake ndokudhonza nebhiza rake. Pakarepo, ngoro yakabvisika, Bill achibva asvetukira pachigaro kuti aende naMcGee kuchipatara.


Munzira yekuenda kuguta, Bill ainamata, “Mwari Baba, musarega murume uyu achifa iye zvino. Angaenda kugehena. Jehova, ndipei mumwe mukana mumwe chete wekuti ndimuudze pamusoro penyu. Ndinokumbira izvi nezita raJesu.”


Ngoro yakazoguma yasvika muguta uye Bill akatakura Ruka McGee oenda naye muna chiremba. Mumashure menguva refu, McGee akazovhura maziso ake ndokugara pamubhedha.


Ndapota ndiregererewo,” akachema McGee apo akatarisa Gospel Bill. “Ndapota, ndiregererewo. Ndakakutadzira asi wanunura upenyu hwangu zvisinei nezvandakakuitira. Ndinokutenda, Bill.” Bill akashamiswa. Zviri kuitika zvechokwadi here izvi?


Chii chaitika kwauri?” akabvunza Bill. “Handisati ndambokunzwa uchitaura mashoko erudo kune vanhu.”


Ndiri kurevesa, ndiri kurevesa!” akadaro McGee. “Inzvimbo yechokwadi, uye ndapotsa ndaendako!”


Uri kutaura nezveiko?” akabvunza Gospel Bill.


“”Ndapotsa ndaenda kugehena zvachose,” akadaro McGee, asi wandinamatira ukanunura upenyu hwangu.”


Wanga uri kurwara zvikuru,” akadaro Gospel Bill. “Wanzwa sei zvandaitaura?”


Mwari aita kuti ndinzwe iwe uchinamata uye andiratidza nzvimbo inotyisa pandanga ndiri mungoro,” akachema McGee. “Ndanga ndiine ruvengo nguva yose yandinoyeuka. Zvakatanga apo ndanga ndiri mwana mudiki mukereke.


Waienda kuchechi apo wanga uri mudiki?” akabvunza Bill.


Hongu,” akadaro McGee. “Vabereki vangu vaienda neni kuchechi asi handina kumbobvira ndaita muKristu. Handina kumbobvira ndabvuma kuti kune nzvimbo inonzi Gehena, uye mumwe musi wesvondo apo muparidzi aitaura nezvazvo, ndakapenga ndikamhanya.”


Zvisinei,” akadaro Bill, “Iye zvino unoziva zviri nani. Gehena ririko nekuti Bhaibheri rinotaura kudaro. Ndinotenda kuti hauna kuendako.”


Ndingava nechokwadi sei nazvo?” akabvunza McGee.


“”Unokwanisa kusaenda kuGehena nekuvimba naJesu Kristu samambo nemuponesi wako,” Bill akatsnangura. “Ndicho chikonzero Jesu akauya kuti vanhu vasaende kuGehena.”


Ngatinamatei, nekukasika!” akadaro McGee. Kubva mushoko raMwari, Bill akaratidza Ruka McGee kuti angaponeswa sei uye akabva arereka musoro wake ndokukumbira kuti Jesu apinde mumoyo make.


Mumashure memazuva mashoma apo Bill akashanyira muvakidzani waMcGee uyo aikokorodza mombe dzake kuti atengese. Vakashamiswa kuona McGee ava mumashure mavo, aine mombe makumi maviri dzaaitinha ari pabhiza rake.


Kaziwai,” akadaro McGee apo aiswedera padyo. “Ndafunga kuti muvakidzani uyu awane mombe dzake pakare. Zvinoita sekunge dzanga dziri kurasika mupurazi mangu.”


Hadzisi mombe dzngu idzo,” akapindura muvakidzani uya. “Dzine rupawo rwako wani. Pamusoro pazvo mombe dzangu hadzina kusimba zvakadaro.”


Gospel Bill,” akadaro McGee, “Ungatsanangurira here muvakidzani uyu kuti handichadi mombe idzi. Zvekare gedhi rakavhurika rekudziva kana achida hake kunwisa mombe sekuda kwake.”


Bill akaropafadzwa nazvo, asi shamwari yake yakashamiswa nazvo. McGee akatendeutsa bhiza rake ndokuenda. “Chii chaitika kwaari?” akabvunza murume. “NdiMcGee chaiye here uyu?’


Handifungi kuti ndiye wakare uya. Ane shanduko mumoyo make,” akadaro Bill. “Huya tiende kunonwisa mombe idzi mvura.”


DZOKORORO


Chidzidzo chechitanhatu


Shandisai shoko:


Jesu akati uchakohwa zvawakarima. Kana kuti mune mamwe mashoko, zvaunoitira vamwe ndizvo zvauchaitirwawo. Pane munhu waunoziva here ainge aine utsinye akaitirwa zvakaipa nevamwe vanhu? Pamwe ainyima kana kuti airova vamwe vana. Pane chakaipa here chakaitika kwaari?


Mibvunzo:


1. Mwari anopokana here nevanhu vane mari yakawanda?

2. Mwari anopokana nei kana zviri maererano nemari kana upfumi?

3. Mupfumi aiva munhu akaita sei munyaya iyi?

4. Chii chinoitika kwauri kana uine untsinye?

5. Tsangangura kuti mupemhi Razaro aiva munhu akaita sei?

6. Sei hama neshamwari dzakaisa Razaro pagedhi pemupfumi?

7. Ndechipi chinhu chikuru maererano neupfumi?

8. Mupfumi aiva netsitsi here naRazaro?

9. Mupfumi aityora murairo upi?

10. Apo Razaro akafa, akaenda kupi?

11. Unofanira here kuva murombo kuti uende kudenga?

12. Mupfumi akenda kupi apo akafa?

13. Ungatenga here nzira yako yokuenda kudenga?

14. Ndeupi mutsauko uri pakati peGehena neDenga?

15. Gehena rakagadzirirwa ani?

16. Sei vanhu vachienda kuGehena?

17. Mupfumi akakumbira Abrahama kuti aite sei?

18. Abrahama akapindura kuti chii kumupfumi uyu?

19. Jesu akati unoita sei kana uchitadza kuda hama yako iyo unoona?

20. Ko sei tichifanira kudzidza kuda vakatikomberedza?


JESU NEVANA


Chidzidzo chechinomwe


Ndima yekuverenga: Mateo 19:13-15, Marko 10:13-16


Chokwadi: Jesu anoda vana vadiki, uye vakakosha kwaari.


Ndima yemusoro: Mateo 19:14, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri nokuti ushe hwekudenga ndehwavo.”


Kamutambo: “Munhu akakosha zvikuru”


Chidzidzo: “Chikuru hachisi nani”


Zvinodiwa: Jesu (700), Vadzidzi (703), Chaunga (704), Vana (723)


Kumudzidzisi:


Vana vakagara vakakosha kumoyo waMwari uye vakagara vari muhurongwa hwake. Makomborero akaunzwa naMwari kuna Abrahama, ayo anova edu kubudikidza naKristu Jesu, aizogoverwa ndokunge Abrahama adzidzisa vana nenzira yaJesu (Genesi 18:19). Makomborero iwayo achiriko nanhasi. Mafungiro evana pamusoro paMwari anobva pakubatwa kwavanoitwa nevakuru kunyaya vabereki nevadzidzisi. Munobatsira kuvapa chimiro chaMwari nezvaari. Mukana nebasa rakadini iri!


Kubva mutsanangudzo yekudenga mubhuku raZvakazarurwa, Mwari aiva nevana mupfungwa make. Nyatsofunga mvura mhenyu umo unokwanisa kushambira usinganyuri, pasina kana midhuri yekuti vanhu vose vagaremo! Regera rudo rwaMwari kuti ruyerere nemauri kuvana vako apo unoshumira kwavari chidzidzo chakakosha ichi.


Tsanangudzo:


I. Vabereki vazhinji mumazuva aJesu vaiuya nevana vavo kwaari.

A. Vaida kuti avanamatire nekuvakomborera.

1. Yaiva tsika yechitenderano chekare kuti vapirisita vakomborere vana.

2. Kubatwa misoro kwevana muumambo hwaMwari.

B. Vadzidzi vaidzivisa vabereki kuunza vana vavo kuna Jesu.

1. Vaifunga kuti Jesu aigona kusafara nazvo kana kuti ainge akabatikana kuti awane nguva nevana.

C. Jesu akamisa vadzidzi vake ndokuvaudza kuti vaunze vana kwaari.

1. Vana vanoda kuuya kuna Jesu nekumuziva.

2. Jesu ainge atoudza vadzidzi vake kuti vana vainge vakakosha zvikuru kwaari (Mateo 18:1-14)

D. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti humambo hwekudenga huzere nevana.

1. Akataura kuti vakuru vaifanira kunge vakaita sevana kana vachida kupinda muumambo hwekudenga.

2. Jesu akatora vana akavabata mumaoko ake ndokuvaropafadza.

II. Baba vedu vari kudenga vane nguva nevana.

A. Mwari haana kumbobvira ashaya nguva nevana.

1. Anonzwa minamato yavo nguva dzose.

2. Jesu akauya kuzotiratidza kuti Mwari akaita sei, uye Jesu aiwana nguva nevana nguva dzose.

B. Mwari anotumira vatumwa vanochengetedza vana kubva mukukuvadzwa (Mapisarema 91:10-12).

1. Mune vatumwa vanokuchengetedzai nguva dzose (Mateo 18:10)

2. Mwari anoziva nguva dzose pauri nezvauri kuita.

C. Zvese kubudikidza neBhaibheri, Mwari akashandisa vana vazhinji mubasa rake.

1. Miriam akaudza mwanasikana waFaro uko aikwanisa kuwana muchengeti wemwana, Moses.

2. Achiri mwana mudiki, Samueri akashanyirwa naMwari.

3. David akauraya shumba, nezirume, Goriati nerubatsiro rwaMwari.

4. Mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akabatsira Pauro apo maJuda aida kumuuraya (Mabasa avapositori 23:16-22).

D. Shoko raMwari rinotaura kuti, vana vadiki vanokwnaisa kuponeswa nekuzadzwa neMweya Mutsvene (Mabasa evapositori 2:17, 39)

1. Haufanire kumira kusvikira wakura kuti uve neukama naMwari.

2. Unokwanisa kuva muhuvapo hwaMwari mazuva ose.

III. Vana vari munyika muno vanokwnaisa kuva vana vaMwari.

A. Kana vana vari vadiki, havatongerwe zvivi zvavo kana kusaterera.

1. Vatsvene pamberi paMwari nekuti hapana chavanoziva.

2. Hautongerwe chivi kusvikira wava kunzwisisa murairo waMwari wekuziva chakaipa nechakanaka (vaRoma 4:15, 7:9)

B. Apo mwana anokura nekuziva chivi, anokwanisa zvino kuzvipindurira zvakaipa zvaanoita.

1. Kana mwana ava kuziva zvakanaka nezvakaipa maererano nemurairo waMwari uye osarudza zvakaipa, anopatsanurwa naMwari mumoyo make (vaRoma 7:9)

2. Anofanira zvino kuzvarwa patsva.

C. Kubudikidza nekugashira Jesu saMambo neMuponesi, vana vanokwanisa kuponeswa.

1. Jesu anoda kuti vana vose kwese kwese vamugashire mumoyo mavo (Mateo 18:14)

2. Unofanira kutaura nyaya yakanaka yerudo rwaJesu kushamwari dzako.

D. Vana vanofanira kudzidza magwaro uye kuti vangatevera Mwari sei apo vanokura (Deuteronomio 6:1-9)

1. Apo munodzidza shoko raMwari, munobva maziva Jesu naMwari zviri nani (Johane 1:1)

2. Unokwanisa kudzidza kuterera Mwari nekuterera vabereki vako (vaEfeso 6:1)



Dzidziso yeMweya:


Jesu anondida, izvi ndinozviziva

Nekuti Bhaibheri rinotaura kudaro.

Musikana wese nemukomana wese

Vakakosha kuna Jehova.




MUNHU AKAKOSHA ZVIKURU


Kamutambo


Chidzidzo chechinomwe


Vatambi: Mubvunzi, Mukomana


Mubvunzi: Nhasi tine mumwe wevanhu vakakosha zvikuru muBhaibheri atishanyira. Handizivi kuti anonzi ani, asi ndakaudzwa kuti ainge akakosha zvikuru kuna Jesu.


(Mukomana anopinda)


Mukomana: Kaziwai.


Mubvunzi: Kaziwai, takamirira mumwe munhu akakosha zvikuru muvanhu vari muBhaibheri kuti atishanyire nhasi.


Mukomana: Munorevesa here?


Mubvunzi: Hongu, mambomuona here?


Mukomana: Kwete handina kumboona munhu akakosha wemuBhaibheri. Munoziva zita rake here?


Mubvunzi: Kwete handizivi zita rake, asi nyaya yake yakataurwa nezvayo muna Mateo 19. Jesu akaregedza zvose zvaaiita kuti aturike maoko pamusoro pemunhu uyu.


Mukomana: Ah! saka ndinofunga muri kutaura pamusoro pangu.


Mubvunzi: Iwe, Hausi munhu anozivikanwa zvikuru mubhaibheri iwe sandizvo here> Chii chinhu chinokosha chawakaita?


Mukomana: Zvisinei handina mukurumbira asi ndakakosha! Jesu akaturika maoko ake pamusoro pangu ndokundiropafadza, kunyangwe apo vadzidzi vake vakaedza kundidzinga. Vana vakakosha kuna Mwari.


Mubvunzi: Unotaura chokwadi. Iye zvino, tondera nyaya yauri kutaura pamusoro payo. Kwaiva navana mai navana baba vakauya nevana vavo kuna Jesu kuti avakomborere.


Mukomana: Vadzidzi vakafunga kuti zvaizopedza nguva. Vakaedza kuita kuti tiende.


Mubvunzi: Jesu akadzivisa vadzidzi vake ndokukuudza kuti uende kwaari. Aiva murume akanaka.


Mukomana: Akaita kuti ndinzwe kukosha mandiri.


Mubvunzi: Vana vakakosha zvikuru. Ungaudza vana ava kuti vakakosha sei?


Mukomana: Chekutanga, vana, vanhu. Vakaumbwa nemufananidzo waMwari, uye akatisika tose kuti tiyanane naye.


Mubvunzi: Kuyanana naye zvinoreva kuva neushamwari kana ukama hwakanaka naye sezvatinoita neshamwari. Kutaura nekutamba nekufara nevamwe.


Mukomana: Munhu wese anoda shamwari kunyangwe Mwari. Anoda isu vana kuti tive shamwari dzake.


Mubvunzi: Vana vanokwanisa kuzwisisa Mwari here?


Mukomana: Hongu, vanokwanisa. Hazvina kuoma kuziva Mwari. Kuziva Mwari tichiri vadiki ndiyo nguva yakatonakisa.


Mubvunzi: Unoziva here kuti vanhu vasingazivi Mwari vanoramba vachiomesa moyo yavo nekukura kwavanenge vachiita?


Mukomana: Hongu, ndicho chikonzero zvakanaka kuziva Mwari uchiri mudiki. Mwari anoda kuti vana vamuraramire kunyangwe vasati vakura.


Mubvunzi: Mwana angagashira Jesu semuponsei wake sei?


Mukomana: Anongoita sezvinoitwa nevanhu vakuru. Chekutanga anofanira kutenda nemoyo wake kuti Mwari vakamutsa Jesu kubva muvakafa. Chechipiri, anofanira kutaura nemuromo wake kuti Jesu ndiye Mambo.


Mubvunzi: Zvakapfavaka izvi.


Mukomana: Hurongwa hwaMwari hwakapfava. Tinokwanisa kugashira Jesu saMambo nemuponesi wedu nekutenda nekukumbira nyasha.


Mubvunzi: Vana, makakosha kuna Mwari.


Mukomana: Hongu, kune zvakawanda zviri muBhaibheri pamusoro pevana. David aiva mwana apo akauraya Goriati.


Mubvunzi: Josefa aiva mwana apo akawana chiroto chakakosha kubva kuna Mwari.


Mukomana: Josia akava mambo weIsraeri apo aiva nemakore masere ekuberekwa chete.


Mubvunzi: Timotio, mubatsiri wemupositori mukuru, Pauro, akatanga kudzidza magwaro apo ainge ari mwana.


Mukomana: Vana vakakosha kuna Mwari. Akagadzira denga aine vana mupfungwa.


Mubvunzi: Denga inzvimbo yevana?


Mukomana: Hongu! Kune rwizi rwekushambira rwakanaka runonzi rwizi rweupenyu. Vana vanokwnaisa kufema vari pasi pemvura.


Mubvunzi: Ko, chikoro? vana vanoenda kuzororo here?


Mukomana: Hakuna chikoro kudenga. Hakuna usiku ikoko, zvekare. Vana vanokwanisa kutamba neshamwari kwemakore, uye vabereki vavo havafaniri kunetseka. Sezvo kusina chivi kudenga , hapana chingavawira.


Mubvunzi: Vana vanotamba zvakanyanya vanofanira kudya zvirimwa kuti varambe vakasimba.


Mukomana: Zvisinei, chikafu chatinodya chete imana nemichero inoberekwa nemichero. Inonaka.


Mubvunzi: Denga rinofanira kunge richinakidza.


Mukomana: Hongu! Mwari vakariita zvakanaka zvekuti hazvitsananguriki.


Mubvunzi: Ndadzidza chidzidzo nhasi.


Mukomana: Chii ichocho?


Mubvunzi: Vana vakakosha zvikuru kuna Mwari. Tinotenda zvikuru nekuva muchidzidzo chedu nhasi.


Mukomana: Kana neniwo ndafara zvikuru. Tozoonanazve.


(Anoenda)

Mubvunzi: Mukomana uya andibatsira kuti ndione kuti vana vakakosha zvakadini. Vana vakakosha kuna Jesu. Vakomana, ndakakanganwa kubvunza zita rake nhai.


KUKURA HAKUNA KUKOSHA


Chidzidzo chechinomwe


Chidzidzo


Ndima yekutarisa: Mateo 18:1-6, 19:13-15


Zvinodiwa: Tenga zviwitsi zvine mhando nhatu. Kuwanda kwemhando dzakasiyana ndiko kunakidza kwazvinoita. Ivawo nemamwe ekupa vana vanenge vakubatsira.


Gadziriro: Iva nezviwitsi pamberi pevana.


Chidzidzo:


Nhasi tichaita ongororo yechimwe chinhu muchidzidzo. Vangani venyu vanofarira kuti tiite ongororo? Ndinofunga muchafara neongororo iyi nekuti ndeyekuravira. Pane mumwe wenyu here anofarira zviwitsi? Ndinoda mubatsiri. (Sarudza mubatsiri kana mumwe chete zvake. Kana uine zviwitsi zvinodarika marudzi maviri, unofanira kuwana vamwe vabatsiri.)


Ndine chiwitsi ichi pano. Zvisinei, ndine marudzi matatu ezviwitsi. Akafanana ose kunzwe kwawo asi tinoda kuti tinzwe kuti anonaka zvakafanana here. Ngatitangei neichi. (Ipa mwana) Rivhure unzwe kuti rinodini. Rinonaka here? Rinonaka. Zvakanaka chivhura rimwe. Zvakafanana here? Zvinoita sezvakada kufanana. Rirume ugondiudza kuti rinodini. Rinonaka? Ranga risiri guru asi rinonaka.


Zvakanaka, ndine rimwe rasara ndinoda kuti unzwe kuti rinonaka here. Kadiki, uye hakasi kunatsonaka semamwe asi regai tione. Vhura rino iri. Riise mumuromo mako. Ko iri? Rinonaka here? Hongu! asi ranga riri diki.


Ndiwo mafungiro anoita vamwe vanhu kana vachifunga pamusoro pevana. Pamusana pekuti havana kukura sevanhu vakuru vanofunga kuti havana kukosha kuna Mwari. Asi ichi hachisi chokwadi. Vakakosha zvikuru kuna Jesu. Akatiudza izvozvo muBhaibheri. Mwari anoshandisa vana sezvaanongoita vanhu vakuru.Hurongwa hwaMwari hwakabvira huchisanganisira vana vaduku. Kukura hakuna kukosha. Kachiwitsi kadiki kanga kachingonaka semakuru. Hazvirevi kuti kana uri mudiki, Mwari haana hurongwa newe. Wakakosha kuna Jesu, mwana. Vana, ngatiombererei shamwari yangu (taura zita remwana) maoko nekundibatsira kwaaita. Ichi chiwitsi ichi ndechekutenda kubatsira kwawaita.


DZOKORORO


Chidzidzo chechinomwe


Shandisai shoko:


Wakambova nechimwe chinhu chakakosha chawaida kuudza baba vako kana amai vako here asi vainge vasina nguva yekuterera kwauri? Wakanzwa sei? Unoziva here kuti kune mumwe munhu anokuda zvikuru asingambofi akabatikana kuti aterere kubva kwauri? Mwari haashaye nguva yekuterera kubva kwauri.


Mibvunzo yemutambo:


1. Sei vabereki vaiunza vana vavo kuna Jesu?

2. Sei Jesu aiturika maoko nekuropafadza vana vaiunzwa kwaari?

3. Vadzidzi vakaita sei kuvabereki vaiunza vana vavo kuna Jesu?

4. Jesu akaita sei kuvadzidzi nekuda kwevana ava?

5. Vana vanoda here kuuya kuna Jesu?

6. Jesu akataura kuti denga rainge rizere nei?

7. Kana vanhu vakuru vachienda muhumambo hwaMwari, vanofanira kuita sei?

8. Mwari dzimwe nguva haana nguva here yekuterera kuvana?

9. Mwari anotuma ani kuti achengetedze vana uye kuti vasawane chinovakuvadza?

10. Mwari anoziva here kwauri kana zvauri kuita nguva dzose?

11. Mwari anomboshandisa vana here kuti azadzikise basa rake panyika?

12. Taura vana vaviri muBhaibheri vakashandiswa naMwari kuti azadzise basa rake.

13. Vana vanofanira kumira here kusvikira vakura kuti vave neushamwari naMwari?

14. Vana munyika muno vanofanira kuva chii?

15. Vana vanotongerwa zvivi zvavo here kana vasati voziva?

16. Mwana anofanira kuzvimiririra ega pazvivi zvake kana zvaita sei?

17. Sei zvakakosha kuti uudze shamwari dzako pamusoro perudo rwaJesu?

18. Vana vanofanira kudzidza kuti chii apo vanokura?

19. Chii chinoitika neukama hwako naMwari apo unodzidza shoko raMwari?

20. Ndeipi imwe yenzira yaungadzidza nayo kuterera Mwari?


JAYA MUPFUMI


Chidzidzo chechisere


Ndima yekutarisa: Ruka 18:18-30


Chokwadi: Kupa kuna Mwari kunokomborera, pamweya kana mari chaiyo.


Ndima yemusoro: Ruka 6:38, “Ipai, nemi muchapiwa.”


Kamutambo: “Munodaani?”


Chidzidzo: “Kupa kunobhadhara”


Zvinodiwa: Jesu (700), vadzidzi (703), Jaya mupfumi (724)


Kumudzidzisi:


Vanhu vazhinji vanodudzira rungano rwaJesu urwu nepasipo, vachiti Mwari anoda kuti vana vake vape zvose zvavanazvo vagare vari varombo. Chokwadi chenyaya iyi ndechekuti Jesu vaida kuti jaya mupfumi apinde muurongwa hwaMwari hwekubudirira.Kubudirira kwaMwari kunosanganisira mari, makomborero nezvese zvinodiwa muupenyu hwemunhu.


Kudai jaya mupfumi ainge apa hupfumi hwake hwemari kuna Mwari aidai akawana kubudirira kwemweya. Jesu akati moyo wako uchange uri kune upfumi hwako. Nekupa hupfumi hwake kuna Mwari uye pamusana pemutemo waMwari hwekudyara nekukohwa, makomborero mazhinji emari aiuya kwaari zvekare. Kana tichidzidza kupa, kukohwa kwemari kunokwanisika. Kupa nepfungwa dzakanaka kunoita kuti vanhu vasavimba neupfumi asi kuti vavimbe naMwari.


Tsanangudzo:


I. Mumwe mupfumi wechidiki akaend kuna Jesu akabvunza mubvunzo wakakosha.

A. Aida kuziva kuti angawana sei upenyu husingaperi.

1. Upenyu husingaperi, upenyu hwaMwari hunopindwa nemunhu kana achinge azvarwa patsva.

2. Mweya yedu haife kana kupatsanurwa naMwari kana tiine upenyu husingaperi.

B. Jesu akaudza murume uyu kuti achengete murairo waMoses.

1. Kusvikira Jesu afa nekumukazve kubva kuvakafa, vanhu vaifanira kutevedzera mutemo waMoses kuti vaponeswe.

2. Nhasi mitemo yaMwari yakanyorwa mupfungwa dzedu nemumoyo medu (vaHeberu 8:10)

C. Murume akaudza Jesu kuti ainge atevedzera mutemo waMoses kubvira chiri mudiki.

1. Kupupura kukuru kwaMwari ndekwe munhu anenge aziva uye atevedza nzira dzake kubvira ari mwana mudiki.

2. Murume uyu anofanira kunge asina kufara nemhinduro yaJesu, nekuti kunyangwe ainge aita zvaitaurwa naJesu, ainzwa mumoyo make musina chinhu.

II. Jesu akaudza murume uyu kuti angazadzwa nemafaro sei uye kuti angawana sei kubudirira kwaMwari kuzere.

A. Kuva nemari yakawanda hazvirevi kuti munhu akabudirira muna Mwari.

1. Kune vanhu vakawanda, vakapfuma munyika vasina kuiwana nekutevedzera nzira dzaMwari.

2. Mwari anoda kukomborera vanhu vake pamweya kunyangwe nepanyama (III Johane 2)

B. Jesu akaudza murume uyu kuti atengese zvose zvaaiva nazvo uye opa mari yacho kune vanoshaya.

1. Jesu aida kuti murume uyu ape moyo wake kuna Mwari (Mateo 6:21). Ainge asingaudzi murume uyu kuti ave murombo.

2. Kune mubairo wakanaka pakupa kuvarombo (Zvirevo 19:17)

C. Murume uyu akarwadziwa netsananguro yaJesu.

1. Aisada kugovera mari yake, ainamata mari.

2. Kusaterera Mwari kunokanganisa makomborero muupenyu hwedu.

III. Jesu akatsanagura chokwadi pamusoro pehupfumi kuvadzidzi vake.

A. Jesu akataura kuti zvaiva nyore kuti ngamera ipfuure nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.

1. Buri retsono ririkutaura misuwo midiki yepamagedhi peguta panova paikwana ngamera kana dzisina kutakura uye dzakapfugama.

2. Nyaya iripo ndeyekuti mupfumi anofanira kuisa parutivi rudo rwemari kuti apinde muhumambo hwaMwari.

B. Vadzidzi vaJesu vakashamiswa nemhinduro iyi vakabvunza, “Ndiani zvino anokwanisa kuponeswa?”

1. Vaiva varume vaiva nemamwe mabasa ekuwana nawo mari uye vainzwisisa sungano yaMwari yekuunza makomborero emari.

2. Naivo havana kunzwisisa kuti Jesu aiti chii pamusoro peupfumi.

C. Jesu ainge asingadzidzisi achipikisa vanhu vane upfumi, asi achidzivisa vanhu kuti vasava vasungwa veupfumi.

1. Kubudikidza mumagwaro, chivimbiso chikuru chaMwari aiva makomborero emari.

2. Kunamata zvimwe zvhinhu kunouya kana uchida nekukoshesa zvimwe zvinhu kudarika Mwari.

3. Nekupa, jaya mupfumi aikwanisa kunge akawana makomborero emari akadarika zvaaiva nazvo. (Ruka 6:38)

D. Mwari haapikise kubudirira kwedu kwemari, asi haadi kuti tivimbe neupfumi.

1. Kupa kunodzivirira ruchiva rwemari.

2. Mwari anoda kutikomborera pamweya, papfungwa, pamaitiro edu uye panyama (hutano nemari).


Dzidziso yemweya:


Ipa, uchapiwawo, uchaona.

Mwari anokupa zvose zvaunoda.

Apo unopa uchaona kuti ichokwadi.

Ndiko kudzosera kunoita Mwari kwauri.


Nechiyero chakanaka,

Chakadzikiswa,

Chakatsindirwa,

Uye chichirasikira.




MUNODAANI?


Kamutambo


Chidzidzo chechisere


Vatambi: Uropi, Moyo


(Uropi anopinda)

Uropi: Vakomana, ndinodada nemwana uyu wandinogara maari. Anga achishanda achichengeta mari kwemwedzi mitanhatu yakapfuura kuti atenge bhasikoro idzva - uye mari yacho yatokwana izvozvi.


(Moyo anopinda)

Moyo: Mhoro, Uropi. Une zuva rakanaka here?


Uropi: Ndine zuva rakanaka chose. Mwana uyu watigere maari anga ari kuda bhasikoro idzva kwenguva refu.


Moyo: Ndinozviziva.


Uropi: Uye iko zvino ava nemari yakakwana yekuti aritenge.


Moyo: Ndinozviziva, kana neni.


Uropi: Kana uchiziva izvi zvose, saka unofanira kuziva kuti sei ndiine zuva rakanaka. Pane chimwe chandingakubatsira nacho here?


Moyo: Ndinodavira kudaro.


Uropi: Chii?


Moyo: Mwana wedu anga aine madhora zana nemakumi maviri kuti atenge bhasikoro, ndizvo?


Uropi: Ndizvozvo.


Moyo: Ndinoda kuti ape imwe yemari iyi muzvipo zvevashumiri svondo rino.


Uropi: Marii?


Moyo: Madhora makumi mashanu.


(Muromo wauropi unoramba wakashama)


Uropi: Madhora makumi mashanu? Haurevesi iwe! Madhora mashanu kana madhora gumi ari nani, asi madhora makumi mashanu! Handingadaro!


Moyo: Uchiri kutondera here?


Uropi: Unoziva kuti zvakatora nguva yakareba zvakadini kuwana madhora makumi mashanu?


Moyo: Mwedzi mitatu, mazuva maviri, maawa mashanu uye nesimba rakawanda.


Uropi: Ndizvo! Uye kana uri kufunga kuti ndichangokurega uchitamba nemari iyoyo kanganwa.


Moyo: Handisi kutambisa mari iyoyo. Ndiri kudyara muhumambo hwaMwari. Upenyu hwevanhu huchashanduka uye Jesu acharumbidzwa.


Uropi: Hatizokwanisi kuwana bhasikoro iroro kwemimwe mwdzi mina kana mishanu!


Moyo: Ndipo paunorasika ipapo. Mweya Mutsvene wanditi ndipe mari iyoyo. Haangadaro kunze kwekuti ari kuronga kutipa yakawanda. Achatipa yakawanda, dzimwe nduva tinotowana bhasikoro riri nani!


Uropi: Handina nguva yekuzviongorora nekuti handisi kuzoisa mari iyoyo muzvipo zvevashumiri.


Moyo: Saka unoda mari kudarika Mwari?


Uropi: Chimbomira kwekanguva! Handidi mari kudarika Mwari.


Moyo: Kana Mwari achida kuti upe, iwe woramba kuzviita saka unoda mari kudarika Mwari.

Uropi: Une chokwadi here kuti Mweya Mutsvene hauna kuti mashereni mashanu?


Moyo: Ataura kuti, “Madhora makumi mashanu.”


Uropi: Zvakanaka, ndichazviita. Asi unofanira kuva nchokwadi pazviri.


Moyo: Unofanira kuvimba neni chete.


Uropi: Zvisinei, ndiri kushanda pazviri. Zvinotora nguva.


Moyo: Ndinozviziva. Ndinozviziva.


(Vose vanobuda)




KUPA KUNOBHADHARA


Chidzidzo chechisere


Ngano


Sally akagara zvake kunze kwemubhedha wemukoma wake, achitarisa tarisa mumba maiva nembatya dzakaraswa raswa.


Asi uri kutya kani?”


Kwete, Sally, handisi kutya,” akadaro Heather achisekerera.


Kana zvako?”


Kwete, Sally, handisi kumbotya kana.”


Nechikonzero chei?”


Mwari akandiudza kuti ndiende kuIndia parwendo rwehushumiri urwu. Haufaniri kutya kana uchiterera Mwari.”


Heather ainge akabata hembe mbiri ine mavara neisina. “Unofunga kuti ndingatora ipi?”


Sally akatarisa hembe idzi kwekanguva ndokuzoti, “Tora ine mavara iyi - yakanaka.”


Ko sei Mwari vada kuti uende kuIndia?”


Kuti ndinoudza vanhu pamusoro paJesu. Unoziva here kuti vanonamata mombe nemakonzo kuIndia? Vane vamwari zviuru zvakawanda, asi hapana anoziva nezvaJesu. Vanotend akuti kana vanhu vachinge vafa vanozodzoka panyika vava chimwe chinhu semombe kana chimwewo chinhu. Vamwe vavo vanotosarudza kufa nenzara mombe yadya mubindu nekuti vanofunga kuti mombe iyi ingangova hama yakafa yadzoka panyika!”


Vanopenga!”


Ndinozviziva, Sally, uye zvinonzwisa tsitsi. Satani akavanyengera kuti vatende manyepo. Vanhu ivavo vanofanira kuziva kuti Jesu anovada uye akauya kuzovanunura nyama nemweya! Iye zvino, Sally garira bhokisi iri kuti ndikwnaise kurivhara.”


Iye zvino ndava kuziva kuti sei uchida kuendako.”


Usiku ihoho, Sally akarota ari kuIndia. Muchiroto chake akaona akamira kurutivi rwenzira. Apo akatarisa tarisa, akaona vanhu kwese kwese kwaaitarisa, zviuru! Munzira maiva nevanhu vakawanda zvikuru. Akaona kuti vanhu vacho vaingotarisika zvakafanana, vachiita semabhonzo anofamba uye vaine maziso anoratidza kuchema nenzara dzakareba zvikuru. Apo akatanga kufamba pakati pevanhu, vanhu vose vaiitaridzika sevane chavanoda kubva kwaari. Chaishamisa ndechekuti mombe nemakonzo zvaiva zvakasimba zvikuru uye zvaifamba zvichidya mbeu dzose dzadzaida. Apo Sally akamhanya kunonyaradza mwana aiva muchaunga, gonzo guru rakabva paraidya chikafu ndokutanga kudzingirira Sally.....


Sally akabva apatika. Ihope dzakadini idzi! Inzvimbo yakaipa zvakadini iyi! Vanhu vanoshaya vaya akafunga. Iko zvino akaziva kuti sei Heather aiendako. Aidawo kubatsira asi aizozviita sei? Maziso ake akatanga kumhanya mhanya mumba umu kusvika azoguma maaichengetera mari yake. Kwete, kwete ipapo! Mari yaiva umu yainge yashandirwa zvakaomarara kwegore rose. Ainge angosarirwa nemari shoma kuti atenge chekugarira pabhiza rake, Scooter.


Akafunga, Ndinoda here kana kuti handidi kubatsira? Akazvipindura oga. Hongu ndinoda kubatsira. Dzimwe nguva zvaisimuka mumweya make. Ndichazviita, Mwari. Vanhu vakakosha kudarika chekugarira pabhiza ichi. Sally akabva abatwa nehope.


Zuva raitevera, Heather akatarisa ndokuona Sally akamira pamusuwo akabata mari mumaoko. “Ndinoda kuti utore mari iyi.” akadaro Sally.


Handiyo here mari yawanga uri kuchengetera kutenga chekugarrira pabhiza rako?”


Hongu,” akadaro Sally, “asi ndinofanira kukupa.” Maziso aHeather akazara nemisodzi.


Ndinotenda,” Heather akagumbatira Sally ndokumutsvoda padama. “Uri chikomborero. Ndinokuda.”


Ndinokuda, zvekare. Ndiwe hama yakanaka munyika mose.” Vakagumbatirana zvekare.


Painge pasisanakidze pasina Heather. Sally akapedza mazuva akamirira Sam mukomana aiunza tsamba, zvekare aipedza nguva ari kudanga kwaScooter, bhiza raeke. Akagashira tsamba - tsamba yake chaiyo kubva kuna Heather. Mari yaSally yainge yaenda kunotenga maBhaibheri angasvika mazana mana mumutauro weTamil. Sally akafara. Pamusana pangu, mhuri mazana mana dzava kukwanisa kuwana shoko raMwari kekutanga muupenyu hwavo! Misodzi yakatanga kuyerera pamatama ake apo aiverenga pamusoro pevanhu vakawanda vainge vaponeswa svondo iroro kubva kusvika kwakaita Heather kuIndia. Aidada nemwana wamai vake.


Rimwe zuva mangwanani apo Sally aigezesa mabhiza, akavhundutswa nekaruzha kakaitika, “Pane munhu here pano?” Akatarisa akaona vaJamison vachisvika. Sally ainge agara achifarira motokari yavo nhema iyi nengoro yakafanana nayo. Aizoidawo rimwe zuva.


Ndiri kuno, vaJamison,” Sally akasimudz aruoko.


Ndiwe Sally here?”


Hongu, ndini.”

Ndiwe chaiye wandaida kuona. Huya kuno kwekanguva.”


Sally akatukutira neparuzhowa ndokumhanya oenda kwaiva navaJamison.


VaJamison vakatarisa Sally. “Rimwe zuva apo ndaitsvaira mumba yemidziyo yangu, ndakaona chekugarira pabhiza ichi, hameno kana uchichida.” VaJamison vainge vakachibata uye chainge chichitaridzika seicho chaida kuzotengwa naSally pamari yaainge achengeta.


Chaiva chaBecky apo aiva zera rako iri, saka iye zvino hatichachishandisa,” vakaenderera mberi vaJamison. “Pandangochiona ndabva ndafunga iwe. Ndinofunga iwe naScooter mungachifarira.”


Ndatenda zvikuru vaJamison.” Sally akatora chekugarira chiya ndokuchiisa pamusana paScooter. “Ndinokutendai, Jesu,” akadaro.



DZOKORORO


Chidzidzo chechisere


Shandisai shoko:


Bhaibheri rinoti, “Unovimba nepfuma yake uchawa,” (Zvirevo 11:28). Wakamboronga here kuwana mari yekutenga chipo kana yekushandisa chimwe chinhu, kana kurongera mari yechimwe chinhu chawaitengesa? Usati waiwana, wainge watoronga kare mashandisiro awaizoiita. Pava pashure hauna kuzowana yakawanda seyawaiva waronga. Wakanzwa sei? Tiudze nyaya yako.


(Mudzidzisi: Pakati penyaya, dzokorora kuti zvakakosha kuvimba naMwari pane kuvimba nemari.)


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndeupi mubvunzo wakakosha wakabvunzwa Jesu nejaya mupfumi?

2. Chii chinoitika kumweya yedu kana tichinge tagashira Mweya Mutsvene?

3. Vanhu vemuchitenderano chekare vaitongwa sei pamberi paMwari?

4. Mwari anonyora mitemo yake pai nhasi?

5. Ndekupi kupupura kukuru kungaitirwa Mwari nemunhu?

6. Pamusana pekuti munhu ane mari yakawanda hazvirevi kuti akabidirira pamberi paMwari?

7. Jesu akaudza jaya mupfumi kuti atengese chii, kuti awane kubudirira kuzere?

8. Sei Jesu akaudza jaya mupfumi kuti atengese zvinhu zvose agopa mari kune vanoshaya?

9. Chii chinoitika kana munhu akapa kuvarombo?

10. Jaya mupfumi akadavira achiti chii kuna Jesu?

11. Jaya mupfumi akafungidzira chii chisiricho?

12. Jaya mupfumi akatdza kunzwisisa chii maringe netsanangudzo yaMwari?

13. Chii chinodzivisa makomborero aMwari muupenyu hwedu?

14. Jesu akati chii chaiva nyore pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari?

15. “Buri retsono” rairevera chii?

16. Ipfungwa ipi yaiva naJesu apo akataura pamusoro peburi retsono?

17. Jesu aidzidzisa vadzidzi vake kuti chii pamusoro pehupfumi munyaya iyi?




MAZISO MATSVA ABARTIMEO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Ndima yekuverenga: Marko 10:46-52


Chokwadi: Kuporeswa ndekwedu.


Ndima yemusoro: Mateo 21:22, “ Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchapiwa.”


Kamutambo: “Bartimeo munhau”


Chidzidzo: “Usazvipira kuurwere”


Zvinodiwa: Vadzidzi (703), Chaunga (704), Murume bofu (709), Bofu raponeswa (710), Jesu (711)


Kumudzidzisi:


Chidzidzo chino chinoburitsa pachena kukosha kwakaita kutenda kwemunhu mukugashira kubva kuna Mwari. Kudai makomborero aMwari aishanda zviri nyore pasina zvimwe zvinodiwa kubva kune rumwe rutivi, vanhu vose vaidai vaine makomborero anorasikira kwavari nekuti Mwari akanaka, uye nyasha dzake dzinogara narini. Mhinduro yaMwari inoti hongu kune zvose zvaanotipa. Upenyu hwake hunotaridzwa kubudikidza nesu apo tinototevedzera rudo rwake, uye zita rake rinokudzwa nekurumbidzwa (II vaKorinte 1:20)


Kutenda kwako kwakuponesa,” ndiko kutaura kwaJesu kuna Bartimeo. Simba raMwari richiriko nanhasi kune avo vanotenda nekugashira zvavanopiwa naJesu mukudzikinurwa. Bartimeo akakumbira “kuona,” zvinova zvinoratidza kuti aiziva kuti kupona yaiva kodzero yake.


Tsanangudzo:


I. Bofu rainzi Bartimeo raigara muJericho.

A. Bartimeo ainge asina mhindu dzekuwana nadzo mari.

1. Chinhu chega chaaikwanisa kuita, kugara murutivi rwenzira achikumbira.

2. Bartimeo ainge ari murombo, uye usiku huzhinji ainge asina pekurara uye asina chekudya.

B. Semutemo waivako, Bartimeo aipfeka mbatya tsvuku dzaipenya.

1. Ichi chaiva chiratidzo kune vamwe kuti aiva bofu uye aikwanisa kukumbira zviri pamutemo.

2. Bartimeo aifanira kupfeka mbatya idzi kana ari paruzhinji.

C. Mwari haasi iye akaita kuti Bartimeo ave bofu (Zvirevo 20:12)

1. Satani ndiye honzeri yeurwere nematenda ose (Mabasa avapositori 10:38)

2. Mwari aida kuti Bartimeo arapwe.

II. Jesu nevadzidzi vake vakaita rwendo rwekuenda kuJericho.

A. Jesu aiuya kuzoshumira kuJericho.

1. Jesu aiparidza nyaya yakanaka nguva dzose.

2. Akaparidza pamusoro peruponeso, nekuporeswa nekudzikinurwa.

B. Chaunga chakatevera Jesu apo aifamba.

1. Vaiziva kuti Jesu achavadzidzisa nekuvashumira.

2. Vanhu vane nyota yekunzwa nyaya yakanaka yerudo rwaMwari.

C. Bartimeo ainzwa ruzha rwevanhu vakawanda vaitevera Jesu.

1. Akatanga kubvunza kuti ndiani aipfuura.

2. Akafara kuziva kuti ndiJesu.

D. Bartimeo akashevedzera nezwi riri pamusoro soro.

1. Akadanidzira, “Jesu, mwanakomana waDavid, iva nenyasha panesu!”

2. Nekudanidzira Jesu mwanakomana waDavid, Bartimeo akaratidza kutenda kwake muna Jesu nekuti aya aiva mazwi ekuremekedza uye kuti Jesu ndiye Mesiya.

III. Jesu akanzwa akapindura kudana kwaBartimeo kwekutenda.

A. Vanhu vazhinji vainge vakakomberedza Bartimeo vakamuudza kuti anyarare.

1. Vakamuudza kuti Jesu ainge asina basa naye.

2. Idzi dzaiva nhema kubva kuna satani dzekuedza kubira Bartimeo kuponeswa kwake.

B. Jesu akamisa zvese akadanidzira Bartimeo kuti aunzwe kwaari.

1. Jesu anogara akagadzirira kubatsira pese panoda kutenda.

2. Kutenda kunowana mhinduro nguva dzose.

C. Apo Bartimeo akasimuka kuti aende kuna Jesu, akarasa nguwo yake tsvuku.

1. Aiziva kuti ainge asingazoipfekazve.

2. Iyi yaiva pfungwa yakaitwa nekutenda, pamusana pekuti ainge asati aponeswa (Jakobo 2:17)

D. Jesu akapvunza Bartimeo kuti aida chii?

1. Mwari munhu akanaka. Anokumirira kuti umukumbire zvinhu.

2. Bartimeo akaudza Jehova kuti aida kuona.

3. Bartimeo aiziva kuti kuponeswa kwaiva kwake.

E. Jesu akaudza Bartimeo kuti kutenda kwake kwainge kwamuponesa.

1. Bartimeo akagashira kuona.

2. Kudai ainge asina kutenda, angadai asina kuponeswa kunyangwe Mwari aida kuti aponeswe.

3. Tinofanira kushandisa kutenda kwedu kuti tigamuchire makomborero aMwari.

F. Shoko raMwari rinomirira zvaizotaurwa naJesu kudai aigara panyika pano.

1. Kana tiine kutenda munaJesu, tinotenda shoko raMwari.

2. Kushanda neshoko raMwari kunounza zvibereko.


Dzidziso yemweya:


K-U-P-O-N-E-S-W-A

Kuponeswa ndekwangu.


Jesu akanditengera

Kare paKarivari.

Saka kana ndichinamata nekutenda,

Ndinoziva kuti ndichagashira.


K-U-P-O-N-E-S-W-A

Kutenda ndekwangu.



BARTIMEO MUNHAU


Kamutambo


Chidzidzo chechipfumbamwe


Vatambi: Skeeter (Mutapi wenhau), Phineas, Sophia


(Skeeter anopinda)

Skeeter: Zuva rakanaka, kunemi mose. Ndini Skeeter , mutori wenhau weZBC. Tiri kufamba munzvimbo yeJericho nhasi mumashure mekunzwa pamusoro pekuponeswa kunoshamisa kwebofu. Ndiri kuda kuti ndinzwe zvakawanda pamusoro penyaya iyi nhasi. Vakuru! Pamusoroi, vakuru!


(Phineas anopinda)

Phineas: Ndingakubatsirai nei?


Skeeter: Mungava neruzivo here rwekuponeswa kwebofu zvakaitika mazuva mashoma akadarika?


Phineas: Ndinofunga uri kureva Bartimeo bofu.


Skeeter: Munomuziva?


Phineas: Hongu. Vanhu vose vedunhu rino reJericho vanoziva Bartimeo.


Skeeter: Ungatiudza here kuti anga ava nemakore mangani ari bofu, uye ainge asingaoni zvachose here kana kuti aiona zvishoma?


Phineas: Bartimeo ainge ari bofu kwenguva yose yandaimuziva, uye aiva asingatomboona zvake kana nepadiki.


Skeeter: Wakaona zvichiitika here?


Phineas: Kwete, paiva nevanhu vazhinji kwazvo zvekuti handina kukwanisa kuona kuti chii chaiitika. Mudzidzisi wekuGararia anoita kuti vanhu vakawanda vauye.


Skeeter: Uri kureva Jesu weNazareta here?


Phineas: Hongu.


Skeeter: Takagashira mashoko akawanda pamusoro pake - kubva pakuti ndiye Mesiya kusvika pakudyidzana kwake nevatadzi. Ungatiudza here zvimwezve?


Phineas: Ndine urombo. Ndizvo zvoga zvandinoziva zvakaitika.


(Anoenda)

Skeeter: Hmmmm. Handizive kuti pane mumwe angakwanisa kundipa mamwe mashoko . Amai! Pamusoroi, Amai!


(Sophia anopinda)

Sophia: Vakuru?


Skeeter: Ndini Skeeter mutori wenhau weZBC. Ndiri kuedza kutsvaga ruzivo maererano nekuponeswa kwaBartimeo.


Sophia: Ndaiva padyo naye chaipo.


Skeeter: Tiudzei zvakaitika?


Sophia: Apo vanhu vainge vachiungana, akabvunza kuti chii chaiitika. Paakaziva kuti aiva Jesu weNazareta, akafara zvikuru!


Skeeter: Akaita sei?


Sophia: Akatanga kudanidzira nezwi riri pamusoro, “Jesu mwanakomana waDavid, iva nenyasha paneni!”



Skeeter: Chii chakazoitika?


Sophia: Vanhu vose vainge vakamukomberedza, kunze kwangu vakamuudza kuti anyarare. Vainge vaine utsinye.


Skeeter: Bartimeo akazoita sei?


Sophia: Akaramba achidanidzirisa, (Anodaidzira) “Jesu, mwanakomana waDavid , iva nenyasha paneni!”


Skeeter: (Anodzungudza musoro) Mabva maita sezvaakaita chaizvo?


Sophia: Ndine urombo. Vanhu vakatanga kusvotwa nezvaaiita, asi sezvinei, Jesu akamira akakumbira kuti Bartimeo aunzwe kwaari.

Skeeter: Bartimeo akaenda here?


Sophia: Akaenda uye akaita zvinoshamisa.


Skeeter: Akaita sei?


Sophia: Apo akasimuka, akarasa nguwo yake yekupemhesa, iyo inomubvumidza kukumbira. Zvaiita sekunge aiziva kuti achaponeswa, kunge aiziva kuti kuponeswa yaiva kodzero yake.


Skeeter: Jesu akaita masaramusi here paari kana kumumwaya mushonga?


Sophia: Kwete. Apo akaziva zvaidiwa naBartimeo, akamuudza kuti aende, uye kuti kutenda kwake kwainge kwamuponesa.


Skeeter: Ndizvo zvose?


Sophia: Ndizvozvo, Bartimeo akabva atanga kuona pakarepo.


Skeeter: Bartimeo anowanikwa muno here? Ndingada kutaura naye.


Sophia: Apo akatanga kuona akbava atevera Jesu. Handizive kuti achadzoka here kana kuti kwete. Ndava kuenda, ndafara chaizvo nenguva yatava nayo. (Anoenda)


Skeeter: Zvakanaka, ndava neruzivo rwezvakaitika mukurapwa kwaBartimeo. Ainge ari bofu chairo kwemakore akawanda, Jesu weNazareta akamurapa, uye kwaiva kutenda kwaBartimeo kwakaunza zvose izvi. Uyu ndi Skeeter ari kukupakurirai nhau idzi panhepfenyuro yeZBC. (Anoenda)



USAZVIPIRA KUURWERE



Chidzidzo chechipfumbamwe


Ndima yekutarisa: Jakobo 4:7, “Dzivisai Diaborosi agokutizai.”


Zvinodiwa: Ronga mapasuru akanyorwa kuti, “Gwirikwiti,” “Chibhokisi,” “Gomarara,” “Chikosoro,” “Dzihwa,” uye “Urwere,” bhuku remarusiti kana chibhodhi chine mapepa angashandiswa nemunhu anounza zvinhu.


Gadziriro: Tsvaga mubatsiri ane izwi gobvu. Ita kuti aedze kupa pasuru yeurwere kwauri nepamusiwo. Mubatsiri haafaniri kuonekwa mutumbi asi maoko ake chete uye anofanira kupfeka zvinovhara makoko ake.


Chidzidzo:


Mudzidzisi: Shoko raMwari rinotiudzaakuti Satani ari kufamba achiomba seshumba achitsvaga wekudya. Ari kufamba achipa vanhu mapasuru ematambudziko kune wese angamatora. Tinotenda Mwari kuti hatifaniri kugashira pasuru dzasatani. Tine simba pamusoro pake nezita raJesu.


(Panenge pari kugogodzwa pamusiwo.)


Izwi: Ndine pasuru yenyu. Ndakuvigirai bhokisi iri, imi moga.

(Munhu anenge achitora nzvimbo yasatani anofanira kuedza kuita kuti mudzidzisi vaitore.)


Mudzidzisi: Ndanga ndisingatarisiri pasuru.


Izwi: Havasi vanhu vakawanda canenge vakatarisira. Izvi zvabva kuna vasekuru venyu, Gwirikwiti. Ingonyorai apa pamutsara uri pasi uye zvinobva zvava zvenyu zvachose.


Mudzidzisi: Handinganyori apo. Pakanyorwa kuti “urwere.” Handitombodi zvangu kunzwa nezvazvo! Satani, shoko rinoti, “Iye akatora marwadzo angu akatakura urwere hwangu!” (Nemashoko aya, vharira satani musiwo, asi pasuru yake inofanira kuramba iri mumba mekudzidzira umu.)


Mudzidzisi: Handinganyore, pasuru iyi haisi yangu. Yakanyorwa kuti “Urwere.” Handidi zvachose. Satani akaita semunhu anounza mapasuru. Wakambogashira pasuru here? Kuti pausru ive yako unofanira kunyora kuti waigashira. Satani anoda kuti ndinyore kuti ndagashira pasuru iyi yeurwere, asi ndaramba kuzviita. Kunyora kwatinoita kuti tigashire pausur dzasatani, kuaura zvinhu zvakaipa nemiromo yedu. (Simudza pasuru uikande panze nepamusiwo) Handisi kugashira zviri kuuya nasatani.


(Pamusiwo panogugudzwa zvekare. Dzokororora kwekanokwana kaviri zvekare. Mudzidzisi anoita zvakanaka nekuramba achidzokorodza kuti zvinorevei kudzivisa pasuru yasatani. Mumashure mekuramba kechitatu, pedzisa chidzidzo nemienzaniso inotevera.)


Mudzidzisi: Satani munhu anoramba achiedza. Anouya nemiedzo kakawandisa. Saka zvisinei kuti auya kwatiri kangani, tinofanira kumudzivisa. Tondera kuti apo tinotaura mashoko akaipa zvakangofanana nekubvuma kunyora papepa rasatani. Usagashire gwirikwiti, mahumunya, dzihwa, chibhokisi. Usabvume kunyora uchizvigashira!



DZOKORORO


Chidzidzo chechipfumbamwe


Shandisai shoko:


Bartimeo bofu akafara zvikuru paakanzwa kuti Jesu ari kuuya. Akamusvika nekutenda akagashira ruponiso rwake. Mune urwere here mumuviri wako nhasi? Ungada here kugashira ruponeso rwako nhasi nekutenda sezvakaita Bartimeo? Ngatitorei kanguva tizviite izvozvi!


Mibvunzo yemutambo:


1. Zita rebofu rakaponeswa naJesu kuJericho rainzi ani?

2. Sei Bartimeo aipfeka nguwo tsvuku pamberi pavanhu?

3. Mwari vakakonzera kuti Bartimeo ave bofu here?

5. Ko sei Jesu akaenda kuJericho?

6. Jesu akaparidza kuti chii pamusoro pehushumiri hwake?

7. Sei kwaiva nevanhu vakawanda vaitevera Jesu?

8. Bartimeo akaziva sei kuti Jesu aiva padyo?

9. Bartimeo akachema kuti chii kuna Jesu?

10. Nekudana kuti Jesu mwanakomana waDavid, zvakaratidza chii?

11. Vanhu vainge vari padyo naye vakamukurudzira here?

12. Satani aiedza kuita sei kubudikidza nevanhu vaiva padyo naBartimeo?

13. Jesu akaita sei kubudikidza nekuchema kwaBartimeo kwekutenda?

14. Bartimeo akaita sei apo akasimuka kuti aende kuna Jesu?

15. Sei Bartimeo akakandira kure nguwo yake tsvuku yekupemhesa?

16. Sei Jesu akabvunza Bartimeo kuti aida chii?

17. Tingaziva sei kuti Bartimeo aiziva kuti kuponeswa ndekake?

18. Sezvo Mwari vaida kuti Bartimeo aponeswe, aiponeswa here kudai asina kutenda?

19. Jesu aizoti chii kudai aigara panyika nhasi?

20. Kana tiine kutenda muna Jesu, tinenge tichitenda muna ani zvekare?



MAMBO ANOPINDA MUJERUSAREMA




Chidzidzo chegumi


Ndima yekuverenga: Mateo 21:1-16


Chokwadi: Jesu akakodzera kudiwa nekunamatwa.


Ndima yemusoro: VaRoma 10:9, “Kana uchipupura nemuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa.”


Kamutambo: “Kurapa kwerumbidzo”


Chidzidzo: Ngano - “Chipo chaPercy”


Zvinodiwa: VaFarise (702), Vadzidzi (703), Chaunga (704), Jesu (711), Vana (723), Jesu padhongi (725), Mabazi emuti (726), Vatsinhanisi vemari (728), Temberi (729)


Kumudzidzisi:

Jehova vane kodzero yekuwana kurumbidza kwedu kwese uye kazhinji tinotarisira pasi kukosha kwesimba rekutenda. Kana tichizvipa nguva nemukana wekurumbidza Jehova, hatingorumbidzi Jehova chete asi kuti tinokunda matambudziko nemamiriro ezvinhu muupenyu hwedu tozviona nemaonero aMwari ayo anogara ari nani pane edu.


Jesu akadzidzisa kuti vana vanotevedzera vabereki vavo vaitorwa sevanekurumbidza kwakaringana uye vanozvigamuchira vasingazezi. Chinhu chakanaka kuti vakomana nevasikana vatevedzere magariro ehumwari anoitwa nevakuru vavo kunyangwe vasinganzwisise zvizere. Iva nechokwadi kuti watsanangudza kuti kurumbidza nekunamata chinhu chakakosha chinoda kuramba chichitwa kwete kukereke chete.


Tsanangudzo:


I. Jesu akapinda muguta reJerusarema samambo.

A. Asati apinda muguta, Jesu akatumira vadzidzi vake kuti vaende kunokumbira dhongi rekuti akwire.

1. Jesu aiziva kubudikidza nemweya Mutsvene kuti dhongi iri raivepi. Ichi chaiva chipo cheshoko rekuziva (1 vaKorinte 12:8).

2. Varidzi vedhongi vaisaziva kuti Jesu aida kurishandisa, asi vakafara kuti vadzidzi vatore dhongi.

B. Jesu akapinda muguta reJerusarema akatasva dhongi.

1. Izvi zvakaitwa kuti zvizadzise magwaro (Zakaria 9:9)

2. Jesu akaita muenzaniso wekuzvirereka watinofanira kutevedzera tose. (vaFiripi 2:5-8)

C. Vanhu vakawanda vakarumbidza Jesu saMesiya.

1. Vakagadzirira nzira yaJesu yekuti apinde muguta nekuwarira mbatya nemapazi emiti.

2. Vakachema vachirumbidza Jehova.

3. Vaifunga kuti achavasunungura kubva kuvaRoma.

4. Havana kuziva kuti achafira zvivi zvavo vose.

D. Vanhu vairumbidza Jesu semwanakomana waMwari vakashatirisa vaFarise (Ruka 19:37-40).

1. Jesu akaudza vaFarise kuti kana vanhu vakasamurumbidza, mabwe aizoshevedzera.

2. Takasikwa kuti tirumbidze Mwari - musarega mabwe achiita izvi panzvimbo penyu!

II. Jesu akaenda kuTemberi muJerusarema akadzinga vatengesi vese.

A. Jesu akapidigura matafura ose evatsinhanisi vemari nevatengesi.

1. Akagadzira chiwepu ndokuvadzinga vose pamwe chete nemhuka neshiri dzose.

2. Vanhu ava vaibiridzira uye vaibhadharisa mari yakawanda kune vanhu vainge vaenda kunonamata Mwari kutemberi.

B. Jesu aiva nemvumo yose yekuchenisa Temberi.

1. Temberi yaiva yababa vake.

2. Kuita uku kwaiva kuzadzikisa zvinyorwa zviri muna Jeremiah 7:11 uye Mapisarema 69:9.

C. Temberi yaMwari yaiva imba yekunamatira yevanhu vose (Isaya 56:7)

1. Mwari haachagari muTemberi kuJerusarema kana mune chimwe chivakwawo zvacho.

2. Nhasi Mwari ava kugara muvanhu (Johane 14:23)

III. Jesu akataridza maJuda nzira chaiyo yekushandisa Temberi yaMwari.

A. Akarapa bofu nechibibi vainge vaend aknomuonamo.

1. Kuda kwaMwari kuponesa vanhu.

2. Kana tichinamata Mwari, simba rake rinotanga kushanda.

B. Vana veJerusarema vakatevera Jesu muTemberi ndokutanga kumurumbidza.

1. Vaitevedzera vabereki vavo mukuita uku.

2. Jesu akafara zvikuru nekurumbidza uku.

C. Vanhu vasatani vakabva vatsamwa zvekare.

1. Vapirisita vakutu nevanyori vakanyanya kutsamwa nekuda kwevana vairumbidza Jesu nekuti vainge varipo pakaponeswa vanhu.

2. Vakaedza kuita kuti Jesu avadzivise kumurumbidza.

D. Jesu akaudza vaipikisa ava kuti kurumbidza kwechokwadi kunobva pamuromo wevadiki.

1. Kurumbidza chaiko, kunamata kukuru.

2. Kurumbidza Mwari nedzimwe ndimi inzira yakanaka yekupa kutenda kuna Mwari (1 Vakorinte 14:17)

E. Vana vanofanira kuramba vachipa kutenda kuna Mwari (VaHeberu 13:15).

1. Kurumbidza Mwari hachisi chinhu chinofanira kuitwa pachechi chete.

2. Jesu akakodzera kurumbidzwa nekunamatwa mazuva ose.





Dzidziso yemweya:


Nemuromo wangu ndicharumbidza

Jehova mazuva ose.

Tichiimba tichirumbidza Jesu Kristu

Zvinoita kuti mweya wangu usimbe.


Halleluja, Mwari ngaarumbidzwe.

Wakakodzera kurumbidzwa.

Ndinokuda, Jesu uye

Ndinokudza zita rako.



KURAPA KWERUMBIDZO


Chidzidzo chegumi


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Sally, Jerry


(Bennie naSally vanopinda)

Sally: Bennie ndinoda kutaura newe.


Bennie: Kwete iyezvino, Sally, handidi kutaura newe.


Sally: Chii chiri kunetsa pauri? Wangoshanduka nguva shoma yapfuura.


Bennie: Hongu, ndinoshanduka kana ndichida, ndisiye ndakadaro.


Sally: Handisi kuzokusiya wakadaro kusvikira wandiudza kuti chii chiri kunetsa. Sei usina kusimudza maoko ako muchechi nhasi apo vamwe vanhu vose vanga vakasimudza maoko vachirumbidza Mwari, wanga wakangogara sechigutswa.


Bennie: Hazvina basa chero ukanditi “Chigutswa.”


Sally: Wakambozvitarisa here, Bennie? Chiso chako chakaita kunge munhu akazora dota.


Bennie: Ho-o! Iwe unoita kunge munhu anwa chirongo chezvinovava!


Sally: Bennie! Ungandidaro here. Ndanga ndiri kungoedza kutsanangura zvanga zvakaita kumeso kwako. Ndinoda kukutaurira kuna amai. (Anoenda)

Bennie: (Achisvora) Ndinoda kukutaurira kuna amai. Hapana nenyaya yose apa, kana zvashata, zvatoshata kare hapachisina shanduko apa.


(Jerry anopinda)

Jerry: Iwe, Bennie, zviri kufamba sei?


Bennie: Kungosvotekana chete hapana chimwe.


Jerry: Ndiri kuona kuti hausi kufara nhasi, svondo rino uye gore rino!


Bennie: Handisi kunzwa kufara.


Jerry: Zvakashata handiti? Uchaitei nazvo?


Bennie: Kugunun’una nekunyunyuta ndizvo.


Jerry: Handingakusvore kana vanhu vose vari kukutadzira. Wava kunzwa sei?


Bennie: Handisi kufara, ndashatiriswa!


Jerry: Ndizvo chaizvo zvandinonzwa kana zvinhu zvisiri kundifambira zvakanaka. Vakomana, ndiri kunzwa sendakaora. Ndinofunga zviri nani ndidzokere kumba ndimbondodya. (Anoenda)


Bennie: Undisiirewo! Nhasi rimwe zuva mukati memazuva anosvota. Vauyazve vaNyakuziva vaya.

(Sally anopinda)


Sally: Bennie:


Bennie: Ndinovimba amai vari kuda kundiona.


Sally: Ndakashandura pfungwa dzangu uye handina kuvaudza.


Bennie: Hauna? Nemhosva yei?


Sally: Pamusana pekuti ndinoziva zvaunoda uye unoda kushandura zvinhu.


Bennie: Chii ichocho?


Sally: Unofanira kutanga kurumbidza Mwari?


Bennie: Asi handisi kunzwa kuda kuzviita, Sally.


Sally: Hazvina basa. Jehova vane kodzero yekurumbidzwa kuzvida kana kusazvida.


Bennie: Ichokwadi ichocho, asi zvinenge zviri zvekunyepera.


Sally: Haunzwisise here, Bennie? Kana uchizviita usingadi, unenge uchitenda Jehova. Chero munhu anokwanisa kurumbidza Mwari kana achida kana kuti kana zvinhu zvichifamba zvakanaka. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti titende zvisinei nemamiriro ezvinhu.


Bennie: Unoreva here kuti tinofanira kurumbidza Mwari nekuda kwezvinhu zvose zvisina kunaka izvi.?


Sally: Kwete, nekuti havasi Mwari vakazviita. Asi mukati mekunetsa kwezvinhu unokwanisa kurumbidza nekunamata Mwari. Izvi zvinoreva kuti unotenda kuti Mwari mukuru kune mamiriro ezvinhu zvose.


Bennie: Uri kutaura chokwadi, Sally. Mwari mukuru kune zvinhu zvose, uye kana ndikamuterera nekumurumbidza, handizonetsekizve.


Sally: Uye Mwari achaita basa rekushandura mamiriro ezvinhu.


Bennie: Mwari ngaarumbidzwe! Hallelujah! Jesu ngaarumbidzwe! Mune kodzero yekurumbidzwa, Jehova tinokutendai! Hallelujah! Huya tione, Sally, tinofanira kunoudza Jerry nenyaya iyi, zvekare. (Vose vanobuda)




CHIPO CHAPERCY


Chidzidzo chegumi


Ngano


Gospel Bill akasungira bhiza rake pabango ndokufamba akananga kumusiwo wekereke. Apo akatanga kuvhura musiwo, akanzwa kuchema kwaibva mukati. Nekusada kukanganisa munhu aiva mukati, Bill akatendeuka ndokunogara padyo nebhiza rake.


Kuchema kwakaenderera zvekuti Bill aizvinzwa zviri nyore kubva paaiva agere.


Mwari Baba, ndiregerereiwo! Ndiregerereiwo! Ndinoziva kuti ndiri mutadzi. Handibatsiri chinhu, asi ndiregerereiwo!,” mashoko aibva kune munhu aichema ri mukereke.


Kuchema uku kwakaenderera kwechinguva chakati kuti. Bill ainge afunga zvekuenda apo musiwo wakavhurwa. Aiva Percy Miller mupfuri wemapadza.


Mhoro, Percy,” akadaro Gospel Bill.


Ah, mhoro kani Gospel Bill,” akadaro Percy asina kusununguka. Bill ainge atarisira kuti Percy ange achifara mumashure mekunamata kwenguva refu, asi murume aitaridzika kuti ane zvinomunetsa.


Chii chiri kunetsa?” akabvunza Bill.


Hapana,” akadaro Percy apo akadarika pana Bill achidzika nemugwagwa. Bill akapinda mukati kuti anamatire ungano yezuva raitevera.


Muchechi mangwana mangwanani, mufundisi Martin vakaparidza pamusoro paJesu semuponesi. Mharidzo iyi yainge yakakomborerwa zvikuru, uye vanhu vana vakafamba vakananga kuatari kuti vanonamata nekugashira Jesu. Apo vakafamba, Bill akaona Percy ari pakati pevanhu ava. Aida kuponeswa.


Percy akapfugama ndokutanga kuchema achinamata, “Mwari Baba, ndapota, ndiregerereiwo! Ndiregerereiwo! Ndinoziva kuti ndiri mutadzi, uye handisi chinhu. Mwari, ndiregerereiwo.”


Apo Percy akasimudza musoro kubva pakunamata, akataridzika kunetseka zvikuru. Gospel Bill akanetseka kuti sei Percy ainge auya kuzogashira ruponeso, iye ainge agashira Jesu makore mana ainge adarika apo ainge atamira munzvimbo iyi. Pane chinhu chiri kunetsa Percy, akafunga Bill.


Svondo raitevera, Gospel Bill ainge akatasva zvake bhiza rake achitenderera munzvimbo make ndokuona vanhu vakawanda vainge vari pamberi pechitoro chaPercy. Handizive kuti vanhu vose ava vakaunganira chii, akafunga apo akatasva bhiza rake achienda padyo nevanhu ava.


Tanga kutora bhiza rangu,” akadaro mumwe murume.


Ndini ndatanga,” akadaro mumwe.


Apo varume ava vaipikisana, Bill akavabvunza, “Ko sei paine vanhu vakawanda kudaro pachitoro chaPercy? Haagaro wandirwa nevanhu zvakadai.”


Ari kupa bhutsu dzemabhiza mahara kusvikira panguva dzechishanu manheru,” akadaro mumwe. “Munhu wese muguta ari kuedza kuwana mukana uyu !”


Kwete neniwo,” akadaro Bill. Akatarisa kumeso kwaPercy akaona kuti ainge asingaratidzi kufara. Pane zviri kumunetsa chete, akafunga Bill.


Manheru musi uyu, Bill akafamba achibuda muhofisi yake ndokutasva bhiza rake. Akaona kuti magesti ainge akabatira mukereke. “Ndaisaziva kuti pane chiri kuitika muchechi nhasi,” akataura oga. “Zviri nani kuti ndiende kunoona kuti chii chiri kuitika nhasi kuchechi.”


Apo Gospel Bill akasungira bhiza rake, akanzwa izwi riya remunhu ari kuchema zvekare, “Mwari wangu, ndiregerereiwo. Ndinoziva kuti ndiri mutadzi, uye handisi chinhu. Ndapota, Mwari baba ndiregerereiwo!”


Uyu aiva Percy aichema achikumbira kuregererwa naMwari. Bill aisada kumukanganisa kunyangwe zvake aiziva kuti pane chaimutambudza.


Zuva raitevera, Bill ainge agere muchitoro chinogerwa misoro umo aigerwawo apo Jed Stevens akapinda kabata svutu itsva. “Tarisa mbatya idzi, unga..........,” akadaro Jed achinyemwerera. “ Handisi kunzwisisa,” akawedzera. “Ndanga ndiri kufamba ndichidzika zvangu nemugwagwa ndokupfuura nepamusiwo webhanga apoPercy Miller abuda akatakura saga remari. Aenda neni naElmer Smith ndokunotitengera mbatya idzi.”


Ane moyo wakanaka chose,” akadaro mugeri,


Ichokwadi ane moyo wakanaka akadaro Jed. “Apedza mari yake yose yaanga akachengeta achitengera Elmer neni.”


Gospel Bill akazunza musoro wake. Aiziva kuti zvainge zvakanaka kupa asi Percy ainge asingafariri kupa. Ko sei afunga kuti aite zvinhu zvose izvi? akashamiswa.


Apo Bill akafamba akananga kuchitoro chaPercy, akasangana nevakomana vashanu vose vainge vakatakura zvihomwe zvishanu pamunhu zvezviwitsi. “Tarisai, vakuru,” akadaro mumwe wevakomana ava. “Percy Miler atitengera zvose izvi.” Bill akafamba achienda. Percy ainge asiri muchitoro make, asi Bill aiziva kwekumuwana.


Apo Bill akasvika kukereke, akanzwa Percy achichema zvikuru, “Mwari Baba, ndiregerereiwo. Ndapota, Jehova Mwari ndiregerereiwo. Handisi chinhu, ndiri mutadzi mukuru........”


Nyarara apa!” akadaro Bill apo aifamba achienda kwaiva naPercy. Percy akavhura maziso kunge gonzo rinoda kushandura hozi yekugara apo akaona Bill achipinda nepamusiwo. Bill akananga kwaiva naPercy ndokumusimudza.


Percy,” akadaro Bill,” terera kwandiri. Ndanga ndiri kukutarisa kwemasvondo akati wandei adarika, uye hausi kuita zvakanaka.”


Asi ndanga ndiri kunamata nekukumbira Mwari kuti andiregerere uye ndaka.....” akadaro Percy.


Nyarara!” akadaro Bill. “Uri kuedza kuwana rusununguro.”


Ndiri kuedza kuratidza Mwari kuti ndinoda kusunungurwa,” akadaro Percy. “Haasi kundinzwa. Ndicho chikonzero ndanga ndiri kuita izvi zvose. Ndinoziva kuti rimwe zuva achandinzwa.”


Percy,” akadaro Bill, “hazvina basa. Mwari anokuda zvikuru ndicho chikonzero akatumira Jesu kuti ave mupiro wako. Jesu akakufira, Percy. Haufanire kushandira ruponeso. Chipo chisingatengwi.”


Asi hapana chandakanzwa,” akadaro Percy.


Haungandiudze pamusoro pemanzwiro ako kuti uzive kuti Mwari anokunzwa here,” akadaro Bill. “Bhaibheri rinotaura kuti , kana uchitenda mumoyo mako kuti Mwari vakamutsa Jesu kubva kuvakafa uye kana ukamudana kuti Jehova, uchaponeswa!”


Kunyangwe ndisinganzwi sekunge ari kundinzwa here?” akabvunza Percy.


Mwari anonyepa here?” akabvunza Bill.


Saka Bhaibheri rinofanira kuva rechokwadi. Kana ukaita zvirinoreva, uchaponeswa,” akadaro Bill.


Saka ndakaponeswa,” akadaro Bill. “Mupiro waJesu wakakwana. Haufaniri kutsvaga imwe nzira yekuenda nayo kudenga. Pamusoro pazvo hausi mutadzi, uri mwana waMwari.”


Svondo raitevera, Bill akaenda kuchechi kunonamata. Akanzwa izwi riya zvekare kubva mukereke. Zvanyanya izvi, akafunga Bill, Ndinofanira kutaura naPercy zvekare. Bill akavhura musiwo ndokushamisika kuona Percy achitamba mukereke mese.


Ndakaponeswa! Ndakaponeswa!” akadanidzira Percy. “Ndiri mwana waMwari, uye handifanire kuzvishandira!”


Bill akamhanya kuti abatane naPercy pakurumbidza Mwari. “Allellujah!”




DZOKORORO


Chidzidzo chegumi


Shandisai shoko:


Wakamboenda kuchechi here umo vanhu vose vairumbidza Mwari zvakanyanya? Chii chakaitika? Wakanzwa sei pava pashure? Zvaiva nyore here kwauri kuti urumbidze Mwari vamwe vose vakakukomberedza vachizviitawo?


Mibvunzo yemutambo:


1. Jesu akasvika sei muguta reJerusarema?

2. Jesu akaziva sei kwekutuma vadzidzi vake kuti vanokumbira bhiza?

3. Sei Jesu akapinda muJerusarema akatasva dhongi?

4. Tinofanira kutevedza here muenzaniso waJesu wekuzvininipisa?

5. Vanhu vakaita sei apo Jesu ainge opinda muJerusarema?

6. Vanhu vakafunga kuti Jesu aizovaita sei?

7. Vanhu vaitadza kunzwisisa chii?

8. Jesu akaudza vaFarise kuti aizorumbidzwa nei kana vanhu vakatadza?

9. Jesu akaita sei apo akapinda mutemberi muJerusarema?

10. Sei Jesu akadzinga vatengesi nevatsinhanisi vemari mutemberi?

11. Ndezvipi zvinhu zviviri zvakapa bvumo kuna Jesu kuti achenise temberi?

12. Mwari ainge ati chii kuvanhu vake maererano naIsaya 56:7?

13. Mwari anogarepi nhasi?

14. Jesu akataridza maJuda sei, nzira yakanaka yekushandisa Temberi?

15. Chii chinoitika kana tichitenda Mwari?

16. Ndiani akatanga kunamata Jesu muTemberi muJerusarema?

17. Ndiani akatsamwa pamusoro pevana vairumbidza Jesu muTemberi?

18. Jesu akazvitora sei?

19. Tingataridza kutenda kwedu sei kuna Mwari?

20. Ndeipi nguva yakakodzera kuti vana varumbidze jehova?




JESU, MAMBO PAMUSORO PERUFU


Chidzidzo chegumi neimwe


Ndima yemusoro: Johane 11:1-45


Chokwadi: Upenyu hwaMwari hukuru kudarika rufu.


Ndima yemusoro: 1 vaKorinte 15:26, “Muvengi wekupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.”


Kamutambo: “Kurarama zvekare”


Chidzidzo: Chidzidzo chekuita - “Upenyu hunoenderera mumashure merufu”


Zvinodiwa: Jesu (700), Vadzidzi (703), Mutumwa (705), Maria (730), Marita (731), Mbatya dzemuguva (732), Razaro (733), Guva (734)


Kumudzidzisi:


Rungano urwu runotiratidza kuti upenyu hwaMwari hunokurira rufu sei. Mwari akasimba kudarika satani. Kazhinji vanhu vanofunga kuti Mwari nasatani masimba anopikisana uye akangoda kuenzana, asi hapana chinokurira chokwadi. Satani haazofa akava padyo kana kuenzana naMwari.


Kunyangwe hazvo rufu ari muvengi uyo tese tichasangana naye rimwe zuva, dzidzisa vana vako kuti rufu kusimudzirwa kwemutendi. Bhaibheri rinotaura kuti kuve naKristu zviri nani pane upenyu hwepanyika pano (VaFiripi 1:23). Apo tinoterera Jehova, tinoshandisa kutenda kwedu nesimba redu kuti tigare upenyu huzere uye kuzadzikisa hurongwa hwaMwari hwaakagadzirira mumwe nemumwe wedu.


Tsanangudzo:


I. Shoko rakasvika kuna Jesu kuti shamwari yake Razaro yainge yarwara zvikuru.

A. Jesu ainge achishumira ari kune rimwe guta.

1. Hanzvadzi dzaRazaro, Maria naMarita vakatumira munhu kuna Jesu kunotaura pamusoro pekurwara kwaRazaro uye kumudana kuti auye kuzobatsira.

2. Tinofanira kuenda kuna Jesu pese patinoda rubatsiro.

B. Jesu aida Razaro zvikuru.

1. Aisada kuti Razaro arware.

2. Jesu anokuda uye haadi kuti urware.

C. Jesu akashandisa kutenda kwake nesimba rake kuti abatsire Razaro.

1. Akati, “Chekupedzisira paurwere uhu hakusi kufa asi kubwinya kwaMwari kwaizoonekwa.”

2. Haana kutaura kuti Razaro airwara pamusna pekubwinya kwa Mwari. Mwari haana kusimudzirwa kusvikira Razaro amutswa kubva muvafi.

D. Kufa kwenyama kwakauya munyika mumashure mekutadza kwaAdam.

1. Hwaisava hurongwa hwaMwari kuti vanhu vafe.

2. Kunyangwe tichifanira kuvimba naMwari nekuda kwehutano hwedu neupenyu hurefu, hatikwanisi kuvimba naMwari kuti tisafe panyama. Rufu ndiye muvengi wekupedzisira achaparadzwa.

II. Mumashure memazuva maviri, Jesu akaenda kuBethany uko kwaina naRazaro.

A. Jesu asati abva paBethany, Razaro akafa.

1. Jesu akaziva izvi nekuda kweMweya Mutsvene, asi haana kuvhunduka.

2. Jesu akaziva kuti kutenda kwainge kwatodzikiswa uye hapana chaizonetsa pana Razaro.


B. Panguva yakasvika Jesu paBethany, Razaro ainge atova nemazuva mana afa.

1. Muviri waRazaro wakafa nekuda kwekurwara, asi mweya wake ainge aenda kuParadiso.

2. Kana munhu akafa panyama, hazvirevi kuti haachararami, asi kuti anenge angobva panyika ino chete aenda kune mumwe musha usingaperi.

C. Jesu naMaria naMarita vakaenda kurinda kwaRazaro.

1. Jesu akasundwa nerudo apo akaona kusuwa kwaMaria naMarita, pamwepo nevanhu vainge vauya kuzonyararadza.

2. Kana hama yedu yaenda kumusha kudenga kuna Jehova, tinorwadziwa kwenguva, asi tinozogadzikana nekufara kuziva kuti vaenda kunova naJesu uye tichazovaonazve imwe nguva.

D. Razaro akavigwa mubako ndokuvharirwa nezidombo guru.

1. Jesu akataura kuti dombo iri ribviswe.

2. Marita akati, “Tenzi, kwatova nemazuva mana afa. Muviri wake unofanirwa kunge wava kutonhuwa pari zvino.

3. Jesu akayambira Marita kuti avimbe naye kuti aone kubata kwaMwari.

III. Razaro akamutswa kubva kuvakafa pamusana pekuti Jesu haana kufadzwa nezvaakaona.

A. Jesu akamira kunze kweguva ndokutarisa kudenga ndokutenda Mwari pamusana pekumunzwa. (Mwari vakanzwa Jesu munima yechina)

1. Jesu akadanidzira nezwi guru, “Razaro, huya!”

2. Razaro akauya kumusiwo webako achakamonerwa nemachira ainge akamuputira apo akafa.

3. Jesu akaudza vanhu kuti vamubvise machira aya uye kuti vamurege asununguke.

B. Vanhu vazhinji vakaona chiitiko ichi vakatenda muna Jesu.

1. Zvekare pane vamwe vakaona chishamiso ichi asi havana kutenda.

2. Vamwe vanhu vanoomesa moyo yavo zvisinei kuti Mwari vaita chii.

C. Upenyu hwaMwari hwakasimba kudarika rufu.

1. Jesu akataridza izi nekumutsa kwaakaita Razaro nevamwewo kubva muvakafa uye nekumutswa kwakewo kubva muvakafa.

2. Hatifaniri kutya rufu, takavimbiswa upenyu hutsva. (VaEfeso 6:1-3, Mapisarema 91:16)

3. Nekuti kumwana waMwari, rufu kusimudzirwa kubva kuupenyu kuenda kudenga.


Dzidziso yeMweya:


Apo Razaro akarwara akafa,

Aya ndiwo mashoko akataurwa naMwari,

Huya kuno!” uye Razaro akamuka kubva kuvakafa.

Upenyu hwaMwari hwakasimba kudarika rufu.



KURARAMA ZVEKARE


Chidzidzo chegumi neimwe

Kamutambo:


Vatambi: Mubvunzi, Razaro


Mubvunzi: Tine muenzi akakosha zvikuru nhasi! Murume uyu yaiva shamwari chaiyo yaJesu uye aiva nehanzvadzi mbiri, Maria naMarita. Akarwara ndokufa asi akamuka mumashure memazuva mana, chimwe chinhu chakanaka chakaitika. Jesu akamumutsa kubva kuvakafa. Ngatimuchingamidzei tose, Razaro!


(Razaro anopinda.)


Razaro: Mwari ngaarumbidzwe. Kaziwai, zita rangu ndiRazaro.


Mubvunzi: Tinonzwa kufara kuva newe nhasi, Razaro. Une chapupu chikuru kwazvo, ungapakurirana nesu here?


Razaro: Ndingafara zvikuru. Ndinofarira kurumbidza Jesu. Akandiitira zvakanaka.


Mubvunzi: Iwe nehanzvadzi dzako vaiva shamwari chaidzo dzaJesu, ichokwadi here?


Razaro: Ichokwadi. Taiva padyo chaipo naJesu apo ainge achiri kuparidza ari pasi pano. Ndakaziva kuti ndiye mwanakomana waMwari apo ndakatanga kumunzwa chiparidza.


Mubvunzi: Jesu aiparidza mharidzo dzakaita sei?

Razaro: Aiparidza pamusoro pekusunungura vanhu kubva mune zvose zvaivasunga. Aisunungura vanhu kubva mukutambudzika, kurwara, kutya, zvivi uye rufu.


Mubvunzi: Chii chakaitika kwauri?


Razaro: Zvisinei, ndakarwara zvikuru, Jesu asati aroverwa pamuchinjikwa. Takatumira shoko kuna Jesu kuti auye kuzondinamatira, nekuti ndaiziva kuti aizondiponesa.


Mubvunzi: Jesu aiva nesimba pamusoro peurwere.


Razaro: Hongu aiva naro, asi ndakaramba ndichiwedzera kurwara kusvikira ndafa.


Mubvunzi: Mweya wako wakasiya muviri wako.


Razaro: Ndizvozvo. Ndichiri kutondera. Mweya wangu wakabuda mumuviri mangu ukabva waenda pakati panyika.


Mubvunzi: Pakati penyika? Waisazo......................


Razaro: Kwete. Ndakaenda kunzvimbo inonzi Paradiso. Yaiva yakanaka zvikuru.


Mubvunzi: Saka wainge wava padyo neGehena.


Razaro: Taikwanisa kuona Gehena asi zvaisakwanisika kuendako nekuda kwegomba rakadzika zvikuru rainge rakatipatsanura. Ndaisaendako kunyangwe kudai ndaikwanisa.


Mubvunzi: Gehena inzvimbo inotyisa zvikuru. Mwari havana kuigadzirira vanhu asi, kuti satani nevatumwa vake.


Razaro: Ichokwadi, asi ndakaona vanhu mugehena. Vaivako nekuti vakasarudza kuvapo.

Mubvunzi: Unoreva here kuti kune vanhu vakapusa zvekusarudza kuenda kugehena?


Razaro: Zvinonzwisa tsitsi! Hapana munhu anofanira kuendako nekuti Jesu akabhandara mutengo wezvivi. Hazvina kukosha. Zvisinei, pedzisa nyaya yako.


Razaro: Mumashure mekuva muParadiso kwemazuva mana, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika. Ndakanzwa izwi raJesu. Aindidana.


Mubvunzi: Wainzwa izwi raJesu kunyangwe zvazvo wainge wafa?


Razaro: Hongu. Vanhu vakafa vanoramba variko asi chete kuti vanenge vasisararame munyama yavo. Kana mitumbi yafa, mweya unobuda.


Mubvunzi: Jesu akati chii?


Razaro: Jesu akati, “Razaro, huya.” Ndakadzoswa zvekare panyika ndokupinda munyama yangu. Ha-ha-ha. ((Anoseka)


Mubvunzi: Chii chiri kunyanyokunakidza?


Razaro: Ndainge ndisingakwanisi kufamba nekuti muviri wangu wainge wakamonerwa nenhumbi dzemuguva. Ndakabuda ndokutakanura nhumbi idzi.


Mubvunzi: Ndinovimba hanzvadzi dzako dzakafara kukuona.


Razaro: Hongu, vakafara zvikuru. Ndinofara kuti Jesu akauya. Ndiye mukuru wezvinhu zvose - kunyangwe rufu.


Mubvunzi: Jesu achaita kuti vatendi vose vakafa kare vamutswe. Vose vachamuka kubva kuvakafa.


Razaro: Zvisinei, ndinofanira kudzokera kudenga.


Mubvunzi: Kudenga? Ndaifunga kuti Jesu akakumutsa kubva kuvakafa.


Razaro: Ndizvozvo, asi ndakazochemberawo ndikazofa. Kechipiri aka handina kuzoenda kuParadiso.


Mubvunzi: Chii chakaitika?


Razaro: Apo Jesu akafa pamuchinjikwa uye akamukazve, akatora vanhu vose vaiva muParadiso akavaisa kudenga. Ndiko kwatinogara tose nhasi.


Mubvunzi: Ndinofara kuti wauya nhasi, Razaro.

Mubvunzi: Neniwo ndafara zvikuru. Ndichadzoka zvekare rimwe zuva naJesu apo anouya.

Mubvunzi: Zvichaitika riini izvozvo?


Razaro: Mwari Baba voga ndivo vanoziva, uye havasati vataura. Ndinoziva kuti mumashure menguva shoma kunagwezvo. Ndinoziva kuti mune shanduko huru mudenga. Zvinhu zviri kugadzirirwa kudya kwedu kwekupedzisira. Tozoonana.


(Anoenda)


Mubvunzi: Zvakanaka! Jesu mukuru kunyangwe kurufu uye rimwe zuva achaita kuti vana vaMwari vose vasafe asi vararame nekusingaperi.



UPENYU HUNOENDERERA MUMASHURE MERUFU


Chidzidzo chegumi neimwe


Chidzidzo chekuita


Ndima yekutarisa: Johane 3:16, “Nekuti Mwari wakada nyika nokudaro kuti wakapa mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga kuti ani nani anotenda kwaari asafe asi ave neupenyu husingaperi.”


Zvinodiwa: Mapepa ari pakati nepakati maviri ekhakhi, marora matatu emapepa (tissue), maka, netape yekunamisa.


Gadziriro: Nyora chiso chiri kusekerera pane rimwe remapepa ekhakhi aya uye rimwe rine chiso chakasuruvara pane rimwe. Mononora bepa rakareba mamita maviri kusvika kumamita matatu epepa. Chimonerera mapepa aya pamwe chete.Maise mupepa rine chiso chakatsamwa. Tora mamwe marora maviri asara wobatanidza kwaanoperera netape kuti uburitse rimwe rora guru repepa (Tissue). Isa pepa iri muchiso chiri kusekerera.

Chidzidzo:


Vangani venyu vakomana nevasikana vanoziva mumwe munhu akafa? Pamwe aiva mumwe wemhuri yenyu kana kuti shamwari. Rufu chimwe chinhu chinoitika chatinotarisana nacho munguva zhinji, asi hazvinei kuti tine nguva yakadini tichiona rufu, runotyisa nguva dzose uye muenzi asingagamuchiriki. Vakomana nevasikana hamufanire kutya rufu kana muchiziva Jesu, nekuti Jesu Kristu akakurira rufu uye akatiunzira upenyu - upenyu husingaperi! Nhasi ndinoda kukuudzai rungano rwevana vaviriri: Joey naJohnny.


Joey aiva mwana aida upenyu. Aifarira kutamba bhora, uye ainge ari mwana akanaka chose, asi aiita chimwe chinhu chakaipa. Haana kukumbira Jesu kuti vapinde mumoyo make. Joey airatidza kufara kunze asi mukati ainge akasuruvara.


Tora rimwe pepa rine mufananidzo wakatsamwa. Dhonza pepa(Tissue) ririmo nepamusoro pepepa apo unotaura rungano urwu, uchiita kuti rimononoke ririmo mukati.) Zvisinei, Joey akaramba achirega kukumbira Joey kuti apinde mumoyo make. Akabvisa pfungwa iyi mundangariro make achiri mwana. Akabvisa pfungwa iyi zvekare ave mukomana abva zera. Joey akaibvisazve ava munhu mukuru. Joey ainge ava harahwa zvino, uye rimwe zuva, akafa. Upenyu hwake hwainge hwapfuura. (svika kumagumo epepa (Tissue). Tora bepa uratidze vana musisina chinhu.) Joey ainge aine mikana yakawanda yekudana Jesu kuti apinde mumoyo make, asi akramba achiverengera, zvino upenyu hwake hwainge hwapera.


Asi pane chimwe chikamu chenyaya yino. Paiva nemumwe mukomana ainzi Johnny uyo aidawo upenyu. Aifarira kutasva bhasikoro rake, uye aifarira kuenda kumitambo yebhora. Asi siyano yaivapo ndeyekuti Johnny akakumbira Jesu kuti agare mumoyo make achiri mudiki. (Dhonza pepa(tissue) kubva mupepa apo unotaura nyaya iyi.) Johnny aikararamira Jesu achiri mudiki. Aiverenga Bhaibheri rake nekunamata mazuva ose. Akakura munashe achiri mukomana wechidiki. Johnny aiva mutungamiriri wechikwata chevechidiki. Aiva achishandira Mwari kubvira ari kuchikoro. JOhnny akararamira Jesu kweupenyu hwake hwese, kunyangwe akasvika pakuchembera. Asi rimwe zuva, Johnny akafa. (Bvarura pepa ,Tissue).


Asi iri harina kuva zuva rinonzwisa tsitsi kuna Johnny. Yaiva kwiridziro. Bhaibheri rinotiudza kuti rwakaropafadzwa rufu rwevatendi uye kuti kusavapo panyama kuenda kunogara naTenzi. (Mapisarema 116:15,II vaKorinte 5:8.) Kunyangwe hake akafa, Johnny aiva muKristu uye aiva neupenyu husingaperi. Tanga kumononora pepa (tissue) rasara mupepa.)


Johnny akava neupenyu muna Mwari - upenyu husingaperi. Johnny akagara narini nekusingaperi mukubwinya kwaMwari. Upenyu hwaJohhny husingaperi hunokwanisa kuvawo hwako nhasi kubudikidza nekugashira Jesu. Kana uchiziva Jesu haufanire kutya rufu.


DZOKORORO


Chidzidzo chegumi neimwe


Shandisai shoko:


Jesu aida Razaro zvikuru uye aisada kuti arware. Akanamatira shamwari yake. Mwari vakarapa Razaro ndokumumutsa kubva kuvakafa. Makambonamatira shamwari here yaida kurapwa? Tiudzei pamusoro pazvo.


Mune shamwari here inoda kurapwa panguva ino? Ngatimunamatirei.


Mibvunzo yemutambo:


1. Jesu akaudzwa kuti chii apo ainge ari kunze achiparidza?

2. Ndiani munhu wekutanga watinofanira kuvinga kana tichida rubatsiro?

3. Jesu anoda here kuti vanhu varware?

4. Jesu akashandisa chii kuti abatsire Razaro, asati aenda kuBethany?

5. Jesu akataura here kuti Razaro akarwara nepamusana pekubwinya kwaMwari?

6. Rufu rwenyama rwakauya riini panyika?

7. Tinokwanisa here kushandisa kutenda kwedu kuti titende Mwari kuti tisafe panyama?

8. Rufu ishamwari here, kana kuti muvengi?

9. Chii chakaitika kunaRazaro Jesu asati asvika kuBethany?

10. Sei Jesu akanzwa tsitsi apo akawana Razaro afa?

11. Razaro ainge ava nenguva yakadini afa apo Jesu akauya parinda?
12. Kana munhu akafa panyama, ndiko kuguma kwake here?

13. Tinonzwa sei kana hama yedu yepadyo yaenda kumusha kunova naMwari?

14. Jesu akataura here kuti dombo rainge rakavhara paguva paRazaro ribviswe asati amumutsa kubva kuvakafa?

15. Jesu akati chii kuna Mwari kunze kweguva raRazaro?

16. Sei Razaro akamutswa kubva kuvakafa?

17. Vanhu vakaita sei pavakaona chishamiso chakaitwa naJesu ichi?

18. Zvisinei nekunaka kwaMwari vamwe vanhu vanoita sei?

19. Sei tisingafaniri kutya rufu?

20. Rufu rwenyama chii pamwana waMwari?


PASEKA NECHIRAIRO


Chidzidzo chegumi nembiri


Ndima yekuverenga: Mateo 26:17-30


Chokwadi: Mwari akaisa sungano itsva nevanhu.


Ndima yemusoro: Mateo 26:28, “Nekuti iri ropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.”


Kamutambo: “Mutengo unorwadza”


Chidzidzo: Ngano - “Mukoma nemunun’una”


Zvinodiwa: Jesu (700), Vadzidzi (703), chingwa (735), Komichi (736), Judas (737)

Kumudzidzisi:


Sungano yeropa, kunyangwe yainge isina kujairirwa mune dzimwe tsika, itsika yakajairirwa zvikuru kune rumwe rutivi rwenyika uye ichiriko nanhasi mune dzimwe nzvimbo mutsika dzemarudzi nhasi. Sungano iyi inosunganidza hupfumi hwemativi maviri kuti ave chinhu chimwe. Sungano yeropa yairemekedzwa zvikuru zvekuti kuipatsanura zvaitoreva rufu.


Chirairo chinotiratidza sungano itsva pakati paMwari nevanhu. Sungano yekutanga naAbrahama yainge yatyorwa kazhinji nevanhu uye yainge yasungirwa neropa remhuka. Sungano itsva yainge yasimbiswa neropa raJesu uye yakakosha zvikuru. Isungano iri nani (vaHeberu 8:6) uye inotipa zvose zvatingada kuziva. Chidzidzo chino chinotipa mukana wakanaka wekuti tidzidzise vana kukosha kwechirairo.


Tsanangudzo:


I. Jesu akatamba mutambo wePasika nevadzidzi vake muJerusarema.

A. Vadzidzi vake vakabvunza kwavaifanira kuitira mutambo wepasika.

1. Jesu akavaudza kuti vaende kuguta vagosangana nemumwe murume uyo pamba pake vaizoitira mutambo.

2. Vadzidzi vakatevera mirairo yaJesu uye zvakasvika pakuzadzikiswa sekutaura kwainge aita.

B. Mutambo wePasika waitambwa gore roga roga nemaJuda.

1. Waivafungisa pamusoro pekudzikinurwa kwavo kunoshamisa kubva muEgipita, tsanangudzo yechitenderano chekare inotaura maererano nekudzikinurwa kubva muumambo hwerima.

2. Mutambo waitambwa nekudya chingwa chisina mbiriso uye nekupira gwayana semupiro. Jesu Kristu ndiye akava mupiro wedu wePasika. (I VaKorinte 5:7-8)

C. Mwari vainge vaita sungano naAbrahama nechizvarwa chake.

1. Sungano yakafanana newirirano asi iyo yakasimba.

2. Sungano iyi yainge yakasimbiswa neropa remhuka dzisina mhosva.

D. Kubudikidza nesungano iyi, Mwari vakavimbisa kuchengetedza nekuropafadza vanhu veIsraeri.

1. Chidanho chevanhu musungano chaiva chekunamata nekushandira Mwari iye woga.

2. VaIsraeri, vainge vatyora sungano iyi kakawanda nekunamata zvimwe zvimwari.

II. Jesu akaudza vadzidzi vake pamusoro pesungano itsva pakati paMwari nevanhu.

A. Apo vaidya Pasika mumba yekumusoro, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti Mwari aida kuti vave nesungano itsva kana kuti chitenderano chitsva.

1. Chitenderano zvinorevawo sungano.

2. Sungano iyi yaizova nani pane sungano yekare uye yaiva nevimbiso dziri nani.

B. Apo vaidya, Jesu akatora chingwa akachimedura, akachipa kune vadzidzi vake kuti vadye.

1. Jesu akaita izvi sechiratidzo chemuviri wake wakadimburwa nekurwadziwa chinova chakava mupiro wehutano hwedu.

2. Mavanga ekumusana kwake akatiponesa (I Petro 2:24)

C. Zvino Jesu akatora mukombe akaukomborera ndokupa vadzidzi vake kuti vanwe.

1. Waini yaiva mucherechedzo weropa rakadeukira zvivi zvedu.

2. Ropa raJesu rakasimbaradza sungano itsva kuti ishande.

D. Mipiro yose yePasika yaiva chiratidzo cherufu rwaJesu pamuchinjikwa.

1. Ropa rehwayana yePasika raidzivirira vaIsraeri kuti vasafe panyama. Ropa raJesu rinodzikinura vanhu kubva murufu rwemweya.

2. VaIsraeri vakadya nyama yehwayana kuti vawane simba. Muviri waJesu wakarwadziswa kuti isu tiwane ruponeso.

III. Jesu akataura pamusoro pekurambwa kwake pakudya kwake kwekupedzisira nevadzidzi vake.

A. Kwenguva yakareba, vatungamiriri vechiJuda vainge vachida kuona Jesu achiurayiwa.

1. Satani akadyara pfungwa iyi muna Judasi Iscarioti kuti atengese Jesu kumhandu dzake.

2. Jesu akaedza kumisa Judasi kuti asaite izvi, nekutaura pamusoro pazvo pachidyo chekupedzisira ichi, asi hazvina kubatsira.

B. Jesu aiziva kuti achaitwa mupiro wezvivi zvenyika yose.

1. Ainge asiri kuedza kutiza chiitiko ichi.

2. Aiedza kuponesa Judasi kubva mukuparadzwa.

C. Kubudikidza nerufu rwake, Jesu akaita sungano itsva pakati pevanhu naMwari.

1. Sungano iyi inosanganisira kuregererwa kwezvitadzo, kuzvarwa patsva, rubhabhatidzo rwemweya nekutaura nendimi, kurapa nekuporesa, kubudirira, kuchengetedzwa, upenyu hurefu neupenyu husingaperi.

2. Kana tichidya chidyo chinoyera, tinozviyeuchidza kuti tiri musungano naMwari uye tinogashira zvose zvatakaitirwa naMwari nekutenda.



Dzidziso yemweya:


Ndine sungano naMwari

Iyo yandakaitirwa naJesu.


Ndinokwanisa zvino kuzvarwa patsva,

Ndova neupenyu husingaperi uye kuregererwa kwezvivi,

Kubudirira nekuponeswa,

Upenyu hurefu nekuchengetedzwa zvekare.


Neropa raJesu,

Ndine sungano naMwari.



MUTENGO UNORWADZA



Chidzidzo chegumi nembiri


Kamutambo


Vatambi: Sally, Mary


(Sally naMary vanopinda)

Sally: Ndinofunga kuti chechi yevana yanga ichifadza zvikuru nhasi! Hauzvifunge here Mary?

Mary: Ndinodavira kudaro.


Sally: Uye chidzidzo chekuita chanhasi chainzwisa tsitsi! Hauna kuzvifungawo here?


Mary: Ndazvifunga.


Sally: Mary uri kuita sekunge usina basa nezvandiri kutaura. Zvese uri kungobvumira. Chii chiri kukunetsa.?


Mary: Handisi kufara nezvese izvi.


Sally: Une upenyu hwaMwari mauri.


Mary: Ndinozviziva.


Sally: Wakazadzwa neMweya Mutsvene.


Mary: Unoda kundinzwa here ndichitaura nendimi?


Sally: Unoziva kuti Mwari akakupa zvivimbiso zvake zvose kubudikidza naJesu Kristu.

Mary: Ndakazvinwa kakawanda.


Sally: Mary kana usina kuchenjera uchatadza kutenda Mwari nekutora makomborero aMwari sechinhu chisina basa.


Mary: Handidi kuti zviitike, Sally zvechokwadi, handidi. Unofunga kuti ndinofanira kuita sei?



Sally: Handizive. Ngatinamatei pamusoro pazvo. (Vose vanokotamisa misoro.) Jehova, Mary neni tinouya kwamuri nezita raJesu. Tinokumbira kuti mutiratidze zvatinofanira kuita panyaya iyi. Amen.


Mary: Amen.


Sally: Mwari vataura kuti chii kwauri, Mary?


Mary: Ndanzwa mazwi maviri, “mutengo unorwadza.” Unofunga kuti Ishe vari kuti chii?


Sally: Anoda kuti unzwisise kuti zvakamurwadza sei kuti udzikinurwe kubva muzvivi nekuwana makomborero.


Mary: Ndinoziva kuti Jesu akandifira akabhadhara zvivi zvangu uye akamukazve kubva kuvakafa.


Sally: Hongu asi unoziva kuti mubhadharo wakadini iwoyo?


Mary: Handifungi kuti ndakambofunga nezvazvo kare.


Sally: Unotondera here tichidya chidyo chinoyera kuchechi?


Mary: Hongu. Tinodya chingwa newaini.


Sally: Hongu, asi zvine zvazvinoreva. Zvinomirira zvatakaitirwa naJesu. Tinomedura chingwa pamusana pekuti muviri waJesu wakaparadzwa kuti tiponeswe. VaRoma vakarova Jesu kumusana kusvikira kwasvuuka kwese. Zvisati zvadaro vakamupfira mate nekumurova uye kudhonza ndebvu dzake.


Mary: Ndanga ndisingazvizive.


Sally: Jesu vakakubhadharira mutengo unorwadza kuti uponeswe.


Mary: Saka waini inomirira ropa raJesu?


Sally: Hongu, Jesu akabuda ropa nekuda kwechiremba cheminzwa chavakamuisa mumusoro, uye kurohwa kwaakaitwa musana uye kubaiwa kwaakaitwa achiroverwa maoko nemakumbo uye kubva parutivi paakabaiwa nepfumo.


Mary: Maiwee! Sally zvinorwadza izvi!


Sally: Ndiwo mubhadharo wakaitwa naJesu nekuda kwezvitadzo zvedu. Apo akamuka kubva kuvakafa, akaisa ropa rake pahuvapo hwaMwari kuti chive chiratidzo chisingaperi chesungano yaakaita nesu kuitira kuti makomborero ake ose ave edu.


Mary: Handichazoregi kuita hanya nezvinhu zvaMwari zvekare. Haungasvotwi nezvinhu zvaMwari kana uchiziva mutengo wakabhadharwa naJesu kuti tiponeswe.


Sally: Ndinowirirana nazvo! (Vose vanobuda)



MUKOMA NEMUNUN’UNA


Chidzidzo chegumi nembiri


Ngano


Gospel Bill aiva muchitoro chinogerwa misoro akamirirawo kugerwa apo Lester Smith, akapinda achimhanya.


Gospel Bill,” akadanidzira Lester, “Ndauya netsamba iyi kubva kumukoma wako, Peter, asi yakakosha zvikuru!”


Bill akatora tsamba iya kubva kuna Lester ndokutanga kuverenga. Yainge yakanyorwa kuti, “Anodikanzwa Bill, kurumidza kuuya. MaIndia atora mukadzi nevana ndokubva vapisa imba. Ndinokumbira rubatsiro. Ndini mukoma Peter.”


Uchaita sei?” akabvunza Lester. Kana maIndia atanga hondo haadzokeri shure. Hausi kuenda ikoko handiti?”


Ndinofanira kubatsira,” akadaro Bill. Zvinyoro nyoro, Bill akafamba achidzika kwaiva nebhiza rake. Akatasva bhiza rake ndokunanga kuchitoro ndokutenga chikafu chakawanda.


Pakarepo, Bill akanga ave munzira kunanga kumukoma wake, Peter. Peter ainge atenga purazi padyo nepaigara maIndia uye ainge agara navo zvakanaka kwemakore anoverengeka. Bill aida kuziva kuti sei maIndia ainge aita hasha dzakadaro. Kazhinji vainge vari vanhu vakasununguka uye havana kumbobvira vanetsana naPeter.


Mumashure mekufamba kwemazuva maviri, Bill akasvika paimbova nemba yamukoma Peter. Hapana chainge chichiripo kusara kwedota nematongo. “Peter!” akadanidzira Bill. “Peter! Uri kupiko?”


Ndiri kuno kumatombo!” akadaro mukoma waBill apo akabuda paainge akahwanda. “Ndiwe here, Bill?”


Hongu ndini,” akadaro Bill. “Buda mumabwe umo titaure.” Peter akaenda kuna Bill ndokumumbundira achibva atanga kuchema.


Handizivi kuti sei vakaita izvi,” akachema Peter. “Tanga takagara zvakanaka kwemakore ndokubva izvi zvazongoitikawo, uye vakatora mhuri yangu. Sei maIndia akaita izvi kwandiri?”


Dzikama,” akadaro Bill. “Tichatsvaga kuti chii chakaitika uye todzosa mhuri yako.”


Unofunga kudaro?” akabvunza Peter.


Ndinoziva kudaro,” akapindura Bill. “Bhaibheri rinoti tinokwanisa kubvumirana kudaro mumunamato. Jesu akati, “Kana vanhu vaviri panyika pano vakabvumirana pane zvavanotaura, Baba vangu vari kudenga vachazvizadzikisa.” Namata ubvumirane neni.”


Saka Bill namukoma Peter vakanamata ndokubvumirana kuti mhuri yaPeter yaizodzoka uye kuti hondo yemaIndia yaizomiswa. Mumashure mekunge vanamata, Bill naPeter vakatasva mabhiza avo vonanga kwaigara maIndia.


Kunze kwakasviba zvikuru uye zvainge zvonetsa kufamba mutunzira twemusango. Bill naPeter vakamira kuti vawane pekurara usiku ihwohwo asi hava kuvesa moto nekuti vaizoonekwa nemaIndia.


Mumashure mekukurukura kwekanguva, Bill akaona moto waibvira paiva pasiri kure nepavaiva. Akatora pfuti yake uye pamwe chete naPeter vakakambaira vakananga kwava nemoto uyu. Pavakasvika padyo vakaona kuti paiva pakaveswa moto uye paiva nevarume vana nevakadzi vechiIndia vatatu. Bill akakwanisa kuona nemaitiro evakadzi vatatu ava kuti kwaisava kuda kwavo kuti vave panzvimbo iyi.


Zvakanaka kuva nemukadzi wechiIndia akanaka padyo newe,” akaseka mumwe wevarume ava.


Hongu,” akabvumira mumwe, “Ndinofarira kubika kwavanoita zvekare. Ndiigire tii, iwe mukadzi iwe.” Vakadzi vechiIndia ava vainge vatapwa kubva kwavaigara.


Ndinovaziva varume avo,” akadaro Peter. Svondo rapera vakauya papurazi pangu vakakumbira mvura yekupa mabhiza avo nekumararisa mudanga mangu.”


Vanofanira kunge vakaenda kumaIndia apo vakabva papurazi pako,” akadaro Gospel Bill. “Vanofanira kunge vakatapa vakadzi ava. Pamwe mambo akafunga kuti newewo uri munyaya yacho nekuti matsimba acho aibva papurazi pako.”


Varume vane utsinye avo,” akadaro Peter. Tichavabata!”


Chimbomira,” akadaro Bill. “Ngatitangei taona kuti vanoda kuita sei. Ndinoda kuziva kuti sei vakatapa vasikana ava.” Bill naPeter vakagara vakanyarara vakaterera zvavo kuvarume vana ava.


Ndinofunga kuti tinofanira kuzivisa mambo kuitira kuti agoziva,” akadaro mumwe.


Anofanira kukasika,” akadaro mumwe. “Kana achida kuona vanasikana vake zvekare anofanira kutiudza kune goridhe reIndia.”


Anotiudza,” akadaro mumwe. “Anoda kuti vana vake vadzoke.” Bill naPeter vakanamatira rugare nekuchengetedzwa apo vaironga zvekusunga varume ava. Zvinyoro nyoro, maKristu maviri aya akaswedera padyo nepaiva nevarume ava ndokugadzirira pfuti dzavo.


Simudza maoko ako!” akadanidzira Bill apo akasvika pamuzinda wevarume vaya. Varume ava vakashamiswa zvikuru. Mumwe wavo akaenda kuti anotora pfuti yake, asi Bill akabva apfura pfuti iya ichibva yadonhera pasi.


Pakarepo vose vari vana vainge vasungwa. Vasikana vechiIndia ava vakafara zvikuru kuti vainge vasunungurwa. Zuva raitevera, Bill naPeter vakaendesa vasungwa vavo nevakadzi vaya kumusha wemaIndia. Ruzha rwekufara rwakazadza musha wese apo vanasikana vakamhanya vachienda kuna baba vavo.


Apo Bill akatsanangura zvainge zvaitika kuna mambo, harahwa yakataura kuti mukadzi waPeter nemwanakomana wake vasunungurwe kubva mutende yaiva padyo. Peter akambundira mhuri yake ndokurumbidza Mwari nekuda kwekumira pamagwaro avainge vatenda maari.


Mambo akataura kuti varume vana vaya vapiwe kuvanhu venzvimbo iyi kuti vavarange, asi Gospel Bill akaziva kuti varume ava vaifanira kumbobvunzurudzwa. Pakuguma, mambo akazobvumirana naBill ndokuendesa varume vaya kutirongo.


Vakakumbira Bill naPeter nemhuri yake kuti vagare humwe husiku vachipemberera kudzoka kwevanasikana vavo, mambo akakoka vanhu vose kuti vauye.


Gospel Bill akatarisa maIndia achitamba pamoto vakapfeka nhumbi dzakanaka nengowani dzine minhenga. Ngoma dzakaridzwa uye vanhu vose vakaimba nziyo dzokufarira zvainge zvaitika musi uyu.


Pakarepo, kutamba kuya kwakapera uye mambo akabva asimuka. Akakumbira banga, uye murume wemishonga akaunza banga guru. Achienda kuna Bill akaudza vanhu kuti Bill aiva shamwari yavo. Apo Bill akamira, mambo akamukumbira kuti ave munun’una wake werudzi. Bill akaziva kuti izvi zvaizobatsira mukoma wake Peter zvekare.


Mambo akazvicheka padiki diki paruoko pake uye Bill akaita zvimwe chetezvo. Vakazokwizira ropa ravo pamwe chete ndokuita sungano yavo. “Zvese zvandinanzvo ndezvako kana uchizvida,” vakadaro mambo kuna Gospel Bill.


Zvose zvandinazvo ndezvako kana uchizvida,” akadaro Bill. Mambo vakazotora dehwe renhoro ndokuripa kuna Bill. Bill akaziva kuti aifanira kupa chipo kuna mambo, saka akakumbira kuti Peter amuvigire pfuti kubva kubhegi rake. Mambo akafadzwa nepfuti iyi akambundira Bill.


Zuva raitevera mangwanani, Bill akaonekana nemukoma wake weropa ndokuenda naPeter nemhuri yake. Apo vakanga vasisaonekwe, Bill akaudza mudzimai waPeter kuti avhure bhegi raainge apiwa namambo usiku hwiange hwadarika.


Rizere negoridhe!” akadanidzira mudzimai waPeter. “Igoridhe chairo!”


Zvisinei,” akadaro Bill, “Ndinovimba munokwanisa kuvaka imwe imba muchishandisa mari iyoyo.”


Ndinotenda, Bill,” akadaro Peter. “Zvinoshamisa kuona vavengi vako vave shamwari dzako kana mava veropa rimwe.”


Ndizvozvo,” akadaro BIll. “MaIndia aya haachakunetsei zvekare. Vanozokubatsirai nepese pavanogona napo.”


Zvinoita sekunge unoziva zvakawanda pamusoro pekuva neukama hweropa,” akadaro Peter. “Wakambozviita here kare?”


Hongu,” akadaro Bill. “Ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha chandakaita. Ndakava neukama hweropa naJesu Kristu apo ndakamukumbira kuti apinde mumoyo mangu. Zvese zvandinazvo ndezvake.”


Asi ndiwe waita chinhu chakakosha panyaya iyi,” akapindira Peter, “pamusana pekuti zvose zvaanazvo ndezvako!”



DZOKORORO


Chidzidzo chegumi nembiri


Shandisai shoko:


Wati wambogashira chidyo chinoyera here? Kana wakagashira Jesu Kristu samambo nemuponesi wako, kana uchinwa waini nekudya chingwa, uri kurangarira sungano yaunayo naye. Izvi zvinoreva kuti zvose zvaunazvo ndezvake, uye zvose zvaanazvo ndezvako. Chii chaunacho chawakapa Jesu? Chii chaanacho chaakakupa?


Mibvunzo yedzokororo:


1. Ndeapi mabiko amakaita naJesu nevadzidzi vake muJerusarema?

2. Sei maJuda aipemberera Pasika makore ose?

3. MaJuda aipemberera Pasika sei?

4. Chii chinonzi sungano?

5. Mwari vakakoshesa sei sungano yavo naAbrahama?

6. Ndechipi chaiva chikamu chaMwari pasungano uye ndechipi chaiva chikamu cheIsraeri pasungano?

7. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti chii apo vaidya chidyo chePasika mumba yekumusoro?

8. Ndeupi mutsauko uri pasungano itsva uye sungano yekare?

9. Chingwa chakamedurwa naJesu chairevei?

10. Mukombe wewaini waimirira chii?

11. Chii chakaita kuti sungano itsva ive nesimba?

12. Mipiro yePasika yaimirira chii?

13. Ropa rehwayana yePasika rinoenzaniswa sei neraJesu?

14. Muviri wegwayaya rePasika ringaenzaniswa sei nemuviri waJesu?

15. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakataurwa nezvazvo naJesu nevadzidzi vake pachidyo ichi?

16. Ndiani ainge akamirira kufa kwaJesu kwenguva refu?

17. Ndiani mudzidzi akashandiswa nasatani kuti atengese Jesu kuvavengi vake?

18. Jesu akaedza kumisa Judasi kuti asamutengese?

19. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvinopiwa vanhu musungano itsva?

20. Tinenge tichiita sei kana tichidya chirairo?



KURAMBWA NEKUTONGWA


Chidzidzo chegumi nenhatu


Ndima yekuverenga: Johane 18:1-40, 19:1-16


Chokwadi: Jesu akazvipira kurasikirwa neupenyu hwake nekuda kwedu.


Ndima yemusoro: I Petro 2:24, “Nemavanga ake takaponeswa.”


Kamutambo: “Chishamiso”


Chidzidzo: chidzidzo chekuita - “Nemavanga ake”


Zvinodiwa: Mutungamiriri wezana (701), vaFarise (702), vadzidzi (703), Chaunga (704), Jesu (711), Chaunga chakatsamwa (727), Judasi (737), Mupirisita (738), Pirato (739), Murwi (740)



Kumudzidzisi:


Jesu haana kutongwa nekuda kwake. Ainge ataura kare kuti hapana munhu anokwanisa kumuuraya uye kuti ainge azvipira kufa iye pachake. (Johane 10:17-18). Pfungwa iyi yaJesu kuzarurwa kwerudo rwaMwari , kuti kunyangwe mukati mekurambwa nevavengi nekusiiwa neshamwari, Jesu akasarudza kupa upenyu hwake kwatiri. Kudai yanga iri imwe nzira, ukama hwedu naMwari chingadai chiri chimwe chinhu chisingabatiki uye chakatonhora, chisingararami.


Kutambudzika kwaJesu ndiwo wega mupiro wezvivi zvedu nezvirwere. Mupiro mumwe wakabvisa zvivi zvedu wakabvisawo urwere hwedu. Kuregerera nekurapwa zvinofambirana uye zvose izvi zvinopiwa kune avao vose vanoda kuzvigashira.


Tsanangudzo:


I. Jesu akatengeswa mumaoko evavengi vake nemumwe wevadzidzi vake.

A. Satani ainge aisa pfungwa iyi yekutengesa Jesu mundangariro dzaJudasi Iscariot.

1. Judasi aikwanisa kuzvidzivisa, asi akasarudza kurega pfungw aiyi iri mumoyo make.

2. Satani haakwanise kuita kuti mumwe munhu aite chimwe chinhu - tinosarudza toga kuti tingamupa here nzvimbo (vaRfeso 4:27).

B. Satani aiedza kuparadza Jesu kwenguva refu.

1. Akaedza kuuraya Jesu kubudikidza namambo Herod, vatungamiriri vezvitendero, vanhu vakatsamwa uye madutu asi zvakakona.

2. Satani aisakwanisa kubata Jesu pamusana pekuti ainge asina chivi (Johane 14:30)

C. Judasi akaenda kuvapirisita vakuru nevaFarise akazvipira kuvatungamirira kuna Jesu.

1. Akabvuma kutengesa Jesu nekuda kwemakumi matatu esirivera.

2. Mari, ndimwari vasina kunaka kushandira (1 Timotio 6:10)

D. Mumashure mechidyo chekupedzisira, Jesu akaenda kunonamata mubindu reGethsemane.

1. Iyi yaiva nzvimbo yaiwanzoendwa naJesu uye Judasi aizviziva.

2. Jesu akabvunza Mwari Baba kuti paiva here neimwe nzira yaizoita kuti vanhu vadzikinurwe uye akazvipira achida kuhurongwa hwaBaba.

E. Apo Jesu ainge apedza kunamata, akasangana nevanhu vakawanda vainge vakatsamwa uye vaitungamirirwa naJudasi.

1. Judasi akakwazisa Jesu nekumutsvoda kuti aratidze vanhu kuti ndiye.

2. Jesu aikwanisa kunge akatiza, nekuti simba raMwari rakarigira vanhu pasi.

3. Simon Petro akadhonza bakatwa rake ndokudimbura nzeve yemumwe murume, asi Jesu akaudza Petro kuti asashandise bakatwa rake uye akanamatidza nzeve pakare.

II. Nekuda kwake, Jesu akazvipira kuti aende kunotongwa.

A. Chaunga chakatungamidza Jesu kuvaPirisita vakuru nevatungamiriri vechitendero vainge vaungana mudare.

1. Vapirisita vakuru vakantsvaga vanhu vekuti vanyepe pamusoro paJesu nekumupomera.

2. Vakuru vedare vakatongera Jesu rufu.

3. Vadzidzi vaJesu vose vakamutiza panguva ino (Johane 16:32) Kunyangwe naPetro akamuramba katatu!

B. Pakuguma Jesu akaendeswa kuna Pontius Pilate, mutungamiriri weRoma.

1. MaJuda akamanikidza Pilate kuti auraye Jesu.

2. Pilate akashaya mhosva yaikodzera kuti apuwe mutongo wakadai.

C. MaJuda ainge aine tsika yekuti musungwa mumwe chete aiburitswa mutirongo gore roga roga panguva yePasika.

1. Pilate akaedza kuita kuti vaite kuti Jesu aburitswe.

2. Vakakumbira Barabbas, mbavha huru kuti iburitswe pamusoro pazvo.

III. MaJuda akaramba akashinga kuti Jesu aroverwe.

A. Nekuedza kufadza maJuda, Pilate akarega Jesu achirohwa.

1. Akarohwa nechiwepu chine minzwa.

2. Jesu akarohwa shamhu makumi matatu nepfumbamwe zvinova zvakamukuvadza musana wake nekukanganisa chimiro chake. (Isaya 53:2-5)

3. Chiitiko ichi chakaunza mutengo hweruponeso rwedu (1 Petro 2:24)

B. Varwi vakatsvinyira nekusvora Jesu.

1. Vakaisa chiremba cheminzwa mumusoro maJesu ndokumupfekedza nguwo dzinopenya.

2. Vakamurova nemaoko avo ndokumudhonza ndebvu dzake.

C. Pilate akaziva kuti maJuda haaizobvuma chimwe chinhu kunze kwekuroverwa kwaJesu chete.

1. Akazoguma araira kuti Jesu aende kunoroverwa.

2. Hwaiva hurongwa hwaMwari hwekudzikinura vanhu pamusana pekuti paizova nemupiro wezvivi zvedu.

3. Jesu aiva asina chivi uye ari hwayana isina vara uyo akabvisa zvivi zvedu neurwere hwedu hwese.



Dzidziso yemweya:


Ndakaponeswa nemavanga aJesu.

Zvirwere zvose nemarwadzo akabvisa.

Ndakaponeswa nemavanga aJesu.

Nemupiro wake ndaponeswa nhasi!



CHISHAMISO


Chidzidzo chegumi nenhatu


Kamutambo


Vatambi: Bennie, Jerry, Sally, Moyo waBennie.


(Bennie anopinda)

Bennie: Zuva rangu rakarongeka sekuda kwangu. Hapana chingandikanganisa muhurongwa hwangu nhasi.


Jerry: (Jerry anopinda)

Iwe, Bennie, wakanzwa here zvakaitika kuna Tony?


Bennie: Unoreva Tow-Truck Tony, ndiani anoshandisa vana vakaita sewe neni kuti

varwe?


Jerry: Hongu, ndiyeye.


Bennie: Chii chaitika kwaari?


Jerry: Anga ari kudarika mumwe mugwagwa muguta akatasva bhasikoro rake. Mumwe munhu amurovera apo yanga yava nguva yekuti motokari dzifambe.


Bennie: Arohwa nemotokari here?


Jerry: Ndinodavira kudaro. Ari muchipatara uye ari kurwara zvikuru.


Bennie: Wamboenda here kunomuona?


Jerry: Haurevesi iwe! Mumashure meutsinye hwese hwaakatiitira, kudai akaramba zvake ari muchipatara. (Anoenda)


Bennie: Tony aigara achindiitra utsinye nguva dzose. Ndinotondera apo akatorera Jerry bhora rake idzva akati nderake. Angadai akarova Jerry kudai Jerry akada kutora bhora rake zvekare.

(Sally anopinda)


Jerry: Bennie, wanzwa here zvaitika kuna Tow-Truck Tony?


Bennie: Arohwa nemotokari uye ari muchipatara.


Sally: Waudzwa nani?


Bennie: NaJerry.


Sally: Jerry akaudza here kuti anogona kutotadza kufamba zvachose?


Bennie: Kwete, angotaura kuti akuvara zvikuru.


Sally: Motokari yamutsika makumbo ose. Vana chiremba havasi kunatsziva kuti vachaita sei?

Bennie: Wamboenda here kunomuona kuchipatara?


Sally: Ini? Kwete! Tony akakanda bhuku rangu mumadhaka mumwe musi. Handidi kutombosvika padyo naye. (Anoenda)


Bennie: Ndine chokwadi kuti shamwari dzaBennie ishoma zvikuru. Anga aine utsinye kune vanhu vose. Ndinotondera imwe nguva paakaburitsa mweya mumatayi ebhasikoro rangu uye ndakafamba parefu kuti ndisvike kumba. Pamwe akawana zvaaida.

(Moyo waBennie unopinda)


Moyo: Iwe, Bennie, ndakuwanira zvekuita.


Bennie: Chii?


Moyo: Ndinoda kuti uende kuchipatara unonamatira Tow-Truck Tony.


Bennie: Ndimunamatire?! Handina chokwadi kuti ndinoda here kuenda kuchipatara. Tony haangabvume kuti mumwe munhu amunamatire. Haakodzeri kunamatirwa zvachose. Mwana akaipa zvikuru.


Moyo: Ndinoziva kuti Tony anga aine utsinye zvikuru asi Jesu akamufira sezvaakaitirawo iwe. Kudai tose takawana zvataida, tingadai tose tichienda kugehena. Jesu akafira vakanaka nevakaipa uye unofanira kuudza Tony izvozvo.


Bennie: Ko kana akandirova?


Moyo: Haakwanise kubva pamubhedha, Bennie.


Bennie: Zvakanaka. Ndichaenda asi handifunge kuti Tony anofara nazvo.


Moyo: Tichaona! (Vose vanobuda)


(Sally anopinda zvekare)

Sally: Handisati ndaona Bennie kwekanguva kakati kuti.


(Bennie anopinda)

Bennie: Sally! Sally! Fembera, Fembera! Haungatendi izvi!


Sally: Kutenda kuti chii? Wanga uri kupi?


Bennie: Ndaenda kuchipatara kunoona Tony.


Sally: Waita sei?


Bennie: Terera, Sally! Ndamuudza kuti Jesu anomuda sei uye kuti akamufira. Tony abva agashira Jesu pakarepo muchipatara! Azondiregera ndichinamata makumbo ake uye anoti pane chaanzwa apo tanamata. Ndinoziva kuti achafamba zvekare, Sally! Mwari ngaarumbidzwe!


Sally: Ndiani angazvitenda? Tow-Truck Tony aponeswa. Chishamiso chaicho.


Bennie: Hongu. Ndinotenda kuti ndaterera kumoyo wangu. (Vose vanobuda)




NEMAVANGA AKE


Chidzidzo chegumi nenhatu


Ndima yemusoro: 1 Petro 2:24, “....nemavanga ake takaponeswa.”


Zvinodiwa: Tambo refu nhanhatu dzeshangu, chibhodhi, maka, mushonga wekupenda chikafu, Karo sirapu uye pepa rakaita chihomwe repurasitiki.


Gadziriro: Gadzira chiwepu uchishandisa tambo dziya. Dzose dzinokwanisa kupetwa kuti dziburitse zviwepu zviviri. Nyora mufananidzo waJesu papepa wakakuvadzwa uye Jesu akatarisa vanhu. Sanganisa Karo nemushonga wekupenda chikafu mupepa repurasitiki kuti zviratidze seropa.


Chidzidzo:


Shoko raMwari rinotiudza kuti Jesu akarohwa nechiwepu chemaJuda, asati aroverwa. Chiwepu ichi chinonzi chine masa gumi nemaviri panova pakasungirirwa mabhonzo, simbi, mabhodhoro uye mambwe anopinza. Kurohwa kamwe chete zvinoreva mavanga gumi nemaviri. (Simudza chiwepu chako apo unotaura izvi)


Pamutemo, maJuda aibvumidza kurohwa nechiwepu ichi kasingadarike makumi matatu nemapfumbamwe. Izvi, zvinoreva kuti kudai Jesu akarohwa kanokwana makumi matatu nemapfumbamwe aizova nemavanga mazana mana ane makumi matanhatu emavanga ane mavanga masere.


Hazvina anonatsoziva kuti Jesu aiva nemavanga mangani kubudikidza nekurohwa nechiwepu, asi zvinozivikanwa kuti Jesu akarohwa kusvikira asisatarisike uye kudarika vamwe vanhu vose (Isaya 52:14)


Sei Jesu akatambudzwa zvakadai? Akaroverwei? Magwaro anotiudza kuti kune ruponeso nekuda kwemavanga ake. Mukutora kurohwa kwese uku, Jesu airwadziwa pamusana pezvirwere zvose zvevanhu vose. (Paunotaura izvi paradzira zvawasanganisa seropa pamufananidzo waJesu nechekuseri kwemufananidzo. Iva nechekupukutisa kuitira kana paine zvinorasika.) Nemavanga ake takaponeswa,” ndizvo zvakanyorwa naPetro. Mavanga aJesu akatenga kuponeswa kwedu. Akatambudzika nekurwadziwa kuitira kuti tisungunurwe kubva muusungwa.


Kuti titende mune zvatakatengerwa naJesu tinofanira kuziva kuti akatiitira chii? Kunyangwe hazvo kuponeswa kuri kwemunhu wese, asi havasi vose vanokugashira. Tine muvengi wedu satani. Haadi kuti tizive kuti mavanga aJesu chii. Haadi kuti tizive kuti Jesu akatitengera chii. Tinotenda Mwari, tinoziva kuti mavanga anorevei. Akapiwa kuna Jesu kuti tisarware nezvirwere.


Ngatitii iwe nemhuri yako makaenda kuchitoro muine motokari mbiri kuti baba vako vagozofanoenda kumusangano. Baba vako vakakurumidza kupedza kudya ndokubva vaenda kunobhadhara chikafu, iwe wakasara uchidya. Baba vakabhadhara ndokudzoserwa imwe mari vachibva vakusimudzira ruoko voenda zvavo. Mumashure, wakazopedzawo kudya ndokubva wava kufamba kuti unobuda pamusiwo, mugashiri wemari muchitoro akabva akubata achiti hauna kubhadhara. Ungabhadhara kepiri here? Mubati wemari wemuchitoro umu akanganisa here? Kuti ubude mumatambudziko, wakatyaira baba vako runhare ndokubva vadzoka kuzotsanangurira mubati wemari kuti chikafu chako chainge chabhadharwa kare. Nekutondera baba vako, mubati wemari akaona kukanganisa kwaainge aita uye haufanire kubhadhara kaviri.


Apo Jesu akabhadhara ruponeso rwako nemavanga ake, chikwereti chakabhadharwa. Maererano naMwari, ruponeso nderwako. Asi satani anoda kuti ubhadhare zvekare. Anoda kuti ubhadhare zvakabhadharwa kare naJesu. Anouya kuzokurwisa muviri wako nemarwadzo, neurwere. Unokwanisa kumuudza kuti Jesu akabhadhara kare.


Tinotenda Mwari nekuti Jesu anopedzerana nasatani. Muna Zvakazarurwa, Jesu ndiye anodanwa kuti shoko raMwari. Kana ukatondedza satani zvakaitwa naJesu, nekutaura shoko raMwari, zvakafanana nekunge dai Jesu achiuya kuzokumiririra. Satani anotondera kuti Jesu akabhadharira chii saka mutondedze. Taura magwaro uchimuudza kuti Jesu akakutengera chii. Usabhadhare kaviri kuti uponeswe! Jesu akatobhadhara kare mutengo wacho.



DZOKORORO



Chidzidzo chegumi nenhatu


Shandisai shoko:


Wakambova neshamwari yakakunyengedza here kana kuti yainge isipo apo waida rubatsiro rwayo? Wakanzwa sei? Wakamuregerera here?


Mibvunzo yemutambo:


1. Ndeupi mudzidzi waJesu akashandiswa nasatani kutengesa Jesu?

2. Judasi aifanira kutengesa Jesu here?

3. Sei satani ainge atadza kuuraya Jesu ?

4. Judas i akapiwa marii kuti atengese Jesu?

5. Jesu akaenda kupi kunonamata mumashure mekudya kwake kwekupedzisira?

6. Jesu akatevedzera here kuhurongwa hwaMwari hwekudzikinura vanhu?

7. Sei Jesu asina kutiza vanhu vainge vakatsamwa vakauya kuzomutora?

8. Isarudzo yaani kuti Jesu azvipire uye aende kunotongwa?

9. Sezvo Jesu ainge asina chivi, sei vatongi vechiJuda vakamutongera rufu?

10. Vadzidzi vaJesu vakaita sei apo Jesu akatorwa?

11. Mutungamiriri weRoma akatongwa Jesu ainzi ani?
12. Pilate akawana Jesu aine mhosva here yaikodzera kuti aurayiwe?

13. Chii chaiitwa nemaJuda makore ose panguva yepasika?

14. MaJuda akakumbira kuti Pilate asunungure ani panguva ino?

15. Pilate akaita sei mukufadza maJuda?

16. Varoma vairova nei?

17. Kunyangwe Pilate akazviita kufadza maJuda, sei Jesu akarohwa?

18. Varwi vakaita sei Jesu?

19. MaJuda akagutsikana here nekurohwa nekurwadziswa kwaJesu?

20. Pilate akazoguma araira kuti chii?


MUTAKURI WEZVIVI


Chidzidzo chegumi nena


Ndima yekuverenga: Mateo 27:24-50, Luke 23: 13-49


Chokwadi: Jesu akatambudzikira vanhu vose.


Ndima yemusoro: Kamutambo - “Kunyepa kukuru”


Chidzidzo: Ngano - “Kutsiva”


Zvinodiwa: Mutungamiriri wezana (701), Chaunga (704), Jesu (711), chaunga chakatsamwa (727), Pilate (739), Murwi (740), Jesu akaroverwa (741)


Kumudzidzisi:


Ropa raJesu rakabhadhara kuti zvitadzo zvedu zviregererwe, zvakare zvanhasi nezvichatevera. Kunyangwe zvisati zvoratidza muupenyu hwemunhu, isarudzo yemunhu pachake. Kuregererwa kwezvitadzo kunoreva kuti zvivi zvakabviswa zvachose kwete kungovharidzirwa kwenguva shoma. Ndiwo mutsauko uripo pakati pemupiro waJesu nemupiro wechitenderano chekare.


Mwari haana kungoshanda nezvivi chete, asi akabvisa huipi hwemunhu nekuva iye chivi. Mweya waJesu wakaitwa mupiro wechokwadi uye waizotsiva mupiro wekare. Akava semunhu akarasika ndokutambudzwa zvikuru nechivi (Mapisarema 88, Isaya 53)


Tsanangudzo:


I. Pontius Pilate, mutungamiriri wechiRoma muJudea akaraira kuti Jesu aroverwe.

A. Pilate ainge asingadi kurovera Jesu nekuti aimutya.

1. Mudzimai wake ainge ayambirwa muchiroto kuti asave nechekuita naJesu (Mateo 27:19)

2. Mhinduro dzaJesu kumibvunzo yaPilate dzakaita kuti azive kuti Jesu ainge asina mhosva.

B. MaJuda akaramba achiti Jesu aifanira kuroverwa.

1. Pilate akaudza vanhu kuti varove Jesu achifunga kuti vaisogutsikana nematongero aya.

2. Zvipikiri zvitatu zvakamusungirira pachipiyaniso zvinomirira kutukwa kutatu kwemurau - urombo, urwere nerufu.

C. Kuroverwa pamuchinjikwa yaiva nzira inorwadza zvikuru yekuurayiwa nayo.

1. Yainge yakagadzirirwa kuti munhu ainge achirwadziwa aizoguma afa mumashure mekurwadziwa zvikuru uye kutadza kufema.

2. Ndicho chikonzero varwi vakagura makumbo embavha mbiri, kuitira kuti vatadze kukweva mweya zvinova zvaizoita kuti vakurumidze kufa.

3. Jesu, zvisinei, haana kushaya mweya asi akafa, achibhadhara zvivi zvenyika uye kuzorodza mweya wake nekutenda muna Mwari.

D. Izvo Jesu akanga ari pachipiyaniso, maJuda akamuseka nekumuzvidza.

1. Vakamuudza kuti aburuke pachipiyaniso, asi kudai akaita izvi, tingadai tisina kusunungurwa.

2. Aikwanisa kunge akadana vatumwa vaMwari vakawanda zvikuru kuti vamununure, asi rudo rwakamuita kuti arambe ari pamuchinjikwa.

III. Jesu akava chivi pamuchinjikwa nekuda kwedu.

A. Mweya waJesu wakazadzwa nechivi chevanhu (II vaKorinte 5:21)

1. Vanhu havana kungoita zvivi chete asi kuti vainge vaine moyo izere nezvivi zvekare. (vaEfeso 2:2-3)

2. Kuti Jesu ave mudzikinuri chaiye aifanira kunge akafanana nesu kuti isu tingova zvaari iye.

B. Akahwanda zvekuti Mwari akamusiya akasamutarisa.

1. Ndicho chikonzero Jesu akachema pamuchinjikwa kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko?’

2. Ndicho chikonzero Jesu akarwadziwa mubindu reGethsemen, ainge asati ambosiyaniswa naBaba vake zvekare.

C. Jesu pachake ainge asina mhosva kana kukanganisa chimwe chinhu.

1. Akava chituko pamusana pedu (VaGaratia 3:13)

2. Akava asina mhosva panzvimbo pedu.

D. Mumashure mekutuka Jesu, mumwe wembavha akaroverwa pamwe chete naJesu akareurura akakumbira ruregerero nenyasha.

1. Jesu akamuudza kuti aizova naye kuParadiso.

2. Kunyangwe pachipiyaniso, Jesu ainge achitendeutsa vanhu kuhumambo hwaMwari.

E. Apo Jesu akafa, mweya wake wakaenda pamoyo wenyika. (Mateo 12:40).

1. Ipapo akabhadhara mutero wezvivi zvevanhu.

2. Pamusana pekuti ainge asina mhosva, haana kuramba aripo.


Dzidziso yemweya:


Jesu akafa akabvisa zvivi zvangu.

Akapa upenyu hwake kuti ndive mutsva.

Akandibhadharira mutero

Kuti ndigare ndiri mukundi.

Ropa raJesu rakarasika kuti ribvise zvivi zvangu.



NHEMA DZAKAKURA


Chidzidzo chegumi nena


Kamutambo:


Vatambi: Mubvunzi, Murwi


(Fungidza vana vako zvemumashure, makore zviuru zviviri zvakapfuura kuti uwane zvakaitika parumuko)


Mubvunzi: Nhasi tiri kuda kumboongorora zvakaitika kare. Pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika paguva raJesu weNazareta. Muviri wake wakatorwa mazuva matatu akapfuura, ukaiswa muguva. Nhasi muguva hamuna chinhu. Tichakurukura nemurwi aiva akachengeta guva iri.


(Murwi anosvika)

Murwi: Motsi, Piri, Tatu, Ina, Shanu. Motsi, Piri, Ina, Shanu.


Mubvunzi: Vakuru, vakuru.


Murwi: Hongu, ndinokwanisa kukubatsirai.


Mubvunzi: Hongu, ndinoda kukubvunza mibvunzo.


Murwi: Bvunza zvako.


Mubvunzi: Ndiwe here waiva mukuru wevachengeti veguva raJesu?


Murwi: Hongu, ndini ndaichengeta uye ndaiva nevamwe varwi vakawanda pasi pangu.


Mubvunzi: Sei waida kuita basa rakadaro?


Murwi: Pamusana pekuti munhu uyu ainzi Jesu ainge avimbisa vateveri vake kuti aizomutswa muvafi mumashure memazuva matatu.


Mubvunzi: Waichengetedza guva kuti ugoona ava kumuka kubva muguva here?


Murwi: Kwete. Taichengetedza nekuda kwekuti vadzidzi vake vaizoba mutumbi wake.

Mubvunzi: Sei waifunga kuti vangaita zvakadaro.


Murwi: Pamusana pekuti vaida kuti vanhu vose vafunge kuti Jesu amuka kubva kuvakafa. Uye ndizvo chaizvo zvavakaita!


Mubvunzi: Vakaba mutumbi wake?


Murwi: Vauba nhasi mangwanani. Tose tanga takarara.


Mubvunzi: Manga makarara muri pabasa?


Murwi: Hongu. Tose tanga tabatwa nehope. Vadzidzi ava vapfuura nepatanga tiri ndokupinda muguva.


Mubvunzi: Zvinondishamisa ini.


Murwi: Kushamisa? Ndiri kukuudza chokwadi. Vakaba mutumbi wake pataiva takarara.


Mubvunzi: Painge pasina dombo guru here rainge rakavhara paguva apa?


Murwi: Hongu, paiva nedombo guru chaizvo ratainge tabatsirana kuisa, tiri varume gumi nevaviri.


Mubvunzi: Dombo iri rainge risina kunamirwa here?


Murwi: Hongu. Saka?


Mubvunzi: Handinzwisisi kuti sei musina kunzwa ruzha rwacho. Zvaisaita ruzha rukuru here apo vadzidzi vaiba mutumbi?


Murwi: Tainge takarara zvakanaka chose. Zvekare ndinoita magwiriri zvekuti vamwe varwi vandaiva navo havaikwanisa kuzvinzwa.


Mubvunzi: Wakamhangara here izvi kuvakuru vechiJuda?


Murwi: Hongu. Vakashamiswa chaizvo kuti vadzidzi vaiita chinhu chakadai sei.


Mubvunzi: Ndine mubvunzo mumwe chete. Varwi vechiJuda havaurayiwe here kana vakarara vari pabasa?


Murwi: Ah, zvisinei, nguva zhinji....


Mubvunzi: Handifungi kuti uri kutaura chokwadi.


Murwi: Ndiri kurevesa, handisi kunyepa.


Mubvunzi: Kunyepa kwako iwe!


Murwi: Ndapiwa mari nemupirisita mukuru nhasi mangwanani, maiwe-e ndanga ndisingafaniri kutaura izvi.


Mubvunzi: Wabhadharwa kuti unyepe pamusoro penyaya iyi nhai?


Murwi: Hongu, ndinokwanisa kuzvibvuma. Ndicho chokwadi chacho. Jesu amukazve kubva kuvakafa.


Mubvunzi: Unofanira kutaura chokwadi. Hazvifadzi kuti unyepe pamusoro pechiitiko ichi.


Murwi: Ndinopinda mumatambudziko makuru pamusoro pekutaura pamusoro penyaya iyi.


Mubvunzi: Nyika yose ichaziva pamusoro penyaya iyi. Unogona kubatsira nekutaura nyaya iyi. Iye zvino nekuda kwekuti Jesu akamuka kubva kuvakafa, vanhu vose vanokwanisa kuzvarwa patsva.